FineWine's Books
February 3, 2025 at 07:39 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A Impelled Written by Fine Wine 🍷 +263787041944 Chapter 3 Nokutenda Time dzakabuda tete ndakasara ndichiisirwa message namai Melody vachinditi,"Masvika zvakanaka here mai Maka?Zvese zviri right?" "Tasvika hedu but pakaipa mai Melo"I responded ndichidaro mai Melo wacho achibva atondifonera ipapo ipapo,"Chii mai Maka?Waitwa sei namai Hazvi?"Vakabvunza and from the way she sounded vaitonzwika kuti vainyatsoda kutsanangurirwa zvizere.However ndakatya kuvatsanangurira sezvo ndaitya kuti tete vaigona kundisvikira ndichitaura navo.Ndakatomboda kubuda panze kuti ndinyatsotaura navo but ndakaona zvisingaite ndichibva ndatodairira pasi ndichiti,"Ndozokufonerai mai Melo"ivo vacho kwakuti,"Iribho"vachibva va cutter. Ndakasara ndichitura mafemo after the call uku mumusoro mangu ndave busy kupishana nepfungwa ndichizvibvunza kuti ndanga ndiri kuzodii.Tete mai Hazvi vanga vanyatsoratidza kuti vanga vasiri kutombondida havo pamba pavo and izvozvo zvaitoreva zvega kuti ndaitofanira kupabva. "Ndoenda kumusha kune vabereki vangu?"Ndakapindwa nekapfungwa kaindidaro. Kuenda ikoko kwaitozopa vabereki vangu mibvunzo and kutaura chokwadi ndaisatomboda zvekuvanetsa."Ko ukaenda kwa sisi Natsai?"Ndakapindwa zvekare nekamwe kapfungwa kaindidaro.She was my big sister and vanga vakanyatsoroorwa zvakanaka hupenyu hwavo huchitoendeka. "Ukaenda ikoko hauzovaremedze here?"Ndakanzwa kamubvunzo kakaita mawungira munzeve dzangu kachindibvunza kudaro.My head was already spinning with confusion and my mind was already lost pandakazoita zvekunzwa Maka achindigumha gumha pa shoulder rangu achinditi,"Mama imi!" "Hmmm?"Ndakadaira ndichiita kakuvhundikira zvikanzi,"Hanzi huyai mudye,chikafu chaita." "Okay"I responded ndichidaro zvikanzi,"Tiri kudyira ku kitchen" "Okay I'm coming"I answered iye kwakufamba achienda ku kitchen kuye inini ndichibva ndazoteverawo.Ndakasvika vanhu vatogara vave kutodya ndichibva ndanzi na tete,"Kunonoka kuuya kuzodya hanzii?Asi makaguta?" "Aiwa tete handina"Ndakadaro nekukasika zvikanzi,"Aah hoo?Ndanga ndaona manonoka"ndichibva ndagara pasi ndakazvininipisa kwakutanga kudya.Nzara ndanga ndiinayo but ndainzwa moyo wangu kusviba ini saka ndakatadza kuripedza kwakungoti nyobvo nyobvo kwakutosiya. "Hezvo kuguta here uku?"Vakadaro tete vachikanuka ndichibva ndagutsurira musoro wangu in agreement then added on ndichiti,"Handina kana appetite ini tete"ivo kwakurovanisa maoko avo vachiridza chikwee zvikanzi,"Zvaunondishura nhaiwe mukadzi wa Partson?Chokwadi unganyobvore nyobvore chikafu chandakupa segonzo kwakutongosiya hako?Ko kana wanga wakaguta wagodii kutaura pane kundisiya ndichibika nechako?" "Sorry yi zvenyu tete"Ndakadaro munhu kwakuridza tsamwa zvikanzi,"Sorry yi tete sorry yi tete kuita sei kwacho?Wauya pano uchichema iwewe uchiti Parti akapedzisira kubhadhara rent kare zvese nekutenga chikafu iyezvi ndakukupa chikafu wakungonyobvora nyobvora hako wosiya!Handiti ipapa zvawachibata bata chasara kuti chikandwe mu bin?Ndakutoona kuti ndosaka Parti angoti zii pada akatonetawo nazvo izvozvo zvekuti aitenga chikafu chichiraswa!" Vakatanga kufemera padenga nehasha then added on vachiti,"Zvekurasa chikafu munozviitira kumwe kwete pamba pangu,handisikuda hangu kunetsana newe mukadzi wa Partson kasika hako kupedza chikafu ichocho!" "Ehoi tete"Ndakadaro and zveshuwa ndakachidya chikafu ichocho ndisingade ndichida.Even ndachidya kudaro havana kumbomira kupopota, padiki padiki waingovanzwa vachiridza tsamwa nyaya iya yotangidzwa futi. Panguva dzekurara ndakazoenda kuroom yeku garadge yandaive ndagadzirirwa,uyuwo Maka akasara achirara na Hazvi ku room kwake saka ndakazongoenda ndega.Pandakasvika ikoko ndakatanga nekufonera mai Melo but foni yacho yakabva yatondiudza zvayo zvekuti i had insufficient credit to make the call. Ndakazoguma ndavaisira please call me back vachibva vatofonawo ipapo ipapo,"Mai Maka" "Murisei mai Melo" "I'm worried about you mai Maka, chii chiri kuitika ikoko?"Vakabvunza ndichibva ndatanga kuvatsanangurira zvese. "Haa pakaipa ende mai Hazvi ahana kana mukanwa,ane moyo wakaipa mukadzi uya!"Vakadaro ndikati,"Zvakaoma mai Melo apa Parti wacho kana kumbobatika zvake!" "Haa kutaura chokwadi murume wako zvekubatika kwake itokanganwa sahwira.Ndakakuudza paya kuti zvemurume wako kanganwa but waingoramba hako uchiita nharo,izvezvi hona!" Handina kumbodaira and by that time i was already sniffing.Zveshuwa vaitogara vachindiudza mai Melo but chokwadi ndechekuti i didn't even want to accept zvavaindiudza. "Handiti dai paya wakabvuma hako Peter utori pari nani!"Vakadaro mai Melo.Peter wacho airehwa yanga iri shamwari yechikomba cha mai Melo chainzi Norman.Peter wacho raive rino zidhara ranga riine zidumbu raibva pano kusvika uko and zvainzi ane mari.Aive atomboita nguva achindinetsa but ndaingomuramba ndichimupa reason yekuti ndanga ndiine murume iye achiti zvanga zvisina basa nekuti anga ainewo mukadzi wake. "Kana uchida ndogona kutaura naye Peter,I'm sure he's still interested and ahambokushairei plan"Vakadaro mai Melo ndichibva ndakasika kuti,"Aiwa mai Melo rega hako zviri nani ndiende hangu kumusha,zvevarume vevanhu inini hangu kwete!" I heard her chuckle on the other end of the line zvikanzi,"Wati chii mai Maka?Wati zviri nani kuenda kupi?" "Kumusha"I responded zvikanzi,"Ende mai Maka so kah?Kutaura chokwadi hausitombori serious.Unomboziva kuti uri mukadzi musvinu here iwewe?Chokwadi mwana mudiki ane 32 years anenge iwewe ungatotaura zvekuti zviri nani uyende kumusha?Iko kumusha kwacho urikuda kunonobatana nei?Kuda kunowuraya hako vabereki ne BP votanga kufunga kuti mereji yemwana wavo yaparara?" I did not respond then she carried on vachiti,"Zvauri kutaura izvo zvekuti haudanane nevarume vevanhu ritori drama.Ingawani wako arikungodananwa naye wani." "Iii mai Melo!"I complained ndichidaro feeling her words hit me deep then she went on vachiti,"Ndinozviziva kuti zvinorwadza hazvo kunzwa but ndicho chokwadi.Zii zii yemurume wako iyi zvitori pachena kuti akudanana nemumwe mukadzi and mukadzi wacho anotozviziva kuti iwewe uriko.Inini chaiye baba Melo ndiri kutozviziva kuti akudanana nemumwe mukadzi who obviously knows about me,saka inini chinganditadzisewo kudanana newemumwe mukadzi chii?" Handina zvekare kuvadaira ndokubva zvanzi,"Shuwa ungatonzwira tsitsi mukadzi wemumwe murume iye wako asinganzwirwe tsitsi?Ukada kuita moyo mutete mazuvano unochema ndiwe shamwari!" "Pakaipa"Ndakazongodaro ndatoshaya kana neremuromo zvikanzi,"Imbonyatsofunga nezva Peter mai Maka,anokuda uya and kungomuudza kuti wakuda madhiri naye unoswera wapinda muhupfu iwe ukagarika zvekuti tinokushaya!" "Horaiti mai Melo tozotaura"Ndakadaro vachibva vazo cutter foni.Ndainge ndangovati tozotaura hedu kuti zvingodarika otherwise handina hangu zvandanga ndiri kuzotaura navo nekuti zva Peter wavo ndaisatombozvida and i wasn't going to change my mind. Ndakabva ndazorara though hope dzacho dzaitonetsa hadzo kubata, one ndaiti stress two koti futi smell yehuku yaive yakavharira mandairara zvekuti maisamborarika.Hameno kuti dzakazondibata sei hope dzacho asi ndakazongoona kunze kwayedza kwakunzwa voice ra Mama va Partson richiti,"Ndimo maakarara umu murikunzwika kunhuwa ma dororo ehuku tichiri ku door?" "Ehe ndimo"Ndakanzwa mai Hazvi vachidaro Mama vacho kwava kukanuka vachiti,"Yowee handifunge kuti ndokwanisa kumupinda ini!" "Mirai henyu panze ndimushevedze"Vakadaro mai Hazvi and the next thing ndakabva ndadeedzwa ndichinzi,"Mai Maka!" "Mamukasei tete"Ndakadaro zvikanzi,"Mushe,Mama vauya, varipanze apo varikuda kukuonai"Vakadaro nekutobuda ndichibva ndazotevera.Ndakabuda panze paye and ndakawana vave 3 nemumwe mukadzi wechikuru anga angori mazera amai va Partson mukadzi uya achiti,"Zvakaoma kani mai Chikengezha pamukadzi wa Shingi tatongomirira zuva nenguva nekuti kutaura chokwadi chaicho raramo hapasisina!" "Musataure muchidaro kani mai Shingi!"Vakadaro vamwene vangu vachibata muromo wavo zviya zvekuratidza kubatikana ivo mai Shingi vaye kwava kuti,"Zvakaoma, haiite kani cancer yacho.Izvezvi ahatarisike kana kaviri, aita kupera muroora wangu. Kuita kudyiwa dyiwa hake ne iyo cancer!" "Chirega kudaro kani mai Shingi!"Vamwene vangu vakadaro mai shingi vaye kwakuzunguza musoro wavo zvikanzi,"Kumusha kwamabva hakuna vasikana vechidiki vane hunhu vangade basa remumba?Mukadzi wa Shingi akutsvaga maid,waaive naye akaenda ndofunga akakurirwawo ne situation yehurwere hwemuroora wangu saka tirikutoda mumwe anonyatsogona zvemwana preferably maid wechidiki chaiye anogona kutamba nemwana." "Inini,ndorida hangu basa racho!"Ndakangoyerekana ndadaro ndichifamba ndichienda mudhuze navo vese vachibva vacheuka kwakuisa maziso avo kwandaive. End of chapter.
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 138

Comments