Zimbabwe Online Novels🇿🇼
January 31, 2025 at 07:33 AM
*🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤🔥*
Collaboration Written By
Nicegirl Guta
0712483943
And
Yutman✍🏼🍓
https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X
@All Rights Reserved
☄️Chapter 19
KEILA
Honestly Tanaka akanga andiudza zvangu but ndaisamutruster. Zuva racho parakasvika hana yangu yaingorova munoziva. Later ndakazonzwa zvichinzi vaenzi vakanga vazouya, ini ndaitova kwangu ndega zvangu zvekuti hapana wandakamboona. Nguva dzandakazoshevedzwa zvichinzi ndione muroora wavainge vabvisira pfuma ndiyo nguva yandakazoenda muSitting room mavaiva.
Vanhu vacho ndakavaona, aiva murume wechikuru nemukadzi wechikuru kozoitawo umwe mukadzi nemurume vaine mazera akangoda kufanana. Takazivana paya ivo ndokuisawo comment vachiti mwana wedu ane choice zveshuwa, vaizama kureva kuti ndakanaka. Vakazokumbira kubva waenda neni asi vana tete vangu ndivo vakati ndaizotevera zuva raitevera.
Madekwana ezuva iroro mufaro wakanga usati wapera. Ndakayeuka mashoko akambotaurwa naSekuru Banda (N'anga) paya pavakati ndichazozorodzwa kufunga uye zvinhu zvose zvichanaka. Kutaura kwavo kwakanga kwazozadziswa chokwadi, kusangana nehama dzaTanaka ndicho chinhu chandaigaroshuvira shame. Vose vari vana vakadzokera zuva iroro kwavakanga vabva. Handina kukangamwa kuvhunza kuti vaigara kupi? "Rusape, kwaGandanzara" vakandipundura. Description yenzvimbo nemaDirections avakandipa handifungi kana kuri kuzoti ndaendako ndikarasika.
Panguva dzemanheru tichingopedza kudya sadza ana Tete havana kumbondipawo nguva yekufema. Vakaenda neni kuroom kwangu kunova kwavakatanga kundiraira zvakare. Mabatirwo emba, mabatirwo emurume, hasha, chiramwa, kunonoka kuregerera, huchapa, matauriro, hapana chakasara kani imi weee
Semunhu aitaura naHubby, handina kumuhwanzira kuti ndakanga ndamusuwa uye kutonzwa kumuda. Message yaakangopindura chete yaiva yekusuwa iyo, yekunzwa kumuda akaisiya yakadaro bvandangozvisiyawo. Kusvika kwangu pamba mufaro wakanga usati wapera zvavo kuti ndaroorwa ndava mukadzi waTanaka. Night iyoyo ndaitoda mafire works chaiwo. Ndakambozama kubata batawo Tanaka ndichiti zvimwe ainge akamirira kuti ndimutange but to my surprise ndakavhunduka paakanditi aiva akaneta.
Akanga aneta nei? For God's sake this was gonna be our first time but akaramba. Kuita kwake kawandibhohwa honestly. Ndakadhonza blanket bvandazviputira iye bvaasara akadaro bvandanatsoita zvekugonya ndakamufuratira. Iye akangonditarisa bvaangonyarara. Ndaitarisirawo woo kuti zvimwe aizondinyengerera then toita sex yacho but kana zvake.
I was confused, chii chaimbonatsoitika panaTanaka? Nguva iyoyo ndaitonetsekana nemafeelings zvangu, ainge anyanyokwira kani zvekuti kudzasi kwangu uku kwakanga kwakatonyorova. Ndakanga ndisati ndakambonzwa that feeling since ndakazvarwa. Kana yaiva hosha yakanga yambotaurwa naTete paya aiwa haaa yaiva yakanyanya kani.
Kunze kwakayedza zvakwo, ndakamuka Tanaka asipo mheno kwaakanga aenda makuseni iwaya. Ndakabuda mumagumbeze kwakunopinda mubathroom. After twenty minutes ndava kutopukuta zvangu tuhutsi tuchipfungaira sezvo ndakanga ndashandisa warm water pakugeza pacho, Ndakanzwa munhu akapinda mubedroom achiridzira tumiridzo. Ini ndakangoti haa maybe Tanaka akanga adzoka zvake.
Ndakazobuda mubathroom ndakamonera towel kwakunosvika ndichigara pamubhedha. Ndakacheuka cheuka asi Tanaka wacho ndakamushaya bvandangoti aa zvimwe adzika downstairs. Ndakasimuka bvandaenda padressing table yangu. Ndakatanga kunatsodrier vhudzi rangu zvangu netowel ndakatarisa paMirror. Maziso angu ane zvaakaona zvaiva pamubhedha.
Ndakacheuka bvandaona kuti chokwadi paiva nesomething. Ndakasimuka bvandaenda pamubhedha and that's when I noticed kuti raiva picture. Ndakarisumudza, raiva picture raTanaka akapfeka all blue akaisa nyemwerero yemucheche abva kuyamwiswa. Dressing yaaiva nayo ipapo ndakanga ndisati ndakamuona akaipfeka nyangwe kutongoonawo hembe dzacho mucloset make ndakanga ndisati.
Later I noticed that pandakasimudza picture iri ndakanga ndasiya kapepa kaiva kakanyorwa. Ndakakabhedhenura, kaisava nemanzwi akawanda asi zvainge zvakamyorwa zvacho ndakatadza kuzvinzwisisa ini. Ndakanovhura door bvandamboedza kudeedza Tanaka wacho but haana kudaira bvandadzokera muRoom. Picture racho ndakariisa pedyo neSide board yebed. "IT'S BEEN A WHILE, I'M COMING FOR YOU SOON."
Ndiwo manyorerwo azvanga zvakaitwa pakapepa kacho, I failed to understand it ini. Ndakazoenda kusitting room zvangu kwakunoona maMovie ndakamirira hubby. Surprisingly zuva irori akadzoka kwasviba hake. Ndakamutambira zvakanaka naka semaudzirwo andakanga ndaitwa naTete chaiwo. Takazonanga kuBedroom, kutongopinda kwatakaita ndakabva ndatotanga kumukissa pese pese.
" Eh babe stop, chimbomira kani Keila--"
Mutauriro wacho waakaita zvakatoita ndimire. Akabvisa maoko angu ainge akamukochekera bvaatanga kufamba mbijana mbijana achienda kumubhedha. Ndakaona maziso ake akati ndeee paPicture riya. Akasvika ndokunatsoritakura bvaazonditarisa.
" Where did you get this picture?"
Muvhunzo wake wakandiitira funny munoziva, aigovhunza inini yet ariye akanga auya naro akariisa pamubhedha here? Ndakamuudza kuti ndaisatombozivawo ini nekuti ndainge ndangorionawo nguva dzandakabva kunogeza riri pamubhedha. Tanaka akazviramba, akati kubva makuseni paakabuda achienda kubasa haana kumbodzoka pamba. Aitaura achinatsorevesa ipapo, saka akanga auya nepicture aiva ani?
Ndakabva ndazoyeuka kuti pane kapepa kakanyorwa, ndakamupa bvaakaverenga. "Munhu uyu ndianiko chaizvo asina matyira ekupinda muno? Ukatoona zvadai chasara kubirwa"
Akadaro ava kutofambisa achibuda muRoom. I called him ndichivhunza kuti aienda kupi? Ndakazonzwa ava kudeedza vasikana vebasa. Vakauya vose ndokubva avapotsera muvhunzo wake asi vakaramba kuti pakati pavo hapana akambopinda muroom medu. Takananga kunaGardener asi akangotaurawo zvimwechete. So akanga auya nepicture nekatsamba aka aiva ani?
"Zvichida ndava nevavengi, pamwe pane munhu atumwa kuzounza this information as a warning kwandiri, but anenge apinda nepai? Anenge azoziva sei kuti kuno ndiko kune bedroom yedu? So complicated" akadaro Tanaka. Takambotaura nyaya yacho hedu mbijana, ndakazomuvhunza kuti saka picture iri akanga akatorerwa kupi? The background looked so beautiful zvayo.
" Handizive ini, handisati ndakambotenga hembe dzakadai ini kana kuenda kuphotoshoot. Munhu uyu akatorerwa muPhotoshoot ukanatsotarisa"
Zvakandiitira funny munoziva, how can he say that yet ariye aiva paPicture? Ndakazoedza kubvisa nyaya yacho mumusoro mangu zvangu, pabody yangu ndaitonzwa kuti mafeelings angu akanga asati apera since ndakanga ndambomadenha. Ndakada kutanga kubata bata Tanaka zvakare bvaandibvisa maoko angu pabody yake.
"Dear will do that next time, now I'm not okay I need to rest-"
I swallowed my pride bvandamusiya. Hamawee wakambonyimwa bonde nepartner yako uchinatsonzwa kuti pandiri hazvina kumira mushe? Ndakanatsonzwa kutsamwa zvekuti kachigodo kanouya pahuro kaya ndakakanzwa. But why Tanaka aindiita soo? Nguva iyoyo aiva akarara akatarisa mudenga achibwaira zvemunhu ari mudhamu remifungo chairo.
End Of Chapter 19
Stay Tuned🍃
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
2.5K