🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
January 31, 2025 at 08:16 AM
https://chat.whatsapp.com/JhnFZPQyzxo5O7bpBU3LFN
*BECAUSE YOU ARE GOD*
*Short story*
*Written by Prince Washe*
*+263784802591*
📕 *Read and Share me*
*Chapter one*
*Khumbu*
"Kundai nhasi wototemha muriwo kugarden ndichambonotsvaga hupfu kushamwari yangu."
"BaMaka musadaro imi, uyu hupenyu huchadarika here takatozombogarawo zvakanaka?"
"Inguva chete mudiwa zvodarika nenguva yaMwari ."
"Ndakutoshaya kuti nguva yaMwari yacho inosvika tafa here nekuti kubva titange kugara tese ndozvamaingotaura izvozvi Maka atokuririra uyu zvingori zvimwezvo."
"Patience pays my love, hakuna chisingadarike aizviziva kuti vana veIsirairi vachazonogara kunyika inoyerera uchi nemukaka ndiani?"
"Imiwo zvechurch zvenyu izvi kudai zvaiunza nyama patafura zvaive nani haiwaa ndaneta nazvo ini."
"Shinga mudiwa wangu zvave kuita pane mukwidza paseri pane materu zvonaka.Paye pataivimbisana kuti munhamo nemurugare tichange tiri tose taisangotaura ndonhamo yacho iyoyi."
"Haiwa."
Akadaro mudzimai wangu ave kutofuratira zvake. Haa mukadzi wangu akange ave kuchinja kusiyana nemazuva atakanga kupinda muwanano. Kundai munhu aigara achindisimbida kuti zvichanaka nekuti aizivawo background yangu uye ndakambozama kudzidza asi zvakaramba nekuda kwemari. Ndakazosvika pakuwanana naye ndokuita mwana wedu mumwe chete takamuti Makanaka uyo wandinoti ndakatarisa ndinongoona kunaka kwaMwari uye ndobva ndaziva kuti zvichanaka.
Ndinoitwa Khumbulani Mako mugari wemunzvimbo yeNorton. Ndaive ndakazvirumura kubva kuvabereki vangu ndave kuzvimirira ndega ndaona kuti makore ainge afamba ndichingopakurirwa sadza naamai. Ndailodger pafull house asi taingoshandisa marooms mashoma uye taibhadharawo mari iri nani sezvo taichengetapo. Mukurora kwangu ndainge ndamboshanda zvakandisimudzirawo asi basa rakazopera kwandaishanda saka ndakange ndave kusona bhutsu zvangu. Mari yaiuya zvayo yekuti tirarame asi zvaive zvemazuva. Ndaitoti kana mazuva ave kuma 18 ndaitombosungirira mari yerent tombodya muriwo wemugarden nekutokumbira kushamwari.
Chaindisimbisa ndiko kuchurch kwandaienda uko kwandainge ndanzwisisa kuti kuna Mwari anoita zvinoshamisa. Izvo zvisingatarisirwe nevanhu uye zvatisingafungire .
Ndichipedza hangu kutaura nemukadzi wangu ndakabva ndaenda kumba kwaNobert shamwari yangu yekuchurch. Haa uyo aindinzwisisa uye aindibatsira.
"Aah mukoma Khumbu."
"Yesaya my bro Nobert ."
"Haa magona matishanyira kwete kungoonana kuchurch chete kaa."
"Yeah zvoda kumbofambirana izvi saka muri sei zvenyu?"
"Ndiri mutano wamai sei mhuri yako?"
"Mhuri iri kutamba hayo ."
"Totenda Mwari ini kungoona munhu ndotongonzwa kuda kumuparidzira hamheno why handigone kungotaura nemunhu dzimwe nyaya ndisina kumbomusimbisa. "
"Ndozvandokudirai mukoma tipei zvenyu shoko."
"Okay wangu ndinoziva kuti hupenyu hwako hwakamira sei? Chinhu chandokukurudzira kuti uve nemwoyo wakanaka wangu uye kuzvininipisa. Yes tingazame kuda kuzvichenesa nemasuit aya asi Mwari vedu ndiMwari vanotarisa Mwoyo uye vanosimudzira anozvininipisa. Remember Mwari pavakatuma Samuel kuti azodze mambo kuvana vaJesse. Iwe zvinonzi vana vakaunganidzwa zvekuti pane aionekwa kunge ndiye angaite mambo asi pakuzodza Mwari vakaramba vakati hapana izvo zvinova zvakanetsa muporofita Samuel kuti ko sei pasina kusaziva kuti mambo vari kumakwai zvake. Jesse anotombodoubter mwana wake asi David achizouya ndiye anozozodzwa asi kumutarisa kaive kamwana. Mwoyo wako ngaurambe wakanaka mumwe wangu uye wozvininipisa."
"Hmm powerful thanks baba mandibatsira apa. Kuzoti mukandipa makapu mana ehupfu munenge masimbisa kumba hakuna kumira zvakanaka uku."
"Horaiti hupfu haa ndokupa mumwe wangu usatye rega ndikuisire vanhu vanodya kumba uko."
Ndakazosara ndakagara ndichiisirwa upfu hwangu. Ndakapihwa ndokutooneka nekuti kwakange kwave kusviba saka madam vaitoda kubika. Ndakazoperekedzwa zvangu ndokuzopesana ave kunanga kumashops ini ndomhanyira kumba.
Ndakasvika kumba nehupfu hwangu ndokuwana mai Maka vari panze.
"Hmm mauya nehupfu ."
"Ehe haa ndiMwari uyu wati tingarare nenzara here imagine Elijah akapihwa chikafu neshiri ndozoshaya hupfu ."
"Iii haya inga zvakakuomerai saka hamunyare here kukumbira."
"Haa kunyarei handinyare nezvandiri."
"Okay chipindai mumba mudye."
"Kudya!"
"Ehe haa ndabika zvimwe hangu."
Ndakatoshamisika kuti painge pabikwa ini ndasiya pasina kana chinhu. Ndakapinda mumba ndokutanga kuona Maka akatobata bapiro rehuku achidya ndokuona plate ine rice. Ndakangogara pasi ndichishamisika kuti zvainge zvabvepi. Ndakaunzirwa rangu rice nechicken kwave kupihwa nedrink racho.
"Mai Maka mazviwanepi zvinhu izvi?"
"Muri kuda kudya here kana kuti?"
"Ndiri kuda asi..."
"Idyai zvee nekuti handisi kubika sadza nhasi mozobvunza maguta."
"Okay."
Hmm nzara ndoyakandipa kunyarara plus ndakange ndave kutodonhedza rutwe nekuda kwechikafu chacho. Ndakazongodya zvangu ndakanyarara haa zvainaka hazvo ndakazopedza ndopandakatanga kuzvibvunza mibvunzo isingapindurike. Ndaida kuziva kwaive kwabva machikichori akadaii. Ndisati ndavabvunza vakabva vatotanga kutaura zvino.
"Aah ndazoenda kumba kweshamwari yangu iya inoenda kumasowe ndakasvika kumba kwavo kune party ndakapihwa chikafu ichi."
"Hoo inga Mwari vakanaka saka matouya nerice rakabikwa."
"Kwete ndabikira kuno ndauya netwo kg iri mukitchen umo zvese nechicken ndabikira kuno ndangopihwa hanzi zvakawanda uye madrinks ndangotorerwa matatu mufridge."
"Okay inga aita basa hake zvofadza izvi."
"Hmm haa vamwe vari kunzwika naMwari kunze uku."
"Taura zvako."
Ndakadaro zvangu nekuti ndaisada zvekunetsana naye. Ndakazogeza ndapedza ndokunzwa nock padoor. Ndakaenda ndokutoona mutambi webhora aitambira Harare City akabata bhutsu dzake dzebhora dzichida kusonwa.
"Ndine bhutsu idzi hamheno kuti ndodziwana rinhi?"
"Aah motouya Monday mangwana ndakawandirwa nedzandinadzo plus Sunday ndinenge ndoenda kuchurch."
"Aah wangu ukuita marii horaiti."
"Apa i$2 chete."
"Okay ndokupa ten chingodzisona manheru ano ndouya ndichitora kuseni ndine mutambo mangwana."
"Okay wangu haa wasimbisa rega ndikusotere."
Ndakafara zvangu kuti ndainge ndabata mari hombe pabhutsu imwe chete. Ndakaona kubata kwaMwari apa. Ndakaenda mubedroom hangu nekuti ndomandaisonera manheru ndichitandara nemukadzi wangu. Ndakatanga kusona zvangu mukadzi wangu ari paphone yake.
"Mai Maka ndafara nhasi bhutsu yandiri kusona iyi ten dollars."
"Mai Maka!".
Vakatovhunduka zvavo vari paphone ndokubva vati
"Hee?"
"Ndati nhasi ndabata mari kaa ten dollars pabhutsu idzi ."
"Hoo inga zvofadza murume wangu."
"Yeah."
Ndakazopedzisa kusona zvangu ndainyatsoita nemazvo nekuti ndainge ndapihwawo mari iri nani. Ndakazorara ndatodambura zvitambo zvainge zvasara zvakarembera. Ndaisada kuzonetsana naye mangwana acho. Ndakarara ndokuzomuka kwayedza hapana kutora nguva mukomana uye ainge atouya. Ndakamhanya kunotora bhutsu dzake ndokumupa akaenda ainge akatomirirwa nevamwe. Mai Maka vakange vachitobika rice zvavo iro rainge rabva kushamwari yavo. Vakazopedza takadya vakazotanga havo imwe nyaya.
"BaMaka ndoda kaa kumboenda kumasowe nhasi neshamwari yangu."
"Kumasowe kunomboendwa mazuva apiko neMugovera futi."
"Aah masowe acho akasiyana siyana zvee."
"Aah ko mazvinetserei mangwana tichienda kuchurch zvedu."
"Aah ndoda kumbozamawo kune imwe church pamwe zvonaka."
"Aah manje Mwari mumwe chete uyu chingogarai kwamunoenda ikoko."
"Aaah ini handichada kwenyu kuAFM uko aah ndomboitawo zviri kuita vamwe aah zvakangofanana izvi."
"Okay hapana chakashata zvada mwoyo wako."
"Okay saka ndichakusirai mwana kaa."
"Ko ndiye asingaende kuchurch here?"
"Aah semusi wekutanga so handidi kunetswa ini."
"Horaiti munomusiya zvenyu."
"Okay regai ndigadzirire ndiende."
Mai Maka vakageza ndokuchinja vave kuenda ndakavamisa.
"Mai Maka zvimwe tingasekererane asi mapfekero aya haasi ekuchurch please ndipfekerei zvisvinu."
"Kkk mazondinakidza kumasowe kunoendwa negemenzi bamwana horaiti ndanga ndisina kukuudzai ndiri kunopihwa neshamwari yangu izvi zviri kusara kumba kwake."
"Horaiti haa ndanga ndavhunduka kaa kuti chave chii zvakare."
"Haa musatye bamwana chiregai ndimhanye."
Ndakasara zvangu naMaka mai vake vambonobatsirwa kumasowe. Inini hangu ndaisafarira zvekumasowe hamheno kuti nei asi kwakanaka hako. Nguva dzakafamba ndina Maka asinganetse asi akapedzisira ave kunetsa. Ndakamunyaradza asi haa aisanyarara. Ndakazomubikira kaporidge akadya ndokuzonyarara ndakabva ndaona kuti yaive nzara. Ndaiita ndichisona zvangu bhutsu dzevanhu. Nguva dzakafamba kusvika kwasviba mai Maka vasati vadzoka. Ndakabika sadza zvangu ndakabika nemuriwo wemugarden. Ndakavamirira kuti tizodye vauya asi vakanonoka. Ndakapakura ndakadya zvangu, ndiri pakati pekudya ndopandakazonzwa mota kunze kwegate . Ndakatarisa ndiri mumba ndokuona yakatomira pasina nguva ndakaona mai Maka vave kupindawo mugate. Vaiita vachicheuka apa vainge vakapfeka hembe dzavo dziye mota iye yakaita kanguva yakamira ndokuzosimuka. Vakasvika vachingovhura door ini ndakaramba ndakatarisa hangu kunze nepawindow. Vakavhunduka vachindiona vakabva vakasira kundimhoresa.
"Maswera sei baMaka ari sei Maka?"
"Ndaswera bho arara zvake mumba umo."
"Vakabva vamhanya kwaive nemwana ndokuzodzoka zvavo vachigara pasofa."
"Kwanga kuri sei kuchurch."
"Aah kwainakidza imi kune vanhu vanoona. Ndazononoka nekuda kubatsirwa vanhu vacho vainge vakawanda saka tanonoka kupedza."
"Horaiti saka azokuperekedzai nemota ndiani?"
"Handina kuperekedzwa ini asi imota yekuchurch ikoko ndoyataenda nayo vangodarika vachindisiya."
"Heee! Saka mukureva kuti mazoenda kuchurch makapfeka zvakadai?"
"BaMaka mirai kuda kupopota."
"Taura ndoda kuziva."
Vakabva vaita kanguva vakanyarara vachingotarisa tarisa mudenga ndokuzoti.
"Zvazoitika ndatakura hembe dzangu saka patapedza ndabva ndangochinja aah zvekufamba negemenzi mati ndozvida here?"
"Ichokwadi here ichi?"
"Chokwadi murume wangu ndingakunyepere here?"
"Horaiti sadza ndabika ndariisa mufood warmer."
"Aah ndozodya mangwana handina kana nzara ndambodya kweshamwari yangu pataenda paye."
"Okay saka muchiri makaguta."
"Ehe haa plus sadza nhasi handisi kunzwa kurida."
"Okay hapana chakashata munodya henyu mangwana."
*End of chapter*
❤️
🙏
😮
👍
😂
😢
48