FineWine's Books
February 2, 2025 at 05:43 PM
Impelled https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Written by Fine Wine 🍷 +263787041944 Chapter 2 Nokutenda "Zvichiita here nhai mai Melo?Hazvisi zvinenge zvakangonaka kuti nditange ndavaudza zviripo ndisati ndatanga nekungotutana nezvinhu?"Ndakadaro kuna mai Melo zvikanzi,"Aiwa hazvibude,usaite kunge usingazive vanhu vatema iwe, munhu ukangomuudza chete kuti waita problem ahashaye chekukuudza ingoenda chete iwewe"Honestly ndaiwona zvisingaite ini kungoenda just like that, however on the other hand ndaiona futi zvavaitaura mai Melody zviine musoro.Plus futi ne character ya tete mai Hazvi yandaiziva i was more than sure kuti kungotanga ndavaudza kwaigona kuita kuti varambe kuti ndiuye chete. "Horaiti rega ndingoenda kwacho."Ndakadaro kuna mai Melo zvikanzi,"Hauchiona manje kuti wave kufunga?Rega titosvaga munhu we transport ndiwane kubhadhara."Takabva tatotsvaga munhu wacho we transport tika loader zvinhu zvese mai Melody vakabhadhara.Ndakaita sendichavananzva tsoka pavakabhadhara pacho nekuvatenda kusvikira vazonditi,"Zvakwana kani mai Maka chokwadi ungabva wanyanya kunditenda kudaro here nhai veduwe! That's what friends are for vanobatsirana pazvinenge zvaoma,hazvitendwi izvi Sahwi." Takabva tazopinda munzira tichienda kuMabvuku kwa tete mai Hazvi.Ndanga ndisina kana kugadzikana ndichitadza chero kugarisika.I couldn't stop imagining reaction yaizoitwa navo tete pavaizotiona and ma images aiwuya mumusoro mangu aisatomboita zvachose. "Imi mother imi!?"Ndakazovhunduka ndonzwarwo na driver we rori rataive naro and deedzero yacho yaakandiita zvaitoratidza kuti munhu anga atone nguva achindisheedza,"Hmm?"I answered ndichidaro zvikanzi,"Ndati tiri kufamba sei?Ndokumbirawo ma directions ekwatiri kuenda." Ndakabva ndazotanga kumupa ma directions aye until tasvika kwa tete kuye.Pamba pavo tete panga pasina durahall and time dzatakasvika takavaona vakatogara pa verandah nemwana wavo Hazvi.Vakaratidza kushamisika time dzavakaona rori ranga rine dutu rezvinhu richisvika pamba pavo. Ndakazoburuka mu rori muye and ndakangoti ndichiburuka tete vachibva vabudawo gedhi vachiuya ku rori kuye kwakusvika vachiti,"Ayizve ko ndimi?Ipapa ndanga ndatoti pada vanhu varasika pamba pavarikuda kunogara!" "Aiwa tete ndisu."Ndakadaro smiling faintly zvikanzi,"Heya?"ndokubva vatarisa ku rori kwaive nezvinhu kwakuzodzosa maziso avo kwandiri vachinditarisa zvikanzi,"Kwakanaka? ko hanzii ne property yamakazadza mumota?" Ndakatanga ndatura mafemo kwakuzoti,"Hakuna kumbonaka uku tete baba Maka vane 6 months vasiri kubhadhara rent saka taburitsirwa zvinhu panze"i went on to explain zvese zvanga zvaitika and time dzandakapedza kutaura vakatanga kurovanisa maoko avo then exclaimed vachiti,"Mashura angu!"kwakuyenderera mberi vachiti,"So in other words urikundiudza kuti wauya kuzogara pano nhai muroora?" Mashoko akaramba kubuda kubva mumuromo wangu ndichibva ndadaira nekugutsurira musoro wangu ndichibvumira zvikanzi,"Yuwii nekuti ndini ndakaita sei nhaiwe mukadzi wa Partson?Chokwadi nezariro yakaita vanhu vekwa Chikengezha wabva wangonangana neni nekuti zvaita sei?Haundishure here nhaiwe mai Maka?"Ipapo tone ye voice ravaitoshandisa tete zvaitoratidza kuti vanga vato beeper and ndakatadza kana kuvadaira."Mother ngatiiteika tiburitse zvinhu ndine rimwe basa randirikuda kunoita"Akadaro driver wataive tawuya naye zvikanzi na tete,"Kuzviburitsa zvichienda kupi?Kana muri mumba mangu mamurikuda kuti zviiswe itokanganwai henyu nekuti hamutomborina space yacho!" "Tete please"Ndakadaro begging her ndatopfugama ndave kutochema,"Hapana chaunomboti tete please tete please apa,chokwadi ungangotute zvinhu uchiuya nazvo pano usina kana kutanga wanzwa kuti ndirikuda kuti uuye nazvo here,chokwadi kuita here ikoko?" "Kutopererwa ndiko kwaita kuti ndidai tete,ndiregereiwo ndakanganisa."Ndakadaro sniffing ndakazvininipisa vachibva vangoridza tsamwa."Mother ndirikuda kuenda ini!"Akadaro driver and ipapo voice rake raive ronzwika kuti anga ave kutosvotwa nezvayiitika. "Tete zvinhu zvoiswa pai?"Ndakabvunza zvekutoshinga chaizvo with my fingers crossed sezvo ndaitotya kudirwa rough,"Ngazviiswe mu garage umo mandinoshandisa sechikwere chehuku, sezvandambotaura mumba mangu hamuna space"Vakadaro vachitonongedzera mu garage macho,"Maita basa tete"Ndakadaro feeling so relieved,ivo vacho did not respond but handina kumboita basa nazvo kwakutotanga kubatsirana na Maka zvese na driver kurongedza zvinhu zviya.Uyuwo Hazvi mwana wa tete akazotangawo kutibatsira and nenguva diki taive tatopedza. Driver akazoenda tikasara topinda mumba umo mandaitozeza hangu kupinda.Time dzatakapindamo tete mai Hazvi vaive pa phone vachitaura vachiti,"Mhai kubatana kuya nema hipisi aya hazvisisipo,chero ganda rake riya rekutsvedzerera nekunaka manhingi raita kukwasharara,zviri kutoratidza kuti rane mwedzi yakati ooh risiri kuzorwa mafuta!Munouya mangwana mozvionera henyu pamhino sefodya!" "Ehoi tinowonana."Vakazopedzisa vachidaro then hung up the call.Ndakatura mafemo and for some reason i felt as if munhu aitaurwa nezvangu pa foni ipapo aiva inini. "Zvaita?"Vakadaro tete and i quickly responded whilst faking a smile ndichiti,"Ehe zvaita tete,maita basa"Vaida kutaura something but vakazotanga vatarisa kwanga kuina Maka na Hazvi ndokubva vati kuna Maka,"Aah mhoroi kani mainini ko ndambenge ndambokuonai here?Muriseiko Manjenje?" "Ndiri right tete makadii henyu?"Akadaira achidaro Maka vachibva vayenderera mberi nekumubvunza nezvema exams ake ekuchikoro."Hazvi enda unobatsirana namai vako kubika ava,wongobikawo poto yakati kurei handiti urikuona kuti miromo yevanhu varikuda kudya yawedzera!"Vakadaro tete and last part yavo vakaitaura vachiita kuminyura muromo wavo zviya zvekutoratidza kusvotwa. Takasara tiri two na tete then cleared her throat kwava kunditi,"Mai Maka." "Tete." "Ndirikuda kuti undiudze chokwadi na Partson hamuna kurambana here kana kunetsena nekuti Parti wandinoziva nediro yaanokuita ahangamboite 6 months asina kubhadhara rent zvese nekutenga chikafu,nyatsondiudza chokwadi."Vakadaro tete ndikati,"Hatina isu tete"and by that time ndaive ndakutonzwa misodzi ichiita kamwe kakuvavira so mumaziso angu.My mind had suddenly gone back kumazuva andaive ndichangobva kutizira kuna Partson.Anga akandimitisa ndine 16 years ndichiri form 4 achibva atondibvisira mari kumba kwedu. Handidi kunyeba ndaidiwa,and hapana chandaisayitirwa waingova muromo mumwechete munhu otondiitira chese chandinenge ndada.He was the best husband and ndanga ndisina kana anything chandaishoora paari.Aive azongochinja 6 months back and ndaizama kutsvaga chaive chakonzeresa ndichichishaya. Pfungwa dzangu dzainditi pamwe anga aine imwe mhuri sezvo ndanga ndisina kuzombomuitira mumwe mwana wechi 2. Iye ndiye anga akatonditi ndirege kuita mumwe mwana wechi2 nekuti pandakazvara Maka ndakaitwa operation yakapotsa yandiwura achibva atoti ndirege kuita mumwe wechi2. "Shuwa here?"Vakadaro tete mai Hazvi vakanyatsonditarisa mumaziso zviya zvekuratidza kuti vaisambozvitenda zvandaitaura."Shuwa tete."Ndakapindura ndichidaro vachibva vati,"Haa ende zvakaoma!" Vakambonyarara then added on vachiti,"Asi iwewewo mai Maka ungazosvika pakuburitsirwa zvinhu panze chirudzii, saka uri kureva kuti haunawo kana kabasa kemaoko kwawaiita waingochengetwa nemurume?Chokwadi mukore uno kuchaitwa izvozvo zvekuti mukadzi unongomirira kuchengetwa nemurume iwe wakangoti gozo kugara?" "Ndayiita ma part time tete, mari yandaiwana ikoko ndiyo yandaishandisa kutenga chikafu chataidya na Maka"Ndakadaira ndokubva vazunguza musoro wavo kwava kuti,"Haa zvakaoma!"then added on vachiti,"Saka apa plan yako ndeyei?Kuuya kwawaita pano kutouya kuzogara here kana kuti urikutopfuurirawo hako uchienda kumwe kwauri kuenda?" Mubvunzo wavo wakandiremera kuvapindura saka ndakaramba ndakanyarara ndakangotsikitsira zvikanzi,"I hope hamuna henyu kuuya kutozogara zvachose nekuti inini hangu chikafu chekupa mimwe miromo miviri handina.I hope ndezvezuva rimwe or maviri chete moitawo imwe plan!" "Tiri kunzwanana here mai Maka?"Vakadaro ne voice ranga riri padenga ndofunga vaona ndaramba ndakanyarara ndichibva ndakasika kudaira ndichiti,"Ehe tete ndazvinzwa"zvikanzi,"Munodairawo zve tinzwe kurerukirwa!" "Sorry yi tete"I responded zvikanzi,"Regai ndimboona kuti vasikana varikubika seiko ku kitchen uko!"kwakutosimuka vakafamba vachienda ikoko. End of chapter
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 167

Comments