🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 5, 2025 at 08:06 PM
*BECAUSE YOU ARE GOD* *SHORT STORY* *Created and written by* *Prince Washe* +263784802591 *Chapter 15* of 15 *Final Chapter* *📔Read and share* *Mai Maka* Ndakange ndangomira zvino semuroyi ayedzerwa achiroya apa kudoor kwekutiza nako ndiko kwainge kwakamira Godie. Akanditarisa ndokutarisa pasi akaona ndadonhedza mari yake yandanga ndamubira. Ndakashaya kana neremuromo ndakanyatsoona achiita hasha. "Kundai chii chawaita ichi, amai vako vakarara here?" Ndakabva ndatanga kuchema chokwadi ndainge ndauraya amai vangu ndoga nekuda mari. Iyo Mari yacho haitokwanise kudzosa mai vangu mukurarama. Ndakachema kusvika ndanyaradzwa nembama naGodie. "Uri kuchemei waitei amai vako?" "Ndavauraya." "Wavaurayirei?" "Godie vadya chikafu chisiri chavo please I'm sorry ndiregererewo kani, ndapfidza handichazviite zvekare." "Hee! Unoreva kuti waida kuuraya ini here?" Handina kana kudaira ndave kuchema zvekare. Ndainge ndaigochera pautsi chaipo kana chekuita paive pasisina. Ndaisungwa chete apa ndainge ndapererwa chokwadi. "Kundai ndoda kukuratidza kunonzi kuuraya kwete izvi zvekundiisira mushonga muchikafu." Akadaro achinditi dzvii pahuro ndakabva ndanorovera kumadziro nemwana akatanga kuchema. "Godie unouraya mwana wangu kani!" "Ndoda kuti mufe mose hamubatsire." "Please refrain from this please maoko ako haana ropa aya." Ndakazoona munhu ave kundisiya, akabva anongedzera mhamha. "Tora amai vako ava ubve muno." "Aah iwe ndini ndavaunza muno here?" "Vauya vega asi avauraya ndiwe, kudai vari vapenyu vaisabva muno ibva ibva tione." Akadaro achindisundira kwavari apa ini ndaitotya zvangu kuvabata. "Godie ndibatsirewo please iri ndojeri please help me out." "Kundai unoti ndingaite shungu dzekubatsira iwe handiti waida kuda kuri ndife here?" "Manje handisi kuzobva muno." "Okay mira uone." Akadaro achienda kubedroom kwake ini ndakabva ndasara ndichitora mari iya ndokutanga kutiza. Nemwana kumusana zvaitonetsa aitondikanganisa kutiza ndaitonzwa kuti dai wangomusiya ndotizira kure zvangu. Ndakazoshamisika kuona Nobert shamwari yabaMaka achitofamba iye aifanira kunge ari muhusungwa. "Nobert!" Ndakadaro ndichienda kwaari akabva Amira zvake. "Hesi hako ko wakabuda?" "Ehe hatigare mujeri isu." Ndakazonzwa Maka ave kumuchemera ari kumusana ndakabva ndaziva kuti aida Nobert. Iye Nobert wacho kana kumbonyara akatanga kumubata bata zvake. Ndakabva ndamuburutsa kumusana ndakamutambidza zvaiwirirana sei? Ndichiona zvakadai ndakabva ndapindwa neimwe pfungwa ndakarangarira futi kuti ndainge ndine mhosva yaida kutizwa. Zvaitove nani kuti ndomutengere mwana zvangu nditize. "Nobert kana uchida mwana uyu ndipe $200 hako." "Hee Mai Maka are you out of your mind?" "Im serious wangu." "No this is a trap, unoda kuti ndisungwe kaa." "No ndiri kuda kutotizawo nyaya dzandaita, usatye nabaMaka tarambana ." "Okay kana wadaro handidi kupihwa mhosva mari yako iyi chirova pasi." Akadaro achinditambidza mari yakange yakadarikira yandainge ndamuudza. Ndakabhabhaisa Maka iye ndokusekerera zvake asingazive kuti amai vapanduka. Ndakange ndave kusazeza kuita zvinhu zvakadai hamheno kuti chii chaiitika pandiri. Ndakabva ndatanga kumhanya ndokuzonzwa kupera simba ndakatanga kungotarira ndega ndichidedzera. Ndakamboda kuti zvisabude mumukanwa mangu asi zvaiita zvega. "Ndauraya amai vanguu!" Ndakadedzera zvose izvi kasingagumi kusvika ndazosungwa nemapurisa ndopandakapepuka kubva kune zvose izvi. Mari yangu ndaive nayo handina kusiya, ndakaenda navo kumba kwana Godie vakaona chokwadi munhu ave chando. Ndakambotanga kurohwa tiri imomo ndokuzokandwa mumota, mhamha vakazosara kuchinzi kwaiuya imwe mota uye vakange vave kubaya baya phone yamhamha kuti vafonere hama dzavo. Ndakaendeswa kumapurisa kuya ndokuvharirwa ndakabva ndatanga kufunga mwana wangu, kuti ndivaudze futi yaizoita imwe mhosva saka zvaive nani kuti baMaka vofa nechirwere, mhamha vainge vafa kare, Maka wofawo ini ndofira mujeri zvangu. Ndakangoinyarara nyaya yaMaka uye handina kana kuibvunzwa. Ndakagaramo zvemazuva nyaya yangu isati yatongwa uye zvekuti mhamha vazovigwa ndakazvinzwira ndiri mukati. Kubva ipapo ndairota hope dzotyisa mhamha vachindimukira kuhope zvekuti zororo ndakange ndisina. Ndainge ndakasungwa mumweya zvose nepanyama. Mazuva akafamba nyaya yangu yaifanirwa kutongwa Thursday apa yaive Tuesday pandakazonzwa kuti baMaka vasungwa nenyaya yekuba. Ndakangoti hamheno ikoko taizogara mumajeri tose hakuna aisara. Maka ndiye aindirwadza wandaiziva kuti ainge akafa kare. Ndakazopihwa nguva yekutaura nabaMaka ndisati ndaenda kucourt. "Mai Maka ko wakazoita muroyi sei nhawe?" "BaMaka handizive kuti zvakabva nepi kubva pandakararwa naGodie ndopakangochinja zvinhu handizive kuti nei kana kuuraya ndaisatya." "Haa zvandaida zviye kuti gara uchinamata asi wakaisa zvitanda munzeve zvako. Ko mwana aripi?" "Aah ndakamusiya pakati penzira ndichitiza ini." "What? Mai Maka haa , haa wandigura kunorira apa ko kana akafa nhawe vana vari kubiwa ava." "Im sorry zvakatoitika kare neni ndakarwadziwa nazvo. Ko imi makazoita mbavha rinhi?" "Usabvunze zvisina basa ndichida mwana wangu ini mangwana chaiye ndinenge ndabva muno." "Handisi kuziva kwaari mhani imhosva here?" BaMaka vakange vave kutochema apa vaine hasha. Mupurisa ainge atipa mukana achiona izvi akabva andidzosera kwangu akandivharira. Ndakange ndave kunzwa kuda kugara mujeri zvehupenyu hwose hangu. Takazoenda kucourt ndakabva ndaibvuma nyaya yangu ndokutaura kuti ndakauraya futi mwana ndakabva ndanzi makore ose ndiri mujeri kusvika ndafa. BaMaka vaivemo mucourt vakati vairidza mhere sei ini ndaisarwadziwa nazvo. Ndaiziva kuti ndozvandainge ndakadyara saka ndaikohwaa. Ndakazoendeswa kuChikurubi Maximum uko ndokwaive nejeri rose manje. Ndaishungurudzwa nevamwe vasungwa apa ini ndaisava nesimba rekurwisa, ndaidemba hangu zvose zvandakaita kusvika ndave kurwara. Ndakarwara kusvika ndaendeswa kuchipatara ndokubvunzwa kuti ndainwa here mapiritsi chaizvo, Hana yangu yakabva yarova kuti ndainge ndakasiya kunwa mapiritsi. Ndakazongodzoserwa ndakadaro kuya ndisina kana kurapwa, ndakaona kuti ndainge ndaitirwa utsinye chaiwo apa ndakazosvika pakusagona kufamba. Pfungwa dzangu dzakasvika pakutenderera kwete zvabaMaka zvekunyepera. *Khumbu* Ndakange ndave kugara ndega mwana nemukadzi zvaenda, ndakamukira kubasa hangu vanhu vakafara kuti ndainge ndadzoka. Kutozoita kaparty zvavo, ndakabva ndavatsanangurira nyaya yangu vachinwa havo doro ini ndaisanwa. Varume vakuru vakachema nekurwadziwa ini hangu ndainge ndangozvishingisa hangu. Ndakazodzoka kumba ndakasvika pagate paine mupurisa, takamhoresana akanditsanangurira kuti mukadzi wangu ainge asungwa auraya amai vake. Ndakapererwa kunzwa zvakadai, chokwadi ndainge ndaroora mai Azuka chaivo. Hmm pamwe zvose izvi ndiMwari vaitoda kuti ndisiyane naye ndisati ndafa. Ndakangoti hamheno handiende kunovaona uye zvekuvigwa kwamai vacho ndaisada kana kuzvinzwa ndakabva ndambokumbira week rekurara kumba kwacoach weteam yedu. Ndaimutsananguria nyaya yangu achindibatsira nerusimbiso zvake. Aive munhu akanaka, ndakazodzokera kumba week rapera. Pamba pacho pakange pave kubhowa kungogara wega wakadaro. Ndakange ndine shungu dzekugara nemhuri yangu asi zvakakona zvose izvi. Nguva dzakafamba ndisina kana chandaiita pamba sezvo garden rainge radzikira ndaisabika kaa ndainotenga sadza svinu. Ndakazonzwa zinock pagate ndakafunga kuti ihama dzamai Maka zvekuti ndakaenda ndichitya. Ndakasvika nekuvhura gate ndokuona vari mapurisa zvavo. "Hello I'm officer Chuuru, ndokumbirawo chitupa chenyu." "Aah chitupa chakarasika." Ndichipedza kudaro ndakabva ndabatwa zvechisimba ndokusungwa maoko nekumashure ndakaendwa neni . Ndaingosekerera zvangu ndichiziva kuti hakuna chombo chingadzirirwa ini nemuvengi chinobudirira. Ndakasvika kuya ndokuratidzwa chitupa changu ndokunzi chawanikwa pamba pakabiwa nezuro wacho. Vakandibvunzisisa zvavo ndokuzovaudza nyaya yekuti ndainge ndakamborohwa chitupa chakadonha uye ndainge ndakavaudza zvose izvi. Vakatarisa mumafiles avo ndokuona chiri chokwadi asi havana kundiburitsa vaiti vachazondiburitsa mangwana acho. Ndakazokumbira kuona mai Maka ndichida kuona mwana wangu. Ndakapihwa mukana asi ndakaona vachiuya vasina mwana. Ndakabvunza zvemwana ndokuudzwa ngano zvangu haa mai Maka vainge vapanduka chokwadi. Ndakarwadziwa nekusaziva kwaive naMaka, ndakazorara kumacells ndokuzobuditswa mangwanani mai Maka vave kuenda kucourt. Ndakendawo Ivo kana kuramba nyaya yavo ndokutaura zvekuti vakauraya mwana. Ndakachema zvekuti vanhu vose vakange vangoti udyu meso avo kwandiri. Mai Maka vakazotongerwa life in jail vakaendeswa kuChikurubi. Ndakadzokera kumba ndichinyatsoziva kuti ndainge ndasara ndoga chokwadi. Ndakazoenda kubasa ndakavaudza zvose vakakatyamadzwa nazvo. Vaitondishuwira zvakanaka semurume mumwe wavo . Coach vakazonditi ndichigara kumba kwavo vachiti pamwe ndaigona kuzvikanganisa ndega kumba. Handina kuramba ndokunogarako zvangu, kwaive nemwana wavo musikana aifarira zvechurch ndiye wandaitomboendawo naye maSundays. Takasvika pakuwirirana zvekuti coach vakange vave kusafara. Ini nemwana wavo taisadanana hedu asi kuwirirana kwacho kwakange kwakanyanyisa. Mari yangu ndaichengeta sezvo ndaisatenga zvinhu kaa ndaingodya mahara. Ndakazofonerwa kumapurisa zvichinzi mai Maka vakange vashaya, ndakanzwa kakurwadziwa sezvo kunyangwe page munhu wausingade rufu harujairike zvotorwadza. Ndakaudza Rutendo mwana wacoach nyaya yacho uye ndaisada kuendako akandikurudzira kuti ndiende. Ndakazoenda zvangu ndakatanga ndafonera hama dzake dzakauya, takaenda kumusha kwavo vakaita zvose ini ndakange ndakatopfeka zvekuratidza kuti hupenyu hwangu hwaisava nyore. Mai Maka raive gamba chokwadi asi rakasvika pakuchererwa nekuda kwezviito. Vazhinji vakadzidza parufu apa pandakataura nyaya yavo kuti kuda mari zvisingaitee kunokonzera njodzi, uye kuita chipfambi kuti uwane mari magumo azvo misodzi Yako kana yedu tinenge tasara waenda. Ndakazodzokera kumba kwedu ndakasvika ndichinzwa kuti Rutendo akange ave nepamuviri. Ndakasvika nekutukwa nababa vacho vachida kundirova. Ndakatozopona neboys raivepo rakabata. Ko ndaida kurohwerwei zvakare? "Hee? Ndaivimba newe mushure mazvo worara mwana wangu hezvo ave nepamuviri." "Handina..." "Nyarara manje unondiona nhasi uri kubva pano nemukadzi wako." Ndakapererwa kana kutsanangura ndakatadza. Iye Rutendo wacho aitobvuma kuti nhumbu ndeyangu saka pakange pasina marambiro. Ndakanzi ndibve iye Rutendo ainge arongedza hembe dzake kare, ndakatora bag rangu ndokubuda zvedu. "Rutendo sei uchindivengesa zvisina basa nhumbu yangu here yauinayo?" "Khumbu sorry handina nhumbu ini." "Saka vari kupenga here vabereki vako?" "Havasi ndini ndavanyepera kuti ndiwane kugara newe vaitoronga zvekukudzinga pamba nekuda kwangu. Ndaisada kuti uende wega ini ndosara sorry hako i know kuti hatidanane asi unondikurudzira pakunamata uye handizive kuti nei ndakakufarira." "But basa rangu ratoperawo kaa wangu ndodii?" "Usatye basa unoriwana mangwana chaiye." "Haa iwewe uri tsotsi unoda kuti ndichengete mwana asiri wangu handiti , handei unotariswa kuchipatara." "Okay handei." Takazoenda kuchipatara kuya ndokuona munhu asina kana pamuviri uye akange achiri mhandara yakazara. Ndakanzwa kunetseka kuti chokwadi ainge azvipira kudzingwa pamwe chete neni, ndakabva ndavhara maziso ndokuti *Mazviita Mwari.* Takabva taenda kuNorton kwandaigara takatsvaga imba sezvo ndakange ndisichagare paya. Takazoiwana ndokuisai blanket rimwe randaiva naro takazonetenga mubhedha nemamwe mablankets. Hupenyu humwe hwakange hwave kutanga manje kuchengeta mumwe munhu, ndaizomuchengeta ndichiti ndiaini wangu. Ndakazongoerekana ndave kumuti "Rutendo ndokuda." "Watii Khumbu." "Unondidawo tave kudanana." Ndakadaro ndichibata maoko ake ndokutarisana mumaziso chaimo. Ndakabva ndaona runako rwake rwose apa aive netukomba mumatama. "I love you Khumbu." Akadaro zvake achibva andikisa padama akatarisa kuside achinyara. Ndakazotanga kumutekenyedza akatanga kuseka kusvika chave chikudo pamubhedha. Munhu akange ave kutoda kurara neni kusanganisira iniwo asi ndave pedyo Hana yangu yakabva yarova kuti ndaive nechirwere ndakabva ndatosiya. "Khumbu ko chii." "Ooh hapana kuda hangu kuchengeta humhandara hwako." "Uchichengetera ani ini ndichida kukupa, ndini ndakauchengeta kuti ndisvike nhasi saka ndoda kuona iwe." "No babe I'm a God fearing person so totanga taroorana tozopinda munyaya dzacho." "Okay thanks." Ndakange ndatobatikana ini ndaisada kumuzadza chirwere. Apa takange tave kudanana ndaizozviita sei kana iye aisazvitambira kuti ndozvandiri. Ndakazomuudza kuti titange tanotorwa ropa nekuti ndaisada kumuudza ndega zvaive nani azvionere wondisiya zvake. Pamba pakange pasati pave nezvinhu taidya hedu kumashops, ndakazoenda naye kunew start ndokutorwa ropa redu hana yangu ichirova zvayo kuti mwana wevanhu ave kuzorwadziwa. Kana neni ndaizorwadziwawo nekuda kwekurambwa naye. Maresults akauya akabatwa doc vachisekerera ndokuona tose tiri negative. Babe akafara akandimbundira asi ini ndakange ndave kuda kutochema. Ndakazvishingisa hangu takafara tose takadzokera kumba. Zvaindinetsa kuti asi vakange vaita mistake pakutarisa ropa racho here? Ndakazosiya Rutendo kumba ndakaenda kune chimwe chipatara ndakatorwa ropa zvekare ndokuonekwa ndakachena. Ndakabuda misodzi nemufaro, chokwadi Mwari anoda kunamatwa. Kana akambopatsanura gungwa nepakati angazotandze kurapa kaAIDS zvako. Ndakaenda kumba ungori mufaro bedzi bedzi, ndaida kuita make sure kuti handisisina here ndakabva ndatorega mapiritsi ndakamarasa. Mazuva akafamba tiri tose naRutendo uye zvinhu zvainge zvawedzera mumba nekuti ane basa reSuperlife raaiita paphone achiwana mari saka takange tave kuita tose. Mwari vairopafadza pakadaro zvinhu zvichitoendeka, kusvika ndazobata mari yaikwana kuroora. Handina kuverengera ndakanogadzirisana nabaRutendo ndokuzobvuma kuti ndiroore. Ndakabvisa zvaive nani hazvo kuti ndiwane kugara nemukadzi wangu pasina chainetsa. Ivo vachimuona vakashamisika kuona asina kana dumbu nekuti dzakange dzave 8 months kubva tatorana. Vakazoseka pavakaudzwa nyaya yacho yakange yakaitika vakaona kuti ndaidiwa zvechokwadi. Ndakazodzokera kumba nemukadzi wangu ndokuzotanga kudawo kugadzira mwana zvedu, nhumbu yakazobata ndakafara kupfuura munhu wose pasi rino. Mwari vakange voda kutsiva Maka manje. Mazuva akafamba, mavhiki akafamba, mwedzi yakafamba kusvika mukadzi wangu asununguka mwanakomana. Ndakaita sendichatengera Mwari mota mhani, haa Mwari vanogona havo. Havanyadzise nekuti ndiMwari. Takaenda kumba nemukadzi wangu uyo ainge asununguka zvakanaka hake, mwana takamutumidza zita rekuti Samuel. Mumba makange mune mufaro kusvika ndazovhura shop yangu. Ndini ndainotengesa muzvere achiita zvemwana hake kusvika ave kundibatsirawo. Hapana kupera mwedzi miviri ndakange ndatengawo mota. Prayer was my habbit and miracle my lifestyle. Ndakange ndazvijaira kuti Mwari vanosimudzira chokwadi, handina kumbomira kunamata kunyangwe ndakange ndave nekamari Kari nani kwandiri waitove munana wakakura kudarika kumutsa munhu akafa. Ndakange ndave munhu asingashoreke uye paizopera gore ndaitarisira zvakanaka kwandiri. Mumwe musi ndiri mushop makabva mapinda kamwana kamusikana kainge katokura kakatongwaririra. Hana yangu yakarova ndakakatarisa apa kainge kakafanana naMaka mwana wangu ainge akashaika. Ndakamboramba ndakanyarara kachibvunza zvakaida ndakabva ndakabvunza zita. "Nhaiwe unonzi ani?" "Inini? Ndinonzi Makanaka." "Hee? Baba vako varipi?" Ndakadaro ndabva kuseri ndave kwaakange Ari ndamubata ruoko. Akabva anongedzera panze paive nemota ndakabva ndaona ainzi baba vacho aive Nobert hake achitofona. Hana yangu yakarova kutadza kuziva kuti akange akazoita mwana here akamutumidza Makanaka zita remwana wangu asi pakuzofanana apa. Maka ndaimuziva aive nechibirth mark Chihombe kumusana saka ndakakasira kumufugunura hembe yake ndokuwana chiriko , ndakabva ndanzi dzvii "Uri kuitei mwana wangu benzi iwe." Ndakacheuka Nobert akabva abata muromo achindiona. Maka akabva amhanya kunobata gumbo rake ave kunditya. *The End* ~Nobert haana kuzouraya mwana nekuti mwana aimufarira kusvika angomutora sewake. ~ achadii Khumbu nemwana wake? ~Nobert achabvuma naye here sezvo akamutenga? End of the book, thanks amana nesupport yenyu makaratidza rudo nekutsigira short Story yedu kusvika yapera zvakanaka. Ndinoti Mwari vaKhumbu vakuitirai zvidhafu dhafu neniwo vasandikanganwewo. I don't know zvamadzidza ini handikwanise kutaura ndakapedza zvandadzidza aah mbiri yose kuna Mwari.
❤️ 🙏 👍 😢 😮 🎉 👏 🤦‍♂️ 48

Comments