Zimbabwe Online Novels🇿🇼
February 3, 2025 at 07:19 PM
*🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤‍🔥* Collaboration Written By Nicegirl Guta 0712483943 And Yutman✍🏼🍓 https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X @All Rights Reserved ☄️Chapter 23 KEILA Tanaka ndakamusvikira agere pamba hake. Kusvika kwandakaita ndakabva ndatomuudza kuti ndakanga ndaona munhu akafanana naBamkuru vake. Iye haana kutombozvitora serious zvake bvandangosiyanawo nazvo asi akandiudza kuti ndirege kungoita maUnnecessary movements. Ipapo ndaitonzwa kunyatsoda Tanaka asi ndakaona kuti ndikazviratidza zvaizondisimudzira mhepo so It was better iye anditange zvake. Ndakananga kuBedroom, I decided kutanga ndageza then ndozorara zvangu. Mbatya ndakabvisa ndikasiya dziri mubedroom imomo bvandapinda mushower. Ndaigeza ndichiimbirira zvangu asi ndakazonzwa sekunge makanga mapinda munhu mubedroom medu uye ndakangoti ndiTanaka. Ndakatanga kunzwa inzwi raTanaka richiimba. That was so strange, kubva nditange kudanana naTanaka ndakanga ndisati ndakambomunzwa achiimba. Song yacho yaiva iine kurwadza mukati ichitaura pamusoro pekuti "hongu panyika takauya hedu asi richazosvika zuva ratichaparadzana toenda kwakakodzera. Kana waiva neShamwari ipapo uchange usisina". Ndakatombovhara shower kuti ndinyatsoiterera song yacho kwakuzonzwa kuti Tanaka akanga ava kutochema. Ndakatanga kumudaidza asi akaramba kudaira achingobuda. Ndakaomesa muviri wangu netowel mbijana bvandabuda mushower. Kuimbwa kwakamira nguva iyoyo uye ndichitarisa makona ese eBedroom acho Tanaka handina kumuona. Ndakadana zita rake asi haana kudaira asi ndakazoona kuti pamubhedha painge pava nekaBasket kaiva nemaruva airatidza kuti haasi ekutomboisa mumba zvavo, imhando seiya inoiswa kumakuva iya apa raiva reYellow. Ndakaswedera pedyo ndichinetseka kuti koTanaka angagouya nemaruva akadai pano afunga kumaisepiko? Padivi pebasket iroro paiva neshort, raiva rakaumbuka zvaro uye richiratidza kuti raiva rakachekwa kubva pamutirauzi ndokuzoitwa short. Honestly ndakatadza kunzwisisa kuti Hubby zvinhu izvi akanga auya nazvo kuti zvidii chaizvo. Ndakasimudza basket riya mudenga kungoda kunzwa maremero araiita bvandada kuridzosera paraiva asi ndakazoona kuti pasi pebasket racho pakanga paine mufananidzo waTanaka akabata badza achiratidza kuti akatorwa achiri kumusha achitosakura zvake. Ndakapfeka hembe fast ndokunovhura door reBedroom bvandadzika downstairs ndichidana Tanaka. Ndakamuona agere hake pachivhiti vhiti kwakuchimuvhunza pamusoro pemaruva neshort zvaiva mubedroom. Chakazondinetsa manje akaratidza kusatombonzwisisa zvake zvandaiedza kutaura bvandarangarira kuti ndakanga ndauya nepicture randakatora pasi pebasket. "Iri picture ndatoriona pasi pebasket racho" ndakadaro ndichitambanudza ruoko rwangu kuti ndimupe picture racho and to my surprise ndakaona ndisisina. Ndakatarisa pasi asi ndakarishaya asi pfungwa dzangu dzakangonditi zvimwe ndakanga ndaridonhedza munzira nokudaro takabva tazongonanga kuBedroom kwacho tiri vaviri. "Ndatorishaya picture racho? Radonhera kupi? But I'm sure kuti muDining ndatopinda ndakaribata" "Hmm ini pawapinda ndaona usina chawanga wakabata ini." Akadaro Tanaka bvandazovhura door kuti tipinde mukati. Zveshuwa short nemaruva takazviowana zviri pamubhedha ipapo Tanaka bvaaratidza kuvhunduka. "Zvauya nani muno?" "Aizvee ukuvhunza ani manje? Ndiwee kaa" "Nguvai? Handina kumbopinda muno ini not talking zvekuzotounza maruva." "So who did?" Ndakavhunza ndakamutarisa mumaziso. But how come ainge ati haasiye akauya nazvo yet muroom medu hamuna munhu anopinda kunze kwangu naTanaka wacho. Inzwi raTanaka ndakanga ndarinzwa wani paya ndichigeza achiimba nziyo inobata bata nekushungurudza moyo? Zvose izvi pandaiiedza kutaurira Tanaka akazviramba kuti aisava iye. "Saka zvava kureva here kuti pano tavakugara neChipoko ?" "Hakuna zvakadaro, chichibvepi? Chinenge chichimbotsvagei pano? " " Zvimwe munhu wawakauraya kaa kare zvichida iri nyaya yehupfumi or something else" " What!!! Keila how dare you accuse me of such thing? Inini kuuraya munhu? Kuti zvadii? Do I look like a killer? " " Mhosva haina munhu wayakambofita? So kana zvisizvo chii chiri kuitika? " Tanaka akatora short riya nebasket raiva nemaruva racho bvaazvivharira muCloset make. Haana zvimwe zvaakazotaura hake kubva ipapo ndobva atongobuda. I ignored the whole drama bvandaenda kudressing table yangu kwakutanga kuzora mafuta hangu. Pakapera mazuva maviri bvandazowana mukana wekubuda gate. Tanaka aisatombovapowo zvake . I drove ndakananga kuCoca Cola kuya. Ndakati ndava kusvika bvandaburitsa mota mumugwagwa. Izvi ndakazviitira kuti ndisaonekwe ndichisvika nayo nekuti kana kuri kutizwa vaigona kungozviita. Ndakasvika munhu wandaida chaiye asipo nhai. Vakomana vekundiisira tire vaya ndivo vaingovapo asi vakati munhu wandaida ainzi Benjie uye ainge asati asvika kubasa kubva makuseni. Ndakakumbira nhamba dzake Benjie wacho bvandatomuisira call. Yakamboita kanguva ichiRinger ndokubva yazodairwa. "Hello ndiani uyu" "Hie, ndinokumbirawo kaa kukuonai ndasvika pabasa penyu ndichinzwa kuti hamusati masvika. " " Kwakanaka here? Nhasi handisi kuuyako ndine zvandiri kumboita kumba. " " Zvakanakai" " Saka mazoti ndiri kutaura nani__?" Paakavhunza ndakabva ndaikata nhare yacho. Ndakaruma muromo wangu wezasi ndichifunga kuti saka zvino zvazvadai what's the next plan? Ndakavhunza pavakomana vaisevenza naBenjie wacho kana paine aiziva kwaaigara. Vakamboda kutsika tsika zvavo asi pandakataura nyaya yemari vakanga vava kutaura zvinonzwisisika. Ndakatorana nemumwechete kwakutopinda muroad takananga kuChitungwiza kwacho. Kwaitovawo kutanga kusvika munzvimbo yeChitungwiza. Takasvika munonzi muZengeza One kwakuzopinda muStreet mainzi Chipfukuto. Akandiratidza pamba pacho bvandamuti asare zvake mumota mukomana wacho since ndaisada murume watainge tavinga kuti azive munhu andiratidza pamba. "Tisvikewo___" ndakadaro ndichiwedzera kuswedera pedyo negonhi. Rakabva ravhurwa pakarepo kwakuona ari mukadzi. Akandikwazisa bvaazoti ndaida kubatsirwa nei? Handina kuda kutenderera. "Ndipo panogara Benjie here? " "Ho_hongu imi ndimi ani?" "Ndingoriwo customer yake saka anga anditi ndiuye kumba tione kuzotaura." "Oh okay asi izvezvi vambobuda vanodzoka manje manje pindai henyu muvamirire." Ndakaita sekutaura kwake mukadzi uya. Ndakapinda kwakugara zvangu pasofa raiva pedyo nemusuwo. Mumba macho maiva makangodaro-daro zvamo. After nearly twenty minutes door rakabva razovhurwa. Munhu akatanga kupinda aiva mukadzi then kozoita murume. Vakavhara door havo vasati vatombozviona kuti ndaiva mumba. Ndini ndakazotanga kuti "Makadiii-" Vose vakaratidza kuvhunduka kwazvo pavakaona chiso changu. Ini mukadzi aiva pamberi uyu ndakanga ndamuziva futi, ndiye akauya kumarooro kwangu achinzi aiva mukadzi wabamkuru vaTanaka. Saka I was right kaa ini pandaiti vanhu ava ndivo vandaida chaivo paya. End Of Chapter 23 Stay Tuned🍓 🍃
❤️ 👍 🙏 😮 😂 😢 2.5K

Comments