🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
January 27, 2025 at 06:26 PM
*Join my group* https://chat.whatsapp.com/BsJt9vo0NMc72PEeXxnFtE *Follow my channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *RUDO HUROYI* 💔☠️💔☠️💔☠️ STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE EDITED BY FAITH KAYLEEN🩷 CHAPTER 18📗 *NARRATOR* ..BaSaku namai Pure vakazobva pan'anga vasati vabatsirwa. Vakange vave kungopopotedzana zvakakonzera kuti vadzingwe. "Mai Pure why? Mai Saku makavaurayirei?" Vakadaro baSaku. "Handina munhu wandakauraya ini. Ndovauraya ndoziva kwavanogara uye ndaiendako sei? Musade kundipa mhosva." "Mhosva yei sekuru vataura wani kuti wakadeura ropa." "Ehe ndakadeura kwacho. Imimi wani makauraya murume wangu. Maida kudzokerana namai Saku maida kundisiya kaa. Manje muchatogara neni nezidumbu rangu iri." "Mai Pure mandirwadzisa manzwa. Mai Saku vaisafanira kufa." "Mutsai baPrecious kana muchida kuti ndimutse mai Saku." "Haa chandakakurorera." "Hapana zvamunotaura apo. Upfumi uhwu ndewedu tose. Makashandisa nhengo yemurume wangu neropa remwana wenyu saka musade kuzviona kunge munopisa." "Mai Pure hande. Hatidi kunetsana nezvakapfuura zvokonzera zvimwe zvakarara.” "Okay I'm sorry murume wangu. Ndinokudai handidi kuti mudanane nevamwe, ndakaona kuti mave kuda kudzokera kuna mai Saku ndakabva ndavauraya. Hazvifadze here kuti ndakauraya munhu aida kutikanganisa, ndokudai baSaku. Kungoziva kuti mave nemumwe chete anotevera, tose tine mhosva saka ngaipere." BaSaku vakangozunguza musoro vapererwa. Vakazodzokera kumba vakanyarara. Vakasvika Pure achinetsana naShingi. "Chii chiri kunetsa pano?" Vakadaro mai Pure. "Mhamha mukomana uyu ari kuda ndidii akuramba kunditora ini ndine nhumbu yangu." "Iwee Shingi ndoda munhu akakwana. Waimitisa mwana wangu kuti zvidii? Wotouya woroora hako nekuti ndokusungisa. Mwana wechikoro kaa uyu." Vakadaro mai Pure. "Ndazvinzwa ndichaita sekudaro." Vakazoenda mumba. BaSaku vakapinda negotsi semazuva ose. Ipapo vaisakanganisa... Pure akazofonerana nadetective vakanoonana. "Matii detective?" "Nyaya iye inogona kukutsikirira. Ndoda kuita kuti isakutsikirire. Unondipa zvandoda here?" "Zvamunoda zvinengei?" "Bedroom staff Precious." "It's okay detective. Ndakakunzwirai sugar kubva pandakatanga kukuonai.” "Shuwa here saka toita sei?" Precious zvekuenda kulodge aisakanganisa. Vakaenda nadetective vakarova mutambo wavo. Vakange vave kungodaro mazuva mazhinji. Pure akazonotaura namhamha vake. "Mhamha chii chakaitika kuna Tobias?" "Handitozive mwanangu kuti akafa sei? Iwee ndiwe kaa wakaenda naye uchimuratidza kumba kwana Saku." "Ehe but akatondiudza kuti auraya, handina kuzoziva kuti akaurayiwa sei?" "Haa hamheno, akatogona tanga tisati tamupa mari yake." Mazuva akafamba, Shingi akazomanikidzwa kutora Precious uye ainge anzi achabatirwa mari yake yebasa. Iye akange ave kuendesa Manatsa ega kuchikoro Tafadzwa akange akambomiswa. Mumwe musi mai Pure vaitove mubedroom mavo vasina kupfeka vachizvitarisa dumbu ravo. Vakayeredza misodzi apa baSaku vairara mubedroom pavada zvavo. Hapana kuita nguva makabva mapinda baSaku. "Mukadzi wangu sorry nezvakaitika pauri. Ndave kuda kuenda newe kuMoza unorapwa"" "Chokwadi here baSaku?" "Ehe." Vakabva vasimuka. Vakambundirana. "Ndasuwa bonde murume wangu. Ndokumbirawo nhasi." Vakadaro mai Saku vachitoisa ruoko mukati metrouser remurume wavo. Vakatsvaka tsvaka nhengo yavo asi vakaishaya. Vakavhunduka vakabva vavatarisa vakaona vari vaPure vakazara ropa kumeso. Vakarova mhere vachimhanya vakashama kubuda. Vakasvika vakamutsa baSaku vaive pasofa. "BaSaku zvatanga, mwayai mushonga wenyu. BaPure!" "Ndaita sei?" Rakadaro izwi rabaPure. BaSaku vaive pasofa vakabva vashanduka kuita baPure. Ipapo baSaku vakabva vauya kubva kuchiroom kwavo vachimwaya mushonga wavo baPure vakabva vanyangarika. "BaSaku ndave kutya. Honai zvave kuitika ko chii?" "Haa okay, ndakanzi tofanira kugara tichiwirirana. So ngatiwirirane kuti zvakadai zvisaitike zvekare." "Okay murume wangu chindipawo bonde nhasi please." "It's okay." Vakabva vabatana vakaenda mubedroom. *SAKUNATSA* Zvakatondirwadza kuti Gumstar akange ave kusada kunzwa nezvangu. Yaisava mhosva yangu so aifanira kundinzwisisa. Handidi kunyepa, vose ndakange ndave kuvada zvakafanana. Kana kuroorwa kwacho kwaitonetsa nekuti ndaisaziva chaiye. Ndakazofonera Ezekiel ndichimutenda nemari yaainge akaisa kare mubible. Zuva rakatevera Ezekiel akauya naShalom tikanamata tose. Ndaida kugadzirisa nyaya iyi yaida kunetsa mumhuri yedu. Shalom akazoenda ndikasara naEzekiel. "Saku ukaona uchirwiswa ziva kuti chawakatakura chikuru. Zvave kuda kuti iwee utsungirire chete kuti zvinake. Hazvidi kumirira munhu kuti auye anamate newe kwete." "Ndazvinzwa mudiwa, thanks nekugara uchindisimbisa hako." "Unotendei hako. Ndave pedyo kuti ndikutore, handidi kunonoka hangu. So tozomboenda kuma intro kuhama dzako." "It's okay toenda kwatete." Ndakadaro, ndaida kuenda naye kwatete vamwe vaisaita zvehun'anga. Iye kwavo ndakange ndave kuzivikanwa uye ndaifarirwa. "Okay Saku, ndoshuva zvakanaka muhupenyu hwako. Dai wanzwisisa rudo rwandinarwo kwauri. Handidi zvinhu zvako asi ndoda iwee. Ndokukoshesa mumwe wangu." "Ndafara nemashoko ako." Takazoronga musi wataienda kunoona tete mai Robson. Ezekiel aive serious nenyaya yekundiroora. Ndakazoedza kutaura naGumstar asi akange ave kusabatika. Ndakabva ndatoona kuti zvedu zvainge zvadhakwa. Ainge arwadziwa nezvakaitika. Zvainge zvisina kuipa, ndaizomira naEzekiel wangu. Mazuva akafamba. Baba vakange vave kusauya. Detective vakange vave kusabatika zvekare. Ndaingomirira kuzonzwa kuti mukono warigirwa pasi. Baba vaifanira kupika mhosva dzavo chete. Mumwe musi manheru ndakanzwa knock padoor. "Ndiani?" "Ndini Eric." Ndakarohwa nehana kuti aidei? "Uri kudei?" "Ndine zvandoda kukuudza." Ndakanodongorera ndikaona ari 1 ndokumuvhurira. "Saku kaa chenjera, baba vako havachade kuti urarame. Hanzi une zvinhu zvauri kuziva iwewe so kuuya kwandaiita ndivo vandiunza pano. Hanzi ndikuuraye then ndokutora ndonokufushira kusango utsakatike wakadaro." "Are you sure?" "Yes." "Then do it." "No, ndauya because I love you. Handisi kuda kukuuraya, sorry hako ndoita mabasa akaipa asi ndokuda. Iwewe handisi kuda kukuuraya, ndoda ubve pano wochinja kwekugara vasazvizive nekuti ndichavaudza kuti ndakuuraya." "But why dad vachidaro? Why vasiri kuda kutendeuka?" "Zvakaoma. So iwewe ndoda kuti uite sewatofa ndokutora mapics ndovasendera." Ndakange ndave kutochema. Dai ari mumwe munhu ainge akatumwa asiri Eric ndingadai ndakafa. Ndakazowirirana naye kudaro akabva anditora. Ndakange ndatsamwa. "Bye Saku, ndichanyatsotaura newe kana baba vako vasungwa. Ndinokuda." Akadaro akabva aenda. Zvainge zvakaoma. Zuva rakatevera ndakaswera ndiri pamba hangu. Kunze kwave kusviba ndakabva ndafunga kuti ndinoona baba vandiudze kuti chii chaicho. Ndaive ndatogarwa neumwe mweya wekuti taigona kurovana chete. Ndakafambisa kuti ndikasike kudzoka, ndakasvika kwatoti tsvaa kakusviba. Ndakagogodza pamusuwo, door rakavhurwa ende vaive baba. "Saku!" Vakadaro vachirovera door. Ndakanzwa kumhanya kwavo ndiri kunze. Hapana kuita nguva vakabva vadzoka vakavhura ndokutanga kumwaya mwaya mushonga. Ndakaramba ndakavatarisa hangu. "Baba makandiurayirei?" Ndakadaro ndatoona kuti shasha yaitoti ndakafa. "Saku waida kukura musoro. Ungade kundisungisa zera rako iroro. Manje detective mushandi wangu, hauna chawakagona. Ndinozorodza mweya wako kuti usandinetse." Ndakachema, ndakabva ndatanga kutoenda zvangu. Vakasvika kudoor vachimwaya mwaya. Baba nyaya yemari kusungwa kwavo kwainetsa. Detective vacho vandaitemba vainge vakatotengwawo zvavo. Ndakabhowekana nazvo. Ndakadzokera kumba, Ezekiel akazofona achindipa pressure yekuti tichienda kwatete. Ndakamuudza kuti taizoenda nekuti ndaida kutanga ndagadzirisa nyaya dzangu. Zuva rakatevera Eric akasvika pamba. "Saku uchiri pano. Ko vakauya?" "Handina basa nazvo ini." "Unondikuvadzisa hako." "Baba havasungwe. Vave kutoshanda na detective vandakaudza nyaya yavo." "What?! Okay ndogona kuvauraya ini..." "No! Siya zvakadaro. Iwewe wakagona kusandiuraya asi usavauraye. Unenge wakasira." "Hey okay. Saka wakazoti kudii? Ndinokuda Saku." "Ndine mukomana wangu ari kutoda kundiroora. I'm sorry hako." "Haa amana musadaro." "Unoda kuudzwa ndichimama here kuti unzwisise? Hazviite hazviite period." Ndakamusiya asina kana nerekutaura. Haana kuita nharo akabva atobuda kurova pasi. Mazuva akafamba, naEzekiel takazoenda kwatete. Gumstar ainge ati zii zvekuti ndega ndakaona kuti zvakaendwa. Takataura natete vakabva vafarirawo mukomana wangu. "Usazoshusha muzukuru wangu uyu Ezekiel. Ndizvo kaa?" "Haa uyu haashushike uyu. Nemadiro andomuita handione ndichizodaro." "Okay zvakanaka kana zvakadaro. So munoda kuzoroorana rinhi?" "Haa soon hazvina 2 months, or tikangopfuura mwedzi watiri kupinda uyo." "Okay saka ndichazivisa baba vako Saku." "No tete, mirai kuvazivisa. Mirai." "Ko nekuda kwei?" "Chingomirai chete." "Kana wadaro ndinomira. Chiuya tione nhasi ndiwe uchatobika tinzwe ruoko rwako semunhu ave kuda kuroorwa." Takabva tasimuka tichienda kukitchen. Ndomaive nefridge. "Right hamheno kuti ukuda kubika muriwo upi tarisa mufridge." Ndakabva ndanovhura, ndakanzwa mweya wenyama kuti kuu ndokumisa mwoyo wangu. Ndakatadza kana kumhanya ndokurutsira mukitchen. "Ah ah, ko marwara here asikana kana kuti Ezekiel akatozviita?" Vakadaro tete zvakarovesa hana yangu. End of chapter Stay tuned 💋
❤️ 🙏 👍 😮 😢 😂 😅 😭 🙆‍♀️ 🤰 159

Comments