FineWine's Books
January 29, 2025 at 05:06 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Impelled Written by Fine Wine 🍷 +263787041944 Chapter 1 "Nhaiwe Dani handei mhani!"Ndakadaro impatiently at the same time feeling so agitated ndichideedzera kuna Danai shamwari yangu uyo wandaive ndasobvirira kare kare ndichiwudza kuti tichienda asi munhu wacho asina kana action yaayiita zvake."Aah nhai Maka uri kuda kuti timhanyire kupiko?Handiti tapedza mazama nhasi here plus ndiro last day tiri pachikoro,mira timbowonekana nevamwe vedu amana!" Actually taive tichangopedza kunyora last exam redu re form4 and ndiro raive zuva redu rekupedzisira tiripo pachikoro zveshuwa.Ma students mazhinji aifarisa doing all sorts of things se way yekuonekedzana nechikoro,zvino manje inini ndaisatomboda hangu zvese izvozvo.Ndaitoda kuenda kumba kunonyatsorara ndombonyatsozvizorodza ndichinyatsokavhira pemazuva ese pandainonoka kurara ndakasvinura ndiri busy kuverenga semunhu aisada kufoira. "Kana uchirikuda hako zvepano unogona kusara ini ndakuenda ini."Ndakamudaro Dani zvikanzi,"Horaiti enda hako ndozokubata pafoni." "Iribho"I responded ndave kutofamba kuti ndichitoenda but ndisati ndafamba zvinoenda kure akabva ati,"Kana kuti mira tiende tese horaiti." "Ko wazofungei?Hauchade kusara?"Ndakamubvunza zvikanzi,"Aah ndazoona kuti kuzofamba ndega kunozobhowa handei hedu tese." "Haa ende iwewe so!"Ndakadaro ndichizunguza musoro wangu ndichitoseka.Takapinda munzira kuenda kumba and Danai akazenge oda kutanga discussion ye exam ratanga tabva mukunyora ndichibva ndatomupa stop sign neruoko rwangu then added on ndichiti,"Vasikana ibvai matonyarara henyu nyaya idzodzo,handisikuda hangu kudzinzwa, zvekupihwa stress bodo!." She laughed zvikanzi,"But zveku discusser exam zvakanaka manje,at least munhu unogara woziva pawumire and panozobuda ma results unenge uchiziva zvekutarisira you won't be surprised." "Haa inini hangu handizvide i will cross the bridge when i get there!"I said ndichiseka kwakutochinja nyaya.Nyaya dzacho dzaitsva zvekuti handina kumboona kuti tasvika sei kumaraini kwataigara kwakuzovhunduka after Danai frowned achiti,"Hezvo kasi Murikuda kutama?" "Kutama?"I responded frowning ndichitarisa direction yekumba kwedu uko kwaive kwakaiswawo maziso na Danai.Pandakatarisa kuye ndakarohwa ne confusion ndichiona property yemumba medu yese yakazara kunze kwegedhi.Mama vangu vanga vasina kumbobvira vataura zvekuti tanga tiri kutama saka ndakatoshayawo kuti zvainyatsofamba sei. Ndakabva ndatowedzera pace yandaifamba nayo ndichimhanya kuye kwakusvika Mama vangu vari busy kutaura pafoni vachiti,"Huya mai Melo,handisi kutoziva kuti ndonanga kupi izvezvi mai Mutema vasiya vaburitsa zvinhu zvangu zvese panze and handisi kutoziva kuti ndonanga kupi,foni ya Partson haisi kuita." Ndakanzwa muviri wangu wese kupera simba pandakanzwa Mama vachidaro,ndaive ndatobatanidza ndega ndatoona zvayitika zvacho.Dzanga dzatove 6 months zvichinzi daddy vangu vanga vasiri kubhadhara rent.Nguva zhinji vaisambouya kumba nekuda kwebasa ravo reku driver ma trucks ravayiyita so it kept him away from home.Mari ye rent ndivo vaisimboibhadhara directly mu account yevaridzi vemba vepamba patairoja but landlord akazongotanga kupa ma complains ekuti mari iya yaive yazongorega kubhadharwa na ivo daddy. Chero chikafu chaicho daddy vaive vasisatumire sezvavaisimboita kare takungopona nekupihwa namai Melody avo vaive shamwari yaMama pamwe pacho vachitomborova ma part time mudzimba dzevanhu."Horaiti ndokuona wasvika."Vakazopedzisa vachidaro conversation ravo Mama pa foni speaking with a literally breaking tone uku maziso avo atotsvuka nemisodzi. "Mama!"Ndakavadaro vachangopedza call yavo ndichienda pamberi pavo,"Hesi Maka."Vakadaro faking a smile then added on vachiti,"Ranga riri sei exam?" Instead of responding to what she had asked ndakabva ndavati,"Asi taburitsirwa zvinhu panze?"Vakadaira nekugutsurira musoro wavo uku vakarumanisa mazino avo zviya zvemunhu aizvidzora kuti asacheme ndokubva vadaira Dani uyo aive avamhoresa vachimuti,"Mushe urisei Danai mwanangu,ndimi mabveko kumazama." "Ehe tisu hedu Mama."Akadaira achidaro Danai wacho and Mama havana kuzopindura.Vaive vangonyarara whilst staring into space and i didn't need to be told that musoro wavo waive wopishana nepfungwa nekuti wangu musoro waitopishanawo nadzo. I couldn't stop asking myself kuti zvazvadai tanga tiri kuzodii?Tanga tiri kuzoenda kupi uye tichishandisa chii futi because as far as i was concerned panga pasina kana cent nekuti Mama vangu vaingowana ma $1 or ma$2 chete pavaiita ma part time avo."Ndakuenda kumba Maka"I was interrupted from my thoughts pazvakanzwarwo na Danai ndichibva ndaita kakuvhundikira ndokubva ndamuti,"Horaiti iribho"achibva atofamba achienda. Takasara tingori tuzu na Mama vangu pasina aitaura nemumwe kusvikira nguva dzakazosvika mai Melody shamwari ya Mama vangu vachiti,"Hezvo nhaiwe Noku wanga uri kutorevesa?Waburutsirwa zvinhu panze zveshuwa?Ende mai Mutema havadaro!" Kungonzwarwo chete Mama vakabva vatanga kukwetsura mhere and kungovaona vachichema kudaro Mama kwakaita kuti maziso angu atangewo kuvavira nayo misodzi.Mai Melody vakatura mafemo kwakunombundira Mama vangu vachivati,"Aiwa Noku haikona kudaro,uri munhu mukuru iwewe tarisa uone Maka akutochemawo uyu." Havana kunyarara Mama vaye kwakutanga kupfikura vachiti,"Ndakamutadzira chii inini Partson?Ndakamutadzira chii?Ndizvo zvaakanditorera kubva kumba kwedu zvekuti angonditambudza so?Chokwadi munhu angaite 6 months asina kana kutumira mari yerent on top of that asingatenge futi chikafu chekuti tidye?Foni yake ndikamufonera dzimwe nguva ahatombondidaire and pamwe pacho haitombopinde chokwadi ndingati ndine murume pakadaro?Handiti kana munhu akusandida anotaura zvakanaka ndodzokera hangu kumba kwedu?Izvezvi ndaburitsirwa zvinhu panze,ndichaita sei?" "Haa pakaipa,saka phone yake haisi kutopinda?"Vakabvunza mai Melody vachiratidza kutopererwa zvikanzi na Mama,"Haisi iyi"then added on vachiti,"Ko madii mambozama ya baba Melo maybe vari pamwechete and......." Vakadimburwa vasati vatombopedza kutaura Mama vangu namai Melo vachinzi,"Iwe Noku kah,asi uri kukanganwa kuti baba Melo akangondinyararirawo about 7 months ago?Handitaure naye ini and ndiri kuita zve life yangu isinei naye!" "Mai Melo please."Mama begged her vachidaro whilst sniffing vakanzi,"Haa izvo no Noku,handisikuita izvozvo infact number dzake baba Melo mufoni mangu handisisina."Actually daddy vangu nemurume wamai Melody vaive ma friends and vese vaiitawo zveku driver ma trucks vachishandira company one yanga iri based ku South Africa. "Unoramba uchimufonera baba Maka I'm very shuwa kuti phone yake ichazongopinda chete."Vakadaro mai Melo zvikanzi na Mama,"Kupinda rinhi?Ko ikatora week kana gore rese isiri kupinda ndinenge ndichimbogara pai pese apa?Chokwadi ndogara mu street inini manje?" "Haa mu street hauzogari hako Noku,izvozvo hazviite.Handiti ane hanzvadzi yake iya irimuno mu Harare?Iwudze zviripo uyende ikoko!"Said mai Melo zvikanzi na Mama,"Mai Hazvi?" "Ehe,handiti ndivo wavaiti vanogara kuMabvuku?" "Ehe ndivo."Said Mama zvikanzi namai Melo,"Wotoenda hako ikoko mai Maka,dai ndati uwuye kwangu but manje zvinonetsa nekuti uyuyu....wangu anenge achida kuzowuyawo and it might make you guys uncomfortable saka ndingatokupa hangu mari yekuti mubhadhare mota inokuyendesai kuMabvuku kwacho." "Hii ende waita basa mai Melo!"Vakadaro Mama vakanzi,"Haa uchitendei?Chifonera tete vacho uvaudze kuti urikuuya,usazotaure zvekuti waburitsirwa zvinhu panze nekuti unogona kuzongotanga kupihwa ma excuses,ingoti uri kuuya ikoko nemwana chete zvizhinji vanozongozvionera masvika!" End of chapter.
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 143

Comments