🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 1, 2025 at 06:52 AM
*BECAUSE YOU ARE GOD* *Short story* *Written by Prince Washe* *+263784802591* 📕 *Please Share* *Chapter 3* *Mai Maka* Ndakazomuka kwaedza ndokuperekedzwa kumba kwaMolly . Godie akadzokera ndakabva ndapinda mumba maMolly ndaitoshaya simba rekunyatsofamba. Ndakapinda ndokuzvidonhedzera pasi ndakatanga kuchema. "Kundai chii?" "Ndafa ini, hausi shamwari yakanaka wangu." "Chii futi chaitika ndiudze kani." "George is HIV positive." "Ehe hauzvizive here asi mairara musina dziviriro here?" "Ndozvazviri kureva kuona ndichichema kudai." "Haaa iwe uri dzenga wanzwa sei usingashandise pfungwa nhai? Unoti vakomana avo vangangoda munhu womupa mari ivo vasina vakadzi woti havana zvirwere ?" "Molly rega kudaro Kundai mumwe wako. Sandiwe here wakauya nezano iri?" "Ndini kaa asi ndaiti ndiri kuitawo nemunhu akadzidza ini ko iyo nhumbu haina kutobata here ipapa?" "Nhumbu haina basa haiuraye ko chirwere." "Kundai chimbodzikama mumwe wangu ooh mvura iyi inwa womedza fridge." Haa pfungwa dzangu dzakange dzave kutotenderera. Zvakange zvondiremera ini apa ndainge ndisati ndasvika kumba nyaya dzingani pamunhu mumwe chete? Mari yakanaka hayo asi kuzoidisa kwakashata. Wani ndaisarara nenzara kunyangwe ndaidya zvandaisafarira. Ndakademba chipfambi chandainge ndadzidziswa neshamwari yangu. Iro ziso rinoona zviri mberi ndakange ndisina. Ndakangonwa mvura yandainge ndapihwa naMolly asi zvaive zvekumanikidzira. Chiso changu chakange chisisina mufaro wese wataiita naGodie. "Chinzwa kaa Molly iwe apa kana wakatongwara kutonotestwa kana wave nacho wototanga kunwa mapiritsi ukakasira hachikuuraye." "Manje chingabva chaokekwa here nezuva rimwe kudai?" "Aah handizozive asi ndoyambiro yandiri kukuudza." "Horaiti ndichaenda asi ndave kutotyira murume wangu obvious anenge achida zvaakandirorera." "Ah wangu apo pane nyaya, zvagara hapana paungamuti adzivirire kweupenyu wose imi muchizoda mwana plus iye agara haangazvifarire izvozvo kumukadzi wake." "Aah ini ndave kufa zvangu ini ndazvisikira ndega moto muziso." "Usataure futi mashoko akadaro wangu. Kana wodya imbwa wotodya iri hono chaiyo. Chirebvu ngachirumwe wotoshinga nekuti ukada kufungisisa unoenda zvechokwadi. Hupenyu hwakakosha uyu sorry hako nekusangana nezvakadai usati wadya mari yake chaizvo." "Handichatode kumuona ini ndave kuda kuita zvemurume wangu anosunga bhurukwa negavi iyeye." "Manje yadeuka yadeuka murume wako ave kutorwara kaa, iwe warara kumba here nenguva dzawauya pano idzi?" "Molly pakaipa." "Haa iri izungairwa chokwadi. Hakurarwe kumba kwechikomba mhani ko murume ano.... haaa apa waratidza hudofo hwako shamwari aiwa wakapusa hako." "Hakusi kupusa mazuva maviri apfura ayo ndaidzoka kumba wani. Inyaya yekuti ndakanwa doro zvandainge ndisati ndamboita saka ndakazovata kunge ndafa ndakapepuka nguva dzaenda kare ndokurara ikoko." "Horaiti sisi Kundai mainge makadhakwa ndazvinzwa ko murume wako uchamutiii?" Ndakamboramba ndakanyarara ndichishaya kuti ndaimunyepera nenzira ipi futi. Nyaya dzangu dzainge dzawandisa pamazuva aya apa aindibata chete. "Ooh hauchataure kaa watove mbeveve kaa nenguva duku yakadai." "Ndazvinzwa Molly asi mhinduro ndoiri kunditiza ndatoomerwa ini." "Horaiti hazviite here kuti titsvage kana mabandages nemushonga toita kuti ukuvare pamhanza apo tokusunga wonyepa kuti wakaita tsaona ndokuzomukira kuchipatara Godie anokuperekedza woita sadoctor." "Hmm manje kuzvikuvadza ave mamwe marwadzo kaa aya." "Ehe zvitori nani, totenga chiya chekuisa mumutsipa kunge wakakuvara zvotofamba." "Horaiti Molly ko tsaona yacho ndakaiita ndichiendepi?" "Waiuya kuzondiona ndokudhumwa nemudhudhudhu sharp." "I hope plan yako haikuvadzise." "Trust me yakaipa." Akadaro achisekerera achindipa sando. Haa chipfambi chakashata rega ndidzokorore chipfambi chakashata. Ndaisafungira kuti ndaizosvika parumananzombe kudai hamheno kuti paibudika sei? Takaita sezvatainge taronga takatenga zvose. Pakange pasara kuti ndikuvare pamhanza pacho. Ndakagara pasi ndichiisira message Godie kuti auye, ndichipedza kusenda ndichisimudza musoro ndakabva ndanzwa musoro wangu kunzi koo nechisimba. Ndakanzwa dzungu ndokuvhara maziso, ndakazovhura ndanzwa kuyerera kweropa richidzika nepamhino. Ndakaona Molly achisekerera akabata poto zvake. "Zvaita kaa?" "Molly ndozvazvoitwa here apa zviri kurwadza ko dai ndafa ipapa?" "Wangu zvatofamba so waizvikwanisa here kuzvirova wega wokuvara obvious waisazvikwanisa chiuya ndikugeze ndikusunge." "Haa iwewe ndakutadza." Ndakadaro ndichisimuka kuenda panze ropa richingodonhera pasi. Ndakanogezwa ndokutarisa pamirror painge pakakura pachironda pacho. Haa kuita kuzvitsagira matambudziko ndega zvangu. Ndakazoiswa mushonga ndakaiswa bandage nechemutsipa hamheno Zita racho. Takazonzwa mota panze ndokuziva kuti Godie ainge auya. Akazopinda ndokuvhunduka kuona ndakazara mabandages. "Hey babe waita sei ndakusiya zvakanaka pano." "It's a plan." "Plan yei?" Ndakamutsanangurira zvose haana kuramba kundibatsira. Takapinda mumota tose naMolly ndokunanga kumba. Mota yakamira kunze ndokuburutswa naMolly akatanga kufamba akandibata Godie achitevera iniwo ndakati rega ndikamhine. BaMaka vaitove kugarden zvavo vachindiona vakabva vakanda zvavainge vakabata pasi vakamhanya kwandaive. "Mai Maka chii?" "Please Sir allow her to get inside will explain much to you." Akadaro Godie zvake pachidhokotera. BaMaka Havana kugadzikana vakabva vatondibata variiwo vakandiendesa mumba ndokugara pasofa rimwe raivemo. Doctor Godie vakauya vakagarawo pasofa ipapo vese naMolly baMaka vakaramba vakamira vachida kunzwa zvainge zvakaitika. "Right baMaka ndizvo kaa?" "Yes." "Dzikamai henyu mukadzi wenyu apona uyu akaita tsaona nezuro akadhumwa nemudhudhudhu." "Hey inga zvakaoma ndotenda Mwari vamubatsira mai Maka wave kunzwa sei?" "Ndiri kurwadziwa daddy." "Unopora hako usatye." Haa zvangu zvainge zvaita tsoro yaMolly yakange yabuda. Godie akazosimuka ave kuda kuenda. Right ini handichagara ndichadzoka manheru ndapedza basa ndichavaona. I'm doctor Sibiya from Norton Hospital." "Horaiti maita basa chiremba marwisa." Molly akasimukawo ndokuti "ndave kuenda ini mai Maka musare zvakanaka ndichauya kuzokuona mangwana. BaMaka ndokuonai." "Horaiti mainini maita basa." Vakabuda vose ndokusara nemurume wangu manje. "Ko Maka aripi?" "Ndambomupa Joy kuti atambe naye." "Horaiti aisanetsa here?" "Aah unongomuziva wani kuti anoita kunge akazvarirwa muchigayo akada kuchema." "Haa anonetsa." "Mai Maka ndarwadziwa hmm makakuvara chokwadi. Apa nezuro hope dzakaramba kubata ndichinetsekana kuti muripi?" "Aah ndakatotadza kudzoka pamba ndambobuda ndokusanganawo nemuedzo wakadai." "Very sorry ndokubikira here?" "Itai chero zvamada hmmm." "Okay regai ndinokutengerai chokudya mudye." Vakadaro vachienda mubedroom ndokuzodzoka vachinanga kumashops. Ndakasara ndichisimuka ndakadongorera ndokuona vaenda ndakabva ndafonera Molly. 📞📞📞 "Hello mai Maka." "Ibvapo ita kuti Kundai zvawajaira, haa wandibatsira mumwe wangu musha wangu wanga watoparara uyu." "Aah kubatsirana zvatokwanisa zvimwe unozvionera wega. Hanzi naGodie ndinouya manheru." "Horaiti ngaauye hake." "Apa aenda saka hauchatomuda here?" "Haa kusiri kufa ndekupi ndakutongopedzisa zvandakatanga uye andibatsirawo hake." "Haa pakaipa usanyanyofunge nyaya yechirwere ukawana mukana woenda kuchipatara plus hazvinetse Godie anoenda newe sadoctor." "Okay thanks sahwira." Ndakakata ndokumbotarisa zvangu zvainge zvabikwa. Mapoto ainge akachena kureva kuti vakange vasati vabika. Ndakazodzokera pasofa zvangu ndokuzonzwa vave kusvika ndakarereka musoro ndokubata shaya. Vakapinda naMaka nekaplastic bag kaive nerice nefanta. "Heeedee nhasi zvangu ini, inga kurwara kwakanaka kutengerwa zvakadai." "Mai Maka hamunyarare makaita sei ndaiti pamwe ndazorora kunetswa ini." "Aah manje muromo hausi kurwara kaa ." "Kkk okay chidyai chikafu chenyu ichi." Ndakadya zvangu zvishoma nezvishoma kusvika ndapedza. Ndakange ndave mambo kumurume wangu asi muropa makange mave nechirwere. Nguva dzakafamba Godie akazouya kuzondiona. Akandipa mapiritsi hamheno kuti ainge amawanepi. BaMaka vakange vave kubika zvavo ini ndina Godie. "Godie please ngazvisazivikanwe izvi woitawo chidoctor chako professionally." "Usandityire ndomira newe, wakandifadza nezuro ." "But Godie haudaro hako, wakatadza nei kudzivirira uchiziva kuti une chirwere." "Handina chirwere ini ndiani adaro?" "Ndakazvionera ndega mumba mako ndakaona mapiritsi." "Sorry Kundai ndakatadza kudzivirira nekuda kwekudhakwa ." "But wandikuvadzisa zvako zvese nemurume wangu." "Zvowanikwa babe iwe chitotanga ku...." Takabva tanzwa mafootsteps kuuya kubva kukitchen baMaka vakabva vasvika. "So munoramba muchinwa mapiritsi aya uye musanyanyoshanda kusvika mave kunzwa zviri nani. Mangwana masikati ndichauya tonokubvisai bandage motariswa." "Okay Doc Sibiya ndokutendai nerudo rwenyu." "Okay mosara zvakanaka." Akadaro Godie achitosimuka kwave kuenda. "Haa mai Maka doctor vane rudo zvavo ava vari vamwe vangadai vatoneta kare Mwari ngavamumomborere." "Yeah vane mwoyo wakanaka kana kuchipatara uku vanofarirwa nevarwere. " "Horaiti munopora." "Yeah dai mangwana akasvika ndimbobviswa chibandage ichi nditariswe." "Okay mai Maka regai ndimbosona bhutsu zvangu." *End of chapter*
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 44

Comments