Ancy Cays Novels
January 31, 2025 at 05:15 AM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1
*Garai mabata nzvimbo kuchannel muzvinzwire muri ikoko*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*SAVED BY A GHOST*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 11*
*Judah*
Team payakangondifonera kuti ndinosanganisa Princess kubva kumashops handina kuzomira ndakabva ndatooneka muchembere . Moyo waida kuti ndizosvika kumashops ndaida kubviswa mukwende hapana pandaienda kuVar nawo kutondibhowa zvawo nokuti rasta racho ranga rakurisa . Ndakafambisa ndikatomuona ari pamudzikiswa ini ndiri pamukwidza . Ndakadzika ndikasangana naye half way hameno chakamufadza aiita kusekerera zvake .
Me: wafarireiko bby kubva wadaro dai wandiisira call me back ndaibva ndakufonera ko dai usina kusangana nana tete ndaizoziva sei kuti wanga uchinditsvaga .
Her: Kufarira zvangu kuti mukomana wangu aregedza doro plus ave kutanga upenyy utsva .
Him: Its all because of you hantie ndiwe wakanditi ndirege doro hre . Ndiri kutoenda mangwana ndanga ndichikutsvaga nemaziso matsvuku kuti ndikuoneke usazongonzwa kuti ndaenda.
Her: Iko zvaiita hre kuti uende usina kundiona nhai veduwe . But i am not ok hangu
Me: Why nhai bby handidi kukuona uri sad so tell me why are you not ok .
Her: I am going to miss you plus kuchikoro ikoko kwauri kuenda haundooni vamwe vasikana iwe ukandisiya .
Me; I promise bby wangu ndingafarisa nezvimwe but not zvekuti ndingakurasisa . You mean a lot to me bby pese pauri ziva kuti ndiwe mbabvu yangu . Wakandida ndiri chidhakwa rombe rekupedzisira zvese izvozvo hauna kuzvitarisa waiona rudo pandiri . I love you Princess ndiwe wakabata moyo wangu bby .
She juss smiled achindirova kambama rudo ndakasekererawo achibva anditi ....
Her: Its ok dad unongowana ndakakumirira shaar . Ukandinyengedza wotoziva hako kuti watora moyo wangu ukaubamura nepakati kuugura gura kuuita mamvemve chaiwo .
Takataurirana dzerudo tichirezvana hedu sevanhu vari murudo . Ndakambomira muchikova chaiyambukira pamba pavo we hugges each other ndokuparadzana ini ndoenda nekumashops ndaida kunorohwa cut yangu iri boe boe . Ndakabva ndatora imwe nzira ndaida kuronda mumwe mface aiva nemari yangu . Zvisinei ndakasvika aripo ndikangomuudza zvandainge ndavinga akatondipa mari yangu ndichibva ndaenda kumashops ndakasvika team raishanda kubaba rotonditi.....
Him: Chibaba mafunga kubvisa mukwende hre inga wanga wakatokunakirai wani . Amana apa manga mabva kuriisa dye . Asi munoda kuenda kuchipurisa hre mada kugerwa .
Me: hah chibaba itai basa renyu musiyane nekubvunza zvakawanda .
Ndakamuudza zvandaida kugerwa zvacho ndakabva ndanyarara zvangu ko team racho ukada kutorisekerera raikupinda kabisira ndakagerwa zvikabuda ndakanatsonzwa kuti zvangu zvaita . Kunzwa kuti ndave kufurwa nemhepo. Ndakavapa mari yavo pandakapedza kugerwa ndaida kukasira kuenda kumba kumbonorongedza hembe dzangu ko ndanga ndisina kana kurongedza yokuti ndinodzoks ndakapfeka . Plus nzara chaiyo ndanga ndoinzwa ndakaenda kuchigayo chedovi kunotarisa vakunda vangu kana vachiriko . Ndipo pandakasvika kuchinzi vachangoenda ndakabva ndapinda munzira kuenda ndaifambisa zvokuti kuitira ndikasire kuvabata . Ndiri mukufamba kudaro kwakaita zimhepo panzvimbo pandaiva zvokuti ndakashaiwa kuti chii . Ndichiri confused ndikanzwa voice raitaura mumhepo imomo apa raiva voice remuchinda wangu raiti ......
Him: Judah usatya ndiri kuda kuappear kwauri but ndiri kutya kuti unganditiza caz form yandave ikozvino iri scary . Vanoda kuti unditye urege kutaura neni vowana kukushandisa . Ndaikumbira kuti undigakuchire in any form yandichauya kwauri nayo .
Me: Heya ndizvo zvavari kuronga havo . Hah ini ndiri murume chaiyo huya nezvauri izvozvo what i need is your help .
Mhepo iya yakawedzera teverere ndave kuona skeleton yamira mberi kwangu musoro chete ndiwo waiva wake. Kutaura pafair hana yangu yakarova musatambe nekuona skeleton imi asi semunhu aida help ndaifana kutoshinga ndakabva ndati .....
Me: Saka nhasi toita sei kwakanaka hre .
Him: Kuchinakei vari kutouya kuda kukutora zvechisimba vaona zvinhu zvavo zvave kiuvanetsa kuda murume iwe kwauri hazvichasviki .
Me: Saka ndoita sei ndorega kuenda kumba kwacho hre . Ko ivo vanhu vacho vachimbove vanani .
Him: Handiti ndakakuudza kuti uchavaziva hako nekufamba kwenguva . Time yacho ndiyoyi yekuti uvazive . Enda kumba uchandovaona anenge achipopota zvikuru ndiye munhu wacho aikushandisa iyeye . Vatouya nemonya dzekungokutakura kuti unoita murume wechinhu chavo . But dont worry havakutori enda kumba .
Ndakabvumira anga andigonera mface wangu regai ndinoona kuti ndivanani vacho vaida kutondishandisa zvangu ini. Ndaitonzwa hasha dzichisimuka kunyangwe ndisati ndavaona . Musatambe netime yandaingomuka ndakarasa vana vangu pasi . Ndakabva ndatokanda nhanho kuenda kumba . Ndave pagate ndakaona mota pamba ndakabva ndaziva kuti zvandaifungira ndizvo . Vana vamai vangu of all the people ndivo vaindiitira mashura akadai kuwana mari nekushandisa. Ndaida kuziva iye chaiye hantie vati wandasvika achipopota ndiye wacho . Ndakafambisa ndikasvika ndikaona haikona aiva Josh aitotaura zvokuti kuVar hakuna basa haana kwaanoenda can you imagine . Ndakabva ndatomupindura ipapo ipapo ndichipinda pamukova . Ikati yatengwawo naClem mwana mudoko doko wataitoberekawo achikura .
Him: Rimwe unonatsoona kuti ishavi reurombo chairo. Iye mari yoku Var yacho waiwanepiko kuda kuwana kutengesa pfuma pano muchitinyangadza . Kubasa muchiramba kuenda uko vakomana basa iro munhu ari kuda kutonetsa zvisina kana basa .
Me: My friend garai nemabasa enyu ini handiadi . Dont dare me zvako motosungira zvimbwa zvenyu izvi hapana kana zvazvinondiita . Kana makajaira kuita pfuma yeropa munopakaura chete uchati excuse me waitwa zvinogara zvakadaro time yawakashandishandisa yakapera kare wakaita mari neni zvikakwana infact i feel like kutokukiya izvozvi .
Mama: Zvaita seiko vanhu imi chii chamunonetserana mukadaro nhai vana imi . Ko imi munomunakidzireiko kana asingadi kuenda kwacho
Georgina: Heya ndimi vanhu vacho imi munoita basa rokushandisa vamwe nhai . Zvino inzwaika vakomana garai nemari dzenyu makamboona tichiuya kuzokukumbirai hre isu imi but kwete kuda kutishandisa ipapo no no no i wonder why muri kumanikidza munhu kuti aende nemi izvo munoziva maths dzenyu nhai . Zvino nhasi ticharovana kusvika mati eke . Mama stay out of this izvi hazvidi imi izvi .
Her: Nhai Mwari wangu wakandisiireiko baba Josh vana vaya vondinetsa ndoita seiko ini . Havachatsiuriki kani ....
Georgina pane basa anga atobvisa blouse raanga akapfeka asara nechiya chitop chine zvitambo chete . Ndakabva ndatarisa Josh anga akatsvukisa meso semhungu kupunyaira nehasha kuita sekuti aiita zvinhu kwazvo ....
Me: Hapana zvamunondiita nyangwe mukauya muri 50 ndinotokumamisai mese imbwa dzevanhu.
Vakapa marume aivamo sign yekuti vauye kunditora ndakasimuka faster faster ndichibva ndamira vasati vasvika pandiri ndakaona umwe abata dama achindowira kunana vatenzi vachidonha vese pamachair avanga vakagara . Ko anga awa zveforce chaizvo achinosvika achiti kunja kwavari ikoko . Umwe wacho achida kusvika pandiro akaita zvimwezvo achinowira kukabati yamai ndiro dzichimurova zvekare vaya vanga vawa vaimuka Georgina anga angomira akanditarisa vese zvavo vakati jii meso kwandiri ndakabva ndangovati.....
Me: And then manditarisirei mukadaro .
Ndaisatomboda zvezvakawanda ndaida nezvaJosh munhu haangandishandisi zvakadaro . Ndakamuvinga paanga ari ndikamupa one chibhakera mai vakati vairidza mhere uku Georgina ainetsana naClem achimuti unenge ndiwe ukundishandisa iwe . Juliana ndiye anga ave kungochemawo achiti munokuvadza mai nechirwere chavo chemoyo . Akada kumirawo semurume but akanowirawo kwakadaro uko ndisina kumubata . I am sure mface wangu airova vanhu chete
Mama: Judah kani chiregai kudaro munokuvadzana kai vana vangu ko mapindwa neiko veduweee
Me: Mama vauya pano vachizvikudza vachiona sekuti ndivo vane yese . Do you know ndaitambura pano ndisina wekuudza because of imbwa iyi yamunoti dangwe renyu iri . Ndinoda kutomutsika tsika azive kuti mukuru pamakore chete and haatambi neupenyu hwemunhu kushungurudza munhu kuti iye abenefite no mhani .
Ndaipupa nehasha mukova wakaita mudiki vanhu vachimanikidzana kuda kubuda napo . Vakangoenda kumota dzavo vachibva varova pasi mai vanga vachindibata kuti ndisatevera ndakatoona kuti nesimba randinaro ndaigona kupara mhaka ndavasundira kwakadaro . Ndakazvidzikamisa ndichibva ndavarega vakaenda
Ndikasara ndikagara pasi mota dzavo dzave kuenda ndakabata shaya ndainatsonzwa ziya richiita kuti teu teu . Georgina akanditarisa achibva anditi .....
*Stay tuned*
Chapter yaita diki ndaita busy but i will make it up to you paweekend
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
🤣
🌹
🎉
👈
600