🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 1, 2025 at 06:12 PM
*BECAUSE YOU ARE GOD*
*Short story*
*Written by Prince Washe*
*+263784802591*
📕 *Please Share*
*Chapter 4*
*Khumbu*
Ndakange ndapererwa kuti mukadzi wangu ainge aendepi kwaakange asina kudzoka. Izvi zvainge zvisati zvamboitika kubva tiwanane asi apa zvakatondishamisa. Ndainge ndangosara ndega nemwana apa akamboda kunetsa zvake ndaitozoita kunge ndichachema nekurwadziwa. Dzimwe pfungwa dzaingonditi pamwe pane zvaasangana nazvo nekuti mukadzi wangu ndaivimba naye saka zvekuti ainge ave kuita zvezvikomba kunyepa.
Ndakanamata ndave kurara kuti Mwari vandichengetere mudzimai wangu kwaari. Handina kana kufonera mai vacho kuti ndizvaitika ndaisada kupinza vamwe vanhu mumarriage yangu.
Takazorara zvedu naMaka ndokumuka mangwanani ndakamusiya akarara ndokumboita zvekugarden. Pakatora kanguva mai Maka vasina kana kubudikira. Nenguva yandainge ndave kumbofunga zvimwe ndopandakazoona vave kupindira havo iye akakuvara. Ndakamumhanyira ndiri mukurwadziwa kuti ainge akuvara nei. Ndakazotsanangurirwa zvose ndokuzoziva kuti munamato wangu wainge wanzwika Mwari vainge vamuchengeta. Doctor neshamwari yamai Maka vakazoenda doctor akazodzoka zvekare ndokuzoenda. Doctor ndakamufarira uyu aive nemwoyo murefu chaiwo. Haana kuti handina kupihwa mari soaa rega ndimusiye asi mukusamupa mari aiuya day after day kuzoona mukadzi wangu.
Ndini ndakange ndave kuita zvose pamba mukadzi ave kusakwanisa. Mazuva akafamba doctor vachiuya ndichimbovasirawo mukana wekuvatarisa, ivo mai Maka vacho vaisamboratidza kuti vaipora.
"Mai Maka muchatozopora here imi?"
"Ndinopora asi pachiri nenyaya hmm kudai matombofonera mhamha vauye zvavo.."
"Mai Maka nemanetsero anoita mhamha ako aye here last time takapedza huku dzose shanu dzaive pano nekuvabikira vachida nyama apa todii?"
"Tovaudza kuti hapana plan vafonerei."
"Okay."
Ndakafonera mai vacho avo vainetsa zvisingaite. Ndaitotya kana nekufona kwese nekuti vaigona kutokumbira mari yebhazi yacho futi chokwadi mukwasha mukuyu haupere kudyiwa. Ndakavafonera vakati vaisvika masikati acho nekuti vaigara kuDomboshava. Nguva dzakafamba takavamirira ndokuzosvika zvavo, wega waiona nestep kuti paita basa apa. Vakasvika nekupinda mumba vachiona mwana wavo vakanzwa kurwadziwa.
"Nhai Kundai ko zvawange wakufa nhai? Hmm ndomiedzo iyi wakunzwa sei?"
"Haa ndizvozvo vaChihera nhasi doctor vati havasi kuuya kuzonditarisa vachauya mangwana."
"Hoo Pana doctor vanouya saka pakanaka zvee mwanangu hmm watambura kudai baba vako vasina kuzotisiya pasina zvose izvi pamwe dai uchiri kuenda kuchikoro."
"Kkk mhamha so."
Ndakange ndave kunyara nemashoko avo apa vaisanyarara kutaura kwacho.
"Makadii zvenyu amaii?"
"Tiripo makadii aah kutokanganwa kuti mune mukwasha aah imi wee."
"Vari sei vamwe vose?"
"Ndavasiya vachitamba zvavo."
"Zvakanakai amai."
Ndakabva ndatora bhutsu ndokubuda panze ndakambovasira mukana wekuti vambotaurawo samai nemwana. Ndakatanga kusona bhutsu dzangu idzo dzaizodiwa mangwana nekuti ndaitogara ndakanyora mubook kuti bhutsu yakadai iri kutorwa musi wani. Ndakazopedza dzose ndokudzorera mumba, apa pakange pachida plan yekuti mhamha tivabikire nyama asi nepakange paine mwedzi paisada kutamba nemutovo wakadaro paitoda kana kudya mashizha kana zvanetsa. Ndaitonetsekana zvangu kuti ndaidi ndakazongonotema muriwo kugarden ndapererwa vaidya ko zvainge zvakaipei. Ndakapinda nawo mumba mavakange vakagara ndokutanga kucheka zvangu.
"Nhai mai Maka mati todya green here nhasi?"
"Aah mhamha pakaipa ndowatiri kutodya mazuva ose uyu."
"Aah inga zvepano zvakaoma ndodzokera hangu kaa."
"Musadzoke mhamha vanoita plan baMaka."
"Horaiti."
Handina kana kutaurwa neni asi nyaya yakazvisvikira yoga munzeve dzangu. Haa kusangana nemhuri yakadai kaa unokuvara nestress. Ndakangomira kucheka muriwo wangu ndokumbobuda panze ndichingotenderera zvangu. Ndakazongobuda ndomboenda kweshamwari yangu asi ndakasvika asiko. Ndakange ndave kutotya kudzokera kumba kwangu chaiko. Ndakambogara kumashops kuri kuvaraidza nguva kuti pamwe ndaizosangana nemunana asi masango acho akaramba kuchena.
Ndakazongozvishingisa apa nguva dzainge dzakwana ndokudzokera kumba. Ndakasvika amai vari pamapoto zvavo vachikurunga usavi apa waiita kunhuwirira.
Ndakangoti vazogona vazvitsvagira vega. Ndakazoenda kuna mai Maka avo vaizviswerera vakagara.
"Mai Maka ndashaya mari mudzimai wangu ."
"Aah musatye zvenyu tine plan yataita zvekuti svondo rinopera tichidya nyama imi hamudi kaa kutengera amai vangu chaivo musadaro imi."
"Mwoyo unoda ndaitonetseka kuti ndovafadza nei asi zvaramba iyo hombodo yangu inogara yakaboka kudai. Mari yose yasara ndeyerent apa haisati yave kukwana kwasara mazuva mashanu landlord vanenge vauya."
"Hoo Saka mungatadzewo kubatanidza munhu wechirume honai makundwa nesu vanhukadzi , imi motoita kaa mudzimai ini ndoita murume."
"Mai Maka musandidaro kudai maiziva shungu dziri mandiri kuti mugare muchifara maisadaro. Ndinotoshuvira kuti ufambe nemota mudiwa uchinotenga mutown pawada asi parizvino pakaipa."
"Kushuva zvese izvo here zvakawandisa chandaingoda kungodyawo zvakanaka tichimirira nguva yenyu yaMwari yamogara muchitaura."
"Hmm mai Maka mazuvano wachinja mukadzi wangu. Rudo rwepakutanga rwuye rwakazotonhora nei hee rwakaendepi? Waiti kunyangwe pasina chikafu taipfugama tonamata totenda Mwari asi apa wave kundiitira zvakadai ."
"Pane nguva yatombomirira kuti pamwe zvoshanduka asi unosvika pakuona kuti unofa uchinhuwa nhamo."
"Horaiti mai Maka ndazvinzwa."
Haa mai Maka vakange vave mhandu chaiyo kana mwana vaitengesa. Nhamo inenge urimbo chokwadi yaisada kubva pandiri. Nhamo yangu yainhuwa sechidembo chaicho. Kudai pasina zvekuti ndinotya Mwari pamwe ndingadai ndakapinda mune zvakaipa kuti ndingowana zvofadza mwoyo wangu nemhuri. Ndaiziva kuti kuna Mwari kudenga pasi pane vanhu. Ivo vanoona zvose saka ndaizowana simba hangu kuna Mwari ndaisaba zvinhu zvevanhu.
Amai vakazopedza kubika vakapakurira munhu wose. Ndaitonyara pachokwadi apa ndainge ndaisirwa zvidya zviviri chaizvo. Ndaingodya imwe iye iye asi zvairamba kudzika ivo vachitaura nyaya vachiseka zvavo. Ndakazongosiya kunge ndini ndainge ndashanya kwaambuya, ndichingosiya nekutenda vakabva vatora ndiro yangu ndokudimburirana nyama.
Ndakaenda mubedroom mangu ndakambochema. Ndaizvibvunza kuti zvangu zvaizonakawo here ndakasvika pakuonekwa semunhu. Hongu ini ndakadzidza kurara nenzara uye kupfeka dzemubhero asi ndakange ndave kuitira vaindiona sababa avo vakange vave kundiona sendisiri chinhu. Mwari ndiJehovha Jireh asi kwandiri zvaisashanda ndaiita kunge ndakasikirwa nhamo chaiyo. Misodzi yaiyerera yoga ndisina pairwadza asi mundangariro ndomaindionesa chitsvuku. Hupenyu hwakanaka ndaingouwonera mumabhuku nemuvakidzani. Ndainzwa izwi mumwoyo mangu kuti "Chirega kugara uchingochema, kugara uchingochema." Ndaishinga kuti ndinyarare asi ndaiti ndakatarisa kwandainge ndakabva zvinhu zvichiita kunge datya rakafira muhorse pipe mvura haitombobudi zvayo kana usina kuribvisa.
Maka ainge akarara ndakamutarisa ndichitodemba kuti aizoendawo kuchikoro here. Mubag make chaimo maive nehembe dzitatu , chandaida kuti ramangwana rake rizonakawo. Ndaishinga nekusona bhutsu asi hapasi pose panobvaruka bhutsu kaa saka Mari yacho yaitomborova semazhanje emusango .
Nguva dzakazofamba yakasvika nguva yekurara. Mai Maka vakauya kwandiri ndokuti
"BaMaka ndazofunga kaa kuti ndirare namhamha muno nhasi imi morara mudining umo nekuti vanenge vachindipepa ndichirwara kudai."
"Mai Maka mhamha vorara pamubhedha wemukwasha here ?"
"Aah zvekuti ambuya nemukwasha angori mazita hapana chavakasiyana neni ava saka zvakafanana musatye vanoenda havo."
"Horaiti mai Maka handingapikise zvaunoda iwe rara navo ndoita sezvawataura."
"Okay baMaka maita basa nekunzwisisa."
Ndakabuda neblanket rimwe ndokuenda zvangu pasofa redu rimwe chete ndokurarapo. Mazuva aya ndakange ndave kutoita sendisina mukadzi kana kuita zvemubedroom zvainge zvatorova. Umu ndomainzi mugomba mandainge ndakakandwa, asi ndaiziva kuti pandaizobva imomo saJoseph ndaizoitawo zviri nani yaive nguva chete. Ndakarara ndokuzomutswa nenock pamusuwo. Vamwe vainge vasati vamuka ndakabva ndanovhura ndokuona ari murume webhutsu dzimwe dzandainge ndasona uyo ainge akatomisa mota yake kunze.
"Aah mamuka sei boss."
"Ndamuka zvakanaka wakazogadzira here mudziyo?"
"Ndakanyatsoita nemazvo chaizvo ko dzenyu dziye dzodhura kaa hadzidi kuporongwa."
"Yeah taura hako saka imarii?"
"Haa i$2 chete."
"Okay semupfana wangu tora iri ten iyi."
"Wow maita basa zvenyu mukoma haa masimbisa apa."
Haa ndakafara zvisingaite, kakange kave kechiviri kupihwa maten dollars pabhutsu dzimwe chete. Ndakasekerera kuti ndaizotengawo muriwo musi wacho kuzoona mhamha vaenda ndaitenga nyama yavo yaikwana. Ndakapinda mumba hangu ndokumbotanga ndarova kajive kekutenderedza muchiuno ndakabata musoro ndakavhara maziso zvangu ndichifarira nyasha dzaMwari. Ndakange ndave kutoona kuti zvebhutsu ndozvaizoita kuti ndibudirire chete nekuti mafavors aMwari ndakange ndave kumaona. Mwari vanosimudzira pakashoreka pacho uye muzvidiki imomo unotoona Mwari hazvinei kuti uri kunama mapoto kana kutengesa nyemba dzakabikwa dziya asi nekutenda ruoko rwaMwari wairiona.
Ndakaisa mari iya mushort rangu remukati ndaisada kuti mai Maka vaione. Ndakaenda kuti nditore bhutsu dzavo ndokuona pangori nedzimwe dzavo dzisipo. Ndakambomira ndakapukuta maziso ndokutarisa futi ndakaona pasina. Ndakaseka ndakati mumwoyo ndiri kudzishaya nekuda kwemufaro saka ndakambozvirova mbama kuti ndiite kakutsamwirira ndokutarisa asi hapana chandakaona. Ndakabva ndanzwa nock padoor ndainge ndanonoka kuenda.
"Ndiri kuuya mukoma."
Ndakashedzera ndisisina kamufaro kaye, ndakabva ndarangarira kuti pamwe mai Maka vainge vadziisa mubedroom nekuda kwekunaka kwadzo here. Ndakanovamutsa vakabuda.
"Mamuka sei mai Maka ko bhutsu yataiyemura iye mamboionawo here?"
"Bhutsu iye yataiti yakanaka iye?"
"Ehe mudiwa wangu waiziva kaa?"
"Ehe ndaiziva."
"Okay nditorerewo kaa yakamirirwa."
"Aah baMaka sorry yakatengeswa namhamha nezuro neten dollars vakatenga muriwo."
"Mai Maka please musaite mafunnies honai ndakuita sendainge ndisina kusona bhutsu dzevaridzi manje ndipei kani."
"BaMaka ndiri kukuudzai chokwadi zvee ndochema here mugutsikane."
"Nhai Mai Maka maiti maita plan sevarume wani namhamha venyu ndoplan yacho here?"
"Ehe sorry."
"Mai Maka mondishungurudzirei ko kudaro? Ndovaudza kuti kudii manje apa ndainge ndatobhadharwa ndoitenga nei bhutsu yakadaro?"
"BaMaka maida kuti tidii imi mainge manonyura kumashops uko mhamha vachida nyama, kungoti customer yacho haina kunetsa kuwana saka hazvina kutinetsa bye regai ndirare ini."
Vakapinda mubedroom vachiridza ndokuvhara door zvavo. Ndakanyatsomira ndakarembedza maoko apa mudumbu ndokutanga kurira, nguva dzakadai mudumbu munomborwadza kaa . Apa zvakange zvatogara kuti ndini ndainzi ndatengesa bhutsu haa Mwari wangu. Ndakanobuda panze paye ndokuona vakamira vatsamwa manje.
"Nhai wangu ndakakutadzirei ini? Watadza kungotaura kuti wainge usati wapedza kusona bhutsu usina kunditambisira nguva yangu."
"I'm sorry boss."
"Okay zvino wapedza here mafana time."
"Ndadzishaya."
"Heee!?"
"Ndiregererei please bhutsu dzakatengeswa nemudzimai wangu ndisipo ndiri kutoshaya kuti ndodii zvino."
"Mupfana ukada kuona kunge takaenderana makore kaa ndinokudimbura musoro, unoziva kuti ndoita nezvei here?"
"Handizive?"
"Saka chindipa bhutsu dzangu."
Hana yakange yave kurova apa zvekuita pakange pasina kana.
"Horaiti mupfana unza mari yandakupa... right chinditevera kuno."
Vakadaro vave kuenda kune mota yavo, ndakateverawo zvangu ndiine kutya ndakasvikopinda mumota mavo ndokubva pamba.
*End of chapter*
❤️
😢
🙏
👍
😂
😮
💔
67