Zimbabwe Online Novels🇿🇼
February 7, 2025 at 03:28 PM
*🔥❤️WILL I MARRY HIM?❤‍🔥* Collaboration Written By Nicegirl Guta 0712483943 And Yutman✍🏼🍓 https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X @All Rights Reserved ☄️Chapter 27 TANAKA "That spirit kwairikubva tichakuziva don't worry. Kungoti ini chandisiri kunatsonzwisisa inyaya yekuti spirit yacho iri kumbonatsodei pamba pako? Zvakare why iri kuisa marwadzo kumukadzi wako? It's alright I'm sure all answers tichamawana hazvichaite tidzokere kuHarare it won't solve anything. Ndinoona sekunge nyaya iyi ine hurombwa mukati asi kana zvisirizvo then zvichida that spirit ndiyo yaTatenda inombopota ichikupfeka vanhu voona kunge iwe ndiye." Akadaro Milton bvaamutsa motokari. I swallowed all the stress yandaiva nayo. Kusuwa kwagara hakupedze dambudziko rather kunotokonzera kuti ukasike kuchembera nekufunga. Takati tava kunzwa mombe kukuma, zvaireva tainge tapinda munzvimbo yataida yacho chaiyo. Vanhu vataipesana navo vaizotomboramba vakatarisa motokari zvichida kwaiva kuichiva. Takasvika pazvitori zvainzi ndipo paDzuruni. Milton akanyaradza hinjini yomotokari bvaabuda achinotaura neumwe murume aigocha chibage. Akazodzoka akabata miguri mitatu asi chiso chake chairatidza confusion kudzimara ndazomuvhunza. "Aa zvandanzwa I don't think tauya munzvimbo chaiyo. Mudhara uyo ati anoziva munhu ainzi Tatenda asi surname yake yakatosiyana neyako Tanaka meaning kuti hukama nevanhu ava hapana." "Anonzi Tatenda Nyatito koiwe chitupa chako chakanzii?" Akavhunza Brian, ndakatoshamiswawo ini kuti saka even surname yemunhu uyu aitomuziva nhai? Ndakaburitsa chitupa chacho ndichimuudza kuti rangu zita ndiTanaka Williams iye bvaaratidza kuvhiringika. "Anywhere ngatichingosvikei zvichida togona kuwana little info asi tikazoona kuti hazvisizvo zvatanga takatarisira tinongodzoka kumba tozoona kuti todii?" Akadaro Milton ava kutotsenga chibage chake. Motokari yakamutswa ndokutendeutsa mavhiri kuti anange nzira. Takafamba kachinhambwe asi nzira yacho yakanga isisina kunatsonaka saka taifamba pore pore. "Yah pamba patiri kuda kusvika ndeapo. Motokari I think tichanoisiira apo pedyo negedhi asi Tanaka uyu achatombosara akagara mumotokari." Ndakawirirana nekutaura kwaBrian. Takasvika pagedhe pacho motokari bvayanyaradzwa hinjini. Milton naBrian vakaburuka vari voga ndokutanga kufamba vachienda pamba pacho. Ini ndainge ndakavhura ziso kuda kunatsoona zvese zvaiitika. Imbwa yakatanga kuhukura zvinova zvakakonzera umwe musikana abude panze bvaasangana nanaBrian. Kwaziso ndakavaona vachiita, musikana uyu akaratidza kuziva Brian zvekuti nyangwe pavakaonana vakatoita zvekumbundirana. Ndakawedzera kuvhura ziso ndokuzoona umwe mukadzi akabuda panze kubva muimba youswa yaipwititika hutsi padenga zvichireva maiva muKitchen. Vakamonera Zambia ravo zvakanaka vachinosangana naBrian ndokuzopihwa benji rekugarira. Vakambotaura zvishoma kwakuzoona musikana uya ava kuuya nendiro dzaiva nechikafu. Hazvisizvo zvandaitarisira kuti pangadyiwa zvataiva tafambira zvisati zvagadziriswa asi ndaigodii zvangu? Kubva zvandakasvika pamba ipapa ndichiona dzimba dzaivapo, musikana akabuda mumba, mukadzi akazobuda mumba zvakare hana yangu yaiita kubhidhirika ichirova zvemhando yepamusoro soro. Ndiro ndakazoona dzorongedzwa vamwe ndivo vakanga vava kunon'ona mazino. Pakapera kanguva mbijana musikana uya bvaazodzoka kwakugarawo pasi. Nyaya yatainge tafambira yakazonge yapinzwa mudariro, ndaingoona nezviso zvevanhu zvavakanga vapfeka nguva yacho ndokuzoona vose vatarisa kumotokari kwandaiva. Ipapo Milton akazosimuka achidzungudza musoro. NARRATION Brian paakaona Shalom, akaisa nyemwerero kwakufamba achienda kwaaiva akavhura maoko vaviri ndokumbundirana. Chedu chikomana Milton chaingova padivi chichisekera zvacho bvaazokwazisa mhandara iyi. Mai Shalom vaitova mubishi kudzima choto chavo sezvo vakanga vachangopedza kurimona iro jena iri. Pavakazoona Brian aine umwe murume padivi pake, ivo vakatofunga kuti zvimwe vakanga vaigirwa Mukwasha. Zvino sezvo Mai Shalom vakanga vazoudzwa kunzi paiva nenyaya yaifanira kukurukurwa, vakaramba kuti itaurwe pasati padyiwa zvavakanga vabika. Vakomana vakambozama kuramba asi zvakashaya basa. Vose vagara zvavo, kudya vakanga vapedza. Brian akazogadzirisa huro yake ndokuti. "Eeh mhamha muchindiona ndauya kudai ndiri kutobva kuHarare kana kumba handisati ndasvika pane nyaya yashungurudza vana." " Heyaa ukadaro unondivhundutsa kaa, ndichiona mukomana uyu nekunaka kwaakaita uku ndatoti zvangu zvaita ndaigirwa Mukwasha mhene, ndatoona kana nezibango ramauya naro iri hmmm__" Ipapo Milton akaburitsa nhare yake kwakuitinya tinya kuti igone kukoponora zvose zvaizotaurwa ipapo. " Well iyi iShamwari yangu anonzi Milton. Takangowiriranawo kuHarare uku uye ndiye zvakare aita tiuye pano. Ndine urombo ndichakuisai mundangariro dzamanga makangamwa asi ndiri kuitira kuti tigadzirise nyaya. Milton uyu auya kuda kuziva pamusoro paTatenda, makuriro aakaita muchidimbu uye nemafiro aakazoita. Mukatsanangura zvakanaka zvichatibatsira kuti nyangwe munhu akamuuraya chaiye tichakwanisa kumuwana." Nekuda kwemashoko akanga ataurwa naBrian, chiso chaMai Shalom chakatombosuruwara bvavazongoita semunhu mukuru.Vakatsikitsira pasi ndokuti " Hmm Brian kungoti zvako wangotaura kuti uyu anonzi Milton asi kuti anoita nezvei hauna kunge wandiudza. Mupurisa here? Mugweta here? Mutori wenhau here izvozvo handizive asi ndisingapedze nguva ndichataura zvamunoda kuziva. Tatenda aiva mwana wangu ndini nyakumubereka asi paakazvarwa aiva nemumwe wake kuita matwins uye vose vaiva vakomana. Zvino ini kuzvara kwandakaita, ndakaitwa zvekuvhiiwa dumbu yavanoti Operation iya pachirungu. Ndakaita mazuva mana ndiri muchipatara asi ndakasangana nedambudziko rekuti nguva dzeusiku pandakamuka ndichida kuyamwisa vana vangu, umwe wacho ndakazoona chatova chando zvichireva akashaya. Hongu zvakandirwadza asi kwaiva kuita kwaNyadenga ndakangozvitambira. Mapepa ekuti mwana apiswe ndakamabharabhadza uye akaitwa zvekupiswa sezvo vakati aiva achiri mudiki zvaisaita ndinomuvige. Pachipatara ndakazobva nemwana wangu mumwechete iyeyu Tatenda. Pakukura kwake akanodzidza paGwindingwi uye sekondari yake akaitira paDope. Handina zuva randakanzwa kuti ane munhu waanetsana naye kana kutukana naye. Ndakanga ndakamurera nenzira yakanaka zvinova zvimwechete zvandakangoita pane gotwe rangu iri Shalom. Tatenda paakapedza chikoro akanga akapasa asi chakanetsa yaiva mari yekumuendesa mberi zvino ndakaona zviri nane kuti anodzidzire basa rekurapa vanhu sezvo zvirizvo zvandaikwanisawo nekamari kandaiva nako. Zvose zvakafamba sekuronga kwangu kusvika apedza bvaazowana basa paRugoyi Hospital saNurse ndiro basa raakanga akadzidzira. Satan akazongotishanyirawo, ndakazotonzwa naMirriam musikana wepazasi apo ndiye nyakuuya achindidana kuti Tatenda pane zvaitika kwaari, haana kuda kundibudira pachena zvakanga zvaitika kwaari. Takasimuka tose kubva pano kwakusvika paaiva asi ndakaona akarara pakati penzira chaipo zvekuratidza kuti pakanga pasisina hupenyu. Vanhu vaiti akanga adhumwa nemotokari ikatiza asi takazoona banga zvakare rakanyura padumbu pake ropa rakanga rawerera rikaneta zvaro. Mukanwa make makanga musisina mazino epamberi aya zvichireva paakadhumwa akasvika achirovera zvakanyanya pasi nemuromo. Ndakachema, kuchema zvekuti handina kumbobvira ndakachema zvekurwadziwa zvakadaro. Nyaya yakazoendeswa kumapurisa asi kubva ipapo mhondi haisati yabatwa." " Eeeish so painful, so mhamha imi nyaya iyi zvamakaona kuti nyaya iyi haisi kufamba makadii kuiendesa kupolice yemaRusape chaimo?" " Ndakadaro mwanangu asi nyaya yakanetsa yaiva yekuti pavanhu vakaona motokari yakatiza hapana akakwanisa kutora nhamba dzemota ycho so vakangoti vacharamba vachitsvaga mhondi" " Zvakaitika riini izvi?" " Ndovimba izvezvi tava mumwedzi weChipfumbamwe zvaitika. " " Zvakaoma, saka makamuvigirepi Tatenda uyu?" " Arere pedyo nemuti uyo, ndipo paari zvake." Misodzi yakanga yatojenga pamatama aMai Shalom naShalom wacho. "Musati mamuviga Tatenda uyu, makamboitawo here inonzi body viewing iya kuratidza kuti munhu wamava kuviga ndiye chaiye munhu wenyu?" "Hongu, vanhu vazhinji vedunhu rino vakamuona uye takagutsikana kuti ndiye hake bvatazomufushira." "Eeish painful, well mhamha zvino nguva ino ndichakumbira kuti mundiregererewo. Kuuya kwataita tanga tisina kuuya tega zvedu. Tine umwe munhu watauya naye asi ndokumbirawo musazonyanye kurohwa nehana, dzikamisai hana dzenyu mose muri vaviri, zvizhinji tichazotaura kana ava pano. Regai ndinomutora" Milton akasimuka akananga kumotokari. Akasvika ndokuudza umwe wake kuti achibude zvake anosangane nevamwe. Tanaka akambotura befu, ziya raionekwa kuchiso kwake richiti tapu tapu uku maoko achitobvunda. Kuita uku kwakashamisa Milton kusvika azovhunza kana paine chainetsa umwe wake. "Handizive ndozvitsanangura sei zvandiri kunzwa, hana chaiyo marovero airi kuita pakatoshata. Ndiri kunzwa kutya kwakanyanyisa kutonosangana nevanhu avo. " Aizvee kounogotyei? Handiti wakati unonzi Tanaka hausiwe Tatenda aitaurwa here? " " Hongu asi____" " Asi chii?? Tanaka buda mumotokari izvezvi ukupedzera vanhu nguva." Akadaro Milton ava kutokwidzira umwe wake inzwi. Tanaka akaita sekutaura kweumwe wake. Vaviri vakatanga kufamba vachienda kune vanhu asi Tanaka aifamba akatsikitsira zvekuti chiso chake chaisakasika kuonekwa. Zvino vakati vava kusvika pedyo ndipo paakazosimudza musoro. Mai Shalom vachiona mashura aya vakangodeedzera kuti " Jesus____" vachiedza kusimuka kuti vatize asi havana kure kwavakaenda ndiye pasi puuu ndiye ziii vakadaro. Shalom nguva dzaakaonawo mufananidzo wehanzvadzi yake akapindwa nekutya kwakanyanyisa. Akangokwanisa kusheedzera kuti "Ta--te--ndaaaa" bvaangodonhawo pasi zvekufenda zviya. End Of Chapter 27 Stay Tuned 🩵
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 3.3K

Comments