Nicegirl Guta's Stories

56.8K subscribers

About Nicegirl Guta's Stories

Welcome to the official WhatsApp channel of Nicegirl Guta Stories. Enjoy reading.

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 10:31:19 AM

Tifambe nema likes

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 208
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 7:46:17 AM

*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORYโค๏ธ* WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 23 WISEMAN Ndainge ndaita kupererwa chaiko. Mwari vainge vandiregerera apa , kungodzika mota kubva kugomo nekubva ndatobatwa here veduwee? Ndaiita kudemba kufa sekunodzokwa. "Chikomana , titaurire kuti zvakafamba sei? Kana usiri kuda kutaura chokwadi totoenda newe." "Andina zvandinoziva ini pamusoro penyaya iyi. Iri idhiri rakarongwa. Chero imimi muri kutozviziva kuti idhiri. Manje regai ndikutaurire chinhu chimwe chete chamusingatange mafunga kana mave kuita mabasa enyu erima aya. Munhu anokohwa zvaakarima. Mhondi pinda zvako asi mangwana uchapondwawo. Munhu itira vamwe zvaunoda kuitirwawo panyika. Kana Mwari vanokutungamirira. Ende ndikanzi ndafa nhasi nekuda kwenyaya iyi , my ghost will fight you zvekuti mucharara parinda rangu calling my name muchifunga kuti ndichadaira. Inguva yengu naMightman itai , asi chandinoziva zvichapera-----." Ndakaona vaita kutarisana. Nguva iyoyo umwe wachona akaseka ndokuti--- "Haiwawo usada kutivhundutsira. Chero pfambi inopfeka gaments wani" "Andisi kukuvhundutsirai ini. Ita zvamunoda neni its ok. Iyo imbori mariiko yaakakupai Mightman? Akanga aiwana kupi sezvinonzi ane kubasa kwaanoenda?" "Kana usiri kuziva nyaya iyi wakatizei kumba? Izvozvi uri kutsvagwa kumba. Izvo zvekuti takapihwa mari here or not azvinei newe. We are working chete sebasa ratakaendera kuchikoro?" "Basa rekubata vanhu vasina mhosva muchipumha mhosva? Hooo you will regret chete. Andina kutiza kumba ini handeika ataure munhu wacho ati ndakatiza iyeye---" avana kuzombodavira. Vakatanga kundindundurudza kuenda neni kumba. Apa ndaitoziva mumoyo kuti Jesu chaiye akatambunzwa kudaro kusvika pakurovererwa asina mhaka , ko kuzotiwo inini zvangu Wiseman. Miedzo ahiperi kuvatendi ndizvo zvandaifanirwa kuziva. Takafamba netsoka kuenda kumba. Ndakatanga kunyumwa , mapurisa rudzii anotoshaya kana mota nxaaa? Ndakamboda kubvunza , asi ndakazongoti amheno ivo Mwari vanoziva zvavari kuita. Nguva yatakasvika pamba ndakangosvikovhura gate sezvo makeys ndaiva nawo. Takabva tapinda uku ndakaona dady n mom vakagara kunze pavheranda. Vakabva vangoti kwanyamu kwave kumhanya kuuya----- "Thank God. Wiseman you are still alive" vakadaro dady vachibata maoko angu aiva nechain. "What is the meaning of this? Imi mapurisa chaita kuti musunge mwana wangu chii?" "Anditi manga kuchimutsvaga? Atizirei pamba kura asipo?" Vakabva vatarisa kunamhamha zvikanzi "Mai 2 did you report this kumapurisa?" "No i did not----" "So who reported nhai?" "I think ndi Mightman" akabva asvika Mightman wacho achitobva kunze kwegate. Paakaona ndakabatwa akaratidza kuvhunduka. Ndakabva ndanyemwerera ndikati----- "Mightman wavhundukaka. Rangarira mashoko angu kwauri kubva kare. Ichakwana nguva mese muchakaura nezvimapurisa zvako zvauri kutuma kundisunga ndisina mhosva izvi. Ndiwe wakaisa nyaya kumapurisa vanhu vose pasina chavanoziva. Uri muroi Mightman wazvinzwa here?" Haana kudavira asi akangoratidza kuti ainge abatikana nezvandakataura. "Mightman sei washandisa police zvisina mazita edu mukati? Nemiwo mapurisa makakwana here amhuoni kuti vanhu ava matwins? Asi mune mari yamapihwa? Aiwana kupi Mightman sezvinonzi anoenda kubasa" "Izvo zvave zvenyu mega baba. Isu tiri kuita basa redu. Tichadzoka----" vakandibvisa chain kwave kubuda. Ndakanzwa hasha dzekuda kuvarova ndikazoita kubatwa. Mapurisa achona airatidza kuti ahadye achiguta. Kuita tudzaondera twevanhu ndaida kuvakiya. "Wiseman where have you been?" Vakadaro mom "Ndange ndaenda kwaMurehwa mhamha. Munganetsekere inini munhu mukuru akadai here?" "Kwamurehwa kunodii nhai?" "Kugomo kunonamata. Gomo riya ramakandiudza nezvaro nguva iya iya ndaona kuti rinondibatsira." "Idambudziko rei rakupa kunokwira gomo?" "Retwin brother yangu yave kuda kundikaurisa. Ndave kurara nemhandu mumba andizive zvaanondifungira----" "Shut up Wiseman. Wakazviitira nyaya dzako wega usada kundipumha. Ndini ndaidanana naFebby here inini heee?" "Hoooo , saka kana ndiri inini why uri kushandisa mapurisa?" Akangoridza tsamwa ndokubva atanga kufamba. Nguva iyoyo akabatwa mababa ndokudhonzerwa kumashure. "Where are you going isu tichitaura newe? You are very stupid. Iko kwawakawana hubhuru uhu ndiko kwawakawana humhondi. Chinzwaka mashoko angu ekugumisira kwauri Mightman. Mangwana ndave kunotora Mr Chimuke vauye vashande nyaya iyi. Andidi zvinondinetsa pano. Unofanirwa kukauriswa kana uriwe benzi. Vakuru vema courts ndoda kuti vafesane netumapurisa twako utu benzi remunhu. Ndiwe imbwa iwewe i dont know wakahuwana kupi hunhu hwakadaro? Uchingodanana naFebby wako iyeye make sure you leave my house wonogara kwako wega. Mari yestart ndinokupa anditi wakura wave kuzviita gamba. Zvino kwete, inini ndini jongwe rinokukuridza pano wanzwa here?" Vakabva vafamba kuenda kunopinda mumba. Dady vainge vatsamwa manje. Takasara takatarisana ini hangu ndave kunyemwerera. At least Mr Chimuke yaiva shasha pakugadzirisa nyaya iyi. "Waaaaw Mr Chimuke" "Kudii kwavo Wise?" Akadaro Mightman ini ndakabva ndaroller maziso angu ndichisekerera "Kkkk chikwapurozve chiya. Ukabvunza Delma anokuudza." "Nxiiiii" ndakabva ndateverawo mumba ndikaona mhamha voteverawo. Iye akazotouya papera chinguva------------- FEBBY Wiseman wacho aitopindura zvairatidza kuti hapana chaanoziva. Nechemumoyo ndakatombofunga kuti arikunyeperwa ini , asi imwe pfungwa ndoyainditi sei akauya ndokuti anoda kuperekedzwa navo vega achisiya inini.? Takadii kungomuperekedza tose tiri pamwe chete? Kureva kuti ainge aine mission yake nhai. "Ko , ndakakutadzireiko Wise, Inga ndinokuda wani kubva kare ndozvawakazondidirawo here kuti uuraise Tete vangu?" ndaingodaro mumoyo mangu uku misodzi uchiita kuyerera semapopoma eku Vic falls. Ndaiva ndotya kuti ikazosvika kumusha zvaizonziii kana vakaudzwa sezvairi. "FEBBY hausi wakunyanya here , Buda uende anokutsvagira Tete vako akauya nawo kumba kwenyu sekubuda kwaakaita navo." Akadaro Mightman ndokubva mai Two vandiregedza kwavakudzoka kumba. Hameno vakasara vakazoitana sei ikoko sezvo Dad vavo ndakasiya vakanyarara. Manheru akasvika ndaiva ndonzwa hope ipapo mazuva ose ndaisanyatsorara ndakabva ndati ndifonere Tashia ndokubva ndangomuudza zvese zvaiva zvaititika. Ndokubva iye andiudzawo mashoko enyaradzo. But pane paakazoti kana Might angoti vanouya Tete vako vanouya. Ndakashaya kuzwisisana napo ini ndokubva ndamuvhunzisisa... "FEBBY, Might ane moyo wakanaka wena so atosara achinyengerera Wise iyeye kuti akudzosere Tete vako. " "Ok Tashia , gud nyt." Ndakabva ndatopinda mumagumbezi. Hope hadzina kunonoka kundibata ipapo ndokutorara zvangu . Mangwana acho ndakazomutswa ne knock ndakabuda ndikaona ari Tashia "Shamwari yangu ndauya kuzokuona kuti warara sei wena? Moyo wangu unorwadza kuona shamwari yangu ichitambudzika ini." Akabva andimbundira zviri tight zvekuti ndakanzwa moyo wangu kudavirira kuti shuwa anondifarira Tashia. " Ndanga ndakatorara ini ndamutswa ne knock yako.." "Zvakaoma dear, handei zvedu mumba tinogara ndimbokutandadza wanzwa nehushoma but hope dzandarota kaa ndatoti ndichasvika Tete varipo ini." "Ihope dear , hope dzinonyaradzaka kkkkk unogona kutorota uchichata wani kukamuka kuine rufu or kuzotonzwa kuti kwawaichatira kuine rufu." Takabva taseka zvedu nhamo serugare ndokundogara mu room mangu tichiita nyaya tichiseka. Hameno Tashia nyaya dzevakoma akadzitanga sei ipapo ndakangoerekana tavakutotaura zvevakomana and ndakabva ndarangarira zuva randakakisa Might ndichiti ndi Wise. Nemusi wandakazonzi na Wise ndimukise sezvandakaita Might pamberi pake. "Ummm rudo ma one Tashia izvozi hona pazviri nhasi inyaya yerudo iyoyi, ndafunga hangu kuu...." "Kudanana na Might kaaa? Yeah unenge wagona. Might munhu boe uya dai akandinyenga inini ndaitodanana naye zvangu." Akadaro ndisati ndambopedza kutaura zvandaida kutaura ndokubva ndazongoti "Ini hangu ndanga ndangofunga kuvasiya vose ini coz hazviite kudanana na Might ndakambodanana na Wise." "Haaa iwee zvine basa rei, Inga wani wanga wakudanana nemhondi iyi Wise asi Might ariye akatanga. " Takataura naTashia zvakawanda ndikatombotsamwa nezvimwe zvacho akandi softa kusvika tazongodzoka mu geer remafaro. Paakazooneka nguva dzaiva dzatombofambawo. Musi uyu ndakasara ndakarara hapana chandakaita . Ava manheru ndaitonzwa husimbe hwekubika zvangu ndakagara ndokubva ndangonzwa knock pa door . Pandakandovhura ndakaona hezvoooo------------ End of chapter 23

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 1.6k
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 4:04:00 PM

*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORYโค๏ธ* WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 25 FEBBY Ndakange ndafara kuti tete vadzoka. Zvino matambiriro avakabva vandiita ndakatopusa ini. Nekushungurudzika kwese kwandainge ndaita nekushaikwa kwavo , iye munhu ototaura hake kuti ndainge ndazvironga--- "Na---- kkk am joking hangu Febby. Ndiri kunzwa kufara nekuti now ndadzoka kumba. Ndawana uri mupenyu Febby saka ndiri kufara---" ndakanzwa hana yangu kudzikama now. Andina kudavira nekuti ndainge ndofunga dande. Chandainge ndakatadza ndakachitsvaga ndikachishaya. Vakagara pasofa kwave kundibata mapendekete angu. Ndakabva ndanzwa kuti smell yavaibuditsa yaiva yekusageza. "Febby ndidairewoka mwana wehanzvadzi yangu." "Ndazvinzwa hangu vatete. Nditsanangurirei kuti zvakafamba sei?" Ndakadaro ndichinetseka. Vakabva vatura mafemo ndokutanga kudzungudza musoro wavo ndokuti--- "Zvakaoma mwana wehanzvadzi yangu. Wiseman muroi chaiye anoroya masikati machena. Ndainge ndamupa trust pakutanga , andina kuziva kuti kwaiva kunyorovera kutana senyama yemusoro. Mwana uyu azondigura kunorira rwendo runo. Chokwadi ndakange ndafa. Ndapona nenyasha dzaMwari---" ndainge ndakateerera tete vachitaura. Ndakanzwa kumuvenga chokwadi Wiseman. "Zvakaoma tete. Sei pakutanga makanditi Wiseman ndiye munhu kwaye. Tarisai kuti nhasi ndave kudemba. I played with the wrong peason." "Zvinowanikwa mwana wehanzvadzi yangu. Chiteereresa unzwe ndoda kuti ubate mashoko angu. Iwewe wave kufanirwa kusiyana naye Wiseman uite zvaMightman. Ndapota hangu muzukuru wangu andidi kuzopinzwa zvekare munyatwa." "Zvakanaka vatete ndinoita sekudaro nekti ndega ndakatoonawo kuti Wiseman muroi chaiye." ndakabva ndasimuka kwave kunopinda mukitchen. Ndaida kunyatsoita kudziisa mvura kuti vageze. Ndapedza kuisa mvura pastove ndakabva ndadzoka kudinning. Ndakasvika tete vakavarairwa vachiratidza kut vaifunga zvakawanda mupfungwa dzavo. Nguva iyoyo vakabva vatura mafemo ndokubuditsa mashoko , asi vaitaurira pasi pasi. HAAAYAS , MWARI NDIBATSIREI NEKUTI MIGHT AZONDIORORA. KANA KUCHECHI NDAVE KUSHAYA KUTI NDOENDA SEI? mashoko aya akandivhundutsa. Ndakabva ndakosora ndiko kuvhunduka kwavakaita. "Vatete mati kudii?" Ndakadaro ndichitaridza kuvhunduka. "Uumm Febby" "Yes ndoda kunzwa zvamareva. Might aitasei nhai." "Dai ndakaziva kare ndingadai ndakati ude iye pangadai pasina zvose izvi." "Hoo ok , ndaisa mvura yekugeza vatete" takataura zvimwe kusvika mvura yaita. Vakaenda kunogeza. Pavakapedza vainge vave kuratidza kuva munhu ane hutano. Takazoenda hedu kunorara natete. Moyo wangu waiita kufara. Ndakatoti Mightman andaimbomuudza parunhare. Ndaitoda kuti ndizoenda kumba kwavo sezvo ndakange ndave kukuziva. Ende ndaibva ndaramba Wiseman for good. Zvese izvi waingova mufungo. Zuva raitevera rachona ndakamuka kuseniseni ndikaita basa rangu rese kwave kupedza. Ndakabikira tete ndikaona kuti chokwadi munhu aifara. Kwaivawo kudya zvine hutano semunhu akange akavharirwa kwenguva refu chaiyo. Ndakabva ndaenda zvangu kunogeza. Ndapedza ndakapinda mubedroom kuti ndichinje. Pandakavhura muwadrobe ndakaona kapepa kakangodonha. Kuti ndizive kuti kakadonha pai andina kuona. Ndakakanhonga kwave kutanga kuverenga. Painge pakanzi *Ndanyora pasi. Date: 22/05.* ndakashaya kuti zvairevei? Ndakangokapeta ndichibva ndakanda muhembe dzatete. Ndakapfeka hembe dzaiva special ndichibva ndatobuda kunooneka tete---- "Tete ndave kuenda kwaana Mightman." "Kwakanaka here?" "Uuumm tete , you dont understand henyu asi ndiri kungonzwa kuda kunomuona ndobva ndamuudza kuti madzoka. Ndinovimba kuti anofara nazvo" "Hooo enda hako" vakadaro tete ndichibva ndabuda. Ndakati ndave pamashops , ndakaona mota yandakaziva. Mota iyi yaiwanzofamba naMightman pese paaiuya kumba nemota. Ndakabva ndaimisa kwave kumira. Pandakangoona face chete ndakanzwa kufara. "Hie my love---" ndakadaro ndichimhanya kuda kuvhura but the door was locked. Ndakazoona ave kudzikisa mawindow ndokudongorera----- "What can i do for you?" Ndakabva ndatonzwa voice kuti ndainge ndapisira. Aiva Wiseman "Oooh am sory my dea. I was thinking kuti ndiMightman" "Kkkkk une nhamo yerombe kuramba kunamata nekuda kudhakwa nekuita chipfambi. Zuva rauchaziva zvaari Mightman uchademba hako , but inenge yadeuka isisaorereki am telling you---" akabva amutsa mota kwave kuenda ndisina kana kupindurawo angu mashoko. Ndakarwadziwa kwave kutanga kutevera netsoka. Nguva yandakasvika pagate ndakabva ndaona baba vake vakagara pagate amheno kuti vaiitei? "Good morning father?" "Am fine" "Aripo here Mightman" "Who are you to him?" "Uuumm father. He is my boy friend?" "Your boy friend? Usingazive kuti baba vanomhoreswa sei munhu oratidza hunhu? Nway he is not around--- " nguva iyoyo gate rakabva ravhurwa. Mightman akabuda achiita kunyemwerera. Saka baba ava vaindinyepera kut zvidii? "Hie bby , ndanzwa voice rako. Dont mind him bby pinda mukati. Baba munganyepa kuti andipo ini ndiripo?" "This is my house. Kana ndiri mupenyu chete ahungamupindi umu naFebby wako. Tsvagai kumwe kwamungaende. Uri kutonzwa moyo wako kufara so nezvese zvawakaita here? Unonyepera kungwara wanzwa ndataura zvaVaChimuke ukati regai ndinodzosera kumba. Uri imbwa Might wanzwa here? Ndatoozviziva ahuoni mufaro waainawo. And iwewe wachinja" Ndakabva ndapererwa. Baba ava vaiedza kutii chaizvo? "Might ndange ndichida kukuudza kuti tete vadzoka kumba. Ndave kudzokera" hapana chandaigarira apa. Ndakanzwa misodzi yave kuda kubuda. Mightman akasara akangonditarisa dady vake vapinda mugate. Ndakazoona ave kutura mafemo zvikanzi---------- MIGHTMAN Tashia aitoshura zvake nxaa kuda kundibhowa ndokwaiva ada kutanga manje. Ndakagara pamba ndiri zii hangu semunhu aiva asina chaanoziva. Chandanga ndangomirira kuudzwa na Febby kuti tete vadzoka and ndaibva ndangofara kuita sendisingazive kuti vaiva kupi? Hapana kana msge yake yandakaona zvekuti ndakarara ndakabatira hana mumaoko ndichiti zvimwe tete vazobuda musaga vakaudza Febby chokwadi. Ndakatanga kuronga mazano angu ndichizviudza kuti kana vangobuda musaga chete havaizopararama and ndaitovauraya chete nyaya yavo isina kwayaenda. Ndakazobiwa nehope Ndiri mumifungo yangu. Mangwana makuseni ndakamuka ndokungozvigarira zvangu pamba ndiri zii semunhu aifunga zvakawanda. Shungu dzangu dzaiva dzekuda kuziva zvaiva mupfungwa mababa vangu nema amai ndongoti vose zvavo vanhu vepamba asi ndaiishaya kuti ndaizozviona sei isu taisataudzana zvakanaka. Ndakabuda ndikaona Dad vangu vachienda kugedhi ndokubva vangobuda kunze kwaro zvavo. Ndakavatevera mbijana mbijana ndichinyepedzera kudzura dzura zvikasora zvaiva mumaruva aiva akatevara durawall. Ndakanzwa kutaura and voice raiva ra Febby. Hana yangu yakaita kutsemuka ndokubva ndanzwa zvaakavhunza. Mutauriro wake wakatondiudza kuti anga asina kutsamwa zvekuti ndakabva ndangobudikira. Dad vangu ndovaipindura zvavo mishonga and yaisava mhosva yavo vaiva vakatsamwa zvekurevesa. Munongozivawo verse iya iri mubhaibheri ine mashoko anoti baba vebenzi havana mufaro. Ndaitova benzi ravo ndaizviziva but pavaindiwanikidzira hubenzi hwangu ndopavaishaya. Ndakataura na Febby uku dad vachitaura zvavo. Akandiudza kuti tete vaiva vadzoka and Dad vangu vakabva vaita kakukatyamara ndokubva vangopinda mugedhe vakanyarara. Mashoko ese avainge vataura ndaishaya kuti vaimawana kupi chaiko?. Ndakatura mafemo ndokuti kuna Febby "ummmm thank you God . Tete vadzoka vari bhoo zvavo here hanzi ndanga ndiripi.?" Ndaida kunzwa kuti akaudzwa kutiii chaizvo. "Ummm havasi kutaura zvinonzwisisika ava vanenge vachiri ne confusion. Vanomboti Wise mhondi vapedza ndombonzwa vachitaura zita rako saka pakaipa sweet. Rega vambonyatsoisa pfungwa panhu one tozovataudza. Plus hanzi ku church ndokwavachapupura here hameno zvavarikungotaura vakutoita sevakurashika njere" "Shame kuvhiringika vakatambudzwa babe, anyway rega vazotiudza kuchurch kwacho kuti vaiva kupi. Byeee swty" Ndakadaro ndichipinda ndichivhara gedhe. "Whaaaat? Tete ava kaaa vavakuda kutotamba namaisva. Kuita mutserendende pa razor chaiko ndokwavakuda kuita. Vanoti vakati Wise voti Might sei? Handiti vanofana kungotaura iye Wise kitira nyaya ingopera achinzi ndiye? Manje mangwana zvairi Sunday kuchurch kwacho vachaitanga sei?. No rega ndibate Tashia ndiye achatoenda ondiudza zvichaitikako zvese ini handingaende." Mivhunzo nemhinduro zvaingobikana mupfungwa dzangu zvekuti kuenda kundopinda mumba kwakanditorera nguva. Ndakati ndapinda mukitchen ndokuwana musina kana benzi zvaro , ndakaenda mu dining ndikaona muina Molly chete... "Mollly vanhu varipi? " "Kubedroom kwana Mhamha ndangonzwa zvichinji Wise nditevere naaamai vako hameno vaenda kundodiii?" Ndakabva ndaona sekuti Nyika iri kutenderera ipapo. Ko I secret yei vega ikoko? Vadii kusheedza na Molly pamwe ndiye aizondiudza." Ndaitaura mupfungwa dzangu ndichizvipindura ndega. Ndakamboda kuteverako asi ndakangoti ngandisiyane nazvo. Nekuvhiringika kwandaiva ndaigona kuzovhotomoka. Ndakaenda muroom medu ndokubva ndarara zvangu. Pasina nguva ndakanzwa ndavakusheedzwa. "Yeah Might hanzi tete va Febby vadzoka kaa uko saka ndavhunza kuti maivepi vakati..." "Vakati chiiiii----?" ndakadaro ndiine kakutya. "Aiwa kaa handiti ndini ndakusheedza mira nditaure uri kumhanya mhanya chii?" Ndakabva ndawedzera kutya ipapo asi ndaingozvishingisa hangu. "Vakati vachataura kuchurch mangwana kuti vaiva kupi. Saka mangwana mukasire kugeza tiende kuchurch ikoko and hapana anoti inini handiendi. Sewe Might ukangoona tete vakati ndiwe une nyaya yose kaa chokwadi ndinokubvisa chiri kumeso." Vakadaro Dad vachisimuka kuenda. "Musananga mwana baba two tozongozviona mangwana wacho " Vakadaro mama vavhibudawo kuenda kwaiva kwaendwa na Dad. "Handiti uri kuona mabasa ako kaa Wise." Ndakadaro ndokubva iye aramba akanyarara achibuda. Ndakangosara futi ndava na Molly and Molly wacho aitova busy nemabks ake anenge aitarisa zvekuchikoro kwavo hameno. Tashia wandaida kuudza kuti aende kuchurch kundoterera handina kuzombomutaudza ndakabva ndangozvisimbisa nditi "kana tete va Febby vakangondinanga chete ndaizoiramba nyaya yacho kuti vaiva ne proof here. Uye ndaitoitsiva futi zvekuti vaisararama. Manheru akasvika vanhu vangori zii ziii pamba kunga pamariro. Kana chikafu chemanheru hapana akambochidya. Mangwana wacho takamuka tose tikagadzirira kuenda kuchurch. Takasvika pachiri nevanhu vashoma kusanganisira na tete na Febby. Dad na mom vakabva vatorana na Tete va Febby ndokuenda kuseri kwe church. Vachidzoka vakabva vatisheedzaa tose inini, Febby na Wise ndokuti------- End of chapter 25 Nicegirl๐Ÿƒ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 2.3k
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 11:42:15 AM

*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORYโค๏ธ* WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 24 MIGHTMAN Ndakazoenda kumba kunze kwave kutosviba. Baba vangu ndainzwa kuvavenga zvakanyanya nekuda kwenyaya yekunditorera nakeys emota. Ndichisvika kumba ndakangoona situation ndichibva ndatoziva kuti something went wrong chete. My moy n dady vakanga vasina kana mufaro. Ndakashaya kuti chii? Ndakabvunza mufaro zviye zvekungoswedza vabereki semutemo , asi no one of them akandidavira. Ndakabva ndafamba kuenda kuroom kwedu naWiseman. Ndakaedza kumutsvaga , asi andina kana kumuona. Ndakabuda ndikaenda kubathroom , kana kuona munhu. Mutoilet ndimo mandakazoona makavharwa moyo wangu ukasununguka zvishoma. Ndakangopindwa nepfungwa yekuti ndiye chete aiva imomo. Atleast aivamo mutoilet saka ndakabva ndaknocka. Ndakanyara kuona muchibuda Milca. Andina kuzonyanya hangu kuzviratidza kuti ndakanyara nekuti ndaisada kuti azotora advantage neizvozvo. "Might kutanga riini nhai?" Akadaro achinditarisisa mumaziso angu. "What is going on here? Kutanga riini kuitasei kwacho?" "Kunokera munhu mutoilet iwe uchinyatsoona door riri locked. Are you out of your mind?" "Where is Wiseman" "I dont know where he is? Maybe he killed himself nekuti ndambonzwa achizvitaura---" akabva atanga kufamba. Hana yangu yakatanga kubika manhanga kwave kumubata ruoko kumudhonza but akashandisa simba rese kwave kuenda. Ndakasara ndichiboira boira kunge mangoi. Ndakazoona Moline. Apawo iye wachona aitoratidza kuti ane zvaimunetsa mundangariro nemuhara. --- "Where is he?" Ndakadaro nezwi rainge riri pasi pasi , asi richiratidza kusimba. "I'm also confused. Did you kill him?" "No , i did not. I told you andichada kuti Wise afe. Kana afa chete am going to kill myself." "No , just be strong ok. Lets keep on trying to call him pamwe pane kwaaenda chete ave kutya nyaya" ndakanzwa mudumbu kumona. Ndakazongoedza edza kufona , asi ndakanga ndisisina kufara. Tese nana mhamha hapana aifara. Vari sababa , vaiita kuchema semunhukadzi. Mhamha andichatauri nekuti zvakanga zvave kutondipisa tsitsi nengoni. Chifume chemangwana achona ndakamuka ndichingonetseka. Apa fon yaWiseman ndipo payakange yave kuringer , asi he didn't pick up. Ndainge ndave nekakufungira kuti pamwe mupenyu. Dai ainge afa ndiani aiita on and off his fon? Kana iro shoko dai rakafamba. Ndakatozobuda pamba ndoenda kwaana Febby uko ndaida kumbonotaura naye. Ndakabva ikoko ndofarisa nekuti Febby akanga ondida zvekurevesa. Andina kumbogarisa ndichibva ndadzoka. Nguva yandakavhura gate ndakashamisika kuona mapurisa aye akasunga Wise. Yes ndakafara kumuona adzoka , asi andina kufara nekusungwa kwaanga akaitwa andizive kuti sei? Ndakatanga kufamba kuendapo mbichana mbichana. Mashoko ese aitaurwa apa aisvika kunobaya moyo wangu. Zvekuti kana sex yandakange ndaita natete vaFebby ndakasvika pakunzwa kuisema. Kubuda kwakazoita mapurisa ndini ndakanga ndonyara nekuti baba vangu vainge vataura mashoko makukutu. Ndaisada kuti zvidaro. Ende pakataurwa nyaya yaVaChimuke ndakanzwa kupera simba. He was very dangerous zvekuti aizezwa nevakawanda. Ndakasara ndakamira panze ndave ndega. Pandakazotevera mumba ndakanga ndave nepfungwa yekunoendesa tete kumba. Ndakageza nekukurumbidza ndichibva ndabuda ndisina munhu wandataura naye. Ndainge ndoda kuwirirana nemu twin wangu ini nekuti Febby akange ave wangu now. Asi ndaitofanirwa kurara naye tisati taenda kure nekuti munhu wenyama anoshanduka. Asi ndangorara naye chete , aibva ave wangu kusvika mukufa. Ndakasvika kwave kona vakomana ndikataura navo. "Unofanirwa kutipa mari izvozvi kana wave kuda kuenda natete" "How much" "$200 kana usina tokuuraya." "No , dont kill me. Iyi mari ndinayo iyi" ndakavapa ndichidedera. Apa ndifunge kuti ndainge ndaiba mari iyoyo , iiiih one day ndaidemba chete. Nway ndakabva ndanopinda maiva natete. "Good afternoon tete" "How are you?" "Am fine n you" "Not fine" "Why?" "Ndinofara sei ini ndisiri kugara mumba mangu nhai? Kana chikafu chandiri kudya kuno achina kana hutano please. Dzimwe nguva ndinotoswera nenzara ndozodya husiku. Hunganzi ndiwo hupenyu here?" "Dont worry tete. Nhasi ndauya negood news. Lets go home nekuti am now in love with Febby" "Waaaw are you serious?" "Yes tete , but on one condition" "Ndiri kuzviziva Might. I won't disappoint you ok" "Really?" "Yes." "Ok lets go" ndiko kubuda kwandakaita navo kuenda kumba. Ini andina kusvika navo , asi ndakabva ndananga kumba kwedu chaiko. Ndaiziva kuti zvainge zvaita. Uyuwo Wiseman ainge asisazonetswa nemapurisa kana naani zvake? Ndakabva ndatambira fon call. It was Tashia aifona. Andina kunonoka kudaira nguva iyoyo------ ๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž "Hello dea" ndaiita kunyemwerera ndiine mufaro kuti zvangu zvaita apa. "Mightman how are you?" "Am fine dea." "Sorry to tell you this , but ndajamba mazuva angu?" "I dont understand. What are you talking about?" Ndainge ndatoziva zvaaireva as ndaida kumupusisa chete. "Ndiri kuti inini andina kutevera mazuva angu atodarika ndajamba" "Kutevera kwandaenda here? Mazuva eyi heee?" "Might ndati andina kuenda kumwedzi. Are you deef?" "Ooooh kkkk ok" "Ndiyo mhinduro yaungandipa chete?" Ndakabva ndakata fon kwave kutanga kufambisa kuenda kumba. Dai ndakaramba ndichitaura naye ndaizotopedzisira ndamubvunza kuti zvandakarara naye aimbova mhandara here zvaaida kunditaurira zvisina basa sezvinonzi ndini waainge atanga kusangana naye------------? FEBBY Aiva Might zvake achiratidza kusuwa. "Why Might chii wakatsamwei?" Ndakavhunza ndichiswedera mudhuze naye. "Shaa babe ndofara sei iwe usiri kufara kudai nemudire wandinokuita." Akadaro Might achitsikitsira musoro. Ndakabva ndamubata mumafudzi ake ndokubva ndamuudza kuti kana iye akachidaro ini ndozodii. Panguva yandakamubata ndakanzwa ropa rangu kumhanya. Iye akabva andibata nechemuchiuno mangu umu ndokubva tambotora nguva takambundirana. Ndakanzwa ava kuti "Babe, I love you with my true love. Whole heartedly and I want you to be my wife forever." Mashoko ake akaita kudzaka mukati memoyo chaimo zvekuti ndakabva ndangoti "I love you too Mightman. And sorry for all I have done to you kwaiva kusaziva hako kuti munhu wandirikuda haasiye chaiye." Akabva awedzera kundibata zvine rudo ndokubva asimudza musoro wangu kwavakutanga kundikisa. Ndakanyatsonzwa kuti ropa rangu naye zvinoenderana hameno pamwe inyaya yekuti aindida nechekare uye ini ndakabva ndamupawo pfungwa dzangu . Akazongotanga kundibata chifuva changu and semunhu anga akabvira Kare kundida ndakangoti ngaapedzewo shungu plus ndanga ndakumudisa. "Eish babe ndakuenda, Munamato wangu dai tete vauya tinyatsofara zvedu navo tiri pamwe." "Vanouya mukomana wangu. Tichafara zvedu usatya. Saka wakutoenda unoda kundisiya ndega here." Ndakadaro ndakamutarisa mumaziso ake. "Hausi kuda kusara here babe, don't worry uchaenda neni mumwe musi handiti byee " achindipa kiss pahuma kwavakubuda. Ndakasara ndiine kakufurwa nemhepo ndikaona kuti ndanga ndakarasikirwa pese apa pandaida Wiseman mhondi yemunhu. Ndaiva ndongofunga kuti dai tete vachidzoka zvavo. Mangwana wacho Might akadzoka futi tikapanana rudo zvekuita kunga achatorara neni. Chete akazongozvi controller hake asi ini ndaiva ndotonzwa kuda kuzviitwa kunga ndaiva ndakambozviita nhai. Inyaya yekuti i was so confused zvekushaya kuti ndodii nevanhu ava vakanga vondipengesa? "Babe uchiri virgin?" Akavhunza mukomana wangu akanditarisa mumaziso ukati aiva akanaka. Runako rwake ndaiva ndonyatsoruona Might and voice rake raiva rakakorera zvaiva zvondinakidza. Ndaitomboita ndichishora Tete vaiva vakamhanya kuti ndimake Might. "Yes Might. Ndichiri virgin ini and ndoda kuzobviswa newe mukomana wangu " "Really , thanks babe ndichakubvisa ndisingamhanye mhanye zvangu." Akabva anditsvetera imwe kiss padama ndokuzoti ava kuenda. At least ndaiva ndava nekamufaro zvekuti ndanga ndangomirira kuuya kwatete vangu. Zuva rakadoka ndavakutaura na Tashia ndichimudadira handiti ndiye aidemba kuti ndive murudo naMight here. Manheru ndakagara zvangu ndichitotextrana na Might wangu zvangu. Pandanga ndoda kurara ndakanzwa knock. Ndakasimuka ndiine pfungwa yekuti ndikavhura ndichaona ari Might ndokuona vari tete vangu. "Ummm tete madzoka?" Ndakaita kudanidzira ndichivambundira ndokubva ivo vandisaidzira kure vachiti "Haiwa uko, handiti makazvironga kuti ndikidnepewe." "Kuzvironga naani Tete , how could you do this to me nekutambudzika kwese kwandaiita kuti muripi? Imi nhasi monditi ndakazvironga naani?" Misodzi yaiva yava kuerera ipapo yakasangana yemufaro neyekurwadziwa nemashoko awo. "Na-------" End of chapter 24

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 1.8k
Nicegirl Guta's Stories
2/26/2025, 5:15:34 PM

*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORY*โค๏ธ WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 22 WISEMAN Kuenda kwakaita Febby ndakasara ndakagara pavheranda. Ndainge ndaita kubata musoro wangu ndisisazive kuti ndodii? Milca akaedza kuda kundisimbisa , asi zvainge zvave kutoita kunge zvawedzerwa. Amai vangu ndainge ndisisazive kuti vari kufunga zvipi zvacho? Munhu wandakatoona kunge aisada kurerekera divi rimwe chete ndivo baba vangu. Nguva yaida kubuda Mightman , ndakaona vave kukakavadzana zvakasimba. Nguva iyoyo ndakazoona atorerwa makeys emota. Ndakatomboda kuti baba musadaro regai ayende , asi ndakashaya kana simba racho kwave kunyarara hangu. Ayenda ndakaona baba vave kuuya pandainge ndigere. Vakandibata mapendekete angu ndokuti---- "Wiseman , am your father. Please nditaurire zvose nemafambiro azvakaita---" "Father , i dont know how to explain zvamunganyatsonzwisisa hangu , asi chokwadi ndeche kuti i dont know anything about this. Hongu tete ndaiva navo zuva iroro tikatoparadzana pamashops zvakanaka vachiti vave kudzokera kumba." "Hooo kureva kuti ahuna zvaunoziva pakushaikwa kwavo?" "Yes father" "Ok , konyaya yekuti iwewe wakambobvunzwa naamai vako naiye Might iwewe wakaramba. Chii chakaita kuti urambe?" "Maida kuti ndiitewo sei baba? Nyaya iyi mamiriro ayo akatooma kubva kare. Mom vainge vasisade kunzwa kuti ndaenda kuna Febby again. Ndiko kusaka ndakavanza. Am sorry father , you know zvinoitika pama twins , asi Might ndiyo problem nekuti ave kuita kumanikidzira bhonzo muhari. One day ichatsemuka am telling you." Ndakadaro ndave kutobuditsa misodzi yeshungu. Mightman aisafanirwa kundidaro sezvo ndaiva mwana wababa vake. Dai taiva tisina kufanana , ndaizoti pamwe amai vangu vakachinjirwa mwana kuchipatara. Zvino tose zvatainge takafanana nhai--- "Its ok my son. Zvave kuda kuti ivo Mwari vaite kuda kwavo. Now ndaona huinnocent hwako i will see what to do kana Mightman adzoka. Ooh ma keys aya--" ndakabva ndadzungudza musoro wangu. Ndaisada kuita kunge kukaurisa mumwe wangu. "No father. Zvinobuditsa picture ipi izvi? Kwatiri tose kana kuna amai. Mota ndimi makatenga mukatipa sevana venyu. Kana matorera Might kureva kuti matorera neni tose. Kana mazofunga kutipa motipa tiri pamwe chete. Ndikamatambira makeys aya zvinoisa ruvengo pakati pedu rwakanyanya----" ndakaona vave kuratidza kunetseka. "Umm moyo wako Wise , dai Mwari vakutungamirira. Its ok my son----" vakabva vatanga kufamba kuenda. Ndainge ndisina kuita wrong decision apa. Ndakatogona chaizvo. Ndakazoti pave paye ndakangogara ipapo , ndakatoona kuti Mightman shall not look back. Ende aizoramba achienderera zvaigona kuzondiuraisa. Hongu Febby ndainge ndisisamude zvachose , asi Might aisadzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso. Ndakaona zvakanaka kuti ndimboenda kuprayer in a mountain. Zvichida Mwari vaizondikomborera saTanaka uyaa akazopihwa mwana after a very long struggle muwanano yake naKing Shumba. I decided to go pasina wandainge ndaoneka wehukama. Munhu wandakazokwanisa kuudza chete ndiye Milca---- "Milca ndave kumbobuda. Ndinokuona mangwana ndadzoka. Kana ukabvunzwa iwe ingoti andina zvandinoziva" "Wafunga kuenda kupiko nhai Wiseman? Usatiza nyaya inotaurwa ichigadzirisika iyo---" "Anditize mhosva yandisina kupara ini. Ndiri kuenda kugomo kunonamata husiku hwanhasi wese." "Oooooh igood idea , asi zvakangonaka fut kuti tinamatire pano my dea. Kuenda kugomo uuummm Might anotofunga zvimwe chete mira uone apa--" "It will not work , but my prayer will work. Ndaenda ini ndokuona ndadzoka. Usaudza vanhu please." Ndakabva ndatobuda kwave kuenda. Andina kumbononoka kuwana macombi aipinda kutown. Ndave kutown ndakakwirwa mota dzaienda kwaMurehwa. Kune gomo randaida kuzonokwira rainzi gomo rembudzi. It was very huge apa raiyera. Ndakati nonokei kusvika zvekuti kuma 8 manheru ndaitodzika mota. Ndainge ndanonoka kufamba. Pane mashops aripo mbichana usati wasvika pagomo. Ndipo pandakadzikira kwave kutenga zvekudya. Kana iri nyaya ndakaita kuidyira ipapo nekuti ndaingonzwa kuti kugomo rinoyera kwaisaendwa nenyama. Ndakazotakura madrinks nezvimwewo---- Kukwira kwandakaita gomo iroro ndainzwa kuti ndiri panguva yakaoma. Rairwadza veduweee. Ndakashingirira chete kusvika zvaita. Ndave kumusorosoro ndaiita kunongedzera vari pasi semasvosve. Kwaiva nemwedzi saka ndaikwanisa kuona nzira. Ndakaerekana ndasangana neumwe murume---- "Hes mukomana wakadii hako?" "Ndinofara makadii baba?" "Uuum are you from Green's family?" "Aaah ko mandiziva sei husiku huno?" "Ndaona wena nekuti kune mwedzi uku. Kwakanaka here kuuya kuno wega kudai?" "Nhamo dzehupenyu. Ko , imi munogara kupi?" "Kumaraini kumwechete ikoko. Chete amhutauri nevanhu. Ngatibatanei hedu ndauyawo ndega" "Thanks mukoma wangu." "Its ok" takabva ndabatana kusvika tasvika paive nezidombo rakakurisa raiva rakamira ndokusiya bako muzasi. Takapinda imomo akati iye ndimo mainamatirwa nevanhu vanenge vakwira gomo. I was happy nekuti ndainge ndawana wekubatsirana naye. Takanamata kusvika moyo yave kunzwa kuti yagamuchira kupona. Ndipo pandakazobatidza fon yangu ndikaona ma msg hobho from my mom , dady na Mightman. Unoita kunge uchabviswa pana Mwari. Ndakazongomasiya akadaro ndisina kumavhura kwave kutotanga hangu kutaura naMilca---------- "Wise ndambokuudza kuti usaenda manje zvavakuno kana baba vako vakutofunga kuti watiza nyaya." Akadaro Milca ndokubva aisa zvimudhori zvaichema. Chokwadi Milca airwadziwa neni aiita sekutoti ndiye mwana waamai vangu. "Rega zvakadaro Milca chikuru Mwari wangu achiziva kwandiri. Anoziva kuti handina kutiza ndiye achandirwira muhondo yandakatarisana nayo " ndakanyora kudaro uku ndichinzwa misodzi yavakutoerera . Ndainzwa kurwadziwa zvandisati ndakamboita. Ndaiti kuda kumedza mate kudai ndonzwa kuti pano ndakadzipiwa nechinhu chisiri kuda kudzaka. Murume wandaiva naye anenge akazviona ndokubva andivhunza. "Chii nhai mwanakomana wa Green?" "Kudzamirwa neshoko ra Mwari mukoma, ndikafunga zvandinoitirwa na Mwari nezvandinomuitira ndinongochema ini " ndakadaro ndichinyepa and nechemumoyo ndakabva ndangoti Mwari ndiregerereiwo mwana wenyu murikuona kuti ndiri panguva yakaoma. Ndaida kuti kana Kuri kuzonzwa azozvinzwira kumaraini kwete neni. Ndakatanga kunamata ndokubva murume uya wandaiva naye atangawo kunamata. Pane pandakatanga kuchema neshungu zvekutadza kana kubudisa manzwi. Pandakapedzera munato iwoyo ndakatarisa foni yangu ndikaona yakazara ma missed calls, vanhu vekumba kwedu hapana anga asina kuzama kundifonera kunyangwe Molly chaiye ndakaona irimo missed call yake asi ndakangoti vachandiona ndasvika. Munhu wandakamboda kuisira msg ndiye Mightman. Ndaida kungomuisira three or four words chete dzaizomutadzisa kurara husiku hwese like kungoti HE IS DEAD. ndaiziva kuti aiita mudumbu chete------- "Nhaiwe Wiseman ko ukachindisunungura hako unobvei? Shuwa ndozvawaivinga kumba kwangu kuti unditambudze kudai?" I msge yakabva kunumber dzatete. "Wiseman , handife ndakakuregerera ndezvauri kundiita wanzwa uchakorera muvhu sembambaira mwana iwewe." Ndakangodzungudza musoro handina kuwana kana simba rekuvapindura. Handiti munongozivawo kuti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurikwa. Ndaiziva ndisina mhosva navo zvekuti ndakangozviisa kuna Mwari. Kunze kwakasvika pakuchena tichingoti tikanamata tomboimba toparidzirana. Ndakaonekana nemurume uya uyo akati iye haisadzika zuva iroro aizodzaka mangwana wacho zvekuti dai kwaisavawo nenyaya ndaitombobatana naye paminamato. Ndakamukumbira number akandipa ndokubva ndadzika mugomo muya. Ndaifamba ndichiita sendichadonhera mberi kurikushaya Simba mumakumbo ndakasvika pasi ndarwadziwa and ndakazviudza kuti pain iyoyi ndiyo yatondinunura munhamo dzangu dzese. Ndakakwira comb yangu ndokuenda. Pandakasvika pama shops ekwedu ndisati ndambofamba kuenda kure ndakabva ndabatwa nevanhu vaiva muhembe mumwe wacho akabva andiregedzera mbama uku vamwe vachindiisa chain. Panguva iyoyo kana foni yangu handina kuwana mukana wekuibata yakabva yatorwa nemumwe wevanhu ivavo. "Hello" akadaro mumwe murume achidavira foni yangu yanga yaringer akaiisa pa loud. Ndakanzwa riri inzwi ratete vachiti "Wiseman unonditambudzireiko ndibvise kwawakandiisa kuno izvozvi ndirikurepewa nevakomana vako ava." "Mother tirikusvika ikoko izvozvi Wiseman wacho tinaye.." "Hiiiii oky maita henyu huyai mundiyamurewo Ndiri panguva yakaoma." Vakadaro tete vaye vachikwetsura zimhere kunga vaishura. Vanhu vaya vakabva vatanga kundivhunza vachinditi ndivaudze kwaiva natete and pese pandaiti handizive vaindipa mbama dzaiita sedzichabva neganda...... End of chapter 22

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 1.7k
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 3:22:30 PM

Haa mukaisa ma likes so books moriona kanq 7 chapters per day

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 293
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 7:55:06 PM

*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORY*โค๏ธ WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 26 WISEMAN Chandainge ndave kungoda chete apa kuti tete vaFebby vadzoke kumba. Kudzoka kwavo ndaibva ndaziva kuti ndasunungurwa. Kwete nekuti ndaida Febby , asi kutongonzwawo zvangu tsitsi. Imwe nyaya ndainge ndoda kuti vabereki vangu varege kundiona semunhu akaipa. Ndaida kuchenurwa sezvo ndakanga ndisina mhosva apa. Kubva pakangotaurwa nyaya yaVaChimuke , ndakaona Mightman ave kuratidza kushanduka zvishoma nezvishoma. Ndakaziva kuti ainge otya. Ahana kumboita nguva refu akabva atobuda. Ndakamboda kutevera , asi ndakarega nekuti ndaisada kuti vabereki vangu vambondishaya pamba. Mangwana zvaizondisunungurawo kana nyaya dzakavanzika dzobuda pachena.---- Nguva yaakadzoka andina kana kutaura naye. Mai vangu ndivo vainetseka kuda kuziva chaiitika pakati pangu naMight. Zvinhu zvaingova pachena , asi ndaiona vachiratidza kusanzwisisa andizivewo pamwe rwaiva ruvengo. Asi munhu angavenga sei mwana waakabereka? Husiku ihoho ndakabva ndaona msg from new number. Msg iyi pandakaiverenga ndakamboseka. Ndaisaziva kuti musikana iyeye akanyatsokwana here kana kuti dzakashota? Yainge yakanzi--- "๐Ÿ“ฉ Wiseman hes. Uumm ndiri kuona kuti pane hondo pamuri nekuda kwaFebby. Asi zviri kunzi ndiwe mhandu nhai zvino uchadii? Asi ndoda kukuudza kuti siyana naye Febby wacho isu tiriko tinokuda asi ahuzvioni kkkkkk----" akabva aisa ka emoji kumberi kekuratidza kuseka zvose nekunyaririra. What if aida kundi threatena hake munhu uyu? Manje ndaida kuzviona. Ndakabva ndati---- "๐Ÿ“ฉ Ndianiko uyu? Now days zvichamboshamisira here? Kana wada munhu ingomuratidza chete motangira ipapo. Auzive pamwe iye anonga achitokudawo---" ndakabva ndasekerera. Pandakazoona reply yake ndakaita kunge ndichapanhira fon yacho pasi. It was Tashia , and ndakazongotaura naye zviye zvekuti nyaya iyoyo ichipera. Ndaisambofa ndakamuda. Ndairangarira zvekumashure zvose nekuti chinokanganwa idemo kwete muti watemwa. Zuva remangwana achona ndakapihwa makeys emota ari makuseni ndichibva ndaenda kumashops. Ndipo pandakaona Febby achimisa mota. Andina kana kuramba , asi ndakamuudza chokwadi ndichibva ndadarikira.--- Andina munhu wandakataura naye pandakasvika kumba. Nguva yaakazosvika ndakaziva kuti nadady zvaisambowirirana. "Saka nhai Wiseman uri kutonzwa kufara here?" Akadaro Might ndichibva ndamutarisa. "Kufara nei?" "Am now in love with her , apa dady avachada kumuona what should i do?" "Just leave his house wonogara naFebby wako kwakasunguka. Inga ndiwe wakati wakura wave kufanirwa kuchizviitira zvinhu zvako----" akangoridza tsamwa ndokubva arara. Zuva raitevera yaiva sunday. Apa ndainge ndanzwa nyaya yekuti tete vaFebby vaida kuzoudza vabereki vangu chokwadi. We forced kuenda kuchechi tose apana akasara kumba. Ndaitoziva kuti ndichanyeperwa chete---- "Mightman ukaona ndikanangwa apa , ndinenge ndisisakodzeri kurarama hangu panyika" ndakamudaro takamirira kudzoka kwavo nechokwadi. "What do you mean? Ziva kuti akuna mushonga unobatira pasina chironda" "Hooo , asiwo ziva kuti Satan chine mazano. Ndaisazvitarisira kuti zvinodai. Vave kudzoka rega tinzwe" akabva anyemwerera akatarisa kwavaibva nako. Nguva yavakasvika ndakanzwa kunge kakukakavadzana. Mashoko andakangonzwa ndeekuti---- "No , he is innocent---" vaiva baba vangu vaidaro. "Why kumurambira heee? Ende dai uri mumwe munhu baba vaMight watonotarisa mari yako musefa mainogara. Zvichida yakabiwa ikanobhadharwa nxaaa---" ndakabva ndavhunduka. Yaiva nyaya yei nhai? Ndakangoti--- "Dady what is going on?" "Wiseman how could you?" Ndimhamha vakadaro. "Mom what is it?" "Sei wairamba iwe uriwe wakaita izvi?" Munoziva ndakapererwa. Ndakangokwanisa kutarisa Mightman uku misodzi yangu ichibuda. Vanhu vese vakanditarisa ndikatanga kutaura. "MIGHT WANDIGURA KUNORIRA. MOYO WAKO WAKAOMA SEDOMBO. TETE , NDODA KUKUUDZAI KUTI MURI MUTADZI PANYIKA. SEI MABVUMA KUSEVENZESWA NAMIGHTMAN?. ININI AM INNOCENT. I DONT KNOW ANYTHING ABOUT THIS , BUT ITS OK. MIGHT NGUVA YAKO ICHAKWANA. MOM MUCHANDIYEUKA NDAENDA. MIGHTMAN INYOKA CHAIYO. NWAY NDAMIRIRA ZUVA REKUSUNGWA. GO AHEAD-------" Ndakabva ndatanga kufamba kuenda. Kana zveChechi ndakabva ndatosiya ipapo ini. Vanhu 2 chete vakakwanisa kunditevera. My father n Milca our house maid "No Wise , azvina kumbonzi wave kusungiswa. Zvatopera ndangopupura chete----" andina kuzviteeera ndainge ndonanga kumba. Chokwadi zvakandirwadza kuitwa muipi ndisina kana mhosva. Jesu ainge aroverwa nekuda kwezvitadzo zvedu. Ko , kuzotiwo ininiwo zvanguwo munhu wenyama? "Calm down Wiseman. Mwari ndiye mhinduro ok---?" Akadaro Milca. "Nooooo..!" Takamutsa mota ndokunanga kumba. Kuchechi kwacho kwakatosara mapenzi nxaaaa. Might naMoline vaizivana. Kozotiwo Febby natete vake imbwa zvadzo. My mom was so confused andina kuvapa hangu mhosva. "Its ok Wise. Ndoda kutarisa mari yangu zvarehwa naamai vako" "Ok dady" vakadaro vachipinda mumba. Nguva diki diki ndakaona vave kudzoka vakafinyama kumeso--- "My keys-----" vakadaro "Whaaat? You mean amhusi kuona makeys?" "Yes--" "Father am innocent" havana kudaira. Vakabva vatura mafemo ndokugara pasi. "Nway , ane benzi ndeane rake. Chandooziva Mwari vanopindura. Ndichazvitsvaga." Vakabva vatonyarara. Vaiva kuchechi vakazodzoka kuma 2. "Maswerasei mhamha?" "Ndaswera. Where is your father?" "He is inside the bedroom" "Call him" ndakabva ndavadeedza. Vakauya ndokugara pasi. Mom vakabva vati----- "Baba vaMight nhasi paitika shura. Matisiya nemota saka tauya netsoka. Zvino tasangana nebenzi munzira. Benzi iri zvaraita uuumm----" "Raitasei?" "Rasvika ndokurova Mightman mbama. Rabva rati *Musambofa henyu makamhan'ara nyaya idzi kumapurisa. Uyezve ndaona musodzi pamatama enyu manje manje*---" "Misodzi yei?" "Andizive , asi zvandishamisa uuummm. Mightman atozvimba dama nekuti mbama iyoyo was very strong--" "Hoooo , makeys angu epa sefa inogara mari ndaashaya. Ndichanyarara zvepolice zvacho sekutaura kwaita benzi iri. Mwari ndiye mhindura. Might wazvinzwa here? Ende benzi haringorovi munhu. Zvauri kutsvaga uchazviona hako. Wakaura andina tsitsi newe--------" TETE vaFEBBY Mightman akandigura kunorira. Ndaiva ndisisina kana zano kunze kwekubvuma zvaanoda kuti andisunungure. Musi waandibudisa ndakasvika kumba ndiine hukasha. FEBBY ndakatombomuitira ka rough ini ndikazofuunga kuti ndogona kuzongopinzwa busy sekutaura kwaiva kwaitwa naa Mightman . Chokwadi chose ndainzwa kuda kuchibudisa asi hana yangu yairova. And ku church kwacho ziso randaipiwa na Might kaa raiva rekunditi taura uone zvandinokuita. Ndakandovaudza nhema vabereki vana two and Mai vake vakatoita kuzvitora sechokwadi. Baba vacho ndovakaita sevasina kuzvibvuma and Wiseman wacho mashoko ake akaita kundidzipa pahuro. Kunamata kwemusi iwoyo hakuna kundiitira zvakanaka. Church yakatosvika pakupera ndiine confusion ndichiita semunhu anopenga. Ndakatoti ndiri munzira na Febby ndokunzwa kuda kumuudza chokwadi as ndakazongoti ndomuudza ndasvika kumba ndagarisika. "Ko Tete kunyarara kudaro kwakanaka here?" Ndi Febby akandivhunza. "Haa hapana muzukuru wangu kutofunga hangu kuti asi Might zvaakandiita zvichaguma nepi noo I mean Wise." "Ummm tete nemhaka yei murikungoti Might, zuro futi ndozvamoita muchigunun'una paye maingoti Might. Asi kani ndiMight?" "Noo muzaya kungoti ndoava mupfungwa dzangu kaa wandakuda kuti udanane naye." Ndakadaro ndichinyepa zvangu Kuri kuzama kuviga pfungwa dzekuti akasire aziva nyaya iyoyi tisati tasvika kumba. "Okay Tete ummm zvakaoma.----" Takazoti tasvika pamba tisina kana nguva refu ndokuona call from Mightman ๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž๐Ÿ“ž "Might watiii, urikudei nhai? Inga ndaita zvawakati ndiite wani." Ndakadaro ndichicheuka cheuka kutarisa Febby kuti haasi pedyo here. "Yes Tete, ndanga ndangoti nyaya yacho hatisi kuzoi reporter pane benzi rasvika kumba kwedu rikati Tisa reporter saka ngaingopera yakadaro handiti chikuru dhiri rangu rafaya." "Ok Might, but wakaoma hako dai usina kundibata chibharo paye izvozvi ndotarisana na Febby sei waunoti unoda wacho iwe wakarara neni." "Noo tete , zvekurarana izvo siyanai nazvo handiti makatondibatirira here paye kuratidza kuti makanakirwawo takanakirana paye. Byeee zvandataura mazvinzwa and please musaputsa chitsidzo chedu." "Ok Mig-------" Handina kupedzisa Febby akabva apinda. Ndakambofunga kuti andinzwa ini but paakazoti "Hiii tete asi muri pa call, Sorry ndinenge ndakukanganisai nyaya dzenyu murikutaura naani?" "NaMuvhangeri vekuchurch vanga vachindimhoresa havo." Ndakanyepa ipapo. Atleast aiva asina chaanzwa. "Okay, tobikei nditange kubika." "Bika chero muzukuru wangu zvawaisingoita." Akabva atobuda ndokubva ndabaya foni yangu kwava kuona Might achiripo. Anga asina kukata kureva kuti zvataiva tataura zvese aiva azvinzwa. Akakata foni yake ndokundiisira masge yekuti Thanks. Ndakairidza tsamwa ndokubata musoro ndakatsikitsira. Mashoko a Wise aainga atara kuchurch akati atangawo kurira munzeve dzangu. Ndakatanga kuchema neshungu ndega. Kunzwa ku feeler bad chaiko ndokubva ndasimuka ndakananga ku kitchen kwaiva na Febby. Wisemam was a very good persom. Ndaitoda kundomuudza chokwadi ini kana Kuri kuurawa na Might ndaizourawa ndazvifumura. Ndakasvika Febby uya ari pa call akabva angoti "Okay Might haudi kutaura natete here swthrt.?" Pakarepo ndakabva ndaa------- End of chapter 26 Nicegirl๐Ÿƒ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 1.9k
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 6:06:22 PM

2hrs ne 921 likes henyu

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 474
Nicegirl Guta's Stories
2/27/2025, 5:32:45 AM

Nxaaaaa saka kana aita bonde na tete achazotarisana navo sei mangwana kana kuri kunzi aroora Febby.Apa anodya bota riri raw kana kumbotya nhumbu nechirwere hake.

๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ 287
Nicegirl Guta's Stories
2/26/2025, 12:09:36 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 USATI WATANGA KUVERENGA CHINGOGARA WAITA VIEW WOTI FOLLOW FOR MORE CHAPTERS BOOK IRI KUMBERI.. USASARE KUVERENGA NEVAMWE ,NYAYA YA KUMBIRAI ACHATIZIRA MUKOMANA ACHANGE ACHIMUITIRA HUTSINYE. HUYAI MUNZWE KUTI ACHABUDAI SEI PA HONDO YAKATARISANA NAYO โค๏ธโ€๐Ÿ”ฅโค๏ธโ€๐Ÿ”ฅKUMBIRAIโค๏ธโ€๐Ÿ”ฅโค๏ธโ€๐Ÿ”ฅ STORY BY LORRAINE READ AND SHARE CHAPTER 1 KUMBIRAI . "Mwana uyu kunzwa kwake kunotonetsa.chokwadii munhu wandisiya ndaudza kuti azobvise hembe dzangu kana dzaoma akuregera zvake,,iwe Kumbirai huya kuno, ndoda munhu anoterera wanzwa!" ?" Vaive mai vangu vaipopota vakamira panze mushure mekunge vawona ndisina kubvisa hembe dzavo. Ndaiva ndatozvikanganwa ndichizvitora ma pictures ndichimatumira mukomana wangu. ndanga ndamusuwa sezvo ayitogara ku Harare asi ayimbopota achiuya achindiwona kuno kumusha kusanganisira na mbuya vake mai va baba, vaitogara pedyo nemisha yedu zvekuti ndaitoti ndakapedza basa ndaitoyenda kunovabatsira kuchera mvura.havaida zvekugara nevashandi vaitoda kuzvigarira vega vachizviitira zvinhu zvavo. sanike ini vaindifarira vakatoudza muzukuru wavo kuti anofana kundiroora akabvumirana nazvo akatondivimbisa kuti mwedzi uno haupere asina kuuya kuzondibvisira mari.ndaiva ndakumboda kubva kuno kuruzevha ndonotanga new life yangu. pakarepo ndakazobuda panze paye ndokusvika ndichisweresa vabereki vangu ndikanzi na mhama... "Nepane makore ako apa uchingori kuda kuudzwa zvekuita, handiwe here wandasiya ndaudza kuti uzobvisa hembe idzi kana dzaoma?" "Ndini wamadaro." Ndakadaro ndakaita kupusisa chiso. mai vangu vaiti vakatanga kupopota havainyarara.vaisada kuitirwa nonsense pamberi pavo vakabva vanditi. "Uchatinyadzisa kana kwaucharoorwa, ndiro chaidzo ukasuka, haufungewo kubvisa ,unongozvisiya padara zvichiyendwa nedust.these week unofana kumboyenda kwa tete vako kuchiroti umbonodzidziswa kushanda ndava ini ndaneta newe pano,kana ukatukwa sei, unongoramba uchidzokorodza zvinhu zvimwechete, Izvezvi bvisa washeni yangu iyi unoyiisa mumba zibenzi remunhu,iyo foni iyoyo ndoyimwe inokutadzisa kushanda pano,ndichayipwanyira pasi. ramba uchiita hunhu hwako." Vakadaro vachitopinda mu kitchen vakadungamidzana na baba vangu havaida zve noise vaiva munhu akanyarara even big brother yangu. yaitogara ku south Africa ndiko kwaishanda,, asi anga asati aroora. rino gore ndiri raitoshandira 30 years. Ini ndaitoshandira 25.munhu ayitaurisa mumba medu ndiko kachembere kepano ndakazobvisa washeni yacho ndokuyenda kunoyiisa mukamba kavo kavairara kwakuchizoyenda ku kitchen ndikasvika ndichinzi na mhama ndiyende kunotenga matemba kwamuzombe,vachibva vandipa mari. kwakutopfeka bhutsu dzangu nekutobuda kuyenda Kwamuzombe kwacho kwaiva kure mbichana. Ndichangoti fambei ndakanzwa munhu akandishevedza kwakubva ndamira ndichitarisa kuti mdiyani,, ndokuwona ari Sekai, yaiva shamwari yangu yandaingowirirana nayo muno tichiyenda kuma church tese........ Ndakatomuti mhanya akaita sekudaro , Achibva asvika asvika edyo neni is kwakutanga kufamba tese achinditi... "Urisei hako Kumbi?" "Ndinofara zvangu vakadii vamwe kumba." "Vanofara havo nezuro ndaitoda kuuya kumba kwenyu asi ndakazonzwa hunungo ,otherwise varisei mom's na mudhara". "Variboe havo ndatovasiya vakagara "Ko apa urikuyenda kupi ?" "Ndatumwa kwamuzombe kunotenga matemba hameno kuti ndomawana ariko here?" "Haumbomashaye, ko ndine nyaya ka irikupisa ?" Akadaro achitomira kufamba,ndichibvawp ndamirawo ndichimuti...... "I nyaya yei irikupisa?" Akambotanga aseka akati............ "I hope hauzonditsamwire ndakakuudza nyaya yacho". "Handimbotsvage inga unondiziva wani." A ambogadzirisa pahuro pake achibva anditi... "Nezuro ndakasangana na Zvidzai ndichitobva kuma shops, nhau yakandiudza pamusoro pe mukomana wako ndakatotya nayo" "Hanzi adii mukomana wangu?". "Hanzi anohura zvisingaite ku harare plus ane chirwere?" "Saka iwe wakatobvumirana nazvo ukatowona chiri chokwadii ". "Hanty Zvidzai anogara kudhuze nekwana Logan saka hapana pangazombotadze kuziva nezvake". "Logan haana haite zvechihure, akatogara andiudza kuti ndini ndega musikana wake arikutoda kundiroora mwedzi irikutevera iyi." "Dai wasiyana nazvo zvekuroorwa , munhu uya anokutambudza,usafunge kuti kuuya kwanoita kuno achikuwona anokuda zvakanyanya, kana usingazive kuti vanhu vevarume imbwa uchazviwona hako." "Logan anondida ne moyo wake wese, dai ayisandida angadai asingabouye kuno kuzondiwona kana foni iyi angadai asina kunditengera". "Kumbirai nharo hadzishande, Terera mashoko angu.. Kupihwa chirwerwe ,nekuzohurirwa zvinhu zvinorwadza hama yangu". "Ndisiye ndiroorwe ndichazonozviwonera ndega". "Iii hameno, uchazoyeuka bako wanayiwa". "Hapana chandinomboyeuka, soon ndirikubva kuno,muchandisuwa zvenyu ana Sekai". "Dzimba idzi dzirikuchemedza vakawanda , sanike type ya Logan anotowoneka kuti habvire muvakadzi ". "Problem yenyu vanhu vatema mukawona munhu akanaka makutofunga kuti anohura, kunze uku kune varume vari loyal kuvakadzi vavo". "Hooo". "Ndakuyenda ini ,ndingazotukwe na mai vangu ndanonoka kudzokera kumba". "Tinowonana".akadaro zviye zvekuratidza ku bhoikana asi handina kumboita hanya nazvo ndakabva ndamuti... "Kwauchafamba ikoko usiyane nekutaura zita nemukomana wangu, kana venyu vakomama vachihura musafunge kuti vese vanohura".ddakamudaro ndakutofamba asi haana kuzombondidaira ne nhau yekuti aiva atsamwira kuti ndaramba kuterera mashoko ake,, zve mukomana wangu zvaitotaura ndaitowona dziri nhema dzega-dzega.ndakazosvika kwamuzombe ndokutenga matemba andaiva ndatumwa ndichibva ndapinda munzira kudzokera kumba ndichitofambisa sezvo zuva raive rakuyenda kunopinda muna mai varo. Ndichisvika kumba ndakabva ndanzi na mhama ndibatidze moto nditotange kubika apa ini ndaiva ndakatemba kumbosvika ndichigara ndozotanga kubika. zvino paiva pataurwa na mai vangu hapaimboda kuita nharo. ndakatosimuka ndokutanga kukuchidza moto wangu kusvika paukabvira ndokuchitanga kubika ndichiudzwa zvekuita na mhama zvinova zvaindibhowa ndichipedza kubika ndakangopakura sadza ravo mundiro yimwechete ndokuvageza maoko, vakasara vachidya ini ndichibva ndayenda kunogara kunhanga kwangu ndaitomboda kutaura na Logan kutonzwa kumusuwa. Ndichitofona foni yake yakatanga ku ringer achibva azondidaira Pati perei tuma minutes achinditi.. "Beb ". "Hello sweetheart waswera boe here ?" "Ndaswera boe , ndirikutobva kunogeza ndosaka ndanonoka kudaira call yako". "Asi urikutobva kubasa". "Ndauya pane time, ndanga ndichimboita gym mu room mangu,,saka ndanga ndakunzwa kutsva ndichibva ndafunga zvangu kunogeza". "Hoo wadya here?" "Handina shaa ." "Indava ?" "Zvekubika zvinondinetsa ndosaka ndirikuda kukanda Paden zvekuti pandobvawo kubasa ndowana wabika." "Ok,ndatongomirira iwewe kuti undiroore ." "Mwedzi uno hausikuzopera ndisina kukanda pa kitchen ". "Ok asi ndirikuda kuti uzondiitisa course yekuruka Logan ,," "Zvese zvauchada beb ,,ndichakuitira." "Ok, good night ndafara ndataura newe ." "Urare boe beb wangu, l love you so much, miss your beautiful smile ". "Ini ndasuwa your sex eyes ." Akabva aseka pafoni ipapo achibva anditi.. "Soon tichange takuwonana everyday". "I hope hauzondirove takugara tese". "Handitove munhu wandinoda ". "Hoo". Ndakabva ndakata foni yacho ndichitonyemwerera ,Logan ayinditenderedza brains dzangu ndaisagona kuswera ndisina kutaura naye. Ndakazorara zvangu ndichingomuwona mumaziso angu.zuva rinoteera racho ndakafuma ndichinokerwa na mai vangu rungwanani-mangwanani ndichibva ndatoziva kuti hapana nhau yaimboda kutaurwa kunze kwekuyenda ku church kwamadzimai vainzi varikuuya nezuro kubva kudomboshava vainzi vanobatsira sekutaura kwaita vamwe ndiko kwandaitoda kunzi ndiyende kumbonzwa zve marriage yandaitoda kupinda sezvo vaizviziva kuti ndirikuda kuroorwa. Ndichibuda panze vakabva vanditi.. "Uchiri wakatorara zvako,madzimai hanzi vakauya nezuro". "Hoo." Ndakadaro ndichinzwa kubhoikana vakati.. "Ita ugadzirire uyende kunoyereswa wobva wabvunzira zve imba yako". "Ko ndakazoyenda mangwana hazvite here ?" "Enda nhasi ,pamwe mangwana acho havabatike, upfekewo hembe dzakadzikama zvakaita muviri wako uyu hazvimbode hembe dzinobata". "Ndichipfeka skirt yangu isingabate". "Horyt chiita zvekukasika,ndakumboyenda kunochera nzungh ". Ehoi." Ndichiwona vakuyenda ndipo pandakapinda mu nhanga mangu ndokuchinja fast ,ndichibva ndayenda kunogeza maziso nekukwesha mazino kwakutobuda ndakabata foni yangu nedhuku kuyenda kwamadzimai mdichiita kufambisa zvimwe ndakapedzisira ndakunzwa kutsva kutodikitira kumeso. Ndichisvika kwamadzimai vacho ndakawona vari vega vachitoteura munamato wa nine,, panga pasati pane vanhu ndikanzwa kufara kuti kana kurikuporofitwa ndainyatsopotofitwa zvisina anonzwa,ndakabva ndabvisa bhutsu dzangu ndokudziisa muma dziro emba ndichibva ndasunga dhuku rangu nekutoyenda kunopfunga painamatira madzimai vacho.ini zvekunamata handaimbozvigona........ Ndakatonyepera kuvhara maziso angu ndichiita sendainamata kusvika pavakazopedza ndichibva ndazomavhura. Vakanditi.. "Ndakambokuwona kupi ?" Vakadaro vachitosimuka vachibva vatyora muzura ndokuvati... "Ndiri mwana waMususa ." "Hoo wakafanana na mai vako zvisingaite ." "Vanhu vakawanda vanodaro". "Makafanana, swedera padhuze ndinamate newe ". " Ok.".ndakadaro ndichitoswedera pedyo navo vachibva vakatanga kunamata neni vakanditi... "Murikuda ka kuroorwa madzimai imimi ". "Hongu ". "Ndawona matambudzidza ne imba yamurikuda kupinda. Logan ndiyani wako?" "Mukomana wangu ". "Ndirikuratidzwa ayine munhu waarikufambidzana naye munombotaura mese here?" "Nezuro ndakabva kutaura naye". "Hapana zve imba apa, gara wasiyana naye pachiri padhuze, ukangowona waita nhumbu yake ndokupera kwazvo. Munhu iyeye hatogutsikane nemukadzi mumwe, ndirikuwona ayine gurusvusvu revasikana vake, mhama variko here?' "Ndine nhau yako yandirikuda kuzotaura navo .' "Ndichanovaudza." "Horyt ndichakupa munamato unogeza mazuva matatu wozodzoka nawo,ndichiripo zvangu". "Tinotenda." Vakabva vandipa matombo matatu avaiti ndinogeza nekunwa ndozodzoka nawo. Havana zvimwe zvavakazombotaura. Ndakabva ndasimuka ndokuyenda kunopfeka bhutsu dzangu nekutora foni yangu ndichitonzwa kubhoikana. Vanhu vanonzi mapotsori vaiva mharadzi chaidzo.ndichingoti fambei ndakabva ndarasa zvimatombo zviya ndichiti handigeze zvimuteuro zve vanhu vanoporofita nemusoro wegora. Dzaitova nhema dzavaitaura pamusoro pa Logan, ndaitoroorwa naye vasingade vachida... End of this chapter 1. Kana book richinakidza mopa ma comments

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 193
Link copied to clipboard!