Ancy Cays Novels
January 27, 2025 at 05:29 AM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1
*Kuchannel kwadirwa sugar mhanya ubate nzvimbo yako. Our channel link is below* 👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*SAVED BY A GHOST*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 07*
*JUDAH*
Mface uya akabva atonyangarika again ndakabva ndatarisa mai vangu vaiita sekuti vari kutaurirana nemaziso naJuliana . Ndakagara pachair kudzokera panzvimbo kuti ndipedzise kugadzira invetor yevanhu mai Josh vakati vatanga kutaurisa .
Her: Ko nhai Kudah asi dzako dzaruza kai ukutaura nani ipapa ukati hausi wave kupenga iyewe tichingoti zvimwe idoro nefodya . Uri kutaura nani ipapa hee.
Me; hamungazvinzwisisi mama asi muchazozvinzwa nekufamba kwenguva . Ko matopora zvandanzwa sekuti mave kutandadza chaiko nokurwara .
Her; hezvo ndizvo zvawaudziwa naJuliana hre. Aaa ndizvo zvandakutuma hre iwe unonhomisa chikotsi sepemba yeBeria .
Her: (Achiseka) mama handina kumbodaro hamuvazivi hre mukoma vawedzererawo kuti mundituke
Me: Mama veduwe munoti mukafaker kurwara ndokuti ndiende hre mama . Munozviziva wani kuti hapana pandingazofuratira ndichisiya muchirwara hah apo maita wrong move . You know you are my mother and i value you so much ndopandingafunga kufamba rwendo ndasiya muchirwara no way rwendo rwunotombomira imi munozvinetserei munongomuudza Josh wacho kuti Judah waramba. Iko zviriko hre zvokuti ini ndine foni ofonera imi achiita kudemander kuti Judah ngaauye mangwana chaiye like he own me . Anoziva maplans angu hre aregerei kufona pafoni yangu tapedzerana man to man .
Her: Judah mwanangu munosvika riini makarimirana kumuganhu nhai veduwe umwe azvideredza ko iwewo kungoita the same unobvei .
Me: Handiendi basa iroro raari kuda kundipinza ngaachipinza Georgina . Iko i am beggining to suspect something but regai zvangu ndinyarare sezvo ndiri Judah wo zvake hapana anobvuma zvandotaura but pamberi apo muchaonesa . Regai ndipedzise zvandiri kuita ndigowana kamari kangu zvangu
Vakabva vangoenda ndikasara ndopedzisa chikuru ndechekuti vanga vazvinzwa kuti handiendi . Asi havana kumira zvavo mai vangu manheru iwayo ndakatonyimwa sadza kuchinzi enda unoshanda sadza haringouyi munhu uvete .
Her: Sadza rangu bodo hatidi vaswetasimba pano . Kuda kudya simba revamwe vana iwe usingadi kushanda . Kana nzara yakubata uchaita hako action yekuenda kubasa .
Handina kuvapindura vaidaro zvavo asi kuti ridyiwe ndini ndairima pamba apa . Raini rese raitoziva kuti ndini ndakabata pamba asi hazvinei hazvo tichaona kunowira tsvimbo nedohwe . Ndakatarisa paapp pangu wanei pane messege yaPrincess aitonditi .....
Her: Momy vazvitambira hre honey vandifonera vachinditi nditaure newe uende kubasa .
Me: Aaa kuzvitambira kupi you dont know my mother ndatonyimwa nesadza ipapa kuchinzi rodyiwa neashanda
Her: Iii saka wadyei nhaiwe .
Me: Hapana hangu dont worry about me i will be ok .
Her: Aaa iwe ndingatadza kuita worried sei iwe usina kudya . Huya umire kugate kwedu uku ndikuvigire chikafu mbuya varara kare hapana chavanoona .
Me: Shaar handidi zvinhu zvozokupinza pama 1 ka bby .
Her: No huya .
Nenzara yandaive nayo handina kumbofunga kaviri ndakabva ndatoendawo ikoko ndakasvika ndikagara ndokumuudza kuti ndavapo ndakaona ouya akatakura paperbag . Akasvika akandipa akanditi .....
Her: Mune mvura yokugeza maoko geza udye sadza riri mulunch ndidzokere nelunch yacho zvimwe izvo wondoisa mumba mako wowana chokudya masikati . Please Judah ngazvisakupe stress yekuti uende kudoro instead ngatitofunga way forward kuti toita sei .
Me: Handimwi bby but rakaipei nhai bby wangu
Her : harina kuipa but pane kumwe kudhakwa kuri serious honey kwaunozomboita . Plus kudhakwa haisi solution ok
Ndakabvumira ndichibva ndageza maoko anga atobika sadza nebeef ndakanatsodya sadza racho kusvika ndaguta . Bby wangu waibika amana kabeef kacho kainaka zvokuti . Ndakamutenda nguva dzanga dzafamba ndikasimuka ndikabva ndamubata maoko ese ari maviri ndokumuti......
Me: Thank you and bby i love you handisi kuzokusiya nomatter what . Apa ndichakuudza zvandinenge ndaronga i am planning to go somewhere pane zviri kuitika i will tell you zvabudirira .
Her: Its ok i love you too saka wofamba boe chirega ndinorara nguva dzaenda .
Ndakamukwevera pedo neni ndichimupa hug . Ndokubva taparadzana ndave kuenda kuden . Ndakati ndichisvika kupinda mumba ndikatsveta paperbag riya ndokuona mumba mune maplates akavharana ndakaziva kuti mabasa aJuliana ndiye aba chikafu akauya nacho . Ndakavhura hangu paperbag racho ndikaona muine mabuns 6 negaba refish nedrink cocacola yemuchigubhu chidiki . Ndakasekerera ndega regai ghost uya azoti iwife material Princess moyo wake warwadza kuti ndirare ndisina kudya . Ndakabva ndagara pasi ndipo pakapinda Juliana akawana ndakagara achibva ati ....
Her: Aaa mukoma hamusati madya wani.
Me : Ndaguta ndichadya muradza mangwana .
Her: Musazviise pamoyo mukoma sisi Georgina vari kuuya mangwana ndataura navo pafoni ko madii kuenda henyu navo i know nasisi Georgina munonzwanana .
Me: Handiendi naye pane kwandiri kuda kutoenda kwakasiyana neikoko ndiri kungonamatira kuti zvibude chete ndigoenda . Atoita zvakanaka auya Georgina regai tigomuone mangwana acho .
Haana kugarisa akabva abuda day achingobuda ghost uya achisvika akabva anditi ....
Him: Tora salt uise mumvura umwaye mwaye muno wotora magodo ayo womwaya mwaya paunorara .
Ndakabva ndabuda ndokuenda mukitchen ndikaita zvese zvandanzi ndiite ndakatozoita mface aenda kudhara . Ndanga ndave kutevedzera zvese zvaaireva ndakabva ndarara pandakapepuka ndakatozvibata bata kuti ndione kuti ndatota hre wanei ndiri boe . Ndakatarisa time ndikaona kuri kuma past 1 am ndikasekerera kuti saka zvoreva hre kuti zvandanzi ndiite izvi ndizvo zvakonzera kuti ndisamuke ndakazara urume hre . Ndakatenda Mwari ghost akauya muupenyu hwangu kundishandura . Ndakabva ndaraea futi ndikamuka kuseni ndikabuda panze ndakamutsa mama vakangodairira pasi pasi . Handina kuzvitsvaga sezvo ndaiziva nyaya yacho.
Ndakabva ndafonera Georgina ndichimuudza kuti kana akusvika andiudze ndigomugamuchira pamashops . Akati boe ndakapinda kumba ndikadya sadza riya ndikanzwa kuti ndave boe . Mabuns aya ndaizozvidya masikati ndakatora invetor yandainge ndagadzira . Ndakasvika ndikapa varidzi vayo vaka tester vakaona ichishanda vakabuda mumba vave kuti......
Her: And unogadzira Judah ko zviya zvokugadzira mabattery hauzvigoni hre zvokuputsa maviri akafa wogadzira one . Ndimi munogona zvokukanika kanika izvi .
Me: Aaa izvo handina kumbozviita ini ..
Her: Heya pari boe ndatokutsvagira basa pane hanzvadzi yangu ine mashop apo ane mota yake yafira kuturn off uko unganomugadzirirawo hre .
Me: Hoo asi ndimi mamupa number dzangu ndiko kwandiri kutoenda ipapa . Chitondipai mashereni angu ndimhanye .
Vakabva vandipa ndikanokwira chimwe chimota chaienda ikoko ndikaenda . Ndakasviku VaChingweru muzvinabusiness vakamira pamota yavo ndikanovamhorosa ndikanzwa voti ....
Him: Eish yangomirira ipapa ndanga ndichida kutoenda kuorder wena ungandionerawo hre kuti chii.
..
Ndakabva ndavhura ndokutoona kuti faulty yaiva padiki diki asi ndakavetsa time zvangu ndichida kuti zviite sekuti yakafisa ndigowana cash . Ndakazoti palast ndokungobatanidza tambo ndikabva ndanopinda mumota ndokuimutsa ichibva yamuka zvayo ndakanzwa vave kuti .....
Him: Eish wagona hako hande tese kuitira ikazodhakwa muroad wondibatsira .
Me: Trust me pandabata ini ndosiya zviri perfect haimboiti any faulty yatove boe munongoenda mukadzoka kana kuri kufa ingazofa hayo zvimwewo yatoita iyo . Pane madhiri andiri kuda kuita na1 saka hazvizobatani ndaigona kukuperekedzai .
Him: Hatinomiriko tinenge tatodzoka kare panochaya 1 yacho .
Ndakazongobvumawo hangu otherwise ndaisada ndaida kuti Georgina andiwane ndiri pamashops . Ndakabva ndakwira mumota ndini ndakatozoita his driver kusvika tasvika . Ndakavabatsira kuorder kusenga zvinhu tichiisa mumota . Na11 am tanga tapedza zvese ndakatengerwa sadza tikarirova ndokubva tapinda munzira kudzokera ndini ndaidriver zvekare ndave almost half way kuri kuma 12 ndakabva ndafonerwa naJuliana kwaitova kubhipa zvako ndakabva ndamufonera ndirini .
📱 hello mukoma .
📱 hessy ukuita sei watii .
📱 Sisi Georgina vave kusvika vati vaedza number dzenyu dzikaramba . In ndatove munzira kuenda kumashops
📱 Ok ndokuona ikoko ndikusvikako manje manje ndogona kutokutangira .
Ndakabva ndacutter phone ndokucgitanga kumhanyisa mota . Apa ndanga ndave kumhanyidzana netime . Taita nyaya namdara Chingweru vaitotaurawo nhai uchivaona vari kure waiti havatauri . Takasvika kuma past 1 ndokubva ndaparker vashandi vavo vakatanga kuoffloader zvinhu vakanditi tiende kuseri . Takasvika mukadzi wacho ndokupihwa chikafu sadza nepork yakagochwa ummm sandi kunaka ikoko ndakangoswerera kudya .
Tapedza vakabva vandipa mari yangu yanga yakatowanda yekukanika neyekuvaperekedza ndakanzwa vave kuti ....
Him: Ndakanzwa kuti wakapasa zvisingaiti Judah ndaitaura naMaswera achiti vakaita plan Scholarship yako yakatobuda zvokuti vachatokufonera undotora uenroller neUZ . Zvino inini ndati handingambosari pakukubetsera i can see you are a good man kudhakwa chete but Maswera akandiudza kuti its a result of stress. Saka ndiri kudawo kuku sponser nechikafu nehembe dzauchandopfeka kuchikoro kwacho . Maswera ndiye achaenda newe kuno applier in person kuUZ kwacho .
Munoziva ndakafara sei ndanga ndisina kumbozvitarisira . Headmaster Maswera vanga vakamboita nyaya neni nezvazvo izvo zvazobuda manje . Saka muchinda ghost anoona ndozvaaiti ndichawana good news in two days time. Ndakafara veduwe ndakavatenda baba ava vanga vabetsera chaiko . Vakanditi ndizovaona kana ndoenda kuVar kwacho ndakabva ndaoneka ndokuenda ndakasvika ndichidanwa neteam ndaiziva kuti vaida kutengerwa doro hantie vanga vandiona ndina VaChingweru . Vaisaziva kuti i am no longer Judah the drunkard . Ndakabva ndatovati nhasi handisi kumwa uye handina mari .
Vakatoshamisika ndakaona Juliana achifamba ndikaenda paanga ari . Akabva atoti bus rave paturn off . Ndakafamba naye ndikanomutengera drink ndanga ndakafarisa day iri . Pakazouya bus ndanga ndapinda mushop kumbonotengera bby wangu zvinice nice . Ndokubuda ndine paperbag rangu wanei Georgina atosvika. Ndakakumbundira tichiseka hameno bag renyaya raaida kundiudza neni ndaitodawo kumuudza good news dzangu . Takatakura zvinhu zvake kuenda kumba ndakasara muroad ivo vachisvika ndichimbotaura naPrincess ndakazomupa paperbag achibva ati ....
Her: wazvinetserei Judah you need this more than me. Hantie iwewe ndiwe usiri kupihwa chikafu kumba hre .
Me: Hah kuita kwaMwari wangu nditori boe izvozvi handisi kugona nekuguta . Tora bby Mwari vazondirangarira wangu .
Her: Tell me usasiya wandi hanger ka nhai akomana .
Me: Bby ndawanirwa scholarship anytime from now ndikutoenda kuUniversity of Zimbabwe . Mdara Chingweru vaya vane mashops vati vanondi sponser neChikafu chekunodya ikoko zvese nehembe dzacho .
Him: Are you serious .
Akaratidza kufara pachiso chake ndakamuudza kuti chaiva chokwadi akandikorokotedza. Ndokuzotambira ndakabva ndaparadzana naye ndakanobata vana Georgina vave kutosvika kuden ndakanzwa Juliana akuti ....
Him: Manonoka asi manga muna gulecy hre .
Georgina: Gulecy are you sure
Me: Yah ndiye wandanga ndinaye tichataura ngatisvike paden . Ndakanotsveta zvinhu mumba mai vakafarira mwanasikana wavo ini kuita sevaisandiona zvavo ndakangoti hameno ikoko . Pachikafu vakapengesa Juliana ada kundipakurira ndikabva ndamuti arege zvake .
Georgina : Neniwo chitorega hako kundipakurira chinganaka hre chikafu chacho vamwe vachidya vamwe vachinyimwa . Oh mukoma manfa muchiti chii zviya
Ndakabva ndasekerera mai vanga voshaya zvokuita muenzi wavo aramba kudya vongobata bata . Ndaisava nebasa nechikafu kwaitova kuzvinetsa kunyima akaguta kare . Ndakabva ndati .....
*Stay tuned*
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
❤🔥
🌹
💃
💚
553