Zimbabwe Online Novels🇿🇼
February 1, 2025 at 03:58 PM
*🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤‍🔥* Collaboration Written By Nicegirl Guta 0712483943 And Yutman✍🏼🍓 https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X @All Rights Reserved ☄️Chapter 21 KEILA Tanaka akasvika pandiri ndokubva aisa ruoko rwake padama sekunge aitester temperature. Ndaibvunda ipapo zvekuti iye akatozvinzwa nekuzviona. "Keila what's the matter? Kozvaunenge wava kutobvunda waita fever here?" Hama vadikani munoziva unosvika pakupererwa so kuti saka ndomuudza kutii? Ininiwo wacho pachangu ndakanga ndichiri confused nezvakanga zvaitika zvekuti ndinoona Tanaka ari muformal make then totsvodana kusvika pakurara tese ndozotonyatsoonekana naye achiti ava kuenda kubasa asi muchidimbu chenguva ndobva ndazoona Tanaka zvakare achiedza kunge pasina chaaiziva chakanga chaitika. Mudzoro mangu maiva nemivhunzo yekuti, ndiani wandakanga ndarara naye? Munhu akabvisa humhandara hwangu akanga abva kupi uye akapinda sei? Kochaiva chokwadi here kuti Tanaka haasiriye akaita sex neni uye hapana zvaaitozivawo nenyaya Iyi? "Keila are you okay? Koblood iri rabvepi?" Ndakacheukira kwaainge anongedzera wanei zveshuwa on the sheet pakanga pasarira tublood. Ndakafunga nekukasika bvandamuti zvichida yaiva period yangu yakanga yatanga ndakavarairwa. Ndakanyatsoona kuti munhu ainetsekana nereaction yandaiita ipapa, zvinoitawo satan soo, ndakabva ndada kutanga kufamba kuti ndibve paPresents yaTanaka ndonofungira nyaya dzangu somewhere asi nekuda kwepain yandainzwa zvakaramba kuti ndifambe normal bvandachiita zvekukamhinhira. "Keila are you sure you are okay?" Akadaro Tanaka ndokumupindura hongu. Ndakanga ndatosvika paiva nedoor rekuti ndichibude Tanaka bvaadana zita rangu achisheedzera. Ndakamira kwakutarisa kwaaiva bvandamuona akatarisa kudhuze nekwaiva necurtain. Akafamba low low achiendako ndokubva azobvisa magirazi aaiva nawo kumeso. Kamuitiro kacho kaaiita zvakaita ndive so curious since airatidza kuti aiva nezvinhu zvaaiona ipapo. Akachonjomara bvaazotanga kusimudza something achishandisa maShades ake but paaisumuka that's when I discovered kuti raiva boxer remurume. "Koboxer iri nderani? " Hana yangu yakati bhaa ndakaritarisa. Tanaka aisava nebhurugwa remukati rakadaro, this one raiva raita kakusakara. I couldn't believe my eyes bvandamatsokota but still maonero haana kuchinja. Tanaka akaramba akanditarisa akapinza maziso ake mukati sekunge ane zvaaibatanidza soo "Wait a moment, Keila what's happening here? Boxer iri nderemurume kaa iri? Nderani? Akabvepi? Komuno riri kutsvagei? Oh Jesus, don't tell me Keila you have been cheating me-- " Ndakaramba ndiri zii ndakamutarisa, kana kudedera kwacho kwakanga kwatowedzera ipapo. He came closer to me bvaakanda boxer riya pasi, akasvika pandaiva bvaanditi huro dzvii imikaa. " You better tell me what happened wanzwa? Boxer rabva kupi iri? Koblood riri pamasheets rabva kupi? Kowhy pawafamba ndakuona uchikamhinha?" Tanaka akavhunza mivhunzo yake achitarisira kupindurwa. Ndakaerekana ndati-- "Handiti ndiwe warara neni here?" Akabva amira kuwedzera kundidzipa kwaaiita bvaavhura ziso akashama muromo. "Wati chii Keila? Ndarara newe? Nguvai? Are you trying to say ndini ndanga ndakapfeka boxer iri?" Dai uriwe waimupindura Tanaka uchiti chii? Akabva andiregedza bvaati aidzoka. Akabuda muRoom macho kwakusiya arovera door. Kubva nditange kuzivana naTanaka ndakanga ndisati ndakambomuona akatsamwa sezvaaiva izvi. Ndakasara kwakumbogara pamubhedha ndakaita zvekutsikitsira ndakabata kuface. I tried to gather all my thoughts but zvairamba. Vision yaTanaka achipinda muroom achisvika achinditsvoda nekuzosvika pakurara naye yakaramba ichidzoka mudzoro mangu. Honestly there was something fishy chaiitika. I was sure kuti munhu wandakanga ndarara naye aiva Tanaka, how come aiva nesame complexion,face, voice worse paya akatonyatsondideedza nezita moreover confidence chaidzo dzaaiva nadzo zvaitova pachena kuti hatingambomuti aiva munhu wekunze. Tanaka hameno magames aaingoda kuita zvake uye kana aiva kuda kundipranker aifanira kusadaro. I got dressed bvandadzika downstairs, ndichiri kumastairs mudenga ndakaona tanaka ari muDining achiti akafamba akananga kuLeft ombodzokera kuright. Mumaoko ake maiva neglass yedoro mheno yaiva type ipi. Nenguva diki gardener akabva apinda, asati ambopedza kuti "mandisheedza--" akabva anzi color dzvii bvaaiswa kumadziro. "So you are the one who screwed my wife hanty-? Kundidyira muchero wandisati ndaravira shuwa iwewe?" Akabva apihwa chibhakera one chemudumbu bvaagomera achishama muromo. Ndakabva ndamhanya kwaiva nevanhu ava kuti ndibate, vasikana vebasa vakazosvikawo bvatabatsirana. "You, I'm coming back for you--" Tanaka akabuda aine macar keys mheno kwaakaenda. Ndichitarisa situation yaiva paground paigona kutokuvadzwa munhu zvekuendeswa kuchipatara chaiko. Ndakafunga very fast bvandatorawo angu maCar keys kwakubuda gate nemota, ndakanga ndava kutotiza nekuti warning yekuti "I'm coming back for you--" yandakapihwa naTanaka yaiva serious. TANAKA I was sure Keila wasn't alright. Zvaiita like akanga avhiringika, kunge aiva nesomething chaaida kundiudza. I couldn't believe my eyes, ndakaona chipfeko chemumhu rume kudhuze necurtain. Ndakabatanidza nyaya dzacho, reaction yaiitwa naKeila plus boxer multiply by blood raiva pamasheets tobva taisa square root yekukamhinha then equals to virginity loss.[ (Reaction+boxer×blood) √yekukamhinha = virginity loss] Pakabuda that answer ndakanzwa kuzarirwa, kunzwa nzara zvese nekuda kuenda kutoilet. Ndiani akanga aita Keila abvume kurara naye? Kuchitwa nemunhu wausina kana svondo waroora shuwa imikaa. Pamba pangu paingova neOne murume aiva gardener and definitely he was the primary and secondary suspect panyaya Iyi. Zvandakamuita zvaiva zvishoma, kungoti ndakazokasira kubatwa but ndaitoda kumukwatura zvekuti ainomukira ari paLife support kuParirenyatwa. Ndakabuda gate ndakananga kumba kwaMilton. Luckily ndakasvika ariko, kungopedza kutaura kwandakaita nyaya yangu akaratidza kupererwa ndokubva ati. "But something is not clear panapa. Honestly hakuna mukadzi anoroorwa obva achita murume wake within a period of a week. Point number two, hakuna mukadzi anoroorwa ari mhandara zvinozivikanwa nemurume wake obva anopa humhandara ihwohwo kune umwe murume within a period of a week. Point number three, why can your wife chooses to sleep with the gardner over you? Point number four inova ichazotipa solution to this problem, I wanna know kuti pawamuvhunza kuti azviitirei akuudza kutii Keila wacho?" " Hapana zvaataura, she was just out of words bro, she was shaking and looking confused like a female cockroach ramitiswa nenhunzi" " Hapana hutsi hunopwititika pasina moto, we need to find out. Iwewe cool down, ndikuda unyarare ungoteerere, ndava kufonera Keila wacho now____" End Of Chapter 21 Stay Tuned 💚🍃
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 2.4K

Comments