Amai Mimie (K.Khums)
January 18, 2025 at 05:27 PM
https://chat.whatsapp.com/G9ALJKoUgzzLgk08ByIRVx *Pindai mumagroups edu* https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j *Follow channel yedu kwaunowana book kubva pa1👆* SERENITY Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 6 SERE Ndakabva ndatorongedza mikwende yangu kana chingwa nemafreezits zvanga zvasara handina kuzozvitengesa.Ndakatanga kufamba zvangu ndakananga kumba apo misodzi ichierera ndaisvika ndichiti chii nhai Mwari?Dai zvake munhu wacho atora iyeye asiya zvake maempty ndaigona kuzonotsvaka drink racho nekamari kandinako kandakachengeta.Vazhinji mogona kutadza kuziva kuti mari yacho ndakaiwana kupi uye sei?Asi regai ndikuuedzei my secret please musazoudzewo mai Fortue ndapota zvangu ndingauraiwa.Nyaya iripo ndeye kudai mkomana webhatyi rake anova ndiye Ezra aigarouya kuzotenga pandiri nemari yakabatana achingoti keep change ndiyo imwe yacho iyoyo.Imwe yacho pachingwa chese chandotengesa ndobvisa 2 slices paeach loaf ndotsvaka paper rakachena rechingwa ndosungirira imomo.Ini loaf rangu harina 18slices ndoita re-pack mosara 16 ndotengesa saka pazuva ndowanawo $2or$3 zvinongoenderanawo nekuti ndatorawo madozen mangani musi wacho.Pandinoviga mari yangu zvakare hapana anopaziva ndine kachikwama kangu kandopfekera pasi pematress ndakatoita kucheka mattress yacho incase rimwe zuva ichandibatsirawo. Ndakafamba ndichingochema ndaitoziva kuti ndaisvikosangana nacho kumba.Ndakasvika pamba ndakabatira ura mumaoko ndakatozonyevenuka moyo ndichipinda mumba ndichiona bamnini vakagara pasofa apo ndanga ndakagukuchira mikwende yangu yekubasa.Vakaramba vakanditarisa zvekuti ndakangokwanisa kutura mikwende yangu ndokuvambundira ndipo pandakaita blander ipapo.Pandaiva mumaoko avo vakabva vatondiongorora vakaona kushushikana kwangu. "Chii chiri kuitika pauri Sere mwanangu,muromo wakachena kuratidza nzara chaiko ko iwo mavanga kumeso chii ndiudze ndini baba vako.Ko kuchikoro urikupasa here enda unotora mabooks ako ndimboona." Ndakapedza nguva refu ndakavatarisa ndaitoshaya kuti ndopindura upi mubvunzo pekutanga?Ndanga ndazvipira ini kudura chokwadi chese uye kuti vasati vadzokera vandipe zvangu mari ndidzokere kumatongo kwedu.Chandaiziva kumusha hakuna nhamo yechikafu unogona kutoswera uchitsenga hako matohwe wotonwa mvura manje kuno uku chese chinoda mari kusanganisira matohwe acho.Ini ndaisatenderwa kudya chero chikafu chipi zvacho ndisina kupihwa vaito prefere kupa imbwa ini ndichiswera nayo nzara.Ndakaona pasina chekuvanza apa zvanga zvitori pachena kuti vazvionera pamhino sefodya kuti ndaibatwa huyanga.Pandakada kuti nditaure ndakabva ndanzwa mainini vachiscreamer kuratidza kufarira murume wavo apo vairatidza kuti varikubva kunoshamba zvavo.Vakasvika vachimbundira wavo murume ini sare ndakati vavava zvangu.Nechemumoyo ndakabva ndangoti zvavo vane vekuchemera zvinovanetsa ko ini ndanga ndatotadziswa zvangu apa. "Ko watodzoka kwandanga ndakutuma baby girl wavawana varisei vasahwira vangu.Ko musoro wave sei dea,,,mufunge arovha nhasi kuchikoro hanzi ndarwara atomuka manje manje pandazomutuma apa.Chienda kukitchen unogadzirira dad vako chekudya vambozorora zvavo." Ndakakwesvaira ndokuenda kukitchen kuya kana zororo handina chero wekuudza wacho handina aah ini ndanetawo nekungochema.Kwakati kwave manheru tichibva tadaidzwa tese vana ndokupihwa zvataive tavigirwa.Ndaive ndatengerwawo hembe dzakanaka kwazvo.Ndakadzirongedza mumba mandairara ndakatsidza kuti ndaisazodzipfeka pamba ndaingozoita dzekuvhakachisa chete.Mangwana acho ndakanzi ndisaenda kubasa ndiswere ndakazorora ndakatombofarawo mufunge ndakaita basa rangu ndichibva ndazorora.Ndakazobika food pa lunch hour ndikatogarawo patable paiva nevamwe kuti ndidye.Taitotaurawo nyaya semhuri tichiseka zvainakidza veduwe nechemumoyo ndaingoti dai zvikagara zvakadero.Takati tiripakati pekudya takazongoona mainini vave kurutsa pasi pedyo netsoka dzabamnini ndakaona mufaro wese uchipera vanhu vachibva vaita aziva kwake aziva kwake chida masisters angu airatidza kunyangadzwa chaiko nechiitiko ichi.Vakasimuka vachimhanya kubath mainini vakazodzoka zvavo vachibva vangotambirwa nemubvunzo. "Unowanzo kuzviita kana unenhumbu mai Fortue kuti ingava iyo asi iri yani kambe ini ndanga ndisipo." "Nhumbu nezera rangu rino here dad ndingasanzi ndakupenga here?Asi munofunga kuti ndoita zvechipfambi here kana musipo nhai baba fortue.?" "Ayewa zvangu kungosekawo newe asika rinamanyana hariputirwe hantie mozviziva henyu." Vakabva vangotarisa pasi zvavo mai vangu.Mazuva akafamba bamnini vanga vambouya kwemwedzi chete hameno zvekubasa kwavo ini ndaisazvitsvaka zvangu.Ndaimuka makuseni nguva dzangu dzemazuva ese ndonohodha ndosiya zvinhu kwavasahwira vamainini ndotanga kuita basa repamba ndozonorara nguva dzekuti bamnini vakuda kuenda kubasa.Ndainge ndakaudzwa kuti ndizvo zvandinofanirwa kuita mazuva ese kuti bamnini vasaone kuti pane zvaiitika.Rimwe zuva ndakavanzwa zvangu vachirumbidza mukadzi wavo."Inga zvinhu zvinoshanduka my love unoziva kuti kare kwako ndaingobuda mumba nenzara ndichienda kubasa kana kutsvaira mumba kusiya muchipenya kudai waisambodaro zvakuonekwa kuti wakura manje zvinhu zvese zvarongeka ndakuendawo kubasa ndakaguta zvangu chero chikafu chevanhu handichakumbiri zvandaiita kare pabasa vanga vakutondiziva unongozivawo kuti kana usina mari nzara ine manyawi sei ndongotenda Mwari vakatisumudza kutiisa paneimwe level kudai." Ndakaseka zvangu bamnini vangu vaitovharwawo zvavo.Ndofunga pese apa vaiti mukadzi wavo ndiye aiita basa izvo kwani.Vaimuka kuma4 vondimutsa kuti ndiite bsa ivo vobva vanorara kuguest room kusvika kuma6 vozomutsa murume wavo zvese ndaita inga vakangwara havana nhamo.Rimwe zuva ndakamuka semazuva ese ndichibva ndaenda kunohodha kwanga kwakasviba zuva iri kuchida kunaya saka semunhu angaasina watch handizivi zvangu kuti dzaiva nguvai.Mainini vangu hameno kuti vainge vasingazvione here kuti kunze kuchakasviba.Ndakafamba ndichienda kunohodha chakandinetsa handina kana kuona munhu aifamba zvake.Ndakazongoona mukomana akangobudikira hameno aiendepiwo . "Nhai hanzvadzi urikuendepi nguva dzino nhai ." "Kohodha chingwa." "Nguva dzino here ndekupi kwati kwavhurwa 0000am nhai mwana wamai dzokera kumba wozofamba kana kwachena." Ndakanzwa kutya ko maininii vaindiitei shuwa kodai ndapondwa kana kubhinyiwa chokwadi vamwe vanhu havana moyo mufunge.Tichakamira kudero pakabva pangosvikawo mumwe mupurisa dzichibva dzatochena haana kutaura zvakawanda takabva tatondundurudzwa nesu paMatapi police station kana nemhosva yedu ndaisaiziva.Ndakazongonzwa ndonzi ooh foni ufonere hama dzako kuti wasungwa wovaudza zvawasungirwa mwana mudiki anenge iwe kusweroita chipfambi.Ndakadikitira mufunge lucky enough ndanga ndakacremmer number dzabamnini ndakabva ndangofona ichibva yadairwa na.... End of chapter 6 More comments, more fire
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 💔 87

Comments