Zimbabwe Online Novels🇿🇼
February 6, 2025 at 02:01 PM
🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤‍🔥 Collaboration Written By Nicegirl Guta 0712483943 And Yutman✍🏼🍓 https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X @All Rights Reserved ☄️Chapter 26 TANAKA Zvaiita sekunge ndainge ndichangobva kunogeza nekuti ndaiva ndakatoita kaunyorova uye towel ndiro randainge ndakamonera. Ndakasvika padressing table kwakutanga kuzora mafuta. Nguva dzandakatarisa pamirror ndakazviona ndakapfeka hembe uku ndichisekerera tevere kuzochinja chiso ndapfeka chiso chekutambudzika uye ndichitoweredza misodzi yekuchema. Chikamu ichocho chakanga changopera chakadaro. Chainatsoitika ndaisaziva. Izvi zvichipera ndakazonge ndichitofamba kwaiita kunge kumusha mutunzira twetsoka tuya asi ndaiva nemunhu wandaiva naye. Chiso chake chaisabuda asi iye kana ava kundideedza aingonditi Tee. Pane nyaya dzataitaura asi ndakanga ndisati ndanatsobata kwadzaibva nekwadzaiienda. Mukomana wandaiva naye akazoti. "Unoziva hatingazvipe mhosva isu nekuti tiri vana uye hapana aiziva kuti ndizvo zvakaitika. Mhamha vaifanira kunge vakatizivisawo kuti ndizvo zvakaitika nyangwe zvavo ivo vaisazonatsoziva kuti ndizvo zvakaitika. Ndakangokura ndiri murima, Shalom ndiye ega wandaiziva asi parizvino handichatye nekuti Tatenda wake achamuona manje manje. " Ndakapepuka kubva kuhope uye bdichitarisa pedyo neni paingova naKeila oga achiratidza kuti akanga akafa nehope zvake. Ndakatanga kufungisisa pahope dzangu, ndakaona kuti dzaisangova hope njeee asi kuti pane zvadzaizama kududzira. Milton ndakazonomutsanangurira hope idzodzi. " I think pane zvandava kuona__" akadaro achindirova rova paShoulder. Akazoeenderera mberi achiti taifanira kutsvaga mukomana uya wekuMbare anonzi Brian. Handina kuzviramba, takabva tatongosimuka pakarepo takanangako. Ndakasvikoona mukomana uya wandakambosangana naye zuva riya achizondiudza zvekufa kwaBrian paya. Takanzwisisana naye bvaatorana naMilton voenda kwaainzi ndiko kwaaiva kwacho. Sezvo ini ndakanga ndasara mumota, ndakavaona zvangu vachiuya Brian bvaapinzwa kumashure zvakare ini ndaiva mberi. Paakandiziva akavhunduka ndokuda kutiza asi zvakange zvisisabatsire nekuti madoors ese akanga akiiwa. Milton akatanga kutaura naye achishandisa rurimi rwakatetepa kuti anzwisise. Ini ndakazopindira ndava kumuudzawo nehope dzandainge ndarota. Takamukumbira kuti atiperekedze kumusha kwanaTatenda. Ndaida kunoona vabereki vake nehanzvadzi imwechete yake vainzi vakanga vachiri vapenyu vacho. Sezvo takanga tamuvimbisa 100 kuita basa iri zvakamuremera kuti airambe since munhu wacho ainge agara achida zvake mari. Akabvuma kuenda nesu zuva raitevera racho. Tava kudzokera kumba, Milton akati __ "Ndikuona sekunge pane link, ndiri umwe wevamwe vanhu aingorarama asingatende kuti kune zvinhu zvinonzi zvipoko asi nedzimwe nyaya dzawanga uchindiudza kaa, dzava pachena. Ndangofarira the fact yekuti zvinhu Izvi wazviona wega otherwise dai zvaitikira kumukadzi wako akakuudza Hapana pawaizombobvuma." Ndakamusvitsa kumba kwake ini ndokuzonanga kwanguwo. Keila ndakasvika ari pamusoro pemagumbeze zvake achiona tv kuBedroom. Handina kuda kumutsanangurira zvandakanga ndarota manheru uyezvee zvandakanga ndaronga ndaMilton. Dai ndakamuudza aizondivhunza nyaya yehama dzangu dziya dzandakaenda nadzo kumba kwavo kuti saka vaiva vanani? Ndaizotadza kupindura. Aiti akati gare gare obva ambonditi ndeee kutarisa mheno zvaaifunga. Ndakatovarairwa ndakazonzwa ava kuti "Saka Tanaka zvinhu zvawakavharira umo iwe wakati hazvisi zvako unozvidii?" Ndakabva ndaziva zvaaireva, boxer rekubvaruka riya nemaruva ndizvo zvaitaurwa. Ndakamuudza nyaya yekumaporofita bvaanyarara. Ndaiti zvapera kaa, akabva azopotsera umwe muvhunzo achiti " Vari sei vana Bamkuru naTete vangu vaya" "Va_varibhol" "Wakapedzesera kutaura navo riini?" "Nezuro chaiye, haa vatano usatye hako." "Tanaka, unonatsondida here iwe? Chii chakanatsoitika? Zuva rawakandibvisira pfuma vanhu wavakauya navo kumba ihama dzako here? Usatombondinyepere zvako nekuti ndikadzimara ndabva pamba panapa usafunge kuti uchazondiwana zvakare. Ndiri kurongedza mangwana chaiye" "Ehe ihama kozvaunotaura wazviwanepi?" "Ndaudzwa uye evidence ndaiona. Shuwa wakanobhadhara vanhu kuti vaite seHama dzako? But why? Do you have a wife and kids somewhere zvandisingazive? Usazotombonetse zvako vanhu wavakabhadhara iwawo nekuti hapana kana chavari kutomboziva nenyaya Iyi kuti ndazvibata ungavakuvadzire mahara zvako." " Aa kwete hndina mhuri kunze ini. Ndiani ambokuudza kuti ndakatenga vanhu? Munhu iyeye hauone kuti anoda kuparadza marriage yedu here? Ndokuda dear. " Ndakabva ndatosimuka pakarepo ndakananga munogara mbatya kwakutotanga kudziburitsa. Ndakaona shasha yapfugama manje yakavhara kumeso. Paakabvisa ruoko ndakazoona kuti akanga atoyeredza misodzi. Ndakaramba ndakamutarisa bvaazoti. " I'm sorry Keila. It's true, chakaita ndidaro it was because of the love yandiinayo kwauri. Moyo wangu ungarwadze ukandiramba, ndaizama kuda kungoti uzvitende kuti ndidzo hama dzangu since waindinetsa. Honestly ndine zvandinoda kukuudza. The reason yaiita ndivige hama dzangu kusvika ndazoita dzekutenga it's because handinatsozive kuti ndiri ani? Handina kana hama imwechete yandinoziva Kikie. The worst part of it is that even makuriro andakaita chaiwo handiyeuke kuti ndizive kuti ndakakura sei ndikazochengetwa nani? It sounds confusing but ndizvo zviripo, ndaisatomboziva kuti kutenga hama kwandakaita waizozvibata uye dai ndakakuudza hapana pawaimbozvibvuma kuti hapana chandichiri kuyeuka kubva pakukura kwandakaita. I'm very sorry for the mess asi ndinokumbira kuti umbomire kuudza chero ani zvake nyaya Iyi. Ndine kakufungira kuti vanhu vataisomboona vachinditi Tatenda zvimwe pane zvavanoziva pamusoro pangu so nezuro ndakataura nemukomana umwe soo akati achandiperekedza kumusha kwanaTatenda. I'm just hoping kuti zvichida ndogona kuwana information kubva ikoko. Nemashiripiti ava kuitika pano zvichida ndinogona kunge ndakabatiswa mishonga ndisingazive zvinova zvakukonzeresa kuunzwa kwezvinhu zvatisingazive kwazvabva. Nezuro madeko chaiye muno mumba ndakazvirota ndichizora mafuta ndiri apa asi kumashure kwangu ndakaona kuine munhu akafanana neni asi paakasekerera ndakaona asina mazino epamberi apa." Keila akaratidza kuvhunduka. Pandakamuvhunza akangoti hapana. Mbatya dzaaiva akabata akadzikanda pasi iye kwakubva agara akabata musoro hameno zvaaifunga ipapo. Ini ndaiva mubishi kuedza kumunyengererawo kuti asaende asi anenge akandinzwisisa. Nguva dzekurara dzakasvika. Ndakabatwa nehope Keila akachasvinura achingori bwai bwai, she was so depressed. Mangwanani sezvo ndaiva nekarwendo, ndakamuka Kikie akacharara. Ndakapedza kugadzirira ndikasvika pakubuda avete hake, ndakazongokwanisa kumupa tsvodi bvandabuda. Milton ndakasangana naye mutown bvatazotora Brian kuArea kwake. Chandaisazoziva manje aiva masvikiro ataizoita kuti taizonotambirwa here? Takati tapfuura Headlands tava kuda kutopinda maRusape mutown nhare yangu yakarira wanei ndiKeila. Ndakamudaira iye bvaangotanga nekundivhunza kuti ndaivepi? Mutauriro wacho seemed like everything was not well. Ndakamuudza kwatanga tava ndizonzwe ava kutanga kuchema. Ndakaramba ndovhunza kuti chii chakanga chaitika? Honestly ndakanga ndatofunga zvekutodzoka kuHarare pakarepo. Pandakatanga kuzonzwa inzwi rake seaitaura ndakanatsoteerera kwakunzwa achiti. "Anga ari pano___" akabva atowedzera kuchema apa ini ndaingovhunza kuti aireva ani? "Chimumhu chakarara neni zuva riya pawakazoti hausiwe____" "What!!!" "Ndatomuka akarara padivi pangu bvaazototanga kundibata bata kusvika tarara tese zvakare ndisingazive kuti hausiwe. Patapedza nguva dzaabuda mugumbeze ndaona akapfeka boxer rakafanana seriya rawakanhonga kucurtain riya. Abva angopinda mubathroom asi ini ndanga ndavakutomusheedza ndichida kuziva kuti wanga wapfekerei boxer rausingazive kwarakabva worse rakatosakara zvaro asi hauna kumira kana kundidaira. Ndasvika pakubudawo mugumbeze ndichikuteera asi pandapinda mubathroom macho ndazoona musina munhu____" Ndichinzwa Keila achitsanangura nyaya iyi ndakanga ndava kutobvunda kare. Misodzi yangu haina kunonoka kubuda zvekuti motokari yakabva yatongomiswa, chandakakwanisa kwaiva kudambura nhare yacho. But why? End Of Chapter 26 Stay Tuned 🍃
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 3.1K

Comments