Ancy Cays Novels
January 30, 2025 at 01:28 PM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1
*Huyai mese kuchannel titandare pamwe tichivarairwa nezvinyorwa zvaKatsande link riri pazasi*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*SAVED BY A GHOST*
*STORY BY ANCILLAR KATSANDE*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 10*
*Josh*
Ndakafunga kuti ndairota pandakatarisa ndikaona zvaari Penina aisambouya muroom mandaive aigumira kuroom kwake ndiko kwandaimuonera . Ndakatarisa madam kuti ndione kuti vakasvinura hre ndokunzwa Penins chacho chave kuti .....
Her: Unotarisei akarara dzedanda chaidzo munhu iyeye haatombomuki kusvika tapedzerana .
Me:Ok kwakanaka hre kwawauya kuno nhasi uri kudei chaizvo inga zvese ndakakupa wani .
Her: Kwawakandituma kuti ndiende hakuchaendeki uko . Kwave kutopisa kuti ndisvikeko and handingamborari ndisina murume hazviiti . Saka wochingondipa iwese zvandinoda uchigadzirisa zvinhu zvako .
Apa chaitaura chakatoshinga chaiko ndakatoona kuti chairevesa . Hakusi kwatova kutanga kuita misakanzwa hre ikoku kunonzi hakuendeki chii kuna Judah chii chaizvo chaaita kuti Penina asasvikeko . Ndaizvibvunza ndega muhana mangu . Ndakangonzwa svidzungu handina kuzokwanisa kutaura asi zvese zvaiitika ndaizviona . Kukurukura hunge wapotswa Penina chakandiita murume apa hachineti zvamuchose uno releaser kakawanda kakangogomerera pauri chete . Musana uyu unoita kuoma chaiko chichimhokwesha . Chakazondisiya ndati rapata chaiko uki night wear yandanga ndakapfeka yanyorova zvayo nehurume .
Ndakatoona kuti hapairarika asi ndaizopinda busy namadam . Ndakasimuka zvokuvavarira ndichienda kubath ndakanogeza ndikawacha ndikadzoka ndave kupfeka mamwe maPJs . Ndakabva ndarara kuchiedza chete ndaida kuenda musecret room ndinonzwa kuti chii chaita musoro uteme . Kana zvirizvo zvaisangana naJudah everyday zvanga zvakaoma . Iko chiiko chaanga aita kuti asasvikirika kudaro . Ndiko kumwe kungwara kusina basa rese ikoko kuda kundipinzisa busy nehunhu hwake husina basa . Ndikati ndakarara ndinganyepa ndaingoti ndikati gare gare ndotarisa time ndakazomuka kuma 3 am ndoenda kusecret room . Ko ndonguva dzavaiwanikwa ka kubva na3 am kusvika na7 am husiku hwese vaisada madisturbance . Ndakaenda ndikanovhura door ndikapinda mukati ndakasvika ndikawadza chimate chered ndokugara pamusoro pacho ndakapfunya chisero ndakabva ndanobudira kwaari muNaijimbi uya vanove Master vedu ndichingosvika ndakanzwa vave kuti .....
Him: Ndinoziva kuti sei wauya kuno .
Me: Ehe ndatoti ndiuye nokuti handina kukanganisa mhiko . Zvese zvamakati ndiite ndakaita ko sei zvadai nhai Master .
Him: Hauna chawaresva asizve munhu wawakachipa wacho ndiri kuona kuti achangakutswa nespirit yandiri kuona iyi . Ummm spirit iyi ine simba chaiko . Ndiri kuda kuti ndiibate ndiivharire isamubatsira usanetseke mwanangu zvinopera izvo .
Vakambomwaya mwaya zvavaimwaya vachiedza kudaidza spirit yacho asi inenge isina kuuya vachibva vashamisika ndokuti ......
Him: Ummm zvikobvu akati dafi spirit iyi ndeyemunhu akafa aine shungu. Haisi kubvuma kuuya asi usatya enda kumba kwako ndichauyako panguva dzemasikati . Ndichaita mukadzi wako asuduruke asamboona chinhu touya ikoko tozvipedza once and for all iwe chienda unozorora hako hapana chichakuwana .
Sezvo vanga vavimbisa ndakabvumira ndikagara pamate yangu ndokuona ndatove musecret room mangu ndokurongedza mate yangu ndichibva ndabudamo ndokuenda kunorara ndakatozomutswa nemunhu aindizungunusa ndakamuka ndokuoba vari madam ndakabva ndati ....
Me: Kwakanaka hre nhai bby ukudei makuseni ano vamwe takatoneta chaiko .
Her: hezvo ko munongomuka muri mucheek mangwanani ano hanzii . Ndiri kuda kubvunza kuti chii makachinja mapjs andakakupai mukawacha ndokupfeka amwe . Chii chiri kumboitika nhaimi .
Me: Ndizvo zvamungandimutsira nguva dzino hre nhaimi . Vamwe tinoenda kubasa tinenge tichida kuzorora imi mondimutsira zvisina kana basa . Ndakanzwa iine smell yandaisada ndiko saka ndakamuka ndikaichinja ndokupfeka ino pane problem hre ipapo ..
Her: Handina kumboti pane problem ini kubvunza kuda kuziva anyway its ok .
Akabva asimuka ndokuenda eish vakadzi zvairi nhamo nhaimi . Ndakabva ndarara futi zvokutoenda ndakazomuka ndateiwa nezuva ndichibva ndaenda kunogeza ndikadzoka ndichibva ndachinja ndokupfeka dzimwe hembe ndikatora phone yangu nema car keys ndaida kunoona Eminem hazvaiva nebasa kuti ave mukwasha anga agara iri shamwari yangu . Ndakamufonera ndichimuudza kwekuti tisangane ndaida kumuudzawo nyaya yangu pamwe aigona kundibatsira .
Ndakabva ndatobuda ndikasvika pandanga ndakamumirira akabva auya naJesca ndakatotiwo uyu munhu anofamba nemukadzi pese pese hre . But ndakazoziva kuti aiva mugroup redu . Vakasvika tikakwazisana ndikanzwa Eminem ave kuti ..
Him; Mamuchiratidza kuve serious pafoni chii chiri kunetsa tsano .
Ndakamurondedzera zvese vese vakanyarara ndikanzwa Jesca ave kuti ....
Him: Ko ana Judah vakazotanga kungwarawo riini . Ko iyo spirit iri kumuchengetedza ndeyaniko havasi baba hre ivavo ndivo vakangofa zvisina tsarukano ka .
If only she knew kuti ndini ndakauraya baba vacho aidzikama hake spirit yavo yaive mubhotoro.musecret room mangu saka havangamboiti baba ini ndiri kutofungira sekuru vanova ndivo sazita wake saka vane shungu dzei ivo Sekuru vacho .
Eminem: Madii kumirira pavari kuuya master munzwe kuti vanotii vagara vane solution kudhara vaya hazvishamisi this time spirit yacho vakaibata .
Ndakaparadzana pasina zvisvinu zvabuda ndikuenda kumba ndanga ndangomirira ivo Master mupedzazvose vauye . Kuma around to 12 madam vakauya vakati vaida kunorukwa ndakabva ndamupa mari ndange ndave kuziva kuti ndimaster vaita kuti asuduruke sezvo vanga vasara nemaminutes mashoma shoma kuti vauye . Achingoendawo havana kutora time vanga vasvika vakatongokaruka vanyuka mumba mudinning mandaive ndokugara zvavo pasofa ndikanzwa vave kuti ......
Him: Ndakasara ndikaedza kubata spirit iya but haibatiki yakangwarisa and iri strong . Zvatingaita kuti isamuvinga kutora mukomana wacho wogara naye ari pano spirit iyoyo haisviki . Kana zvatoramba kuti auye nokutaurirana kwakanaka wotonomutora . For the mean time Penina mupe chero murume asiri iwewe uchigadzirisa kuti awane murume wake . Unogona kufanomupa garden boy wako ndezvenguva diki hantie .
Ndakavatenda Master caz i cant survive ndichipedzwa simba naPenina . Takaenda akandiratidzwa murume naMaster hameno chirudzi chavaitaura kuti chaiva churudzii. Vakabva vati zvaita ndokubva vaenda ndakasara ndikafonera mhamha ndichivaudza kuti Judah auye ndamutsvagira basa . Vakatofara chose mai ndaiziva kuti vaizomuconvincer chete kuti auye kuno. Takaita dzinenge 2 days asina kuuya ndipo pofona vachiti aramba kuuya . Apa day iroro ndoday Samson garden boy wandakasvika achitukana namaid aunt Sarah . Havana kundiona saka vakaramba vachitukana ndinzwe Samson ave kuti .....
Him: Ehe uri muroi iwe chinhu chako chaunotumira kwandiri ndichachiuraya kana uriwe unondivinga nemubobo wako ingondiudzazve kuti unondida toita direct .
Her: Samson unopenga chete kana une zvekwako zvinokunetsa pedzerana nevekwako kwete kuda kufamba uchipumha vanhu uroi undikwanire iwe .
Ndakaziva kuti ndiPenina chete chakonzeresa kuti vanhu vataure kudai apa munhu ndipo pooramba zvake kuuya kuno . Ndakabva ndagadzirisa voice ndizvo zvakaita kuti vazorega kutukana . Ndakapinda mumba handina kutaura ndikananga kusecret room kwangu straight madam vaisavapo hameno vaivepi . Ndakasvika ndikadaidza Master vakauya ndichibva ndavati.....
Me; mukomana ari kuramba kuuya kuno hapana zvingaitwa hre kuti auye .
Him: Spirit iri paari ndiyo inorambirana nezvekuuya kuno . Haatombouyi unless mashandisa simba kuti auye . Ini chandichaita kuita kuti spirit iyi mauyiro ayaiita kwaari asiyane anofana kuitya kuti arege kuita communication nayo . Isu tinobva tahwina.
Ndakabvumirana navo ndokuudza Clem zvaiva paground ndiye aifarira kalife kemaboss aiva nemabody guards ake ndikamukumbira kuti tisenge vandomubata by ginya . Akati boe ndainatsoziva kuti toga tiri vaviri Judah taisamugona . Takaronga rwendo ndokungomuka takananga takasvika around 11 am tikatoona Georgina naJuliana muroad ndokuvasenga kuenda navo kumba tichisvika ndakapenga kai kuti zviits as if ndine care . Mama vakabva vatonditi.....
Her: Anogoenda kubasa kupiko Judah ari kuda kuenda kuUniversity mangwana chaiwo .
Me: University yokuiya seiko tichida kumuisa mumari .zvinobatsirei kuenda kuVar kwacho wapedza wogara ikozvino hakuna mabasa uku . Vari kuita mahwindi vaine madegree avo vanhu . Hapana kuVar kwaari kuenda Judah ndiri kutoenda naye .....
Takanzwa voice rakataura richisvika pamukova tese takacheuka ikoko ndokuona ariye zvake Judah akangosvika nokuti....
Him: Kuti ndiwe aniko zviya unondiudzira zvokuita . Since when wakatanga kuita care neni .
Ndakamutarisa ndichinzwa hasha and airatidza kuti haana kana matyira ndakabva ndamuti.....
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
🔥
✋
🌹
😀
403