Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼

7.2K subscribers

About Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼

Amai Mimie(K.khums) Novels Deceived by Emotions Flaws and Deceit Family Destruction Love,hatred and Betrayal Heartbreak and Betrayal My past is haunting me Unbeatable heartbreak Shaisano Author's Diary Broken String My three daughters Suffer Continue Broken trust Ndozviudza aniko? Komboni life Wasted time Adorable The Marriage Consellor I can forgive ,but l can't forget My Superwoman My mother,my Enemy Marriage Matter's Not my choice Makanaka an Albino. Life The Servant He is mine Zvandaiti ndagonawo Hakuna musha usina gonzo Kuremewa nejokwe randakaveza Sarudza rawada apa mabooks emunyori wenyu.

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/25/2025, 6:13:43 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 6 Baba Mimie Ndinenge ndanga ndataurisawo kusvika pakurwadzisa umwe wangu.Asi ndaiitawo sei ndaiva ndisina kubvira ndararama life inorwadza kudaro.Ndaifunga kuti zviri nyore asi kutaura chokwadi ndaikundikana ini.Ndaiva ndisina kumborarama poor life.Ndanga ndajaira kurarama hupenyu hwemari izvi zvandanga ndave kuitiswa nerudo kutaura chokwadi zvanga zvakundiremera.Ini kuita maricho kuti ndidye zvaindiremera ini.Ndainzwa kuti ndadzikisirwa chaiko.Life iyi yaisava yangu zvachose ndaisaigona ini.Ndaimboshingirirawo hoping zvichaita but how ini ndisina kana pekutangira zvapo ndipo painetsa ipapo.Ndaiona life yangu yakamira pasame position chaipo.Ndakasvika pakuzvibvunza kuti was it love or pity yaiva yandisvitsa mumaoko aKudzie.Pafair chaipo l was regreting hangu life yandairarama wasn't good at all.Ndaitombofunga kunokumbira ruregerero kumba kwedu ndoita start afresh asi ndaingodzoka pasame position chaipo. Pamba pacho ndanga ndakungoswera ndakagara sezvo Juniour anga akuenda namai vake.Ndairara kusvika mbabvu dzave kurwadza.Nguva dzaidzoka Mimie kuchikoro aiwana ndabika aibva adya owacha oita homework yake.Rimwe zuva akabva anditi,"Ko sei dad muchingoswera makarara mhamha vachienda vega kubasa?Apa hamuchasari naJuniour vave kuenda naye futi why nhai dad?" Ndakapererwa nemubvunzo wake asi semwana handina zvandaikwanisa kuita aitoda mhinduro yake.Ndakabva ndamuti,"Mazuvano Juniour ari kunetsa Mimie ndosaka vachienda naye." "Hoo ,ko imi kubva zvatagara pano hamuna kumboenda kubasa wani munenge makangorara dad." Wakauya umwe mubvunzo wakandipedza simba ndisati ndapindura akabva ati,"Dai muchienda kubasa dad ndichitakurawo machips zvinoita vamwe vangu kuchikoro.Please dad do something ndodawo kuenda nedrink ndaneta nemaheu anobikwa namhamha aya.Mukaenda kubasa ndinomboenda nedrink ,rimwe zuva maheu zvinobva zvaita." "Ndichaenda dear apa ndiri kushaya basa racho.Zvikaita uchatakura zvaunoda dear." "Rini dad?" "Manje,manje mira uone."Akanyemwerera mwana ndikaona mufaro maari.Dai aiziva kuti life yedu yaiva kure nekunaka aisafara kudaro.Phone yangu yakarira ndichibva ndadaira ,"I miss you bro."Akadero mai Adana ndichibva ndambo nyarara achibva aenderera mberi achiti,"Come home brother we miss you.Everyone loves you kungoti you are blinded by love chete pamuchazoona kuti mukadzi wamuri kugara naye haasi wenyu muchachema but inenge yava too late.Huyai mukumbire ruregerero kuna dad namhamha last night vakandifonera there are willing to give everything to Khumbulani kana ukasadzoka kumba." "Whaat!!" "Yes, remember Khumbu anoteerera vabereki vedu uye dad vanomuda too much.Dad ndivo nyakutanga nenyaya yacho mhamha vakabvumira.Do something Kevie dad unovaziva zvavanenge vataura ndizvozvo.Mom will always supports him nomatter what, think about it brother worasikirwa nezvese because of your silly wife do something dad vasati vachekeresa zvese."Ndakanzwa hasha ndikaridza tsamwa.Vaisafanirwa kudaro dad.Shuwa kuda kupa mutorwa hupfumi hwangu zvichibuda here izvozvo?Khumbu aiva mwana wesister yamhamha wavakachengeta mushure mekunge vanonoka kuita mwana.Vakabva vatomuita kunge dangwe ravo chairo nokuti aidiwa kwazvo nekuda kwekuteerera kwaaiita ndofunga.Kungofunga nezvake kwakandipa hasha.Ini ndini ndaiva wekupisirwa madocuments vamwe vachida kutowedzerwa pane zvavanazvo.Khumbu aitova murimi mukuru chaiye aitorarama life yakanaka kupurazi kwaaiva hameno manje kuti aiva akadyisa vabereki vangu here zvekuti angasvika pakuda kupihwa zvose ini ndisina chinhu.Ndakanzwa sendinotsva chaiko.Ndakatombofunga kuti Kwaingova kuda kuti ndidzoke kumba chete asi zvakandirambira mudhara wangu zvavanenge ataura ndizvizvo. Zvisinei amai Mimie vakabva vangosvika."Ko nhasi makasika kwakanaka here?"Ndakabvunza achibva ati,"Junior haasi kunzwa zvakanaka anenge arikumedza mhepo kubasa nokuti pamhene paya."Ndakabata mwana wangu ndikanzwa temperature yake yakakwira chaiko.Ndakatadza kuzvidzora ndikati,"Uri careless amai Mimie pandaiswera nemwana pano hauna zuva rimwe zvaro rawakamunzwa achipisa muviri.Nhasi kwauyeyi mwana wangu paave kurwara.Mimie hauna zuva rimwe chete rawakatadza kufunga nezvake why my Junior.Atadza chiiko mwana mudiki akadai?"Akaseka mai Mimie ndikanzwa achiti,"What's the difference between Mimie and Juniour?Havana kubuda mudumbu rimwe chete here?Havasi vana vangu vese here?Musada kundinzwa mukada kuisa mukaha pavana vangu handife ndakakuregererai?" "Hapana zvaunotaura apa warwarisa mwana wangu pamwe urikutoita hako zvevarume ikoko uchinyepa kuti unenge urikuba,,,,"Handina kukwanisa kupedzisa mashoko andaida kutaura akabva ati,"Enough!!"Akadero achikwamatata asi handina kudzora tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.Ndakabva ndati,"Unoti handizvioni ndakapusa here?Hàndisi fuza ini ndakafunda ndikapasa kuswero tsinatira uchiti hee ndiri munyori wemanovel api ipapa kuvhara mabiribobi ako chete.Gore riya handina kuona message here muphone mako uchinzi wakanaka nefan rako?Unoda kuti nditi chii?"Haana kupindura akanyarara kuti zii.Ndakaramba ndodzvanya pamoyo chaipo asi haana zvaakataura.Akabuda ndikaswera ndichiwawata ndega.Ndakaramba ndakagara ndakabata mwana mumaoko asi haana kudzoka.Ndakabuda panze ndakabata mwana mumaoko ndokunoka padoor retoilet asi maiva musina munhu.Ndakatora phone ndokuona kuti yaitoringer mumba zvayo.Akatanga kuchema Junior uya kuita seaiziva kuti amai vake havapo.Ndakaedza kusvusvudzira asi mwana haana kunyarara. "Ndiberekesei dad."Ndakaita sekudaro achibva atonyarara.Ndakatanga zvino kuita maups and down asi hazvina kubatsira."Ko kana atiza akandisiira mwana?"Ndakazvirova muromo wangu uyo waiva wataurisa.Ndaiva ndapedzera hasha kumunhu asina mhosva.Ndakatura befu panguva dzaakavhura door ndikati,"Wanga waenda kupi uchisiya mwana?" "Kunotsvaka mishonga pamba panurse vepazasi apo."Akadero nevoice rakanyorovera achiita kunge pasina chaitika zvake.Akatora mwana wake ndokutanga kumupa mishonga akabva arara Junior uya.Achibva asimuka onobika ndakasara ndakungoita kunge dzisina kukwana ndakagara pasofa.Ndakamboda kutevera asi nyadzi dzokunda rufu ndakakundika.Rakaibva sadza nenyama yehuku ndakamboda kuramba nekuda kwenyadzi ndikaona kuti hope dzaisauya husiku.Tapedza kudya ndakasimuka ndonhonga maplates zvandaisimboita kana tichiwirirana asi akabva ati,"Siyai ndinosuka."Ndakaita nharo ndokusuka paya ndichizvitongesa mupfungwa dzangu.Tave mubedroom ndakabva ndati,"So,,,"Ndisati ndapedza akabva ati,"Porridge raJunior rapera,hupfu hwapera,tusugar twasara tushoma mapampers ake apera zvakare mundiitirewo plan.Ini handina mari yandinayo ndichapedzisa chikwereti chababa Kelly imwe ndichaendesa kuchikoro kwaMimie.Kutanga mangwana handina kwandichaenda ndichagara pano pamba nemwana angafa mwana wenyu nekuda kwezvikomba zvangu zvandinosangana nazvo ndozobata mwana." Ndakagadzirisa pahuro ndichibva ndaedza kutaura asi mashoko akaramba kubuda.Ndakabva ndaziva kuti aiva atsamwa mwana wachihera.Kurega kuenda kubasa kwake kwaiva kufa nenzara kwedu.Ndakazvishingisa ndikati ndoiwana kupi mari yekutenga zvauri kuda zvacho?"Akabva ati,"No,idea muchaziva zvekuita mukaona munhu wakugona kuitisa mwana kureva kuti une plan yehupenyu.Chero hazvo ndakakumanikidzai kundiitisa mwana sezvo ndaiva desperate kuda murume wekugara naye maningi hazvichinje kuti Juniour mwana wenyu as for Mimie don't worry mwana wangu ndochengeta ndega ndichaedza nepandogona napo nokuti baba vake vakafa.Juniour imi muripo munokwanisa kumuchengeta hamusi careless ka imi plus hamuna mababe ekuti anozomurwarisa saka ari safe mumaoko menyu." End of chapter 6 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 💔 🔥 133
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/25/2025, 6:13:42 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 6 Baba Mimie Ndinenge ndanga ndataurisawo kusvika pakurwadzisa umwe wangu.Asi ndaiitawo sei ndaiva ndisina kubvira ndararama life inorwadza kudaro.Ndaifunga kuti zviri nyore asi kutaura chokwadi ndaikundikana ini.Ndaiva ndisina kumborarama poor life.Ndanga ndajaira kurarama hupenyu hwemari izvi zvandanga ndave kuitiswa nerudo kutaura chokwadi zvanga zvakundiremera.Ini kuita maricho kuti ndidye zvaindiremera ini.Ndainzwa kuti ndadzikisirwa chaiko.Life iyi yaisava yangu zvachose ndaisaigona ini.Ndaimboshingirirawo hoping zvichaita but how ini ndisina kana pekutangira zvapo ndipo painetsa ipapo.Ndaiona life yangu yakamira pasame position chaipo.Ndakasvika pakuzvibvunza kuti was it love or pity yaiva yandisvitsa mumaoko aKudzie.Pafair chaipo l was regreting hangu life yandairarama wasn't good at all.Ndaitombofunga kunokumbira ruregerero kumba kwedu ndoita start afresh asi ndaingodzoka pasame position chaipo. Pamba pacho ndanga ndakungoswera ndakagara sezvo Juniour anga akuenda namai vake.Ndairara kusvika mbabvu dzave kurwadza.Nguva dzaidzoka Mimie kuchikoro aiwana ndabika aibva adya owacha oita homework yake.Rimwe zuva akabva anditi,"Ko sei dad muchingoswera makarara mhamha vachienda vega kubasa?Apa hamuchasari naJuniour vave kuenda naye futi why nhai dad?" Ndakapererwa nemubvunzo wake asi semwana handina zvandaikwanisa kuita aitoda mhinduro yake.Ndakabva ndamuti,"Mazuvano Juniour ari kunetsa Mimie ndosaka vachienda naye." "Hoo ,ko imi kubva zvatagara pano hamuna kumboenda kubasa wani munenge makangorara dad." Wakauya umwe mubvunzo wakandipedza simba ndisati ndapindura akabva ati,"Dai muchienda kubasa dad ndichitakurawo machips zvinoita vamwe vangu kuchikoro.Please dad do something ndodawo kuenda nedrink ndaneta nemaheu anobikwa namhamha aya.Mukaenda kubasa ndinomboenda nedrink ,rimwe zuva maheu zvinobva zvaita." "Ndichaenda dear apa ndiri kushaya basa racho.Zvikaita uchatakura zvaunoda dear." "Rini dad?" "Manje,manje mira uone."Akanyemwerera mwana ndikaona mufaro maari.Dai aiziva kuti life yedu yaiva kure nekunaka aisafara kudaro.Phone yangu yakarira ndichibva ndadaira ,"I miss you bro."Akadero mai Adana ndichibva ndambo nyarara achibva aenderera mberi achiti,"Come home brother we miss you.Everyone loves you kungoti you are blinded by love chete pamuchazoona kuti mukadzi wamuri kugara naye haasi wenyu muchachema but inenge yava too late.Huyai mukumbire ruregerero kuna dad namhamha last night vakandifonera there are willing to give everything to Khumbulani kana ukasadzoka kumba." "Whaat!!" "Yes, remember Khumbu anoteerera vabereki vedu uye dad vanomuda too much.Dad ndivo nyakutanga nenyaya yacho mhamha vakabvumira.Do something Kevie dad unovaziva zvavanenge vataura ndizvozvo.Mom will always supports him nomatter what, think about it brother worasikirwa nezvese because of your silly wife do something dad vasati vachekeresa zvese."Ndakanzwa hasha ndikaridza tsamwa.Vaisafanirwa kudaro dad.Shuwa kuda kupa mutorwa hupfumi hwangu zvichibuda here izvozvo?Khumbu aiva mwana wesister yamhamha wavakachengeta mushure mekunge vanonoka kuita mwana.Vakabva vatomuita kunge dangwe ravo chairo nokuti aidiwa kwazvo nekuda kwekuteerera kwaaiita ndofunga.Kungofunga nezvake kwakandipa hasha.Ini ndini ndaiva wekupisirwa madocuments vamwe vachida kutowedzerwa pane zvavanazvo.Khumbu aitova murimi mukuru chaiye aitorarama life yakanaka kupurazi kwaaiva hameno manje kuti aiva akadyisa vabereki vangu here zvekuti angasvika pakuda kupihwa zvose ini ndisina chinhu.Ndakanzwa sendinotsva chaiko.Ndakatombofunga kuti Kwaingova kuda kuti ndidzoke kumba chete asi zvakandirambira mudhara wangu zvavanenge ataura ndizvizvo. Zvisinei amai Mimie vakabva vangosvika."Ko nhasi makasika kwakanaka here?"Ndakabvunza achibva ati,"Junior haasi kunzwa zvakanaka anenge arikumedza mhepo kubasa nokuti pamhene paya."Ndakabata mwana wangu ndikanzwa temperature yake yakakwira chaiko.Ndakatadza kuzvidzora ndikati,"Uri careless amai Mimie pandaiswera nemwana pano hauna zuva rimwe zvaro rawakamunzwa achipisa muviri.Nhasi kwauyeyi mwana wangu paave kurwara.Mimie hauna zuva rimwe chete rawakatadza kufunga nezvake why my Junior.Atadza chiiko mwana mudiki akadai?"Akaseka mai Mimie ndikanzwa achiti,"What's the difference between Mimie and Juniour?Havana kubuda mudumbu rimwe chete here?Havasi vana vangu vese here?Musada kundinzwa mukada kuisa mukaha pavana vangu handife ndakakuregererai?" "Hapana zvaunotaura apa warwarisa mwana wangu pamwe urikutoita hako zvevarume ikoko uchinyepa kuti unenge urikuba,,,,"Handina kukwanisa kupedzisa mashoko andaida kutaura akabva ati,"Enough!!"Akadero achikwamatata asi handina kudzora tsvimbo nokuti gudo rabata kumeso.Ndakabva ndati,"Unoti handizvioni ndakapusa here?Hàndisi fuza ini ndakafunda ndikapasa kuswero tsinatira uchiti hee ndiri munyori wemanovel api ipapa kuvhara mabiribobi ako chete.Gore riya handina kuona message here muphone mako uchinzi wakanaka nefan rako?Unoda kuti nditi chii?"Haana kupindura akanyarara kuti zii.Ndakaramba ndodzvanya pamoyo chaipo asi haana zvaakataura.Akabuda ndikaswera ndichiwawata ndega.Ndakaramba ndakagara ndakabata mwana mumaoko asi haana kudzoka.Ndakabuda panze ndakabata mwana mumaoko ndokunoka padoor retoilet asi maiva musina munhu.Ndakatora phone ndokuona kuti yaitoringer mumba zvayo.Akatanga kuchema Junior uya kuita seaiziva kuti amai vake havapo.Ndakaedza kusvusvudzira asi mwana haana kunyarara. "Ndiberekesei dad."Ndakaita sekudaro achibva atonyarara.Ndakatanga zvino kuita maups and down asi hazvina kubatsira."Ko kana atiza akandisiira mwana?"Ndakazvirova muromo wangu uyo waiva wataurisa.Ndaiva ndapedzera hasha kumunhu asina mhosva.Ndakatura befu panguva dzaakavhura door ndikati,"Wanga waenda kupi uchisiya mwana?" "Kunotsvaka mishonga pamba panurse vepazasi apo."Akadero nevoice rakanyorovera achiita kunge pasina chaitika zvake.Akatora mwana wake ndokutanga kumupa mishonga akabva arara Junior uya.Achibva asimuka onobika ndakasara ndakungoita kunge dzisina kukwana ndakagara pasofa.Ndakamboda kutevera asi nyadzi dzokunda rufu ndakakundika.Rakaibva sadza nenyama yehuku ndakamboda kuramba nekuda kwenyadzi ndikaona kuti hope dzaisauya husiku.Tapedza kudya ndakasimuka ndonhonga maplates zvandaisimboita kana tichiwirirana asi akabva ati,"Siyai ndinosuka."Ndakaita nharo ndokusuka paya ndichizvitongesa mupfungwa dzangu.Tave mubedroom ndakabva ndati,"So,,,"Ndisati ndapedza akabva ati,"Porridge raJunior rapera,hupfu hwapera,tusugar twasara tushoma mapampers ake apera zvakare mundiitirewo plan.Ini handina mari yandinayo ndichapedzisa chikwereti chababa Kelly imwe ndichaendesa kuchikoro kwaMimie.Kutanga mangwana handina kwandichaenda ndichagara pano pamba nemwana angafa mwana wenyu nekuda kwezvikomba zvangu zvandinosangana nazvo ndozobata mwana." Ndakagadzirisa pahuro ndichibva ndaedza kutaura asi mashoko akaramba kubuda.Ndakabva ndaziva kuti aiva atsamwa mwana wachihera.Kurega kuenda kubasa kwake kwaiva kufa nenzara kwedu.Ndakazvishingisa ndikati ndoiwana kupi mari yekutenga zvauri kuda zvacho?"Akabva ati,"No,idea muchaziva zvekuita mukaona munhu wakugona kuitisa mwana kureva kuti une plan yehupenyu.Chero hazvo ndakakumanikidzai kundiitisa mwana sezvo ndaiva desperate kuda murume wekugara naye maningi hazvichinje kuti Juniour mwana wenyu as for Mimie don't worry mwana wangu ndochengeta ndega ndichaedza nepandogona napo nokuti baba vake vakafa.Juniour imi muripo munokwanisa kumuchengeta hamusi careless ka imi plus hamuna mababe ekuti anozomurwarisa saka ari safe mumaoko menyu." End of chapter 6 More comments more 🔥

❤️ 👍 😮 😂 🙏 👏 😢 48
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/29/2025, 1:40:13 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 8 Amai Mimie "Babe ndipowo 5us ndimbopinda mutown pane friend yangu yandifonera yandiri kuda kunoona."Vakadero baba Junior panguva dzavakapinda ndikati,"Endai munotora muchigaba chedovi chiri muwardrobe." "Thanks babe wabatsira apa,pamwe ndogona kupihwawo pashoma paanenge anapo." "Chamunoda kupihwa chete kushanda hamudi baba Junior." "Unofanirwa kundinzwisisa hapana pandingashanda basa randisina kudzidzira mai Junior.Ndoda rangu chairo kana zvaramba ndoita plan b handishayi zvekuita vabereki vangu vakashanda kare." "Nhamo inesu vamwe tisina vabereki vacho vekuchemera." "Kufa murau waMwari handina zvandokwanisa kuita nezvazvo." "You are right ipapo."Vakapinda mumba vachibva vadzoka ndokuti,"Ko ukandipa iri 10us babe."Ndakavatarisa ndichibva ndati,"Why?" "Mari iri muchigaba chedovi inosvika 50us kana kutopfuura.Wanga waishanda rini?Une mari zvako mumba asi uchitidyisa nemaveg usadero shaa." "Kana ndikaita zvose zvamunoda,ko zvandinodawo zvichaitwa nani.Kubva zvatatanga kugara tese chamakandiitirawo chii baba Junior semurume wangu.Tsvakirai kuno chete 10us futi mototi mune mukadzi mumba.Musadero imi pandakabva kunhamo uko hanzvadzi yangu yakatobvunza kuti tiri kuuya rini?Unoziva ndakaseka ndafunga hangu maitiro enyu.Hameno kana muchimbozvifungawo kuti muri kugara nemwana wevaridzi musina kuroora." "Unoda kuroorwa kangani?Hama dzako hadzina kutambira pfuma here vakato approver nemuchato vakapemberera zvese nekupfeka majasi.Zvakakwana zvakadero.Hantie urikushanda here chengeta mari yacho wonozviroora ini ndakundika.Handina kwandinofunga kuti ndichawana mari.Anyway waita basa ndakuenda kutown." Handina kupindura ndakaramba ndakavatarisa vati fambei ndakabva ndavati,"Nhai baba Juniour,Kevie wangu aiva nemoyo murefu akaenda kupi?Airwadziwa akaona ndichitambudzika akaenda kupi chaiko?Machinja mufunge." "Ndiwo mafungiro ako handikwanisi kuzvichinja.Vakadzi munoda kufadzwa chaizvo asi hautarisi kuti ini wacho ndiri kufara here?Hapana chiri kunakidza mulife mangu,ndiri kutambudzika asi unotarisira kufadzwa neni how ini ndisina mari." "Saka urikuedza kuti munhu anodiwa kana aine mari chete here?" "Yes,uchambondipawo here respect yawaindipa mazuva andaikupa mari.Nokuti iye zvino handina chandinacho hauchaoni kukosha kwangu.Inguva zvinopfuura izvi manje manje ndinenge ndava nayo mari pamwe ungandiremekedzawo." Ndakavatarisa ndikati,"Iyo yakashandwa kare nevabereki venyu here?Ndiyo yamuri kutaura nezvayo." Vakaramba Vakanditarisa vachibva vafamba vachidzoka pandaiva ndakamira vachibva vati ,"Watii?Urikurevei?" "Makambozviona here kuti panguva yekuti zvinhu zvakuda kunyatsonaka ndipo panorasa vazhinji tariro kana kuti ndipo zvakare panorasika vazhinji vacho.Unotozodemba woregreter asi inenge yatorasika mvura yemuguchu isisadyorereke." "Urikuedza kuti chii?" "Kuti zvose zvamuri kuronga,nekundirongera ndiri kuzviziva asi murume wangu think thrice usati wazviwidzira mumadhaka.Ndiri mutorwa zvamunoronga mumhuri menyu handinei nazvo asi mukapota muchiti pamunotaura munoisa zita rangu umm chenjerai kuti togona kusazowirirana zvachose.Ndingava ndiri chembere sekutaura kwenyu asi handisi muroyi.Kubva kunzvimbo inoroyiwa hazvindiite muroyi ini pache zvangu.Pamuri kunovaona muvataurire kuti as long uri mukadzi chete akazvara zvaunoitira vamwe kana zvikasadzoka pauri zvine simba, zvichadzoka pavana vako.Kuipa kwazvo vana vacho vasikana futi." Ndakaona munhu achipusa asi handina kuita basa nazvo.Vaifunga kuti ndakapusa chaizvo.Havana zvavakataura vakabva vangobuda nguva iyoyo ndiyo yakarira phone yangu l was shocked ndichiona vari bamkuru Khumbu.Ndakadaira ndiine mufaro.Taiva tagara tichiwirirana hedu ndingati pahama dzaKevie ndiye munhu aiva anditambirawo nemaoko maviri. "Mainini makadii nevana ikoko." "Ndinofara bamkuru makadiiwo." "Phone yangu haina mari mangwana ndiri kuuya kuMbare kuvarimi huyai mutore mbambaira nenzungu mudye nevana." "Ndinouya bamkuru."Yakabva yakata ndichibva ndasekerera zvangu ndaitozongobatanidza nekunohodha zvimwe kuMbare kwacho sezvo vaiva vati mari yebhazi vaindipa.Manheru baba Junior havana kuuya kana kusender message zvayo.Hazvina kundibata sezvo ndaiziva kuti vaiva vaenda kuhama dzavo.Ndakanyatsodekara zvangu ndikatira chimwe chigaba changu chandaikanda mari yaibva kukabasa kedu naLiah.Pamwedzi miviri Mari yangu yaitova svinu mufunge.Vasikana vangu vaishanda nemazvo uye ndaivapawo Mari yavo nenguva chero hazvo yaiva shoma ndaiedzawo nepandaigina napo kuti vafare. Pamwedzi ndaivapa zuva rimwe chete ravaibika sadza votengesa mari voita share nepakati.Waiona mufaro pavari kana neni ndaigara nazvo kuona zvichivaitira. Zvisinei,the following the day ndakabva ndamukira kuMbare baba Junior handina kuvaudza ko ndaivabatira kupi iyo phone yaiva yakadzimwa.Ndaisava truster baba ava vaigona kungoblocker number yangu chete.Ndakasvika kuMbare bamkuru vatoveko kare.Takambovabatsira kutengesa zvinhu zvavo.Kwaiva kwatosara zvishoma pavakati,"Akazowana basa here mupfana wangu?" "Zvakaoma bamukuru munin'ina wenyu arikuda rake raakadzidzira kwete zvimwe zvose izvo.Arikuswera ariko kumba akarara zvake."Handina kuda kuvavanzira nokuti ndivo vega vaitodawo zvekutaura neni." "Inga zvakaoma,saka muri kurarama sei nhai mainini?" "Kufirwa kwakaoma bamukuru dzimwe dzenguva ndinombofunga kuti zvimwe Mthulisi dai ari mupenyu pasina zvose izvi.Mazuva ekutanga ndaiona rudo mumaziso emunin'ina wenyu but not anymore.I think akamhanyira kuzviudza kuti anondida pasina hapo rudo bamukuru.Kevie haana rudo neni uya,ndichakuudzai bamukuru one day mwana wekwenyu kuti amuka aenda ndasara ndega." "Anokudai mainini tarisai aka sacrificer zvose zvake nokuda kwenyu."Ndakaseka zvangu ndikati,"I don't think so,hapana chakapiswa paya zvose zvake zviriko bamkuru.Kungoti vaida kuona kuti anoita sei chete.Nekuziva mwana wavo vaiziva havo kuti gore hariperi anenge adzoka ndizvo zvakuitika manje." "Tomboti haachada adzokera kumba munoita sei?" "Ndingadii hangu?Chiri kufadza moyo wangu ndechekuti ndiri kugara muimba yekuchengeta handibhadhare hangu rent.Saka ndinogara bamkuru ndichishandira vana vangu.Sandini ndatanga nekurambwa.Mwari vanoita plan zvakare kuona kwangu Mimie haachinei naye aimbodiwa mwana wangu asi apa zvave kuonekwa manje kuti haasi wavo vane kakumusarudza kavave kumuita." "Umm mainini ichokwadi here ichi?" "Zvonetsa kutenda asi ndizvo zviripo." "Ndotenga chii chekuti mudye mai mwana." "Ndipei kuno mari yacho ndiise muhomwe tichakaguta isu." "Taurai zvamuri kuda ndozokupai yemuhomwe yacho." "Magrapes bho musazvinetse nekumbofamba muchienda kure basa rinoda pano." Vakatenga vachibva vanditambidza.Vakabva vati,"Mozotengera mwana mapampers neiyi."Vakadero vachindipa 20us.Ndakavatenda yaiva mari svinu chaiyo.Tichitaura kudaro ndakanzwa voti,"Team rabva rasvika ndavafonera kuti vazotorawo mbambaira."Ndakacheuka ndokuona vabereki vaKevie naiye vachisvika.Ndakapfugama ndokuvakwazisa havana kudaira kana ari Kevie airatidza kushamisika zvese nekunyara chaiko.Ndakabva ndati,"Makafamba zvakanaka here baba Junior?Hamuna kunge mataura kuti muchasvika kwana mhamha dai ndakakupai mufushwa wekunyemba unodiwa nababa makatakura." "Asi hauna kusiya waoneka kumba."Vakadero bamkuru Khumbu zvikanzi,"Wauya kuzodii kuno?Watadza kundiudza nekuda kwei?" "Dai phone yenyu yanga ichiita ndaikuudzai?" "Kangani muchifonerana muchisangana kuno?" Bamkuru vakadzungudza musoro vachibva vati,"Mainini nhasi tiri kuenda tese kwamhamha hamusi kudzokera kwenyu uko."Ndakaona vanhu vachishamisika asi kuti mashoko abude akaramba.Vanenge vaitovatyawo bamkuru Khumbu vacho nokuti hapana akapikisa.Ndakabva ndazoti,"Ndasiya Mimie ega bamkuru some other time." "Ndanga ndichitaura naKevie ndikati Junior ngaachirumurwa,,,"Vakadero vamwene vangu. "Whaaat!!"Ndakadero vachibva vati,"Ndoda kugara nemuzukuru wangu,saka murumurei?" "Sorry zvenyu mhamha handikwanisi kuita izvozvo.Imi pavana venyu pane wamakarumura ne6months here?Iko ndoda kuendepi kwandinganzi ndirumure mwana wangu.Sorry zvenyu ndichiri kuenjoyer kupa mwana wangu mukaka handina dambudziko nazvo ini.Saka ndiyo nyaya yamanga mafambira baba Junior kunotaura zvekurumura mwana wangu ini amai vake musina kundiudza sorry zvenyu."Ndakadero ndichirongedza zvinhu zvangu ndokutarisa time ndikati,"Ndoda kubata Zupco bamkuru ndiro rakachipa 2us kusvika kumba regai ndiende tozoonana."Vakandibatsira kutakura zvinhu zvangu tichibva tafamba.Ava vakasara pabasa pabamkuru.Vatopinza zvinhu zvangu mubhazi ndipo pavakati,"Torai mari iyi mainini start something handina zvandokwanisa kuita but be strong for your kids ndizvo zvinoita hupenyu.Waunovimba naye mangwana anokupandukira."Vakabva vaenda ndikasara ndichinzwa kuda kuchema chaiko. End of chapter 8 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 🔟 😇 349
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/26/2025, 9:59:37 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j Pinda muchannel yako👆 https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK Group redu 👆 AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 7 Regai zvinzi usavimbe nemunhu, kuti mashoko akadai azobuda unenge wasangana nezvakawanda kwazvo.l once told you that l was living in fear and doubt dzimweni dzenguva zviri nani kugara zvako uri single pane kuroorwa nejaya iwe une mwana wako.Ndakamboudzwa kuti ndoda kudaidzwa kunzi baba Juniour ndoda kunzwa zvazvinoita sezvo riri dangwe rangu.Sevanhu vaiva murudo taitaura tichiseka ndakangoti kutamba handina kuziva kuti munhu airevesa ka ini.Hewo mashoko anodzimba moyo matrue colours akuchibuda.All the blame kwandiri ndini ndakaunza nhamo pamusha nokuti kwandaibva kwaiva kusina rugare.Hazvirambike nokuti dzimwe dzenguva ndinozvipa mhosva nokuti ndakamhanyira kumedza kutsenga kuchada.Dai ndakamirira nguva handifunge kuti Mwari vaitadza kundiwanisawo kangu kadhara kakafirwa ndikatanga musha.Kana kuzvigarira zvangu zvino ndaiti ndawana musha.Kusaziva kuti zviuya zviri mberi.Ndaiva ndakutanga kuvhurika manje maziso anga akazadzwa hupofu nerudo.Now ndakuchizvinzwisisa kuti pasina mari hapana rudo.My husband aifara kana zvinhu zvichifamba zvakanaka pasina dambudziko.Zvino raitadza kuuya seiko dambudziko iye munhu aisashanda.Ndaifungawo kuti munhu achatambira situation iri paground but no aitoda kudya liver kuita seanofuya mombe.Chaindituma kushanda kubereka handina wandaikwanisa kusiira vana vangu.Pandakati kuCross handichadzokeri ndaitorevesa asi hazvirevi kuti ndaiva fuza ka.Mudzimai akangwara anoshandira vana vake zvisinei nekuti baba vanoda zvakapfava kunge honye.Mumba mangu ndaiva netugaba hobho twaisazivikanwa nababa Junior twaiva nemazita.Pandaiti handina mari doesn't mean kuti ndaiva broke.Ndaiva neRed Rose bank mumba zvaisazivikanwa nababa vekwangu.Ehe zviriko ndinozviziva kuti vazhinji maiti ndakadzungaira kushandira murume ehe ichokwadi asi handina kunyanya zvangu nokuti imwe pfungwa haina ngura zvayo inofunga.Pandakapedzisira kubuda kuenda kubasa ndakabuda netugaba twangu twese ndikambogara pane imwe church ndichiverenga mari yangu.Offer yaLiah ndaiva ndaifarira ndichibva ndabuda nemaideas aikwanisa kuburitsa mari nokuti paCross pedu paifaya kwete zvenhema.Vazhinji vaibika maplan chips ini ndakabva ndati better kuwedzera tumaspice kuti zvityise.Ndakaita maths dzangu zuva iri Liah aimhanya kunohodha mapotatoes kuMbare ndakabva ndangomuti,"Liah ndakunzwisisa zvawaiedza kutaura manje paya kungoti ini ndini ndakaenda mberi." "What are you saying tete?"Akabvunza ndichibva ndati,"Kana zvichiita togona kuita collab zvawaitaura zviya." "Yes!!"Akadero ndikati,"On one condition." "Anything for you auntie." "We fast every Wednesday and Sunday." "What!!" "Yes,,kana usingakwanisi tosiyana nazvo." "Ndichaedza tete but pakaipa." "Better late than never darling God first zvimwe zvose zvinozotevera." "Okay auntie ndichaedza." "Another thing ini ndichange ndisipo pabasa pacho only you nemunhu wandichatsvaka mobatsirana.Vawanga uchishanda navo ndinoziva kuti uchatya kubvako just tell them wavhura pako watanga rako basa hazvirambidzwe." "But,,," "No, buts Liah uri nhererera iwe uye une mwana wako anoda kuchengetwa newe saka dzako ngadzishande kwete kupeta maoko.Ukada kundiyemera anodyei Kayden wako.Kana wada kushanda neni wotoita serious handidi munhu akaneta mutezo shamwari.Yes or No taura zvaunoda usandipedzere nguva." "Yes." "Okay uko manga muchibika maplan chips handizivi hangu kuti maida kuti mari yacho iuye how imi musina kurongeka.Anyway pano tichabika sadza jaira makorokoza anoda zvinogutsa and also aripo mamwe maslay queens anodawo tuma simple saka tichabalancisa kuti mari yedu iwande." "Todii?" "Sadza tichabika but tichaita rice futi nemasalads and also chips ne1rution,fish and chicken also tichangoita zvinoita kuti titore mari.Hameno zviri sei?Zvobuda here?" "Yes auntie ko sei tanga tisiri kuzvifunga pese apa?" "Zviriko futi kuomera kufunga.Pano pane competition saka ukaita zvakapusa unobva usina kana cent.Sekutaura kwandaita ini pano handisweri ndichamukira kuseni by 5 ndinenge ndave pano.Ndosiya ndabatanidza basa pamunosvikawo muri 2 motangira ipapo.Hameno kana zvichigoneka." "Ko capital auntie?" "Don't worry mapoto wagara unawo awakasiya paya uchinoshandira amai Kundie plus maplates zviripo panoda final touch up chete." Ndakamutambidza mari yezvaidiwa kutown achibva aenda.Ini ndakasara ndichivatambidza zvimwe.Ndiko kutanga kwandakaita kabusiness kangu ako kaisazivikanwa nababa Junior.Kubva zvandaudza mashoko anoera ndakabva ndatotanga kuvadaidza nezita rejaya ravo.RaMimie harina kuzobuda mumuromo mangu zvakare.Ndaimuka semunhu ainohodha mavegetables ko ndaiva ndatanga kamusika pamba ka.Ndaito maker sure kuti ndatora aipera nezuva rimwe chete kuti ndiwane kunobhoilisa beef kuCross.Ndaisiya ndabika rice nenyama yese vasikana vaingozobika sadza chete zvaivaitira nyore.Ndipo pandakaona kuti kana uchida mushandi agare pabasa mubate zvakanaka.Vasikana vangu vaishanda pachirungu chaipo.Ndakaona vachiita basa ravo nemazvo uye mari ichiuya kumba.Zvandaida chaizvo.Semunhu anga akushandira pamba baba Juju havana kuzvibata kuti ndaiita dzimwe maths kunze.Mari yangu ndaichengeta ivo vachiswera zvavo vakadziya mushana.Ndaisaziva zvaiva mupfungwa dzavo saka ndaifanirwa kutamba ndakachenjera chaiko. Nguva yangu zhinji yanga yave yekufadza mhene dzangu anova mafans angu.Ndaivapa book nenguva.Ko changa chichanditadzisa chiiko ini nguva ndanga ndave nayo.Pamacomments ndipo pawaiona kuti mhene dzangu dziri kufara chaizvo.Ndainyora book rangu ndakadekara zvangu pasina kumhanya kana kutamba hedu taitombotandara tichiita nyaya.Life ichienda mberi. Ndaitova busy zvangu kueditor book rangu pandakanzwa baba vevana vari paphone vachiti,"Amai Adana please taurai nevabereki venyu ini zvekunetsana naKhumbu handidi zvachose.Why vasarudza kuita zvinhu zvakapusa kudaro ini mwana wavo ndiri mupenyu.Vanoda kuti ndisafe kusvika zvaita sei?Life yandiri kurarama haisi kundifadza zvachose ndiri kunhonga svoswe nemuromo vamwe muchidya muchiguta ikoko." Yaiva paloud ndakanzwa vachinzi,"Zvekuita uri kuzviziva Kevie.Kana ariJuniour mhamha vanochengeta saka uri kutya chii kungoudza munhu chokwadi.Mukadzi wako waunoda chaizvo uyo kuona kwangu mukuru kwauri ini.Ungatadza kuzviona zvako asi zviri pachema.Maturity yacho yakanyanya anofunga kukudarika Kevie are you sure akagumira form 4 here iwe kana kuti uri kuvharwa zvako.Munhu akambopinda nepasingapindwe napo.Akangwarisa anogona achitori nevamwe vana vaviri kana vatatu vausingazivi kunze uko.Ndipo paya patinokuudza kuti kumhanya sandiko kusvika.Wakamhanyira marriage iyi hanzvadzi yangu.Takaedza kukuudza ukaisa zvitanda munzeve nhasi uno wochema woshaya anokunyaradza taura nemaparents edu vanoziva zvavanoita vanogadzirisa life yako kusvika wamira kuti dzii.Ndinzwisise Kevie hanzvadzi Juniour haisi problem mhamha muzukuru wavo vanomuda asi kuti chembere yako ipinde mumusha ndizvo zvavasingadi vanonyara naye mukadzi wako.Chimwe chinhu anenge muroyi futi vanhu veGokwe havana kuchena from today onwards becareful unogona kudyiswa ukaita chiruhwe ruhwe." Yakasvika pakukata mukomana akangoteerera chete.Akatarisa mativi ose achibva aisa phone yake muhomwe ndokufamba achiuya mumba.Ndakabva ndagara hangu kuita sekuti hapana chandaiva ndanzwa vanga vagona havo tete kubaya panorwadza chaipo.Changa chasara kuti mukomana aite sarudzo yake. End of chapter 7 More comments more 🔥

❤️ 👍 🙏 😢 😮 😂 35
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/22/2025, 5:02:40 PM

Vangani vakamirira book

❤️ 😢 ☝️ 👍 🙏 16
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/26/2025, 9:59:38 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Amai Mimie Chapter 7 Regai zvinzi usavimbe nemunhu, kuti mashoko akadai azobuda unenge wasangana nezvakawanda kwazvo.l once told you that l was living in fear and doubt dzimweni dzenguva zviri nani kugara zvako uri single pane kuroorwa nejaya iwe une mwana wako.Ndakamboudzwa kuti ndoda kudaidzwa kunzi baba Juniour ndoda kunzwa zvazvinoita sezvo riri dangwe rangu.Sevanhu vaiva murudo taitaura tichiseka ndakangoti kutamba handina kuziva kuti munhu airevesa ka ini.Hewo mashoko anodzimba moyo matrue colours akuchibuda.All the blame kwandiri ndini ndakaunza nhamo pamusha nokuti kwandaibva kwaiva kusina rugare.Hazvirambike nokuti dzimwe dzenguva ndinozvipa mhosva nokuti ndakamhanyira kumedza kutsenga kuchada.Dai ndakamirira nguva handifunge kuti Mwari vaitadza kundiwanisawo kangu kadhara kakafirwa ndikatanga musha.Kana kuzvigarira zvangu zvino ndaiti ndawana musha.Kusaziva kuti zviuya zviri mberi.Ndaiva ndakutanga kuvhurika manje maziso anga akazadzwa hupofu nerudo.Now ndakuchizvinzwisisa kuti pasina mari hapana rudo.My husband aifara kana zvinhu zvichifamba zvakanaka pasina dambudziko.Zvino raitadza kuuya seiko dambudziko iye munhu aisashanda.Ndaifungawo kuti munhu achatambira situation iri paground but no aitoda kudya liver kuita seanofuya mombe.Chaindituma kushanda kubereka handina wandaikwanisa kusiira vana vangu.Pandakati kuCross handichadzokeri ndaitorevesa asi hazvirevi kuti ndaiva fuza ka.Mudzimai akangwara anoshandira vana vake zvisinei nekuti baba vanoda zvakapfava kunge honye.Mumba mangu ndaiva netugaba hobho twaisazivikanwa nababa Junior twaiva nemazita.Pandaiti handina mari doesn't mean kuti ndaiva broke.Ndaiva neRed Rose bank mumba zvaisazivikanwa nababa vekwangu.Ehe zviriko ndinozviziva kuti vazhinji maiti ndakadzungaira kushandira murume ehe ichokwadi asi handina kunyanya zvangu nokuti imwe pfungwa haina ngura zvayo inofunga.Pandakapedzisira kubuda kuenda kubasa ndakabuda netugaba twangu twese ndikambogara pane imwe church ndichiverenga mari yangu.Offer yaLiah ndaiva ndaifarira ndichibva ndabuda nemaideas aikwanisa kuburitsa mari nokuti paCross pedu paifaya kwete zvenhema.Vazhinji vaibika maplan chips ini ndakabva ndati better kuwedzera tumaspice kuti zvityise.Ndakaita maths dzangu zuva iri Liah aimhanya kunohodha mapotatoes kuMbare ndakabva ndangomuti,"Liah ndakunzwisisa zvawaiedza kutaura manje paya kungoti ini ndini ndakaenda mberi." "What are you saying tete?"Akabvunza ndichibva ndati,"Kana zvichiita togona kuita collab zvawaitaura zviya." "Yes!!"Akadero ndikati,"On one condition." "Anything for you auntie." "We fast every Wednesday and Sunday." "What!!" "Yes,,kana usingakwanisi tosiyana nazvo." "Ndichaedza tete but pakaipa." "Better late than never darling God first zvimwe zvose zvinozotevera." "Okay auntie ndichaedza." "Another thing ini ndichange ndisipo pabasa pacho only you nemunhu wandichatsvaka mobatsirana.Vawanga uchishanda navo ndinoziva kuti uchatya kubvako just tell them wavhura pako watanga rako basa hazvirambidzwe." "But,,," "No, buts Liah uri nhererera iwe uye une mwana wako anoda kuchengetwa newe saka dzako ngadzishande kwete kupeta maoko.Ukada kundiyemera anodyei Kayden wako.Kana wada kushanda neni wotoita serious handidi munhu akaneta mutezo shamwari.Yes or No taura zvaunoda usandipedzere nguva." "Yes." "Okay uko manga muchibika maplan chips handizivi hangu kuti maida kuti mari yacho iuye how imi musina kurongeka.Anyway pano tichabika sadza jaira makorokoza anoda zvinogutsa and also aripo mamwe maslay queens anodawo tuma simple saka tichabalancisa kuti mari yedu iwande." "Todii?" "Sadza tichabika but tichaita rice futi nemasalads and also chips ne1rution,fish and chicken also tichangoita zvinoita kuti titore mari.Hameno zviri sei?Zvobuda here?" "Yes auntie ko sei tanga tisiri kuzvifunga pese apa?" "Zviriko futi kuomera kufunga.Pano pane competition saka ukaita zvakapusa unobva usina kana cent.Sekutaura kwandaita ini pano handisweri ndichamukira kuseni by 5 ndinenge ndave pano.Ndosiya ndabatanidza basa pamunosvikawo muri 2 motangira ipapo.Hameno kana zvichigoneka." "Ko capital auntie?" "Don't worry mapoto wagara unawo awakasiya paya uchinoshandira amai Kundie plus maplates zviripo panoda final touch up chete." Ndakamutambidza mari yezvaidiwa kutown achibva aenda.Ini ndakasara ndichivatambidza zvimwe.Ndiko kutanga kwandakaita kabusiness kangu ako kaisazivikanwa nababa Junior.Kubva zvandaudza mashoko anoera ndakabva ndatotanga kuvadaidza nezita rejaya ravo.RaMimie harina kuzobuda mumuromo mangu zvakare.Ndaimuka semunhu ainohodha mavegetables ko ndaiva ndatanga kamusika pamba ka.Ndaito maker sure kuti ndatora aipera nezuva rimwe chete kuti ndiwane kunobhoilisa beef kuCross.Ndaisiya ndabika rice nenyama yese vasikana vaingozobika sadza chete zvaivaitira nyore.Ndipo pandakaona kuti kana uchida mushandi agare pabasa mubate zvakanaka.Vasikana vangu vaishanda pachirungu chaipo.Ndakaona vachiita basa ravo nemazvo uye mari ichiuya kumba.Zvandaida chaizvo.Semunhu anga akushandira pamba baba Juju havana kuzvibata kuti ndaiita dzimwe maths kunze.Mari yangu ndaichengeta ivo vachiswera zvavo vakadziya mushana.Ndaisaziva zvaiva mupfungwa dzavo saka ndaifanirwa kutamba ndakachenjera chaiko. Nguva yangu zhinji yanga yave yekufadza mhene dzangu anova mafans angu.Ndaivapa book nenguva.Ko changa chichanditadzisa chiiko ini nguva ndanga ndave nayo.Pamacomments ndipo pawaiona kuti mhene dzangu dziri kufara chaizvo.Ndainyora book rangu ndakadekara zvangu pasina kumhanya kana kutamba hedu taitombotandara tichiita nyaya.Life ichienda mberi. Ndaitova busy zvangu kueditor book rangu pandakanzwa baba vevana vari paphone vachiti,"Amai Adana please taurai nevabereki venyu ini zvekunetsana naKhumbu handidi zvachose.Why vasarudza kuita zvinhu zvakapusa kudaro ini mwana wavo ndiri mupenyu.Vanoda kuti ndisafe kusvika zvaita sei?Life yandiri kurarama haisi kundifadza zvachose ndiri kunhonga svoswe nemuromo vamwe muchidya muchiguta ikoko." Yaiva paloud ndakanzwa vachinzi,"Zvekuita uri kuzviziva Kevie.Kana ariJuniour mhamha vanochengeta saka uri kutya chii kungoudza munhu chokwadi.Mukadzi wako waunoda chaizvo uyo kuona kwangu mukuru kwauri ini.Ungatadza kuzviona zvako asi zviri pachema.Maturity yacho yakanyanya anofunga kukudarika Kevie are you sure akagumira form 4 here iwe kana kuti uri kuvharwa zvako.Munhu akambopinda nepasingapindwe napo.Akangwarisa anogona achitori nevamwe vana vaviri kana vatatu vausingazivi kunze uko.Ndipo paya patinokuudza kuti kumhanya sandiko kusvika.Wakamhanyira marriage iyi hanzvadzi yangu.Takaedza kukuudza ukaisa zvitanda munzeve nhasi uno wochema woshaya anokunyaradza taura nemaparents edu vanoziva zvavanoita vanogadzirisa life yako kusvika wamira kuti dzii.Ndinzwisise Kevie hanzvadzi Juniour haisi problem mhamha muzukuru wavo vanomuda asi kuti chembere yako ipinde mumusha ndizvo zvavasingadi vanonyara naye mukadzi wako.Chimwe chinhu anenge muroyi futi vanhu veGokwe havana kuchena from today onwards becareful unogona kudyiswa ukaita chiruhwe ruhwe." Yakasvika pakukata mukomana akangoteerera chete.Akatarisa mativi ose achibva aisa phone yake muhomwe ndokufamba achiuya mumba.Ndakabva ndagara hangu kuita sekuti hapana chandaiva ndanzwa vanga vagona havo tete kubaya panorwadza chaipo.Changa chasara kuti mukomana aite sarudzo yake. End of chapter 7 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 🙌 💜 155
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/30/2025, 8:39:02 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 9 NARRATION Khumbu aiziva hake hunhu hwehama dzake.Kana kutaura kwakaita amai vake haana kukufarira zvachose. Aitoshaya kuti seiko vaibata mwana wevaridzi neseri kweruoko kudaro.Havana kunge vazvipawo nguva yekudzidza mai Juniour zvachose.Kungoziva kuti yaiva mvana ine mwana wayo mumwe chete kwakaita kuti vanhu vese mumusha vanzwe kuvenga muroora mumwe bedzi uyu aiva apinda mumusha.Kusiri kuti mazuva acho Kevie aiva amira nemukadzi wake zvimwe kudai akarambwa mazuva aapinda mumusha nhumbu yaJuniour ichangobata.Khumbu aiva munhu aishanda nesimba aibata kwese kufodya nezvimwewo zvirimwa.Kana paakapa mainini vake mari haana kurwadziwa.Kwaari aiva akangofanana nemunhu asina kana kubvisa cent zvaro.Aiva azviona hake kuti imba yemunin'ina wake yaiva yapindwa negonye chairo achibva ashaya kuti angavabatsira sei kunze kwekuvapa mari yekuti vatsvake kubatsirikana.Zveshuwa akawedzera pa20 yaiva ambovapa.Khumbu aigara nemwanasikana wake uyo aiva atokura aiva achangobvq kunyora form 4 yake.Kanga kage kechitat8 achinyora mwanasikana asi zvichiramba kubuda zvakanaka.Akazongobatanidzawo macertificate ayo aiva asvikawo pa5 subjects.Letwin mwana waKhumbu aiva asiiwa namai vake aine makore matatu vachienda kune one marriage.Ko mazuva aya khumbu aidya nhoko dzezvironda zvinhu zvaiva zvisina kubatana zvachose.Pavakatanga nhau dzekurima mukadzi akati haangazvigone kugara kumusha segejo.Akabva angoenda kusina kuzivikanwa naKhumbu.Akamboedsa kuenda kwana tezvara asi semunhu anga asina kubvisawo zvikwaniso akabatwa huyanga zvikangovharana zvakadero.Vakada kumutorera mwana atova Kuma grade 7 akajamuka kwazvo.Ndiko kugara kwaiita Khumbu nemhuri take anova Letwin uyo aidiwa samare. Paakadzokera kwaiva nevamwe akabva ati,"Totanga tanodya here kana kuti tonodyira kumba?" "Aiwa aah handei pachicken inn paseri apo ini nditori nenzara svinu chaiyo."Akadero baba Juniour mukoma wacho achibva ati,"Handei."Vanofamba asi baba vacho vaingova zii hameno zvaifungwa.Khumbu ndiye anozoti,"Chii baba?Kubva zvaenda mai Juniour mungori zii." "Wavakwidza here?" "Ehe vakwira ranga rakutosimuka zvekuti apa vatova mutown." "Aah hoo." "Manga Matii?" "Hapana hangu kungoti anondinzwisa tsitsi hangu hameno sei?Ndaisaziva kuti murume wake wekutanga akafa." "Ehe akafa hanzi neaccident here mazuva avabva kuchata." "Haasi mashura iwayo.Ko wangu mwana akamuka akafa.Ko kana pane chinouraya varume paari." Akaramba akavati ndee Khumbu achibva adzungudza musoro.Hasha dzakamupfeka achibva aedza kuzvidzora ndokuzoti,"Mudhara muri munhu mukuru imi. I respect you nokuti ndimi makandiita ndive zvandiri nhasi.Pasina izvozvo ndaikuudzai mashoko ekuti taigona kutadza kuwirirana zvachose.Ndanga ndichiti zvamuri murume ndimi munogona kugadzirisa imba yaKevie asi ndatoona kuti handina kwandiri kuenda mwana wenyu Kevie wacho hamumude zvachose.Dai maimuda maimudzidzisa nzira kwayo yekurarama.Manje rudo rwamunofunga uti munarwo harusi rudo kwaari muri kumukuvadza.Maturity kuna Kevie ishoma ndanga ndichiti mungakwanisa kumudzora asi ndatozoona kuti kutambisa nguva hangu.Murikufunga kuti murikuda mwana wenyu asi hapana muri kumuremadza.Itai zvamuri kufunga kuti zvinoita asi mangwana Kevie wenyu uyu regai ndinyarare handidi kuwanza mashoko." Khumbu aida kuzonorara kumba achikurukura nehama dzake asi akatoona kuti kwaiva kutambisa nguva kuteya nzou neriva."Hey Kevie!!"Akabva acheuka achibva aburitsa mari achibva ati "Ndatambira an important call endai zvenyu munodya tozoonana."Vakaonekana achibva atodzokera kunoshanda zvake kuenda nevanhu ava kwaari haana kuona zviine basa.Akashushikana kwazvo zvemberi anga akutozviona Khumbu.Vanhu ava chavaida kurerera mwana wavo mutray chete zvekuti muroora wavo aita sei vaiva vasina basa nazvo.Anotora phone achibva afonera mwana wake Letwin uyo akabva angodaira,"My dearest daughter wattii?" "I miss you dad murikudzoka rini?Pamba pacho pari kubhohwa musipo." "Ndouya dear ndava kutopedzisa zvasara." "Okay don't forget maorders angu kuri kutonhora veduwe." "Ndatozviziva kuti ndizvo zvawafonera l won't forget." "Thanks dad love you."Anosekerera Khumbu achibva abaya phone yake oda kuisa muhomwe ndipo paanofunga mainini vake achibva atofona,"Mainini mafamba zvakanaka here?" "All is well bamkuru don't worry about me." "Okay mainini ndizvo zvandanga ndichida kunzwa chete." "Thanks bamkuru for caring but handidi kuti muzozorwa madhaka, bamkuru you are such a good person.Kumusha kwandinobva kunoroyiwa ,already ndiri kunzi ndakadyisa munin'ina wenyu handidi kuti mupinde palist yevanhu vandakadyisa stay away from me bamkuru munozorwa jambwa." "Mainini,,,"Akasara otaura ega call yaiva yadamburwa.Akaedza kufona ichibva yaramba.Akabva aziva kuti aiva akadumbirwa mwana wevaridzi.Anotura befu Khumbu oedza kuti angabatsira sei munin'ina wake asi anoshaya zano.Anoguma angosender massage kuna Kevie kuti ,"Be a responsible man Kevie hausi kudzokera mudumbu.Ukaona wakugona kumitisa watokura.Pawakatora mwana wevaridzi waiziva kuti imvana here nhasi chii chachinja.Usada kutsvaka muroyi wehupenyu hwako iwe uri iwe muroyi wacho.Sei uchitora advantage yekudiwa kwaunoitwa iwe.Mukadzi wako anokuda sei uchitora that weakness kuita weapon yekumirwisa.Zvese zvauri kuita ndiri kuzviziva.Kana vari mudhara namom vakagadzira yavo life kwasara yako.Ukada kuudzirwa zvekuita nguva dzose uchachema mira ndikuudze.Icho chinokupa nungo dzekushanda ndicho chinodaro.Dai waigona kuzvishandira waiona kukosha kweumwe munhu mulife mako.Uchenjere kuti vaunovimba navo vari pedyo newe ivavo ndivo vachakurasisa mira uone."Anobva asender message iya iyo isina kunonoka kupindurwa,"Thanks nelunch bro but kana zviri zvelife yangu siyanai nazvo.Munodaro nokuti hamusi kuziva zvandiri kusangana nazvo mulife mangu.Dai maiziva maindipa support.Handingararame poor life nokuda mukadzi bro.Hapana chinoshamisira apa ndinotsvaka umwe asi ndichirarama life inondifadza.Ndichiri mwana mudiki ini handidi musengwa.Dai ndakateerera maparents angu zvese zvekushungurudzwa nenhamo zvisina kundiwira zvangu.I love my self ndiri kuda kuchinja life yangu.Kwete kuchinjiswa nemukadzi.I regret my actions munoziva." "Okay,darling brother hupenyu mwene waho chimboitai." Haana kuzosender imwe massage Khumbu aiva atoona kuti hama yake aitova nedzimwe pfungwa.Kana vari mai Mimie vaiva vakatodumbirwa zvavo mashoko avamwene vavo aiva asina kuvaitira zvakanaka zvachose.Vaitoona kuti vaiva vagarwa dare vasipo.Vakatadza kuzvidzora vachibva vasendera murume wavo message,"Hamufunge baba Juniour akatadza chii mwana wangu wamunoti ndirumure ne6 months?Ndakuudzai here kuti handichakwanisi kuyamwisa mwana wangu.Musada kundiisa mashoko mumukanwa nokuti ndokuudzai zvamunoda kunzwa chaizvo.Why muchitadza kufunga imi.Pamangonzwa kuti pfuma yakuda kupihwa bamkuru Khumbu mabva mamhanya kumba kwenyu nungo dzekushanda kuda zvakapfava kunge honye.Tsvee kuronga hwenyu hupenyu moshanda zvenyu neziya renyu speed kuda zvakashandwa kare.Ndokunzwirai tsitsi baba imi.Madiro amunoita zvakapfava one day muchachema chete."Vanotumira message iyo isina kupindurwa.Vanotozoshamisika vachiona munhu achisvika manheru.Akatakura paperbag raiva neyoughut gaba hombe chairo.Anotambira achifara Mimie achibva ati ,"Dad maita basa."Anonyemwerera achibva ati,"Ndati ndivigirewo Juniour ambonzwawo kunaka kunoita youghut." "Ko yangu iripi?" "Ndichakutengera ndaita mari." "But gaba rakakura iri dad toita share nehanzvadzi yangu hapana paangadya sisi vake vakaomesa muromo." "Hazviite!!" "Why?" Mimie to your room kana uchida yako ndichakutengera mangwana." "But mom,,," "Mimie"Anobva asimuka ndokunanga kuroom kwake uko kwaanombotanga kutaura ega achibva angozobatwa nehope.Haana kurara zvinoenda kure anobva avhunduka panguva iyoyo amai vake vanobva vauya vachibva vati,"Ko chii dear?" "Ndarota mumwe murume mhamha tanga tichifara mhamha asi tazosvika patagara achibva anditi hupenyu ivhiri rinotenderera dzidza kubva kune zvakakukomberedza kuita moyo murefu zvimwe zvinoitwa naMwari kuti hukuru hwavo huonekwe." Vanomutarisa vachibva vati,"Ihope mwanangu,learn to pray nguva dzose zvawadai watokura ndizvo zvinoita hupenyu mwanangu.Be strong unosvika chete." Vanomupurudzira kusvika abatwa nehope.Amai vake vanobva vangotora phone yavo ndokutanga kunyora havo book ravo sezvo vainge vasina hope. End of chapter 9 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 👏 236
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/29/2025, 5:46:03 PM

Malikes edu ngaauye zvawo guys

👍 ❤️ 🙏 😢 👎 🔟 😂 😮 48
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/22/2025, 5:06:18 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 5 Amai Mimie "Ndakuwedzera mari yandinayo ndifanopa baba Kelly."Ndakadero mushure mekunge tapedza kabasa kaya kataiva tawana.Vakanditarisa vachibva vati,"Yose iri kutoenda here apa?" "Ehe ko tingaita sei?Zviri nani kuvapa iripo yacho tozoona kuti toita sei pamberi apo." "Aaaah hoo." "Asi mune zvamuri kuda kumboshandisa here?" "Ko kumbotengawo kacoke kanoti pfaa chaiko kutaura chokwadi ndakasuwa ini.Nenyama yatinonyatsodya tichiguta ini zvelife yekutamburira ndaneta nazvo hangu." "Kuita mwana kutokura ikoku baba Mimie.Munosvika kupi muchiita kunge mwana mudiki.Motaura zvenyama ko chikwereti chandiri kutaura nezvacho hachina basa here?" "Unoita plan mai Mimie zvanhasi chete tingonyautsa mukanwa." "I don't blame you,l blame vakakurerera mutray kunge chingwa.Zvinonaka munozvida asi zvimabasa zvidiki izvozvo hamuzvide saka nyama yacho inobva kupi yamunoda samare kudaro.Mukangoziva chete kuti Junior anoda mapampers munenge musina kutadza." "Chero zvangu ndichimuda mwana wangu asi pafair ndanga ndisati ndava ready ini kuita mwana wakangomhanyawo paya mai Mimie.Hameno kuti waifungei chaiko.Kuita sekuti waisaziva kuti kune family planning." "Mattii?" "Kwaiva kutya kurambwa here semunhu aiva nemwana wake.Inga ndaiva ndangotaura wani nemuromo wangu kuti ndokuda waifanirwa kungozvitenda kwete kundiisa pacorner nekuda kwenhumbu yawanga wava nayo.Ndanga ndisati ndava ready kuroora kutaura chokwadi." "Saka ndakakudzvanyirira kaa?" "Hàndisi kudaro asi tarisa ka ndakazongoita zvinhu zvangu nepressure paya zvakapa vabereki vangu hasha vakapisa zvese zvangu.Ndaida kuvasvikira zvakanaka paya and vaindinzwisa." "Saka uri kupa ini mhosva pazvese zvakaitika mulife mako baba Mimie?Inga wakandinyengerera wani kusvika pakupfugama uchida kutanga kugara neni ko mashoko awave kutaura akubva kupi?Asi ndini ndakaunza munyama mulife mako here?Uri kuregreter kundiroora ,no kutanga kuchaya mapoto neni kwawakaita here?" "Ataura izvozvo ndiani?" "Matauriro enyu anonzwikwa ugoona ndakambozvitaura hangu kungoti kana wanyura murudo unoita mawrong decision mulife.Ndakateerera zvaida nyama yangu ndikakanganwa kuti moyo unodawo kuteererwa l blame myself ndakamhanyira kupinda mune imwe relationship ndisati ndadzidza munhu.I was desperate ndabva ndanyura chamunyurududu ndikati ndamuwana munhu anoda ini nemwana wangu handina kuziva kuti one day uchandipa mhosva." "Wakutora nyaya nepasipo mai Mimie,,,"Handina kuvatendera kupedzisa mashoko avo ndakabva ndabuda ndokutanga kuita basa rangu ndakanyarara.Hameno why pandinenge ndatsamwa ndipo paiuya power ipapo.Ndakawacha hembe dzevana vangu ndiri mundangariro chaiko.Truth betold Mthulisi wangu ndakamufunga panguva iyi.Zvimwe dai asina kutorwa nenguva zvose zvisipo izvi.Ndaitoedzawo nepandogona kuti zviite asi hama yangu iyi yaingofunga kwayaiva yabva hameno kuti vaizokurawo here kana kuti ndiwo hutera hwacho.Ndichirangarira kudaro ndakabva ndatofunga storyline yebook randakaona richiita nyore uti ndiri nyore zvekukasika.Chero hangu ndaiva ndichiri kunyora free book.Ndaifanirwa kuzvibatanidza kukanda mabook maviri achiteverana.Zveshuwa ndakazosara ndopedzisa kuita basa rangu ndatopedza book mupfungwa dzangu.Ndakasekerera ndichibva ndatonhonga phone yangu ndokunyora book rakanzi ,"DISTRUST."Pandakarikanda ndaitarisira feedback ine mutsindo nokuti ndaiva ndarinyora nemoyo wese uye neshungu.Asi zvandaiva ndakatarisira sandizvo zvinoitika.Pakashaya kana umwe chete zvake akapa comment apo ini ndainzwa kuti apa ndanyora zvinonwisa mvura.Ndakaenda kumaadmnis ndobvunza kuti raiva sei book.Vakakasika kuti,," manake mai Mimie."Handina kuvatenda ini ndaidawo macomments aibva kuchaunga asi hapana chakauya.Ndakapera simba ndikambofunga kusiya ini.Sezvineiwo imwe fan yakabva yauya inbox asking for chapter 2.Ndiye munhu wandakabvunza akandisimbisa zvinova zvakandipa simba ndikaenderera mberi chero hazvo confidence yaiva yapera.Ndakashingirira ndave kuchapter 10 ndipo pandakasangana necomment yakandiwedzera simba,"Guys this book riri kunakidza wena tototya kuri commenter nokuti ringaenda pamusika.Anondigonera zvake munyori kungoti vanyori vemabook vawandisa mamwe takungosiya.Plus kutengesa kwacho vave kukunyanya vanyori vanokara mari veduwe vanotoda kudya nesu." Ndakatanga ndaseka asi ndaiva ndatoziva zvakawanda.Akandibatsira zvekuti muverengi uyu nokuti ndakabva ndatowana simba rekuramba ndakadzvanya.Ndaiva ndava nechokwadi chekuti book rainaka uye kutapira asi vaitya kuzosiiwa nenyota.Ndakabva ndatanga kutsika chepakati chaicho.Simba ndaiva ndava naro ka.Book rakandinakidza kunyora irori.Ndipo pandakaona kuti kupa mafans book nenguva kana newe munyori zvinokunakidza.Kubasa kwangu ndaiva ndadzokera ndaitozvipa nguva yekunyora ndiri pachibasa changu. Kubva zvataura baba Mimie mashoko avo handina kuzova truster zvachose.Ndaitoona kunge vane dzimwe pfungwa.Kwandiri ndaiona kunge munhu aitorangarira hama dzake dzaanga asisatauri nadzo nekuda kwangu.I was the root cause yekutambudzika kwavo.Fear and doubt zvakandipfeka hazvina kuda kundisiya zvachose.Ndakatanga kutakura baby Junior kubasa kwangu ndaida kuonawo kuti vaifungei semunhu aisara pamba.Asi ndakatoona kuti hapana zvisvinu chavaida ibasa ravo ravaiva vakadzidzira bedzi.Vaitoswera varipo pamba zvavo. Chandaida hangu ipeace chete.Ndaiva ndakagara pakasvika musikana anonzi Leah uyu wekuimba akasvikotora Junior achibva atanga kutamba naye ndipo paakabva ati,,"Tete zvekumhanya nemwana paroad umm zviri risk tadii tabatana tabika machips pandiri kubika sadza apo.Munobva mangoisa zvinhu zvenyu panze vanoda vanotenga.Kunyanya fish idzi vamwe vanodzida pasadza zvogona kukuitirai nyore pane kumhanya muroad.Ko mukadonha motsikwa mese nemwana.Think about it hàndisi hangu kukumanikidzai asi zvogona kubuda." Ndakamutarisa kumeso ndikati,"Why me?Amai Justine avo vane mwana futi sei usina kuenda kwavari?Waonei pandiri?" Ndofunga aiva asina kutarisira mhinduro yangu akaratidza kupusa pachiso chake.Handina kuda kukusekerera ndakaramba ndiri serious akakakama ndichibva ndati,"Zvandiri kuita izvozvi handishaye yekudya nevana vangu usada kundishandisa." "Kana tete kutongoda kuti tibatsirane chete." "Taura chokwadi otherwise handitaure newe futi urikutoda kundishandisa iwe." "No,auntie nyaya iri pakuti ndoda kuti mundiudzewo kwamakaenda kuti mutengerwe.Ndaedza zvose zvaramba." Ndakaseka zvekusvika pakubuda misodzi chaiyo.Ndikati,"Ini ndine kwandakaenda nhai Leah?" Akatarisa pasi achibva ati,"Sorry auntie but ndizvo zviri kutaura vanhu nokuti munotengerwa chaizvo.Ndinoita hangu mushandi wenyu zvose zvamunoda ndinoita." Ndakaseka zvakare ndichibva ndazoti,"Wakaguma kutsanya rini nhai Leah?" "Kubva zvandakazvarwa handisati ndambo,,,,," "Handina kumutendera kupedzisa ndakabva ndati,"Wapaona ka pane dambudziko rako.Kana kunamata kwacho hapana chozivikanwa.Basa kuswera muchinyeya vanhu hanzi vanoshandisa mishonga.Akakuudzai kuti mushonga chete ndiwo unoshanda ndiani?Mabvi ako aya munamato mukuru kudenga.Go straight to the point woudza Mwari zvauri kuda uone kuti havakuitire here?Kwete kuti iwe uchida kunamatira vana vako woti Mwari onai mapudzi angu ndiko kuita sei ikoko.Taura naMwari ivo vari pakavanzika ukavimba navo vachaita sekuda kwavo.Don't accuse me nezvinhu zvandisina ruzivo nazvo.Udza Mwari zvaunoda pabasa pako uone kuti havakuitire here?Vimba naJehovha Mwari wako nhamo dzatinadzo dzakasiyana usachive ukaona zvevamwe zvichiita zvako zviri panzvimbo imwe chete muchapinzwa munyatwa vana Leah nekuda zvinhu."Ndakatora mwana wangu ndokubereka ndichibva ndamhanyira pabhazi raiva richangosvika.Zveshuwa ndakadzoka nedollar maorange angu atengwa.Akabva ati,"Sorry auntie" 'Ndakamutarisa ndokudzungudza musoro wangu.Dai ndaiziva mishonga life ndingadai ndiri pasame level here?Ndakangoti,"Zvakaoma shuwa."Ndichirovanisa maoko angu.Phone yangu yakabva yatorira yaiva new number ndakabva ndatodaira paya ndipo pandakanzwa munhu achiti,"Nhaimi munyori muchiri kuda nebook renyu here kana kuti?Ko motadza kuitawo sevamwewo vanyori here vanotipa book nenguva makaita sei?Munotipa pamadira zvenyu mabook enyu kunyanya mafree book munozviitirei?"Ndakangopererwa ndofunga phone yacho yaiva yapera mari.Ugoona ndaitoedzawo kungoti munhu haugoneri munhu wese.Ndine vaitofadzwawo nehunhu hwangu mufunge. Zvakaoma hazvo. Kkk mafans matotanga haisi real life yangu veduwe!!Muri kuchemei nhaimi nhami ?Nhasi ndanakirwa munoita kuti zviite mhani rambai makadero. End of chapter 5 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 👏 🔥 🤛 174
Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
5/21/2025, 4:52:56 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j https://chat.whatsapp.com/B63pmoaplyADgs2yvH4jkK AUTHOR'S UNDER SIEGE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 4 Amai Mimie Ugoona ndaiva ndambozvitaura kuti tiudze Mimie chokwadi baba vacho vachibva varamba.Ndizvo zvandaiedza kuavoider izvozvi.Hama dzekwake kana dzaiva dzisina kugara dzamutsvaka papi pacho paaizodiwa nevatorwa kuita kunge mwana wavo.Ndaiva ndatozvitambira ini kuti mwana wangu vaisada kumuona.Vaisavanza kumusarudza kwavo.Adana naAdel vana vatete Maggie vanova dangwe mumba mana baba Mimie vaiva vatodzidzawo kana kutamba naMimie vaisadawo kureva kuti pane zvavaiudza.Handina hangu kunyanya kuzviisa pamoyo nokuti vaiva vasina rudzi navo.Pandakaenda naJunior kumba kwavo ndakaseka zvangu vaipretender kusada mwana wemwanakomana wavo asi pakadzika pemoyo wavo vaitodawo kumuona.Pandakasara ndakaenda paiva pakagara baba ndikati,"Ndinozviziva kuti hamundide mese pano asi hapana zvazvichachinja nokuti muzukuru wenyu ndini ndakabara.Ndauya in peace kuti muone muzukuru wenyu chete." Ndakaona vatezvara vangu vachitarisa divi ndichibva ndanyepedzera kudonhedza mwana panguva yandakasimuka.Vakamugama ndichibva ndati,"Maita basa baba."Vakaramba vakamuyeva paiva neweakness yavo ndaizopabata chete.Vaisvika kupi vachiramba mwana wemwana wavo nokuti azvarwa nemunhu wavasingadi.Kushata kwazvo mwana wacho aivq akafanana nasekuru vacho.Vakaswedera vamwene vangu vachiti,"Ndipei kuno ndimutambidze mwana wake angatozvinyepera kuti tamugamuchira pano.Handimude pano chete mukadzi waKevie."Hameno sei mashoko avo aisandibata zvachose.Ndakabuda zvangu ndichisekerera.Kana baba vevana vangu was shocked kuona nyemwerero yaiva pachiso changu.Ndizvo zvinoita hupenyu mudiwa wangu baba namhamha vabata mwana wedu." Akanditarisa achiratidza kushamisika ndikati,"Zvaita." "But how?" Anobvunza ndichibva ndati,"ZvaMwari zvozviita zvega.Ndingava ndiri mvana sekutaura kwavo asi muzukuru wavo vanomuda ndizvo zvandoziva."Ndakaona chiso chake chichi nyevenuka ndikaziva kuti kana naiye hope yekuti vabereki vaizochinja moyo wavo yaiva iripo.Takadzokera kumba tatova nemufaro hedu.Mazuva anofamba ndipo pandakaenda kunhamo yasekuru vangu.Ndaiva ndisina kana stress yemari yandaiva ndakakwereta ndaiziva kuti ndinosvika ndichipihwa neboard ndobva ndadzosera chikwereti chandaiva ndaparamura .Handina kuziva kuti zvaiva zviroto ndaizomuka hangu ndanzwa kuti hakuna mari.Ndakabvunza veboard ndadzoka paya ndipo pandinoudzwa mashoko anodzimba moyo.Aaah mari ine chitema mufunge vanhu veboard rechema vakandiita kunge munhu asina kukwana chaiko.Ndaiva ndisina kuzvitarisira zvachose.Ndakatanga ndichanzi tipei proof yekuti mafirwa zvechokwadi.This statement shocked me a lot nekuti ndaiva ndisina kutora kana vedio zvaro.Ndaiva ndangotora vanhu vachiimba vachienda kumakuva jairai vanhu vanenge vachifamba harina kubuda zvakanaka ndiro randakaendesa iroro rikarambwa zvikanzi hazvionekwe uye hazvinzwikwe.Ndakaswera zuva rese ndichibvunza hama kuti pane aiva ambotorawo mavedio here?Zvakanditorera nguva kuti ndiri wane.Ndakazoriwana hangu last minute ko ndaitoshingirira ka sezvo agent baba Kelly neighbor yedu anga akuda mari yake.Ndakaendesa kuboard paya raiva clear manje randaiva ndazowana apa asi manje satan kana chati hapana chako zveshuwa hapana chaunowana. "Aaaah ,,,amai Mimie tsvakai replacement pamunhu wenyu akafa wacho muise umwe nokuti hazvichaita kuudza vanhu nokuti makatoviga kare."Ndakanzwa sendinotsva kamusodzi kachibva kadonha.Ndakapukuta nechanza ndichinzwa kuti pano handichazi ini zvachose.Mashoko ndakamashaiwa dai ndaiva ndisingabvisiriwo vamwe ndaimboti, manje ndaitobvisa.Handina kukwanisa kutaura asi kunyarara bedzi ndizvo zvandiri mashoko angu agara mashoma ndotya kumaburitsa nokuti akabuda ipoison chaiyo. "Nhaiwe wazodii nemari yababa Kelly?"Vakabvunza baba Mimie sezvo ndaiva ndavaudza ndiine confidence kuti mari ndaizopihwa nevamwe vanyori vemabook. "Zvadhakwa."Ndizvo zvandakakwanisa kupindura chete asi ndaiva nemarwadzo pamoyo. "Saka todii?"Vakabvunza ndikati,"Ndichitaura navo ndovapa ndabva kubasa.Mhamha vamanga muchiti tinoona kuMbare hazvichabuda nokuti kunoda mari yakawanda kwazvo hazvizobatani."Vaiva mhamha munin'ina wavamwene vangu vaisanzwa mushe vaiva vati ndiuye nemwana vagozomuonawo futi. "Pakashata." "Ndizvo zvinoita hupenyu wangu.Zvaunenge wakatarisira sandizvo zvinoitika.Ndarwadziwa asi.Ugoona vamwe vanotopihwa mari idzi kuti wangu munyama here?" "Zvine ropa wangu l think vakatoita madoubt ekuti wakafirwa ini saka mari haibude zvekudaro." "Pane munhu anganyepa kuti afirwa iye asina baba Mimie?" "Vamwe vanozviita pamwe ndizvo zvavafunga." "Inga proof ndavapa wani?" "Hameno wangu it's life kunze kune mbavha uko wava kuziva next time uchaziva zvekuita." "You are right."Ndakadero ndichitora phone yangu ndichibva ndatobaya exit.Ndaisada kuramba ndozvipa stress.Ndakatanga kufunga kuti zvaizofamba sei?Baba Kelly vaida mari yavo.Pafair ndaiva pazero chaipo.Kuti ndibate kamari kangu kebasa mhuri yaifa chaiko nenzara.Ndakavhura drawer ndiye dhuma nechifoni changu chandaimboshandisa kare.Yaiva yadonha ndichibva ndashaya mari yekugadzirisa.Mazuva acho ndaiva ndaitawo lucky ndikapihwa phone nefan raiva rafadzwa nezvinyorwa zvangu zvepaphone.Ndakasekerera ndakaibata ndakabva ndatomhanya pabasa pababa Kelly ndichisvika vakabva vanyemwerera ndokuti,"Magona gulez mauya ndanga ndichitoda kukufonerai ipapa." "Haa baba Kelly motondirova zvenyu kwandanga ndakatarisira mari ndashaya handitorina pekutangira ipapa.Ndosaka ndatouya nephone iyi pamwe munogona kundibatsira.Iri kuda kugadzirwa kana ikaita motengesa zvenyu mowana mari yenyu."Ndakadero ndichivatambidza vakadzungudza musoro wavo vachibva vati,"Still haikwani gulez." "Ndinokutsvakirai imwe saka ndingawedzera marii?" "30us chete nokuti ndichitsvaka touch nemari yangu."Handina kuda kupikisa zvinonetsa kudembera murume wemunhu.Chero hazvo vanga vari vadiki respect inongodiwa.Sezvineiwo ndichisvika kumba ndakawana ndakamirirwa neumwe mukadzi wandaisaziva uyo akabva ati,"Ndine basa rinoda kuitwa amai pamba pangu panoda kucheneswa ndiri kuda kutanga kuvaka."Takawirirana vachibva vaoneka.Ndakasara nemurume wangu uyo anobva ati,"Umm,zvimwe zvacho hazvisi zvazonyanya here?Chimboedza kunyora book rako nekukasika uchisender everyday rinotengwa l think urikuzvinyanyawo mai Mimie uriku dissappointer mafans ako.Dai uchivapa book everyday waiona shanduko.Zviri nani pane kushandira munhu." "Baba Kelly varikuda mari yavo.20 free chapters dzakawandisa apo mari inenge yakamirirwa handei tese tinoshanda tokasika kupedza topihwa mari." "Haa izvi kana shaa enda wega ndikaonekwa namhamha,,,,." "Enough baba Mimie muri munhu akaita sei?It's not like ndiri kunoshandako everyday ka ipart time job kushanda nekupihwa mari yangu.Saka kufunga kwenyu mukaramba makagara January to December mari yacho yekurarama inobva kupi?Inga ndiri kuedzawo wani nepandogona napo.Mangani mapeace job amunowana muchiramba only because makadzidza chaizvo.Kana makadzidza chaizvo iripi proof yacho yekudzidza kwenyu.Havana kupisa here amai venyu kufunga kwenyu ndiani munhu anga employer munhu asina kana paper zvaro paposition yamunoda iyoyo.Imi neni tangofanana pamwe ini nditori nani nokuti certificate re"O" level ndinaro nere till operating chero hazvo zvisina mari asi ndinazvo.Munhu unofanirwa uadjuster musituation yauri panguva iyoyo kwete kuramba wakabatira pazvinhu zvaunoziva kuti hazvichaita munosvika kupi muchiita zvamuri kuita izvi.Ndipei mwana ndibereke tinoshanda mari yevanhu iri kudiwa." Ndakatora mwana wangu ndokubereka ndichibva ndatungamira vakawana ndakutoshanda.Hapana aitaudza umwe asi nechemumoyo ndaingoseka zvangu.Hapana chaizivikanwa veduwe mudzimba umo vabereki ngatiwanei nguva yekudzidzisa vana vedu mabasa zvisinei nekuti akaberekerwa kuchirungu itai kamunda kaanopota achishandawo nekuti ramangwana harizivikanwi. End of chapter 4 More comments more 🔥

❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 💃 137
Link copied to clipboard!