Amai Mimie (K.Khums)

6.2K subscribers

About Amai Mimie (K.Khums)

Amai Mimie(K.khums) Novels Deceived by Emotions Flaws and Deceit Family Destruction Love,hatred and Betrayal Heartbreak and Betrayal My past is haunting me Unbeatable heartbreak Shaisano Author's Diary Broken String My three daughters Suffer Continue Broken trust Ndozviudza aniko? Komboni life Wasted time Adorable The Marriage Consellor I can forgive ,but l can't forget My Superwoman My mother,my Enemy Marriage Matter's Not my choice Makanaka an Albino. Life The Servant He is mine Zvandaiti ndagonawo Hakuna musha usina gonzo Kuremewa nejokwe randakaveza Sarudza rawada apa mabooks emunyori wenyu.

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:06:46 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 3 Mabhawu Zvakangondiitira funny so kuti ndaiva ndatobvuma kudanana naMouse.Kubva zvandamitiswa ndaiva ndisina kuzombopinda murudo zvakare.Ndaizviudza kuti ndaiva ndanyengedzwa zvikakwana.Apa ndanga ndakura ndave kuziva manje zvakanaka nezvakaipa."Bestie _bestie."Vakadero Leo naTamai panguva dzandakabuda mushure mekupera kwevisit yemasikati ndikati,"Chii?"Zvikanzi,"Ndiko kugona kwawaita uku munhu bho manje."Ndakaseka zvangu ndikati,"If anything goes wrong ndokukiyai vapfana magara munondiziva zvenyu.Handidi kudzokorora mistake yandakaita kare." "Apo hatikwani zvedu kunenge kwava kuwirirana kwenyu muzvikona tinenge tisipo." "Ukati ndichazvipamha futi here nhai Tamai munhu ngaroore first ozodya muchero wapakati." "Haa vana Mabhawu iwe wakamboravira ukanzwa kunaka kwazvo ndipo pauchasiya here?Kungobatiwa panonaka chete unenge wakutorembuka sederere." "Ndakura Leo handidi kuramba ndongosekesa mai vangu nevanhu muraini.Apa ndakutoda favour yenyu team rangu handidi kunyeperwa.Kana asingandidi Mouse ndiudzei ndozviziva kuti anoudza imi chokwadi.Handidi kuwira nokuti ndikaramba ndowira hapana anozondinyurura.Ndinoda munhu wekuvaka maye imba kwete anongoda kundidya ondisiya." "Usatya hako Mabhawu sekuru vangu igood munhu havaite zvakapusa kudaro.Kutouya kumusha kuno kutsvaka musikana ari serious anodawo zvemba.Mouse munhu ane zvinhu zvake trust me wapinda musugar chomie you won't regret your decision." "Ndotonzwa newe shaa nokuti ndiwe unoziva munhu wako in and out." "Trust me Mabhawu handikunyudze shaa takabva kure newe mangwana uchazotitenda zvako." "Okay rega ndimhanye kumba ndingasvikorohwa nemabhuradha ekumba kwedu." Vakabva vatondiperekedza kotsvaka chimota chainanga kumba.Days passed aiva abuda muhospital Mouse akandioneka odzokera kwake Harare.Taiva takungotaura hedu paphone nemunhu wangu life ichienda mberi. "Nxxaa vana vamazuvano vakungoti chero zvazvaita vanongodawo kupa vana Mabhawu basa."Yaiva hanzvadzi yangu Garry ndakabva ndati,"Taura nyaya yako shaa kwete kurova imbwa wakaviga mupinyu." "Hausi kuiziva nhai Jabulani kakatizirwa muroora ari kwambuya vacho ndatonzwa kuti chimhandara swera mangwana."Ndaida kuscreemer nemufaro ndichibva ndazvidzora hangu ndikati,"Ndichambozvida here zvezvimhandara izvi,,,"Ndisati ndambopedza kutaura akabva abvaruka zvake nekuseka kusvika apfugama pasi zvikanzi,"Ndiwe here hanzvadzi yangu urikutaura.Kubva wazvirereka kudaro you think l can buy your story kusada kunyepedzera kuita mutsvene haunyari so ipapa?" "Ndiri kurevesa bro ndoda kumboitawo munhu kwaye ndoda kuti mudye pfuma yenyu vakomana zvekuswero jaivha izvi vanhu vanonditora nepasipo vachifunga kuti zvimwe ndakavhengedzera.Chida nekuzomitiswa kwandakaita vanhu vanofunga kuti mwana iyeye akabva kuzvimhandara." "Asi kunyepa here?" "Hamungazvinzwisisi vakomana asi chokwadi ndechekuti kuzvimhandara ndakumbomira ndakawana munhu wangu ari serious akatondiudzira futi kuti zvekutamba mabhawu kwandaiita haazvide saka ndikuda kungoteererawo ipapo chete." "Akakuroora wotanga futi kujaivha mabhawu haunyare."Akadero achiseka ndichibva ndati,"Haungambozvinzwisisi mwana wamai vangu asi ndikangonzwa mabhawu achirira pfungwa dzangu dzorasika chaiko.Ndinotonzwa kuda kutamba chaiko." Akaseka zvakare zvikanzi,"Uchenjere kuita pfambi hanzvadzi yangu.Kutamba mumabhawa ndiko kwasara pauri." "Ndoperera kuzvimhandara hangu kumabhawa handizosviki." "Siyana nazvo izvi hazvina zvazvinokupa." "Yaa ipapo muri right."Akabva aenda ndikasara ndichipedzisa zvandaiita asi ndaiva ndakutononokerwa nechimhandara chaJabu.Zuva rakazosvika zvaro moyo wangu waita kudokwaira chaiko.Vaiva vamboedza kunditsiura asi kwandiri zvaiva zvashaya basa.Kuchimhandara hana yangu yaiita kudokwaira zvakanyanya.Ndakataimira vanhu vese varara ndikanyahwaira ndini uyo kwana Jabu.Kwaingonzwikwa nemangoma kuti kuri kuitwa zvinorova.Ndichisvika ndakawana Leo naTamai varipo ndikavadhonza ndikati,"Kana kufona asi takatukana.Manga muchifunga kuti chichandijamba ka chimhandara ichi?" "Nhasi wauya kuzongoona vanotamba Mabhawu iwe hausi kupinda mudariro.Mari ndinayo ukabhejerwa ndiri kuvhara." "But why?Ndigoti ndavingei pano?" "Ndizvo zvandiri kutotaura izvozvo,kana uchida kuwirirana naMouse usapinda mudariro please." "Tinenge tichiona Leo."Ndakabva ndatofamba ndoenda kwairira mimhanzi.Vakatevera vachida kundipa tu lecture twavo asi ndakaisa zvitanda munzeve.Paiva pasina kathat paiva nekakubhohwa kaivapo.Ndakazvibhejera ndikapinda mudariro.Yakaridzwa mabhawu ko unombotanga uchitenderera ka uchimirira kuti inakidze.Payaiva yakutanga kunakidza mimhanzi yapinda mudzoro rangu ndipo pandinonzwa ndabatwa ruoko.Ndakacheuka ndokuona ari Leo.Ndakamuvhizura achibva andisiya panguva iyoyo ndakatanga kuchiroller chiuno.The more yairidzwa miridzo,the more yandaiwedzera kutyoka kwacho.Handina kure kwandakaenda ndakanzwa ndabatwa chiuno semunhu aiva busy kutamba handina kuita basa nazvo ndakaenderera mberi pakanopera song ndipo pandakazocheuka kunodai hana yangu yakarova ndichiona ari Mouse.Akandibata ruoko zvikanzi,"Ukati une hanzvadziwo here nhaiwe Khethiwe?"Aisada kundideedza achiti Mabhawu. "Ehe ndinadzo." "Vanokusiya uchiita humbwa hwakadai.Ndiko kuita sei kwawanga uchiita?Handina kusiya ndakuudza here kuti ngazvipere zvezvimhandara zvako."Akadero akasunga chiso ndikati,"Inganzi imhosva here?Ndiyo entertainment yedu kuno kumusha." "Haunzwe kunyara here nazvo?" "Hausi wakuzvinyanya here remember hausi baba vangu ka iwe Mouse." "Saka unoda kuti ndikusekerere here uchiita zvinhu zvakapusa kudai.Masocial media ose wangozara unoda kuti vanhu vazoti chii ndakuroora." "Tanga waroora Mouse wozondipa mutemo.For now ndabhejerwa ndiri kuda kutopinda mudariro izvozvi nditambe."Ndakadero ndichitobva paari achibva andidhonza zvaiva nehasha mukati kwete rudo zvekuti ndakamutarisa kumeso kwake ndikaona akaunyanidza kuratidza kuti zvaiva zvisina kumira mushe."Ndatobvawo kuHarare ndichiti ndoda kusurpriser babie asi haudike Khethiwe zvachose.Wamboonawo kuti mamissed calls mangani here ari paphone pako.Ko iwo mamessages kuapp ndatoisawo ndichiti nditaure newe asi moyo neni hauna zvachose." "Saka unovavarireiko panyama yedhongi nhaiwe ndisiye ka inga ndaingorarama zvandoda usipo wani apa wakuda kundichinjisa life yangu kuti zvadii?Haundiudzire zvekuita Mouse wanzwa.Kana vabereki vangu nehanzvadzi dzangu vachindisiya ndichiuya kuchimhamdara iwe ndiwe ungazonditadzisa here?I love zvimhandara between you two l choose chimhandara over you because l like dancing ndizvo zvinondinakidza izvozvo.Chero love hachisi chiro kana ndave pamutambo uyu so leave me alone enda unotsvaka weclass yako.Kana watoda ini wotokwanawo muzvimhandara imomu.It's not like ndiri kuhura ka apa ndiri kuzvifarira zvangu ndichitenderedza body yangu inganzi imhosva here?" "Handina musikana anotamba pazvimhandara ini Khethiwe,," "Kana uchitondida Mouse wotoita zvandodawo pasina izvozvo,toita aziva kwake,aziva kwake shamwari handinyengereri rudo ini.Ndakatombodiwawo ndikarambwa saka hazvichashamisi kwandiri." "Khethiwe!" "I'm serious."Ndakadero ndichitofamba kupinda mudariro vanhu vaiva vanzwa kukuza zita rangu Mouse achindipedzera nguva yangu hake.Handina kuzombotarisa kuti aiva akuita nezvei ini ndaiva ndatova busy kujaivha hangu.Ndakatozobvapo kuma2 chaiko.Ndichangoti fambei kubva pamba pana Jabu ndakangovharwa kumeso nechijira ndakamboedza kurwisa asi zvakashaya basa.Ndakaedza kubatanidza vanhu ava vaiva vaviri height dzavo ndakadziziva hangu asi ndakaita kunge fuza semunhu aiva akavharwa kumeso ndaitadza kunyatsofema zvakanaka zvaibva zvaita kuti ndipere simba. Pandakaita zvekukandwa mumota ndakabva ndaziva kuti vaiva vatumwa havo naMouse.Ndaifunga kuti achandivhura kumeso mumota imomo asi zvakadero hazvina kuitika.Maoko angu akabva asungwa kuti nditaure manzwi aisabuda zvawo.Pandakakururwa bhurugwa ndipo pandakaziva kuti pangu pandiperera.Hanzvina kumutorera nguva refu aiva akugomera ari pamusoro pangu.Akazorora apedza zvake ndipo paanoti,"Ungatoda kunetsa mberi kwangu iwe?Ndamboedza kukuudza nemuromo asi waisa zvitanda kunzeve ,ndizvo zvega zvandaona zvinogona kukudzikamisa."Akadero achindisunungura maoko pamwe chete nekundibvisa chijira chaiva kumeso kwangu maziso edu achibva asanganidzana.Handina kana shoko rimwe chete randakataura kunze kwekubuda mumota make ndichibva ndatanga kunanaira ndakananga kumba kwedu. End of chapter 3 More comments,more fire.

😮 👍 ❤️ 😂 😢 12
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:07:16 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 5 Mabhawu Simba chairo rekuchema ndakarishaya.Zvakabva zvandidzosera kumashure panguva yandakadanana naShain uyo akandisiya ndiine vanga pamoyo.Shain ndivo baba vemwana wangu,paakangoziva kuti nhumbu yaiva yabata akabva angofuratira akaenda kunze kwenyika kana chiso chemwana wake haachizive.Hama dzangu dzakamira neni.Havana kundisiya,Kana varisamai vangu vaionekwa kurwadziwa pamoyo pavo.Bp yavo yakakwira vakapotsa vafa.Ndakatsidza kuti handaizofa ndakavarwadzisa zvakare.Handina kuziva kuti satan chichandibata neimwe angle.Ugoona ndaiva ndakutofunga kumuramba Mouse wacho nokuda kwehasha dzake dzaaiva andiratidza.Ndaitozviudza kuti pandaibatira phone yangu ndaibva ndamutumira message yekumuramba ndogara hangu ndichiziva kuti hapana chaindipa stress.Ko ndaizivei kuti aiva atondirongera parefu chaipo. Chainyanya kundirwadza vanhu vandaivimba navo vandakabva navo kure kwazvo ndivo vaiva vandipinza munyatwa iyi.Ndaisavafungira vana Leo naTamai.Ndaiva ndakutovatora sehanzvadzi dzangu chaidzo.Pamoyo ndipo pandaiva ndavagadzika chaiko ndichivapa chinzvimbo chavo.Handina kuziva kuti vangandiitira hutsinye hwakadero.Ko vakandipinzireiko munyaya dzakarema kudaro kana vaiziva kuti Mouse wacho aingoda kunditambisa?Ugoona hanzvadzi dzangu dzaigara dzakanditsiura nenhau yana Leo asi ndaiisa zvitanda munzeve.Regai zvinzi ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.Nhasi mbonje iya ndava nayo ndiani wandichaudza kana kuchemera.Yes,l am a strong girl asi apa zvakundiremera.Ko nhumbu ikabata ndoenda nayo kumba kwani?Ko akaramba kuti haasi muridzi?Ko iko ndinenge ndambomuona kupi iye awana zvaanga achida? Kana simba chairo ndakarishaya,chandakagona kungokwira pakasingle bed ndokutanga kufunga zvese izvi ndakarara nemanhede.Ndainzwa kuzvishora zvese nekuzvituka.Inga ndaiva ndamboudzwa wani kuti ndisiyane nezvimhandara asi ndakaisa zvimiti munzeve.Kana ivo mai vangu vakaziva kuti ndizvo zvaitika vanonzwa sei?Dzakaguma dzangobata hope ndiri mudziva remifungo.Ndakazomutswa kuseni naGarry achiti,"Hanzi namhamha muka umhannye kugarden kochera mbambaira." "Ndiri kuenda."Ndakapindura ndakatofizuka achibva ati,"Wati urikuenda Mabhawu?" "Ehe,usina kumbopopota bho here hanzvadzi yangu?Ndiwe here urikutaura kana kuti ndeumwewo munhu?" Ndainzwa misodzi kutsvinya kumaziso angu asi ndakazvishingisa kuti asaone kusuwa kwangu.Ndakabva ndati,"Ndiri musikana mumwe chete pano,ndicharoorwa ndobva pano.Saka zvimwe zvacho handifanirwi kubvunza kuti sei?Ndofanirwa kuita ndakanyarara handisi kudzokera mudumbu." "Woow,apa wataura mashoko ane hudzamu chaiko.Dai wangoramba wakadaro kuti zvifambe zvakanaka." Ndakanyemwerera ndichibva ndabuda ndokutora badza.Ndakabva ndatobuda ndakananga kugarden.Pfungwa dzangu dzaiva dzisina kugadzikana zvachose.Ndaipota ndichimbochema chaiko zvekuti musoro wakaguma wave kurwadza.Panguva iyi ndaida kuita zvinhu zvangu nemazvo ndaisaziva kuti Mwari vanga vandigadzirira chiiko mberi kwangu.Chandainyatsonzwisisa pandiri marwadzo aiva pamoyo chete.Kana kuri kufunga chaiko pfungwa dzangu dzaiva dzakamira panzvimbo imwe chete. Mamissed calls nemamessages aMouse ndaimaona asi mhinduro chaiyo ndaiva ndisina.Aimboedza kufona asi handina kubvira ndazviisa pamoyo kwandiri anga atova muvengi wangu chaiye nyaya naye ndaiva ndisina zvachose.Dzaitova kure chaiko pfungwa dzangu pandakanzwa voice rakati,,,"Mabhawu?"Ndakacheuka ndokuona ari Leo na Tamai avo vakabva vandimhanyira ndokundimbundira.Handina kutora action ndakaramba ndakangoti tumbi.Ko maida ndiitewo sei hangu?" "We are sorry Mabhawu handina kuziva kuti khule vangu was capable of ,,,," Asati apedza kutaura ndakabva ndati,"It's okay."Vakaramba vakanditarisa vachiratidza kushamisika kwazvo nemashoko angu asi ndaitorevesa hangu ndaisada zvekutaura izvi."Arikupi Mouse?"Ndakabvunza Leo achibva ati,"Vakadzokera musi iwouya paiva pasisina kuwirirana zvachose.Handina kuziva kuti ndizvo zvavaida kuita.Ndakarwadziwa Mabhawu ,ndini ndakakuudza kuti vaiva good munhu ukabvuma kudanana navo asi zvakazoitika kumberi ndanga ndisina ruzivo hangu thought vaingoda kutaura newe chete kwete the other way around." "Zvakatopfuura Leo zvamaida zvakaita.Ndongogara ndiri munhu asinganzwi chete kumba kwedu.Hope moyo yenyu iri kufara chaizvo.Asi musakanganwawo ka kuti kudzimba dzenyu kwakazvarwawo vanasikana.Nerimwe zuva zvichava kwenyu." "Ndazviziva kuti hauna kundiregerera but believe me ndiri kutaura zviri kubva pamoyo chaipo.I'm sorry."Ndakangotakura chisaga changu chaiva nembambaira ndokutanga kufamba.Akauya mberi kwangu Leo achibva ati,"Ndozviziva ndakutadzira Mabhawu asi ndiri kukuvimbisa kuti l will fix everything asi handigoni kuzviita ndega kana usiri kudaira phone yako unoziva sei zvaari kufunga Mouse wacho.Please hear him out mutaure nyaya iyi ipere." Handina kumupindura ndakafamba ndoenda kumba shungu dzakandibata ndokutanga kuchema apa ndipo pandakaona kuti ndaiva weak zveshuwa.Mazuva akafamba ndaiva ndatozviudza kuti jambwa ndiro randaiva naro chete.Kutambiswa vana vevamwe vachiroorwa ini ndaingova wekumitiswa chete .Ndakatanga kuona machanges pabody yangu.Kana kutaura kwanga kwatova kushoma zvakapfurikidza zvekuti zvakaisa mibvunzo kumhuri yekwangu.Ndakazonzwa rimwe zuva Garry achiti kuna mhamha,"Mukati Mabhawu wenyu haasi kurwara here mhamha?Zii yacho yakutyisa." "Kana neni zviri kutondinetsawo haadero ave neimwe nhumbu here veduwe?Ndizvo zvaaiita mazuva aya.Ndigonyarira pai nhai veduwe." Vakadero vakutochema ndikanzwa hana yangu kurova zvimwe yaiva yatobata nhumbu yacho.Zveshuwa mazuva aya ndaiva ndava nenungo dzekutaura."Haaa kana mhamha mazuva apfuura aya aifara chaizvo zviri zvenhumbu hapana asi heartbreak pamwe." "Heartbreak saka urikuti akarwadziswa here?" "Ndoona sekudaro hangu panhumbu handifunge akatonzwa pamakamutsiura paya.Munoti anga dzokorodza same mistake here?" Aivimba neni hanzvadzi yangu asi ini ndaiva ndavanyadzisa chaiko.Ndakatanga kunyepedzera kufara nhema asi pamoyo pairwadza.Ndaiedza chose kuti hama dzangu dzisanyanya kufungira zvakanyanya. MOUSE Ndega ndakatoona kuti ndikada kuita zvekutamba Mabhawu ndaisamuhwinha zvachose.Hongu ndaiva ndangobva pasina kuwirirana asi ndakazviudza kuti uyu ndiye aiva wangu ndaisabvuma izvozvo.Silent treatment yaaindipa yaiva yakanyanya ndaiva ndamboedza kumufonera kuisa mamessages asi zvose zvakaramba.Ndakatanga kunyengerera Leo asi akaramba zvakare.Ndega ndakatoona kuti ndogona kurasikirwa nemunhu wandaida zvikashaya basa. Dai aiva angopindura kamwe chete ndaigona kuziva mafungiro ake manje aiva angoti zii zvake kutotadza kuziva kuti aifungei chaiko.Ndakaguma ndapererwa chaiko zvekusvika pakufonera amai vaLeo ndikati,"Tete ndakasiya ndaporonga mwana wevaridzi kumusha ikoko ndiri kukumbirawo help yenyu."Ndakavatsanangurira zvaiva zvaitika ndikati ndadenha mago.Vakavava ndikasiya vakadero.Patova paya vachibva vazoti,"Saka wanga wafunga kuita sei ipapa?" "Handina option tete kutoroora ndiko kwandave kutoita .Ndikasadero naLeo hatife takaonana nokuti ishamwari yake,please itai plan ndiwane kutaura nehama dzake iye haasi kudaira call yangu. "Ndinosvika ndichiti chii?Hunhu rudzii hwawakaratidza?Kana uchimuda chaiko sekureva kwako huya utambe nyaya dzako wega." Ndaiti varikutamba asi vaitova serious zvavo.Ndakaedza kunyengerera asi vakaramba.Ndega ndakabva ndapererwa.Ndakamboedza kufunga ndikasara ndisina option than kunosvika pamba pavo.Handina zvimwe zvandaikwanisa kuita.Ndakabva ndatotaura neshamwari yangu Allan uyo akabva andiperekedza.Takasvika kuseni chaiko.Ndokumira nechekure hoping kuona Mabhawu achifamba famba asi hatina kumuona.Ndakafona kuguma phone yangu yacho isisapinde. "Hapana hapana shaa handei tinosvika."Ndakarova mota ndikamira ndave pagedhe pavo ndichibva ndaburuka ndakananga pamba pavo. End of chapter 5 More comments,more fire 🔥

❤️ 😮 👍 😂 🙏 😢 15
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:11:33 AM

Kunevarikuchema kuti machapters haasi kuonekwa

❤️ 👍 🙏 😢 10
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:07:03 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 4 Mouse Aitaura zvaanonzwa kuda Khethiwe ndega ndakatozvishaya kuti aiva munhu rudzii asina kana matyira.Mashoko ake aingopotsera aiva asinei nekuti anosvikawo sei pamunhu.Aiva andidzikisira kusvika pekugumisira chaipo.Handisi type iyoyo manje.Kana vekumba kwavo vaiva vamutadza hazvirevi kuti kana neni ndaimukoniwa.Aitoda kupinzwa mugwara chaiko Khethiwe.Ivo vanomupa mbiri yekuchukucha chiuno ndivo vanomutunhidza zvisina basa.Kungoti kana une zvaunenge uchida pamunhu wotokwinya nguwo.Pana Khethiwe ndaitozomuhwinha chete pasina kukundika.Aiva aratidza hugamba hwake kana neni ndaidawo kumuratidza hwangu.Ndakatoona kuti muswe wake waitoda kugurwa chaiko ndokuti azive kuti ndiri murume. Chero in future aitozondinetsa chaiko nokuda kwehunhu hwake husina basa.Munhu anopindura wanted ndaifanirwa kumugadzirisa asati aenderera zvake.Sezvineiwo ndakapedzera shungu dzose pana Leo naTamai ndikati,"Leo ndakakuudza kare kuti tarisa Khethiwe izvozvo chete ndizvo zvaungatadza here?Basa kundikorovhera mari yangu pasina chisvinu chaunoita.Wakandivimbisa kuti uchava mufudzi wake asi zvino uri kuita sei?Hamubatsire chinhu vapfana imi mxii." "Mabhawu anonetsa uyo khule anozvitonga handitomugonewo sekumutadza kwamaita." "Saka urikutaura kuti ini nezera rangu rino ndingatadza Mabhawu wako iyeye.Unoti kana achikuremerai vapfana neniwo nhai?Chanana kwandiri icho." "Saka sorovhai nyaya dzenyu khule musada kutipinza pakati.Isu pedu takapedza takakuratidzai musikana kwaye anorooreka.Kana akasakuteerai hwatova hutera hwenyu semurume." "Aikaka zvawave kutondifamba muzaya." "Shuwa ka nhai khule ndicho chokwadi." Ndakamboti zii ndichiedza kufunga kuti ndoita sei?Ndakapinza ruoko muhomwe ndikabata mari ndipo pandakaburitsa ma20us maviri ndikapa umwe neumwe yake ndikati,"Ndiri kuda Mabhawu wenyu pano kuti muchazviita sei handizivi." "Aaah nhai khule?"Akadero Leo ndichibva ndati ,"Kana usingagoni dzosa mari yangu." "Okay khule toita zvamuri kuda zvacho." "But how Leo?Mabhawu unomuziva iwe haade majokose.Zvavatombomarana kudai kuuya kwake kunonetsa." "Hande Tamai kwete kungoita hugwara husina basa."Akadero Leo ndichibva ndakwenya mhino nekasiyamwa chaiko.Aida kuzviidza akangwara manje ndaitoda kumupedzera.Vakatora nguva refu vapfana ava zvekuti ini wacho hope dzaiva dzakutobata ndipo pandinonzwa kuvhurwa kwedoor remota yangu.Akabva angokandidzirwa Khethiwe uya ndikazhinya murima imomo.Ndaida kuvapprover vakomana ava kuti ndini mukuru mbiri yavaipa Khethiwe yaisava yake vaifanirwa kuipa ini.Munhu wacho aiva nesimba ndakatoona kuti ndikaita zinyeke nyeke ndaipa vana Leo basa ndarohwa ndikabva mazino.Ndakaita wekusunga maoko chaiko ndikatanga kumuita hwebhinya chaiho.Ndakazotura befu ndapedza. Ndakafunga kuti achataura sekamuitiro kake asi kana zvake akangobuda akanyarara zvinova zvinhu zvandaisatarisira zvachose.Stress chaiyo yakandibata dai aiva angotaurawo word rimwe chete zvaiva nani.Ndakaridza tsamwa kasingaperi.Ndaifunga kuti ndagona handina kuziva kuti ndadhakwisa zvinhu zvose.Ndichifunga kudaro ndakazongoona ndadhonzerwa panze ndisati ndataura kana shoko rimwe zvaro chakandigara chematsenga nzungu.Pandinoti ndinzvenge chakauya chimwe vakandifamba vakomana pavakazondisiya vaiva vaneta nekundikandidzana. "Murimbwa sekuru manzwa.Handina kuziva kuti mungaite hunhu hwenyoka inoruma chaisingadyi manzwa.I trusted you,ndichifunga kuti muri munhu kwaye handina kuziva kuti makafumuka kudaro.Munomboziva here zvakaitika mulife make Mabhawu wamabata huyanga kudaro?Takabva naye kure Mabhawu since childhood handina kuziva kuti mungafumuka zvekusvika palevel rakapusa kudaro.Dai ndaziva kuti ndizvo zvamuri kuda kuita ndisina kupinda mumadeals enyu.Achationa sevanhu vakaita sei?Zviri pachena kuti ationa kungoti tanga takamuvhara zvekuti atadza kutaura.Asi kutiziva kuti tisu aziva zvake.Kamari kenyu ako idyai mega mari yenyu."Akadero achipupa furo mumukanwa kuratidza kuti hasha dzaiva dzakamuwandira.Akaguma ochema Leo kana ari Tamai aiva angobata shaya kutatidza kuregreter zvaiva zvaitika.Vanotanga kufamba vachindisiya ndega ndakaedza kuvamisa asi zvakashaya basa.Ndakadeedza asi vakaisa zvimiti munzeve. Apa ndipo pandakatanga kuzvipa mhosva manje ndakapinda mumota mangu ndokuvatevera ndasvika pavari ndakaedza kutaura zvikanzi,"Ko akaita nhumbu muchaita sei nazvo?Hamuna mhinduro ka?Kungonakidzwa nekutambisa vana vevanhu muri munhu akaita sei?Kutaura chokwadi murisekuru vangu asi apa mandibhohwa zvenyu." "I know kuti ndabhaiza asi waidawo kuti ndiite sei Leo?Kufunga kwako Mabhawu itype inoenderwa mberi here?Ndanga ndichida kuita zvinhu zvangu negwara kwaro asi iye andiratidza kuti haade izvozvo anotoda zvembabvu.Ndiyo yega way yekuti abvume kuroorwa neni osiyana nezvimhandara zvake.Ndomuda ini it's not like ndiri kungoda kutamba naye ka.Ndomuroora chero akada nhasi chaiye." "Hukama hwedu huchadzokedzana mushure mekunge mabvisa pfuma kumba kwavo kana musati chete ini nemi hatizivani."Ndakamboedza kunyengerera asi zvakashaya basa.Ndakambofunga kungonanga kuHarare hangu,ndichibva ndazorangarira kuti vakomana vaiva vandishanda kwete zvekufungidzira.Zvandaiva zvacho zvaisaita kuti ndifambe ndakadero paitoda kugeza zvese nekutoviwa first.Apa ndipo pandakaona kuti bond yaiva pakati pavo yaiva yakakura kwazvo.Ndaiva ndisina kumbozvifunga zvese izvozvo.Airatidza kutsanwa chaiko Leo zvekusadzoreka zvachose.Ndakamunzwisisa hangu Leo nokuti zvandaiva ndaita ini wacho ndaiva ndisina kutanga ndafunga. Ndakaedza kufonera Khethiwe kasingapei ndikaguma ndasender mamessages asi haana hake kupindura.Ndakabva ndaziva kuti ndaiva ndamurwadzisa zveshuwa.Ndakatanga kufumga ndega kuti zveshuwa aiva nemwana here Mabhawu uyu kana kuti raingova statement zvaro.Kakubatana kacho down there kaisamboita sekemunhu aiva akazvara zvachose.Moyo wangu wakatomboda kudyira ndikazvidzora ndofunga hangu kuti aiva akangwarisa musikana uyu nematambiro ake iwaya ndipo paaizoramba akaumbana kudaro.Ko izvo zvidhara nezvikomana zvemuraini mukati zvaisapindawo here?Mukati hakuzi kudya mishonga here ikoku.Handimuoni mushe hangu.Ndakasvika kumba kwana Leo atosvika kare ndakanzwa mai vake vachiti,"Ko sekuru vako wavasiya kupi?" "Varikutevera hameno kwavasara uko."Akadero ndofunga vaiva vasina kunzwa kusvika kwangu nokuda kwezvibage zvaiva zvakura nokuda kwezhizha.Ndakapinda hangu asi ndikanzwa vachiti,"Vabva vasvika."Vakadero vachitouya kwandaiva kuzondochingura vachingonditi ba vakabva vati,"Hezvo!Ko maitwa sei?Kwamabva kwakanaka here?"Vakabvunza vachiratidza kutya kukuru ndikati,"Kwakanaka kwandabva misatya zvenyu." "Ko mavanga ose amunawo?Iwe Leo isa mvura pamoto nditove sekuru vako vanoenda kupi vakazvimba kudai?" "Vasiyei vaende mhamha zvavanga vachida vazviwana.Tavakutsirana naTamai." "Wadii?" "Vabvunzei ka sekuru vacho kuti chii changa chaitika mhamha?Kwete kubvunza ini." Vanoratidza kupererwa tete vangu ndichibva ndangoti,"Pangoita kusanzwisisana chete." "Zvekuti masvika pakukuvadzana kudai?" "Zvishoma zvandavaita izvi next time ndovatyora musana iwoyo usina matyira kungogomerera pasipo." "Leo please,,,?"Ndakadero with begging eyes asi haana kuda kuzviteerera.Akabva ati,"Mhamha mutsiure hama yenyu ini hangu zvekuti tikonane handidi.Garai mataurirana Mabhawu ndakabva naye kure ini.Izvozvi anochema neni achifunga kuti ndini ndavafurira sekuru ava asi kuri kungotadza kuzvidzora kwavo." Akadero ndaizoona Leo uya.Zvakandipedza simba kana kugeza ndaizoona zvekuita ndaveko. Kuti haana kutoenda zvachose here Mouse uyu? Kuti nhumbu haina kutobata here kuna Mabhawu?Agova mwana wechingani nhaimi?" Pakaipa apa panoda vakuru vanofamba naJesu. End of chapter 4 More comments,more fire.

❤️ 😢 🙏 😮 😂 13
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:05:15 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 2 Mabhawu Ndakatora zvitini zvekudhiridzisa ndokutemha muriwo nehanyanisi ndichibva ndabuda ndoenda kumba.On my way home handina munhu wandakaona achidzoka ndikangoti zvimwe aisava ake makeys acho Mouse.Handina kuita basa nazvo asi ndainzwa kamwe kakurwadziwa pamoyo kandaisanzwisisa kuti ndekei."Kwakanaka kudzoka nguva dzino,wapedza kudiridza garden iwe?"Vakadero amai vangu ndichibva ndangoseka hangu ndikati,"Ndapedza mhamha munogona kuenda kunoona zvenyu.Basa rabatwa." Vakangonditarisa vachibva vati,"Nhasi mapoto ndeako ubike nekukasisa muzukuru wangu asati arara." "Ehoyi mhamha asi muzukuru wenyu agara anongokasika kurara uyu ini ndini ndongozofira mhosva dzake." "Ndati ukasike kubika chete." Vakadaro vachitobva pandaiva ndakasara ndopinda munhanga mangu ndichibva ndambotseyama ndaiva ndichiri nehope dzekuchimhandara dzaiva dzisina kumbopera zvachose.Pandaida kunyatsorara paya ndipo pakabva pasvika Leo naTamai handina kurara mushe.Hadzina kunonoka kubata ndakazopepuka ndichinzwa kuzungunutswa,"mhamha muka."Kaiva kaAngel kamwana kangu."Urikudei Angel."Ndakadero achibva ati,"Mukudiwa panze."Ndakavhura maziso kunodai kwaiva kwakutodoka.Ndakakwakuka ndikati,"Ko wadii kumutsa mhamha mwanangu ndararisa."Ndakangonanga kukitchen kovesa moto nekutoisa poto yesadza.Leo ndakamunzwa achideedza zita rangu asi handina kuzviteererera.Ndakazobuda ndapedza kucheka maveg ndikati,"What again ukudei this time?" "Mouse arasa makeys emota haunawo kumaona here?Please Mabhawu usambofunga zvako kundinyepera l know you very well.Arikupi makeys emota." "Tora pauri kumaona shaa,ambouya nemota here munhu wako?Tomboti auya nayo ini ndinokwana papi?Ngaauye ega munhu wako iyeye andiudze kuti ndini ndatora makeys ake emota.Unondiziva mushe Leo ini zvekuchinjiswa mood ndanga ndichizvifarira handidi hangu.Ataura zvaanoda achindishora nekundituka ini.Kundiudza humvana ini kuita sekuti ndini ndatanga nazvo.Apa akudei kwandiri manje.Humvana huya hwaenda kupi?Unondiziva iwe since childhood.Hauudzirwe nezvangu Leo iwe unondiziva mushe dai ndanga ndichida kumudzikisira pamberi penyu wainyatsoziva zvandaimuita.Ndatomupima ndikatoona kuti simba hapana paya.Ndanyara imi shamwari dzangu mauya naye pasina izvozvo ndaimurovera shoko rake rekunditi mvana iroro." "Izvozvo ndazvinzwa chomie,chindipawo makeys ndiende ndakatomirirwa kumashops uko." "Handina makeys ini bye rega ndibikire mwana wangu ini mvana."Ndakadero ndichitobva paaiva akamira ndokupinda mumba ndichibva ndapedzisa kubika.Ndakatarisa nepawindow ndikaona achakangomira handina kuita basa nazvo aizoenda zvake kana aneta.Ndakadongorera futi ndikaona pasisina munhu ndikaziva kuti ndaiva ndahwinha apa.Huarrogant hwaMouse ndaitoda kuhupedza chete.Panguva dzandakapedza kubika ndipo pakabva pasvika Garry naDzingie ndikati,"My brothers maswerasei?" "Hesi Ketty wabikeiwo mupfana wabhudhi."Akadero achiuya kumapoto angu ndikati,"Mirai ipapo tsano musasvika kumapoto kwangu." "Wakudaro mwana wamai vako Ketty?" "Ndati No."Pandaidzivisa Garry,,Dzingie aitochachura.Pandinoti kuna Dzingie ,Garry akasara achichachurawo vakabva vabuda vese panze vachitiza ndikasara ndichidzungudza musoro wangu.Aingova mazai zvawo andaiva ndabika akawanda kwazvo sevanhu vaichengeta hanga.Ndakazopakura hangu tichibva tadya semhuri tichitaura nyaya tichiseka.Baba vangu vaiva vakasoenda kwamupfiga nebwe ndiine 6years chaidzo asi zvose izvozvo hazvina kutadzisa amai vedu kuti chengeta.Hapana chataishaya vaivavarira chero hazvo taigara kumusha.Hanzvadzi dzangu dzaiva dzasiira chikoro munzira mushure mekunge zvamborema kuna amai vangu asi pavakaona ndakwanisawo kunyora vakabva vadzokera pabhenji form 3 chaiyo vese vachibva vanyora ndokubuda zvakanaka asi mari yekuenda mberi yakanetsa.Havana kuda kupa amai vedu stress vakatanga kungoitawo tumabasa kumusha ikoko,,,building, thetching vachiita mafloors tichitoraramawo hedu zvakadero.Chero hangu ndaiva ndapasa handina kuda kupa amai vangu stress nekuenderera mberi nechikoro ndakangoti,"Zvakwana mhamha."Ndakavatenda chaizvo nekundipa umwe mukana zvakare semunhu anga amboita musikanzwa ndikazvariswa mwana ndiri mwanawo zvake.Ndakaona kuti kuramba ndovapa stress zvaisabuda Angel aidawo kudzidza wanga wavawo wake mukana uyu. Ndaiswera ndichiruka zvangu vanhu pasi pemuti kumba kwedu ndichipihwa mapondo nemadollar ndiyo yandaizobatsiridzawo pamba kuti tisadya zvinovava.Vanhu vaiuya ndaigona kuruka vanhu vatatu kana vashanu hunge ndisina kurara kuchimhandara hangu.Sezvineiwo ndakabata phone yangu makuseni zuva raiva ratokwira panguva dzandaiva ndapedza kubika kudya kwemakuseni pakaringer phone yangu ndakatarisa ndokuona ari Leo.Ndakadaira ndichiti,"Chomiza." "Ketty usadero hako,ndanga ndisina kuzvitarisira kuti ungandinyadzisa kudaro." "Ko ndaita sei nhai Leo ukuratidza kuti wakatsamwa kwazvo." "Unomboziva kuti sekuru vangu vanga vachifanirwa kudzokera kuHarare nhasi asi waporonga zvese uri munhu akaita sei Ketty asingatendi?" "Nyaya yako yapindana pindana Leo handisi kana kutomboibata zvachose.Ndopinda papi ini pana sekuru vako.Ko kusatemda kwangu kuri papi inga unondiziva wani nhasi kwauyei kwawave kuita sekuti watanga kundiona nhasi?Mhosva yangu irikubva kupi ichienda kupi?" "Sekuru vangu Mouse vanokuda Ketty asi iwe haudike zvachose.Ndanga ndati seumwe wangu upindewo muhupfu,ukweshe mazino nemukaka asi zvose izvozvo hauna basa nazvo.Unoda kugara murugwesha kusvika rini Ketty.Mouse arikutokuda zvekutochata newe chaiko asi handizivi kuti iwe wakaita sei chaizvo.Une kamwe kahutsinye kaunako Ketty ndotoshaya kuti makeys emota wakamabirei ini kuita sekuti unogona kudriver kwacho." "Zvakwana Leo usandipomera zvinhu zvandisina kuita wanzwa.Bvunza chisekuru chako ichicho kuti chinondida zveshuwa here?Kana chichindida chaifanirwa kugamuchira zvose zvandiri manje kungonzwa kuti ndine mwana wangu munhu akutotiza imhosva yangu here kuti ndakamitiswa ndiri mwana mudiki.Kundiudza humvana ini ndizvo zvinoita munhu anoda munhu here izvozvo.Muudze akwane Mouse wako iyeye handina nhamo yevarume ini zvekuti ndingatomunyengerera kuita sekuti ndiye akabata mweya wangu wekufema.Chero hana yangu yanga yarova ibva watomuudza kuti mvana iya yati haikude wanzwa." "Ndazvinzwa asi ko makeys emota unomupira kupi?Kutaura kwandiri kuita ndatomhanya kuMission naMouse arwara tarara panze takarinda mota yake zvino arumwa nemosquito kuita butcher kumeso uku muviri wake hausi kutarisika zvachose." "Whatt!" "Enda kuwhatsapp utarise kana uchiti ndiri kunyepa." Ndakamhanyira kuapp kuye hana yangu ikati bhamu ndichiona mapics ake.Vamwe vanhu vane ropa rakashata veduwe.Dzazonyanya kumuruma zvekusvika papi chaiko. "Urikunyepa Leo."Ndakadero akati,"Okay let me show you another proof."Haana kutora nguva refu akabva akanda mamwe mapics achiratidza kuti aitova kuhospital.Apa ndipo pandakawedzera kutya manje ndakabva ndati,"Saka murikupi ndiuye." "Ini ndiri pamagirosa ndakarinda mota,Mouse ana Tamai kuhospital." "Okay coming." Ndakangopinda mumba ndichibva ndachinja kana kugeza handina.Ndakabuda ndichimhanya ndikanzwa voice ramhamha richiti,"Ketty,Khethiwe iwe Mabhawu!"Asi handina kucheuka ndaizovaona ndadzoka.Ndichisvika paroad ndakabva ndaona mota yaienda kumission ndichibva ndakumbira vakabvuma.Takadarika nepamagirosa paiva naLeo uyo akabva ati aiva awana munhu wekusiira mota saka taiva takuenda tese.Akapinda in no time taiva tasvika paMission apo paiva nechipatara."Arimupi?"Ndakadero ndisina kugadzikana achibva ati,"Handei mukati."Takapinda hedu asi ndainzwa kutya.Ndichingomuti baa ndakabva ndatadza kuzvidzora ndakamumbundira to my surprise akandimbundira back ndikanzwa achifambisa ruoko rwake kumusana kwangu.Panguva yandakazvibvisa paari ndakabva ndati,"Une dzungu Mouse who gave you the right yekundiudza humvana hwangu,,,ndiwe here waka,,,"Ndisati ndapedza kutaura akabva ati,"I'm sorry babe l,,"Haana kupedzisa ndakabva ndamuti,"Ndiani babe wako?Wakandituka iwe apo mhosva yacho ndaisaiziva." "I'm sorry kungoti ndakarwadziwa pawakandiudza kuti une mwana nokuti moyo wangu wakatomera pauri Mabhawu."Akadero achiseka ndikati,"Ndiro rangu chairo iroro."Akabva ati,"But ita serious iwe,inga rako rawkapihwa nevabereki vako rakanaka wani?" "Ndakutodawo Mabhawu ini ndiro rakutondiitira,saka wanzi chii?" "Allegy hangu ndiyo yakandizvimbisa kudai asi zvakutochinja hazvo." "Ko imi makatadza nei kunorara kumba kwana Leo?" "Ko mota yangu,waida ibiwe here?Ab5yway chindipawo kaa makeys angu nhai babie ndakabhaiza paya nemashoko andakataura."Ndakapinza ruoko muhandbag ndikati,"Sorry l didn't mean to,,," "Me too sorry babie ndakabhaiza paya." We hugged ndikanzwa kamoyo kangu kuti tibvu tibvu hameno zvandaiva ndakunzwa mandiri.Akabva ati,"Saka takudanana here nhai Mabhawu?" Ndakatarisa Leo naTamai avo vakabva vabuda vachiseka ndichibva ndasara ndichiti,,,,"Ehe takudanana Mouse."Ndakadero kahana kachirova ndaisaziva kuti aizondiona semunhu akaita sei?Ko hantie hanzi musikana unomborambawo nhema here?Kwandiri ndanga ndakutotya kuti aigona kudzokera Harare ndisina kumuudza kuti ndomudawo. End of chapter 2 More comments more fire

❤️ 😂 😢 👍 😮 👏 🔥 16
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:07:46 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.Khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 7 MOUSE "Ngatitize Mouse."Akadero shamwari yangu Allan wandaiva ndaenda naye kwana Mabhawu.Aiva abatanidzirwawo tichibva tarakashwa tese kuita kunge nyoka yapinda mumba.Ko ndaimboziva kuti vakomana vanotsamwa here ava.Takarohwa kumeso uku kwaiva kusisatarisike zvachose.Ndotongote da Mabhawu akadaidzira ari panze.Vakomana vachibva vavhura door ndiko kubuda kwatakaita munyatwa iyi.Dzakambondibata zveshuwa pfungwa dzekutiza asi ndakatoona kuti ndinenge ndasiira Mabhawu mutoro unorema zvekuti aizotadza kuutura.Ndakazozvinzwisisa manje panguva yaakada kuenda nesu kuMission achibva audzwa mashoko anoenderana naye ndokungosara akati tumbi.Ndaisaziva kuti vakomana vanotsamwa ava pandaiona vanaLeo vachisvikapo madiro ndaiti inyore izvo kwani vaisajairika vakomana vacho. Takakuenda kuMission uko kwandaisava nejourney nako.Tiri munzira vaingon'un'una zvekuti ndega ndakanyatsoona kuti ndaiva ndanyangira yaona.Vakatorwa vopindwa navo mukati panguva dzatakasvika ndipo pandakawana mukana wekutaura naLeo ndikati,"Ndazviwisira mumukanwa mamupere Leo.Ndaisaziva kuti hanzvadzi dzaMabhawu dzinotsamwa kudaro.Kutaura chokwadi ndabikwa ndikaibva.Vandigadzirira size inokwana mabhuradha ,kutaura kudai muviri wangu uri kubvira moto chaiko."Ndakabva ndasender kuapp ndokuzvitora maphotos ndichibva ndakanda zvakare.Akazopindura patova paya zvikanzi,"Ko imi manga muchitsvakei kumba kwavo?But sekuru zvimwe zvacho hamutange mafunga imi.Hindava muchingoda kukonzeresa maproblems kuna Mabhawu imi.Makasiya mavhura hombe,now mavhura imwe zvakare apa ava nenhumbu manga muchizviziva here?" "Wattii?" "Ndiri kutaura chokwadi ndizvo zvakonzeresa amai vake kuti vaende kuchipatara.Varwadziwa nekuziva kuti mwana wavo ane nhumbu yechipiri isina baba zvakare." "Urikunyepa Leo?" "Panguva yacho ndanha ndichitaura naye paphone ndidzo nguva dzasvika mai vake.Handizivi hangu kuti muchazviita sei?Asi chandiri kukumbira ndechekuti tangai mafunga musati maporonga zvose.Mabhawu munhu ari bho kana mamusiya henyu moziva kuti maporonga hupenyu hwake." Ndakambonyarara ndakatarisa message yake ndaiedza kufunga nekubatanidza nyaya yaiva mudariro.Ndega ndakatoona kuti kubva panzvimbo iyi ndiko kwega kwaindibatsira chete.Huvepo hwangu hwairamba huchikonzeresa maproblems chete.Ndakaisa phone yangu muhomwe ndokudaidza Allan uyo aiva akagara pamabhenji emuchipatara ndikati,"Handei Allan."Asati apindura ndakanzwa voice rakati,"Kuenda kupi manje?"Vaiva tsano vangu Garry vaitaura vachiuya pamota pandaiva.Ava manje vairatidza kuti ndivo vaiva vakaoma musoro.Vamwe vacho Dzingie vaiva nani vaingozoita nekuti umwe wavo ndizvo zvaari kuda chete.Hana yangu yakarova ndaiva ndisina kuzvitarisira kuti vangabuda panguva iyi.Ndaiva ndatofunga kudzokera kumba chaiko ndonoona Mabhawu toronga way forward asi zvakashaya basa.Kutaura chokwadi ndaisaziva zvandaida panguva iyi.Kana iye Mabhawu wacho kuti aida zvipi ndaisaziva.Uvaidawo ndambotaura naye ndoziva paamire asi mukana chaiwo paiva pasina.Kufona kwacho aisadaira kusaziva manje kuti aida ndiitewo sei? Zvisinei,mhinduro ndakaishaya paya ndichibva ndati,"Thought basa tapedza pano saka ndanga ndati tonorara zvedu,,,"Handina kutenderwa kupedzisa vakabva vati,"Wafunga kuenda kumba kwangu wonosimbisa mwana wako mumba mangu apo hauna kana cent zvaro rawakabvisa zviri fair here?" Ndakashama muromo ndoshaya kuti vaiva vapinda kupfungwa dzangu here kana kuti?"Umm,hanzi chii?Mukagoshama muromo segatahwe mati ndidiiwo zvangu.Ndiri kubvunza kuti ndizvo zvamafunga here vakuru?Ko ndimi ka murikurema muno muNdarire.Kuita zvivindi zvekuuya pamba pangu uchinyatsoziva kuti wakamitisa mwana wangu.Hakuna zvakadero munhu unoitawo matyira kwete kuita seunobva kusina vanhu." Handisati ndakamboona zvakadai ini ndairema zveshuwa kuHarare kwandaibva. Handina kuziva kuti ndingadzikisirwa kusvika pakadai.Vanga vazondiwana zveshuwa kuita zvavanoda neni ndiko kwaiva kwakuitika apa.Ndega ndakatoona kuti nyaya iyi yaiva yakakora muto chaiko.Paitoda huchenjeri chaiho kuti ndipabude nokuti ndaiva ndakabatwa nechikirimbani chaicho kubuda kwangu kwainetsa. "Handina kuzorora ndiri kuda kumbozorodza nyama chete.Pamunondida munondifonera ndouya."Ndakadero ndichiti zvimwe ndabaya dede nomumboni ko ndaizivei kuti ndiri kutokutidzira moto."Manga mafunga kubuda nemota here?" "Igaroziva hapana pandichafamba netsoka ini ndine mota." "Okay then let's go together,tonorara kwamuri kuda kurara ikoko kuseni todzoka kuzotora amai vangu wonovasiya kumba then wotorana nemhuri yako worova pasi." "Mhuri yangu ipi yamuri kutaura?" "Asi imwe ipi?Kana mairohwa hembe tsano kuno tinobata nyama chaiyo.Mabhawu is my only sister hakuna mumwe.Pekutanga wakamitisa hanzvadzi yangu ukatiza ukaenda joni now wakuda kumutiza zvakare hakuna zvakadero.Ini handizvitenderi zvachose." "But ,handisi baba vemwana waMabhawu weku,,," "Enough!"Vakakwamatata zvekuti ndega ndakatya.Baba vaitsamwa zvavo ava,asi chavaitadza kubata ndechekuti vaindiisa pasiri pangu.Kana baba vaMoira wacho ndaisavaziva ini ndanga ndakungofirawo mhosva dzisiri dzangu.Ndaiva ndakungo batanidzirwa hangu panyaya yandaisaziva.Takaparara paMission varimu mota mangu vachidzipfodora zvavo kuita kunge mota yavo.Ndaipota ndichitarisa Allan taiva tatova vasungwa sekutamba sekuseka.Team racho raiva rakangwara chaiko any silly mistake wainyura.Ndakazongoona message yaAllan yapinda ichiti,"What next?" "No idea."Ndakamupindura achibva ati,"Ini zvepano handichada shamwari urikusara wega uchitamba nyaya dzako ini ndiri kudzokera.Nyama dzangu dziri kurwadza nekurohwa ndodzokera zvangu nemabhazi sara zvako wega kuno." "Ko ndikasara ndikapondwa nhaiwe usadero.Ndiwe hama yangu yandinayo todzokera tose shaa." "Umm,ini ndazvitadza dai wakagara wandiudza kuti une nyaya dzako ndisina kumbouya.Chiona zvino muviri wangu angova mavanga because of you.Ndiri kuenda ini sara wega shamwari." Zveshuwa kwakati kwave kuma3 kunze koedza akabva atobuda mumota ndokurova pasi.Ndakasara ndega zvino ndongoti boi boi maziso sechidhori pasina chisvinu chabuda.Vaiva varara vachi monitwa amai vaMabhawu pavakanzi bp yavo yava stable vakabva vangoburitswa .Ndini zvakare nyakutakura vanhu kuenda navo kumba uko kwakanomuka chimoto zvakare Mabhawu akarongedzeswa hembe ndakatarisa.Ndaifunga kuti vachanzwa tsitsi asi zvakedero hazvina kuitika.Akaita zvekusundirwa mumota yangu vachibva vavhara madoors ivo.Apa ndipo pandakapererwa manje.Yes ndaimuda Mabhawu asi izvi ndaiva ndisina kuzvitarisira.Kuita kunge ndairamwirwa mwana wavo kudaro zvakandipedza simba. Ndakacheuka kumashure kwaaiva akagara ndikaona achipukuta misodzi.Mashoko ekureva ndaiva ndisina chandakagona kungomutsa mota ndokunanga kumba kwana Leo.Vakashamisikawo vachiona ndichisvika nemunhu.Ndakavaudzawo nyaya yaivapo vakangogumbata maoko avo kuratidza kupererwa.Ndakabva ndavati,"Ini ndakumbodzokera kuHarare ndonogadzirisa nyaya dzangu chikumbiro changu ndechekuti mumbosarawo naMabhawu ndichauya ndomutora."Vakamboda kuramba ndichibva ndavanyengerera ndokubvuma sezvo ndaiva ndavavimbisa kuzodzoka nemari ndoroora.Lucky randakaita Leo aisavepo ndosaka zvakafamba zvakanaka.Mabhawu handina kumuoneka ndakangobuda hameno vaisara vachionawo zvekuita naye ndaenda ini ndaidawo nzvimbo yangu ndega yekufunga kuti ndoenderera mberi here kana kuti? Anoikunda here Mouse yaatanga iyi? Ko Mabhawu achaita sei?Hakusi kwatova kusiiwa here uku?Shame. End of chapter 7 More comments more fire

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🎉 🤣 70
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 2:44:26 PM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 8 Mabhawu Ndaisaziva kuti vakomana vanotsamwana kusvika kuthat level.Kana arisa Garry aiita kupupira nehasha.Dzingie aiva zii zvake kuita seaisaona zvaiitika.Ndakadzingwa sembwa zvinova zvandaiva ndisina kutarisira zvachose.Ndaiva ndisina kuita nekuda l was raped.Hapana akandipawo mukana wekutaura side rangu.Kungotaura kwakaita amai vangu zvavaiva vanzwa ndichitaura ndiko kwakaita kuti matwins andidzinge sembwa.Ndaifunga kuti amai vangu vachataura asi vakaramba vari zii kana kusimudza chiso havana izvozvo zvega zvakandiudza kuti vaiva vakatsamwana kwazvo.Ndakapinda mumota yaMouse asi ndainzwa kudumbirwa kwakanyanya kwazvo.Zvekutaura panguva iyi ndaisada zvangu ndakangovatarisa mota ichisimuka ndikanzwa moyo wangu kurwadza.Dai vangondipawo mukana ndadurura zviri pamoyo pangu. Tangoti fambei ndipo pandinonzwa Mouse achiti,"Urikufara ka nezvaiitika izvi?Waiva wagara uchingoda kuzvikandidzira pandiri ukati mukomana weHarare,,,dai wakadaira macalls angu pasina zvese izvi.Chiona ndakumanikidzwa kuenda newe ndisingadi."Akadero ndikati,"Tichiri padhuze Mouse ndidzosere kumba kwedu." "Unoda kuti ndipondwe ka hautorina shungu neni Mabhawu.Ndiwe wakaudza hanzvadzi dzako kuti ndiri baba vaMoira." "Handina zvandakataura ini,kupusa kwako ndiko kwaita kuti ubatanidzirwewo.Dai usina kusvika pamba pedu usina kurohwa zvawakaita.Mazvokuda mavanaga enyora aya." "Urikutotaura zvaunoda ini ndichirwadziwa kudai?Wanga wagara waudza hama dzako zvisina basa wakupa ini mhosva" "Ndini ndakakutuma kuti undirepe here?Pawairara neni waisaziva kuti mukadzi anobata nhumbu here?Wakandimbunyikidza wakutotaura zvaunoda zvako." "Iko ka1 katakaita kanoita kuti munhu abate nhumbu here?" "Urikuedza kuti chii apa?Kuti nhumbu haizi yako ndizvo ka?Waigomerera pamusoro pangu waifunga kuti ndiri chitsiga here?Nhasi yava nhumbu wava kuti haisi yako.Usadero Mouse handidi nemashoko angu." "Ndambodaro here kana kuti ndiwe urikutoisa mashoko mumuromo wangu."Ndakaseka zvaiva nemarwadzo mukati ndikati,"Rugare rwako rwuri kure newe Mouse nokuti une moyo wakasviba sedivi redoto.Unofunga kuti zvawandiitira izvi ndiri kufara nazvo here?Wakanganisa life yangu,kana waiziva kuti haundide wakararirei neni?Kutaura chokwadi wakaita hutsinye Mouse chimboita hako nokuti ndiyo nzira yeupenyu yawandisarudzira."Ndakadero ndichitodzika mumota make sezvo taiva tasvika pamba pana Leo.Ndakamufonera kuti abude panze asi haana kudaira.Ndakazoziva kuti aiva asipo panguva yatakapinda mumba.Ndakasiiwa ndakagara Mouse achibva abuda namai vaLeo.Ndakagara kwenguva refu netuvanin'ina twa Leo utwo twaiva twatorara zvatwo.Ndakaguma ndotsumwairawo mumba muya.Ndakazovhundutswa namai vaLeo vakapinda vachiti,"Sorry hako mwanangu ndanga ndichambokurukura nemukomana nguva ndiyo yazoreba."Handina kudaira ndakaramba ndiri zii.Vakatanga kubika ndikavasiya zvangu.Vaingotaura ndichipindura one word answer pamwe ndichinyarara kusvika vapedza kubika vachibva vati,"Chidya mwanangu uwane kurara nguva dzafamba idzi." "Ndakaguta."Ndakadero vachibva vashama muromo wavo zvikanzi,"Ko wadiii kutaura ndisina kuzvinetsa nekubika ndichibva ndavati,"Hamuna kutaura kuti murikubikira ini." "Inga zvakaoma."Vakataura vachiratidza kusvotwa kwazvo.Ndichibva ndangosiyana nazvo.Ndakabuda panze ndokuona mota yaMouse pasisina ndikat,"Aenda kupi Mouse?"Vakavhunduka vachibva vatanga kukakama ndichibva ndavati,"Ndizvo zvamanga muchironga panze kuti anditize Mouse right?Dai ndiri mwanasikana wenyu ndichiitwa kudai mainzwa sei?Hapana chamunonzwa nokuti pain yekumitisirwa mwana hamuizive nokuti hamuna mwanasikana wacho.Dai munaye maigona kundinzwirawo tsitsi mukataura naye Mouse kuti aite zvinhu kwazvo asi aiwa matomusimbisa kuti aende achindisiya pano."Ndakaombera maoko angu panguva iyoyo ndipo pakasvika Leo hameno kuti aiva arara kupi chaiko.Ndakaita wekumbundira ndichibva ndatanga kuchema kunge kandumure.Ndiye ega Leo aigona kundinzwisisa chete. "Zvakwana Mabhawu unoguma warwara tell me what happened?" "Ndakadzingwa kumba uko because of Mouse.Ndokuuya naye pano achibva atiza only your mother knows where,how and when paachadzoka she deceived me."Ndakataura ndiine bundu pamoyo chairo.Ndakaona achipa amai vake ziso achibva ati,"Munodarireiko amai?Dai ari mwana wenyu arikunzwai mainzwa sei?Makandibvunza musi uya tarwa naMouse muchiti yaiva nhau yei chiregai ndikuudzei nhasi.Mogona kufunga kuti Mabhawu akaita nhumbu nekuda asi haisi mhosva yake hama yenyu yakarepa mwana wevaridzi.Zvekuti akada hake kudziya musoro Mabhawu uyu wekwenyu ndiye anoorera mujere nokuti maeye witness tiripo ini naTamai ndosaka takamurova." Vakaramba vari zii pava paya vachibva vati,"Handina kumbozviziva ini." "Asi mamutendera kuenda achisiya Mabhawu pano.Imi ndimi muchagona kuchengeta Mabhawu ane nhumbu manje muchitadza kuchengeta venyu vana chaivo zviriko here mhamha?"Mumba mana Leo vaiva vakazvarwa vakawanda kwazvo vari 11 vakomana chete.Vakomana vakuru vaiva vabuda mumaoko evabereki vakuzviitira zvavo.Asi havasi vose vanorangarira vabereki.Apo amai vaLeo yaivawo chirikadzi samai vangu.First born mukomana mukuru aiva apikira kuita father vekuRoma saka hapa cent raibva kwaari.Vamwewo vaingongwavhawo zvichiramba kubatana.Leo ndiye aiva mukuru pane vamwe ava vaiva vasara pamba.Zvisinei hazvo amai vaLeo vaiva vakuita kunge munhu airegreter decision yavo asi havana zvavakataura zvavo. Ndakagara pamba pana Leo life wasn't easy at all zvairema ndicho chokwadi.Dumbu rangu raiva rakuonekwa paiva pasisina kuviga kana kuvanza.Shoko rakafamba muraini rekuti ndaiva ndatizira Leo ndainyepedzera hushamwari.Handina kuita basa nazvo zvagara munhu anongotaura chero pasina chawatadza chaiko.Ndaiva ndisisina tarisiro nehupenyu hwangu.Ndanga ndatoita imwe nhumbu isina baba zvakare makora airamba achiwanda kumba kwedu.Kufona kuna Mouse aisadaira zvachose.Ndakabva ndatoziva kuti zvavharana apa. Chimuko panga pasina.Leo ndiye aipinda busy rekundiperekedza kumission kuchipatara bp yaigara yakakwira. "Chiedza hapachina apa Leo ndakanyengedzwa zvakare."Ndakadero kuna Leo tichibva kuMission rimwe zuva achibva anditi,"Dai ndaiziva paanogara chaipo ndaikubatsira Mabhawu l'm responsible for this." "Aaah zvakatopfuura dear waisazivawo kuti ndizvo zvaaiva andirongera usazvipa mhosva ko ndini ndatanga nazvo here?Dumbu rangu ratokura iri 5 months ndaenda.Asi ndiudzewo chokwadi Leo hausi kumbotaurawo naye here Mouse?" Akambonyarara Leo achibva azoti,"Ndakaguma kutaura naye paya pandakamutuka seems ndaka blokwa haichapindi." "Haana kugara andida Mouse we trusted the wrong person,kana neni ndakatodyira ndichiti zvimwe apenyerwa asi ndaizvinyepera."Ndakatomboseka nhamo serugare achibva ati,"Ndiani angatadza kupenyerwa newe Mabhawu wakangozvinakira hako.Kungoti moyo muti unomera paunoda.Unenge wadawo munhu nemoyo wese kusaziva kuti uri kunyengedzwa sorry hako bestie."Akadero akasuwa kana ini l felt so emotional ndichibva ndamumbundira ndokutanga kuchema kusvika ndapedza shungu.Ndiye ega Leo aindinzwisisa.Aitoona kuti pese patauyira kuKana Mission ainditengera zvandaida only Godknows kuti aiiwana kupi mari yacho.Namai vake Leo aiva asisataure mashoko akawanda ndaiva ndamutsiura akanzwa hake.Kutaura vese kwaiva kushoma aiva achakagumbuka.Rimwe zuva ndakazonzwa kukakavadzana mumba ndichibva ndaendako ndikanzwa achiti,"Mava papi hamusi kana kusimudza musoro mhamha murikufara muchiona mwana wavaridzi achitambudzika kudai." "Saka unoti ndiri kufara here Leo wakanditsamwira kudai.Ndakataura naye Mouse akanzwisisa handina kukuudzai zvangu asi ndakatosvitsa shoko kumba kwana Mabhawu list takapihwa." "Whaaaat!"Ndakapinda mumba ndichidaro vakati,"Ndanga ndisingadi kuzvitaura hangu asi ndichaita sei ndizvo zviripo."Moyo wangu wakatombonyevenuka zvishoma kungoziva kuti zvinhu zvangu zvanga zvakuzofamba zvakanaka kwakandifadza chose.Mazuva akafamba kwaiva kwasara mazuva matatu kuti tiende kumba kwedu.Aironga zvinhu zvake namai vaLeo ini aiva asina kumbotaurawo neni akanzwawo zvandaidawo.Vaingoronga ndotozonzwa naLeo kuti zvaiva zvava papi.Zvaindidya moyo zvekuti ndaizvibvunza kuti kumba kwacho yaizova imba yakaita sei chaizvo?Kana munhu airatidza kusarongeka kwake tisati tapinda mumba kudai.Zvakandidya moyo zvakanyanya zvekuti ndakatanga kungonzwa kusagadzikana mudumbu mangu.Ndaingoti ndichaita bho handina kuziva kuti zvaitowedzera.Makandishungurudza mudumbu zvakanyanya kwazvo.Ndaiita kunge munhu ane jeko pasi peguvhu pairwadza ndakamboedza kizvishingisa asi zavakaramba.Ndakadeedza Leo uyo akabva auya kuroom kwandairara achinditi baa akabva abata muromo wake ndokuti,"Ropa riri kuyerera Mabhawu ko waita sei?"I was shocked too zvekuti ndakati ,"Ropa!"Achibva ati,"Mira ndinosunga mombe timhanye kuhospital Mabhawu."Paakada kumhanya ndakabva ndati,"Plaease Leo ndakufa help me."Akashaya pekubata Leo ndikati,"Please!"Akauya pandaiva ndokuedza kundisimudza asi ini wacho ndairwadziwa zvakanyanya ndakazongonzwa kuti huuu ndichibva ndapfugama pasi.Ndakagomera ndikanzwa zvimwe chetezvo.Zvakatora nguva zvichiitika ndokuzomira pava paya.Ndega ndakabva ndangoziva kuti zvaendwa.Misodzi yekupererwa chete ndiyo yaiva yakungoyerera.Akauya pedyo neni Leo ndikati,"Changa chichitibatanidza naMouse chaenda Leo handifunge akauya kuzoroora ini." "Chirega kudaro Mabhawu dai ndaziva ndisina kumuudza kuti warwara.Ndabhaiza." "Hazvina mhosva Leo wanga wapererwawo haisi mhosva yako." Panguva iyoyo amai vake vakabva vasvika ndokupinda mumba mandairara raiva ropa rega rega vakaratidza kushamisika kwazvo vachibva vati,"Ko chii?" "Mabhawu abva nhumbu mamha." "Adiii?Inga zvakaoma regai nditofonera Mouse ko achauyirei hake icho changa chichivabatanidza chabva." End of chapter 8 More comments,more fire

❤️ 👍 😢 🙏 😮 😂 💔 👏 😌 😨 269
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:11:49 AM

Hope takufambirana those manje

🙏 ❤️ 👍 😂 😢 😮 13
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:07:31 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 6 Mabhawu Ndaitobva kuchurch pandakarohwa nehana ndichiona mota yaMouse iri pagedhe repamba pedu.Ndakakanda tsoka chaiko uku hana ichiita kubika manhanga.Leo naTamai ndaiva navo kuchurch kureva kuti Mouse aiva auya ega pamba pedu.Nakadongorera mumota muya yaiva netint isingaoneke zvaiva mukati.Ndakapinda pagedhe ndokunzwa vanhu vaitaura kukitchen hombe kwataitandarira.Ndakanyahwaira ndichienda kuya zveshuwa raiva voice raMouse nehanzvadzi dzangu Garry naDzingie.Ndakaramba ndakaisa nzeve yangu ndikanzwa Garry achiti,"Ndiko kudherera chaiko uku.Ukati haana baba mongoita zvamunoda hantie?" "Haa kana ,kungoti ndabva kure kuHarare apo phone yake haisi kuita.Ndasara ndisina imwe option than kungosvika ndati handingadzokere ndisina kumuona." "Makazivirana kupi as far as l know Mabhawu haasati amboenda kuHarare." "Mukufamba imomu." "Dzingie tsano ava vanenge varikutoda zvekutamba nesu hausi kuzvionawo here?" "You are right ipapo varikutiona sevanhu vakadzungaira maningi hantie?Anofunga kuti takadya mupuso wena.Munhu uyu arikuda kutamba nepfungwa dzedu.Hameno kana uchiona zvandiri kuonawo twin?" "Ndiri kuzviona hangu kuti ndivo baba vaMoira ava asi varikuda kuhwanda nemunwe chete." "Handina mwana ini,,"Ndakamunzwa achidaro Mouse zvikanzi,"Saka Moira akadonha mumuti here?Kungosiya wamitisa hanzvadzi yedu nhasi wakudzoka nekamota kako pano unoda kutityisa here kana kutivhundutsa?Zvino hativhundukire zvenhema tsano.Makarwadzisa hanzvadzi yedu zvino nhasi mauya mega ndiko kunaka kwazvo." "Ndiri kutaura chokwadi ndatouyawo kuti nditaure nhau dzangu naMabhawu ndigowana kuita zvinhu zvangu negwara rakanaka nokuti ndomuda." "Gwara ripi manje apa zvivakomana zvamazuvano munofunga kuti zvose zvinongoita sekuda kwenyu right?Manje kana wanga wadzoka kuzomitisa hanzvadzi yedu zvakare wanyangira yaona." "Wait a minute Dzingie l think munhu uyu ndiye ariku distuber sister yedu.Arikumufonera achimutuka achimubira mufaro wake nokuda kwenhau dzaMoira.Mabhawu mazuvano arikugara angori zii arikuratidza kurwadziwa kwazvo l think he is the reason nokuti Mabhawu munhu anofara asi mazuvano arikungochema nguva dzose.Kana kudzikira chaiko pabody yake ndiye munhu uyu ndakuzvibatanidza manje." "You are right twin manje nhasi wazvipinza munwena wenyoka wega zvichaitika muno uchanoudza vamwe."Pandakanzwa vachidaro ndakabva ndatoziva kuti zvaipa.Team racho ndairiziva hangu kana vakabata munhu vaisiya ava bho.Ndakada kumhanya mumba muya door richibva ranzi dwa.Ndakabva ndaziva kuti zvaipa manje.Handina kuda kudeedzera ndakatoona zviri right moyo wangu wakatonyevenuka apa.Ndaingonzwa kuti mukati umu hamuna kumira zvakanaka.Handina kuita basa nazvo.Ndakasiya achibhurwa mumba imomo ndaimaziva mabhuradha ekumba kwedu dziri nhau dzekurova chete vaimupedzera.Kutaura chokwadi ndakafara vanga vandigonera zvakanyanyisa munhu wepi asina matyira oti kujairira ini zvose nehanzvadzi dzangu futi.Dai vakamubvisa zino ari kutsvakei pano benzi remunhu.Kamufaro kandaiva nako kakaita kuti nditore phone yangu ndichibva ndati kuna Leo,"Mwari ndiMwari vane tsitsi nengoni aiti andigona Mouse wenyu nhasi zvaiwana ngwarati hameno kuti zvivindi zvekuuya pamba pedu azviwana kupi zvino awana mabhuradha akacharger chaiko aiwa door rakavharwa arikushandwa mumba imomo."Haina kunonoka kupindurwa akabva aita kufona chaiko ndichibva ndamhanya kuseri kwemba ndokudaira akabva ati,"Inyaya yei?Ndikati,"Handizivi mhosva yaapara Mouse ndasvika ndichibva kuchurch ndikawana mota yake iri pagedhe ndazongonzwa kurohwa kwemunhu mumba." "Are you sure kuti ndiye?" "Yes ndiye ndanzwa voice rake mumba varikumusota kwete zvenhema." "Haa urikunyepa iwe dai wamununura hantie unomuda here?" "Regai amborohwa pamwe marwadzo angu angaserera." "Asi unomuda hako kaa." "Chero ndikamuda iye asingandidi zvobatsirei?Ndakatozvitambira Leo kuti ini ndiri wekumitiswa chete asi vana vevamwe ndivo vanobvisirwa pfuma." "Usadero Mabhawu uchaona zvako anokuroora mukomana iyeye." "Hapana apa Leo,zvitori nani dai vakamubvisa mazino votyora makumbo iwayo chero akaenda haafi akakanganwa hanzvadzi dzangu hazviite." "Inzwawo tsitsi iwe,kana kuti urikutamba zvako.Hakuna munhu angarohwa wakamira ipapo." "Rega ndiswedere padhuze uzvinzwire.Wazvinzwa kaa varikuita kumukutsirana."Ndakadero mushure mekuisa phone pawangwaridzo.Haana kupindura akaramba ari zii Leo pava paya akabva ati,"Vanokuvadza munhu vanhu avo Mabhawu please do something." "Something yechii ini ndichifara nezviri kuitika." "Usadero munhu anokuvadzwa please enda unomubatsira otherwise nyaya ichasarira iwe." "Ndosaka ndisiri kuda kuenda hanzvadzi dzangu ndodziziva ini ndini ndozopedzerwa shungu.Ngavapedzerane ikoko.Next time achafunga kaviri asati atambisa vana vevanhu." "Please Mabhawu,,"Akademba pahone ipapo ndikati,"Dai uchiziva marwadzo andinawo hawaitaura zvakadero ngaarohwe shamwari ini handisi kuendako." "Ko mhamha vako varipi?" "Vasara kunzanga kwavo yambuya Anna havadzoke manje." "Dai vangosvika havo vamubatsira." "Marwadzo aripamoyo pangu haunei nawo Leo.Unebasa nehama yako chete.Makore mangani Leo ndakazvichengeta after kuzvarwa kwaMoira.Munhu ongouya zvake ondirepa unoziva here kuti ndogona kukusungisai mese zvenyu.Izvozvi amai vangu vakazviziva kuti ndine nhumbu kufunga kwako vanonzwa sei?" "Nhumbu futi here Khethiwe mwanangu!"Vakadero vachibva vangodonha pasi."Mhamha,mhamha!"Ndakadero ndichivazungunutsa asi vakaramba vangori zii.Ndakaedza zvakare asi zvakakona n'anga murapwa achida.Ndakangovabvisa pamakumbo pangu ndikamhanya kukitchen kuya ndikasvika ndichirova door."Garry,Dzingie vhuramrai door mhamha vangodonha vachibva vati zii."Havana kunonoka kuvhura vakauya vachimhanya kwaiva namhamha kuya avo vairatidza kufemera kure kwazvo. "Chii chaitika Mabhawu?"Akadero Garry ndichibva ndanyepa ndichiti,"Vangodonha handizivi kuti vaita sei?Pamwe ibp." "Iwe mukwasha Mboko mutsa mota yako tione."Ndakacheuka ndokuona ari Mouse neumwe mukomana avo vaiva vakazvimba kumeso waisavatarisa kaviri zvachose.Akada kutaura Mouse zvikanzi,"Ndati mutsa mota yako."Aiva akutonga nedemo Garry ,kana zvivindi zvacho ndotoshaya kuti aiva azvitora kupi chaiko.Akamhanya zveshuwa akamutsa mota.Uyu Garry aiva kumashure akatakura mhamha akasvika achivaisa mumota.Panguva iyoyo ndakabva ndavhara madoor ndomumhanyawo ndoti ndipinde mumota muya Garry achibva ati,"Sara pamba ndiwe nemboko iyi maita kuti mai vedu vadonhe.Wotonamata zvako kuti zvifambe zvakanaka.Zvikasadaro munondiona." "Ko ini ndini ndaita sei?" "Enough!Gara wati zii zvako une nyaya dzako nemunhu wako ndiri kudzoka uchandiona.Nguva yareba tichikusekerera Mabhawu."Akadero Garry achipupa nehasha."Rova mota tione."Akadero ndikaona Mouse achisimudza mota zvemufirimu chaizvo.Ndakasara ndofunga zvino kuti zvaizofamba sei kumberi ikoko?How l wish kuti dai ndaendawo manje munhu wacho anga atomedza bhonzo chairo.Kana simba rekubika ndakarishaya chandakakwanisa kupinda mumba ndichibva ndangogara ndakabata shaya.Ndakazovhundutswa necall yaLeo uyo akabva ati,"Chii chaitika Mabhawu?" "Ndanzwikwa namhamha ndichitaura nyaya yenhumbu vachibva vangodonha.Vamhanyiswa kuhospital naMouse asi hapana kuwirirana hameno kuti zvichafamba sei kumberi?" "Inga pakaipa "Ndiri pama1, Mouse andimutsira zvanga zvakarara.Zvino nenhumbu yanzwikwa namhamha pavanomuka chete vanobva vangoudza hanzvadzo dzangu handifunge kuti rinodyiwa rinopisa pano."Hope dzakazondibata kwakuchena chaiko ndikazopepuka zuva ratokwira nzara yaiva yakundikurunga mudumbu.Ndakatanga kuita basa panguva yandakaisa poto pamoto ndipo pandakaona mota ichibudikira nechekuzasi kwekumba kwedu.Hana yakatanga kubika manhanga ndaisaziva condition yamai vangu hapana munhu aiva andifonerawo.Yakangoti ichimira ndikanzwa Garrry achiti,"Handidi nemashoko angu Mabhawu rongedza hembe dzako dzose uende kumuridzi wenhumbu pano handichengete magora maviri hazviite.Pana Moira takati wakaita mistake ko iye zvino toti chii?Kuzviitisa kaa?" Ndakashaya kana neremuromo ndakaramba ndakangoti tumbi tuzu simba ndakarishaya.Ndikaita kuvhurumuswa chaiko handina kuona kuti ndakapinda sei munhanga mangu."Basa kungovhurira munhu wese makumbo hausemi hameno kuti wakaita sei?Uchafa nechirwere mark my words."Akadero ndikanzwa kubaiwa pamoyo chaiko. End of chapter 6 More comments more fire

❤️ 👍 😢 😂 🙏 21
Amai Mimie (K.Khums)
2/18/2025, 5:04:57 AM

https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Ichi chiri kupisa kana uri fan ramai Mimie pinda muchannel usarasikirwe nemamwe machapters👇 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j MABHAWU Written by Amai Mimie (K.Khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 1 "Chero ndimi mhamha mungazvidawo here zvakadai?Tarisai social media yose ingori Mabhawu,Mabhawu achakura rini mwana wenyu iyeyu?Muchanyara zvenyu naye mwana wenyu uyu anoita kunge dzisimo.Haatooni kuti akura asi kuzvimhandara haabvire." Ndaitobva kunogeza pandakanzwa hanzvadzi yangu Garry achitaura namhamha.Ndakapinda mumba ndichiti,"Ko ndaita sei?"Akabva afamba achiuya pandaiva ndakamira chibva ati,"Urikuda kumbodzikamiswa iwe nokuti urikuenderera chaiko.Zera rako irori uswero chukucha chiuno kuita kunge uchatyoka musana uchiita zvinhu zvisina basa izvozvo.Zvokupei mulife mako?Handina kukuudza here kuti handidi kukuona uchienda kuchimhandara." "Handina kumboenda ini,hindava uchitaura zvekunyepa."Ndakazongonzwa rava gwati iro rakatsemura muromo wangu.Ndokutanga kubuda ropa."Urikuita seiko iwe Garry aita seiko mwana wauri kurova iyeye?"Akapinda achidero Dzingie hanzvadzi yangu zvakare aiva mapatya pakuzvarwa kwavo.Ini ndini gotwe mumba medu takangozvarwa tiri vatatu chete.Ndakakwenya mhino nekasiyamwa nokuti ndaiziva kuti pavaviri ava hapana aida kuona ndichirohwa neumwe vaitonetsana chete.Ndakawedzera kuchema zvino apo ropa riya richiti do_do ndikaona Dzingie achiita hasha."Urikuona here kuti wakuvadza mwana."Akadero achikanda chibhakera kune umwe wake tsiva ichibva yatotanga.Kana zvadai hapana aitenderwa kubata vaisada izvozvo zvachose.Kungopinda pakati pavo nyaya yacho yaisarira iwe.Ndaipota ndichizhinya zvangu ndipo pandakanzwa mhamha vachiti,"Unonzwa kufara chose kana vana vangu vachirwa ndizvo ka Khethiwe." "Ko ndaita sei nhai mhamha?"Ndakadero ndakatarisa pasi vachibva vati,"Uchakura rini,asi unofunga kuti urikudzokera mudumbu here?Hauna kuudzwa here nehanzvadzi dzako kuti hatidi kukuona uchienda kuzvimhandara?Ko unoendera chii?Chii chaunenge uchida kuona chinoshamisira ikoko.Iko kutamba Mabhawu uchiombererwa maoko nevanhu ukati kudiwa izvo ndiwe unenge uchitofumuka kusaziva kwako fuza remunhu."Vakadaro vachiratidza kutsanwa kwazvo ndikati,"Handina kumboenda ini mhamha this time.Ndakaguma kare paya pandakarohwa nevana venyu vachindikandidzana." "Vhara hako gaba rako handidi nemashoko angu.Haunzwe hameno kuti wakaita sei chaizvo?Ukaramba uchindiitira musara kudai uchaona hako zvandichakuita hanzvadzi dzako dziri kukurova hembe." Ndakaramba ndiri zii vachibva vaenderera mberi nekupopota ukuwo matwins aingokandana zvibhakera chete.Ndakabva ndangoti verere ndokuenda kunhanga kwangu uko kwandakasvikozvikanda pakasingle bed kangu.Kana kuri kuchimhandara kwaisaregedzeka zvachose ndiko kwandaifarira ikoko.Ndaifara kwazvo pandainzwa kuti mwana wekwanhingi aroora.Ndini ndaiita wekutanga kusvika pachimhandara kuita kunge ndini tete vemunhu.Kwaifaya uye kwainakidza chose.Chimhandara kamutambo kanoitwa kana mukomana aroora mukadzi wake.Tinoungana tichipemberera nekubvisa mari,pachiridzwa marecords vanhu vachitamba.Kana kuri kutambisa chiuno ndiko kwaitovawo kubasa kwangu,handina kunyanya kusimba zvangu asi kutamba ndiko kubasa ndoita kunge ndichatyoka chiuno.Kumba kwedu ndivo vega vaitondidaidza nezita rangu rekuberekwa naro Khethiwe.Vamwe vose vekunze yaingova Mabhawu ini wacho ndaiva ndatojaira ndakudairawo pandaidaidzwa.Yaiti ikatanga kuridzwa Mabhawu haunyare ndaibva ndapengereka chaiko.Ropa rangu raiita kumhanya chaiko zvekuti kudaidzwa ndiri pastage hapana chandainzwa. Kwaisvika pakuedza vanhu vachindibhejera ndichitamba chete,kungozoti mari yaizongova yemuroora mutsva chete kwete yangu.Ndaizviziva kuti ndizvo zvandaidirwa pazvimhandara izvozvo.Ndaisarara kusvika kwati ngwee iyo yaiva garo ziva.Zvino zvemusi uyu handina kunge ndaziva kuti pane munhu aitora mavedio ayo akazosvika kumba zvinova zvanga zvandipinza muhot soup.Ndaiva ndakasotsiurwa kare nhau yangu yekujaivha muzvimhandara asi manje zvanga zvapinda muropa zvave kunetsa kusiya.Ndaitopabuda chete ndakanangako kuno pemberera muroora mutsva. Dzakazongondibata hope ndikapepuka ndichinzi namhamha ,"Urikudiwa panze apo."Vakadero vachindizungunutsa ndikati,"Ndianiko mhamha ndine hope ini?"Vakandiitira zvehasha zviya zvikanzi,"Muka uko shamwari dzako dziri kuda kukuona." "Shamwari dzipi mhamha please ndoda kurara ini." "Ndivana Leo vako muka uko."Pandakanzwa kuti Leo,hope dzose dzakabva dzapera ndichibva ndakwakuka pabed pandaiva ndokuti,"Anani Leo mhamha?"Vakadzungudza musoro wavo vachibva vabuda zvavo.Ndakasara ndichipukuta kumeso ndichibva ndabuda.Vaiva vakagara zvavo pamadziro emba yedu yataibikira vari vatatu ,umwe wacho handina kumuziva,umwe aiva Tamai.Ava vaiva vangu vandaiva ndagara ndichitamba navo zvangu.Shamwari dzangu dzepamoyo dzaiva dzechikomana kana hanzvadzi dzangu was okay about it.Vakatanga vachipopota kusvika vazongodzikamawo zvavo vatoona kuti ndivo vanhu vandaida mulife mangu.Kubvira ndiri kuchikoro kusvika patakazonyora hedu "o"level yedu ndidzo dzaiva shamwari dzangu.Hwanga hwaramba kuputsika hushamwari uhu.Pandakamitiswa ndiri form 2 ndaiti zvichapera asi hazvina ndipo pandakaona kuti kupesana kwedu kwaitonetsa chaiko.Ndakasununguka mwana wangu,ava ne6months ndichibva ndadzokera kuchikoro. "Ndeipi team,team."Ndakadero ndichisvikogara pedyo naLeo.Vakadaira vose ndikati,"Kwakanaka here kuuya kuseni kuno?Wait a minute mamborarawo here vakomana imi." "Aaaah iwe siyana nazvo mhani,timbosvika pamagirosa apa." "Iwe Tamai kwana shaa handina kwandiri kuenda nemi ini,muchembere wangu akatsamwa zvisingaiti.Kana vari mabhuradha amai vangu handichatauri ka vanga vachirwa nekuda kwangu.Saka kubuda chaiko kungava kugarira marasha anopisa." "Usadero kani Mabhawu." "Ini manje mabhawu kwana Leo handisi kuenda nemi not today shaa ndine basa saka hazvibude." "Rei tokubatsira hedu asi chatiri kuda huvepo hwako chete." "Umm kwakanaka here?Zvekuramba ndichifurirwa nemi guys handidi manzwa." "Serious tokubatsira iwe siya zvose mumaoko angu." Panguva iyoyo ndakaona Garry naDzingie vabata zvitini kuti vanange kugarden kodiridza.Ko vanhu vacho vaikonana kwenguva diki vakutowirirana vaisatora nguva refu vakatsamwidzana. "Hey my brothers ndipei zvitini izvozvo kuno team rangu rati riri kundibatsira nhasi kudiridza." Vakanditarisa vese Garry ndiye akazoti,"Kana wapedza kudiridza kugarden mobva maenda kupi neshamwari dzako?" "Hapana bro,,,trust me.I know ndakakanganisa kuenda kuchimhandara l want to rectify my mistakes." "But how,,," "Ndodiridza garden rose neteam rangu ndodzoka ndichibika in time,l'm sorry handizvipamhe futi."Ndakadero ndadzikamira zvikanzi,"Anokuona anoti paita zvemunhu kwaye izvo kwani musoro uzere mvura." "Sorry brother."Ndakazvininipisa nokuti neniwo wacho ndaitoda kunzwawo nyaya dzaiva dzaita kuti Leo naTamai vauye kumba kwedu kuseni kwakadai.Nekwavaigara ndotoshaya kuti vaiva vabatana nguvai.Kungoti team racho roita kunge rakatemerwa dzvatsvatsva mumakumbo. "Mhamha ndakumbonobatsirwa kudiridza naLeo naTamai ndokasika kudzoka." Vakangonditarisa ndichibva ndatobuda neteam rangu.Ndainzwa ndakakwana nezvose kana ndinaTamiai naLeo zvekuti kumusha kunobhohwa yaitovawo imwe nyaya iya.Isu kwedu kumusha kunofaya kwete zvenhema.Ndakakwenya Tamai ndikati,"Ndevapi ava?"Akabva aita dzungu ndokudaidzira kuti azvinzwe achiti,"Ketty arikuda kuziva kuti ndimi vapi?"Ndakanyara chose ndikati,"Wakudaro hama yako shuwa."Akaseka Tamai akati,"Kumhanya sandi kusvika bestie wangu."Takafamba kusvika tave kugarden kuya.Leo naTamai vakangotora zvitini ndokutanga kudiridza.Ndakatevera kuya zvikanzi naLeo,"Ukudei kuno Ketty dzokera uko mhani?" "Aaa iwe muchindisiya nemunhu wandisingazivi." "Ita semunhu mukuru mhani Ketty,munhu iyeye avinga iwe." "Kuti tozivana here?" "Ketty behave kani,kana uchityira garden todiridza kusvika tapedza don't worry." "Leo please,,," "Ketty kani hindava uchikava lucky nepatapata iwe." Ndakaseka achibva aita kuuya pedyo neni ndokundiisa pacorner chaipo.Ndakaguma ndangozoenda hangu asi ndaisava comfortable zvachose."Mouse ndiro zita rangu."Akadero ndikati,"Mouse?"Achibva ati,"Ehe."Akarova serious ndikati,"Mabhawu ndiro zita rangu ,ndafara kuzivana newe."Ndakadero ndichitambanudza ruoko rwangu ndikaona munhu achitadza kugadzikana chaiko nekuseka zvekuti ndakaguma ndangomutarisa achibva ati,"Mabhawu ndiko kuti chii manje?"Aitaura achingoseka chete ndikati,"Asi hauna kufarira zita rangu?"Akabva ati,"Leo naTamai sandiro ravakandiudza." "Wakaudzwa rekuti chii?" "Khethiwe a nice name kwete Mabhawu ndokuita sei?"Still aingoseka chete ndikati,"Ndiro randozivikanwa naro muno ukauya uchiti ndiri kutsvaka Khethiwe haundiwane." "But why nhaiwe musikana akaita sewe anofarira mazita akadero." "Handisi musikana ini ndine mwana wangu." "Whaaat!" "Ko urikushamisikei asi wanga wati wawana musikana here?" Akaramba akanyarara ndikati,"Ko zvabva zvatoipa?" "Ko sei Leo naTamai vasina kundiudza kuti uri mvana?" "Vabvunze hantie urikuvaona here?Ko iko zvehumvana hwangu unei naho,hunokubata pakai chaipo?" "It matters because l love you.Pandakangokuona ndakabva ndatoziva kuti uriwangu.Moyo wangu wakabva watomerera pauri.Handina kunge ndaziva kuti uri mvana ine mwana wayo." "Saka kuva nemwana kwangu ndiko kwakuchinjisa mufungo here?Unoda ini asi uri kunyara nehumvana hwangu why?" "Ndanga ndisina kuzvitarisira thought uri musikana akakwana.Rega ndimbonofunga nezvazvo.Kanganwa kuti ndambokuudza kuti ndokuda parizvino musoro wangu wazara confusion handichaziva zvandinoda chaizvo." Akadero achifamba kubva pandiri ndokubva adaidzira kuna Leo naTamai zvikanzi,"Lets go guys ndafambira dhongi rakaora pano."Akadero achiratidza kusvotwa chaizvo.Kana ini wacho ndakabva ndangopererwa for the first time in my life kushaira munhu mhinduro.Vakanditarisa vana Leo lucky vaiva vapedza kudiridza havo garden racho.Vakatoshamisika kuti kwauyei.Leo zvakamurambira kungoenda achibva auya pandaiva zvikanzi,"Kana waramba muface uyo wabhaiza Mabhawu he is a good guy hako.Kufunga kwako unoti tingakuwisira muminzwa here?Uri shamwari yedu since childwood kusvika nhasi wabhaiza wangu." Akabva amhanya otevera vamwe vake.Ndakagara hangu pasi ndaitadza kunzwisisa kuti zvaifamba sei ndipo pandinoona makeys pasi.Ndakamanan'anidza kunodai aiva emota zvawo ndakabva ndabatanidza ndikaona kuti aigona ari aMouse ndakabva ndangomatyorera muhomwe.Apa ndipo paaizoona kuti Mabhawu uya haana kupusa. End of chapter 1 SERENITY rave pamusika huyai mutenge 1us chete musarwadziwa mafans huyai nehuhwandu hwenyu titandare.

❤️ 😂 👍 🙏 12
Link copied to clipboard!