🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
January 27, 2025 at 05:16 AM
*Jóin my group* https://chat.whatsapp.com/JhnFZPQyzxo5O7bpBU3LFN *Follow my channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *RUDO HUROYI* 💔☠️💔☠️💔☠️ STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE EDITED BY FAITH KAYLEEN🩷 CHAPTER 17📗 *SAKUNATSA* Hana yangu yakange yave kubika manhanga. Ndakaedza kuda kuziva kuti chii chaitora nzvimbo asi zvakarambaa. Ndakaramba ndakarara, kusimuka kwakaramba zvamuchose. Ndakazokwanisa kubata phone yangu Ezekiel akabva afona. "Hello sweetheart." Ndakatoshamisika nekunditi sweetheart. Ndakazoda kupindura asi voice rangu rainge raenda. "Hello! Saku! Hello ndiri kuuya kumba kwako." Zvakarambaa kana kubuda, zvaive nani kuti auye nekuti ndainge ndaparara. Ndakatanga kunamata, ndaida kuverenga bible rangu asi ndakatadza kuritora. Ndakanamata nechemumoyo, Mwari vaifanira kupindira apa. Ndakaita nguva, Ezekiel wacho akaita seatokanzura rwendo rwake. Munozivei? Ndakachema misodzi. Marwadzo Acho akange ave kurova muchiuno nekumagadziko. Ndainzwa kuti pano hakusi kurwara kwega ndaitoda kubatsirwa. Someone knocked at my door asi ndakatadza kudaira. Akazongoenda. Ezekiel ndiye wandakange ndave kunamatira kuti angouya hake andibatsire. Zvakatora nguva, ndakange ndangoti rabada ndakadaro. Ndakatanga kufunga zvakawanda, ndakademba kurara kwandainge ndaita naGumstar. Zvakandirwadza, s£x yandaida yacho handina kana kunzwa anything asi kungobva ndarwara. Musoro wakatanga kutema ndopakazosvika Ezekiel dzinenge after 2 hours. Akasvika achiona condition yandaive akabva afona kumba kwavo. Vabereki vake vakauya zvese nehanzvadzi yacho. Ndakanamatirwa, vakanamata vanamatazvee ndokuzonzwa kuita zviri nani. Ndakapedzisira ndave kunamatawo navo. Ndakange ndave kutya kuti vaigona kuziva kuti ndainge ndararwa asi hapana aiona mweya pavanhu vacho. "Nhaiwee chii chaitika ndava pane mukomana anoimba uya Gumstar ndamuona akaunganirwa hanzi angodonha achingobvunda asingagone kutaura?" "What?!" Ndakadaro zvine kakuvhunduka mukati. "Chii Saku?" "Okay hamheno kuti chii? Ndine ice cream yandatenga paitove naGumstar iyeye saka I think maive nezvisina kunaka. Iye Gumstar wacho ari sei?" "Aah ndazomusiya kumba kwamuvhangeri kuti anamatirwe ndichimhanyira kuona iwewe mudiwa. Ndinokuda Sakunatsa. Ndoda kugara ndakuroora zvakadai zvisakuwane ndisipo izvi nekuti ndinenge ndave kutya." Ndakatanga kuchema. Ezekiel aindida, plus ndakange ndave worried naGumstar kuti mwana wevanhu aigona kufa. "Thanks baba namhamha, nemi tete. Mwari vakuitirei zvakanaka." "Uchitendei. Nhasi totoenda umborara kumba then tozoona kuti wamuka sei?" "Okay mhamha." Ndakabva ndasimuka. Ndichida kufamba ndakanzwa pakati pemakumbo kuti unonyepa. Ndakazvishingisa ndiri mumarwadzo. "Papi pachiri kurwadza Saku?" "Aah musana." Ndakadaro, vakabva vatanga kunamata zvekare. Vapedza ndakatanga kufamba ndichikamhina zvekare. Vakazongosiyana nazvo. Vakatsvaka mota vakazoenda neni kumba kwavo. Takasvika ndakabva ndarara muroom maShalom vamwe vachimbotaura taura. Ndakaendera Gumstar message asi haana kupindura. Ndaida kuziva kuti aive sei? Ndakazopihwa zvekudya ndikazokumbira kuenda kunogeza ndokuzodzoka ndichirara. Ndaingonzwa kuti ndiri kuita zvinhu zvakashata kuna Ezekiel asiwo Gumstar ndaimuda. Ndakange ndave confused kuti wacho chaiye wandaimira naye ndeupi nekuti hapana ainge akanditadzira. Vese vaindida vainge vakazongosiyana pakuti Gumstar aizoziva kundifadza. Kunze kwakaedza ndakaitirwa munamato. Haa ndakange ndave kunzwa zvakanaka hangu. Ndakange ndave kufunga kuenda kumba. Phone yangu yakazoringer vaive tete Ndai. "Hello tete." "Sei uchida kupa minyama mudzinza nhaiwe? Usadaro soo unotikuvadzisa, sei usinganzwe. Zvinhu izvi zviri real kwete kuzviona sedambe wanzwa." "Tete hazvichatoite izvi." "Haa wakaoma hako. Hamheno kuti zvichadii?" Vakabva vakata. Haa zvaive zvavo. So vaisada kuti ndiroorwe kaa, zvakange zvanaka kuti hapana zvaizonditevera zvekare. Ndakazoswera kumba kwana Ezekiel zvakanaka hangu. Iye akambobuda achiti akunoona kuti Gumstar ainge ave sei? Achingodzoka ndakabva ndati, "Hanzi ari sei muimbi wacho?" "Haa akatoita zvakanaka uyu akatodzokera kumba kwake zuro." "Hoo saka Mwari vakanaka. Inini ndave kuda kuenda Ezekiel. Ndotenda nerudo rwako." "It's okay mudiwa. Nhasi uverenge Mapisarema 91." "Yese here?" "Ehe." "It's okay." Ndakazooneka vanhu vose Ezekiel akabva andiperekedza. Akandisiya ndave mumba chaimo akadzokera. Hmm zvangu zvakange zvave kuda kumboita serious naMwari mbichana nekuti zvainge zvisina kumira zvakanaka. Ndakazogara hangu ndokuedza phone number dzaGumstar. Dzairinger asi haana kundidaira. Ndakaedza kakawanda kusvika ndaneta nazvo. Ndakazobuda ndokuwacha blanket rangu. Ndapedza ndopandakabata bible, rakange richiri idzva Kaa ndisati ndamborirava. Kutovhura kwacho kwakandinetsa kuti ndiende kuna Mapisarema kwacho. Ndakazojuma ndokuvhura pandainge ndaudzwa. Hana yangu yakarova ndichiona $100 US nekabepa kainge kakanzi. "Saku I love you my future wife. Please ndoda kuti udewo Mwari sezvandomuita. That's my wish ini nemhuri yangu tinamate Mwari. Mari iyi wotengawo zvaunoda." Ndakanzwa tumisodzi twemufaro kujenga mumaziso. Haa aimira mira hake. Kana Gumstar akange asati ambondipawo mari. Ndakabva ndawana simba rekumboverenga. Ndakapedza ndokutofunga kumbonotenga coke zvangu. Ndisina kwandaenda baba vakabva vasvika. Avo vaitondisvota havo esp nenyaya yaManatsa. "Mafambirei? Muri kuti zvamakaita handisi kuzviziva here? Munoziva here kuti ndiri n'anga yemudzinza, ndakaona zvese. Why makabata Manatsa chibharo?" Ndakavabvunza vakabva vaita sevadirwa mvura. Vakamerera nguva iyoyo. "Saku ndi..handina kumubata..." "Musanyepe henyu. Soon muchakohwa zvamakadyara, batai manzwi angu. Ane marengenya haachariki moto uye chisi hachieri musi wacharimwa." Vakabva vapusa zvekupusa zviya. "Saku ndauya kuzokuudza kuti Tafadzwa adzingwa chikoro hanzi aba mari muoffice mabursar." "What? Yei nayo?" "Zvatondishamisa." "Hoo okay saka pakaipa. Regai ndiende kwandiri kuenda. Zvandataura mazvinzwa, ndiri kuziva zvese hangu. Soon ngetani dziri kuchena mumaoko enyu." "Saku usadaro." Aah zvaive zvavo. Ndaitove serious. Ndakabva ndatorega kutaura navo ndokuenda kumashops. Gumstar akabva asenda message, _"Hesi musikana ane mweya wedhodhi. Wangu kaa handichada nezvako, ndakapotsa ndafa nekuda kwako. Imbogara wega, kana ndikakuroora togara sei zvakadaro? Ndave bho hangu."_ Ndakanzwa kurwadziwa. Ndakabva ndatogara pasi ndokumupindurawo, zvaisaita kuti andisiye abva kunorara neni kana. _"Denzel shaa haisi nyaya yacho. Nyaya iripo ndeyekuti ndaida kushandiswa mudzinza nemudzimu saka ndaisafanira kurara nemukomana. Ndakarara newe ndosaka zvakadaro zvakaitika asi haa ndokupera kwazvo hazviitike futi. Iwee kana uchindida mira neni."_ _"Saku kaa ndichiri kuda kurarama inini. Dai pasina kuti mumwe mukomana so akandibatsira kaa ndisisipo. Haa handichada ini."_ _"No amana musadaro. Ukandiramba ndiri kuzviuraya. Haundirambe kaa wakabva kunorara neni zuro, ko ndikabata pamuviri?"_ _"Wakadii kutenga mamorning after?"_ "Handimazive ini. Gumstar neni ndakarwarawo hako, chimira neni timbofamba tese tibatsirwe." _"Okay ndichafunga kuti ndodii asi zvave kutyisa."_ Haa kundisiya abva kundirara maya. Aizondisiya hake ndamboona kuti mudumbu maive makanaka here? Kuzosiwa une kemazheve kasina baba ndaisada izvozvo. Ndaida kuita nherera yakarongeka. *LANDLORD* Kutaura chokwadi ndainge ndatsamwa kuti mai Saku vadzokerana nemurume wavo. Ndainge ndavada, vaiziva chinonzi upenyu kupfuura amai vekwangu. Vaiziva kubata murume kupfuura amai vekwangu. Ndega ndaiona ndazvibatira ngirozi chaiyo, asika zvakandibata kuti vangandidaro here nezvatainge tawirirana pakati pedu. Zvisinei pandakaona kuti baSaku vainge varamwawo mukadzi ndakasara ndichivafonera hangu ndokuyanana kuti tipfuurire mberi nerudo rwedu. Vaindinzwisisa, takadzokerana zvakanaka uye takange tave kuda kuti zvisazivikanwe asi mukanzi wangu aaita seane manjuzu nekuti aigarofungira. Ndakaedza kuti vaone sendavasiya asi vairamba vachindironda dzimwe nguva ndaisangana navo ndichibva kubasa vachindinyangira. Mazuva akafamba so mumwe musi ndakataura namai Saku kuti ndaiuya kuzovaona. Vakatobvumirana nazvo ende vaiti Saku ainge asipo. "Okay saka regai ndisvike." "Okay ndiri kunzwa kunonokerwa kuti musvike, ndave nenhumbu." Vakadaro mai Saku. Ndakanyemwerera sendinorwara nenjere. Ndainge ndazviita, ndakange ndazvipira kutoita barika nekuti mai Saku vaigarika navo. Vakange vangori munhu aive nebundu pamwoyo chete asi vaive bho. Ndakange ndodawo kuvaka musha navo. Ndakasvika pamba nekukasika, kwainge kwatoti svii. Mai Tine havana kundiona ndakabva ndapinda ndichiona mumwe mukomana achibva pavakange vari ivo vakarara. Ndakarohwa nehana, ndakapesana nemukomana achibudawo handina kana kutaura naye. Ndakasvika pana mai Saku ndokuvabata ndikaona kuti vainge vafa. Mwoyo wangu wakarwadza, ndakabuda mumba mavo ndichimhanya. Kwaive kumhanyira mukomana uya. Ndakamubata asati asvika kure hake. Handizive kuti ndakabatwa nemweya wei, paive pasina vanhu ndakabva ndangomubaya nebanga randaifamba naro reself defence. Ndichipedza kumubaya ndakabva ndamudhonzera mune chimwe chishop chaive chakavharwa ende chaisatengerwa. Ropa rake rakatanga kujuja, ndopandakapatika kuti ndainge ndakuvadza munhu. Ndakabuda nekukasika ndokumusiya arimo ndokuenda pabhawa. Doro rakaramba kupinda ndakabva ndadzokera kumba ndikasangana namai Tine mukadzi wangu. Takanetsana netsana, handina kana kumuudza zvandainge ndaita iye aingopopota achiti andiona ndichibuda mumba mamai Saku. Zverufu rwavo zvakazozivikanwa, nyaya yakabva yapfuurawo nepandiri nemukadzi wangu. Tobias wacho akabva atotanga kundimukira. Ndakaenda kunobatsirwa ndokupihwa zvandakapihwa kuti ndikande mudzimba then ndozogezera pagate kuseni seni ndikazviita zvakabva zvadzikama. Nekuda kwekuti taive takambotaura mashoko ini nemukadzi wangu takapindawo mumaoko emapurisa. Ndakaedza kuramba, asi nekuda kwekuti musi wacho ndakaonekwa ndichibuda mumba mamai Saku nyaya yakawandira kwandiri. Kuti nditi handisi ndakauraya ndainge ndakauraya ainzi Tobias wacho zvisafamba zvakanaka nekuti mukadzi wangu ndaisamuchenesawo aigona kupinda pakaoma. Zvaive nani ndisungwe, asare achichengeta mhuri. Ndaingochema hangu, kwaisava kuda kwangu kuuraya asi ndainge ndarwadziwa nezvakaitwa. Ndaitya kutozvitaura kuti ndakauraya Tobias. Ndakaona kuti hapana kusiri kufa, mhosva yose yaingove yekuuraya saka ndakangozviti ndini ndakauraya mai Saku. Ndakazonorara ndiri mumarwadzo ekurohwa. Mai Saku vakauya kuhope dzangu vachichema. "Landlord vangu. Ndakaenda nemwana wenyu. Ndichatsividza rufu rwangu nenzira inorwadza. Musatye henyu, zvamakaita makagona. Chokwadi chichabuda chemunhu akandiuraya, imi muchasunungurwa. Chandave kukumbira kuti musati matongwa rambai zvekare mhosva iyi kusvika ndapedza zvandoda kuita, now ndakavharwa kuti ndisamuke." Ndakanzwa mashoko aya ndokuzomuka. Ndainge ndatove neconfusion. Yes paitoda kuramba zvekare. Zuva rakatevera ndopandakatanga kuramba nyaya yangu. "Inini handina mhosva. Ndakabvuma nekuti mainge mandinyanyira kundirova. Handwriting yakanyora paye ndeyemukadzi. Mai Saku vaive nenhumbu yangu, ndaizovauraya sei vane nhumbu yangu?" "Mujaya usade kutinzwa. Tichambokuendesa kuremand then detective Gobora vachifambira nyaya dzacho, tikangobata kuti uripo munyaya uri kuenda." Haa zvaive nani. Ndainge ndaita kakupona, ndaingonamata kuti akauraya akasike abatwa hake. End of chapter Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 😭 🌹 📚 🔥 149

Comments