Ancy Cays Novels
February 3, 2025 at 06:52 AM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1 *Huyai mugarire kuchannel muverenge mabook ikoko inbox handipi book* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *SAVED BY A GHOST* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 12* *Josh* Handina kumbobvira ndaona Judah akatsamwa kudaro munhu aitondi respecter zvino apa kuita kunditi " nekuti iwe ndiwe ani" can you imagine ndakamutarisa ndichifunga kuti he can swallow his words but kana akatoramba achiwedzera gumi pazama . Situation yakawedzera pakazotaura Clem . It seems anga akatomakanawo naGeorgina nokuti yanga yatengwa naye atotsamwawo zvokurevesa chaiko . Vanhu vakarohwa nezvaiva zvisingaonekwi tikaita wire . Hatina kana kusvika paari tainge tatokwana nemazhaba karesa. Iko chaikurova chacho waiita sokuti wairohwa nesimbi nokuti waiita kugomera chaiko . Kana ndiri seni ndakasimuka ndichitoita zvokuvavarira chaiko ndikabva ndati chitsoka ndibereke ndakabuda panze . Yes taiva takaromba hedu but kutaura chokwadi Judah anga ari chibaba zvaanga atsvagawo zviri powerfull kutomurwira zvakadaro Ndakatoona nemamonya aya achiteverawo akangosvikoti ngori mumota nhaimi pachinhambo chokuti vatichengetedze ivo vari busy kutiza neupenyu hwavo . Clem naye aiita seasina mongo kukundwa nemunhukadzi hre nhaimi. Ungatiza Georgina zvakaoma takapinda mumota tikafambisa kubuda gate tati fambe fambe ndakamisa mota vana Clem vaiva kumashure akabva aburukawo mumota make ini ndichiburukawo ndakasvika ndichibva ndamuti ..... Me: Saka kureva hre kuti tave kutiza musha nokuda kwaJudah nemamhepo ake . Iwewo unondiudza kuti uchiri kurohwa naJojina munhukadzi zviriko hre izvozvo kana kuti . Him: zvagara Jojina munhu mukuru kwandiri saka hazvishamisi kundirova. Ko imi matiza mwana mudiki kwamuri wani . Manga mafungei manje apa nokuti ini kudzokera kumba handidzokeri dzokerai kana muchida imimi . Upenyu hwangu nehutano hwangu ndozvikoshesa hangu . Kuti ndidzokerewo kumba ndega zvanga zvakaoma kutaura chokwadi . Judah anga amuka chibhenen'ene apa ini ndanga ndatove nebp kuti achaita murume waPenina ndiani . Judah oga ndiye aiva sibling yangu yechirume ko uyu Clem hapana pandaimushandisa nokuti taiva tese . Ndakapererwa chaiko iyo spirit yacho ichimbove yaaniko isina zita ? Ko iye seiko akangoiona oga oga pamwe akanomutsa sekuru kana mdara kuti vamuchengetedze nekumuudza zvokuita . Ko ivo Master sei vachitadza kungobata spirit yacho . Does that mean iri more powerfull than him. Apa Samson wo nezuva rimwe chairo anga atoona kuti pane zviri kumushanda usiku hoyo opumha aunt Sarah . Ko zvaakati ndochiuraya zvichireva hre kuti anawo masimba acho . Zvinhu zviya zvave kuchizondipandukira zvino . Unotodemba kuti chandanga ndozviitira hangu zvokuti dai zvaibvira kudzosa nguva ndaisva ndakaidzosa hangu ndikakaura hangu nekukanya dhaka . Pane kuti ndimiminwe hurume hwese naPenina . Hapana pandaizorara namadam ka Penina chinenge chapedza masports ese ndoita sei manje . Ndaizvibvunza mibvunzo dutu isina anopindura kukanganwa kuti ndiri muroad ndakazonzwa ndozungunuswa naClem ave kuti ..... Him : Dziurai tione kana muchifunga zvokudzokera mudzokere henyu Ndakabva ndapinda mumota mangu ndokudriver kuenda mberi zvanga zvakatondiomera ini yandaiita ndeyekuti mai vatsva musana mwana watsva dumbu zvanga zvakatondiomera chaiko. Ndakangoti ndichasvika ndichiudzawo Master vacho kuti ndinzwe kuti vanoti chii nenyaya yacho . Pamwe vane dzimwe nzira dzavaigona kundibatsira nadzo. Ndakazongo driver zvangu takasvika usiku utema chaiho . Ndakangosvika nekutonorara madam vangu yaiva nyuchi chaiyo kutaurisa ipapa vakauya vachiita kunyangadza chaiko kubvunzisisa kuti mazodzokerei zvaita sei kuda kunzwa nyaya chaiko zvino pane dzimwe nyaya dzisingatauriki especially kuvakadzi ava . Me: Asi une zvawanga uchida kuita hre zvinobvunzwa munhu hre izvozvo kuti madzokerei asi handichatenderwi kudzoka pamba pangu hre . Her: Hezvo ko kubvunza imhosva hre zvamunoita kutsamwa sokuti ndabvunza zvakashata mukati kwamabva kutsvene ikoko . Ndokuzivai ka imi kana makafara uye musina zvimwe zvinhu ndezve kushare tobatsirana. Asi that good for nothing brother of yours aramba kuuya kwacho hre . Ndakagara ndakuudzai kuti vaya mhepo dzedzinza rese dzakaita kuungana pavari nezera ravo riya kuita kusakara nendari mumaruzevha zvino kuita hre ikoko . Mungakwira bp kuda kubetsera asingabetsereki hre haiwa tibvirei zvedu chiuyai mudye aunt vanga vabika . Huyai ndichikuudzai nyaya yasara ikaitika maenda . Ndakashaya kuti inyaya yei nekuda nyaya ndakati regai ndiende . Ko kana une katurike unenge uchingofungira kuti bag riya razobvaruka ndakatevera ndokunogara pama chairs akasetter table tikatanga kudya ndikanzwa ogadzirisa voice ndokuti ...... Her: ndasuspender Sarah kuti amboenda kumba mangwana caz Samson auya necomplain yekuti ari kufungira Sarah kuti ari kumuroya infact ari kufungira kuti Sarah ane chinhu chomuita mukadzi kana kuti iye pachake ane mubobo nokuti anomuka akatota . That reminds me of that day ramakawacha maPjs enyu usiku chii changa chaitika paya pamwe ndiye Sarah anga akubobodzerai . Me: You dont have that power rekudzinga my workers here . Sarah hapana kwaari kuenda and that is final . Tingasanzwa nekubikirwa mvura pano . Ukamudzinga iwe uchagona kubika kwacho naiwayo maoko ako eplastic . Her: Hezvo zvamave kutondipinda kabisira munenge musina kunzwa zvandataura . Manzwisisa hre zvandataura hre nhai zvamunongopenga nepasingadi kupengwa . Me: Zvandataura ndizvozvo hapana ari kuzodzinga Sarah . Iye Samson atanga kugara naSarah nhasi ozoitwa mubobo wacho . Ini ndakakuudza reason yandakawachira mapjs aya hapana changa chamboitika . Saka udzikame hako pano anogara Sarah tinoda kudya zvinhu kwazvo pano . Ndakataura ndichitogeza maoko kusimuka kuenda kunorara. Hah yakaita nyaya kai hanzi asi munodanana naSarah hre . Ndakaramba ndakanyarara caz i hate repeating myself . Akarara achiita kufemera pamusoro sendere . Ndakabva ndarara ndikapepuka kuma 3 am ndichibva ndabuda mumba anga akarara mukadzi .ndakafamba kuenda kusecret room ndakati ndave kuda kuvhura door ndakaona kuti mvee mupassage . Ndakabva ndamira ndokunyahwaira kudzokera kumashure wanei munhu akati kwati nemadziro ndakabva ndangomuti ...... Me: What is the meaning of this are stalking me . Hee uri kumbodei kuno uku . Her: Muroom imomo munombori nei chausingadi kuti ndipindemo . Ndimo mamunosangana naSarah muchiita chihure chenyu imomo . Izvozvi arimo mumba umo makatomupa makey ekuti avhure musangane muite chivi chenyu imomo. Vhurai door ndiri kuda kupinda imomo nhasi. Ndakabva ndafamba ndichibva ipapo yakave kikiri kikiri vanhu vachirwidzana . Aida kutora makey andaive nawo zvaaiita zvacho zvakandibhowa kusvika ndatsamwa ndakada kumurova ndikaona kuti ndingamukuvadza . Ndaitove nezvangu zvaindinetsa munhu otoda kundishaisa mufaro in my house . Me: Ndave kuzokurova manje endaka unotarisa kuroom kwake kuti haako hre Sarah wacho usada kundiitira mashura iwe . Ndakanguri ndakuudza kuti that room ine mavaluable items angu unoda kuba hre kana kuti . Chii chinokunetsa iwe undidzikamire wazvinzwa . Kana dai ndaingoda Sarah wacho ndakamuroora zve she was here before i even get married . Undiitire order wanzwa . Ndanga ndakarova serious yokuti ega akatya ndakamuona obhidhaira kuenda kumba . Ndikazviudza kuti hazvinditadzisi kuita zvandinoda nokuti munhu aenda mumba akafundumwara . Ndakabva ndadzokera kusecret room kuya ndichingovhura door kupinda ndakatowana Master vakamira mukati nechekare. Ndakangosvika vachibva vati ..... Him: wamukonewa ka zvino uchaita sei nokuti Penina kwaari kuenda uko hakusi safe once angoenda kumba kwavo kuoff mukomana uyu chiziva kuti zvinhu zvako zvadhakwa . Me: Ndinoita sei saka nokuti hamusi kukwanisa kubata spirit yacho . Ndakakuudza zvokuita and you did not play your cards well . Do you know you are not the only one anoda help yangu . Ndatombokuudza zvokuita iwe worega kuita zvako. Its either that boy is here or you are doomed . Uzive zvekare kuti ropa rikudiwa in 6 months time failing to do that you will pay with your life . Munoziva ndakapererwa ndakagara pasi muroom imomo zvokupererwa chaiko vakabva vangoenda zvavo ndikasara ndichifunga kuti vandiitira utsinye . Zvinhu zvavanotadza ivo vanoda kuti ani azvigone nhaimi ivo varivo vane mapowers acho .Unosvika pamwe paunozorora panga pasisina need yekuti ndiende kushrine kwavo nokuti vanga vatoita zvokundivinga chaizvo . Ndakagara mbichana ndichibva ndabuda kuenda kunopedzisa hope dzangu kuita sokuti ndiri parugare . Ndakarara zvokuenda chaiko ndikatozoita zvokumutswa chaizvo ndichibva ndamuka ndikanzwa madam vave kuti .... Her: Morning Me: Yah kuri sei hindava kundimutsa nhai amana . Her: Muri kudiwa panze apo . Ndakabva ndabuda ndokunoona zvaari Samson . Ndakabva ndafamba naye kuenda kunogara kushade madam vakada kutevera i am sure vanga vanzwa nyaya yacho and she is waiting to hear what i have to say . Ndakabva ndatoti kuna madam .... Me: Udza Sarah ativigirewo juice timwe zvedu tichinzwa kuti Samson ari kuti chii nhasi . Him: Aaah kana zvichiuya naSarah musaise nechikafu changu hangu . Me: Why not nhai Samson watanga kudya chikafu chinobikwà naSarah nhasi hre iwe. Him: Kana boss kungoti hamuzvinzwisisi nokuti hazvina kuitika kwamuri . Kana dai maiva mushoka dzangu ndipo pamaidzingira Sarah kure uko . Sarah muroi mukuru boss kana mazogara. Vana vangu vaari kubudisa pazuva ka ingadai ndatova chero nevana 20 kana kutopfuura . Ndakambozama kumuudza kuti ngatiite hedu life and direct iye haadi anoda izvozvo zvokundinyangira sembavha . Sandizvo hangu zvandauyira boss since mati Sarah asaende haisu nyaya ndanga ndichikumbirawo ndimboenda kumba ndimbonowedzerwa masimba caz neniwo i am the great wizard go and ask people to were i come from . ZvaSarah izvi masmall small i am going to show her fire. Kungoti handina kuuya ndiri equiped chete . Kana achitumira zvikwambo zvake then pandiri kudzoka i am going to kill it . I want to show her the staff i am made of . Me: Hezvo saka munoda kuratidzana masimba enyu pano hre nhaiwe Samson . Him: Ko handiti ndipo paazvitangira tinopedzerana and imimi hamutombozvioni . I juss want to go home thats all i need right now . Ndakatoona kuti nyaya iya yakora muto zvino . Kuenda kumba kwake it means i am doomed . If only aiziva kuti ndezvangu aiita sei nhaimi . Ndakambonyarara ndichifunga kuti ndomupinda neipi kuti asaende . Handina kuziva kuti all along madam vanga vasati vaenda mumba vanga vamire vakateerera ndakazonzwa vave kuti...... Her: let him go vauye vapedzerane pachiroi chavo ko imi munopinda papi hantie iye Sarah ndiye akatanga kuroya mumwe . Let him go and prepare himself haaada pamba pano pachanakidza i cant wait for the drama to begin Hayas mukadzi uyu unotomushaira pake chaipo apa aifamba achisunda zimimba rake . Paakaenda ndakasara ndikatarisa Samson ndichibva ndati....... *Stay tuned*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 ❤‍🔥 🔥 😀 311

Comments