FineWine's Books
3.7K subscribers
About FineWine's Books
Fine Wine novels Updates๐ท
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Promotion Alertโผ๏ธ๐ฅ Buy one book for just $2 and get another one for free๐ฅ Books on promotion; Wounded Bride Who Raped Anita Love and lies Love and betrayal Misconception Bitter pill Cold War Deception Trauma Uncontrollable Betrayed Trust Compelled Constrained Obscured Forbidden Desires Beautiful Disaster Scandal All these books are going for the following prices; $2usd ecocash on O776992768(Tanaka H) $2.buddie usd airtime on O776992768) 90zig ecocash on(O776992768 tanaka) 90zig buddie airtime on(O776992768) SA 50 Rand blu voucher/Ott/one for you. *After payment send your confirmation on O787041944 then wopihwa mabook ako ese ari 2,ese akapera* Please note all these books are on boom story so make sure foni yako inoita boom story before you make your payment,do not be left out๐ฅณ.Our promotion is valid until 24/02/2025. Please note our book *Impelled* is resuming on Monday 24Feb,pane zvanga zvakandibata zvainditadzisa kuriwunza.
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Impelled Written by Fine Wine ๐ท +263787041944 Chapter 4 Vanhu vese vakaramba vakanditarisa zvekuti ndakapotsa padiki ndashaya step but ndakazongozvishingisa kuramba ndichifamba kwakunomira pamberi pavo ndakavatarisa.Vamwene vangu ndivo vakazondipa mhinduro vachiti,"Hezvo nhaiwe mukadzi wa Partson ukati dzako dzakanyatsoti kwesere?Tsvee kumhoresa vanhu wave busy kudairira nyaya dzisidzako.Yambonyanya kukurova zvemhando ipiko nhamo yacho zvekuti ungabva watotadza kuziva kuti ndinoda kumhoreswa?Wakapedzisira kundiona rinhi?Wambondimhoresawo?Ko ivo mai Shingi vawuri kudairira nyaya dzavo uchiti urikuda basa watombovamhoresawo?" Ndakanzwa kuzvinyarira nekuda kwemashoko akataurwa na Mama, she was making sense ende ndakatozviona kuti zvandaive ndaita zvanga zvisirizvo,"Sorryyi zvenyu Mama!"I quickly apologized sincerely ndichidaro kwakuita kakutyora muzura ndichivati,"Makadii henyu Mama"kwakumhoresa zvekare namai va Shingi.Tete mai Hazvi ndivo chete vandisina kumhoresa semunhu wandaive ndamboona. "Tiripo makadiiwo henyu?"Ndakadairwa ndichinzwaro na Mama va Shingi vachisekerera and her smile alone yakatondiratidza kuti vanga vatori munhu akasununguka.Vamwene vangu vakazongotiwo,"Tiripo"ndofunga zvekutonyara mai Shingi asi zvaitonyatsooneka kuti zvekundimhoresa vaisatombozvida. "Aah izvezvi hapana wandiri kuziva arikuda basa wechidiki ini"Vakadaro vamwene vangu vachitoratidza kuti vaive votoyenderera mberi nenyaya dzandaive ndavasvikira vachitaura.Kuvanzwa vachidaro kwakaita kuti ndingofunga kuti vaive vasina kunyatsonzwa zvandaive ndataura ndichibva ndatodairira ndichiti,"Ndirikurida inini basa Mama"ndokubva vandicheka neziso zvikanzi,"Hezvo nhaiwe mukadzi wa Partson,urikundiudza zvekuti basa urikurida ndinoita zvekupinza vanhu mabasa here inini?" "Ndanga ndanzwa ava vachi......"I started but ndisati ndapedza ndakabva ndagurwa ndichinzi,"Izvozvo zvemunhu akavhengedzera ndizvo zvandisingade,wanzwa ava kuita sei?Sandiwo makuhwa acho here iwawo?Ndiwe wanga uchitaurwa naye?" "I'm sorry"Ndakadaro then she just clicked her tongue mai va Shingi vaye kwakuti,"Aah sorry hako kurikudiwa mwana wechidiki, hakusi kudiwa vanhu vakuru vemizera yenyu.Musikana wacho basa rake mainly kunenge kungori kutamba nekamuzukuru kangu kane 3 years,zvemamwe mabasa epamba pane vamwe aunty vachange vachiuya vopota vachidzokera havo kumba kwavo musi iwowo saka hapana need yemunhu wechikuru." "Hoo,okay,ndapanzwa.Maita basa"Ndakapindura trying so hard not to cry but chokwadi ndechekuti ndaitonzwa kuda kuchema ini.I desperately needed that job and kungofunga kuti i could not have it literally broke my heart."Haa ende zvemuroora wenyu zvakaoma,ko ivo vana Chiremba varikutiiko?"Vakadaro vamwene vangu kuna mai Shingi. Handina kuzomboda kuramba ndakamirapo kwakutooneka ndikafamba ndichienda mumba ndikatanga nekutoita basa sezvo panga pasati paitwa kana chinhu. Ndakaita basa ndikapedza Mama na tete vachingori panze paye vachibva vazouya.Pavakauya pacho ndakasvikonzi na vamwene vangu,"Ko hunhu hwawanga uchindiitira panze apo ndehwei?" "I'm sorry Mama"Ndakadaro kwakuridzirwa tsamwa ndikanzi,"Handizvide!Ende wandibhowa fani!Chokwadi ungauye kuzomisa kamuviri kako kari kusemesa kunge munhu ane chirwere uchidairira nyaya dzevanhu?Wakakwana?!" Mashoko avo vamwene vangu ndakanyatsomanzwa achinyatsondicheka cheka pamoyo pangu,I swallowed painfully ndichida kudzokorodza futi kuvakumbira ruregerero but before i did tete mai Hazvi vakabva vadairirawo vachiti,"Zvakaoma henyu Mama imi.Mhoti ndanyara chekuti pano?Isusu takakura tichiziva kuti panotaurwa nevakuru hatitaure.Taitonomira kure isu kana vakuru vachitaura nyaya dzavo ende taisatombosvika pedo navo tichidairira" "Ko imi vana vangu makakura muine hunhu zve imi?Ndakanyatsokurerai zvakanaka ende hamuna kumbobvira makaita kana dambudziko.Zvino vamwe unotoshaya kuti chiiko?Vakabva kune vanhu here?!" "Zvakaoma aiwa kushaya hunhu kuripo!" "Ahana kana hunhu kani."Vakadaro Mama and tauriro yacho zvaitoita sekunge vaitaura munhu asipo pavari yet ndainge ndiripo.Yakataurwa nyaya yekushaya hunhu kwangu iyoyi ndokubva zvazonzi na Mama,"Ko iwe urikutsvagei mumba memwana wangu iwe?Ndakanzwa kuti wakauya kuno nezvinhu zvako,urikuzvifambisa sei?" "Makanganwa kutaura zvekuti akauya asina kana kumbondisuma"Vakawedzera vachidaro tete zvikanzi na Mama,"Exactly hanzi wakangoita zvekungoyerekana wanyuka sehohwa,kungopinda hako pamba pemwana wangu kunge urikupinda ku public toilet!" "Baba Maka vane 6months vasingauye kumba zvese nekusabhadhara rent Mama"Ndakadaro kwakuzotanga kutsanangura nyaya yangu."Ndakashaya kuti ndoita sei Mama ndosaka ndakazouya kuno,I'm sorry"Ndakadaro then she chuckled zvikanzi,"Hoo nhai saka kuuya kuzoremedza mwana wangu pano ndiyo yawakaona iri solution?" Mubvunzo wavo wakandiremera kudaira kwakuramba ndiri zii zvikanzi,"Ndiri kutaura newe mukadzi wa Partson ndati kuuya kuzoremedza mwana wangu pano ndiyo yawakaona iri solution?" "Ndakashaya kuti ndodii Mama,kupererwa chaiko ndokwakaita kuti ndidai."I said zvikanzi,"Aiwa hawutaureka zvekuti wakashaya kuti wodii?Unogoshaya kuti wodii hauna kumusha here iwewe?Hauna vabereki?Hauna hama?" Ndakaramba ndakanyarara ndichibva ndanzi,"Iwe mukadzi wa Partson ndidaire,ndiri kutaura newe.Ndati hauna hama here?" "Ndinadzo" "Saka manje?Kuuya kuno ndiko kuita sei?Hoo nhai dzako hama haude kuremedza asi mwana wangu pano ndiye wawakavinga kuzoremedza?" "I'm sorry"Ndakadaro zvikanzi,"Aiwa vasikana hatidaro.Mune hama imimi saka haikonai kupa mwana wangu mutoro.Zviri pachena izvi kuti Parti ahachakude,chokwadi ungaite 6 months uchiti murume achauya,achiuya kupi?Ndiko kuparara kwemereji yacho ikoku and kana yapera yapera munhu rova pasi!" "Pamwe akamirira kupihwa gupuro!"Vakadaro tete mai Hazvi zvikanzi na Mama,"Haa gupuro rekuita seiko?Zvemazuvano Murume anogona kutoroorwa mumwe mukadzi ozosara hake opa mukadzi waaive amborinaye gupuro, mazuvano hazvichatomboshamisire izvo!" Handina chandakadaira ndokubva ndanzi,"Uyite uyende kumba kwenyu,infact nhasi chaiye,zvekuremedza mwana wangu pano kwete.Plus icho chakamboita kuti uuye pano chii?Kana wanga wagumirwa stereki wakagodii kuuya kumusha kwangu?Kuuya mumba memwana wangu ndiko kuita sei?Asi wakudawo mukwasha wangu?" "Aiwa Mama"Ndakadaro whilst shaking my head zvikanzi,"Ndimi type dzinozofamba dzichitaura kuti dzakapfimbwa nemukwasha.Handidi hangu muyedzo enda kumba kwenyu nhasi kwete mangwana!" "Ehoi"Ndakadaro misodzi yangu yave kutodonha."Chiitaka unorongedza,haikona kungochema sezvinonzi pafiwa!" Ndakabva ndatobuda panze pegedhi very fast kwakutanga kunyatsochema ndiripo paya and pfungwa dzangu dzakatombofunga offer yamai Melo.Ndanga ndakutoda kuvafonera but before i did Maka akabva abudikira kwava kunditi,"Musacheme Mama"and kungondidaro chete ndakabva ndatowedzera kunyatsochema.She took me into her arms achindibhabhadzira and time idzodzo mai Shingi vaye vakabva vatobudikirawo,"What's wrong?"Vakasvika vachingodaro mai Shingi vaye looking a bit worried ndichibva ndavati,"Ko mwana wangu uyu hazviite here kuti mumupe basa racho?Ane 16 years akatopedza kunyora form 4 yake nezuro!" End of chapter.
Next chapter mangwana nhasi ndati nonokei,ndichitori munzira kubva kubasa.
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Impelled Written by Fine Wine ๐ท +263787041944 Chapter 3 Nokutenda Time dzakabuda tete ndakasara ndichiisirwa message namai Melody vachinditi,"Masvika zvakanaka here mai Maka?Zvese zviri right?" "Tasvika hedu but pakaipa mai Melo"I responded ndichidaro mai Melo wacho achibva atondifonera ipapo ipapo,"Chii mai Maka?Waitwa sei namai Hazvi?"Vakabvunza and from the way she sounded vaitonzwika kuti vainyatsoda kutsanangurirwa zvizere.However ndakatya kuvatsanangurira sezvo ndaitya kuti tete vaigona kundisvikira ndichitaura navo.Ndakatomboda kubuda panze kuti ndinyatsotaura navo but ndakaona zvisingaite ndichibva ndatodairira pasi ndichiti,"Ndozokufonerai mai Melo"ivo vacho kwakuti,"Iribho"vachibva va cutter. Ndakasara ndichitura mafemo after the call uku mumusoro mangu ndave busy kupishana nepfungwa ndichizvibvunza kuti ndanga ndiri kuzodii.Tete mai Hazvi vanga vanyatsoratidza kuti vanga vasiri kutombondida havo pamba pavo and izvozvo zvaitoreva zvega kuti ndaitofanira kupabva. "Ndoenda kumusha kune vabereki vangu?"Ndakapindwa nekapfungwa kaindidaro. Kuenda ikoko kwaitozopa vabereki vangu mibvunzo and kutaura chokwadi ndaisatomboda zvekuvanetsa."Ko ukaenda kwa sisi Natsai?"Ndakapindwa zvekare nekamwe kapfungwa kaindidaro.She was my big sister and vanga vakanyatsoroorwa zvakanaka hupenyu hwavo huchitoendeka. "Ukaenda ikoko hauzovaremedze here?"Ndakanzwa kamubvunzo kakaita mawungira munzeve dzangu kachindibvunza kudaro.My head was already spinning with confusion and my mind was already lost pandakazoita zvekunzwa Maka achindigumha gumha pa shoulder rangu achinditi,"Mama imi!" "Hmmm?"Ndakadaira ndichiita kakuvhundikira zvikanzi,"Hanzi huyai mudye,chikafu chaita." "Okay"I responded ndichidaro zvikanzi,"Tiri kudyira ku kitchen" "Okay I'm coming"I answered iye kwakufamba achienda ku kitchen kuye inini ndichibva ndazoteverawo.Ndakasvika vanhu vatogara vave kutodya ndichibva ndanzi na tete,"Kunonoka kuuya kuzodya hanzii?Asi makaguta?" "Aiwa tete handina"Ndakadaro nekukasika zvikanzi,"Aah hoo?Ndanga ndaona manonoka"ndichibva ndagara pasi ndakazvininipisa kwakutanga kudya.Nzara ndanga ndiinayo but ndainzwa moyo wangu kusviba ini saka ndakatadza kuripedza kwakungoti nyobvo nyobvo kwakutosiya. "Hezvo kuguta here uku?"Vakadaro tete vachikanuka ndichibva ndagutsurira musoro wangu in agreement then added on ndichiti,"Handina kana appetite ini tete"ivo kwakurovanisa maoko avo vachiridza chikwee zvikanzi,"Zvaunondishura nhaiwe mukadzi wa Partson?Chokwadi unganyobvore nyobvore chikafu chandakupa segonzo kwakutongosiya hako?Ko kana wanga wakaguta wagodii kutaura pane kundisiya ndichibika nechako?" "Sorry yi zvenyu tete"Ndakadaro munhu kwakuridza tsamwa zvikanzi,"Sorry yi tete sorry yi tete kuita sei kwacho?Wauya pano uchichema iwewe uchiti Parti akapedzisira kubhadhara rent kare zvese nekutenga chikafu iyezvi ndakukupa chikafu wakungonyobvora nyobvora hako wosiya!Handiti ipapa zvawachibata bata chasara kuti chikandwe mu bin?Ndakutoona kuti ndosaka Parti angoti zii pada akatonetawo nazvo izvozvo zvekuti aitenga chikafu chichiraswa!" Vakatanga kufemera padenga nehasha then added on vachiti,"Zvekurasa chikafu munozviitira kumwe kwete pamba pangu,handisikuda hangu kunetsana newe mukadzi wa Partson kasika hako kupedza chikafu ichocho!" "Ehoi tete"Ndakadaro and zveshuwa ndakachidya chikafu ichocho ndisingade ndichida.Even ndachidya kudaro havana kumbomira kupopota, padiki padiki waingovanzwa vachiridza tsamwa nyaya iya yotangidzwa futi. Panguva dzekurara ndakazoenda kuroom yeku garadge yandaive ndagadzirirwa,uyuwo Maka akasara achirara na Hazvi ku room kwake saka ndakazongoenda ndega.Pandakasvika ikoko ndakatanga nekufonera mai Melo but foni yacho yakabva yatondiudza zvayo zvekuti i had insufficient credit to make the call. Ndakazoguma ndavaisira please call me back vachibva vatofonawo ipapo ipapo,"Mai Maka" "Murisei mai Melo" "I'm worried about you mai Maka, chii chiri kuitika ikoko?"Vakabvunza ndichibva ndatanga kuvatsanangurira zvese. "Haa pakaipa ende mai Hazvi ahana kana mukanwa,ane moyo wakaipa mukadzi uya!"Vakadaro ndikati,"Zvakaoma mai Melo apa Parti wacho kana kumbobatika zvake!" "Haa kutaura chokwadi murume wako zvekubatika kwake itokanganwa sahwira.Ndakakuudza paya kuti zvemurume wako kanganwa but waingoramba hako uchiita nharo,izvezvi hona!" Handina kumbodaira and by that time i was already sniffing.Zveshuwa vaitogara vachindiudza mai Melo but chokwadi ndechekuti i didn't even want to accept zvavaindiudza. "Handiti dai paya wakabvuma hako Peter utori pari nani!"Vakadaro mai Melo.Peter wacho airehwa yanga iri shamwari yechikomba cha mai Melo chainzi Norman.Peter wacho raive rino zidhara ranga riine zidumbu raibva pano kusvika uko and zvainzi ane mari.Aive atomboita nguva achindinetsa but ndaingomuramba ndichimupa reason yekuti ndanga ndiine murume iye achiti zvanga zvisina basa nekuti anga ainewo mukadzi wake. "Kana uchida ndogona kutaura naye Peter,I'm sure he's still interested and ahambokushairei plan"Vakadaro mai Melo ndichibva ndakasika kuti,"Aiwa mai Melo rega hako zviri nani ndiende hangu kumusha,zvevarume vevanhu inini hangu kwete!" I heard her chuckle on the other end of the line zvikanzi,"Wati chii mai Maka?Wati zviri nani kuenda kupi?" "Kumusha"I responded zvikanzi,"Ende mai Maka so kah?Kutaura chokwadi hausitombori serious.Unomboziva kuti uri mukadzi musvinu here iwewe?Chokwadi mwana mudiki ane 32 years anenge iwewe ungatotaura zvekuti zviri nani uyende kumusha?Iko kumusha kwacho urikuda kunonobatana nei?Kuda kunowuraya hako vabereki ne BP votanga kufunga kuti mereji yemwana wavo yaparara?" I did not respond then she carried on vachiti,"Zvauri kutaura izvo zvekuti haudanane nevarume vevanhu ritori drama.Ingawani wako arikungodananwa naye wani." "Iii mai Melo!"I complained ndichidaro feeling her words hit me deep then she went on vachiti,"Ndinozviziva kuti zvinorwadza hazvo kunzwa but ndicho chokwadi.Zii zii yemurume wako iyi zvitori pachena kuti akudanana nemumwe mukadzi and mukadzi wacho anotozviziva kuti iwewe uriko.Inini chaiye baba Melo ndiri kutozviziva kuti akudanana nemumwe mukadzi who obviously knows about me,saka inini chinganditadzisewo kudanana newemumwe mukadzi chii?" Handina zvekare kuvadaira ndokubva zvanzi,"Shuwa ungatonzwira tsitsi mukadzi wemumwe murume iye wako asinganzwirwe tsitsi?Ukada kuita moyo mutete mazuvano unochema ndiwe shamwari!" "Pakaipa"Ndakazongodaro ndatoshaya kana neremuromo zvikanzi,"Imbonyatsofunga nezva Peter mai Maka,anokuda uya and kungomuudza kuti wakuda madhiri naye unoswera wapinda muhupfu iwe ukagarika zvekuti tinokushaya!" "Horaiti mai Melo tozotaura"Ndakadaro vachibva vazo cutter foni.Ndainge ndangovati tozotaura hedu kuti zvingodarika otherwise handina hangu zvandanga ndiri kuzotaura navo nekuti zva Peter wavo ndaisatombozvida and i wasn't going to change my mind. Ndakabva ndazorara though hope dzacho dzaitonetsa hadzo kubata, one ndaiti stress two koti futi smell yehuku yaive yakavharira mandairara zvekuti maisamborarika.Hameno kuti dzakazondibata sei hope dzacho asi ndakazongoona kunze kwayedza kwakunzwa voice ra Mama va Partson richiti,"Ndimo maakarara umu murikunzwika kunhuwa ma dororo ehuku tichiri ku door?" "Ehe ndimo"Ndakanzwa mai Hazvi vachidaro Mama vacho kwava kukanuka vachiti,"Yowee handifunge kuti ndokwanisa kumupinda ini!" "Mirai henyu panze ndimushevedze"Vakadaro mai Hazvi and the next thing ndakabva ndadeedzwa ndichinzi,"Mai Maka!" "Mamukasei tete"Ndakadaro zvikanzi,"Mushe,Mama vauya, varipanze apo varikuda kukuonai"Vakadaro nekutobuda ndichibva ndazotevera.Ndakabuda panze paye and ndakawana vave 3 nemumwe mukadzi wechikuru anga angori mazera amai va Partson mukadzi uya achiti,"Zvakaoma kani mai Chikengezha pamukadzi wa Shingi tatongomirira zuva nenguva nekuti kutaura chokwadi chaicho raramo hapasisina!" "Musataure muchidaro kani mai Shingi!"Vakadaro vamwene vangu vachibata muromo wavo zviya zvekuratidza kubatikana ivo mai Shingi vaye kwava kuti,"Zvakaoma, haiite kani cancer yacho.Izvezvi ahatarisike kana kaviri, aita kupera muroora wangu. Kuita kudyiwa dyiwa hake ne iyo cancer!" "Chirega kudaro kani mai Shingi!"Vamwene vangu vakadaro mai shingi vaye kwakuzunguza musoro wavo zvikanzi,"Kumusha kwamabva hakuna vasikana vechidiki vane hunhu vangade basa remumba?Mukadzi wa Shingi akutsvaga maid,waaive naye akaenda ndofunga akakurirwawo ne situation yehurwere hwemuroora wangu saka tirikutoda mumwe anonyatsogona zvemwana preferably maid wechidiki chaiye anogona kutamba nemwana." "Inini,ndorida hangu basa racho!"Ndakangoyerekana ndadaro ndichifamba ndichienda mudhuze navo vese vachibva vacheuka kwakuisa maziso avo kwandaive. End of chapter.
Wedzerai ma reactions, next chapter loading.......๐ฅฐ
Impelled https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Written by Fine Wine ๐ท +263787041944 Chapter 2 Nokutenda "Zvichiita here nhai mai Melo?Hazvisi zvinenge zvakangonaka kuti nditange ndavaudza zviripo ndisati ndatanga nekungotutana nezvinhu?"Ndakadaro kuna mai Melo zvikanzi,"Aiwa hazvibude,usaite kunge usingazive vanhu vatema iwe, munhu ukangomuudza chete kuti waita problem ahashaye chekukuudza ingoenda chete iwewe"Honestly ndaiwona zvisingaite ini kungoenda just like that, however on the other hand ndaiona futi zvavaitaura mai Melody zviine musoro.Plus futi ne character ya tete mai Hazvi yandaiziva i was more than sure kuti kungotanga ndavaudza kwaigona kuita kuti varambe kuti ndiuye chete. "Horaiti rega ndingoenda kwacho."Ndakadaro kuna mai Melo zvikanzi,"Hauchiona manje kuti wave kufunga?Rega titosvaga munhu we transport ndiwane kubhadhara."Takabva tatotsvaga munhu wacho we transport tika loader zvinhu zvese mai Melody vakabhadhara.Ndakaita sendichavananzva tsoka pavakabhadhara pacho nekuvatenda kusvikira vazonditi,"Zvakwana kani mai Maka chokwadi ungabva wanyanya kunditenda kudaro here nhai veduwe! That's what friends are for vanobatsirana pazvinenge zvaoma,hazvitendwi izvi Sahwi." Takabva tazopinda munzira tichienda kuMabvuku kwa tete mai Hazvi.Ndanga ndisina kana kugadzikana ndichitadza chero kugarisika.I couldn't stop imagining reaction yaizoitwa navo tete pavaizotiona and ma images aiwuya mumusoro mangu aisatomboita zvachose. "Imi mother imi!?"Ndakazovhunduka ndonzwarwo na driver we rori rataive naro and deedzero yacho yaakandiita zvaitoratidza kuti munhu anga atone nguva achindisheedza,"Hmm?"I answered ndichidaro zvikanzi,"Ndati tiri kufamba sei?Ndokumbirawo ma directions ekwatiri kuenda." Ndakabva ndazotanga kumupa ma directions aye until tasvika kwa tete kuye.Pamba pavo tete panga pasina durahall and time dzatakasvika takavaona vakatogara pa verandah nemwana wavo Hazvi.Vakaratidza kushamisika time dzavakaona rori ranga rine dutu rezvinhu richisvika pamba pavo. Ndakazoburuka mu rori muye and ndakangoti ndichiburuka tete vachibva vabudawo gedhi vachiuya ku rori kuye kwakusvika vachiti,"Ayizve ko ndimi?Ipapa ndanga ndatoti pada vanhu varasika pamba pavarikuda kunogara!" "Aiwa tete ndisu."Ndakadaro smiling faintly zvikanzi,"Heya?"ndokubva vatarisa ku rori kwaive nezvinhu kwakuzodzosa maziso avo kwandiri vachinditarisa zvikanzi,"Kwakanaka? ko hanzii ne property yamakazadza mumota?" Ndakatanga ndatura mafemo kwakuzoti,"Hakuna kumbonaka uku tete baba Maka vane 6 months vasiri kubhadhara rent saka taburitsirwa zvinhu panze"i went on to explain zvese zvanga zvaitika and time dzandakapedza kutaura vakatanga kurovanisa maoko avo then exclaimed vachiti,"Mashura angu!"kwakuyenderera mberi vachiti,"So in other words urikundiudza kuti wauya kuzogara pano nhai muroora?" Mashoko akaramba kubuda kubva mumuromo wangu ndichibva ndadaira nekugutsurira musoro wangu ndichibvumira zvikanzi,"Yuwii nekuti ndini ndakaita sei nhaiwe mukadzi wa Partson?Chokwadi nezariro yakaita vanhu vekwa Chikengezha wabva wangonangana neni nekuti zvaita sei?Haundishure here nhaiwe mai Maka?"Ipapo tone ye voice ravaitoshandisa tete zvaitoratidza kuti vanga vato beeper and ndakatadza kana kuvadaira."Mother ngatiiteika tiburitse zvinhu ndine rimwe basa randirikuda kunoita"Akadaro driver wataive tawuya naye zvikanzi na tete,"Kuzviburitsa zvichienda kupi?Kana muri mumba mangu mamurikuda kuti zviiswe itokanganwai henyu nekuti hamutomborina space yacho!" "Tete please"Ndakadaro begging her ndatopfugama ndave kutochema,"Hapana chaunomboti tete please tete please apa,chokwadi ungangotute zvinhu uchiuya nazvo pano usina kana kutanga wanzwa kuti ndirikuda kuti uuye nazvo here,chokwadi kuita here ikoko?" "Kutopererwa ndiko kwaita kuti ndidai tete,ndiregereiwo ndakanganisa."Ndakadaro sniffing ndakazvininipisa vachibva vangoridza tsamwa."Mother ndirikuda kuenda ini!"Akadaro driver and ipapo voice rake raive ronzwika kuti anga ave kutosvotwa nezvayiitika. "Tete zvinhu zvoiswa pai?"Ndakabvunza zvekutoshinga chaizvo with my fingers crossed sezvo ndaitotya kudirwa rough,"Ngazviiswe mu garage umo mandinoshandisa sechikwere chehuku, sezvandambotaura mumba mangu hamuna space"Vakadaro vachitonongedzera mu garage macho,"Maita basa tete"Ndakadaro feeling so relieved,ivo vacho did not respond but handina kumboita basa nazvo kwakutotanga kubatsirana na Maka zvese na driver kurongedza zvinhu zviya.Uyuwo Hazvi mwana wa tete akazotangawo kutibatsira and nenguva diki taive tatopedza. Driver akazoenda tikasara topinda mumba umo mandaitozeza hangu kupinda.Time dzatakapindamo tete mai Hazvi vaive pa phone vachitaura vachiti,"Mhai kubatana kuya nema hipisi aya hazvisisipo,chero ganda rake riya rekutsvedzerera nekunaka manhingi raita kukwasharara,zviri kutoratidza kuti rane mwedzi yakati ooh risiri kuzorwa mafuta!Munouya mangwana mozvionera henyu pamhino sefodya!" "Ehoi tinowonana."Vakazopedzisa vachidaro then hung up the call.Ndakatura mafemo and for some reason i felt as if munhu aitaurwa nezvangu pa foni ipapo aiva inini. "Zvaita?"Vakadaro tete and i quickly responded whilst faking a smile ndichiti,"Ehe zvaita tete,maita basa"Vaida kutaura something but vakazotanga vatarisa kwanga kuina Maka na Hazvi ndokubva vati kuna Maka,"Aah mhoroi kani mainini ko ndambenge ndambokuonai here?Muriseiko Manjenje?" "Ndiri right tete makadii henyu?"Akadaira achidaro Maka vachibva vayenderera mberi nekumubvunza nezvema exams ake ekuchikoro."Hazvi enda unobatsirana namai vako kubika ava,wongobikawo poto yakati kurei handiti urikuona kuti miromo yevanhu varikuda kudya yawedzera!"Vakadaro tete and last part yavo vakaitaura vachiita kuminyura muromo wavo zviya zvekutoratidza kusvotwa. Takasara tiri two na tete then cleared her throat kwava kunditi,"Mai Maka." "Tete." "Ndirikuda kuti undiudze chokwadi na Partson hamuna kurambana here kana kunetsena nekuti Parti wandinoziva nediro yaanokuita ahangamboite 6 months asina kubhadhara rent zvese nekutenga chikafu,nyatsondiudza chokwadi."Vakadaro tete ndikati,"Hatina isu tete"and by that time ndaive ndakutonzwa misodzi ichiita kamwe kakuvavira so mumaziso angu.My mind had suddenly gone back kumazuva andaive ndichangobva kutizira kuna Partson.Anga akandimitisa ndine 16 years ndichiri form 4 achibva atondibvisira mari kumba kwedu. Handidi kunyeba ndaidiwa,and hapana chandaisayitirwa waingova muromo mumwechete munhu otondiitira chese chandinenge ndada.He was the best husband and ndanga ndisina kana anything chandaishoora paari.Aive azongochinja 6 months back and ndaizama kutsvaga chaive chakonzeresa ndichichishaya. Pfungwa dzangu dzainditi pamwe anga aine imwe mhuri sezvo ndanga ndisina kuzombomuitira mumwe mwana wechi 2. Iye ndiye anga akatonditi ndirege kuita mumwe mwana wechi2 nekuti pandakazvara Maka ndakaitwa operation yakapotsa yandiwura achibva atoti ndirege kuita mumwe wechi2. "Shuwa here?"Vakadaro tete mai Hazvi vakanyatsonditarisa mumaziso zviya zvekuratidza kuti vaisambozvitenda zvandaitaura."Shuwa tete."Ndakapindura ndichidaro vachibva vati,"Haa ende zvakaoma!" Vakambonyarara then added on vachiti,"Asi iwewewo mai Maka ungazosvika pakuburitsirwa zvinhu panze chirudzii, saka uri kureva kuti haunawo kana kabasa kemaoko kwawaiita waingochengetwa nemurume?Chokwadi mukore uno kuchaitwa izvozvo zvekuti mukadzi unongomirira kuchengetwa nemurume iwe wakangoti gozo kugara?" "Ndayiita ma part time tete, mari yandaiwana ikoko ndiyo yandaishandisa kutenga chikafu chataidya na Maka"Ndakadaira ndokubva vazunguza musoro wavo kwava kuti,"Haa zvakaoma!"then added on vachiti,"Saka apa plan yako ndeyei?Kuuya kwawaita pano kutouya kuzogara here kana kuti urikutopfuurirawo hako uchienda kumwe kwauri kuenda?" Mubvunzo wavo wakandiremera kuvapindura saka ndakaramba ndakanyarara ndakangotsikitsira zvikanzi,"I hope hamuna henyu kuuya kutozogara zvachose nekuti inini hangu chikafu chekupa mimwe miromo miviri handina.I hope ndezvezuva rimwe or maviri chete moitawo imwe plan!" "Tiri kunzwanana here mai Maka?"Vakadaro ne voice ranga riri padenga ndofunga vaona ndaramba ndakanyarara ndichibva ndakasika kudaira ndichiti,"Ehe tete ndazvinzwa"zvikanzi,"Munodairawo zve tinzwe kurerukirwa!" "Sorry yi tete"I responded zvikanzi,"Regai ndimboona kuti vasikana varikubika seiko ku kitchen uko!"kwakutosimuka vakafamba vachienda ikoko. End of chapter
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Impelled Written by Fine Wine ๐ท +263787041944 Chapter 1 "Nhaiwe Dani handei mhani!"Ndakadaro impatiently at the same time feeling so agitated ndichideedzera kuna Danai shamwari yangu uyo wandaive ndasobvirira kare kare ndichiwudza kuti tichienda asi munhu wacho asina kana action yaayiita zvake."Aah nhai Maka uri kuda kuti timhanyire kupiko?Handiti tapedza mazama nhasi here plus ndiro last day tiri pachikoro,mira timbowonekana nevamwe vedu amana!" Actually taive tichangopedza kunyora last exam redu re form4 and ndiro raive zuva redu rekupedzisira tiripo pachikoro zveshuwa.Ma students mazhinji aifarisa doing all sorts of things se way yekuonekedzana nechikoro,zvino manje inini ndaisatomboda hangu zvese izvozvo.Ndaitoda kuenda kumba kunonyatsorara ndombonyatsozvizorodza ndichinyatsokavhira pemazuva ese pandainonoka kurara ndakasvinura ndiri busy kuverenga semunhu aisada kufoira. "Kana uchirikuda hako zvepano unogona kusara ini ndakuenda ini."Ndakamudaro Dani zvikanzi,"Horaiti enda hako ndozokubata pafoni." "Iribho"I responded ndave kutofamba kuti ndichitoenda but ndisati ndafamba zvinoenda kure akabva ati,"Kana kuti mira tiende tese horaiti." "Ko wazofungei?Hauchade kusara?"Ndakamubvunza zvikanzi,"Aah ndazoona kuti kuzofamba ndega kunozobhowa handei hedu tese." "Haa ende iwewe so!"Ndakadaro ndichizunguza musoro wangu ndichitoseka.Takapinda munzira kuenda kumba and Danai akazenge oda kutanga discussion ye exam ratanga tabva mukunyora ndichibva ndatomupa stop sign neruoko rwangu then added on ndichiti,"Vasikana ibvai matonyarara henyu nyaya idzodzo,handisikuda hangu kudzinzwa, zvekupihwa stress bodo!." She laughed zvikanzi,"But zveku discusser exam zvakanaka manje,at least munhu unogara woziva pawumire and panozobuda ma results unenge uchiziva zvekutarisira you won't be surprised." "Haa inini hangu handizvide i will cross the bridge when i get there!"I said ndichiseka kwakutochinja nyaya.Nyaya dzacho dzaitsva zvekuti handina kumboona kuti tasvika sei kumaraini kwataigara kwakuzovhunduka after Danai frowned achiti,"Hezvo kasi Murikuda kutama?" "Kutama?"I responded frowning ndichitarisa direction yekumba kwedu uko kwaive kwakaiswawo maziso na Danai.Pandakatarisa kuye ndakarohwa ne confusion ndichiona property yemumba medu yese yakazara kunze kwegedhi.Mama vangu vanga vasina kumbobvira vataura zvekuti tanga tiri kutama saka ndakatoshayawo kuti zvainyatsofamba sei. Ndakabva ndatowedzera pace yandaifamba nayo ndichimhanya kuye kwakusvika Mama vangu vari busy kutaura pafoni vachiti,"Huya mai Melo,handisi kutoziva kuti ndonanga kupi izvezvi mai Mutema vasiya vaburitsa zvinhu zvangu zvese panze and handisi kutoziva kuti ndonanga kupi,foni ya Partson haisi kuita." Ndakanzwa muviri wangu wese kupera simba pandakanzwa Mama vachidaro,ndaive ndatobatanidza ndega ndatoona zvayitika zvacho.Dzanga dzatove 6 months zvichinzi daddy vangu vanga vasiri kubhadhara rent.Nguva zhinji vaisambouya kumba nekuda kwebasa ravo reku driver ma trucks ravayiyita so it kept him away from home.Mari ye rent ndivo vaisimboibhadhara directly mu account yevaridzi vemba vepamba patairoja but landlord akazongotanga kupa ma complains ekuti mari iya yaive yazongorega kubhadharwa na ivo daddy. Chero chikafu chaicho daddy vaive vasisatumire sezvavaisimboita kare takungopona nekupihwa namai Melody avo vaive shamwari yaMama pamwe pacho vachitomborova ma part time mudzimba dzevanhu."Horaiti ndokuona wasvika."Vakazopedzisa vachidaro conversation ravo Mama pa foni speaking with a literally breaking tone uku maziso avo atotsvuka nemisodzi. "Mama!"Ndakavadaro vachangopedza call yavo ndichienda pamberi pavo,"Hesi Maka."Vakadaro faking a smile then added on vachiti,"Ranga riri sei exam?" Instead of responding to what she had asked ndakabva ndavati,"Asi taburitsirwa zvinhu panze?"Vakadaira nekugutsurira musoro wavo uku vakarumanisa mazino avo zviya zvemunhu aizvidzora kuti asacheme ndokubva vadaira Dani uyo aive avamhoresa vachimuti,"Mushe urisei Danai mwanangu,ndimi mabveko kumazama." "Ehe tisu hedu Mama."Akadaira achidaro Danai wacho and Mama havana kuzopindura.Vaive vangonyarara whilst staring into space and i didn't need to be told that musoro wavo waive wopishana nepfungwa nekuti wangu musoro waitopishanawo nadzo. I couldn't stop asking myself kuti zvazvadai tanga tiri kuzodii?Tanga tiri kuzoenda kupi uye tichishandisa chii futi because as far as i was concerned panga pasina kana cent nekuti Mama vangu vaingowana ma $1 or ma$2 chete pavaiita ma part time avo."Ndakuenda kumba Maka"I was interrupted from my thoughts pazvakanzwarwo na Danai ndichibva ndaita kakuvhundikira ndokubva ndamuti,"Horaiti iribho"achibva atofamba achienda. Takasara tingori tuzu na Mama vangu pasina aitaura nemumwe kusvikira nguva dzakazosvika mai Melody shamwari ya Mama vangu vachiti,"Hezvo nhaiwe Noku wanga uri kutorevesa?Waburutsirwa zvinhu panze zveshuwa?Ende mai Mutema havadaro!" Kungonzwarwo chete Mama vakabva vatanga kukwetsura mhere and kungovaona vachichema kudaro Mama kwakaita kuti maziso angu atangewo kuvavira nayo misodzi.Mai Melody vakatura mafemo kwakunombundira Mama vangu vachivati,"Aiwa Noku haikona kudaro,uri munhu mukuru iwewe tarisa uone Maka akutochemawo uyu." Havana kunyarara Mama vaye kwakutanga kupfikura vachiti,"Ndakamutadzira chii inini Partson?Ndakamutadzira chii?Ndizvo zvaakanditorera kubva kumba kwedu zvekuti angonditambudza so?Chokwadi munhu angaite 6 months asina kana kutumira mari yerent on top of that asingatenge futi chikafu chekuti tidye?Foni yake ndikamufonera dzimwe nguva ahatombondidaire and pamwe pacho haitombopinde chokwadi ndingati ndine murume pakadaro?Handiti kana munhu akusandida anotaura zvakanaka ndodzokera hangu kumba kwedu?Izvezvi ndaburitsirwa zvinhu panze,ndichaita sei?" "Haa pakaipa,saka phone yake haisi kutopinda?"Vakabvunza mai Melody vachiratidza kutopererwa zvikanzi na Mama,"Haisi iyi"then added on vachiti,"Ko madii mambozama ya baba Melo maybe vari pamwechete and......." Vakadimburwa vasati vatombopedza kutaura Mama vangu namai Melo vachinzi,"Iwe Noku kah,asi uri kukanganwa kuti baba Melo akangondinyararirawo about 7 months ago?Handitaure naye ini and ndiri kuita zve life yangu isinei naye!" "Mai Melo please."Mama begged her vachidaro whilst sniffing vakanzi,"Haa izvo no Noku,handisikuita izvozvo infact number dzake baba Melo mufoni mangu handisisina."Actually daddy vangu nemurume wamai Melody vaive ma friends and vese vaiitawo zveku driver ma trucks vachishandira company one yanga iri based ku South Africa. "Unoramba uchimufonera baba Maka I'm very shuwa kuti phone yake ichazongopinda chete."Vakadaro mai Melo zvikanzi na Mama,"Kupinda rinhi?Ko ikatora week kana gore rese isiri kupinda ndinenge ndichimbogara pai pese apa?Chokwadi ndogara mu street inini manje?" "Haa mu street hauzogari hako Noku,izvozvo hazviite.Handiti ane hanzvadzi yake iya irimuno mu Harare?Iwudze zviripo uyende ikoko!"Said mai Melo zvikanzi na Mama,"Mai Hazvi?" "Ehe,handiti ndivo wavaiti vanogara kuMabvuku?" "Ehe ndivo."Said Mama zvikanzi namai Melo,"Wotoenda hako ikoko mai Maka,dai ndati uwuye kwangu but manje zvinonetsa nekuti uyuyu....wangu anenge achida kuzowuyawo and it might make you guys uncomfortable saka ndingatokupa hangu mari yekuti mubhadhare mota inokuyendesai kuMabvuku kwacho." "Hii ende waita basa mai Melo!"Vakadaro Mama vakanzi,"Haa uchitendei?Chifonera tete vacho uvaudze kuti urikuuya,usazotaure zvekuti waburitsirwa zvinhu panze nekuti unogona kuzongotanga kupihwa ma excuses,ingoti uri kuuya ikoko nemwana chete zvizhinji vanozongozvionera masvika!" End of chapter.
Loadingโฆโฆ..Today manheru Impelled meaning: Being forced to do what you do not want.
New book loading mune vanhu here muno ๐ฅฐ