🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
January 28, 2025 at 05:07 PM
*Follow my channel for previous chapters* https://whatsapp.com/channel/0029VacvjQ8AzNbnrD3qry0U *Join my group* https://chat.whatsapp.com/JhnFZPQyzxo5O7bpBU3LFN *RUDO HUROYI* 💔☠️💔☠️💔☠️ STORY WRITTEN BY PRINCE WASHE EDITED BY FAITH KAYLEEN🩷 CHAPTER 20📗 Last Free Chapter 💖 *SAKUNATSA* Ndakarohwa nehana kuona kuti Gumstar aive nemukadzi. Ndakamutarisa mumaziso achituka mukadzi wake. "Aah hapana chakaipa kana mati ndiende. Zviri nani ndimbozorora." Akadaro mukadzi wacho. “Thanks nekunzwisisa. Please my wife Saku, welcome pamba pangu. I hope uchaunza mufaro mumhuri yekwangu." "But Gumstar why usina kundiudza kuti une mukadzi? Ndave kuita semuparadzi manje." "Mukadzi munhu anozvara. Uyu asingazvare hamheno kuti tomuti kudii? Usafunge zvakawanda handiti tave tose here mumwe wangu." "Haa zvakaoma." Ndainge ndabatikana. Zvairwadza kuti ndakange ndaenda pamunhu aive nemunhu wake. Ndakademba kuti dai ndisina kurara naye. Hamheno kuti zvaizotifambira zvakanaka here kana kuti. Ndopandakaona kunaka kwaEzekiel, aisada hake zvekundikanganisa asati andiroora. Uye aive akatumwa naMwari, ndaisafa ndakamukanganwa. Ndakabva ndatodzima phone yangu, ndaisada kutaura naEzekiel. Mukadzi wacho akazobuda nebag rake. "Maita basa ndave kuenda. Mosara muchigara zvakanaka nemwana uyu. Ndomunzwira tsitsi kuroorwa newe." "Watii Gire? Ukwane wanzwa!" Akadaro Gumstar, akabva abvisa bhutsu yake akatanga kumurova. "Unotaurirei zvisina basa pamberi pemudiwa wangu." "Sorry kani Denzel sorry." Akademba demba kusvika azosiwa. Haana kuzoti bufu akabva aenda. "Gumstar why wamurova?" "Kk babe, haataure kaa zvisina basa. Ari kushuwira kuti tisagare zvakanaka kaa uyu." "Hazvina kunaka hako." "Zvapera, so feel free muno mumba utotanga kubika hako." Akadaro ndakabva ndasimuka ndokunorongedza bag rangu. Hamheno kuti kumba kwatakamboenda tose naye kwaive kwaani, uku kwaisava nezvinhu zvinoshamisira. Ndakazotanga kubika hangu asi pfungwa dzaive kure. Ndakapedza tikadya, takazoenda kunorara. Chaidiwa kutojairana nezvaivepo. Zuva rakatevera takamuka tose, ndakaita mabasa angu ndichitoziva kuti Ezekiel ainditsvaka. Pakange pasina kuzoonana nekuti aisandibvuma nenhumbu yangu. Ave masikati pakauya vanhu, varume vaviri nemukadzi mumwe chete. Takakwazisana, vaive vabereki vaGumstar nasekuru vacho. "Haa makorokoto mwanangu. Saka waireva chokwadi kuti mudzimai wako uye aive nedambudziko. Haa watifadza hako. Taisvikepi tisina kumbobatawo muzukuru?" "Kkk mhamha Mwari vakanaka ava. Ndototenda mudzimai wangu uyu kuti ndakamuwana ari mhandara yakazara uye anozvara." "Zvofadza izvi, zvovengwa nemuroyi chete. Ndave kukumbira kuti uchiita hunhu hwakanaka, wosiya kunwa kunge unopenga uye mukadzi usamurove uyu. Handidi kuzonzwa zvakawanda wanda ndizvo kaa." "Haa handichadaro." "Zvakanakai, saka wombosara nasekuru vako ava vamboona kuti ukugara naye zvakanaka here?" Takazotaura hedu nyaya. Mufaro wacho waive wekumanikidzira. Vanhu ava vaingoda kuzvarirwa mwana chete vaisandida. Vakazoenda zvavo tikasara nasekuru wacho. Vakatiudza zvekugara zvakanaka, Gumstar ndakange ndave kutomutya hangu. Aitsiurwa zvakanyanya kureva kuti hunhu hwake hwaive hwakashata. Zvisinei takazotanga kugara hedu, kunamata ndainamata zviri nani. Ndaifarira kuverenga bible randakatengerwa naEzekiel ndichimurangarira. Phone handina kuzobvira ndabatidza. Mazuva akafamba, Gumstar akazotanga kuuya pamba akadhakwa uye aiuya usiku. "Gumstar ndozvauri here zvekudhakwa izvi?" "Saku zvakaipa here? Ndozvinotondifadza izvozvi." "Ko kumashows hauchaenda wani." "Ndaisaenda kumashows, handisati ndave nembiri ini. Paye ndine zvandaiita." "Hoo inga une nhema. Zvakashata hako." "Saku ziva ndiri murume wako wanzwa! Ukada kuita kunge mombe ine cancer ndokudambura wanzwa!" "Iih shamwari haudaro kaa, wakabvisei kumba kwedu iwewe? Sandiwe murume wandaiona pandaikutarisa Gumstar." "Saku usanditume kuita zvisina kunaka. Kungoti une nhumbu chete." Akadaro akabva abudaa mumba. Haa ndakange ndakawira apa. Zvaisanakidza kana kamwe zvako. Apa woti airamba kuti anobvisa kana tsvakiraikuno kumba kwedu. Takazonotora zvinhu zvangu zvaive zvakasara kumba. Hapana kwandaienda, ndaishinga kugara nemurume wangu. Ndakazobatidza phone ndokutora number dzatete chete ndokudzima ndisati ndatarisa mamessages. Ndakashandisa phone yaGumstar kuvafonera. Ndakavazivisa zvakange zvavepo. "Hoo haa kana akabvuma nhumbu zvakanaka. I hope musvinu semukomana uya." "Yeah haa ari nani." Ndivo vaizozivisawo vamwe. Mazuva akafamba, ndakatanga kunyumwa something pandiri. Ndaisanzwa kunge ndiri munhu ane pamuviri. Ndakangoti ndozvazviri ndokumirira mazuva angu ekuenda kumwedzi. Akakwana ndakabva ndaenda kumwedzi. Ndakarohwa nehana, ndakarwadziwa, ndakachema. Ndakabuda ndine shungu pamwoyo ndokubvunza vamwe mai vakati zvinoitika kuenda kumwedzi wave nepamuviri. Ini zvakandirambira, ndakaenda kupharmacy ndokutenga preg test. Ndakadzoka kumba, ndakazvitester ndega ndokuona kuti ndakange ndisina pamuviri. Pain yacho hamuzoda. Ndakaita kunge ndagarirwa pamwoyo pangu apa nezvinorema. Ndakambotadza kana kufamba, musoro wakatanga kutema. Ndakazozvishingisa, so zvaireva kuti Gumstar aigona kunge ane dambudziko rekuzvara. Ndakatya kumuudza kuti ndozviripo, Gumstar aindiuraya chete achida mwana wake. Obvious aitozoti ndakabvisa nhumbu. Ndakashaya kana zvekuita. Ndopandakatanga kufunga Ezekiel, hamheno kuti aiitei nehupenyu hwake asina ini nekuti aindida. Nguva yekurara ndakaramba kuita bonde. "Why babe ndiri kuda kusimbisa mwana wangu wakazvitanga rinhi izvi?" "I'm sorry Gumstar. Ndiri pamutsanyo wesvondo rimwe. Handisi kuda zvinondisvibisa." "Haa Saku, ndakakuroora kuti uzotsanya here pamba pano. Tsanya kaa asi ini uchindipawo, handiendi kuchurch kaa ini." "Gumstar handizviite futi, ndokumbirawo murume wangu." Ndakadaro, ndaisada kuti azobata kuti ndaive kumwedzi aigona kuzosimudza zvimwe. Akakazobvuma hake asi svondo rakapera achinonoka kuuya kumba ende aisatombondibata zvake. Gumstar aisaita, ndakazobatidza phone yangu ndaida kutaura naEzekiel. Zvaive nani nditize Gumstar ndinoroorwa zvakanaka nekuchata. Ndakada kufona zvakabva zvandirambira, ndakazotarisa mamessages ndokuona uri munda. Vabereki vake naShalo vose vakange vakasenda. Ndakarwadziwa ndichiona yekuti, "Saku uripi mudiwa, mari yekuroora yavepo ndiri kukutsvaka." Ndakasvika pakuchema. Gumstar akambobvunza kuti ndaichemei ndakangoti ndiri kufunga amai vangu. Ndakange ndakazvikanyira ndega. *NARRATOR* Ezekiel akazoedza kufonera mudiwa wake asi dzaisaita. Akazoenda kumba kwake akasvika kusina munhu. Akadzokera kunomutarisa kwaaitengesera akabva amushaiwa. Aingoti maybe kune kwaaenda. Zuva rakapera achimufonera asi number dzake dzairamba. "Dad Saku handina kumuona nhasi." "Hoo ko haana kukuudza here maybe ambobuda." "Haana uyu." Zuva rakatevera akaenda zvekare akasamuwana. Zvakatanga kumunetsa, akange ave kutorwadziwa. Mazuva akafamba pasina kana munhu abudikira. "Ndiri kurwadziwa veduwee. Saku handizive kuti akaendepi? Pamwe akaurayiwa mudiwa wangu." "Rega kudaro kani Ezekiel. Haana kuurayiwa, wakambobvunza here vanhu vepo?" "Handina, zvino akaendepi phone yake haisi kana kuita iyi?" "Chimbobvunza maybe akatorwa nababa vake or hamheno unononzwa. Ini ndave kutoroorwa week rino apa iye haasi kubatika." Aakdaro Shalo. "Zvakaoma, rega ndinobvunza." Akaenda akanobvunza mumwe muroja. "Aah Saku ave nemazuva tisingamuone. Ndakapedzisira kumuona achibuda nebag aine mumwe mukomana soo, I think vaifambidzana." "No ndini mukomana wake ndakambobuda naye akadzoka." "Kwete iwewe, mumwe so haa kubva Ipapo haana kudzoka." Ezekiel akadonhedza misodzi. Akange asati azvitenda hake. "Haa kana wangu Saku haadaro. Musikana wangu uya, hamheno kwaari chete." Akadaro akabva aenda kumba kwavo asi aive mumarwadzo. Akatsanangurira vabereki vake. Vose vakazoenda kumapurisa kunoreporter. Vakambonamirira maposter ekuti missing person uye aizomuwana aipihwa $500 US. Saku akarwadza vanhu, vakange vave kufunga kuti zvimwe akaurayiwa. Shalom akasvika pakubvisirwa zvakadadisa asi Ezekiel aive asina mufaro. Kudya aisadya zvekuti akange aonda... Precious akazobva paive nadetective achimhanya. Akadzokera kumba kwavo. Akasvika mai vake vagara namai Saku. "Please Pure, mira kuita zvekunetsana izvi ndozvinokonzeresa. Ngatiwiriranei." "Okay mhamha but ndave mukadzi wadad. Ndine nhumbu yavo kaa ini." "It's okay as long as tisinganetsane chete." Vakadaro amai vake. Zvakamboita kakunyarara kwemazuva. BaSaku vakange vave nevakadzi vaviri. Mai Pure vairwadziwa asi vaingonyarara nekuti vaisada kusimudza mamhepo. "But dad is it true kuti makauraya baba vangu?" Akadaro Precious ave kutochema. "Yes takavauraya tose mwanangu. Hupfumi hwese uhwu kuda kwavo. Wani wave kuonekera." "Kuonekera ndisisina baba here?" "Shhhh Precious, neni ndiri kurwadziwa kuti wakamitiswa nemurume wangu. Wani takauraya mai Saku tose, saka hapana anopa mumwe mhosva apa." "Nonsense! Mai Saku vacho ngavamuke! Ndakarwadziwa nababa vangu zvamunoziva imi nhasi moda kundivhara vhara." Achidaro mai Pure vakabva vatanga kubvunda. Mudumbu mavo makabva matanga kurira kacheche. Precious akabva angonyarara akasimuka achibuda. BaSaku vaive vakangonyarara vakabva vabudawo kuenda kun'anga yavo. Vakasvika pasisina kana sign yekuti pakange paine n'anga. Vakashaya wekubvunza vakabva vadzokera. Vakasvika kumba ndokuona mukadzi wavo ari panze. "Mudiwa ngatiwiriranei, Pure musiyei akadaro anokonzeresa." Vakadaro vakabva vambundirana. Vachiri vakambundirana baSaku vakanzwa kudzikira kwedumbu ramai Pure kusvika raserera. Vakavhunduka, vakatarisa vakaona hembe dzamai Pure dzashanduka. Vakatarisa kumeso vakaona vari baPure. Vakada kuedza kubva asi vakaramba vakabatwa chete. Phone yavo yakabva yaringer, Ipapo baPure vakabva vanyangarika. BaSaku vakaita tsoka ndibereke vachimhanyira mumba. Vachingopinda vakabva vamira vakabata hana yavo, vakadzokera panze vakabva vatangidza kupinda nekumashure sezvo vainge vakanganwa. Vakapinda vakabva vadaira phone, "Hello tafona tiri kuchipatara, mukadzi wenyu ari pacritical. Tokumbirawo muuye muona zvaazvara." "Azvara? Azvarei?" "Muri kudiwa nekukasika imi baba vacho." "Okay ndosvika manje manje." Vakabva vakata. Hana yavo yakatanga kurova. Vaitya, apa vainge vatyora mhiko. Vakazvishingisa kubuda panze vachienda kuchipatara kwaive nemukadzi wavo ainzi azvara... "Ezekiel asi hauone here kuti Saku anenge akatizira?" Akadaro Shalom. "Please usataure zvakadaro. Unondirwadzisa." "Ndomaonero angu hangu, hamheno." "Anenge andirwadzisa, ndomuwanepi mumwe akaita saye." "Be strong my brother. Unowana mumwe anokuda. Uyu aisakuda ndosaka usina kumuroora. I think i can help you kutsvaka mumwe hako." "No. Ndakunotarisa zvekare kumba kwavo." Akadaro Ezekiel akabva asimuka. Akanotarisa akasvika pasina munhu. Curtain rainge rakatobviswa, mwoyo wake wakarwadza. Akabuda achishungurudzika, Ari pakati pekufamba akabva adanwa naGumstar. "Aah ndiwee, ko wakazoita sei?" "Wangu ndokutenda. Ndanga ndafa hako, wakandibatsira." "Haa it's okay." "Ko indava kuita low kudaro." "Pakaipa hama yangu, ndiri kushaiwa musikana wangu hamheno kuti akatizira here or akaurayiwa..." Achiri kutaura phone yaGumstar yakabva yaringer. Vaive sekuru vake vainge vafona. "Hello sekuru." "Hello svika kumba izvozvi, mukadzi wako kuno huya uone zvaari kuita. Anondifira please kasika." Vakabva vakata. "Hey pakaipa wangu, hanzi mukadzi wangu arwara, apa ane pamuviri." "Kure here tiende tose ndogona kubatsira neminamato." "Haa hakusi kure zvakanyanya, totokwira kombi tikasike kusvika." "Okay wangu." Gumstar akange ave worried. Vakabva vanokwira vose kombi naEzekiel vachienda kumba kwake. End of chapter Stay tuned 💋 *To be onsale From chapter 21* *Now on sale* Tokumbirawo support yenyu tizowana kuunza a free book. *Vanoda kutenga madetails ari apa* _"Unosarudza chinhu 1 chaunoda kutenga nacho for example US Ecocash only unobva wawana nzvimbo yekuti uwane book rese kusvika richinopera. Mari Yako inopedza kuverenga book rese hatizode imwe vasina boom reader munoverenga book🫢"_ ZIM SIDE🇿🇼 $1.50 US Ecocash Or 60 Zig Ecocash Munosenda pa0785346952 Zita rinobuda Prince Katurura. Or kusenda $2 airtime scratchcards buddie or netone. Munotora picture recard mosenda. Proof yenyu mouya nayo pa+2637️⃣8️⃣5️⃣3️⃣4️⃣6️⃣9️⃣5️⃣2️⃣ kana+2637️⃣3️⃣8️⃣3️⃣8️⃣0️⃣4️⃣6️⃣5️⃣ SA SIDE 🇿🇦 r20 voucher Ott voucher Or Blue voucher Or 1 for you Munotora picture rinooneka mosenda pa+2637️⃣8️⃣5️⃣3️⃣4️⃣6️⃣9️⃣5️⃣2️⃣ Vari kune dzimwe nyika munouya inbox tobatsirana. Vane zvichemo zvinonzwisisika huyai inbox musaise zvichemo mugroup. Siyabonga. Let's support our author nhaika. 0️⃣7️⃣8️⃣5️⃣3️⃣4️⃣6️⃣9️⃣5️⃣2️⃣
❤️ 🙏 😢 👍 😂 😮 📚 😒 36

Comments