🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES

3.6K subscribers

About 🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES

Prince Washe Stories #stories that touch the ❤️ #where words come alive 💥 +263785346952

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 10:06:59 AM

Amity products are good and anotengwa nekut anonhuwirira

Post image
❤️ 1
Image
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 10:06:57 AM

At a wholesale price

Post image
❤️ 1
Image
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 4:42:35 PM

https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* (+263784802591) 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* 💥 *Chapter 15 and 16* *TATENDAA* Ndakasvika kwana Brendon asati arara ainge atondichengeterawo chikafu vabereki vake vainge varara kare. Takagara zvedu ndave kudya maziso ari kuchivhitivhiti tichiona hedu bhora. Ndainyatsonzwa kuti ndiri pamba ndisina kana kunetsekana zvangu. "Sorry nekudzosa nyaya iyi mudariro wazofungei nenyaya yaitika kumba kwenyu hauone here kuti pane chiri kukurwisa manje ukaramwa zvobuda here?" Akadaro Brendon ndakabva ndatanga ndapedzisa sadza raive mukanwa ndokuzomupindura. "Wangu right now I don't have any choice than to let go, or I need someone to help me." "Listen man, the bible says *'let the weak say I'm strong'* hatingakundwe nezvinhu zviri pachena kuti imweya wakaipa uri kutonga uyu. I now urge you to pray more often and never faint. First thing in the morning tiri kuenda kumba kwenyu remember kuti hakusi kurambana nemusikana kaa ihama chaidzo so kana wakatadza you have to apologize." "Ndiri kuzvinzwa Brendon ini ndatadzei pakuranga hanzvadzi yangu? Ndingadzingirwe kurova munhu mbama imwe here?" "Right kana uchiona kuti zvawadzingirwa hazvina musoro ziva kuti vari kutoshandiswa nemuvengi kuti ubve pamba. Unozofara here kunzwa kuti hama dzako dzamedzwa masikati machena here?" "Kwete." "Then decide kusiyana navo kana kunotaurirana navo." "Toenda Brendon." Ndakange ndatopedza kudya saka paida kuti tirare hedu. Takamboti garei zvishoma ndokuzoenda kuroom kwake ndokutanga tanamata tisati tarara. Hatina kuzowanza nyaya takange tatorara ndokumukira kugeza mangwanani tave kuda kuenda kumba. Takazoti nonokei kuenda ndave kumboudza daddy vaBrendo nyaya yangu. "Aah ungadzingirwe izvozvo infact havana kukudzinga kungotsamwa chete izvozvi vari kutonetsekana newe.." "Kuti kudaro?" "Yeah chokwadi chiendai zvenyu mufambe murugare." Takazobva pana Brendon tananga kumba kwedu. Akatanga kutaura hake nyaya yaTrish haa Trish akange adiwa naBrendo. "Wazvipira here kuti wamuda?" "Aah wangu munhu haarambirwe kuroya ini ndichatomushandura akatoita munhu akanaka anotya Mwari." "Okay haa tinoona hedu ndongokushuvira kuti zvifambe zvakanaka." "Yeah dai zvakadaro akanaka kaa uye." "Haunyepe akanaka zvisingaite." Takange tave pagate ndopatakaita kakumira taona mota yaTrish. Hana yangu yakarova zvayakange isati yamboita ndakabva ndamhanya Brendon achitevera. Ndisati ndapinda ndakatanga kuona mhamha vakarara zvavo pasofa rainge rakanangana nepamusuwo. Zvakabva zvavedzera kuvhunduka kwangu ndokupinda mukati Trish akabva avhunduka achinditarisa akange akabata ruoko rwaTanaka. Pasina kana kanguva Brendon akabva apindawo. We then face the satanic girl achiratidza kupererwa. Brendon akatanga kunamata neniwo ndakabva ndatangawo takamutarisa . Hapana kana kwaaipukunyuka nakwo. Tanaka akange atiza zvino amira kudoor akatarisa kwataive. Trish akatanga kuita seachatirova asi aisasvika pedyo nesu tichitaura moto . Aiita kubuditsa masounds nepahuro pake , akapedzisira adonha pasi Brendon ndipo paakanomubata musoro chaiwo akaudzvanyira pasi achinamata. Mweya wetsvina wairamba kubva maari apa akange ave kubuda furo mukanwa maziso akange avhurwa tave kusaona cheblack chiya. Ndakambovhunduka asi ndakaona kuti paida kutonamatwa kwete zvekunyepa. Ndakanomirawo pedyo naye ndakatanga kunamata zvandakange ndisati ndamboita, ndakazonzwa ave kuridza mhere apa mhamha vaingove muhope zvavo. Brendon akazomusiya iye akasimuka, akatanga kutenderera tichingonamata akazoerekana arohwa zimhere akabva ati pasi puu. "Thank you Jesus , thank you Jesus." Akadaro Brendon asimudza maoko ake ose. Ndakabva ndasimudzawo angu tave kutenda Mwari. Akaita nguva akarara Brendo akazonomubata ruoko akamusimudza asi akange ave kunyara nyara. Akanogara pasofa mhamha vakabva vatanga kukosora vachitobva kuhope. Vakashamisika nekutiona tirimo apa takange tichiri mumweya wekunamata zvedu. Hapana kana chavakanzwisisa zvavo Tanaka akazopinda akanogara paive namhamha achiratidza kutya. "Waitwei hee? Ndiudze kana akurova futi ndimugadzirise so!" Vakadaro mhamha vachida kuziva chaitora nzvimbo kuna Tanaka. "Handina kurohwa mhamha , Trish ndiye aka..." Akabva amira kutaura akatarisa kwaive naTrish. "Okay mhamha zvaitika ndeizvi.." Akadaro Brendon ave kuda kutsanangura. "Musikana uyu watinoziva kuti Trish akange asiri iye wamaiziva. Ainge akabatwa nemweya wetsvina uye naiye akange akatenderana nawo kuti vagarisane. Ndiri kureva kuti she was a satanist but now she has been delivered. Aiwana mari nekuuraya saka zvanaka kana adai mochitanga kuwirirana kwete kumurasa ." Pakamboita karunyararo zvishoma mhamha vakange vachida kutotaura asi nekuona magariro akange akaita Trish vakabva vangomutarisa. "Ichokwadi here ichi nhai Trish?" "Yes." "Tatenda waiva right pese apa, ndiregererewo mwanangu ndaitoona seuri mharadzi kusaziva kuti ndaireverera akaipa wacho." "Haana kuipa angofanana nevamwe, chikuru kuti azobatsirwa asati akuurayai pano ." "Hmm haa Mwari vakanaka saka." "Yeah ndauya naTatenda uyu ndakanzwa kuti makamudzinga nezuro kaa." "Aah ndizvozvo ndainge ndatsamwa zvako iwe." "Okay chigarisanai zvakanaka, eeh Trish i need to help you hande panze " "Trish akabva asimuka ini zvaitondinetsa kuti akange asisiri musatanist here kana kuti akange achiri? Pane zvimwe zvekuzoti ave bho womuisa pedyo akakuendesa, chete kungoti Brendon ndiye akange ave kumuda pàmwe aisazouya pamba pedu zvekudaro. Brendon akabuda naTrish ndakasara nevamwe vangu. "Haa mhamha zvandaona kaa Trish musatanist chaiye, aiita kupindura maziso aya hmm apa akange ave pedyo nekundidya chete pazosvika Tatenda handina kumunzwisisa ini." "Zvowanikwa Tanaka zvanzi haachazi musatanist wani kureva kuti angofanana newe. Tagara takawirirana namai vake vachiri vapenyu kuti ndiye achave muroora wangu handidi kumurasisa zvangu." "Okay handina hangu simba rekupikisa mhamha , zvamairamba kudai maive makamuka mazviona uye ndiye futi anga aita kuti murare hope mangwanani akadai." "Yeah wataura apa nekuti handina kunzwisisa marariro andaita ini yeah kune vanhu vakaoma chokwadi. Izvi zvave kutoreva kuti ndiye akauraya amai vake kaa." "Obvious kana mota yaainyepa kuti akaipihwa nasekuru vake iropa iri." "Okay ngazvichipera hatidi kuti ashaye zvekuita pano ave topic." Ndakazovasiya vachitaura ndakaendawo panze ndokusvika paive naTrish naBrendon achitoudzwawo zveshoko hake. Ndakabva ndisina chandabata kana kutaura ndaida kumupa mukana wekuti ataure nyaya yake. Mubvunzo wangu wakange uri pakuti saka Trish asara nemota asisiri musatanist here ko akazoteverwa achadii? Zvakange zvisina basa hazvo kwandiri asi ndakange ndichiri kutya. Trish akazoenda kumota kwake vakabuda. "Hmm haa uyu anoda kubatsirwa nguva zhinji takaita zvekutamba anodzoka achivava." "Okay bro yandiri kuda kunzwa ndeye rudo wazoita sei?" "Wangu ndingabva ndamuudza nezuva rimwe here ndozomuudzawo tamboti jairanei." "Horaiti I hope zvofamba zvakanaka manje mhamha vachasvotwa kaa kuti muroora wavaida aenda kkk." "Aah pavachazviziva unenge waroora Ropa wako." "Yeah haa very soon ndichatomboudza daddy vandibatsire ndave kuda kuzvipedza remember kuti behind every successful man there's a woman. Ini ndotodawo wangu mukadzi nekukasika ." "Yeah zvoita, ini rega ndiende Tatenda ndokuona pamwe uchauya here, ndapihwa number naTrish ndichatotaura naye ndakaita zvivindi ndoenda kumba kwake." "Hmm hausi unenge wamhanya here? Uchenjere kuzodonha pakunamata nezvevasikana izvi mumwe wangu." "Okay thanks." Ndakangomusvitsa pagate akabva atoenda. Ndakadzokera mumba ndokusvika vanhu vachiri panyaya yaTrish haa zvaive zvavashamisa kunyanya mhamha. Handina kuda kutenga nyaya dzavo ndakabva ndangogara hangu pasofa. "Tatenda wainge wazviona nguvai kuti musatanist zvataisaona isu vakuru?" "Kare kubva pakatanga Tanaka kubuda ropa mumhino paye ndiye aikonzeresa. Hamuna chamakaona imi ini ndakapotsa ndafa pasina kunamata pamwe dai muchiri kundichema kutaura kuno. Muroom mangu makambopinda mukadzi aitoda nezvangu hmm ndakapona naro buri retsono." "Manje ini pese apa ndaiti waitonyepa kaa kusada kudanana naTrish nemanakiro ake aya. Zvino zvanaka wotomira naye pakunamata mudiwa wako." Mhamha vakange vachiri nenyaya yekuti ndidanane naTrish inga ropa raRopa rakatadza kuwirirana navo. "Ini ndiri kuroorwa mwedzi uri kutevera uyo Tanaka wotoitawo plan nekuti unopasara wega pano." "Ndiani angade kuroora mvana nhai mhamha?" Ndakadaro ndichida kuvanzwa . "Sei usina tsitsi iwe? Ihanzvadzi yako iyi rega awanewo anomuroora zvonakidza here kuti asvike pakuchembera asina kuroorwa?" "Mhamha ko imi munoda kuti mvana yenyu iroorwe asi ini hamudi kuti ndiroore yangu munopaonawo sei?" "Horaiti Tanaka angatorega kuroorwa kwacho kwete kuda kundibatira pana Tanaka. Ndave munhu mukuru ini hapana chandisingazive, meso angu aya akaona zvakawanda aya. Munhu uye ndakatomuona paakatanga kuuya pano kuti haaite, handisi kumuvenga kwete asi munhu ari pakutsvaga kuroorwa saka anokuitira zvakanaka usati wave naye mumba, pau...." "Horaiti mhamha ndazvinzwa , inyaya yekuti ndini gotwe renyu kaa mave kundisarudzira. Ngatimbomirai nyaya idzi timbotaura zvekunamata ndinovimba kuti mave kuziva simba rekunamata. Musafunge kuti zvaitika muno tagona no pane zvatatodenha." "Zvatopera izvi topindirei busy nhaiwe? Namata iwe isu hatisati tave kuzvigona." "Nhai Chihera nekutaurisa kwese uku moshayawo maviri matatu amungaudze Mwari here?" "Tichanamata tave kurara." Handina kuzoramba ndichivapa pressure ndakangosiyana navo. Tanaka ndiye ainge apona kubva pakaoma akange akangoti mwiro kunyarara . Apa paitoda kuti ndimbovanamatira vose kuna Mwari kuti vawanirwe nyasha vatendeuke. Pasina nguva murume wamhamha akabva asvikawo nemota yake. Ndakangovamhoresawo hangu asi ndakange ndisati ndanyatsogamuchira kuti ave murume wamhamha. Ndakazobva pamba ndonanga kwana Ropa mudiwa wangu. Ndakasvika vachitowacha zvavo ndakabva ndambogara nabamukuru vacho. "Eeh Tatenda uri sei hako? Chiita kaa uroore ndisati ndapinda pamuyedzo pano." "Very soon ndoroora musatye, mwana wenyu ndochengeta zvangu pasina muripo." "Usataurise kaa hona mukadzi wangu abva atarisa kuno." "Okay sorry asi hapana zvavanzwa, muchadzokera rinhi kunze kwenyika?" "Aah ndakangosiya mukadzi wangu ave nepamuviri ndobva ndadzokera asi mwedzi watiri kubata yeah ndinenge ndave kudzokera." "Okay ." Takazotaura zvizhinji ndichimirira Ropa kuti apedze. Vakazopedza ndokutanga kubika takadya tose ndokuzondiperekedza kumba. Hapana chinhu chonakidza sekuperekedzwa nemunhu waunoda. "Ropa nhasi ndoda kuti usvike kumba tichimbovapa mashots kuti tichiri tose." "No hazviite ndichangoda kuzouya wandiroora. Daddy vangu vambouya so vave kuziva nyaya yacho vaitoda kukuona manje kuti ndiuye kumba kwenyu ndaitotya." "Hoo haa tichasangana hedu pakuroora." "Yeah taura hako." Ndakabva ndamutsanangurira nyaya yekwaTrish. "Yeah there is power in prayer rambai makadaro daddy." "Yeah newewo usimbe mudiwa , rega ndiende ndimbozorora mangwana kubasa." "Horaiti take care." Ndakadzokera kumba ndokutomborara zvangu. Ndakazomuka kwatosviba mhamha vave kutobika. Ndakanogeza ndokudzoka chikafu chatoita takadya. Takanorara ndakatanga ndanamata zvangu . Pakaita two hours hope dzichiramba kubata, ndakange ndave kunzwa kutsva ndakazoda kunodzima light rakabva radzima rega. Ndakaramba ndakagara zvangu ndakatanga kuda kunamata ndopandakanzwa mafootsteps mupassage achimhanya. Door rakavhurwa vaive mhamha vaipinda. "Tatenda ndafa ini mwanangu." Vakauya kubed kwandaive ndokundibata vakandimbundira vachidedera. Ndakazonzwawo mhere kuroom kwaTanaka , handina chandakakwanisa kuita kunze kwekunamata chete. Ndakazonzwa mhamha vave kunamatawo ndakamboda kuseka ndiri muprayer asi ndakazonyarara. "Yes father! Yes father! Huyai Father!" Vaingodaro chete. Tanaka akazouyawo nemwana wake akasvikopinda mublanket mangu mhamha vakabva vapindawo. "Hey musatye please wani ndakuudzai kuti pane zvatadenha masikati paya asi tinokunda chete , manje mukandiregerera ndega hazvi..." Ndakazonyarara ndanzwa zita rangu richidedzwa zvine maungira. Ndipo pandakawedzera kunamata ipapo *End of chapter* 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *Chapter 16* *Tatenda* "Jesus! Jesus!" Ava ndimhamha vakange vave kudaro hamheno kuti vakange vachionei? Ndakazoona mukadzi akambouya uya ayerekana ave pamberi pangu. Aida kuuya kwandaive asi aitadza achiita seari kurovera pamadziro. Ndainge ndichinamata kusvika ndazosimuka ndichienda kwaari. Ndakange ndave muspirit zvekuti ndakange ndave kusanzwisisa zvandaiita zvacho. Ndakamusimudzira ruoko ndichinamata ndakananga kwaari, aidzokera kumashure panguva yandaiswedera pedyo naye. Akange akangonyarara zvake akabva azongorovanisa maoko ake ndakabva ndangokandirwa kure naye. Ndakasimuka paye ndakati the devil you are a lier ndakabva ndatowedzera. Akazongoseka ndokunyangadika ndakaona kuti ndakange ndiine hondo yakakurisa chaiyo. Ndakatomboti taenda tose kuchurch naBrendo asi ndakange ndichida kumbochengetedza mhamha naTanaka. Light rakazobaka rega ndakabva ndangogara pamubhedha ndakabata musoro haa ndakange ndisati ndaona zvakadai muhupenyu hwangu. Apa paisatoda kuneta kunamata paitoda kudzikisa gejo chairo nekuti ndaifa. "Zvaita here?" Vakadaro mhamha vachibvisa blanket mumusoro mavo. Vakabva vasekerera vachiona light rakabaka vakabva vamutsawo Tanaka. "Tana muka haa tanamata nhasi zvaita." "No ndiri kurara muno nhasi zvaiitika muroom mangu zvandityisa." "Zvapera iwe handiti tanamata here?" Ndakavasiya vachiitisana nharo ini ndakanyarara zvangu. Mhamha ndivo vakazosimuka asi ndakaona kuti kwaive kutaura kwekuzvisimbisa vaitotyawo zvavo. Vakadongorera padoor zvenguva vakazoti ndivaperekedze ndakavaperekedza. Ndakadzoka Tanaka arimo ndakabva ndangorara naye zvangu. Kwakaedza ndakange ndoda kuenda kubasa ndakabva ndagadzirisa zvose ndakapedza. Hapana kana aitaura zvechiitiko chemanheru pakange pakanyararwa. "Mhamha ndave kuenda ndodzoka mangwana." "Aah kana zvakadaro hauchaende kubasa kwacho unoda kuti tife here pano?" "Musatye imi hamuna kana mhosva asi namatai chete." "Tozvigona here zvawaita manheru zviye." Akadaro Tanaka akagara semuranda pasofa. "Tanaka hazvichaitika pamwe zvingauye kwandiri imi ndamatai. Iwe kwana Brendon unokuziva unomboenda monamata naye ikoko." "Okay bho asi hmm watiomesera zvako." "Kana ndiko kuti musimbe pakunamata hamheno zvenyu mukaita usimbe." "Haa manje nhasi ndotofonera daddy kuti vauye kuzorara kuno." Vakadaro mhamha izvo zvakapa Tanaka nyemwerero akabva ati "Aah saka neniwo ndofonera Tongai arare kuno." Ndakabva ndapererwa kuti vanhu vacho vaitoona sevarume vavo ndiJesu. Ndakasvotwa kuti vangu vaifanira kunge vachitangawo kunamata asi vaitofunga zvimwe havo. Chokwadi shiri ine muririro wayo hairegi, zvaitoda nyasha kuti zvivafambire nekuti vaiparara nekuda kwekushaya ruzivo. Handina kuzotaura anything vakange vave kutofara zvavo ndakabva ndatoenda kubasa zvangu. Ndakasvika ndakashanda zvakanaka hangu ndokuzoenda kumba kwangu. Ndakatanga kunamata ndichiri padoor chaipo kusvika ndapinda mukati. Ndakazosvika pakurara ndapedza zvose asi musi uyu hapana kana chakaitika. Ndakamukira kufonera Tanaka ndichida kunzwa kuti zvainge zvakamira sei? "Hello Tate." "Yes kutofara kaa uku zvainge zvakamira sei?" "Aah hapana zvakaitika ndanga ndina Tongai mhamha nemurume wavo." "Horaiti inga zvakanaka." "Yeah haa kana kunamata hatina ndofunga zvaitevera iwe." "Okay Tanaka zvakanaka." Ndakazokata ndokuita zvekuenda kubasa ndakazobvako ndakananga Kuwadzana yakange iri Friday saka ndaizopedza weekend ndiriko. *Trish* Hupenyu hwangu hwakange hwave kutapira kupinda uchi. Hapana kana chainetsa mari yakange isiri yekufungidzira ndaitoshaya kuti ndoita sei nayo. Kusvika pakutenga mota kureva kuti ndakange ndaita mazimari. Ndakatsvaga driver aindidzidzisa kutyaira kusvika ndave kuita kakugonawo. Mazuva akafamba ndokuzonzi pave kudiwa kuurawa apa zvainzi tishandise maziso kuuraya. Ndakasvika pakuenda kwana Tatenda uyo aigara asipo hamheno chaiita kuti ndipotsane naye. Ndakazoda kuuraya amai vacho asi ndakakundika nemadiro avaindiita acho. Ndainge ndasiya Tanaka akarara aizomuka kana ndapedza navo uye ndaida kungovapedzera vose nguva imwe chete. Ndakazonotora phone kumota yandakange ndatenga . Ndakapa mai Tanaka kuti kana ndakauraya Tanaka vairamba vachindidairirawo. Ndakazobva pamba pavo ndataura kwavari kuti varambe vachindifarira kusvika ndatsvaira vana vavo. Ndakasvika kumba driver akabva aenda kumba kwake ndamupa mari yake, ndaimupa everyday. Uyo ndakange ndisati ndave neplan ndaye asi ndaizomuendesa chete. Ndakakasika kurara ndokuzoenda kumeeting kwedu , vamwe vaive vauraya ndini ndakange ndisina ndakabva ndatonzi ndisarege mangwana acho. Kune vamwe vanhu ndaisaenda nekuti ndaisawirirana navo saka kwana Tatenda ndiko kwega kwaibudirira nyaya dzacho. Ndakazodzokera kumba ndokurara ndakamukira kugeza ndave kuda kuenda kubasa manje. Ndakafonera driver akauya takaenda kwana Tatenda. Tatenda ndiye wandaitya nekuti akange ave kunamata saka aindikurira, so ndaitaimira asipo ari kubasa. Pandakamufonera ndakange ndichida kukonzeresa kuti adzingwe pamba pavo ndakange ndiine rimwe simba rekuti vainetsana chete iye wodzingwa ndosara ndichifambira nyaya dzangu. Ndakasvika kwana Tatenda ndokuona Tanaka aripo namai vacho. Handina kana kuda kuwanza nyaya nekuti ndaizonzwa tsitsi ndakatadza. Ndakakotsirisa mai vacho ndokutarisana naTanaka ndakamubata ruoko. Ndakamutarisa mumaziso ndokunzwa kuti pane zvainge zvoda kubuda mumaziso ndopandakavhunduka Tatenda apinda. Mumwe wake akabva apindawo vakatanga kunamata. Handina kana kuona mukana wekunyangadika kana kutiza nekudoor. Ndakanamatirwa kusvika ndanzwa kutsva zviye zvekuti ndaitadza kana kumira. Mudumbu maiita kunge mune moto umu simba racho rakange rakanyanya. Ndakamboda kuvatarisa nemaziso asi vanhu vaviri ndakatadza kuvarwisa kusvika ndazongodonha. Ndakamuka ndichinzwa kuti handisisina kana simba mukati mangu. Hana ichirova apa mai Tate vakabva vazoudzwawo kuti ndaive musatanist vakazvibvuma. Ndakatoona kuti ndainge ndadzokera kuzero ndokuzodedzwa neshamwari yaTatenda panze. Ndakaendapo ndichinyara kana kufamba ndokusvikomira panze. "Right my name is Brendon I'm going to help you to protect your deliverance. Hongu wakange uchifara nezvawakange uri asi hazvina kunaka wakufanira kusiya. Kudai pasina zvose izvi amai vako vachirarama uye uchigara une peace. Ndoda kuti ugamuchire Jesu pachine nguva." Ndakambodhonzera mweya wangu mukati ndisati ndatombomupindura. Ndaifunga kuti kusiya my luxurious life ndodzokera kuzero zvekare. "Okay asi haisi hondo here yandinenge ndatanga nekuti ndinofa?" "Usatye kana zvichibvira ndouya kumba kwenyu manheru anhasi." "Hmm hazvibude." "Okay kana kuti toenda tose kuchurch nhasi manheru." "Okay ndipe phone number ndozokufonera." Akabva andipa number dzake, handina kuzomira ndakabva ndapinda mumota mangu. Ndainzwa musoro wangu kutenderera ndakabva ndaendeswa kumba ndokusvikopinda mumba. Ndakasvikoona musisina mari, hana yakarova apa ndakange ndasara ndisina kana tswee. Ndakabuda panze ndokuona mota yangu yave kubuda nadriver wangu, ndakamumisa asi akangoseka haana kana kumira. Ndakabata musoro ndichiridza mhere ndakabva ndatoona kuti hazviko ndaifanira kutoita zvekunamata zvacho nekuti kuzoona ndawana zvandakange ndave nazvo yaitove nyaya hombe. Ndakabvisa chibangle chavo newatch ndokukanda mugomba remarara. Ndakabva ndafonera Catherine my friend ndichimuudza kuti handichada. "Wangu handichade zvaSatan izvi." "What? Sei wakapusa iwe? Haa apa wave kuchera guva rako unoziva wani kuti kusiya unofa." "Ndatosiya kare ndanamatirwa ndatove bho." "Hausati wati hako uchaona nhamo rega ndiuye ndikujoinise futi." "No don't come." "Trish usadaro kani sei usingade good life iwe?" "I'm done with it handiti zvose zvatorwa here?" "Usatye rega ndiuye mumwe wangu , usanyengedzwe nevechurch ava please think about it. Wakange wave kuita zvaunoda panguva yawada. Be strong rega ndigadzirire ndiuye.Vekuchurch Havana kana chavanacho ava " Akabva atokata phone yake, ndakange ndave kuda kusiya pachokwadi asi kuti ndirwadzise mumwe wangu ndaisada. Ndakapererwa kuti ndoita sei ndopandakafonera Brendon kuti andibatsire. "Hello." "NdiTrish." "Ooh thanks for calling hey so how's everything there?" "Everything is not okay, I've lost my everything and now my satanic friend is coming for me." "Hey okay usavhundutsirwe kuti udzokere kwakadai hakuna kana hupenyu uku. Kudai zvaive zvakanaka ingadai usina kurasikirwa nezvese ko mota yako how far?" "Driver atiza nayo hamheno kuti abatwawo nei apa mune zvinhu zvangu." "Okay so zvatave kuita chiuya tisangane palibrary ." "Okay thanks rega ndiuye asati asvika." Ndakabva ndatokiya madoors ose ndokubuda zvangu phone ndakabva ndadzima. Ndichingoti fambei ndakabva ndaona mota yangu yakaita tsaona apa pakange patove nemapurisa. Ndakaswedera pedyo only to find out kuti my driver akange afa. Ndakarwadziwa zvisingaite asi handina kuda kuratidza kuti ndini muridzi wemota ndakabva ndatotiza kunanga kwaive naBrendo. Ndakasvika akatondimirira asvika kare. "Hie." I said ndichimumhoresa neruoko. "Hey." Akadaro akabva aramba akandibata ruoko rwangu. Ndakada kudhonza ndokunzwa rakabatwa ndopandakasimudza meso angu ndokudhumana maziso takabva taramba takatarisana. "Piii!" Takabva tavhunduka tose tanzwa huta yemota ndokuona kuti takange tiri muroad chaimo. Ndipo paakandisiya mota ichidarika takabva taramba takanyarara ndainge ndatarisa pasi ndichimuona necorner yeziso. Ndainyatsoona achimedza mate akanditarisa pandaisimudza musoro aibva atarisa rimwe divi hake ndipo pandakazoti "Can we go now?" "Yes we can kutovarairwa hangu." Takabva tatanga kufamba takananga kumba kwavo. Takasvika ndakabva ndatoona daddy vake vakatogara panze vakabva varamba vakavhura ziso vakanditarisa, vakazongoramba vakanyarara vakasira nzeve kuti dzinzwe kuti ndaive ani? "Makadii zvenyu?" I greeted him vakadaira zvavo zviye zvekuratidza kushamisika. "Right dad this is Trish my friend, she's under deliverance now ndabva kunomunamatira panyaya iya yandaikuudzai so zvazonetsa ndezvekuti shamwari yake iri kuuya kuzomudzosa zvekare ndosaka ndati ndiuye naye kuno." "Okay no problem ndanga ndakutoti watiunzira muroora kaa ndakati une choice kk." Vakadaro vachiseka zvavo ndakabva ndanzwa kunyara. "Haa kana muchida kuti aite muroora wenyu anoita but after yambomubatsira." "Okay chipinda naye mumba." "Okay daddy." Takabva tapinda mumba ndokugara pasofa rimwe akatanga kunditsanangurira nezvekunamata. "You know what Trish, eeh the devil comes to steal, kill and to destroy usanyeperwe kuti akauya kuzoti ubudirire but Jesus comes to give life and eternal life. Chaunofanira kuita kumugamuchira samambo naIshe muhupenyu hwako uone kuti hazvikufambire here? Sirivheri nendarama ndezvaJehovah saka chose chawada unochiona kwaari." "Okay manje ndomugamuchira sei Jesu wacho?" "Hazvinetse izvo patichaenda kuchurch panonzi vanoda kugamuchira Jesu woenda kumberi nemwoyo wako wose." "Okay thanks for helping me out today, ndainge ndarasika ndini ndainge ndasarirwa nekufa apa hmm haa ndakatadza chokwadi kana Mwari havandigamuchire. Ndakauraya mhamha vangu, ndakauraya vanhu vazhinji zvisingaite zvivi zvangu hazviregererwe izvi ." "Usataure mashoko akadaro, hakuna chaasingaregere Mwari. Kunyangwe zvivi zvako zvakatsvuka seropa iye anozvichenesa semazai echando." "Hmm but hausi kuzvinzwisisa Bee, ndakauraya amai vangu ndakatarisa kusvika vazorora ndakanyeperawo kurwadziwa ndirini ndakauraya." Ndakabva ndatotanga kuchema ndakange ndave kurwadziwa nezvandainge ndakaita. Brendon akazondinyaradza pave paya akazondiratidza kuguest room kwandaizorara. "I can't sleep in here ndiri ndega ini." "Manje toita sei hapana mumwe musikana pano waungarare naye." "Ndouya hangu muroom mako ndorara pasi iwe pabed haa ndiri kutya ndogona kuurawa nhasi." "Usatye okay unorara muroom mangu." Takazoenda kuchurch ndakasimukawo pane vaitendeuka. Vanhu vakatifarira , ndainge ndakatarisira kuti Tatenda ndomuona asi haana kuuya. Zvaitondishamisa kuti ndainge ndasiya zvehusatanist hmm haa Mwari vakanaka. KwaSatan hakuna kana chiriko kunze kwemisodzi nekuitiswa zvinhu zvinokuvadzisa. Takadzokera kumba ndokusvikopinda muroom maBrendon ndakabva ndamira ndakamirira kuvaridzirwa pasi. "Wangu tora blanket muroom mako wouya muno torara tese apa iwe uku ini uku." Handina kupindura ndakange ndave kungonzwa bvudzi rangu kuti nyau nyau. Ndakabuda muroom make ndokuenda kwangu kwacho, ndakapinda muroom ndichibata blanket ndokunzwa door kuti bhaa kuvharwa. Ndakatarisa ndichida kunovhura ndakabva ndanzi dzvii nemaoko maviri akatenderedza dumbu rangu. Ndakada kudedza Brendon asi handina kukwanisa kubuditsa voice nekudzvanywa kwandakange ndakaita. *End Of Chapter* *Please Note That Our Book Will Be On Sale From Chapter 20* *Vanoda kugara vatenga here is the payment details book rakapera kunyorwa kare ukatenga unobva wawana full book wonakirwa* *Zim Side* *Ecocash___* $1 or 45 Zig pa ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura* *Airtime it's $1 on ⁰⁷⁸5346952* *"Us airtime it's $1 scratch card netone or buddie rinouya pa 0⁷⁸5346952* *Screenshot will be needed as your proof of payment on0785346952* *SA* *Or 20r Hollywood voucher, or OTT voucher kana 1 for you voucher* Mosenda pa0785346952 *Thank you for your support*

❤️ 🙏 😂 5
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 10:19:52 AM

At wholesale prices +263 78 090 6751

Post image
❤️ 1
Image
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 9:49:04 AM

Let's react Munamato auye guys tinzwe kut what happened mapundu akazopera here

❤️ 🙏 3
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 11:16:26 AM

https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g *Follow my channel* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Group* https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp *CHAPTER 13 AND 14* 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *Chapter 13* *TATENDAA* Hana yangu yakange yave kurova ndashaiwa mhamha. Ndakazogadzikana ndaona vachipinda havo vakabata mavegetables. "Ko Trish atoenda achisiya muriwo wake uyu?" "Pamwe achadzoka." "Okay ko azongobuda asina kutaura neni kwakanaka here?" "Aah mozomubvunza he..." "Mhamha imi!" Takatarisa kudoor tose kwaibva izwi raTanaka. Takatanga kuona misodzi mumatama nemabags ake ndakatoshaya kuti chii chaitora nzvimbo . Mhamha vakaita sevachadonha kumhanya kwaari . "Chiiko nhai Tanaka?" "Ndarambwa mhamha, Dan ane mumwe mukadzi." "What?! Ko achiitirei hunhu hwakadaro nhaimi? Ko zvaaikuti huya kumba kuda kuzokurambira kumba here?" "Mhamha ndiri kurwadziwa zvisingaitee zviri nani kufa hanguu ndomuchengeta nei iyeyu?" "Don't worry haungazviurayire mukono zvako gara pano mwanangu ko ndiwe watanga kurambwa here ?" Ndakabva ndambogara pasi ndakatanga kuseka hangu, kwete kuti ndainakidzwa nezvainge zvaitwa hanzvadzi yangu asi ndakarangarira mabatiro avaiita Ropa nekuda kwekuti ane mwana mumwe ndaibva ndaona kutsiva kwaMwari. Idi kuti munhu anorarama anokohwa zvaakadyara , iyi ndoyainzi nevakuru ndomene haichemedzi manje. Vamwe vakati ndambakuudzwa akaonekwa aine mbonje pahuma. "Tatenda uri kusekenyeka chii ipapo, haumunzwirewo tsitsi here mumwe wako?" "Mhamha zvorwadza zvaaitwa asi now adzidza hake kuti hakuna munhu asina basa muhupenyu. Regai ndizvitaure zvekare ndati hakuna munhu asina basa muhupenyu. Moyo wangu wakazara neshungu kuti mose muone kukosha kwemunhu muhupenyu. Musatarise zvaakamboita kumashure asi tarisai kuti achaitei nekurasika kwaakamboita. Tingamuti mukadzi wemunhu here Tanaka uyu kana kuti totomudana zita rekutsvinya ramaigara muchiti Ropa imvana." "Tatenda ndiwe wakundidaro here?" "Mira Tanaka ndoda kumbopedza namhamha ava, nhai mhamha dangwe renyu zvarauya nemwana kudai ndodawo kuziva kuti hamudi kuti riroorwe here?" "Ndoda." "Mazviona kaa. Uyu atofanana naRopa, zvamunomushuvira Ropa anoshuvawo zvakadaro. So I'm going to marry her." Ndakadaro ndichivasiya vasina neremuromo. Vanhu rudzii vasingakoshese vamwe, vanoona kuti vamwe vanhu vasina basa vachitovashuvira rufu chairwo . Zvino Mwari wandonamata haabatwe nedoro uye haakotsire. ZvaTrish zvakange zvatobva mumusoro nenyaya yaTanaka. Ndakazotanga kunamata ndichifamba famba zvangu mumba. Ndakange ndave kukumbirira family yangu kuti ichengetedzwe kubva kuna Trish. Ndini ndakange ndave pedyo nekuurawa pasina kunamata ndaigona kutoparara masikati machena chena. Hakuna chinhu chinorwadza kuti vamwe vako vofa Iwe uchikwanisa kuvamiririra nyaya dzavo. Ndakazopedza ndokubuda ndakaona vakangogara zvavo pasina aitaura nemumwe. "Right kuzvida kana kusazvida tave kufanira kuenda kuchurch pamba pano. Handidi kuti mumwe atsakatike nekuda kwekusaita zvinoraramisa zvacho. " "Nhai Tatenda iko kunamata kunombunyikidzwa munhu here? Iwe wakazongotanga kuenda wega usina kubatirwa shamu saka chimbotisiya zvako." "Hazvina mhaka kana mati hamusi kuda mhamha. Ko Tanaka unoda here?" "Yeah." "Unodei iwe wonamatiswa nekuda kwekuti warambwa here aah ?" "Mhamha ndisiyeiwo ndimbozama zvimwe zveutsinye hazvina zvazvakandipa kunze kwemaronda manyoro ari mumwoyo." "Heya ,itai tigoona kwazvosvika asi usakanganwe kuti Trish ndiye muroora wangu." Tanaka haana kuvadaira ndakabva ndaonawo aimira neni hamheno kuti kwaive kurwadziwa here nekuti kazhinji shiri ine muririro wayo hairegi. Chandakafarira kuti akange adzidzawo muhupenyu. Vakange vangofanana naRopa waaigaroseka achimuona sembwa chaiyo asi kudenga kuna Mwari pasi pane vanhu. Ndakazoita kufonera Ropa nekuti ndakange ndisisade zvekuenda kumba kwavo. Takasangana ndakamutsanangurira nyaya yaTrish neyaTanaka . "Hmm inga zvaTrish zvave kutoita worse nhaiwe." "Pakaipa chandokukurudzira kunamata mudiwa nekuti pasi pave nemeno apa tinorumwa takarivara." "Haureve nhema pakadaro ko Tanaka hanzi mhosva yake ndeyei?" "Mhosva yake ndeyekushora iwe." "Aah saka ndozvaarambirwa here izvozvo?" "Ehe angosvika pamba pave nemumwe mukadzi iye akadzingwa nemwana wake iyeye. " "Hmm I feel sorry for her." "Zvakaoma asi chidzidzo kwaari kuti kuva nemwana kana kuva mhandara zvose zvakafanana. Mumwe akapinda mumba ari mhandara asi imba yake yakatoparara, mumwe ndiye anopinda ane mwana asi vogoramba vachiyanana. Ndozvinoita hupenyu munhu haadadirwe zvake." "Wataura mashoko ane udzamu apa mumwe wangu." "Yeah ko how far bamukuru havasi kunetsa here?" "Haa havasi zvavo ." "Ko sei wachinja chiso pawanzwa zvabamunini?" "Aah hapana kungobhowekana nazvo." "Okay mudiwa, so uchaendawo kunoona pamba pangu rinhi?" "Kana wandirora." "Hezvo kungouyawo chete here?" "Horaiti haa any day we can go." "Sure, ari sei Tania wangu?" "Ndakasiya kari bho hako." "Horaiti ini rega ndimhanye kumba mangwana ndakaenda kubasa ndichadzoka nekuti manheru kune church kana uchikwanisa toenda tose." "Hmm I don't think so ndinenge ndichiona kuti zvakamira sei?" "Horaiti mudiwa wosara zvakanaka." "Mofambawo zvakanaka daddy." Takaparadzana ndave kuenda kwana Brendon ipapo ndaisakanganisa. Ndaiti ndakabva pamba ndovanhu vaviri vandaifambira chete. Ndakaenda kwana Brendo ndokusvika achida kutouyawo kumba. "Aah wabva wanditangira nhasi ndini ndaida kumbokufambira kaa, hazvizoite kuti urambe uchiuya iwe chete kaa." "Taura hako saka hande kumba hedu tichitaura." "Okay hande." "Ko zvaitika nhasi wangu haa ndiri kufara kwete kutya?" "Ko chii?" "Iwe Trish azouya kaa akatsamwa achitoda ropa rangu asi ndazotanga kunamata ndakamunongedza sezvaunoita zviye akabva atanga kuzvonyongoka kusvika atiza." "Wonderful, now wakuchifanira kuramba uchinamata usapere simba. Ukaona wadai wadenha zvakawanda uye zvichakurwisa mativi ose asi chandofarira ndechekuti tiri vakundi nekupfuririsa." "Ipapo haureve nhema hmm Mwari anoda kunamatwa uyu." Hurukuro yedu yakaenderera mberi kusvika tasvika muruvanze rwepamba pedu. Mota yemurume aifambidzana namhamha yakange iripo ndakaziva kuti ainge auya. Takapinda mumba ndokuona vakagara pasofa rimwe zvavo Tanaka ari kwake chiso chakapusa pusa zvacho. Takanogarawo pasi ndokukwazisa vaivemo Brendo akakwazisawo vose. Pakamboda kuita karunyararo mhamha vakabva varidza huro kuri kuda kuti vanyatsobudidza mashoko. "Right Tatenda naTanaka, ndinoziva kuti murume uyu munongomuona achiuya pano uye semi makura kudai hamungatadze kuziva kuti anenge achidei uye ndianii kwandiri? Nekudaro chiregai ndikuzivisei muri pamwe chete kuti ndiye ave murume wangu uye munoziva kuti murume wamhamha ndibaba. Morega kuvatarisira pasi asi varemekedzei sababa, uye mwedzi uri kutevera vari kundiroora." "Horaiti mhamha maita basa nekutizivisa, tafarawo nekuziva murume wenyu mutsva." "Yeah iwe Tate ndave kuda muroora uri kunonoka mhani. Iye Trish wacho achasvika pakutobhowekana newe akabvutwa nemadinga zvawo apa tarira ave nemota. Havasi vasikana vekudadira vaye ndovanoshandura upenyu hwako ." "Mhamha next month ndiri kuroora." "Kwete mvana yako iya kaa." "Matanga mhamha ." "Aah nhai Mukanya zvinoita here kuti Tatenda haasati ave nemwana wonotorana nemunhu akambogara mumba?" "Aah zvakuenderana nekuwirirana kwavo ndiri seni hangu ndiri iye zvingatode kubikirwa doro handitore ini." "Ooh wanzwa kaa zvataurwa nababa vako." "Horaiti." Handina kuda kuramba ndichiitisana nharo navo. Ndakazoenda muroom mangu naBrendo takatanga kukurukura dzehupenyu. Takataura kwenguva refu ndipo paakazoti "Haa wangu rega ndiende, nyaya hadzibvaruke idzi. Ndokuona mangwana tave kuenda kuchurch." "Okay hapana chakaipa hande ndikubuditse." Ndakabva ndamuperekedza ndokuzodzoka hangu. Mhamha vaingoyemerana nemurume wavo Tanaka nemwana wake ini ndokupinda muroom mangu nerunhare rwangu. Nguva dzakafamba kusvika manheru takadya ndokutorara. Ndakamukira kubasa ndichipedza basa handina kuenda kumba kwangu ndakabva ndadzoka kwamhamha. Ndakaudza Tanaka zvekuti agadzirire tiende kuchurch. "Aah ndozoenda Tatenda." "Unoenda kana zvadii?" "Aah chimbondimirira Tatenda ndine munhu wandoda kumboona nhasi." "Anova ani akakosha kudarika Jesu, Iwo manheru ako ndoaungaite zvekuonana nevanhu here?" "Handiti uri kuziva kuti ndakarambwa here uye vana tete vaDan vauya makuseni nhasi vachitondipa gupuro iye Dan hanzi haachada kundiona." "Saka wanga wafunga kuita sei manje?" "Aah ndine mukomana aigarondinetsa mazuva ose aya saka nhasi paandibvunza ndazongomudawo nekuti hapana zvekuita ndogara kusvika rinhi pano?" "My dear sister you're totally wrong. Murume haawanikwe nenzira yakadaro , wadii wambotsvaga Jesu uone kuti akakugadzirirei?" "Tatenda ndiri kutaura newe zvakanaka wani, enda kuchurch iwe. Mhamha chaivo havana kuramba nyaya iyoyi vatozvifarira iwe woda kundibhurutsira shiri yangu." "Horaiti ndatsveta matombo pasi, handichabhururutsi shiri yako rega tione kuti paichaneta iri mumuti mumwe haibhururuki here?" "Ooh atoisa message handei tose uchienda kuchurch ndichisangana naye pagate ." "Horaiti vangu sisi handingakumisei kuita zvido zvemwoyo wenyu." Ndakabva ndatopedzisa kugadzirira zvangu ndokuzobuda naTanaka. Takasvika pagate ndokuona munhu waaiti mukomana wacho imi wee. Zvimwe hauseke asi unonzwa tsitsi. Nezera rake akange atokura zvake ndakatoshaya kuti sisi vangu ndozvavainge vamhanyira here? Kungoti munhu haatarisirwe pasi usati waziva rimwe divi rake. Ndakamumhoresa ndiine kamufaro zvangu ndokuziviswa kwandiri ini ndakaziviswawo kwaari. Zita rake ainzi Takudzwa. "Ndafara nekukuzivai tsano mune vana here?" "Nhawe Tatenda mubvunzo rudzii wakadaro? Handina kukuudza here kuti haana vana , usadaro iwe zvawaiti watsveta matombo pasi wani?" "My apology." Ndakadaro ndave kutoenda zvangu. Ndakafonera Ropa akati aikwanisa ndakafara zvisingaite. Ndakamutora ndokumhanya kwana Brendon sezvo nguva dzakange dzadyana. Takaenda tose kuchurch kwainakidza chaizvo , yakazopera takabva taperekedza Brendo isu ndokudarikira zvedu. "Ko vamwene vako vave kuda kuroorwa kaa next month." "Hoo inga zvavo vanogona kutotitangira." "Ehe ndoda kuti vatange havo ndozokutoorawo." "Zvose zvakanaka mudiwa wagona nekumbondiendesawo kuchurch kwaikomborera kwazvo." "Haa totenda Mwari mudiwa." Ndakabva ndamusvitsa pamba pavo chaipo ndokudzokera hangu. Ndakasvika Tanaka achiri kutandara nemunhu wake mhamha newavo hamheno kuti vakange vave kugara pamba pedu here baba vacho. Ivo mhamha vaifanira kuenda kumba kwemurume kwete kugara naye pedu ko vakadanana nemunhu asina kana imba uye achiita mota yekukumbira. Pamba pacho pakange pave kutobhowa hapo ndakabva ndapinda muroom mangu Trish akabva afona nguva iyoyo.Ndakadaira ndichibva ndatanga kurecorder call. "Hello." "Hello church boy." "Uri kudei iwe?" "Hmm wakuda kungwarisa kaa iwe manje uchaona zvandiri kuda kuita hangu." "Unondiitei iwewe?" "Hapana asi sisi vako namhamha vako vachakuudza hako. Mhamha vako vanondifarira saka ndichivanyara hangu kudai ndakauraya ivo ndakasiya vangu." "What!? Saka ndiwe wakauraya amai vako nhaii hmm zvakaoma." "Iwe ndichakuwanira plan haundinetse hako , kana kuti uchasara wega uchirwadziwa vamwe vachererwa pasi." "Horaiti Trish rega ndiitewo zvandogona ." "Good boy I love you so much, I'm now craving for your sister's baby's blood, the fresh blood bye." Akabva atokata zvake, ndakapererwa nezvaaitaura kuti akange achitoda ropa raShantel. NaTanaka taisanzwanana asi weropa ndeweropa mwana wake aisazofa ini ndiripo. Vanhu vacho kuvaudza vaisabvuma manje apa Trish ndakange ndamugadzirisa ndainge ndasara necall yake muphone. Ndakabva pamubhedha ndichimhanya kubedroom kwamhamha ndivo vandaida kuti vatange vanzwa. Ndakagogodza asi handina kudairwa , ndakabva ndangonanga kwaTanaka ndokunzwa achitosekenyeka zvake. Pamba pacho pakange pave kuita sepepfambi chaipo. Ndakapererwa ndashaya wekunzwisa kuti vaitewo shungu nekunamata uye vasatendere Trish kuuya pano. Mangwana acho ndaienda kubasa ndautonyumwa kuti aigona kungouya akaita zvaanoda nekuda kundirwadzisa. Ndakashaya kuti ndodii ndakange ndisingade kuti ndirare ndisina kuvanzwisa. Ndakagogodza pagonhi raTanaka asi haana kuvhura, ndakatoona kuti aitondinzwa hake asi asingade kuvhura. Ndakaita hasha ndakabva ndarivhura ndega ndokusvikoona muine mwana chete. Hana yangu yakatanga kurova apa kusekenyeka kwaTanaka kwandainzwa kwakange kwanyarara. Ndakashaya kana zano rekuita kunze kwekunzwa kuti mwana aive mupenyu here ndakabva ndamusimudza ndokubuda naye ndakananga kubedroom kwamhamha. "Mhamha! Mhamha imi!" "Nhaiwe Tatenda uri kudei mausiku ano? Handina kukuudza here kuti remekedza baba vako izvozvi unogogodza kuti zvidii washaya chekudya here? " "Mhamha ndokumbirawo kutaura nemi please ndezvanhasi chete." "Mangwana anosvika Tatenda enda unorara wakutondikanganisa hope dzangu manje." "Okay Tanaka haamo mumba make umo." "Ndiri kuzviziva kuti anogona abuda asi anodzoka zvee." "Horaiti mhamha." Ndakadzokera kuroom kwangu nemwana waTanaka ndokunamata ndakamubata. Phone yakabva yaringer futi aive Trish , handina kuda kumudaira ndaitoona kuti izwi rake rine zvaraitokonzeresa. Yakazodaira yega ndakabva ndada kuikata asi yakange yadzima pascreen, ndakabva ndazoita zvivindi zvekuitora ndokuiisa panzevee. *End of chapter* 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *Chapter 14* *Tatenda* Ndichiisa phone panzeve ndakabva ndanzwa Trish achitoseka zvake, ndipo pandakatanga kunamata paphone ipapo akabva atokata . Ndakazonzwa kuvhurwa kwedoor repanze ndopandakabuda ndakabatidza torch ndokuona ari Tanaka zvake. " Nhaiwe hanzi chii kundivheneka sembavha kudaro?" "Sorry ,Tanaka wainge waendepi?" "Hapana ndaive panze zvee." "Hmm ko ndambonzwa kuseka muroom mako ndakapinda ndokuona mune mwana chete chii chiri kuitika?" "Aah ndini ndaiseka ndaive ndakamira pawindow nemukomana wangu." "Are you sure?" "Yes ko chii?" "Hapana pane zvandoda kuzokunzwisai mangwana mose namhamha. " Ndakabva ndanotora mwana wake ndokumupa ini ndokudzokera kunorara . Ndakange ndave kutoshamisika kuti kuseka kwaibva panze, ndakazongobatwa nehope hangu kwave kumuka mangwanani ndave kugadzirira zvekubasa. Vekumba ndivo vainditemesa musoro nekuona kwemwoyo yavo kusada kuterera zvandaitaura manje apa ndakange ndiine chamboko chehumbowo. Ndakapedza zvose mhamha vasati vamuka. Ndapedza ndopandakazovamutsa vose naTanaka vakauya vachida kunzwa kubva kuneni. Ndakatora phone hangu ndokutanga tamutsana zvedu tisati tapinda mune dzimwe nyaya. "Right vanhu vaTrish ndoda kuti muzvinzwire mega musazoti ndonyepa. Mose maiona kunge ndakamuvenga kaa manje inzwai audio iyi?" Ndakadaro ndichiplayer asi paibuda inzwi risiri raTrish. Ndakashamisika nazvo ndakabva ndambodzora volume ndokukwidza zvekare asi harina kuchinja. "Asi watinzwisa risiriro here nekuti hapana Trish watanzwa apa? Chii chauri kuda kuzama kuita Tatenda?" "Mhamha handizive ndozvitsanangura sei mukandzinzwa asi zvamanzwa apa ndiye Trish akazvitaura nezuro." "Ko uyu ave ani watanzwa achiti anoda kutiuraya?" "Ndiye Trish asi voice rake razongochinja hamheno nei? Trust me handisi kureva nhema apa mhamha ngwarirai munhu uyu." "Nenhema dziri pachena idzi kuti wagadzira zvinhu zvako zvefake manje zvatadza kubuda. Trish akazvizvinzwa izvi haatosvike kaa pano hmm Tatenda zvawave muroyi chaiye ungabva wamaka munhu zvekudaro kana kunzwa kuti haumude izvi zvanyanya." "But mha..." "No, no, no ini ndisiyei zvangu regai ndidzokere kunorara zvangu aah kana kusanyara." Mhamha vakabva vaenda ndakasara naTanaka. "Nhai Tatenda ko ukasiyana nekunyepa unobvei mwana wamai? Wanga wagona hako plan yako asi zvaramba kushanda izvi." "Tana I'm sure kuti iye Trish ndiye atokonzeresa kuti zvidai , no problem rega ndiende kubasa ." "Famba murugare mwanakomana." I left her presence ndichinyara zvisingaite. Yeah Trish aitove nenharo zvake, ndichisvika pagate ndakabva ndangodeleta zvangu ndonanga mutown kubasa. Ndakasvika ndakatoneta neta zvangu asi hazvina kunditadzisa kuita basa rangu. Ndakange ndatokanganisika hangu nenyaya yaTrish haa munhu aitove nerimwe simba randaisafungira. Ndakazofonera Brendon ndichimuzivisa nyaya yacho. "Hoo ndozvakaitika haa zviriko izvo pamwe haasi akatozviita asi maspirits acho akatoona kuti wave kuda kumufumura akabva achinja izwi. Ngazvisakushamise hako plus hatisi pakuda kuti mhamha vako kana ani vazive kuti Trish musatanist isu ngatinamate. Hatirwe nenyama neropa asi nemweya yakaipa yemuchadenga. Ndotomboshuva kuti kudai aiuya kumba kwangu kuno ndakapedza naye." "Okay haa makwikwi vanhu vakadai vanofanira kungofa." "No kwete Trish." "Ko nei iye achiita zvinhu zvakadai?" "Because I'm in love with her, ndomuda hangu." "Brendon!" "Yes ko zvakaipei? Ndoda iye kwete zvaanoita izvo tinozvibvisa pasina kana maminutes akawanda usatye." "Waidi kundiudza pese apa kuti unomuda ?" "Ndosaka ndazokuudza nhasi so zvakafanana. Ndiri kutomushaira mukana zvangu asi hana yangu yakarovera paari." "Hoo inga wakashinga ini handingambode zvakadaro ini." "Unoreva kuti Ropa akapinzwawo mazviri asingade unomuramba here?" "Handimurambe." "Handiti waona so ndonyaya yacho. Zvaitondimara kunzwa mhamha vako vachida kuti utore Trish semukadzi wako." "Hoo haa ndave kuziva manje usatye zvoita."- Takazotaura zvishoma ndokuzokata tapedza. Haa akandishamisa kuda Trish nezvandaiona achiita uye ndiye ainge akauraya amai vake. Ndakazongoti ndikoko ndakasiyana nazvo hangu. Ndakadzokera kumba tapedza basa ndokuzoona Tanaka aine mumwe mukomana vakagara pasofa. Ndakavhunduka kuti ko akange ave kuchinjanisa zvekare, ndakanzwa kudumbirwa nehasha asi ndakazozvidzora ndakaramba ndakanyarara. Mhamha vaitove panze zvavo murume wavo pakange pasina. Ndakagara pasofa kusvika Tanaka azoperekedza munhu wake vakabva vapinda vose namhamha. "Tanaka ndochii ichi?" Ndakadaro ndasimuka zvino . "Aah Tatenda siyana neni please this is my life. Im heart broken ndisiye ndimboita zvondifadza uye kuti ndikwanise kuchengeta mwana wangu ." Ndakabva ndaita hasha ndakamurova mbama yakavhundutsa kana mhamha. Kaive kekutanga kumurova zveshuwa apa akange ave kurasika zvisingaite. "Tatenda unoda kundikuvadzira mwana here? Hee? Chaunomurovera chii chacho, icho chakubhowa chii panyama yedhongi yausingadye?" "Mhamha muri kukurudzirawo here zvaari kuita izvi muri kutoona kunaka kwazvo here?" "Hazvina kana Satan mukati izvi handiti akarambwa musiye atsvage mari neniwo ndoidawo mari yacho plus yemwana. Paachazonzwawo kuti zvakwana anosiya ega plus haasi pfambi no usafungire izvozvo asi hatingamudzivise kuuya nevakomana vake pano." "Kudai musiri amai vangu ndambokurovai bhutsu zimuromo iroro rinoita kunge rakakiswa naSatan nxaa." "Tatenda uri kundituka, chibva mumba mangu izvozvi." "No mhamha handibve kaa pano musare muchiita zvakadhakwa izvi. Pane zvimwe zvekusekerera mhani asi apa mave kunyanya." "Ndati ibva muno benzi remunhu handidi kukuona pano ini." Ndakabva ndatogara zvangu pasi pasina nguva mhamha vachiri kupopota murume wavo akabva apinda ivo vakatanga kuchema. "Chii mukadzi wangu?" "Tarohwa muno nemhondi iyi tarirai kana Tanaka ari kuchemawo ngaabve pano." "What?! Iwe shamwari ibva pano." Vakadaro vachiuya kwandiri, ndakange ndatopererwa kare nemashoko amhamha avainge vataura. Ndakasimuka zvakanaka ndokusundwa ndichinodonhera panze. Ndakacheuka ndichitarisa Tanaka, ndokutarira kuna mhamha door rakabva ravharwa. Chokwadi ndaisangana nezvakawanda muhupenyu hwangu, handina kuda kurasa tariro ndakabva ndasimuka pandakange ndadonha.Chokwadi kuti paunosimuka pakunamata unosanga nemiyedzo. Ndaizotadza kusimuka ndafa kwete ndiri mupenyu bodo . Pamba pakandirwadza kubva asi pakange pasina zvekuita ndaida kumbovasiyawo vazopepuka vamedzwa nekuda kwemwoyo yavo. Ndakaenda kwana Brendo ndokusvikomurondedzera mafambiro enyaya yacho. "Hmm uri panguva yakaoma wangu. Wakaipa ari kurwisa kutendeuka kwawakaita hmm please usaore mwoyo Jesu wawakagamuchira ariko . Don't ever think kuti akurasa no uchazozvinzwisisa kumberi ." "Haa ndashaya neremuromo wanzwa apa zimurume ramhamha kuzondimhanyisa mumba musiri make, ndarwadziwa handidi kunyepa. Ndaiedza kubatsirawo mumwe wangu Tanaka asi ndaisaziva kuti ndaikanganisa mumwe munhu." "Be strong, zvimwe zvinhu zvinouya pakutisimbisa Tatenda. Zvakasauya izvi tinogona kungoneta tichiti haa tiri pakanaka asi tozovirwa nezvakaomarara takatadza kukunda. Ukaona zvadai Mwari vawe kuda kukusimudza just keep on praying." "Brendo hausi kuzvinzwisisa iwe, kudzingwa pamba namhamha here ndisina kana kuvabira, kana kuvarova, kana kuuraya mwana wavo asi nekuda kwekuti ndairangawo hanzvadzi yangu kuti azivewo zvekuita ndokudzingwa ini ndichiti ndiri kuita zvakanaka. " "Tatenda kaa hatirwe nenyama neropa wanzwa asi nemweya yemuchadenga. Isu ngatisamire kunamata usatye vakatidzinga vachatitsvaga, zviri kutimhanyisa tichazvimhanyisa ngatisaneteswe nezvakadai." "Okay haa ini hangu kaa handichadzoke kuno zvekudaro ndichange ndichiuya apo neapo." "No unouya unorara hako kuno." "Haa iri bho rega ndiende ndoda kuona Ropa anofanira kuziva izvi." "Okay unodzoka hako worara kuno." Ndakazobva pana Brendon ndokuenda kwana Ropa. Ndakasvika ariko ndokumuudza zvose. "Yeah haa kuroya hakusi kumuka usiku chete hmm mai vako vakaoma zvako. Hmm ndogarisana navo here ukandiroora ?" "Usatye hamheno Mwari zvavakaronga mudiwa hmm nekuti zviri kuitika muhupenyu hwangu handisi kuzvinzwisisa ini. " "Usacheme Tatenda ukadaro unozviziva kuti neniwo ndochema. Mangwana ndouya ndichikuona kumba kwako handiti." "Okay babe don't think kuti ndiri gwara kuchema uku no kuchema kwekurwadzirwa vari kumba, hmm ndakamboedza zvangu asi zvandaiburitsa mumuromo hakuna akanzwa rega ndingosira meso muromo ndiuvhare zvangu." "Good mudiwa rega zvakadaro tione kuti zvopera sei?" Akadaro ave kutondibata bata zvake ndofunga aida kuti ndikanganwe nezvainge zvaitika. We end up kissing each other zvekuti takazokanganiswa nekuti taive munzira tingadai takaita madarikanguwo. "I love you Tatenda, please nyangwe ari manheru nditarisewo mumaziso and promise me anything." I hold her waste, I kissed her forehead, ndakabva ndakisa dama rimwe ndokuzokisa rimwe ndakazoti mwaa pamuromo pacho then ndakabva ndaramba ndakamutarisa mumaziso ndakangoguma pamuromo. Ndisati ndataura akange ave kutondibata muhuro ndokutanga kundikisa zvekare kusvika azondisiya. "Ropa I promise you kuti handife ndakusiya mudiwa. Zvingaome sei zvingapise sei kana kubvira sei handikusiye. Ndinokuda nemwoyo wangu wose zvisiri zvekunyepa chaizvo." "Thanks my love iwe chienda unozorora mangwana kubasa." "Hmm handisi kuda kubva panewe ini." "So torara muroad here?" "Handei mumota yabamumuru vako kaa." "Kkk Tatenda chienda hazvizopere zvakanaka okay bye I love you." Akadaro achiita kakusimukira sezvo aive mupfupi ndokunditsvoda. Ndakamubata ruoko ndokutanga kurisiya zvishoma tichifamba zvishoma mumwe achienda kwake. Takazongosiyana ndakabva ndatonanga kwana Brendo iye akananga pamba pavo. *Tanaka* Ndakange ndarwadziwa chokwadi nezvandakaitwa naDan. Munhu wandaivimba naye kuti haafe andisiya nekuti ndaiziva achindida asi hamheno kuti imhepo dzemumusha here dzakadarika nemumwoyo make ukatosviba. Kudai akandirambira mhosva yekusaterera pamwe zvaive nani manje ndakatosvika mumba mune mumwe mukadzi zvake achitoratidza kuti aive nekadumbu kari kukura . Ndakachema ndakazvirega ndokuzoenda kumba hangu. Ndakaudza mhamha vakarwadziwa nazvo ndokubva vazoti "Aah kurambwa hakusi kuguma kwehupenyu mwanangu. Ini nadaddy vako takasiyana asi ndiri kurarama so ndatove nemunhu ari serious anoda kundiroora. Iwe kana wakangwara siyana naDan wako varume vakazara mwanangu ." "Ko akazodzoka achikumbira ruregerero." "Rweiko imbwa iwe? Hauzive here kuti daddy vako ndakavarambira same nyaya iyoyi yekuti vakange vane mumwe mukadzi ndisingazive kureva kuti vaisandida. Kudai vaindida vakandiudza pachena kwete kundifuchirira pasi sembesa kudaro." "Haa mataura apa mhamha ini ndine murume aindinetsa kubva kare kunyangwe ndine nhumbu aindida ndodii?" "Wakatonaka iwe ini ndakanetseka kuti ndidiwe so usatambise mukana wakadai mubvume. Plus kana ane mari ndopandoidyirawo zvee uye nekuchengeta mwana wako uyu." "Hamureve nhema mhamha hmm nekuti ndakagara ndisina murume mumwe kaa ndinozviuraya nekufunga." "Handiti waona ini ndinoziva kuronga ndiri amai kwavo. Tatenda ndiye akaramba kutora Trish manje uchaona kuti achabudirira here nekamukadzi kake Kaye." "Hmm thanks mhamha ndanga ndisina kana kuzvifungira kuti ndodaro nekuda kwekurwadziwa. Chokwadi kugocha kunotoda kwaamai kwemwana kunodzima moto." Hatina kumira kufara zvedu namhamha zvekuti ndainge ndarambwa ndakange ndazvikanganwa. Ndakatextera Takudzwa aingonzi nevanhu TK ndakangomutanga hangu. Akabva atopinda munyaya yake zvake yekuti anondida. "Hauzondirasisa here Tk?" "Do I look like a heart breaker here?" "No okay ndakuda ." "Wow thanks ndouya kuzokuona manheru." Ndakabva ndangoseka zvangu haa ndakange ndoda kuzamawo kuti zvaipera sei? Tatenda akazouya achida tiende kuchurch ini zvakange zvatobva mumusoro ndokuramba zvangu. Ndakamuperekedza kusvika pagate ndokusangana naTk ipapo takaita maintroductions Tatenda akaenda zvake kuchurch. Takapinda mumba mhamha vakafarawo kumuona , murume wamhamha akange auyawo saka mumwe nemumwe newake asina hamheno zvakee. Takatandara kusvika Tatenda adzoka ndopandakazobva mumba ndaona kuti TK aimhanyira kumakumbo ndaida kutanga ndadya mari yake asati avhura gumbo rangu. Takaenda panze ndokumira kuwindow ndokwaitaitaurira ikoko . "Ndokumbirawo mari babe." "Hmm pakatoipa ndoda kubhadhara rent kaa mwedzi wave kupera uyu ndichakutsvagira." "Hoo." "Yeah don't worry ndiwe kaa munhu wacho?" Ndakatoona kuti hatina rwendo apa ndakangonyepera kusekenyeka zvangu achitaura nyaya dzekundifadza asi ndakange ndatomukanzura. Akazoenda ndokupinda mumba ndakasangana naTatenda hamheno kuti chaimunetsawo chii haa aitosvota. Ndakazorara kwave kumutswa naTate kwaedza ndokutinzwisa audio yaaiti ndiTrish ainge amufonera. Ndakamboda kuseka asi ndakanzwa tsitsi pachitobuda chimwe chizwi hacho chisingatopindirane naTrish. Ndakatoshaya kuti ko mukoma vaizama kuda kudii? Vakazoenda vari mukunyara ndopandakasara ndega mhamha vachiendawo kubedroom kwavo. Vakazomuka vave kuperekedza daddy vakazodzoka ndichivaudza zvaTK. "Aah siyana naye anozodzoka ave serious harwusi rudo rwemukomana nemusikana kaa urwu rwekuti munopedza makore musina kupanana mari." "Taurai zvenyu haa ndombomusendeka padivi hangu." "Yeah Tongai uye wakazodii naye?" "Hmm mune number dzake here mhamha ndakazongomublocker kaa paya." "Ndinadzo aah ndivo vanoburitsa mari manje vaye vemakombi." "Taurai henyu ko ndanga ndanyura kuna Dan zvee." "Kk okay rega ndikupe number dzacho." Ndakazopihwa number dzacho ndokumutanga kungonzwa kuti ndini ngaafare. Ndakataura naye zvakanaka ndichimirira kuti asvike panyaya yake iye, iye aitotyawo asi akazongotaura akahwanda zvake ndakabva ndamudawo. Akafara akati paaizopedza basa kumanheru aiuya kuzondiona. Ndiye aizondiwanisa mari zvake nekuti aishanda. Trish akazouya pamba masikati zvake nemota yake yaityisa maraini edu ose. Kune vaizviti mbinga asi vakanyaradzwa nemota yaTrish. Akange asati ave kugona kudriver saka aifamba nadriver wake. Takatandara zvenguva refu zvekuti ndakatomborara zvandisina kunzwisisa ndakapepuka achitobva kubedroom namhamha ndipo paakazobuda ave kuenda. "Haa Trish ane rudo hake mwana uyo ndatengerwa phone." Vakadaro vachiibuditsa mubox macho. "Hmm inga henyu haa ko vane mari kaa ava kufa kwakaita amai vake hupenyu hwake hwakabva hwatochinja." "Ehe aah ko vana sekuru vake vakazomupawo kaa mari nemota zvofadza." Takazotandara zvedu nguva dzichifamba ndichimboyamwisa mwana wangu zvangu. Ndakazofonerwa naTongai achiti ave pagate, ndakabuda ndakatoona achidzika mukombi ndokutouya pamba. Takanogara mumba kusvika Tatenda auya apa akange akatotsamwa zvake. Ndakakasika kuperekedza daddy Tongai akabva andipa mari zvekuti ndakasekerera ndega. Ndakadzokera mumba ndiine mufaro asi wakazogurwa naTatenda. Akatanga kupopota kusvika andirova mbama mhamha vakatsamwawo nazvo. Murume wamhamha ndivo vakatozobatsira kuti Tatenda abve pamba akasandudzirwa panze. "Aah anoda kutotonga pano mwana mudiki akadai." "Aah vanenge vakadhakwa vapfana apa ndivo vanobata chibharo hanzvadzi dzavo kana kutouraya amai." "Taurai zvenyu daddy magona mandibatsira ane mwoyo wakaipa mwana iyeyu apa kuda kusvibisa zita raTrish kuti timuise kure nesu munhu ane mari yakadaro." Vanhu vakange vave kutaura nyaya yaTatenda ini ndakanyarara zvangu ndichiterera dama rangu rakange richiri kuswinya swinya nembama. Mhamha vainge vave kutofara ko vakange vanyepera kuti varohwa ivo vasina . Mhamha vakazoenda muroom mavo nadaddy ndakasara ndichienda kumashops ndokumbotenga zvekudya hangu. Ndakazopedza kudya nekutorara zvangu. Ndakazomuka mhamha vave kuperekedza daddy , nguva dzakafamba kusvika Trish azouyawo . Akange ave kugona kudriver ega asi driver wake aivemo. Mhamha vakafara kani vachitambirira manje aizororwa nani iye Tatenda akange asisipo. Takagara zvedu mumba ndokuzoshamisika mhamha vararawo vave kutorova ngonono. Trish akabva asimuka ndokuuya kwandaive akaunza ruoko rwake kwandiri, ndakatoshaya kuti aida kudii apa akange avhara maziso ake. Ndakamborohwa nehana asi ndakapedzisira ndangobata ruoko rwake akabva avhura maziso ake zviye zvekuti ndakatya. *End of chapter*

❤️ 👍 😂 🙏 9
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/21/2025, 7:57:24 AM

Chapter 18 and 19 https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g *Join my group* https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp *Follow channel for more books* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *💥To be on sale from 20* *Chapter 18* *Tatenda* Ndakazoenda kumba weekend ndichisvika hapana kuita nguva mhamha naTanaka vakabva vatobudawo vachiratidza kuti vaive nekarwendo. Shungu dzekubvunza kwavainge vachienda handina kudziwana ndakangovasiya vachienda. Ndakambozorora zvangu ndiri ndega pamba ndopakazosvika Brendo achingosekerera. Ndakatoshaya kuti ainge auwanepi mufaro wakadaro waimuitisa kuti asekerere segudo ranhonga roro. Akasvika nekundimbundira achirova rova kumusana kwangu. "Man Tate haa I'm the happiest man in the world like now." "I can see it and I'm now wondering what has made you to be excited like this." "She." "Who's that she." "Trish akatendeuka nezuro." "Come on Brendon ndozvaungaite sewatengerwa private jet here izvozvo." "Okay inzwa kaa kubva mukati kati memwoyo ndomuda mwana uye, and iye anondidawo we are now lovers " "Wow yeah I can see the happiness on your face congrats to you man." "Thanks haa ndafara zvisingaite." "Haa asi wakashinga zvako ini handingambozvikwanise kuti kutora nemunhu wandaiziva nekuita zvakai..." "Hey ko wapindwa nei futi? Inzara here? You know what , we don't have to search for love because we might not find it but we can create it , create someone that you don't love and make him your other half sezvaunoda. Wangu ndakaenda naye kuchurch yeah ndozvandaida kuti ndive nemusikana anoziva Mwari. Wani Adam akangobviswa mbabvu pakagadzirwa Eve haana kutsvaga nekuti wako ari mauri. Unozvinzwa wega kuti uyu ndiye wangu chaiye. Newako Ropa unofanira kutomugadzira the way you like, kana asingaende kuchurch ngaatoita serious ." "Kkk okay ndanzwa bro yeah muri murudo zveshuwa haa God is good wangu pasara nemazuva mashoma kuti kamwedzi kapere aka ndave kuda kukanda pakitchen manje." "Hoo zviya haa ita uzvipedze nekuti uyo awana mukadzi awana chinhu chakanaka." "Haureve nhema ipapo." Ndakazobika zvangu vanhu vacho vainge vasiya vasina kubika vamhanyira kumativimana enyika. Nekwaiendwa namai nemwana ndakakushaya kutadza kundiudzawo . Ndakapedza kubika ndokudya zvedu nyaya dzichitsva. Tichipedza takabva tamboenda kumba kwavo ndokuzomukumbira kuti andibatsire panyaya dzangu dzekuroora dzandaida kuita. Obvious akabvuma kundibatsira ndopatakazoenda kwana Ropa mudiwa wangu. Takagara pasi nemhuri yose ndakabva ndapinza mudariro nyaya yangu. "Right pamusoroi imi makachengeta Ropa, ndinoona kuti mazuva apetana aya ndave kunzwa kunhuwirira kweumwe mwedzi. Ndine mufaro mumwoyo ndati ndiri kuzouya kuzoroora mwedzi uchingopera let it be musi wa2." "Okay bamunini haa chinhu chakanaka ichocho I hope zvose zvinofamba negwara kwaro. Eeh tichaenda hedu kunogara daddy ndokwamucharorera ikoko saka musi wacho ngausvike." "Yeah igoridhe kaa iri randiri kuda kuroora." "Kk haunyepe apa unenge wazviwanira chikoshwa chako ndotoshaya kuti akamuitisa kudai akange asina meso yekuona zviri mberi here?" "Aah zvinhu zvacho here pakaipa. So ticharonga hedu tokuudzai kuti zvakamira sei?" "Horaiti bamunini." Bamukuru vacho vainge vakatosona muromo zvavo pamwe vaitorwadziwa nekuroorwa kwaRopa. Manje vaiputika havo nekutsamwa zvandainge ndareva ndaizvizadzisa, handinei nekuti nhingi azotaura kuti hazviite asi ndoramba ndakatarisa pandiri kuda kusvika. People always talk and they talk people. Ndaisapedzwa simba nezvakadaro , akawanda madiscouragements anouya muhupenyu asi unofanira kungotarira mberi kuti usazozungunutswa nevanhu ukadonhedzwa. Mhamha naTanaka vaisada kutoinzwa nyaya iyoyo saka ndovanhu vandaizoita vekupedzisira kusuma nyaya iyoyi nekuti paitozomuka mhiri zhonga chaiyo zvakadhakwa. Havasi vose vaunofanira kuudza chauri kuda kuita vamwe vanofanira kuzongoshandisa meso kuona nemuromo kushamisika nezvaunenge waita. Nzeve ndopadzozoshandawo kunzwa kupemberera kwako nemwoyo inobva yarwadziwa kune vavengi nevanotarisira kuti hapana chauri kuzoita. Takagara zvenguva kwana Ropa takange tave kutotaurawo dzimwe nyaya zvedu. Takazoraira tave kuda kubva pamba pavo Ropa akasimukawo nesu kwave kutiperekedza. Brendo akazoita kakutungamira ndakasara ndichisasana neakange akaba mwoyo wangu. "Tate ndokuda zvako haa ndiri kufara kuti tave kuzogara tose after all those discouragements." "Yeah takasangana nezvakawanda kana pamba pedu wakangopatsika zuva rimwe ukatomhanyiswa asi hazvina kutitadzisa kuenda mberi ndokudawo mudiwa. Ndoda rudo rwedu rwubvire kwete kunge moto wemapepa asi wematanda ekuChimanimani chaiwo haadzime. Ndoda kukupa rudo rwemandiriri zvekuti kana mademon anosvika pakuzvifarira. You're my rib babe so ndoda kugara ndinewe." "Thanks my love haa naMwari zvoita hakuna chinoramba. Baba vangu vakatotarisira danga kkk I know kuti uri kuzounza chaizvo." "Yeah naMwari hakuna choramba, izvozvi handina kana mari muhomwe asi ndiri kuda kuroora." "Shuwa here hmm ko ukazoshaya." "Eeh babe faith works, God will provide because He's Jehovah Jireh." "Okay bamwana." "Good mai Tania rega ndimhanyire mumwe wangu ndinokuona kana ndawana mukana ." "Okay chengetedza zvinhu zvangu ndichazvida kana waroora." "Newewo babe pasina kukuroora handiwane saka bye ." Ndakabva ndatanga kumhanya ndokusvika paive naBrendo. Takafamba zvedu tichingotaura nyaya dzemaroro idzodzo nekuti ndadzakange ndiri pamberi pangu saka ndaisafanira kutarisa zvimwe zvinhu. Kana wada chinhu ramba wakachitarisa usingatarise kuti ko ndakatanga ndadai unogona kuita gore rese gore rakatova diki futi usati wachiwana. Ndohunhu hwangu ndakada kana kuita something ndoita make sure ndachipedza ndisati ndaita zvimwe nekuti zvakawanda zvinenge zviri mumusoro. "Yeah itai muroore baba zvakakosha. Hakusi kutambisa mari asi ukaroora unenge une kachiremerera so. "Haurevi nhema." "Okay so ndakuperekedza kaa chindiperekedza kwana Trish kaa ndatomusuwa ufunge ." "Okay no prob handei." Takabva tatotanga kufambisa takananga kwana Trish. Takasvika achitowacha hembe panze zvake akabva amhanyira Brendon wake. Ndakanzwawo kufara nazvo at least akange ave kusazondinetsa. Vakabatana maoko vachiudzana zvekusuwana nezvekudanana kwavo. Takazonogara mumba make haa mainge makanaka makashongedzwa zvainwisa mvura. Takatozoramba kubikirwa chikafu nekuti tainge takatoguta zvedu. Takazobatana maoko ndokunamata naye akazotiperekedza tave kuenda. Sezvaiitwawo naBrendo ndakabva ndafambisa kumberi zvangu ndakavasirawo mukana. Haa rudo rwavo rwakange rwuchindifadza vachimboberekana zvavo haa pakange pasanangana vanopindirana. Ndakazoshamisika kuona mhamha naTanaka vakamira kumberi kwangu vakatarisa kwaive naBrendo vachiratidza kushamisika, ndakangotsikitsira musoro pasi ko ndaidii zvangu munhu vavaida ainge atorwa neshamwari yangu. "Tatenda ndochii icho?' "Icho ndoichocho chamuri kuona." "Unoshura nhaiwe ko wazviitirei kudzungaira kudaro? Mumwe wako akatoona kunaka kwaTrish akamutora iwe wakangobatirira kumvana yako, manje uchandiona hako ndonzi Chihera ini handiitiswe stress nezvakadai." Vakadaro vave kutoenda zvavo ndakabva ndangomirira Brendo akange ave kuuya Trish akange ave kudzokawo. Vose vainge vanzwa mashoko amhamha . "Haa mai vako pakaipa hmm ko kuzoramba vane nyaya yavo nhawe." "Aah siyana navo ava wati ndichazviterera here? Yes she's my mother asi kana vasingamirewo neni hapana zvandingaite ndongotarisa chete." "Yeah aah unganetswe nezvakadaro here, kana. Chienda hako ndave kuda kudzokera kwana Trish ndine zvandoda kumudzidzisa hangu." "Okay wangu pamberi nerudo hazvina kana Satan mukati izvi." "Ukuziva wani bye." Brendo akamhanyawo achidzika kwana Trish, ini ndakabva ndamhanyirawo vana mhamha. Ndakavadana ndave kusvika vakabva varamba vakatarisa mberi. "Tanaka!" "Svika kaa nhaiwe Tatenda nhasi hatisi kucheuka isu." "Makuvara mitsipa here?" "Wakubvunza zvakawanda manje." Ndakazosvika pavari zvangu mhamha vakange vakatopakira muromo wavo mumhino chaimo. Handina kana kutaura navo ndakange ndave kutaura naTanaka. "Muri kubvepi nhai Tanaka?" "Tanga taenda kuDzivarasekwa." "Horaiti kunani wedu zviya?" "Hakuna pane zvatainge tafambira hedu." "Horaiti zvaita hazvo." "Yeah zvaita." Takazosvika pamba mhamha naTanaka vakabva vaenda kubedroom kwamhamha. Pasina nguva Tanaka akabuda achienda muroom make. Ndaitoshaya mufaro pamba pandakazvarirwa nekuda kwaRopa, zvaitoreva kuti mhamha vaitozowedzera kutsamwa kana ndakamuroora. Tanaka akazobuda hamheno kwaiendwa ndakazosara ndega ndokufonera daddy kuti ndivakumbire kubatsirwa pamari yekuroora. *Tanaka* Takafamba rwendo rwedu zvakanaka namhamha. Takaenda kuDZ uko kwaive nen'anga yainhonga tsono pasi penyanza. Ndakatoshamisika kuti mhamha vaipaziva sei apa ndakange ndave kusavachenesa chete kuti mai ndimai havanangwe huroyi. Takasvika paye ndokukurura shangu sezvatainge taratidzwa. "Makwati titange nyaya vazukuru hembe dzamauya nadzo garai mabuditsa." Ndakabva ndanzwa manyukunyuku ndokukasika kubvisa mari ndokukanda muzihari hombe ndokubuditsa hembe dzacho. Padivi pen'anga pacho pakange paine moto so pandakamutambidza hembe akabva adzigadzika pamoto asi dzaisabvira. "Yeah vazukuru zvamafambira zvaita izvi, hembe muchanodzorera pamadzitora uye hakuna anofanira kukuonai. Vachadzitora vachifunga kuti vakadzikanganwa asi pavachadzipfeka pane zvichaitika. Izvi hazvisi zverufu kwete asi kana mave kuda kubata ropa zvenyu tinogona kuuraya wamuri kuda." "Haa musauraye zvenyu ndoda kuti vangorambana infact Dan arambwe iye." "Hapana chakaipa iwe chisikana unoda kuroorwa kaa?" "Hongu sekuru." "Bvisa chipfeko chako chemukati uunze kuno." "Ndonobvisira kupi?" "Bvisa paugere ipapo." Ndakabva ndabvisa pant rangu ndokuvatambidza, vakabva vakanda pakabonde kavo ndokuti "Right uchange uchigara wakadaro zvauri izvozvo kusvika waroorwa wozodzoka pano wotanga kupfeka chipfeko chako ichi hapana zvozonetsa. Ukapfeka chete haufe waroorwa zvekare." "Haa handipfeke sekuru." Vakabva vaseka zvavo ndakabva ndapihwa hembe dziya ndokuisa mubag mangu. Takazosimuka tave kuenda ndokunzi tisacheuke haa zvekun'anga zvaitoda kungwarira waigona kutobhenda mutsipa zvamuchose nekucheuka badzi. Takapfeka bhutsu dzedu ndokupinda munzira zvedu. "Wavaona sei sekuru ava havamirire kuudzwa kaa?" "Aah haa apa handibve ndopave pasowe pangu haa vanobatsira zvavo vane chipo chavo." "Yeah haa apa vakura kaa ava kudai Mwari akasakasika kuvatora vambofamba nesu." "Yeah but mhamha makavazivawo sei ko imi?" "Aah iwe ndave munhu mukuru ini zvimwe siyana nazvo." "Hoo haa munopinda pinda wena." "Yeah ." "Pakaipa asi nyaya yekuzogara ndisina nduwe hmm ndopakaipira zvemishonga ipapa ndosvika rinhi nhaimi ndichingorohwa nemhepo?" "Kkk wotosunga dzisimbe wangu hakuna chemahara, wotoita make sure kuti mapants ako wamavharira pakahwanda kuti usazoite mistake." "Haa zvimwe zvacho kaa hauseke unonzwa tsitsi." "Kkk." Takazofamba zvedu ndokuzosvika kumaraini kwedu ndopatakaona Tatenda ndokuonazve Trish naBrendon vakaberekana vachiita rudo zvavo. Handina kana chandakataura nekuti ndaisada kukanganisa mhiko dzangu ndaigona kungocheuka kaa. Mhamha ndivo vakazongopopota havo asi hatina kuita nguva takamira takabva tatodarikira. Tatenda akazoteverawo takasvika kumba zvedu ndokutanga ndaenda kuroom kwamhamha. "Yeah tasvika hmm gotsi ranga richirema iri kuti ndicheuke chete." Vakadaro mhamha vachigara pabed ravo. "Kana rangu haa rega ndimbozorora hangu mhamha ndaenda." "Okay usazopfeka kaa." Ndakangosekerera ndichibuda zvangu ndokutonanga muroom mangu. Ndakapukuta pukuta tsoka dzangu ndokubuda ndananga kuextention kwaigara Dan. Ndakasvika ndokuyanika hembe dzavo paline , mwana akabva atanga kuchema nguva iyoyo zvekuti ndakavhunduka. Ndakasuduruka zvishoma ndisati ndaenda kure door rakabva ravhurwa naDan. Ndakarohwa nehana apa imwe hembe yakabva yadonha akaitarisa. *End of chapter* *🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* 💥 *last free chapter* *Chapter 19* *Tatenda* *...ndakazosara ndega ndokufonera daddy kuti ndivakumbire kubatsirwa pamari yekuroora...* "Hello." "Yes daddy maswera sei zvenyu?" "Ndaswera zvakanaka zvangu hamheno iwe?" "Haa ini ndaswedzwa naMwari zvangu sei kumba namhamha nevamwe vose?" "Haa vatano ava kuona kusekerera kwavo ndokunounza mufaro wangu, hamheno kuti ari sei dangwe wangu uyo Tanaka?" "Tanaka ari mupenyu hake. Ko daddy ndine nyaya kaa I hope muchaifarira." "Horaiti mwanangu nzeve dzangu dzave kutoita nhangemutange kuda kunzwa nyaya yako uri mumwe gara watoisvipa." "Okay eeh ndine musikana wangu wandakakuudzai uya. Right ndazofungawo kuti ndimutore tigare tose achindibatsirawo mune zvimwe nekuti vakadzi vabatsiri sezvakatarwa neshoko raMwari." "Yeah ipfungwa yakanakisa chose, kana mwoyo wangu waita seuchatiza paunogara ukauya mumusoro nemufaro." "But the problem is this. Eeh munoziva kuti this is my first month kushanda uye ndichada kubhadhara imba imwe mari so as i budget my money ndiri kuona isingandikwanire. Ndakambofunga zvekuzozviita next month asi mari muenzi kaa anogona kungooneka muri pakati pehusiku uye haumumise. So ndaikumbirawo mumbondijegawo ndozokudzoserai mari yenyu kana zvangu zvatambarara semubora." "Yeah mwanangu ndafara. Ndichakubatsira uye handitarisire kuti yabuda muhomwe mangu igodzoka zvekare , ndokubatsira mwanangu." "Wow thanks daddy I love you sooo much." "No need to thank me, that's my duty to stand up with you." "Okay daddy ndafara saka ndouya kuzokuonai mangwana." "Okay." Ndakadambura runhare rwangu ndokuswetukira mudenga nemufaro. Haa zvangu zvakange zvaringana uye hapana aikwanisa kuzvidzivisa kudenga napasi nekuti chandinenge ndasunga pasi chinenge chasungwawo kudenga. Ndakamboda kufonera Brendon ndimuudze asi ndakazoti zvimwe ndingakanganise rudo rwavo naTrish. Ndakagara zvangu maziso ari kuchivhitivhiti kusvika Tanaka apinda mumba. Tose taifara iye hamheno kuti aifarei handina kuda kuzvitsvaga. Akazondibatisa mwana zvangu ndokumbomunamatira ko raive basa rangu rekusima minamato zuva nezuva. Nguva dzakafamba takazonorara ndakange ndave kunonokerwa nekupera kwemwedzi ndakange ndave kuda kutotenga ruva remwoyo wangu. Ndakazomuka ndokugarawo pamba seSunday kudai taida kuzoenda kuchurch saka paisada kunzvekura semombe yemashanga. Mhamha vakazobudawo vakadzoka vachifara haa munhu wese akange aine chaaifarira mumba kana ndega ndaitonzwa kuti makaramba mune mufaro kudai Satan aisatiwisira pasi. Mhamha hamheno rokwe ravainge vatenga kuti raive rei ndakasiyana nazvo ndakangoti Chihera vafunga kuzvichenera zvavo. Ndakazofonera Ropa ndichimuudza agadzirire zvekuenda kuchurch ini ndakange ndave kuda kutonogeza. Ndakapedza zvose ndokupinda munzira zvangu ndichiimba song yaDorcas Moyo yekuti *haakotsire*. Zvechokwadi Mwari wandonamata haakotsire, uye haazive chinonzi hope. Haazive zvekare chinonzi rwendo zvekuti haashanye asi anoramba aripo. Iye akavapo kuvapo kusati kwavapo. Ndaimuti Jehovah Magonazvose nekuti hakuna chaanotadza pasi pezuva. Ndakazosvika kwana Ropa ndokuona atopedza hake. Takamhoresana nevamwe vose takabva tatooneka ndokunanga kuchurch zvedu. "Wamuka sei mudiwa wangu?" Ndakadaro ndichisekerera zvangu . "Ndamuka zvakanaka hmm simairi ndeyekuwirirana here iyo kana kuti uri kutoseka dressing yangu?" "Hmm babe amana, okay wakachena zvisingaitee. Uri kutoita kunge ndiwe uri kufamba neni apa ndini ndiri kufamba newe." "Kk muri kutiiko nhai VaDaddy?" "Wazvinzwa, wangu ndiri kufara ndave kukwanisa kukuroora pasina kukundika." "Woow I can't wait for that day hmm I love you babe." "I love you more than my cellphone." Takazonyarara tave kusvika kuchurch, takapinda ndokutoona Trish arimo Brendon akange atove kumberi achiimba nevamwe. Haa chipo chekuimba chakange chakaita zvekuramwirwa maari . Takadakadzwa zvaikomborera zuva iri , kana kubhawa ndaisaenda zvangu nekunakidza kwacho. Church yakazopera takabva tabatana hedu naBrendo naTrish. Vanhu vaingotarisa Brendon vachitoshamisika kuti akange ave nemusikana . Iye aitoita zvekuti vaone kuti ndewake sezvo aisanyadzisa. Takazobvapo hedu tave kufamba famba zvedu. Takazosiya Ropa naTrish vachifambawo vese zvavo isu varume ndokutungamira mberi. "Haa wangu zvinofadza sei kana tichidanana kudai? Ndozvinoda Mwari kaa izvi hazvina kana mweya wetsvina mukati izvi. Ngatide vasikana vedu ava." "Yeah wataura idi ipapo, ini ndave kuda kutoroora kaa saka ndine mufaro. Mangwana ndoda undiperekedze ndoda kupihwa mari nadaddy uye handichaenda kubasa pamazuva mana ari kutevere tingoita zvipere. " "Yeah chirungu hapasisina mazuva kaa musi wa2 pedyosa." "Yeah tototanga maarrangements acho mangwana." "Okay good ." Takazofamba zvedu ndokumboenda kuna Bulawayo road . Takapindawo muchicken slice takazvitengera hedu zvekudya. Taifara chose ndokuzodzokera kumba zvedu. Takaparadzana mumwe ave kuenda kwake Brendo naTrish vakaramba vari vose nekuti vaigara mberi nekwedu. Ndakaenda kumba ndokusvikoona mhamha nemurume wavo vari mumba naTanaka. Ndakavakwazisa ndichigara hangu pasi, mhamha vakazopotsera nyaya yavo mudariro ndakabva ndamisa nzeve sezvikwangwari ndichida kunzwa kureva kwavo. "Right Tate ndakange ndisati ndakuudza kuti ndiri kuroorwa mwedzi uri kuuya uyu so ndatokuudza now. " "Ndazvinzwa mhamha haa chinhu chakanakisa." "Good." Ndakatoshaya kuti vaindiudzirei ivo vaive nechigumbu neni. Ndakazoenda muroom mangu ndokuisira daddy message kuti ndakange ndave kuuya mangwana. Ndakazobuda murume wadaddy vaenda ndokuona mhamha naTanaka vachifara zvavo. "Saka mhamha ndimi muchange muri amai vemukadzi?" "Ehe zvangu kungotanga nekunoroorerwa zvangu." Ndakaramba ndakavaringa sendaitarisa mota munzira kuti ndiyambuke ndipo pavakazoti "Eeh mwana wevamwe ave kuroorwa zvakanaka iwe pesvu pesvu nanaRopa. Ndaida kumboenda newe umboona vamwe zvavanoroora." "Mhamha!" "Don't mhamha me zvisina basa apo. Umusiye Ropa wako iyeye chokwadi ungatorerwe babe neshamwari iwe uchisekerera zvako unosvodesa mwana iwewe." "Im sorry mhamha ndozvandakasarudzawo muhupenyu hwangu kuti ndide Ropa. Munganditsvakira jean rekupfeka kwete mukadzi noo." "Uri muroyi wanzwa, unoda kundiurayisa neBP here iwe?" "Kwete mhamha ndotoda kuti mufare, ehh ndine zvandaisada kukuudzai asi regai ndikuudzei kuti musi wa2 ndiri kunobvisira Ropa." "Hayaas, okay not in my presence nekuti ndine wangu mwana ari kuroorwa." "Mhamha munomuziva here musikana wacho wamoda kuita kunge ndimi makamutumbura nhai?" "Hazvina basa asi vana vakazvibata, uye iwe uchienda kunoroora ngaasatsike pano Ropa iyeye." "Hapana chakaipa mhamha." Vakabva varidza tsamwa zvavo, haa ndakange ndiri pakaoma. Ndakazononamata hangu ndakanzwa zviri nani ndainge ndatobatikana. Kwakazosviba kusvika tarara ndakamukira kunotora Brendo ndokuenda naye mutown kubasa kwedu ndokutora off yemazuva mana zvangu. Ndakazopihwa mazimari nadaddy zvekuti dai ndaive munhukadzi ndakafenda. "Haa maita basa daddy handina mashoko akawanda ekukutendai navo zvangu." "Okay pamombe unotora 20 dziri kumusha ." "Daddy! " Ndakadaro ndichivambundira zvangu. Haa zvangu zvakange zvaita, takabva tazonotenga zvedu suit yangu yekuenda ndakapfeka Brendo akange anadzo kare. Taizoshandisa mota yekwana Brendo saka takagara tatenga grocery ndokuenda naro kumba kwangu. Takapedza ndokuzorara ikoko tose, haa ndina Brendo ndainzwa kuti ndine shamwari yerwendo chaiyo. Taigara tichitaura dzehupenyu zvedu. Mazuva akafamba tichigadzirira zvose kusvika musi wacho wasvika ndakanotora mukoma wangu mwana wadaddy nemumwe mukadzi. Takaenda kumba kwana Ropa ndokugarirako tainge tatomirirwa zvedu. Ndakabva ndamhanya kumba kunooneka zvangu asi ndakasvika vanhu vasipo zvavo ndakabva ndadzoka, Ropa nevepamba pavo vakabva vatungamira zvavo isu ndokuenda nekuGlenorah kunotora zvinhu zvedu. *TaNaKa* *Ndakarohwa nehana apa imwe hembe yakabva yadonha akaitarisa.* "Iwe uri kuda kuitei ipapo?" Akadaro achiswedera pedyo neni . "Hapana ndauya kuzoti uone mwana." "Kuona mwana iwe uchida kuba hembe here?" Akadaro achinhonga hembe iya ndokutora imwe zvekare akadzibata. "Handisi kuda kuba hembe ini ndandoiguma nemistake." "Hoo saka watii? The other thing you have to avoid coming here unnecessarily because I have a wife so she might thing that we are still in love. " "Okay ndazvinzwa ndokumbirawo mari yesipo." "Okay mari ndokupa asi ngakave kekupedzisira kudzoka pano ndisina kukusuma ." "Zviri munzeve." Akabva andonyera ruoko rwake mumutodo waainge akapfeka ndokubuditsa 5 dollars akandipa. Handina kana kuita nharo kuti yaive shoma nekuti ndakange ndadyara pesaniso muwanano yavo saka aizozviona. Ndakatenda hangu ndave kutofamba kuenda kumba hangu ndiine kamufaro. Nyaya yekugara ndisina pant ndakange ndisati ndaijaira ndaingonzwa kakusagadzikana kunyangwe pakufamba asi ndaigodii ateya mariva murutswa haatye kusviba magaro. Ndakapa mwana wangu kuna Tatenda aive hake pasofa akambotambawo naye. Ndakabva ndatanga kuita basa zvangu mhamha vainge vakatorara zvavo . Ndakapedza kubika ndokudya tichangopedza Tongai wangu akabva auya. Ndakamutambira nemufaro nekuti ndaiziva kuti zuva rega rega raMwari ndaidya machikichori nemazhekun'eke nemasibligonzi aizipa kkk. Vakamhoresana naTatenda takabva tazoenda muroom medu zvedu. We had a beautiful time together asi ndakange ndisati ndave kuda zvekurarwa ndaida atange aita shungu yekundiroora. "Haa usadaro wobva waita kunge murume here kutadza kunzwawo kufambwa kana ndichitaura newe." Ndakaseka hangu , ndakabva ndabata ruoko rwake ndokuripinza muskirt mangu akabata ndokurubvisa ipapo ipapo akabva ati "Haa usadaro Tanaka, iyi ndopunishment manje." "Kana uchizvida marry me usatye zviripo uye zvakanyatsosikwa nemazvo." "Hmm horaiti ndoita plan pamberi apo." "Good boy." Takatandara zvishoma akabva abuda kuenda zvake. Ndakazobatwa nehope ndokurara ndakazomutswa namhamha vaine mufaro zvavo. "Tanaka muka mwanangu unzwee, haa handisi shiri padhorobha ini sekabat bat." "Manhongeikoo mangwanani ano?" "Ndiri kufara zvisingaite, ndiri kuroorwa soon but ndisati ndaroorwa ndichanomira saamai pane mwana wadaddy vako ari kuroorwawo. So hanzi mari yaacharorweswa ndoichauyawo kuzoroora ini." "Hoo inga zvenyu ndezvarinhi izvi? Mungamire saamai kuti zvadii?" "Handina kuziviswa zuva racho asi chandiri kuziva kuti hakusi kure sekuenda Binga netsoka pamberi apa. Handisi amai vake asi ndichange ndine múrume wangu ndichimirira mari" "Hmm saka ndotoendawo ini ndosarirei?" "Aah iwe hausare mwanangu usatye handiti." "Yes ndini kaa kajunior imimi." "Kkk haureve nhema ipapo mwanangu so rega ndimboona kuti ndotenga hembe dzakaita sei dzekuenda ndakasimira ikoko." "Okay haa ini musandityire ndoenda nerokwe rangu riya remavara asi ndichatogara zvakanaka ikoko semunhu ave kusapfeka chivharangozi kudai." "Haa pakaipa ndokuti zviite." Mhamha vakazobva muroom mangu ndakazomukawo kwave kutanga kuita basa zvangu. Nguva dzakafamba mhamha vakazobudawo vakanotenga rokwe ravo haa raive rakanaka. Ndakamboita godo nemanakiro aro asi ndakazongozvisimbisa kuti ndichatenga rangu. Tatenda akazoudzwa namhamha kuti vakange vachiroorerwa mwana wavo iye akati akange achiroorawo Ropa wake. Ndakaona kuti ainge achida munhu wake kwete zvekutamba. Handina kuda kupindura nyaya dzavo namhamha vachichinjana mashoko zvavo. Ndakafara kuti dai zvaitikawo kwandiri ndaonawo mukomana aindida zvakadaro kunyangwe ndiine mwana. Tatenda akazobuda hake akaenda kutown mangwana acho asi haana kuzodzoka. Namhamha takange tave kutoronga zvekuenda kwairoorwa mwana wavo wacho. Mhamha vaisagona nemufaro kudarika pandakaroorwa pamwe nyaya yekuti vakange vave kuwana mari yavaisatarisira. Mazuva akafamba zvaTatenda tainge tatokanganwa ainge aitonyepa zvake. "Nhai mhamha Tate aitaura chokwadi here?" "Aah nhema dziye mari ipi yaanororesa." "Kk yeah kwaive kutaurawo kuya kwekuti akaurwadzisei ." "Yeah." Daddy vakazofona vachiti vanouya mangwana kuzotitora kuti tiende kumba kwavo nekuti mwana wavo ndopaairoorwa. Mhamha vakaita chamupidigori muvhu chaimo kuita sechigure chaicho. Vaiita kunonokerwa kani vachingoti dai kunze kwasviba kuchene zvekare. Zvisinei nguva hadzina kuita shanje kana kuda kuvarwisa asi dzakazofamba zvakanaka. Kunze kwakaedza takamukira kugadzirira zvedu. Mhamha vakapinda murokwe ravo takabuda panze ndokuvatora mapics haa vakange vakachema amai vangu. Pasina nguva daddy vainge vauya zvavo. Ndaitoshaya kuti ko kuti musikana wacho akange asina amai here kana vakafa handiti vaingotora hama dzavo hamheno pamwe vaida kungoti tiende vanotiratidza hama dzavo. Takapinda mumota ndokunanga kuChitungwiza ndokusvika pane vanhu vatatu vainge vakatomirira daddy. Vakakwanisana takavakwazisawo, maziso angu aida kungoona musikana wacho asi handina kumuona. Ndipo patakazonzi ari kubva Harare vanosvika pasina nguva. Takagara zvedu pasina nguva mota yacho yakabva yasvika, makatanga kubuda mumwe murume nemukadzi wacho. Takasimuka namhamha mhamha vachiita kakuomberera pasi zvavo vachidedemera makumbo aya vachifara. Musikana wacho akazobuda ndopandakaona mhamha vachigwadama pasi, ndakashaya kuti chii ndakabva ndatarisisa ndokuona ari Ropa. Daddy vakabva vatonotambira Ropa. Ndakanzwa mweya wangu kupera ndokuzoshamisika mhamha vave kudirwa mvura vakati rabada pasi. *End of chapter* *Please let's go to the subgroup tose usasare please kune zvodakadza zviri mberi. Vasati vambotenga vanoda kunxwisisa mouya inbox bk Rakapera kare huyai mutenge* *Now on sale* *here are the payment details* *Zim Side* *Ecocash___* $1 or 45 zig on ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura* *"USD airtime it's $1 scratch card rinouya pa ⁰⁷85346952* *Screenshot will be needed as your proof of payment on0785346952* SA *Or 20r Hollywood voucher or OTT voucher kana 1 for you voucher* Proof of payments munounza pa0785346952 Vane zvichemo mouya apa futi *Thank you for your support*

❤️ 😂 5
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/21/2025, 4:19:20 AM

https://chat.whatsapp.com/JK7YoPhixRlEvCHe3dWf6g https://chat.whatsapp.com/IiBdCNtkUPGI0e43Dw2wwp 🖤 *RUDO RWAKE*🖤 _______ _______ *Story By* *Prince Washe* 📗 *Mixture of fiction, imaginations and reality. All rights reserved..* *To be on sale from 20* *Chapter 17* *Tanaka* Pamba pedu pakange pakuita kunge pakaurayirwa munhu nekutyisa . Tatenda ndiye aiteverwa nekuda kunamata kwake. Zvinhu zvizhinji zvaiitika kana iye aripo mumba maitorema kurara imo muri medu. Pakauya Trish ndakapona neburi retsono akange achitoda kundimedza ndiri mupenyu. Akazonamatirwa nemabrothers angu mweya wetsvina ukatama. Manheru acho ndopakange paine hondo svinu chaiyo yakandikandisa mapfumo pasi. Ndainge ndakarara ndokutanga kunzwa munhu kufamba pamusoro pemubhedha kudivi randange ndisina kurara racho. Ndakambozviignore asi nekufamba kwenguva mwana akange ave kuchema ndakaziva kuti pane zvaaiona. Mubhedha wakange wave kusimudzwa mudenga ndipo pandakajamba ipapo watove mudenga. Zvakandishamisa kuti wakange wave kuda kuendepi ndakabva ndatora mwana wangu. Malights akabva adzima imba yose ndakabva ndabuda ndokushandisa ruzivo kuenda kuroom kwaTatenda nekuti ndaisaona. Ndakasanganawo namhamha vari chahwiriri kumhanyawo vachipinda muroom maTatenda. Ndipo pakawedzera kutya kwangu takabva tapinda mumablankets tose. Takafuka musoro uku bvudzi raiti nyau nyau uku ziya richiyererawo. Tatenda akazotangawo kunamata mhamha vachitevedzerawo ndakamboda kuseka vaiita kudedera zvavo nekutya. Pakaita kanguva ndopakazoreruka mumba , ndakabva ndatorambisisa kuenda kuroom kwangu nekuti ndaiziva zvandainge ndaona. Mhamha ndivo vakazvishingisa vakaenda kwavo ini ndakazorara naTatenda. Takamuka mangwanani iye ave kutoenda kubasa ndakafara kuti kwainge kwachena. Nguva dzakafamba aenda Trish haana kuzobatikirawo uku Tatenda akange achitoti haasi kudzoka. Takatoona kuti taifa ndakabva ndafonera Tongai kuti azouya manheru mhamha vakafonerawo murume wavo. "Haa mwedzi uri kundinonokera kupera ndoda kuroorwa ini pamba hapaite pasina murume." "Taurai zvenyu mhamha ini hangu zvekuroorwa handichada hmm ndichiri mukurwadziwa mumwoyo." "Aah iwe roorwa naTongai uyu ndomukana wacho anokuda kaa uye plus haasati ane mwana unomuchengetesa wako." "Chokwadi mhamha ndakapusa ndouraya mwana nenzara, Dan haachatode kutsika pano uyu." "Waona kaa ndomunamato wangu kuti uroorwe mwanangu ungaite kaa rombe renzira ." "Yeah mataura mhamha. Kana bota ndiri kumunyima ndoda atange aroora." "Obvious plus uchiri murwere mwanangu, baba vako vatove munzira kuuya ava." Nguva dzakafamba tiri pamba murume wamhamha ndiye akatanga kuuya wangu anga achiri kubasa kwake. Hatina kana kuvaudza nezvaiitika pamba nekuti vaigona kutitiza takangozvinyarara. Ndakazobva pamba ndakambofamba famba ndichitamura makumbo ndakange ndanyanya kugara pamba kubva ndibatsirwe. Ndakafamba kusvika kuna Bulawayo road ndokumbogara pasi zvangu. Ndakazoona kombi yaTongai ndakangoisiya ichidarika nekuti vaive busy nebasa. Ndakafonera Dan ndichifurwa nemhepo hangu kubva andirambe akange asati ambofonawo. "Hello." "BaShantel muri sei?" "Shantel ndiani?" "Mwana wedu zvee mave kukanganwa here?" "Hoo ndiri bho zvangu." " Totenda Mwari vari sei mainini?" "Vanofara zvavo variko kumba ini ndiri kubasa." "Hoo mozovamhoresa, muchauya kuzoona mwana rinhi?" "Ndinouya kana ati kurei ndingarambe ndichiona mwana padiki nepadiki here?" "Ndangobvunzawo kwete kuti muite hasha sorry." "Okay." Akabva akata zvake, handina kuzononokera kufunga ndakabva ndatokwira mota ndokunanga kumba kwake. Ndakasvika door rakapfigwa ndakashaya kuti ndodii? Ndakamboda kunetsana nemukadzi wacho asi ndaikuvara nekuti ndakange ndisati ndapora operation yangu. Ndakazobanganuka ndaona hembe dzavo dziri pawaya. Ndakanotora t shirt yaDan netop yemukadzi wacho ndakabva ndatobuda kuenda. Ndakanhonga paper bag panze ndokuisa mukati ndakadzokera kumba zvangu. Ndakange ndarwadziswa ndaidawo kuti zvinovarwadza mumarriage mavo. Ndakasvika nekuzviviga muroom mangu ndokuzoenda mudining maive namhamha. "Asi murume wenyu atoenda kani?" "Arimo amborara zvake, haa ndiri kufara wena vari kutorevesa kuti vanoda kundiroora kaa. " "Sure here?" "Ehe hanzi pane zvavari kumirira kuti zviite vanobva vatouya kuzobvisa zvavo." "Inga zvenyu, ko mhamha makafara here nezvakaitwa naDan kwandiri?" "Aah zvingafadze here izvozvo hona apa watongove mvana saRopa. Ndakatsamwa nazvo zvisingaite." "Okay ndaenda kumba kwavo ndakatora hembe dzavo vose saka ndoda kuti dzigadzirwe vambokaura." "Yeah apa washandisa pfungwa mwanangu, zvaakaita zviye hazviite kuti akusungira kuno iye wototora mumwe mukadzi zvake haa he deserves to cry ndine kwandoziva kunosotwa nyaya dzakadai toenda mangwana." "Okay mhamha maita basa." "Aah ungatambudzwe ndiripo here?" "Hazviite." Ndakafara chaizvo chokwadi Dan ainge andibaya nebanga rakagomara riine ngura panyama nhete chaipo. Munhu wandaivimba naye ndiye akange andimukira zvakadaro apa ndainge ndakamuchengetera mwana wake kwenguva refu. Ndichimirira kubatsirwa ndiri kumba kwamhamha iye ndiye paaitoita zvemumwe hake achinyepera kundida haa yangu yaipera nemisodzi chete. Nguva dzakafamba ndokuzotanga kubika zvemanheru hangu, pasina nguva Tongai ainge asvikawo. Akamhoresana namhamha semukwasha naambuya zvakaita kuti ndinyemwerere. Akange ane kaparcel kaine twekudya haa ndaidiwa. Takazodya zvedu mhamha vainge vanodyira mubedroom nemurume wavo. "Maita basa Mhofu mauya." "No need babe, ko ndiwe wacho kaa ndingadii?" "Taura hako ndini munhu wacho, saka Tongai uri kufungei nezvangu?" "Pakudii ndiri kungofunga kurarawo newe nhasi wapora iwe?" "Handisi kureva izvozvo kani, usatye nhasi ndokupa asi ndave kubvunza zvekumberi kuti tichazodii?" "Kudii Tanaka iwe une murume wako handiti tiri kuita chipfambi here apa?" "Tongai unobhowa ndakakuudza kuti zvakapera wani." "Hoo handina kumbobvira ndafunga zvekuroora ini ndichaona kuti ndodii?" "Okay ko sei usina mukadzi nezera rako iri?" "Hapana ko ndomhanyei sekunonaya ndicharoora hangu." "Ini kaa." "Yes." Takazopedza kudya ndokutoenda muroom mangu zvedu. Handina kuzombofunga nechiitiko chakaitika manheru ndakange ndave mudenga rechinomwe nemudiwa wangu. Mwana akachema asi takamusiya akadaro kusvika mutambo wagwamba ndomuzomuyamwisa. "Thank you babe for today." "Hapana apo ndoda kuroorwa wangu kwete izvi. Ndatoita zvivindi kukupa nekuti handisati ndanyatsopora." "Horaiti usatye ndokutora." Takazorara zvedu zvakanaka pasina kana chaitika. Takamuka Saturday mangwanani akabva abuda kuenda kubasa kwake, Tatenda akazosvikawo nguva dzamboti fambei. Ainge akatsamwa zvake ini kana shungu ndakazobuda namhamha nehembe dzaDan nemukadzi wake. *Brendon* Trish achibva muroom mangu ndakasara ndave kuvarira mablankets zvakanaka kuti tikwane tose pabed. Ndakazoda kuti auye nemaviri ndakabva ndatevera hangu kuroom kwake. Ndakavhunduka ndichipinda kuona akati rabada pasi. Ndakamuzunguza asi airatidza kuti akange ave kusaziva zvaiitika ndakabva ndatoshaya kuti chii. Handina kumhanyira kufonera ambulance ndakabva ndatanga kunamata nekuti ndaiziva kuti mune simba mukunamata uye zvaisava zvose zvaida chipatara. Vazhinji vakafira kuchipatara vachingonzi vane chirwere chakati ivo vakasungwa nemweya wakaipa. Ndakanamata ndakamubata kusvika ndave kunzwa kupfakanyika kwake. Akazomuka zviye zvekuvhunduka achibva asimuka nekundimbundira. "Brendo ndanga ndafa." "Hay usatye I'm here for you." Ndakadaro ndakabva ndaenderera mberi nekunamata. Akatangawo kunamatawo kusvika tazonyarara hedu. "Chii chaitika Trish?" "Ndangopinda muno ndokunzwa munhu kumusana kwangu azondibata padumbu achindidzvanya. Ndazongodonhawo pasi apa ndave kusakwanisa kufema nekuti pandaiburitsa mweya aiwedzera kudzvanya kusvika dumbu raguma kudzvanyika." "Hmm yeah mweya iya ichiri kukuda asi usatye ari matiri mukuru kupfuura wenyika tinopakunda chete." "Hmm dai zvakadaro nekuti zvandatanga izvi ndogona kuurawa ." "Haumbofe Trish." Takazotora mablankets ake acho ndokuenda kuroom kwangu. Haa uko kwaipisa hakuna mweya waipindamo . Akazorara kudivi kwake ndakarara kwangu kusvika kunze kwachena. "Wamuka sei Trish?" "Ndamuka bho ini." "Good hapana zvazoitika here?" "Hapana ndangorota amai vangu vachiuya kwandiri nehama dzavo dzose. Pavasvika vabva vandinongedzera vamwe ndokutanga kunditi nditaure zvandakaita." "Hey hoo watanga kuzvirota nhasi here?" "Ehe." "Okay haa pamwe zvozodawo kureurura kuhama dzavo kuti ndiwe wakauraya." "Manje ndopasara ndiri mupenyu here ipapo." "Yeah tichanamata nezvazvo." "Okay thanks. Unoziva I can't believe kuti ndini ndaive musatanist nezuro nhasi ndatochinja hmm zvinhu zviye hazviite kana wazogara. " "Haa hakuna zvaSatan zvakanaka usanyengerwe wanzwa. Ndoda kuti uve munhu anonamata zvakanyanya uye nevoice rako iri unogona kuimba ndichaita kuti uimbewo kuchurch uchikurawo mukunamata." "Okay haa kuimba ndoimba zvangu." "Yeah ndazvinzwa so ndoramba ndichikukurudzira kunamata, handina dzimwe nyaya dzandoudza munhu kunze kwekunamata Mwari. Zvine mubayiro izvi zvekunamata." "Okay haa kana neni ndave kuzvidawo ndicharamba ndichinamata nguva dzose." "Wow I like it." Ndakafara kuti Trish akange ave kunzwisisa kuti kunamata kwakanaka. Ndaida kumugadzira kuti ave munamati akasimba uye aimbe kuchurch nekuti ndotype yemusikana wandoda akadaro. Ndaisada kuita wekutsvaga asi kuzvigadzirira ndega iyeye kusvika asimba. Nguva dzakafamba achiri pamba achimbobatsira mhamha basa zvake. Ndainyatsoona kuti muroora wavo akakwana apa nekudzikama kwaakange akaita kwacho ndaibva ndanzwa manyukunyuku mukati mangu. Ndaitononokerwa nekukanda shoko rerudo kwaari. Moyo muti unomera pawada chokwadi chada mwoyo hachikoni. Tatenda ainge anakirwawo naRopa achiona Trish seasingaite asi ini ndaiti ndakatarisa Trish ndaiona hupenyu hwangu hwose huri maari. *They say that one man's junk is another man's treasure.If you are being treated like junk, go to the one that treats you like the treasure you are!* Takazodya ndokuzoperekedza Trish kumba kwavo. Takambogara zvishoma ndokuzoraira kuti ndave kuenda. "Okay bye may God keep you for me." "Wow thanks Trish you are a good girl." "You're also a good guy." Takabva taramba takatarisana zvino hapana ainge aine chekutaura. Takazongosira maziso kuti apedzerane ndakabva ndatoona kuti kutambisa nguva yakadai ndaigona kuzoshaya futi nguva yekumuudza zvandainzwa. Ndakavhara maziso angu ndakabva ndaramba ndakadaro ndichifunga kuti ndoti kudii. Ndakamuti ndomuda nechemumwoyo ndakabva ndashamisika ave kuti "Are you serious?" Ndakavhura maziso ndakabva ndati "Serious nei?" "Zvawataura izvozvo ndazvinzwa in my heart." "Yes I'm sure, I love you Trish ." Ndakadaro ndichitomumbundira, phone yangu yakabva yaringer ndokuona ari Tatenda ndakangotarisa handina kudaira. "Hey pick that call." "No right now I need to pick you up." Ndakadaro ndichitomusimudza mudenga akabva atanga kusekerera zvake. Finally ndakange ndave murudo nemunhu wandaisafungira kuti angadanane neni. Yeah hakuna munhu asina basa chokwadi kunyangwe aroye munhu wese akakosha. Ndakazoparadzana naye ndave kumhanyira kwana Tatenda ndichingozhinya road yose. *End of chapter* *Please Note That Our Book Will Be On Sale From Chapter 20* *Vanoda kugara vatenga here are the payment details* *Zim Side* *Ecocash___* $1 or 45 Zig on ⁰⁷85346952 Zita *Prince Katurura* *Airtime it's $1 or 45 zig on ⁰⁷84802591* *"Or USD airtime $1 netone or buddie scratch card rinouya pa ⁰⁷85346952* *Screenshot will be needed as your proof of paymnt on +23378️⃣5346952 SA *Or 20r Hollywood voucher, oTt, one for you, blue* Proof of payments munounza pa +2637️⃣8️⃣5346952 *Thank you for your support*

❤️ 👍 😢 7
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 10:06:56 AM

Hi 👋 Prince Washe Fans am selling Amity Products and also willing to assist those who are willing to join Amity and order Perfumes at a wholesale price directly from Amity Offices 🏢 +263 78 090 6751

Post image
❤️ 1
Image
🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
6/20/2025, 6:40:47 AM

Let's react

❤️ 😂 2
Link copied to clipboard!