FineWine's Books
February 6, 2025 at 05:57 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaHKBLs0bIdf5ccLbS0A
Impelled
Written by
Fine Wine 🍷
+263787041944
Chapter 4
Vanhu vese vakaramba vakanditarisa zvekuti ndakapotsa padiki ndashaya step but ndakazongozvishingisa kuramba ndichifamba kwakunomira pamberi pavo ndakavatarisa.Vamwene vangu ndivo vakazondipa mhinduro vachiti,"Hezvo nhaiwe mukadzi wa Partson ukati dzako dzakanyatsoti kwesere?Tsvee kumhoresa vanhu wave busy kudairira nyaya dzisidzako.Yambonyanya kukurova zvemhando ipiko nhamo yacho zvekuti ungabva watotadza kuziva kuti ndinoda kumhoreswa?Wakapedzisira kundiona rinhi?Wambondimhoresawo?Ko ivo mai Shingi vawuri kudairira nyaya dzavo uchiti urikuda basa watombovamhoresawo?"
Ndakanzwa kuzvinyarira nekuda kwemashoko akataurwa na Mama, she was making sense ende ndakatozviona kuti zvandaive ndaita zvanga zvisirizvo,"Sorryyi zvenyu Mama!"I quickly apologized sincerely ndichidaro kwakuita kakutyora muzura ndichivati,"Makadii henyu Mama"kwakumhoresa zvekare namai va Shingi.Tete mai Hazvi ndivo chete vandisina kumhoresa semunhu wandaive ndamboona.
"Tiripo makadiiwo henyu?"Ndakadairwa ndichinzwaro na Mama va Shingi vachisekerera and her smile alone yakatondiratidza kuti vanga vatori munhu akasununguka.Vamwene vangu vakazongotiwo,"Tiripo"ndofunga zvekutonyara mai Shingi asi zvaitonyatsooneka kuti zvekundimhoresa vaisatombozvida.
"Aah izvezvi hapana wandiri kuziva arikuda basa wechidiki ini"Vakadaro vamwene vangu vachitoratidza kuti vaive votoyenderera mberi nenyaya dzandaive ndavasvikira vachitaura.Kuvanzwa vachidaro kwakaita kuti ndingofunga kuti vaive vasina kunyatsonzwa zvandaive ndataura ndichibva ndatodairira ndichiti,"Ndirikurida inini basa Mama"ndokubva vandicheka neziso zvikanzi,"Hezvo nhaiwe mukadzi wa Partson,urikundiudza zvekuti basa urikurida ndinoita zvekupinza vanhu mabasa here inini?"
"Ndanga ndanzwa ava vachi......"I started but ndisati ndapedza ndakabva ndagurwa ndichinzi,"Izvozvo zvemunhu akavhengedzera ndizvo zvandisingade,wanzwa ava kuita sei?Sandiwo makuhwa acho here iwawo?Ndiwe wanga uchitaurwa naye?"
"I'm sorry"Ndakadaro then she just clicked her tongue mai va Shingi vaye kwakuti,"Aah sorry hako kurikudiwa mwana wechidiki, hakusi kudiwa vanhu vakuru vemizera yenyu.Musikana wacho basa rake mainly kunenge kungori kutamba nekamuzukuru kangu kane 3 years,zvemamwe mabasa epamba pane vamwe aunty vachange vachiuya vopota vachidzokera havo kumba kwavo musi iwowo saka hapana need yemunhu wechikuru."
"Hoo,okay,ndapanzwa.Maita basa"Ndakapindura trying so hard not to cry but chokwadi ndechekuti ndaitonzwa kuda kuchema ini.I desperately needed that job and kungofunga kuti i could not have it literally broke my heart."Haa ende zvemuroora wenyu zvakaoma,ko ivo vana Chiremba varikutiiko?"Vakadaro vamwene vangu kuna mai Shingi.
Handina kuzomboda kuramba ndakamirapo kwakutooneka ndikafamba ndichienda mumba ndikatanga nekutoita basa sezvo panga pasati paitwa kana chinhu.
Ndakaita basa ndikapedza Mama na tete vachingori panze paye vachibva vazouya.Pavakauya pacho ndakasvikonzi na vamwene vangu,"Ko hunhu hwawanga uchindiitira panze apo ndehwei?"
"I'm sorry Mama"Ndakadaro kwakuridzirwa tsamwa ndikanzi,"Handizvide!Ende wandibhowa fani!Chokwadi ungauye kuzomisa kamuviri kako kari kusemesa kunge munhu ane chirwere uchidairira nyaya dzevanhu?Wakakwana?!"
Mashoko avo vamwene vangu ndakanyatsomanzwa achinyatsondicheka cheka pamoyo pangu,I swallowed painfully ndichida kudzokorodza futi kuvakumbira ruregerero but before i did tete mai Hazvi vakabva vadairirawo vachiti,"Zvakaoma henyu Mama imi.Mhoti ndanyara chekuti pano?Isusu takakura tichiziva kuti panotaurwa nevakuru hatitaure.Taitonomira kure isu kana vakuru vachitaura nyaya dzavo ende taisatombosvika pedo navo tichidairira"
"Ko imi vana vangu makakura muine hunhu zve imi?Ndakanyatsokurerai zvakanaka ende hamuna kumbobvira makaita kana dambudziko.Zvino vamwe unotoshaya kuti chiiko?Vakabva kune vanhu here?!"
"Zvakaoma aiwa kushaya hunhu kuripo!"
"Ahana kana hunhu kani."Vakadaro Mama and tauriro yacho zvaitoita sekunge vaitaura munhu asipo pavari yet ndainge ndiripo.Yakataurwa nyaya yekushaya hunhu kwangu iyoyi ndokubva zvazonzi na Mama,"Ko iwe urikutsvagei mumba memwana wangu iwe?Ndakanzwa kuti wakauya kuno nezvinhu zvako,urikuzvifambisa sei?"
"Makanganwa kutaura zvekuti akauya asina kana kumbondisuma"Vakawedzera vachidaro tete zvikanzi na Mama,"Exactly hanzi wakangoita zvekungoyerekana wanyuka sehohwa,kungopinda hako pamba pemwana wangu kunge urikupinda ku public toilet!"
"Baba Maka vane 6months vasingauye kumba zvese nekusabhadhara rent Mama"Ndakadaro kwakuzotanga kutsanangura nyaya yangu."Ndakashaya kuti ndoita sei Mama ndosaka ndakazouya kuno,I'm sorry"Ndakadaro then she chuckled zvikanzi,"Hoo nhai saka kuuya kuzoremedza mwana wangu pano ndiyo yawakaona iri solution?"
Mubvunzo wavo wakandiremera kudaira kwakuramba ndiri zii zvikanzi,"Ndiri kutaura newe mukadzi wa Partson ndati kuuya kuzoremedza mwana wangu pano ndiyo yawakaona iri solution?"
"Ndakashaya kuti ndodii Mama,kupererwa chaiko ndokwakaita kuti ndidai."I said zvikanzi,"Aiwa hawutaureka zvekuti wakashaya kuti wodii?Unogoshaya kuti wodii hauna kumusha here iwewe?Hauna vabereki?Hauna hama?"
Ndakaramba ndakanyarara ndichibva ndanzi,"Iwe mukadzi wa Partson ndidaire,ndiri kutaura newe.Ndati hauna hama here?"
"Ndinadzo"
"Saka manje?Kuuya kuno ndiko kuita sei?Hoo nhai dzako hama haude kuremedza asi mwana wangu pano ndiye wawakavinga kuzoremedza?"
"I'm sorry"Ndakadaro zvikanzi,"Aiwa vasikana hatidaro.Mune hama imimi saka haikonai kupa mwana wangu mutoro.Zviri pachena izvi kuti Parti ahachakude,chokwadi ungaite 6 months uchiti murume achauya,achiuya kupi?Ndiko kuparara kwemereji yacho ikoku and kana yapera yapera munhu rova pasi!"
"Pamwe akamirira kupihwa gupuro!"Vakadaro tete mai Hazvi zvikanzi na Mama,"Haa gupuro rekuita seiko?Zvemazuvano Murume anogona kutoroorwa mumwe mukadzi ozosara hake opa mukadzi waaive amborinaye gupuro, mazuvano hazvichatomboshamisire izvo!"
Handina chandakadaira ndokubva ndanzi,"Uyite uyende kumba kwenyu,infact nhasi chaiye,zvekuremedza mwana wangu pano kwete.Plus icho chakamboita kuti uuye pano chii?Kana wanga wagumirwa stereki wakagodii kuuya kumusha kwangu?Kuuya mumba memwana wangu ndiko kuita sei?Asi wakudawo mukwasha wangu?"
"Aiwa Mama"Ndakadaro whilst shaking my head zvikanzi,"Ndimi type dzinozofamba dzichitaura kuti dzakapfimbwa nemukwasha.Handidi hangu muyedzo enda kumba kwenyu nhasi kwete mangwana!"
"Ehoi"Ndakadaro misodzi yangu yave kutodonha."Chiitaka unorongedza,haikona kungochema sezvinonzi pafiwa!"
Ndakabva ndatobuda panze pegedhi very fast kwakutanga kunyatsochema ndiripo paya and pfungwa dzangu dzakatombofunga offer yamai Melo.Ndanga ndakutoda kuvafonera but before i did Maka akabva abudikira kwava kunditi,"Musacheme Mama"and kungondidaro chete ndakabva ndatowedzera kunyatsochema.She took me into her arms achindibhabhadzira and time idzodzo mai Shingi vaye vakabva vatobudikirawo,"What's wrong?"Vakasvika vachingodaro mai Shingi vaye looking a bit worried ndichibva ndavati,"Ko mwana wangu uyu hazviite here kuti mumupe basa racho?Ane 16 years akatopedza kunyora form 4 yake nezuro!"
End of chapter.
❤️
😢
🙏
👍
😮
😂
135