Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 19, 2025 at 05:42 PM
https://chat.whatsapp.com/JyJ4jjY7DjR7YAxbCx9cJV What'sapp group redu👆 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j Follow channel yedu kwaunowana book kubva pa1 👆 MARRIEDBY CHANCE Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 18 NARRATION Sophia anorwadziwa nehunhu hwaiva hwaitwa naJerry.Aiva asina kuzvitarisira kuti angamurwadzisa zverudzi urwu.naBen vaiva vava nenguva yakati rebei vachidanana,kuma introduction vanga vatoenda vanga vakutoda kusvitsa love yavo pane imwe level.Vaviri ava vaidanana zvakanaka kwazvo pasina kana aivhiringidza.Asi pakangobudikura Jerry zvinhu zvose zvakabva zvangopindawo mudondo.Jerry akanyatsouya ari pamission yekuparadza zvose izvi zvakaitika so fast zvekuti Sophia akatadza kana kuzvitsanangura kuti zvaiva zvafamba sei chaizvo.Anorwadziwa musikana achifonera Ben wake uyo aisabata phone zvachose.Akaramba achiedza kwazvo asi phone yake inoguma isisapinde zvachose.Zvinomudzimba moyo zvekuti anopedzisa angofunga kutevera kumba kwake kuSunningdale kwaaigara.Anotsvaka kacab kakanomusvitsa pamba paigara Ben.Ben aigara zvake ega pamba apa achiitawo maths dzake dzehupenyu.Aisawanzokuuya kumba kwaBen nenhau yebasa sezvo aishandawo Sophia wacho.Aiwana nguva yekuzororora maweekends chete.Sazvazvaiva ipapa ainge atoona kuti akasataura naBen wake zuva iri aizomirira zvakare weekend yaitevera kuti agare pasi naye. Zvisinei,musikana anogugudza asi hapana anodaira.Madoors aiva akavhurwa zvawo saka anongosvikopinda akananga mudinning umo maanorohwa nehana achiona hembe dzechikadzi dzaiva dzakakandwa mudinning umu.Anonhonga onan'anidza paya wanike dzaiva dzechikadzi zvedi.Anofamba achiedza kutarisa tarisa mumba umu semunhu aiva asina kumbonyanya kumuongorora pose paaiya achishaya kwekunanga chaiko anokushaya nokuti kana bedroom chairo aisariziva.Aiva ajaira kungogumira mudinning nekukitchen kunova ndiko kwaaimbobika bika hake.Zvekuongorora pamba apa haana kunge awana mukana wacho.Anonzwa kamumhanzi kaibudikira nechepasi zvishoma achibva angofungira kuti ndiko kwaiva nevanhu chete.Anosvikovhura zvinyoro nyoro sandi shura hake raakaona.Anoramba akamira achiedza kufunga kuti zvimwe airota hake.Anozvitsunya,paanonzwa kurwadziwa pfungwa dzake dzinobva dzadzokedzana.Anotarisa kumadziro mumba umu wanike maiva makazara maphotos evana sikana vakati siyanei mazera vamwe vairatidza kuti vaiva maidentical twins.Zvaisada kuudzirwa kuti vaiva vana vani nokuti vaiva vakafanana naBen wacho.Anoramba achiongorora hake ndipo paakaona kuti aiva nezvizhinji zvaaisaziva pamusoro pemukomana wake.Anofambisa maziso ake achibva adhumana nephoto raiva pamadziro iro raiva remuchato.Anonyatsotarisa ndokuona ari Ben wake chaiye.Anoerekana ati,"Whaaaat!"Iyo yakavhundutsa vaviri vaiva munyika yavo vega. "Who is she?'Anonzwa voice richidero Sophia,apo vaviri ava vaiedza kuzvivhara nemasheets.Chavasina kuziva ndechekuti aiva aguta kuvaona hake.Anotarisa pikicha riya.Ndokutarisa mukadzi uya aiva achangobva kunakirwa ndokuona akafanana ndipo paanonzwa achiti,"Honey why is she touching my things?Who is she?"Vanotatisana Sophia naBen kana ari Ben aiva akuita kunge abatwa hake nechirauro.Mashoko anoramba kubuda kusvika Sophia azoti,"He is my husband to be."Mukadzi uya anotarisa Ben achibva amuti,"Arikuti chii musikana uyu?" "Handisi kuziva zvaari kutaura l don't even knoe her."Anodaro Ben achiratidza kusagadzikana zvachose.Pfungwa dzaSophia dzinomhanya zvakanyanya ofunga mapikicha emuchato akaona kuti aigona kuzviruza yaigona kufa kwake nokuti mari aiva asina zvachose yekuzobhadhara mukadzi waBen kana achinge asungiswa.Akaseka nhema ndokuti,"He is right,between us hapana anoziva umwe ndatouyawo ndadirectwa naagent ndiri kuda kutenga this house.Ndangoona madoors akavhurwa ndikati rega ndipinde handina kuziva kuti manga muchiedzana masimba muno." "Aaah,nhaimi this house is not yours yet ka makutoita zvamunoda pano." "Sorry ndanga ndatorwa moyo ndanga ndichida threesome asi ndatozoona kuti this guy is not my type hapana chozivikanwa.Mukadzi anofa nekuchemerera nhema hake achingoitira kumufadza apo pasina iripo hayo.Ndosaka ndamira zvangu afterall hapana choshamisa pakudya bota manzwa so don't ask me so many questions nhai." Akadero Sophia achitobuda hake,haana kusvika kure aiva abatwa bhatye ndokucheuka achibva aona ari Ben.Anozvidzora sezvo maziso ake aiva ajenga misodzi."She is the mother of my kids,handimude kungoti ndakundwa nemuyedzo chete,plus andiseducer handimude ini.Munhu wandoda ndiwe Sophia."Anoramba akamutarisa mumaziso chaimo achibva ati,"Atleast ndaziva your true colours ndisati ndapinda mumarriage newe.Ndongotenda Mwari pazvese.Pafair wandigonera hako ndaziva chokwadi."Anoedza kutaura Ben asi musikana haana kuda kuzviteerera hake.Anongofuratira achiratidza kuzvisimbisa asi pakadzika pemoyo wake aiva marwadzo chete. Anosvika kumba ndokuchema kwenguva refu.Anotozobviswa mundangariro dzake ega nemwana wake akasvika achibva namainini vake.Ndipo paanoedza kuzvisimbisa asi pakadzika pemoyo wake ndiye ega aiziva ronda raivapo. Anoitira mwana wake zvese,kusvika panguva yavakapesana vakunorara ndipo paanodzamisa pfungwa dzake ndokuona kuti kana dziri nyaya dzerudo dzaiva dzamusiya nemaronda bedzi.Anotoona kuzvishandira kwega ndiko kwaimupa mufaro.Apa anga asisazivi kuti otenda Jerry here nehunhu hwake kana kuti oita zvipi chaiko.Kwaari hongu aiva arrogant asi apa aiva amubatsira kuziva zvakavanzika zvaBen.Anombofunga kumufonera achibva azvidzora hake.Achifunga kudaro call inobva yapinda anotarisa ndokuona ari Ben.Anosiya zvakadero.Inoramba ichirira chete asingadairi.Paanozoda kudaira anobva aona iri call yaJerry achibva adaira akadzikama aisada kunzwikwa kuti aiva ambochema.Anoshamisika Jerry uya achiti,"Sorry hako Sophia,l'm feeling guilty pane zvandataura kumuface wako.Handizivi kuti ndanga ndapindwa nei chaizvo.Kana uchida l can talk to him ndogadzirisa pandabhaiza.Handizivi kuti ndanga ndichifungei.Yes ndakaita newe mwana but hazvirevi kuti ndopinda pandadira mulife mako.You deserve to be happy Sophia, l was wrong.Kana achikufadza muface wako go for him.Kana zvichiita ndataura naye ini,I'm sorry." Sophia anopererwa,akatoshaya kuti ko Jerry aiva apindwa nei chaizvo.Mukuziva kwake Jerry aiva munhu asinganyengereri zvachose.Munhu uya anongozvifunga bedzi akatoshaya kuti ko aiva apindwa nei chaizvo.Anotozobviswa mundangariro paaknzwa voice richiti,"Are you there?" "Yes,ndiripo Jerry anyway thanks wa,,," "Yes,l can rectify my mistakes,ndabhaiza ndokumbirawo number dzake."Haana chaakapindura Sophia aitopererwawo nemashoko hake.Uyu munhu aitaura aisamuziva zvachose.Mashoko akamashaya achibva azongocutter ndokudzima phone yake achibva arara hake.Akapedza mazuva phone yake yakadzima aisada kunetswa zvaiva mudzoro rake zvaiva zvakawandisa kwazvo.Anomborwadziwa neheartbreak hake asi hazvina kumutadzisa kuita basa rake nemazvo.Aishanda achidzoka kumba everyday achisvika kubva kubasa anoshamisika kuwana door rake rakashama muchiratidza kuti mune vanhu vaitaura mumba.Anopinda ndokuwana ariJerry nemwana wake vachiratidza kuti vaitowirirana pakutaura kwavo.Anombomira akavayeva hake ndokuzopinda.Anosvikowira mumaoko aJerry patova paya anobva ati,"Thanks." "For what?" Anobva amutsanangurira nyaya yose zvaiva zvaitika achipedza Ben anobva apinda achiombera maoko uku achizhinya kunge benzi.Jerry haana kumutendera akabva angomukanda chibhakera zvikanzi,"Wakatadza kutaura chokwadi kuti une mukadzi why uri,," "Whaaat?"Akadero Ben achibva aenderera mberi achiti,"6girls,ndivo vana vangu ivavo ndaidawo mukomana saka waida ndiite sei?Handina chimwe chandaida kuna Sophia kunze kwekuzvarirwa mwana mukomana that's it.My wife akazvitadza so l wanted to try elsewhere imhosva here?Handina kunyenga mukadzi wemunhu ini she is single haana murume uyu so what is my fault then."Anomuzunzira kure,wanike Sophia ongopfikura kuita kunge kandumure. "Buda muno ndisati ndapara ngozi."Anodaro Jerry achimusundira panze.Anodzoka ndokuwana Sophia uya achingochema anomumbundira kwenguva refu Jerry achibva azoti,"Ndakakuudza wani kuti uri wangu Sophia hazvichinje wanzwa."Haana kutozodzokera kumba Jerry akarara kwaSophia uku kwaiva kuedza kudzimawo mastress ake nokuti aiva ane zvakawanda zvaimudya moyo.Aiva akufunga manje kuti kana mukoma wake Alex vaizowana hama dzavo ndiani aizomirawo naye kana waaizodaidza kuti hama yake yeropa iye Kudzie aiva akashaya achiri mudiki kwazvo. End of chapter 18 Morw comments more fire
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 🔥 😱 🧐 191

Comments