Ancy Cays Novels
February 4, 2025 at 05:13 AM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1
*Gara wabata nzvimbo kuchannel uzvinzwire wega ikoko . Inbox handipi book*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*SAVED BY A GHOST*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*Chapter 13*
Georgina: Blaz mune nyaya imi chii changa chichiitika chii charova mamonya evakomana ava pamwe chete naJosh . Akomana kufangurwa munhu achinoita zvokuwira pasi sezishamba . I know its not you caz munhu wese azviona even ivo vazvionawo kusada kungotaura zvavo .
Juliana: Mabvunza zvandanga ndichida kubvunzawo mukoma chii chaizvo changa chichiitika paya .
Mai vanga vakangonditarisa vakanyarara zvavo hameno zvavaifunga mumusoro mavo ndakabva ndangovati ....
Me: Kunyangwe ndikakuudzai you will never believe me its better for me kungonyarara zvangu chingozivai kuti arova vanhu iyeye ndiye wandotaura naye paya pamunonzwa ndichitaura mofunga kuti ndinorova high grade yembanje. Regai ndimbonorongedza zvinhu zvangu kutsvaga macerificates angu mangwana ndipo patiri kuenda tinodzoka hameno ndozodzokera riini apa kungonotsvaga nzvimbo chete.
Georgina: Ok saka manga mavaudza hre VaMaswera kuti mune sister ikuda kuendawo.
Me: Ndavaudza vati tinoenda a0a tava kutoenda tese naVaChingweru kunotenga hembe dzangu dzeku Var .
Ndakabva ndasimuka ndokuenda muroom mangu kunorongedza zvandaida kuzoenda nazvo . Ndakasvika ndikagara ndichirongedza ndipo pakapinda mama mumba vakasvika vakagara pasi vachibva vati ....
Her : Asi une chipo sechaiva nasekuru vako hre nhai Judah . Taiti tikafamba navo vaigona kuti famba vosara vakamira votozokuudzai kuti ipo paya vanga vachiona muroi kana kuona chipoko . Panguva yedu tichipo paguta taitoziva kuti hapana muroi aisvika pamba . Vaya vainzi VaRize kutaurwa kwazvo zvinonzi sekuru vako ndivo vakavarovera mbambo. Saka ndinoda undiudze kuti ndiwe hre wakasara wava nechipo chacho .
Me: Umm handivi zvangu kana dai ndanga ndine chipo chacho pamwe dai ndaitoona chinhu chaindishandisa . Chandakazongoona kuona ghost along ndiro randinotaura naro ndiro rikundiprotecter from my opponents .
Her: Heya ko ghost racho ndiani chaizvo .
Me: Handimuzivi ini haasati ada kutaura his identity ati anozoda help yangu kana ini ndamubatsira . It seems akafa haans kuvigwa mapfupa ake anenge ari musango or somewhere maonero andinozviita
Her: heya zvino zvowoenda mangwana uchiziva kuti uri kudzoka mari yandanga ndichida kukupa iya ndotokupa wadzoka wave kuenda kuVar chaiko sandizvo hre .
Me: Zvakangonaka mama munenge mabetsera . Zvino nyaya iri pano ndeyekuti ndatoona kuti matova nemapoka vana vangu ndichakudanai mese mugouya pano tigotaura semhuri kana pane zvinoda kugadziriswa zvogadziriswa nyaya hadzitongwi nekurwa kana bopoto . Apa ndaonawo kuti mukoma vako vanga vari wrong havaiuya nemamonya kuti vakutore especially ndavaudza kuti uri kuda kuenda kuVar .
Me: Iko munhu achimbotorerweiko iye asingadi nhai nhai vakomana . Tichazoona pamunodana pacho lets hope you are not going to faint .
Her: pakanaka mwanangu good luck unondoiwana nzvimbo . Ndichasara ndichinamat kuno kuti Mwari vakuitire zvakanaka
Vakabva vaenda ndikasara ndakagara ndakatozopedza zvandaiita ndikatomboenda zvangu kunana boys . Ndakadzoka zuva ravira ndikatosvika Georgina achitopimirwa dovi rake . Ndakagara zvangu tikadya ndokuenda kunorara . Kuseni seni ndakabva ndaoneka ndokuenda kuchikoro ini naGeorgina . Bby wangu handina kutomuona maybe anga achivete patainge tadarika . Ndaizomufonera kana ndasvika . Takanosvika kuchikoro tikatambirwa zvakanaka naivo VaMaswera vakabva vatoti ......
Him: Iwewe ndokuziva nokubata time ndaziva kuti unosvika right on time . Ko Georgina ihanzvadzi yako nhai . Asi mutori nekakufanana nguva yese yamaiva pachikoro apa handina kumbozvitarisa . Ko uri kuita nezveiko mazuvaano Georgina kana kuti wakaroorwa hako woti vana vemazuvaano havasi kumira ka
Her: Hah kana tiri kungo hustler mumarimuka umu .kuroorwa handisati zvangu ini ndakatosiyana nevasikana vemazuvaano vacho ivava .
Her: Taura hako ndatopedza chitopinda mumota iyo tinotora Chingweru tibva tatoenda .
Takanogara mumota naGeorgina tichiita nyaya achitonditi ndigouya kumba kwake ndikatomuudza ndaizomushanyira kana ndazouya kuVar apa taimhanyidzana nekugadzirira . Takanotora VaChingweru tichibva taenda ivo vaiva mberi vachidoya variko . Mota vaiiziva headmaster rakazonobuda zuva tatove kure chaiko . Takapindira muguta guru kuma 9 am tikangonanga straight . Takatosvika vachiti application yangu yanga yakatosvika and they were about to call me . Zvakabva zvatoita ndikanzi ndiuye kuchikoro asi ndaizonge ndisingagari pachikoro since vaiti painge pave fully booked paCampus .. takafara nazvo zvangu kwaiva kufamba nomunamato nokuti ndakabva ndanotsvakirwa imba imba yacho kwandakaiwanira paiva nemufambo zvokuti paitozodiwa futi mari yetransport kuti ndiendeko . Iyo aiva masmall small zvayo kana ndavamo ndajairana nenzvimbo ndaiziva kuti mari ndaiiwana . Sezvo mama vanga vati vanondipa imwe ndainge ndatowana yestart .
Vakandibhadharira rent zvese nechikafu vakatenga VaChingweru . Takasiya zviri mumba takapinda mutown kunotenga hembe dzangu ndimo makatosarira Georgina achiti akuda kutosvika achinoita basa rake . Takaparadzana boe ndikanotengerwa hembe kwadzo dzekuti wega waipa kutenda . Vaida kutenga nemachira ndikatovarambidza ndirini kuti ndaizouya nazvo . Vaida kutoti ndisare ikoko sezvo panga pasina time asi ndini ndakatoramba ndaidzokera navo ndozodzoka caz ndaida kudzoka nemachira . Ndakavatenda varume ava ndosaka vamwe vachingoitirwa zvidhafu dhafu naMwari inyaya yekupa. Mwari vanotokupa zvakawanda nokuti vanoziva kuti unogoveranawo nevamwe vasina .
Takasvika kumba zuva ravira ndakasiiwa pamashops ndichibva ndatofamba kuenda kumba mumoyo mangu manga muzere mufaro ndaisafunga kuti ininiwo Judah ndingazoitawo something in life . Ndichifamba kudaro ndakavhunduka ndichiona mabhonzo ega mberi kwangu ndakabva ndaziva kuti ishamwari yangu iya yandishanyira kuface kwakabva kwanyuka ganda aiva iye zvake ndakanzwa ave kuti .....
Him: hauchandityi kaa unofana kutojairana neni nokuti ikozvino ndichamboita time hombe ndiinewe nokuti pane zvinoda kuitika .
Me: Dai muchindiudza chaiko zviri kuitika paya makazongoti ndinozvionera wanei ndimukoma wangu . Now that ndaakuziva chindiudzai zvese zvavari kuronga . Zviri kuitika kwaari right now ndimi mutori ziso rangu ndimi munoona zvatisingaone
Him: Ndinenge ndichida kuti zvinhu zvako uite uchiona wega changu kungoku directer nekukuprotecter chete . Manje manje inenge yava turn yako yekundibatsira . Its unfortunate kuti patiri kufambira nyaya iyi tichasangana negwere guru asi zvinozonaka hazvo nekufamba kwenguva.
Me: Hamugoni kudzivirira kuti zvakadaro zvisaitika hre .
Him: Handisi Mwari ka ini . Ini ndinongokuudza zviripo . Hausati waona pauchazoona chaiko ndipo paunenge wave kubatsira inini . Ko kana munhu akakutadzira akawirwa nedambudziko guru ungagona kumubatsira hre .
Me : It depends nokuti dambudziko racho nderei.
Him: Ok hasha dzinokukunda ndozviona hangu asi hapasi pese panoda kusimudzwa hasha . Ikozvino chimboita zvechikoro basa rako rakakumirira mberi .
Vanhu vese vandaipesana navo vaitondicheukira i am sure vaitoti Judah ave kupenga kungoti hwanga hwave usiku vaizongoti anga akadhakwa . Ndakaparadzana neghost riya pagate ini ndopinda mukati kwaiva kushinga zvako asi zvaisava nyore veduwe . Ndakasvika ndokunongonopinda muroom mangu ndikamwaya munyu uya ndokurara zvangu peacefully vana muchembere vakatoshamisika kuseni vachiona ndichibuda mugota mangu .
Her: Ko wakauya zuro hre ko sei usina kutimutsa pawakadzoka
Me: Ndakangoti sezvo nguva dzapera kudai zviri nane muzorore zvenyu tomutsana kwachena saizvozvi . Ko mamuka sei ...
Her: Tamuka Samaita mamukawo sei douya mumba utiudze kuti wakafamba sei .
Ndakatevera ndikatora chair ndokunogara pedo nemoto ko zuva racho kwaitonhora chaiko . Ndakasvika ndikagara ndichida kutotaura ndakaona Ghost amira pamukova ndakabva ndamira kutaura ndokufamba kubuda panze pamwe pane zvaaida kutaura . Ndakanomira paroom yangu ndikanzwa ave kuti .....
Him: Ndakakuudza kuti ikozvinp nguva zhinji ndichange ndiinewe . Nhasi manheru ano panga pachifana kufa munhu pano iwewe vaakutoziva kuti havakugoni asi nhasi vanga vachida kuuraya Juliana nokuti zvinhu zvake zvave kunetsera ropa nguva yavakatenderana isati yakwana kwave kupanduka kwazvo . Saka nhasi wese ndichange ndiri pano usanetseke zvako nekundiona . Ingoita zvauri kuita kana pane zvandinoda ndinokuudza .
Ndakanzwa hasha kuti chokwadi munhu haasi kutodzidza hake ari kutoramba achida kuuraya munhu chete . Kuteura ropa kuti iwe uwane mari dai aiva pedo ndaiita sendichamubamura . Uyu murume uyu zvese zvaaida ndaizoita anga andibetsera chaiko . Ndakabvumira zvaakataura ndikabva ndafamba nhanho mbiri ndikanzwa ave kuti .....
Him : ndakavigwa zvangu asi pamazuva maviri ndaradzikwa ndakavhukunurwa mutumbi wangu vanawo handingambozorori ndisina kuradzikwa .
Ndakacheuka ndokumutarisa achibva atarisa pasi . Ndanga ndave kuda kudzoka kuti ndinzwisise ndikanzi enda mai vakamirira iwe . Ndakambomira ndakataritarisa ndine zvinhu zviviri kans zvitatu zvandaida kunzwisisa but munhu wacho aisandipa mukana . Ndakatozofamba ndasheedzwa namai ndokupinda mumba ndikagara pachair yangu ndikabva ndanzi.....
Her: Anga auya zve kani munhu wakoyo .
Matauriro amai vangu ndeekusatenda chaiko .zvisinei handina kuda kuvaudza zvangu ndakabva ndavati .....
Me: Kwete pane zvandanga ndakanganwa kuroom kwangu hangu .
Ndakatanga kuvaudza mafambiro atanga taita kusvika pakudzoka zvese vakabva vatoti
Him: VaChingweru ava vanoda kuonekwa ndigonatsovatenda chaiko vane moyo wekubereka chaiwo . Zvasarawo izvo tichange tichibatsirawo nepatinogona napo kubhadhara rent , chikafu zvavatoita ndizvo zvikuru . Plus iwewe nekukanika kwako unondoita mari ikoko zvimwe ukatozvimiririrawo . Mari iya ndichakupa asi wondoshandisa zvine umgwaru mwanangu .
Me: Iii mhamha pane pandichaidya hre ndini ndinenge ndichingozvikaurisa . Ko Juliana aendepi wandisiri kuona .
Her: Uyoyo watosvika ndanga ndamutuma kumbonotenga butter ummm ndanga ndarifunga ini . Iyo mari yacho ndichatokupa imwe ndosarawo nayo nokuti manheru ndakafonerwa naJosh achipenga chaiko hanzi muchafa nenzara handichengeti murume ane ndebvu . Kutomuudza kuti unenge usipo anobva acutter call yacho . Uyu Jesca ndokufonawo kuseni pandabva ndazomuka ipapa achitoti munongorera Judah ikoko muchashaiwa zvakawanda muchitadza kuti auye ashandewo vabetserane kukuchengetai . Handizivi kuti vana ivava vandifungirei ini .
Me: Mama musazviisa pamoyo vasiyei vamboita yavari kuita. Imi muri mai mune right yekutengesa mombe kana nzara yabata not yenyu chero yamdara imombe dzenyu dzamaishanda
nemurume wenyu . Haikona kutongwa nemwana wamakazvara kunyangwe dai ivo baba vari vapenyu vaisamboita zvamuri kuitwa nevana venyu .
Ndiri mukutaura namhamha muchinda wangu akapinda akagara pabench ndakaita sendaisamuona zvangu ndikaramba ndichitaura namama . Ziso rake raingove pana mhamha hameno aionei ndaida kutozomubvunza kuti asi pane zvaainge aona pana mai vangu kani . Kana Josh aida kutamba neupenyu hwamai vangu ndipo paaizoona kuti Judah ringori zita handina kutengesa Jesu . Ndaisazoita zviya zvokuti Mwari irwai nevanorwa neni ini ndaitozomupomba pafeya feya .
Her: Zvino kana vandiramwa vese wati ndichadii ndinopedzisira ndahafura dzimwe. Tichishanda ndizvo zvataironga nababa vako saka ndizvo zvandichaita .
Takataura dzakawanda ndikabuda panze ndichibva ndaona ghost uya akagara padanga ndakafamba ndichiendapo ndine zvandaida kubvunza ndave kusvika akanyangarika ndikashaya kuti aendepi zvoondinzvenga ndichabvunza ani ndakamuona akagara pachuruvi chedura ndakapererwa ndichibva nda.....
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
✅
🐒
👌
👏
432