🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 13, 2025 at 08:13 AM
The Infinity Drops Chapter 16 Mai Susan Mudumbu makatanga kurira ndakagara mushop, ziya harina kumira kuyerera apa kwaisapisa. Ndainge ndave kufunga kuti pamwe Chamu ainge atorerwa mari nembavha akatya kudzoka kumba nekuti Chamu aisambodaro ndaimuziva. Hapana paaitiza Tine hanzvadzi yake uyezve akange asina kwekutoenda kwacho. Ndakagara kudaro hana yangu yakatanga kubika manhanga yega, bvunzi rakabva raita serave kutamba gitare richiti nyau nyau. Ndakashamisika kuona chijira chandakapikutisa ziya raChamu chave kusimuka chega, ndakaoma mate mukanwa chakabva chanyatsouya pandiri ndokundipukuta ziya rangu. Handina kumirira kupukutwa rese ndakabva ndatiza ndokubuda panze, ndakatarisa mukati ndokuona chakadzoka pachaive. Pfungwa dzangu dzekutanga dzakanditi ndiChamu nekuti ndiye wandakange ndakambopukuta dikita nacho.. Ndakanetsekana kuti ko nei zvadaro, ndakaona kuti Chamu aigona kunge akatourawa nematsotsi. Ndakakiya shop yangu ndokudzokera kumba, handina kana kugadzikana nezvainge zvaitika. Ndakashaya kana wekuudza nyaya yangu , kana kuudza hama dzacho vaizoti ndini ndakachekeresa. Ndakakwanisa kuenda kumapurisa ndokureporter nyaya yacho. Vakati vaizoita tsvakurudzo ini ndakabva ndadzokera kumba. Ndakange ndave confused zvino kuti ndaizodii kana kushop kwacho kwakange kwave kupisa. Ndakatoziva kuti vaisave baChamu nekuti vaitadza kuuya kumba vozouya kushop zvaisaita. Ndakazofonera vasikana vaya kuti vadzoke, havana kuramba sevanhu vaida mari. Ndakaenda navo kushop takapinda tose ndakange ndave kusanyanyotya. Ziso rangu rakatanga nekutarisa pachijira chiya, musikana mumwe akabva achisimudza ndokupukuta pacounter. Ndakaramba ndakatarisa zvekuti ndakazopatika ndave kutaudzwa. "Mhamha ko chii chiri kunetsa?" "Haa hapana eeh motanga basa ndizvo kaa, ini ndichange ndichiuya kwakachena mondipa mari." "Okay no problem." Ndakabva mushop ndokudzokera kumba, ndakasvika Tine achisuka maplates. Ndakasekerera kuti ainge akangwarira aisamirira kuudzwa. Nyaya yaChamu ndakazongosiyana nayo hangu zvainge zvaitika ndizvozvo ndaisazonetseka kunge aive mwana wangu. Chaindibaya moyo imari yangu zvimwe zvose izvo zvaisava nebasa. Terry hamheno kuti ainge aendawo kupi nemota yangu, akange ave kutotiita kunge yake ini muridzi ndiripo. Akazouya hake ndapedza kubika, ndakapakura ndokunodya hedu tose. "Ko Tine nhasi iTuesday hanzii ko hanzii nenyaya yekuchikoro?" Akabvunza Teryy. "Aah ndanzi ndi...." "Iwe ita order wanzwa, hanzvadzi yake inenge yatiza nemari yangu saka hapana pandoramba ndichimuendesa kuchikoro ini ndakabirwa mari. Anozoenda hake kana Chamu auya ndokunge asina kutofa nekuti pane zvandaona kushop." "Kufaa!" "Tine dzikama iwe hamheno chero akafa zvine basa rei iwe uri mupenyu wani. Hamheno pamwe akabirwa mari nematsotsi vakamurova kusvika afa vabuda naye here kana kuti iye ndiye akatoita madhiri ekutiza nemari." "Aah mai Sue tingati afa here? Vakomana ava mari yatoendwa nayo apa." "Hmm ini ndiri confused nekuti pane zvaitika ndiri mushop. Zvinhu zvatanga kusimuka zvega mudenga zvekuti ndatoona kuti pamwe akaurawa." "Hmm hamheno haa ngatisiyane nazvo hazvititadzise kurarama kaa." "Taura hako Terry." "Aah nhai mhamha sekuru Terry ndiani venyu vamuri kudedza kuti Terry havasi basa venyu here?" "Baba vako kwete vangu, handina baba ini. Ziva kuti havasi sekuru vako ava ndidaddy wanzwa." "Aah hoo." "Yes." Takazomusiya aina Susan achipedzisa kudya isu ndokuenda mubedroom. "Mai Sue chii chiri kumbonyatsoitika, nyaya yamataura yaChamu ndangoda kuvhara kuti mwana asarwadziwe asi munenge mataura chokwadi mati zvinhu zvaiita sei?" "Zijira randakashandisa kupukuta dikita rake achishanda nezuro razongosimuka rega zvekuti izvozvi ndakazvifunga muviri wangu unomerera." "Hmm zviri pachena izvi kuti mwana akatodimburwa musoro. Muno muNorton dzawanda nyaya idzi dzekuti vanhu vari kungourawa vanhu vacho havasisina matyira. Kuzoti yemushop iyi havatode kusiya munhu ari mupenyu." "Haa pakaipa haa hamheno ikoko." "Ini hangu kubva nhasi handicharara kuno, ndinenge ndichienda pangu apo nekuti zvandarota kaa." "Aah munoda kundisiya nani, ihope chete idzo hapana kana chiri kuitika. Maybe kufunga zvakaitika parufu zviye." "Hmm iwe ini handingorote, ndarota baChamu vachipinda mumablankets matanga tiri vouya pakati. Ndambofunga kuti pamwe ichokwadi ndopandapepuka." "Hoo haa hamhenoo munoita zvinokuitirai bamwana." "Yeah asi zvekutambudzwa kunge ndini ndakauraya handidi hangu." "Zvinopera." Mashoko aTerry aitondirovesa nehana, kunyangwe hangu ndainge ndakatsipika vafi vose asi zvaindinetsa kuti ko vaiuya kwaari sei? Ndakange ndave kutotya kusara ndichirara ndega zvangu. Nguva dzakafamba ndokuzoenda kushop kuchiri kwakachena ndakatora mari ndokudzoka kumba zvangu. Ndakasvikobika ndokuzogara tichidya tichiona tv. Terry ainge akagara pasame sofa naTine ini ndakagara kwangu naSusan. "Hmm chando chotiuraya ichi nditorereiwo blanket mai Sue." Akadaro Terry nekuti chando chaivepo chokwadi. Ndakanotora two mablankets ndokupa Terry vakafuka kumakumbo vose naTine ini ndakafuka naSusan. Takapedza kudya ndokumbotandara zvakadaroo Terry ndokuzoti kuna Tine. "Eeh Tine ndoda kuti uende kuchikoro mwanangu, ndoda kutengera laptop handiti kaa." Tine haana kupindura akange ave kutochema zvake. "Iwe ukuchemei iwee?!" Ndakadaro nehasha pane kuti munhu afare akange ave kuchema. "Siyai mwana mai Sue, mangwana ndiri kumutengera zvaanoda zvose." "Okay but hazvichemedze kaa, regai ndizorore hangu ndoda kumukira kuenda mutown mangwana." Ndakadaro ndave kutosimuka ndakange ndave nehasha dzekuda kutorova Tine. Akange ave kuita kunge ndine problem nyaya yake yekuchema. Ndakazorara hangu Terry akazouya pave paya, akasvika nekutotanga kundibata ndokutondirara zvekuti ndakashaya kuti ainge arohwa nechikara chakadii. Handina kuzvibvunza semunhu wangu takangorara tose uye haana kuzoenda kumba kwake. Handina kana kurara ndichingovhumuka ndichifunga Chamu. Ndaingodikitira zvaisanzwisisika, ndakazorara kwave kuedza ndokuzomukira kubika. Ndakazofunga zvekuti ndiende hangu kun'anga kwangu ndinzwe nyaya yaChamu uye neshura rainge raitika kushop kwangu. "Terry ndakumbobuda wosara nevana ndodzoka pane zvandoda kumboita mutown." "Handei kaa tose." "No ndati sara nevana ndouya don't worry." "Okay mufambe zvakanaka." Ndakabva ndatopinda munzira kwave kuenda kwaKutama. Ndakakasvika paishandirwa nen'anga ndokuona paine vanhu vaitobvisa zvinhu zvaivepo ipapo. Ndakatarisisa asi sekuru handina kuvaona ndakabva ndazvipira kubvunza. "Nhaimi muri sei ko sekuru varipi?" "Sekuru vafuka ravo vega mangwanani ano." Ndakapererwa ndokuumburuka pasi ndichichema, ndiye munhu wandaivimba naye manje zvaange afa ndaizodii. Vanhu vakazondinyaradza zvavo ndakazodzokera kumba misodzi iri mumatama. Ndakazopukuta ndatosvika kuti zvisaoneke kuti ndaichema. Tine Nezera rangu ndakange ndave kusatoona chiedza kumberi kwangu. Vanhu vaikwanisa kundisvitsa kwandaida vakange vaenda kwamupfiganebwe. Sekuru Gombiro ndivo vakange vandiparadzira upenyu hwangu, hamheno kuti kwavo kwaive kuri kukara nyama here kana kuti hurombwa. Ndiri seni ndakange ndatovavenga pasi nekudenga kana kumba kwavo ndaisada kutsika. Takazongoenda hedu panyaradzo yamhamha asi ndaisada kuti vaone chisi changu zvekare. Mazuva akafamba daddy ndokuteverawo, mushure mazvo ndakanyatsonzwa ndega pauya n'anga kuti sekuru ndivo vainge vadaro futi. Bundu racho rakavedzera kukura pamwoyo zvekuti kana kuchikoro ndaingoendawo zvangu asi zvainetsa kudzidza. Namai Susan taisava nedzambudziko navo, kunyangwe vaive mutorwa vaitibata sevana vavo chaivo. Ndiri seni ndaisatoda kuenda kune dzimwe hama ndaitoda zvekugara navo hangu nekuti vaive nemoyo wakanaka. Handizive kuti zvakazochinjawo sei mushure mekunge hama dzaparadzana tasara navo. Ndakangoenda kuchikoro zuva rimwe mangwana acho ndakabva ndamiswa kuti ndisaende. Ndakambozama kuchema chema asi zvakashaya basa, vaipa reason yekuti Chamu ainge aba mari here akatiza nayo zvaisanzwisisika. Chakandirovesa nehana ndipo pavakange vave kutaura kuti Chamu aigona kunge aurawa nekubirwa mari zvose nekuti aisafanira kutiza. Mwoyo wangu wakatanga kurwadziwa nekuda kwamukoma vangu, kunyangwe dai vakaba vaifanira kunditora voenda neni pane kunditiza. Mai Susan vakazoyerekana vachinja ndave kuda kutimbiswa kugarden. Nemakuriro ainge akaita badza nemaomero ainge akaita pasi ndakasarudza kuramba hangu nekuti ndaiputika maoko. Handina kuziva kuti ndainge ndakonzeresa zvimwe, ndakanobayiwa ruoko rwangu rwerudyi netsono zvekuti pavakazobuda ndakasara ndichiita semunhu anyika ruoko mupaint dzvuku. Ndakafunga vabereki vangu ndakatarisa ruoko rwangu apa marwadzo acho aikunda munhu adamburwa musoro. Pose pairwadza apa ndoruoko rwandaishandisa kuita basa. Ndakazogeza hangu asi ndakashaya wekuudza nyaya yangu. Sekuru Terry vakange vangoyerekana vave daddy vave kudanana namhamha. Zvinhu zvacho zvaisanzwisisika kuti zvaifamba sei? Takazonogara pasofa tose nabamunini Terry ndokufuga blanket kumakumbo. Ndichipedza kudya ndopandakanzwa ruoko rwavo rwaive kuuya kwandiri, vakabata gumbo rangu raive pedyo navo vachifambisa kusvika vabata pakati pemakumbo angu. Ndakavatarisa vakabva vasekerera, vakasekerera vachitoisa ruoko rwavo mukati mebhurukwa rangu. Ndipo pavakatanga kutaura zvekundiendesa kuchikoro nekunditengera zvandoda. Ndakatanga kuchema kuti nditaure fear yakange yatovepo apa mai Susan vacho vausanditerera futi. Ndakatotanga kupopoterwa vasingazive kuti ndaichemei havana kana kuzogara vakabva vaenda mubedroom mavo. Ndakabatwa kuzasi kwangu nabamunini Terry vachifemeruka. "Please musadaro kani ndisiyei?" Ndakadaro ndichibata ruoko rwavo ndichida kuribvisa. "Iwe ukada kufarisa unotevera daddy vako wanzwa, nyarara izvozvi!" Vakadaro vakandibata huro nerimwe ruoko vakatsvukisa maziso avo. Vakazoda kubata mazamu angu asi vakazosiya nekuti akange achangotangawo kukura achiri madiki. Misodzi haina kumira kuyerera, vakazongondisiya ndokunditi ndisataure vaindiuraya vakabva vaenda mumba mavo. End of chapter
😢 😂 ❤️ 👍 🙏 🔥 22

Comments