Ancy Cays Novels
February 4, 2025 at 11:24 AM
[2024/10/03, 14:57] null: https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1 *Ngatipindei muchannel please ndimo mamunowana maprevious chapters ese inbox handingakundi makawandisa* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *CAROLINA* *STORY  BY  ANCILLAR  KATSANDE* *NEW  BOOK  READ  AND  SHARE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  17* *Mai  Tanya* Pane  pamwe  paunozviedza   wakangwara  wotozoona  kutu  kungwara ndiko  kwausina .  Ndakafara  ka  ndichiti  murume wangu   haasi  kuona  maths  dzangu .  Anenge  anga  atowanawi  basa rine mari  nokuti  aitumira  mari   ukangomuudza kuti  vana  vako  vakuda  zvakadai .  Pavasikana   vake  aimira mira  zvake  baba  Tanya .  Iye  chaiye  pamapic  aaitorwa  anga  atochinja   chose  akutoyemurika  zvokuti  pese  pandaivhurira  mastatus  ake  ndaitoti  ndakamuwana  murume  anondidisa  ndaizviona  ndakakosha .  Ndakagara  zvangu ndikazoendeswawo  kuma  gonyeti  namai  Zadzie   yoh  murume  iyeye  akaita  nditaure  nechirudzi  he  is  something  else .  Yekutanga  haaana  kumbotana  kurasa  mbeu  yepiri  ndiyo  yandakanatsonzwa  manhanga  kutapira .  Ndakazobudamo ndapihwa  mari  yangu  ndavr  kuenda  kumba .  Mai  Zadzie  handina  kumuona  i  am  sure  vaifadzanawo newake .  Ndakaenda  zvangu  kumba  taizopanana  feedback  kumba  zuva  raitevera . Kuchingoedzawo  mai   Zadzid  vakauya  kumba  kwangu  vachibvunza  kuti  zvakafamba  sei  ndikatomutenda  kuti  akandipinza  mazhets   ane  mari .   Akabva  atoti.... Her::Hantie  ndaikuudza  hre kuti  unodya  zvaunoda   uchiita  zvaunoda    uchatoona  kuti  paya  waitambisa  nguva   kumhajys  nana  sabhuku  ava . Me: Taura  hako  but  handivasiyi  Sabhuku   ava  ndinovadisa chaiko  panyaya  yekudusa  vainayo  zvavo  mari   vaiita   kundipa  yese  chaiko .  Chandiri kuda kumisa  ndechekuti  vave  kuuya  kuno  vachida   kubikirwa  kuno .  Ndinotyira  kuti   vanhu  vanozo  suspecter Her: Hah  ipapowo  kai  put  an  end  to  that  caz  team  haritani  ka  caz  havani  kufungira  .  Iwe  rega  ndiende  kumba  kwangu  ini  ndakaneta  chaiko  ko ndakamborara  hre  nezuro  munhu achiita  kundishandura  kusvika  kwaedza .  Team  racho  hre  rinenge  richida  kuti mari  yaro   iendere  zviripo Ndakamubudisa    zvangu ndikauya  ndikamborara  hope  chaidzo   ndikazomuka  zuva  ratofamba .  Days  passed  tichingoita    yataiita  namai  Zadzie .    Mazuva  akapindana  babs Tanya   vakatondiisira  messege  yekuti  vari  kuuya   kuno  mangwana  ndakatovati   munenge  makasira  madii kuuya  December .   Vakanditj  vafunga  vana  vavo     ndikangoti  boe  .  Mai  Zadzie  handina   kutombomuudza   kuti  vaiuya  caz  ndanga  ndisingachamunzwisisi  maaction  ake  aiita  as  if  anoda  baba  Tanya  saka  ndaisada  zvangu  kuti azive .  Manheru  a   day  iri  handina  kuenda  ndaiva  busy  pamba  ndichigadzirira  ka  hubby  waiuya . Ndaifana  kutomboita munhukwaye  mbichana  kusvika  vadzokera .  Takagara   vakazouya  zuva  raitevera  ndajashamisika  kuti  vakauya nababa vangu  nehanzvadzi  dzangu mbiri  natete  vangu .   Apa    vaiva  nemota  pamwe ndiyo  yabamunini  Liberty  yacho  yataingonzwa   kuti  vakatenga  mota .    Kuti nditi  ndakafara  ka ndinganyepa  zvaingova  wierd  so  kuvigirwa  hama  dzako  worse  still  munhu  asina  kumbotaura .  Hana  yangu  yakazorova  worse  ndaona  tete  Carol   vese  vaivapo  vana  tete  vangu     ndanga  ndave  kutya  ini  kuti  tete  Carol  vanodaro  vakandibvondora .  Ungazivaziva  hre  kuti  ndivo  tete  Carol  vaya   vanga  vakachena  guys  kutorukwawo  tete  Carol  apa  ngavafitwe  nazvo .  Ndakatanga  kungoita  basa  sezvo  tanga  tashanyirwa ndipo  pakauya  tete  vangu vachibva  vanditi .... Her: Ko  kunombori  neiko  kwatauya  kutorwa  tese  tese  nabamunini  nhaiwe  mai  Tanya .  Me: Imi  matorwa  muchinzi  chii  nokuti  kuno  havana  kumbotaura  chinhu  ndaingoziva  kuti  vari  kuuya  chete    ndatoshamisikawo  ndichiona  muchiburuka .  Her: Hameno  pamwe  pane  zvavakatigadzirira  havozve  chiregai  tirege  kumhanya  .  Aslong  iwe  hako  uchiziva  kuti  hapana  chawakatadzira  murume  chingagona  kudanisa  hama  dzako .   Kana  uri  mutsvene  saka  ngatirindire  tinzwe  apa  vanhu  vari  kuuya  avo ndivanani . Ndakstarisa kuya  kwairehwa  ndokuona  vari  vazaya  vana  baba  Tanya  vanga  vaina  sabhuku  .  Hana  yangu  yanga  isisina  kugadzikana  kutaura  chokwadi .  Ndaida  kutozama  kuti  ndione  kuti  tete  Carol  havana  kudhomoka  hre  ndivo  vaiva  my  biggest  threat .  Pandakavaona  vopinda mumba  ndakaoneka  tete  ndikati  ndinotaura  navo  tete   Carol .  Ndakasvika  vakagara  zvavo  pachair  muroom  mavo  vachiseka  zvavo  vachivhura  hembe  dzavo  dzanga  dzakasara  kuno  kumba .  Vakabva  vanditi ..... Her: Mai  Tanyaradzwa     boe  hre  muri  kuratidza kuti  hamusi  kufara  wani  whats  goin  on  Me: Hiiii  tete  ndingafara sei  ndizvo  zvamakazofunga  hre  zvekuputsa  musha  wangu  Her: What  do  you  mean   ini  ndingaputsa musha  wenyu   how  dai  ndaida  kuuputsa ndakatouputsa  kare .  Kungoti  imi  henyu  hamuchinji  hunhu  chihure  munenge  munochiwanza.    Hunhu  hwenyu  kuita  sehwenhunzi   inorarirwa  pamutariko  wenyama .  Apa  mauya  kunditapa  hre  maiguru  mungada  kuzviita  Nyatsimba  Mutota  hre   endai  munobikira  vaenzi  venyu  uko  vadye  ndatoonawo  chikomba  chenyu  chatouyawo  pano  kusada  kunzwa  paita  vanhu  vakawanda .  Me: Iii tete  ndaiti  dhorobha  richakuchinjai  but  still  muchiri  makangochenama  sezvamaive   kare .   Apa  munotaura  henyu  zvamunoda  veduwe      regai  zvangu  ndiende  i  am  trying  to  be  nice  here  asi  imi  muri  kutondidira  bomber  henyu   Me: Since  when  makatanga  kuva  nice  nice  neni  haiwa  zvangu  ndibvirei  endai  kunana  tete venyu  vasingazivi  magames  enyu  uko  maybe  ndivo  vangatopindirana nemi  imi  neni  hatifi  takapindirana  especially  ndikafunga  kuti   gapu  ramunopa  hanzvadzi   dzangu  ndiro  zvekare  ramaipakurira  sabhuku .  Hanzvadzi  yangu  yongodya  zvayo  masiriri  evamwe varume .  Budai  muno  izvozvi ndisati  ndaudza  team  rese  iro  ndinenge  ndatowana  mukana  hama dzenyu  dziripo  vazive  kuti  vabereka pfambi . Ndakakurunidza  kubuda  ko  tete  Carol  vanga  vasina  kukwana  zvee  vaigona  kutozviita  zvavataura .  Ndakabva  ndaenda  panze  ndakazobika  hre  tatodanwa  mumba . Ndimo mandakanosvika  kuona  nekunzwa  mashura  chaiwo .  Bag  riya  rakazenge  rabvaruka  .   Zvese  zvekuma  gonyeti  zvanga  zvabuda  pachena .  Worse  video  resex   ndakapererwa  ini  ndakatofungira  kuti   mai  Zadzle   vari  part  of  the  plan  how  come  varivo  vakanditsvagira munhu wacho  izvi  zvobva  zvabuda .  Zvino  kana  vaida  kundiwisira  pasi   kuti  ivo  vasare  vachidanana   nemurume  wangu  vaitopenga  chaiko   caz  izvo ndaisazvitendera  zvangu .  Vana  baba  vanga  vangokotamisa  uso   vatets  vangu  vachingonditarisa  ndakangoti   Mwari ndipei  simba  rokuti ndingotaurawo .   Ndakatarisa  pasi nenyadzi  ndasanganidzana  ziso  na sabhuku  vaive  vakanditarisa nerokuti  saka  waitondi cheater  futi .     Ndakanzwa   bamunini  Liberty  voti ..... Him:Sabhuku  ziso  renyu iri  boe  hre muri  kutotyawo kutorerwa  bby  imi maitorana nemukadzi  wedu  hmmm manje  yedu  haipere  mushe  ndiri kutokutaurirai  so .      Vakabva  vapa  sabhuku  phone  yavo  murume  mukuru  akagwagwadza  vakachezurwa  mbama  iri  strong . Liberty: Muri  sabhuku  tinenge tichiti  muri kuleader  izvo  kana muri kuda kutora  vakadzi  vevanhu muno muraini .  Manje  ini  ndokubvisai  chiri  kumeso  chese . Carol: Avo vanoda  kudzidziswa  a  very  good  lesson  kungomisa  mhazha  yenhamo  iyoyo .   Kuda  kuroverwa  kupatisa  mwana  wamai  vangu  kumuita munyori  imi muchikebura mukadzi  waks  nxaa  fakofu   mhani .   Ndipo  pakasimuka  hasha  dzababa  Tanya  ipapo musindo  ukati  watanga  vakapona  nekutiza  uye  vazaya  vakatozobata  baba  Tanya  ndakanzwa  baba  Tanya  vave  kuti ..... Him: Vana  baba mazvionera mabasa emwana  wenyu  what  i want  from  you  toranai  zvenyu  nemwana  wenyu muende . Me: Sorry  baba Tanya ndakanyengerwa  namai  Zadzie ndivo  vainditsvagira zvikomba  ivo vaine  zvavowo  ndaiti  kutamba  ndisingazivi  kuti  zvichasvika  pakadai . Him:  musada  kuti ndizo  regreter  my  actions  i  said  pack  your things  and  go .  Never  ever  show  your  face  here again . Ndakatoona kuti hapana chokumirira nyangwe ndaida kurambira pano ndaisara ndikarohwa senyoka yapinda mumba potse potse kuitwa kafira mberi chaiko . Ndakanzwa baba vangu voti ..... Him: Zvaitwa tazviona mukwasha asi isu chatichangoita kutora benzi redu iri vana venyu mosarawo navo hatingazogoni kunovachengeta kune nzara gore rino . Baba Tanya: Hapana chakaipa baba vana vedu vanosara havo . Ndakabuda ndikanorongedza kubuda nemikwende yangu handina kana kusiya spoon chaiyo . Zvese ndakasenga ndokuenda ndaimuona zvangu mai Zadzie akatitarisa haazivi zvaiva mumoyo mangu ndaida kumudzokera kana aiona sekuti akunda . Ndakaenda kumba munzira mese ndichitukirirwa kwete zvokutamba . Vaita kundinonga chaiko ndaingova zii worse patakanosvika kumba mai vekubereka ini vagoti neni ndega ndakatoona kuti zvinhu hazvina kumira mushe . Nyaya inoitika zvayo inotanga ine musindo yozopedzisira yanyarara ndizvo zvakaitika ipapo . Kumba kwangu takazonzwa kuti kwava kudongo vana baba Tanya vainzi vakatama ndokudzokera kumatongo avo ekare. Asi vainge vatodzokera joni vana Tanya ndivo vandaisaziva kuti varipi uye vave kugara nani . Ndakatomboedza numbet dzababa Tanya ndichida kubvunza vana chetd but dzaisaita dzanga dzotoramba . Ndakabva ndangosiyana nazvowo ini . Ndakaronga zuva randaida kuenda ikoko kwamai Zadzie ndakaenda ari makuseni seni ndikasvikako masikati chaiwo ndipo pandakanzwa neumwe mukadzi wemuraini achinditi zvakasara zvobuda kuti mai Zadzie chiTroy chiya mwana wababa Tanya vaida kuroorwa nababa Tanya ivo vakaramba kwaitonzi havapo pamba pavo hama dzacho padzakanzwa nyaya iyi vakatumira mwana wavo akabva atouya baba Zadzie ndokudzingawo mai Zadzie vakaenda kumusha kwavo ndakafara shame aiti akangwara izvo ari kutozvigokerawo moto kuziso . Sabhuku vainzi vakatorwa nevana vavo kumbonofurwa nemhepo vari ikoko . *Stay tuned* [2024/10/03, 20:27] Mukunda weDande: https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1 *Ngatipindei muchannel tizvinzwire please inbox handipi book veduwe* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *CAROLINA* *STORY  BY  ANCILLAR  KATSANDE* *NEW  BOOK  READ  AND  SHARE* ‼️‼️‼️‼️‼️‼️ 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter  18* KB Ndakano dropper  tete  kuden  ndichibva  ndadzoka  kuti ndiende  nebby  rangu  kunoona  shop  yacho .  Ndakasvika  shasha   ichizviona  pamirror  i  was  like  woow  she  is  looking  good  i  am  telling  you .  Aaa   zvinhu zvesd zviya  zvanga  zvakavanzika  zvakanatsochioneka  .  Amana  Carol  zvava  zvinhu  takava  nenguva  yakanaka  patakanoona shop  zvese nekudzoka  . Ndakaenda  kumba  inini my  time   dzangu  dzekuti  ndinoona  kubasa  kwangu  kwakamira  sei  dzanga  dzave  kukwana.  Asi  ndaida  kusiya bby  ave  kuenda  kuchikoro  mangwana  ndiro  raiva  last  day  rangu  saka ndaifana  kusiya  zvese  zvava  boe .   Ndakasvika  kumba  wanei  mdara namoms  varipo  apa moms  vanga  vakatoisa  muromo mumhino  nechekare . Zvaisada kuudzirwa  kuti  pane  chavatsamwisa .  Ndakavamhorosa  vese  nadad  ndikanzwa  mhamha  vave  kuti ..... Her: Uri  kubva  kupi  apa nhaiwe  Kendrick  hee wanga  watozivana  nevanhu vekuno  nguvai  zvokuti iwe wega  ndiwe  unoshaikwa  kumba . Me:   Mama  i  am  30  now  and  i know  what  i am  doing  i  am  no  longer  a  little  boy  you  used  to know .  Zviriko  hre  zvekundibvunza  my  where  abouts  for  your  own  information  zvamanzwa  izvozvo  ndizvozvo . Her: Manje  unonyepa  she  will  never    be  my  daughter  in  law . Me:   and  she  is  going  to be  my  wife  not  you mama  Her: A  girl  i  heard  that  she  is  even  not  sure  about  his  gender  how  can  she  be  my  daughter  in  law never . Me: Thats  why  i am saying   if  you  dont  like  her  its  your  own  headache  momy  as  for  me  she  is  my  life .    Dad : Hey  enough enough  chiiko  newe  mai  Kendy  mukadzi  mukuru  kutomisa  tsinga muchikakatirana  nemwanana  uyoyu  haunzwi  kunyara . Ndiwe  unogara naye  hre mukadzi   wacho  .  Son  you  have  my  blessing  as long  she makes  you  happy  i  am  ok  with  it .     Iwe  King  ita  semurume  mzaya  mashoko  haana  kunaka  wanzwa  hre .  Tete: Unoda  kurohwa  nzeve  dzakatiza  musoro  idzodzo . Heya  mai  vanga  vanzwa  naKing  nxaaa mfana  uyu  chitsika  chake  haachisiyi  taiti  ka  zvaava   nedegree  waakureasoner  izvo  kana   ndakangomutarisa  naye  akatoona  kuti  sekuru  vadhinhiwa .  Ndakabva  ndasimuka  ndokuenda  zvangu muroom   ndakabva  ndasvikogara  ndichimbopenhengura  zvangu   phone  yaCarol . Phone  yacho  yairecorder macalls  ndakatomboteerera hangu  ndakasetswa  neimwe  call  recording  yake  yaaituka  nofunga  ndiye  mface  uya  waaindiudza .  Ndakaseka  zvangu  ndakavhura  ndichiona  hangu mamwe  mapic  ake  ndaitomboyeverwa  neamwe  aaisekerera musaka  waaiva  nawi  uchinatsoonekwa  wega  waitoona  paita  a  real  defination  of  beauty  . Munhu  achionekwa  runako  rwake  mumazikuhembe  akadai  what  more izvozvi  ave  kupfeka  zvandainge  ndamutengera .  Ipapa  ndaida kutaura nadad ndinzwe  kuti  vaidzokera  riini .  Ndaitotyira  kuti  mhamha  vanogona  kuda  kundibhururutsira  shiri  yanyu .  I  know  my  mother  very  well  vanoita  yese  yese    King  akabva  atopindawo  muroom  mandaive   akasvika  akatora  laptop  yangu  hameno  zvaaida  kutsvaga  imomo  i am  sure  aiva  magames  aidiwa  . Ndakabva  ndatoti  regai  ndimuudzs mfana  uyu ... Me: King  kana  uchida  tiwirirane  ini  munhu ane  mashoko  handidi  ukundinzwa  zvawaiudza  mhamha  kuti  Carol  is   not  sure  about  her  gender  chii . Wakambomupenengura  ukaona   kuti  haana  chinhu chemunhukadzi hre .  Haana  mazamu  hre  zvaatori  nemacurves  kutidarika  ezvisikana  zvako zvaunongoposter . Usaona  munhu  nhasi  ukafunga  kuti   mangwana  anenge  akangodaro .  Problem munoda  vaka  upgradiwa nevamwe  kudhara .  I bergy  siyana  neni  ndimboita  yandoita  handisu kuda kuti  uzvidzokorore  zvawaita  izvi  caz  ndinozotsamwa  and  you  will not  like  the  outcome . Him: I  am  sorry  sekuru   ndaiona  sekuti  she  is  backward  ane  strong  rural  background . Me: And  so  kana anazvo  zvese  izvozvo  kuti musikana   wako  hre  nhaiwe  ndatopedza  newe  so  ngazvigume .  Usadeleter  zvinhu  zvangu  imomo .    my  father   were  is  he . Him: Sekuru  varimo mumba  umo  . Ndakabuda  ndichibva  ndaenda  mumba  macho  mairehwa  vaivamo  zvedi   vachingondiona  vakabva   vatoti  son  huyaka   undibatsire  panze  . I  know   yaiva  way  yekuda  kuti  tibve  pana  mhamha .  Ndakabvumira ndichibva  ndatevera  panze  pavanga  vari    ndakasvika  ndikagara  pamagarden  chairs  pavanga  vagara  ndichibva  ndati ..... Me: Mafamba  henyu boe  hre   dady . Him: Tafamba boe  ndakasara ndikapedzisa  basa  rangu  ndikaona  kuti  hazvingoiti  so  kuti ndirege  kuuya  kukorokotedza  mzaya  akaita  chinhu chakanaka .  Mai  vako  vabva  vati  vaboda  kuuyawo  ndokuuya  kwataita  but  dont  worry  tinodzokera  mangwana  hedu  caz  mai  vako  ndovaziva . Me: No garai zvenyu dad kana muchada kugara ini chandoziva ndechekuti she can not change anything neni ndanga ndichida kuenda mangwana manheru pane zvandiri kuda kumbogadzirisa masikati . Him: Ok tell me more about herself musikan wako . Me: Hah nothing more its juss that i found love dad . Musikana iyeye ndomuda dad haana time auya kuno she is humble , down to earth haasi masalads atinoona amazuvaano . And munhu uya wekuti haazviwisiri pamunhu i go for her not other way around . Here are her pictures . Ndakavhura phone yacho ndichivaratidza mapic andanga ndazvisendera pane andanga ndamutora akavarairwa tiri kushop. Anga anatsobuda vakamuona vachibva vati .... Him: Its ok my son she is not that bad wani mai vako vanongoganhira nemashoko avanenge vanzwa unotoshaya kuti what type of a woman is she . Chete kuti vanhu vanozobatira chirungu padenga vanonetsa vanobva vazviona sekuti ndivo vane yese . Ndakangoseka hangu takataura kusvika chikafu chemanheru chaita ndokudya hedu tichibva taenda kunorara . Makuseni chaiwo ndakamuka zvemunhu anoenda kubasa ndikatobuda vanhu vachivete ndokuenda kuya kumba kwaCarol ndakatowana atopedza akachens and kumatcher aigona shame . Takabva taenda tese kubasa takanovhura ndanga ndakagara zvangu ndakayeverws naye achiratidza vanhu prder yaiva mushop achishambadzira kurumbidza order yake . Unonatsoona kuti munhu ane chipo chacho iko vanhu vakanonga nonga zvefirst day hre . Ndakabva ndamuudza kuti tichivhara aende kumalessons avo emanheru . Ndakamuendesa kuchikoro kwacho vanhu vasati vauya ndichibva ndamuti .... Me: bby ndikuenda nhasi manheru kudzokera saka i want you to promise me one thing . Her: Ok taura tinzwe kana zvichiita ndikuudze zvisingaiti ndokuudza zvekare . Him: I want you to take care of yourself for me bby i know mave kubata mari kudai unenge wave kuvingwa nevanhu vakawanda vanenge vachida nezvako but ndinoda kuti uzive kuti kuHarare uko kune umwe munhu anokuda nemoyo wese . I will always call you ukana ndanonoka you can call me newewo. Me: Ndinokuda Kendy uye usandityira ndichange ndakakumirira bva kans ndakuti huya undione newewl uuye hantie . Him: Unotombondisuwawo kudaro nhai iri boe bby ndichagara ndichiuya zvawava kuno kudai hapana chekumirira . Take care of yourself vamwe vave kuuya avo . Akabva atarisa kwandanga ndiri achibvisa meso kuvanhu vacho i steal a kiss guys her lips are so inviting i cant take it . Munhu wacho kani akaita kubhubha chaiko ndakasekera mumoyo kuti ndimboita zvokuseka futi ndaizviruza chandaida ikiss chete ini akatanga achibhibha kai akapedzisira ati roto ave kutoisawo maoko akr around my neck. We kissed ndakazorega ndikamutarisa achibva ati.......... *Stay tuned* [2024/10/04, 17:08] null: https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1 *Book rinowanikwa kuchannel machapters ese inbox handipi book ngatipindei muchannel* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *CAROLINA* *STORY  BY  ANCILLAR  KATSANDE* *NEW  BOOK  READ  AND  SHARE*  ‼️‼️‼️‼️‼️ 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter   19* Carolina Ndakamuka kuseni  kubika ndikageza  ndokuchinja  ndakatopfeka  zvangu  skin  jean  pane  hembe  dzandanga  ndatengerwa  naKendy .  Paakauya  kumba  akauya  akatodyawo  aingoti  aingr  abuda mumba  asina  kana  chaaisa mumuromo .  Takaenda  zvedu  ndakatoona  kuti malevels  asiyana  ndanga   ndave  kuchiiwana  mari  ndakagara  zvangu .  Iye  Kendy  its  like  aitova  pabasa  caz  aiva  palaptop  yake  achireceiver  macalls   uchiona  kuti   ndezvebasa  .  Ndakatomusiyawo  ndave kuattender  macustomer  angu .   Chikafu  chakauya  anenge  anga  aorder  online   chete  takadya  hedu  ndikanzwa  ave  kuti ..... Him: Bby  can   you  do  me  a  favour . Me: Iwewe  nema favours  wakanyanya  uri  kutyirei  nhai   asi  ndatosiyana  naCarolina  wawaiziva  hre .  Ndinokuda  Kendy  izvozvo  zvizive  nyangwe  kwese  kwaunoenda  hakunazve  rimwe  dinga   richaba  moyo   wangu . Him: Its  not  like  that  but  nomatter  what  chero  ukanzwa  zvinengei  or  ukatukwa  zvinengei   please   stick  by  me . Me : Ummm  ininj zvekutukwa  i cant  take  it   ndicho  chokwadi  kana  wanga  uchifunga  kuti  uchandituka  or  kundiita  yese  yese  then  think  twice  izvozvo  maya  kutukwa  handitodi  especially  uchinditukira  mahara .  Ukandi  provoker  neniwo ndino  reacter  shame .  Ko  iko  zvokutukwa  nokunzwa  zvabvepiko   asi  une  zvipande   kai  you  better  talk  now   caz  ndikazozvibata  ndegs  ndokutaurira    zverudo  zvacho  zvotombomira .  Iko  hauna  mukadzi  hre  iwe  ko  takazongomhanya  ka  kunyura  murudo  macho  tisati  taziva  inini   handidi  kuita  second  wife  kana  zvirizvo  zvawanga  wakaronga   Him: Eish  far  from  that   handina  mukadzi  ini  iwewe ndiwe  uchatoita  mukadzi  weujaya  hwangu .  Apa  nyaya   iri  kunetsa ndimoms  vangu  hameno  kuti   vakanzwa  manyepo  ekuti  kudii  naKing  pamusoro  pako  vakauya  nezuro .    Zvino  mhamha  vangu  ndovaziva   vanogona  kutoita everything  kukutsvaga   vagokutuka  saka  ndizvo  zvandiri  kutaurira   kuti  zvakadaro  zvikaitika   ndaikumbira   kuti  please  dont  give  up  on  us . Me: Hah  akataura  kuti  kudii  type inenge  yake  King  wacho   ini  ndowanzo  kuigon'ora .  Hah  zvamai   vako  masmall  small  ngavanditsvage  zvavo  vanondiwana  ndizvo  zvawanga  uri  worried  nazvo  hre    cheer  up  . Him: Thanks  bby  but  nhasi  ndiri  kuda  kudzokera  kubasa shaar  zvinoda  ini  zvawanda  saka ndichatofamba  manheru  . Nhasi  ukuenda  kuchikoro  kwatosara  2  hrs  dzekuti   uchienda  ndichanokusiyako  ndichienda . Uudze mdara  uya  wekuda kukubatira  pahove  kuti  ndikamubata  nemhanza  yake  iyoyo  ndomuundura  bvudzi  rasara  iroro Ndakamutarisa  caz  ndaishaya  kuti information  yese  iyoyo aiiwanepi  .  Akabva  aseka  zvake  achivhara  laptop  yake  achinditi  ndigare  pedo  naye  . Ndakagara  zvangu   ndichibva  ndamutarisa    ndikasimuka  ndichibva  ndamira  kumashure  kwake   ndichibata  bata  rasta  rake .    Ndikabva  ndazomuudza kuti  rakanaka  plus  rakamufita     akafara  shame    achitoti  ndaifunga  kuti  hauridi .   Time  dzakafamba  tichibva  taenda  zvedu  kuchikoro  kwacho ndakazviudza  kuti  ndaifana  kutonodzidza   nesimba  chaiko  zvekutokaurura  ndaisazvida    zvangu  ini .   Plus  inini  hangu  naturally  ndaizvigonera  njere  dzangu  dzanga  dzisiri  dzekubatanidza  ndakaenda  ndikasvika  ndikanogara  mumota   vanhu vasati  vauya  pavakazouya  ndakuti  ndichienda  ndipo  pandakaitirwa mashura  naKB  kundikisa   ndakaedza  kuramba   asi  yoh  akaramba  akanamirana  neni .  Ndakatozonzwa  kuti  kiss  yacho  yanga  yozipa  ndipo  pandakazodzikama .  Ndada  kunatsonzwa  kwazvinoenda  nako  chaiko.   Umm  amai  uchinatsonzwa   kuti  ndimi  dziya   dzodyanana zvino  apa muromo  macho  maidziya  zvamo   ukku  nunhu  akakukochekera uchinatsonzwa  kuti  its  nice  to  be  here . Paakandisiya  ndakabva  ndati ...... Me: Ummm  uchandipanditsa   Kendy  aaa  chii  ichocho . Her: Hah  amana  kiss  ine  basa  rei  saka  unenge  uchida  kuita  hanzvadzi  yangu  hre .   Kiss  ndotoida    bby  handifungi  kuti  ingato kuaffecter  kuchikoro  ini . Me: Aaa  iwe  inokona  nei  ndikafunga  kamuitirwo  kayo  handiti  ndogona  kumhanya  bani . Him: (Achiseka)  Iwe  unenge  uchifungirei  nhai . Me: Aaa  iwe  zvongozviita  zvega  zviya  ndirege   zvangu  chihande  tiende . Akabva  abuda  tichibva  taenda  tese    tikanoona  mateachers  acho  ndikatoendawo  kune vamwe  akazouya   akundioneka  tikambundirana  ndokuenda  zvake .  And  achitaura  akavaudza   kuti  mukadzi  wangu .  Ndokutoparadzana   kwatakaita  ikoko  ini  ndichibva    ndaenda   mukati  .   Takadzidza    asi  kuita  sekuti  ndanga  ndagara  ndichingodzidza  kai  zvakandifambira    zvangu  ndichibva  ndaenda  kumba  kuma  9pm  ndakatosvika  kumba  ndichibva  ndatanga   kubika  hangu  i  received  a call  achibvunza  kuti  ndanga  ndasara  sei  ndichitomuudzawo  kuti   ndichangopinda  mumba  iye  aitoratidza  kuti  ari  pajourney  waitonzwa  nemasound  kuti  mota  ikufamba   Ndakabika  faster  faster  ndikatanga  kudya  zvangu ndipo  pandakatarisa mugrp  ndikaona   vanhu  vachironga  zverwendo  rwekuenda   kumusha   kunobvisa  mai  Tanya   hah  uko ndaida  kuendawo   ndaida  kutoona  reaction  yake .   Saka  ndakabva ndaisa   messege  kuti  tiende  iri  Friday  vamwe  pakati  pevhiki  tinenge  takabatikana    vakabvumira  iko  Liberty  anga arova ndikanzwa  achinditi  ndipe  masizes  ako  ndakangoseka  zvangu  anga  achiri  kufunga  kuti   pamwe  ndichiri  munhu   uya  wekutambura . Ndakangomupa zvangu  sisi  mai  Musah Vakauyawo  kuinbox  kwangu   vachiti   ndiuye  ndivatore  tiende  tese   kushop  kwangu  vanokuonawo mangwana  ndikati  boe .  Ndakabva  ndafunga  kuti  ndina  sisi  vangu  mai  Tadiwa kwaiva  nembudzi  dzangu  vaitotamburawo  vari kumusha  vaisava  nephone  yewhatsapp  ndakabva  ndavafonera ndave kutodya   📱 Hiii  Carol  wagona  wafona   shaar  kuri  sei  ikoko  .📱  Kuri  boe  ko  kusaisa  kana  please  call  zvayo   nhai   chii  vari  sei  vana  vangu   📱 Vari  boe  ndarohwa nenhamo  shaar  handina  kana  chokubata   haundiudziriwo  sisi mai  Musah  vakambondipawo chero  zvacho. 📱  Pakaipa  saka ndichakutumirai mari  mangwana  ko  mbudzi  dzangu  dzave  ngani . 📱  Hah  une  maoko embudzi  iya  yakauya ine  zamu  yakatoberekazve  matwins   neimwe  yacho  yakaita  zviviri  saka  dzese  nembudzana   zvave  7 .   Dzikuwanda  mwana  wamai  vangu.   Unenge  waita  basa  hako  hameno ndingakutenda  nei   hako . Takazotaura  hedu  dzimwe  nyaya   ndokubva   ndacutter  ndakabva ndarara makuseni  ndikafuma  ndichienda  kubasa . Ndakanotora  mai Musah  ndokuenda   vakashamisika  mai  Musah  vachiona  shop  yangu  ndakanzwa  vave  kuti .... Her: Yah  munhu  uyu  anokuda  mwana  wamai  vangu  please  ndokumbirawo  udikewo kani   mwana  wamai  vangu  unozoda  zvakadii    hona  zvese uchirega  kubroker  chets  kungoti  iwe  handikutyiri  hangu   pabusiness  uri   mukono .  Asi  munofamba  hamo  ka . Me: Munofamba  chose   hantie  muripo  hre muchaona  apa  goods  rangu  rosvika  kusweramangwana. Her;  ko  mwana  wamai  vako zvaakavhura  hombe  nhaiwe  akamitisa mukadzi wemunhu atori  nemwana  mukuru  chaiye     pamwe  unogona  uchitomuziva  hako . Me:   Baba  Tanya  hre    hanzi  mukadzi  wacho  ndiani  zvazvakaoma  ndivo vakuudzai  hre . Her: Havasivo ndanzwa  naLiberty   mukadzi  wacho  hanzi  mai  Zadzie  mwana  wavanaye  mukomana ndewababa  Tanya . Munoziva  ndakaseka   zvangu   ko  Troy  chacho  vana  Phidza  nana  Jimmy  vaitondiwanzira vachiti  chakafanana neni .  Ugoona  munhu wacho yaiva  shamwari   yamai  Tanya  zvinhu zvacho  zvaiva   nekuvandirana  mukati   shamwari  dzacho  itai  mega.   Ndakangoseka    zvangu  ndokubva    ndatovaudza  zvaivapo  hazvaishamisa  kuti   mai  Zadzi  vacho  ndivo  vakatotumira  mapic  aya  kuna  mukoma  .  Takataura  dzimwe  vanhu  vakatanga  kuuya   takazoparadzana  nasisi  ini  ndoenda  kumalesson  angu  tachaisa  ndakazosvika  kumba  ndikanzwa  kuti  ndanga  ndichitsvagwa  nevamwe  vanga  vauya  nemota  zvainzi  vakati  vachadzoka .    Ndakangoti  pari  boe    vachauya  zvavo .  Ndakasvika  ndikageza   ndokuchinja  ndikambogara  hangu  ndichiverenga  mari  yangu  yandanga  ndaita   for  that  day    .  Ndakapedza  ndakaiisa  paiva  neimwe  ndokubva  ndatanga  kubika  zvangu  uku ndichitaura nechigagairwa changu pafoni ndakazonzwa ndasheedzwa kuti ndaidiwa kumberi ndakabuda ndikaenda kuroad ndakasvika ndichiona pakamira mota ndichibva ndamira makaburuka mumwe mukadzi mugiant ndakangotarisa ndakamira ndikaona kune rimwe divi kwaburuka King ndikaziva kuti ndivo mai vaKendy ava . Vakabva vatsamhira mota yavo ndokuti ..... Her: Ukumira ikoko huyaka pano tione apa vaitaura vakafinyamisa kumeso ndakangoti Mwari itai kuti ndisanyanyo kurasika stereki . Ndakafamba ndikaends ndikavati makadii vakabva vati..... Her: Keep your greetings to yourself ndikuda kukuudza kuti siyana nemwana wangu . Kendrick anotori nemusikana waari Kuda kuroora kwete iwewe . Me: (ndichigara pasi) Ok mwana wenyu nhai but iye anogona kuzvitaurira hake . Handingateereri zvinobva kune vamwe ndinotoda shoko rinobva mumuromo make pakuti iye paakandinyenga akauya ari one out haana kutumira magweta . Plud nyangwe ane umwe musikana basa ndinogona kungo chancer ka saka mhamha mwana wenyu handisi kusiya chamungatogona kuita kutoudza iye andirambe ariye zvimwe hazvidi magweta izvi love is for 2 . Vakanditarisa vachibva vatarisa King akangosimudza zvipendekete sehuku yekurasirirwa . Vakabva vanditarisa zvekare ndokuti ...... *Stay tuned* [2024/10/05, 13:17] null: https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1 *Handei kuchannel tinowana zvinyorwa zvaAncy ikoko musasara* https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *CAROLINA* *STORY  BY  ANCILLAR  ĶATSANDE* *NEW  BOOK  READ  AND  SHARE*‼️‼️‼️‼️‼️‼️ 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 20* *Carolina* Her:  Do  you  know  kuti ukutaura  nani   hee   ini  ndikutoudza  iwe  kuti  siyana  nemwana  wangu  iwe  waakutondituma  kwaari  heee .  Cant  you  see  kuti  haasi  weclass  yako hre  . Me:  Hayas  saka  ndizvo  zvamabvira  kwese  uko  kuti  muuye  kundiudza  kuti  ndisiyane  naKendy .  Oh  mhamha  look  at  your   son  mhamha   how  handsome  is  he  ndingomusiya  juss  because  you  said  so  nooo .  You  know  what  what  mhamha  you  might  be  his  momy   and  you  give  him  everythinh  but  there  is  one  thing  chamusingakwanisi  kumupa  do  you  know what  it  is   ( ndichizevezera)  special  calabash Ndakabva  ndaseka  zvangu  ndichivatsonya  ndikasimuka  ndichibva  ndanopinda  mugate  ndikavasiya  vakangoti  kanha  sevaroi  vaedzerwa .  Ndakanopinda mumba  ndichizviudza  kuti    ndichamubata  chete  King  and  kasize  kake  ndinako .  Ndakanogara  mumba  ndikaseka  ndega .  Regai  Kendy  akati  mai  vake  vane  madrama .  Chavasina  kuziva  ndechekuti  kuoma  musoro  kwavo  ndiyo  ngoma  yandinorwarira.  Ndakadya  zvangu  qndichibva  ndarara .  Ndakada  kutomboudza  Kendy  asi ndakazviudza  kuti  handimuudzi   kana  aizozvinzwa  aizonzwa  naivo  mai  vake .     Ndakamuka kuseni  ndichibuda   gate  kuti  ndiende  kubasa  ndakawana  Moffat  aina  Ngomani  its  like  vaitouya  kumba  kwangu  apa  ndanga  ndakazvichenera  vese  vakanditarisa  kuita  sevachandidya  vese Me: Aaa  mauya  pano  mangwanani  ano  kwakanaka  hre  handidi  zvekunonotswa  i  am  behind  time  kana  mune  zvekutaura  itai  ga  ga ga  tione. Moffat: Aaa  ko  ndiwe hako  ukumhanyira kupi  ko  apa . Me: Izvozvo  hazvinei  newe  Moffat   taurai  chete  kuti  mavingei  nevava  ava   mauya  kundisunga hre  kuno  kwaita  Dam  hre  muri  kuona  fish  dzichidyira  hre  kuno  hmmm .  Ngomani: Ndini  ndamuti  andiratidze  paunogara  ndanga  ndichidawo  mari  yangu  migomo  yemabucket  andakakupa  ndiri  kuda  1500  Rands  yacho  caz  ini  mugomo  ndinoita  500  Rands . Me: Unoida  kunani  akatenga  hove  kwauri  nxaa  baba  imi  munoshota mubhadha  chaiwo  ndizvo  zvamaswitaira  varime  vakuru  muchikwizanisa  mabhora  enyu  muchiuya  pano  izvozvo  handina  kana  tsee  yandinokupa  mari  caz  i  dont  remember  tichitaurirana  kuti  ndiri kuda  kutenga.  Enda  kwaunoda  Ngomani  wee  infact   ukada  kutondiitira  manyawi  ndogona  kukunyudza  let  me  give  you  a  hint  do  you  remember  uchinditextira  kuti  iwewe  ndiwe  dam  racho  dealer  neni  ndikupinze  mazhets  emari   nehove .  Ndinondokutengesa  uko  kuvakuru  vakuru  venyu  ukaswera  chibasa  ichocho  chapera .  Unoda  kunyenga  nehove   wakapusa  stereki .  Iwe  Moffat  kusviba  sefatcook  rezviyo  mai  vakadzingwa  kudenga  vasina  bhurugwa    Ndikuone  uchiuya  nevanhu  pano  ndichatadza  kukunyara  bvunza  Zex  nezvangu  anokuudza  usada   kuita  mutserendende  parazor  Ndakabva  ndafamba  zvangu  ndave  kutomhanyira  chipipipi  changa  charidza  huta .  Ndikanokwira  ndini  uyo  kubasa  kwangu .  Ndakasvika  ndokuvhura  shop  ndanga  ndatototi  nonokei  mbichana .  Ndakatosvika  paveranda  pakamira  mamwe  mamai  airatidza  kuti   aitova  mamai  ane  bag . Ndakatovhura  vachibva vakapinda   mukati  ndikava  attender  vaida  majewelleries     vakatenga   vaiva  netaste  zvavo  vakabva  vaenda  zvavo     ndikagara  zvangu phone  yangu  yakaringer  ndakatarisa  ndikaona  ari  Kendy  ndakatodaira  hangu .... 📱  Hello   uri  sei 📱  Uri  sei  ani  nhai  . 📱 Who  else  except  the  person  i  am  talking  to.  Sei  basa  i  miss  you  my  love . 📱  Waaal  are  you  sure  what  exacly   do you  miss  about  me  bby .  📱  ummm  ukuda kuti  nditaure  hre   hantie  unongoziva  kuti  ukaravidza  chembere  muto  wegwaya  unoibata  yave  kudziva . 📱  (Achiseka)  Ok  ok  ndaibata  dont  worry  bby  rega  ndipedzise  zvandiri  kuira  ndichauya  ndichikuona  ndichienda  kumeeting  kuDurban  .  Wofana  kutsvaga  chero  vasikana  2  ndave  kuda kuti  uconcentrater  nekuverenga  bby .  Plus  ndiri  kuda  kuenda  newe  kuDurban . 📱 Tinenge  tichienda  tichidzoka  same   day  hre    📱  No  tinoenda  tonorara  ikoko   ndomuka  ndichi attender  meeting  yangu  tapedza  toenda  kushopping . Torara  tomuka  tichidzola m 📱 Ummm  hayas   tinenge  tichimborara  sei  hah  iwewe  handikutembi  ini  ummm rega ndimbodzidza  shaar .  Ndokuziva  Kendy   unogona  kundiita  kanyama  kanyama  ikoko  plus  this  weekend  handipo  ndiri  kuda  kumboenda  kumusha  pane  zviriko  zviri  kuda  family  yese . Apa  ndiri  kutotsvaga  vasikana  vekuti  vasare  sisi  vati  vandiwanira  2  vekuchurch  kwavo . 📱  Handisi  kutaura  zve  this  weekend  ndiri  kutaura  zveweekend  inotevera   bby  .   Sei  uchindifungira  zvisizvo  shaar  remember  i want  the  best  for  you .  Ndiri  kuda  kungospender  time  newe  you  and  me     chete  saka  chill   bby  unenge  uchitorara  muroom mako ini mangu  kana  uchitya  kuti  ndogona  kukusvi..... 📱 Eeee  chimirira  ipapo   waakuda  kudeepisa  ndichangoona  ok  kuti  ndoita  sei  ndoenda  newe  hre  kana  ndorega . 📱  Hauregizve  ok  chindiudza kuti zvakanzi  chii namai  Kendy  pavakauya  kukuona  nezuro  ko  sei  usina  kundiudza kuti  vauya . 📱  Hah  kutorega  kukuudza ndakazviziva  kuti  i  can  handle  everything .   Vakuudza  kuti  kudiiko  vamwene  vangu . 📱  Hapana  zvavataura ndangonzwa namdar vachiti  vakabva  kumba  kwako  vakazarirwa  nehasha  vachiti   Kendy  haaroori musikana   anotaura  zvakadaro  .  Vaitoti  mama  vako  vawana  match  yavo  chaiyo m. 📱  Aaa  pakaipa  ndakakuudza  kuti   i  will  handle  everything  ok  Ndakabva  ndamuudza  kuti  pauya  vanhu  vari  kuda  kuti ndiva  attende  ndakabva  ndaenda .  Vakatenga  zvavaida  vakabuda ndichibva  ndambomira  zvangu  padoor  kumbowana  fresh  air  sisi  vakasvika  nevasikana  vaviri . Ndakaziva  kuti ndivo  vasikana   vacho .  Ndakavatambira ndokupinda mukati  nevasikana  vacho  ndikavadzidzisa basa  tikatoswera  tava  tsse  ndikavaudza  time  dzekutanga  basa .  Makeys  ndakamapa  one  of  them  ndichibva  ndatokasirawo kuenda kuchikoro  day  iri .    Ndanga  ndave  kuwana  nguva  yekuverenga  chaiyo . Zuva raifana kuuya ana baba Tanya rakasvika ini ndakabva ndaenda kunorukwa mumusoro ndichibva ndabuda ndokuenda kumbonotengera sisi vangu mai Tadiwa hembe ndaida kuti vaonekerewo day racho . Ndikabva ndavatengera zvinhu zvandaida kuti vatengese kumusha vawane mari yavo . Ndakutobuda mune imwe shop dhuma dhuma naSatan aiva King nehanzvadzi yake . Hanzvadzi yake akasekerera achindiona iye akauyawo kundimhorosa . Ndakamutarisa from top to bottom ndichibva ndamuti ..... Me: Oh do you have maguts ekutondimhorosa zvako waiuya namai vaKendy kumba kwangu kuti zvidii Him: Hah Carol cant you ser kuti that woman is insane she will make your life unbearable . Inini manje mai vangu vanokuda life will be so sweet for you if you accept me . Hanzvadzi yake yakamutarisa ichishama muromo kutopererwa nezvaaitaura ndakamutarisawo ndatoona kuti idzi dzinenge dzisina kukwana idzi . Kuda kuedza kundinyenga hre kana kuti . Ndakabva ndatomuti .... Me: Heee King let it be my burden not yours zvokuti she will make my life bearable zvine basa rei newe . You know what you are juss a green snake under green grass manje let me tell you handina kana pandinonzwa ndakakutarisa ndokudii iwe munhurume ane guhwa rakadaro ndimi vanhu vaiurawa muhondo imi nxaaa . I am giving you this warning let it be the last time you utter such rubbish caz if you do you will have me to content with . Eee mzaya udza hanzvadzi yako iyo kuti kana achitora matombo ndinomuperekedza kurehabiliation center. Tokubata wangu i have to go pane zvandiri kumhanyira kumba . Her: Ok gogo you are looking great i must confess sekuru vangu vakakuona he will be happy and insecure too caz you are too much . Me: ukagoti vagara vane ruchengera bye mzaya . Ndakabva ndafamba ndichienda kunokwira tax ndakasvika kumba ndikanorongedza zvinhu zvangu ndipo pandakafonerwa nasisi vachiti team rauya vaitobvunza kuti ndiriko hre kumba vauye navo vandione ndikati boe ngavauye zvavo . Vakauya takava nenguva yakanaka tichironga takamuka tikaenda kumusha nemota yaLiberty ayewa ane zvaaishandira anga akarongeka zvake . Takanotora mai Tadiwa ndikavapa hembe dzekuchinja . Murume wacho akashamisika aona tndichibuda navo mumba . Anga ongorebesa huro ndokunotora hama dzamai Tanya . Nxaa mukadzi aipenga iyeye zvaitoonekwa kuti vane katurike vanga vasina kugadzikana . Vakaenda kumusha kwavo nhau ikasara iri pavana manje apa vakomana vaida kuenda kubasa . Vana vakanzi vanondogara neni for the mean time ivo vaizotumira mari zvavo yekuchengeta vana vavo . Hatina kuzogara hedu takabva tadzokera ndakanoudza landlord kuti vana vachange vaineni vakabvuma zvavo . Iko vanga vakura vana Tanya vanga vasisiri vana vekuteverera. Vaigara havo vachizvifarira Tanya aitotaura kuti ainge achiziva kuti mai vake pane dzavaitsikisa . Ndakatomuudza kuti kunyangwe vakaresva asi zvaisachinja kuti vaiva mai vavo . Ndanga ndatoona kuti vakagara vainazvo mumusoro mavo vaigona kuzovenga mai vavo kweupenyu hwavo hwese vaiteerera havo kunyangwe mai vacho ndaida kuzovafonera kuti ndigovaudza kuti ndini ndaiva nevana vavo vagogona kupota vachitaura navo . *Stay tuned*
❤️ 😢 3

Comments