🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
January 30, 2025 at 11:59 AM
*Follow This Channel For Previous Chapters* https://whatsapp.com/channel/0029Vawx8v090x2r09ObI93J *Join this group remacomments* https://chat.whatsapp.com/CZoWhW7YSJFFoeBZ1cOXLp *Makaitaishe* *Written By* *Rejodah* *Read, Like and Share* *Chapter 1* *Makaitaishe* "Mamukasei mhamha, wava sei muviri wenyu" "Ndamuka zvakanaka ini nhasi ndirinani chose uye ndinotokwanisa kusuka nekubuda panze saka usatya zvako nhasi usasiye waita basa inini ndomene ndichaita basa rese semunhu amutswa kuvakafa so" "That's great then mhamha ini handichagare regai ndigeze ndiende kuchikoro remember ndakuda kutanga kunyora exams angu next months saka handidi kufoira. Ndoda muve proud neni so, sezvinoita vamwe vana" "Ndazvinzwa ini chienda kunogeza nguva dzafamba zvizhinji tinotaura wadzoka hanty go and make mhamha proud my daughter" Ndakabuda mubedroom medu ndiri chahwiriri ndichienda kuchanging house kunogeza. Zuva racho handina zvisvinu zvandakageza ini ndaive ndagara ndanonoka kare saka hndina kuda kutambisa nguva yangu. Kana kudzokera kubedroom handina sezvo mauniforms angu aive paline. Ndakangoshevedxera ndakutobuda pamba kuoneka mama nekure. Makaitaishe Shumba ndozita rangu, ndinogara kuMvurwi kunonzi kuforester A. Ndine 16 years uye ndiri mupfupi zvishoma asi chivakashure plus dzitsi ndaive ndakaita zvekuramwirwa chaiko ndisingazotaure kutsvuku kwandaive ndakapihwa naMwari. Ndinogara namama vangu sezvo baba ndisingavazive zita, mutupo even kwavanogara chaiko. Ndaiti ndikabvunza mama nezvazvo vaitotanga kuchema zvinova zvandaisada saka ndakapedzisira ndakusavabvunza ini ndakutya kuvarwadzisa. I have hope kuti rimwe zuva vachandiudza vega ndisina kubvunza kana kunetsana navo. Taingoraramawo nemaricho hupenyu huchitoendeka. Mama vangu vaive munhu anoshanda nesimba uye asingadye chemahara sehonye. Vaisada zvisina basa kana kunzwa kuti ndaita mhosva kuchikoro ndaisvika kumba ndirohwa zvakaomarara. Handizive kuti kuchikoro ndakasvika sei. Ndaingofunga mama vandaive ndasiya vachirwara apa nemari yekuvaendesa kuchipatara ndaive ndisina kana pekutangira ini ivo vaitoti vave boe saka kakutya kurasikurwa navo kakambotiza. Ndakadzidza zvakanaka chose even thou ndaisave neshamwari asi kuxool kwaindinakudza. Vanhu vaindiziva nekutambura kwangu but chikoro ndairova kuseri nekuseri vanhu vese vanotoziva kuti number 1 ndeyangu since form 1 ndaive ndakubhadharirwa neCamfed mapads nestationary ndapihwa kuxool. Kumasports ndairova netball negirl's soccer asi soccer ndokwaive kubasa ndaive sports captain wemasports ese kuzoti kumhanya handaizeza ini. Ndaive ndakutonzi Mbapppe ko kutamba bhora kwaive kudya kwangu kaaa ende ndini ndaisimbisa team. Ndakazoverenga 6 subjects semunhu aive nezvizhinji zvekuverenga ndaifana kutoita zvinoita. Vanhu vaindiseka nekuda kwekuwanda kwemasubjects angu andaiita semunhu aiziva paamire ndaiita 14 subjects 12 ndaiita kuxool mamwe 2 ndaizviitisa ndega semunhu aitengerwa mabooks nechikoro. Zuva iri takadzidza 3 subjects chete sezvo mateachers mazhinji aiuya for revision only. Pabreak ndaienda ndogara kuseri kweblock redu. Vamwe vachidya vamwe ndovaiita makuhwa kozotiwo vamwe vaiiita zverudo ndaionerera zvangu asi inin ndinenge ndiri kwangu ndega ndichiverenga semunhu anoziva nhamo dzangu so. Ndaingoti ndikagara gara ndonamatira mhamha kuti Mwari vavachengetewo nekuvawedzera mazuva ekurarama akaimbwa naDenzel sehama yangu yega yandaiziva. Break rakazopera ndakutofunga kuti saka mhamha vangu vavasei asi mukati mangu makave nepeace pandakafunga kuti ndavasiya vachida kuita basa repamba. Four dzichikwana ndini ndakaita number 1 kubuda gate ndaive ndasuwa mama vangu semunhu aive agara 2months varipanhovo yerufu. Asi chinondishamisa ndechekuti hapana kana hama yamama kana 1 yaiuye kuzovaona pavaitadxa kutaura or kufamba. Ndakazosiyana nekufunga nezvazvo pandakasvika kumba ndakatambirwa nehwema hweroadrunner raikandwa mumafuta handina kufunga kaviri ndakangoziva kuti ndimama chete vaive vakukanga zvavo semunhu aifarira kubika kubvira kare vasati vatanga kurwara. Pandakasvika shasha haina kundinzwa ko yaitove busy kupindura poto yavo zvee ichiimbirira kaSong yaChill Master iya yaipisa panguva yacho yainzi Horror. Ndakatotadza kuziva kuti song iyi kwavakainzwira ndekupi nekuti kumba taisave neradio or phone. Vaiimba part yekuti "Nhamo dzangu ndodzigaya ndiri pamubhedha ndiri ndega ndotozoguma ndotoita murder zviuraya ndega ndotoita murdeerr ×2 horror yandakaona" munoziva kunonzi kuseka ndokwandakaita inini ndakatotadza kuzvibata kuti sure mama nekukura kwavo kwese uku vanotogonawo kutedzera malinko yooo ndakavaseka. Ivo ndopavakavhunduka vachidonhedza spoon sezvo vaive vasina kundiona. "Hezvo ukati wakakwana here iwewe unongosvika nekuseka kuti zvidii " "Sorry kani Chihera wangu ndangonakidzwawo chete kuti ndimi murikuimba horror yandakaona nezera renyu iri yooo l think horror yacho yaive ma1 sure yahh" "Nxaa ukwane horror ine basa nezera here iwe ndiri seni ndakaona horror itori serious. I think somewhere somehow ndini ndakaimbirwa song iyi kungoti zvine musiyano wekuti nhamo dzangu inin ndaidzigaya ndiri parupasa kwete pamubhedha" kuzondidaro manje ndakaita kugara pasi ndakuchinyatsoseka manje vaive vandinakidza sure mama zvaive zvatooneka zvega kuti Chihera vapora ava. Vakazopedzisa kubika huku vavo ini ndakunochinja asi ndakashamisika kuona paline pakazara mablankets edu ese ataishandisa kuratidza kuti aive awatwa plus hembe dzavo dzese nedzangu ndishoma. Ndakangosekerera ndakukwenya mhino nekasiyanwa ndega ndakatenda Mwari nekuporesa mama vangu hameno ndiri ndega ndaizoita zvekuitasei chaizvo. Ndakapinda mudinning zvese nemubedroom ngoma ndiyo ndiyo maive makachena vaChihera vaive vachinja order zvavo zvekuti mumba mainhuwirira mhepo so maive macleanwa zvemhando. Ndakachinja uniform yangu nesimba rekuwacha ndaisava naro ini ndaizongowacha zvese ka1 ndabva kuchikoro mangwana. Zuva iri mama vakabika rice, mapotatoes nenyama yehuku apa zvainaka sei. Mama ndovaingonyenwerera vega handina kuda kubvunza chikonzero chacho ini ndakavasiya vachiita yavaiita. "Maka mwanangu kwaive sei Kuchikoro nhasi " "Kwaive nani uku asi ndaingokufungai ini zvisinei ndaswera zvanaka ende ndiri kufara kuti mapora mama ndoda kuzokutengerai mota ndapedza chikoro" "Oky daughter l understand anyways did u wash your uniforms " "Handina mama ndirkunzwa nungo ini" "Fine l will wash them for you today and u will be removing blankets from the line right " "Yeah" takazopedza kudya zvedu takuita dzimwe nyaya. Ndakazobvisa mablankets angu mama vakuwacha futi ndaive ndakutovanzwira tsitsi asi ivo vakati vanotoda kuwacha chete. Ndakapinda mumablankets ini mama vaive vakupolisher bhutsu dzangu handina kuda kuvarambidza nekuti panoita hondo zveee. "Maka maka muka timbokurukura" "Mama ndine hope ini totaura mangwana" "Muka Heyy" vakandirova rova ndakamuka fast ndaiziva munhu wangu aisada zvisina basa zveee. "Maka mwanangu ndafara nhasi ndapora as you can see. Ndakukwanisa kukushandira uye kukumiririra sorry nezvawakapindana nazvo nekurwara kwangu asi ndinoda uzive kuti zvapera nhasi hauna chichakuwana nekuti ndinewe. Ndinoda kukuudza kuti kunamata zvinhu zvakanaka chose. Pane zvese zvaunoita usaskipper prayer sezvakarehwa naHoly paye. Udza Mwari wako nhamo dzako hanty. Usangoite hushamwari nemunhu wese wese nekuti vamwe they are your enemies. Love them but don't trust any. Usaudxa kana ani zvake nezvehupenyu hwako nekuti hauzive anokuda neasingakude. Hama yako ndini chete kana pakawana chinoitika unoudza inini l will be there for you. Unogara kundibvunza nezvababa vako kaaa asi nhasi handina zvizhinji zvandiri kutaura asi ndinoda uzive kuti baba vako variko uye vapenyu. Kana nguva yakwana vachakutsvaga uye uvanzwisise haisi mhosva yavo alot have been happening to him asi ndiyo hama yako iyoyo.Handina zita or surname randichakuudza asi ukaona baba vako unovaziva chete nekuti havarasise. Shambala iyi unoipfeka kana chasviba unowacha uye wonanikira mumba handidi kuti chibiwe or kutorwa nekuti chakakosha zvekutodaro. Mubag reblue iro mune envelop irimo ugotora ubatsirike nezvirimo. Madocuments ako ese ndinawo uye arimo mubag iroro. Huya tipfungame tinamate." Takanamata zvenguva refu zvekuti mamwe mashoko andaive ndakutaura handizive kuti aibvepi asi chandoziva ndechekuti ndakanamata zvekutadza kubuditsa mashoko asi kuchema chete mama nekuside avo ndovainamata zvee. Pamwe pacho vaitonamata vakandibata musoro, mudumbu nemaziso asi pavaindibata ndaifeeler kuti pane zvirikubviswa pandiri. Takazopedza kunamata hembe dzatota nemisodzi apa ndakunzwa kurerukirwa zvandisati ndakambonzwa. Takazorara asi mama vaive vakandimbundira zvekusada kundisiya zviye. The next day ndakamuka early mama vasati vamuka ndokuenda kunogeza nekutoenda kuxool asi ndakasiya ndakisser mama pahuma nekutobuda iyo vakangosmiler varikuhope l think vaive vaneta nekushanda kwazuro. Shambala yangu handina kuisiya ndakatoipfeka apa yaive yakandifita sei. Asi bag randaive ndanzi namama mune madocuments ndaizorivhura ndabva kuxool Ndakaswera zvanaka zvangu dzakuma3 pane mukomana akauya achindirova mbama padama apa ndaive ndakavarairwa. Ndakangomurova nespear akadonha pasi asi akakuvara. Handina kuita basa nazvo ini ndakaendeswa kwaHead asi ndakaramba kurohwa ini. Vakandiudza kuti ndidzokere ndinotora vabereki vangu. Ndaitofamba ndichizvibvunza mibvunza yandakashaira mhinduro. Mama vangu ndaitotya kunovaudza nezvekurova mwana wevanhu kwandaive ndaiita. Handizive kuti kumba ndakasvika sei asi ndakaona pamba pedu pane...... *End of chapter 1*
❤️ 😂 😢 6

Comments