Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 19, 2025 at 07:26 PM
https://chat.whatsapp.com/G9ALJKoUgzzLgk08ByIRVx *Pindai mumagroups edu* https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j *Follow channel yedu kwaunowana book kubva pa1👆* SERENITY Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 7 Amai fortue(Nyevero) Ndakati ndichigeza zvangu uku ndichitoimbirira ndakangonzwa kuti pane vanhu vaitaura kudinning pfungwa dzangu dzakandiudza kuti ndifortue nevamwe vake.Ndakaramba ndichiimbirira zvangu ndipo pandakazonzwa voice rechirume ndakabva ndafunga kuti zvimwe aitova Eddy aitokorovhera Fortue ndakabva ndangozvidira mvura ndokupukuta. Ndainzwa godo chairo ndaisada munhu pana Eddy wangu.Ndakabuda ndichibva ndangopfeka nekutopushira make up ndichibva ndadira perfume zvangu ndokubuda ndakananga kudinning kuya.Ndakarohwa nehana ndichiona Sere achitaura nabamnini vake.Ko vanga vasvika nguvai ?Ndakanyepedzera kuscreamer kunge ndaifarira mdhara izvo kwani ndaida kutokonzeresa confusion kuna Sere.Ndakafara-fara zvenhema zvangu ndichibva ndavhara mabiribobi angu papi pacho pandaizotaura kuti Sere aibva kuchikoro ini ndaiziva kuti collage yake iri pacoca cola paanotengesera zvinhu zvangu.Ndakazomuti aende kobika tea ini ndokusara ndichiperekedza dad kubedroom kuti vanogeza. Ndakanyatso maker sure kuti vave kugeza ndichibva ndatanga kuvhendenyura mabag avaive vauya navo.Maiva nehembe dzakanaka kwazvo pandaive ndoda kuvhara ndakabva ndabata bepa rairema ndokuona muinema new cell phones ndakamaverenga akaita 6 ese arima new one ndakabva ndaziva kuti aiva emunhu wese ndichibva ndaba 1 ndokuiviga zvangu ndokuramba ndri zii kutozvambarara zvangu sepasina chaitika.Vakabuda kubva kunogeza vachibva vasviko nditsvoda pamuromo ndakanzwa kusemeswa zvangu navo ini.Vakada kumbondibata bata ndichibva ndangovati not now dad tichaita zvedu kana madya ndoda kukupedzerai chaiko kana musina kudzvova nhasi handikusiyei.Ndakaona rume richizhinya ndikati nechemumoyo richanya ndoda kungoripa ka1 chete ndonyepera kurwara. Ndakazopihwa zvandaive ndavigirwa Joni ndikafara kwazvo zvimwe ndezvimwe murume wangu anogona zvake kusarudza zvanga zvakanaka kani can't lie.Vakazoburitsa dzevana vese uye mafoni ndipo pavakaona kuti 1 was missing vakabva vati sezvo vanga vatengera vana mafoni havachavapi kusvika vatsvaga imwe yacho kuti vakwane vese kusanganisira naEddy garden boy.Ndakajamuka ndikati vana ngavapihwe aripo acho tozotsvaga 1 yacho vakamboda kuomesa gotsi zvikanzi saka Eddy tozomutengera ndikati bodo ipai Eddy ,,,mozotsvakira Sere sezvo achiri kuenda kuchikoro.Izvo kwani ndaitoda kuti game yangu naEddy inyatsobuda bhobho chaiyo. Takazonodya semhuri ndainzwa kusvotwa Sere akagara pedyo nababa vacho kufanana kwavo kwaindisvota mhani.Chokwadi dai maiguru vari vapenyu ndaitombovabvunza chete kuti havana kushinha here nemurume wangu.Vana vakazopihwa hembe dzavo imi kaimi zvimwe ndezvimwe ndakanzwa godo richinonditi mbii pahuro apa Sere aifitwa nehembe kuita sekuti dzakatengwa aripo.Izvi zvakaita kuti ndimuvenge zvakanyanya ndainzwa kutya kuti kokana akazoonekwa naEddy akapfeka kudero paibuda chitsvene here?Ko dzaakambonanzwanaka saka dzogona kungonanzwana futi mxii l hate this girl she is a threat shuwa.Ndakatsidza kuti ndaizoona zvekuita nehembe idzodzo. Takazoenda kunorara ndaitoona kuti vanhu vese vaifara zvavo kusara kwangu ndaifunga kuti saka ndichaitasei kuti baba ava vasandinanzve ndainzwa kuvasema ini.lmwe pfungwa yaibva yanditi sezvo ndave nenhumbu zvirinani nditambe navo ndozoti mwana ndewavo.Havana kuda kunonoka ndakabva ndangokweshwa wainzwa munhu achiita kunakirwa chaiko ini ndaitosemeswa zvangu ndakatanga kuimaginer ari Eddy arikundishedegura ndipo pandakazonakirwa ipapo . Mazuva aifamba Sere ndaipretender kumuda zvangu kunotengesa haana kumira aienda achikasikawo kudzoka.Rimwe zuva ba Fortue vaenda kubasa ndakatanga kuzvitora mifananidzo ndakashama ndichibva ndaitumira Eddy ndiye wandainzwa kuda ini ndaida kuti ndigare ndiri mumaoko ake.Ndakabatwa nehope asina kupindura pandakamuka ndakarohwa nehana ndichiona baFortue vakabata foni yangu ndakabva ndangovabvutira ndichibva ndamhanyira pachat yaEddy ndokuona pakanzi,,,,"bitch",ndakapererwa kana mood yakabva yachinja.Ba Fortue vakamboedza kubvunza bvunza ndichibva ndangovati shamwari yangu yarwara ndoda kumboendako.Havana kuramba zvavo vakabva vatorara ini ndichibva ndabuda ndokuenda kucottage kwaEddy.Ndakasvikovhura door ndokuona mumba musina munhu ndakabva ndaenda kubath uko kwandakasvikoona shura chairo.Ndaiti ndirikurota zvee ini,ndakanzwa kuzarirwa nehasha chaiko.Chokwadi Sere haangandidero ini kutorova lapusvusvu pamba pangu ini ndichifa nenzara nxa you are going to suffer Serenity.Pavakaona kuti ndavaona vakabva vatanga kuchemerera ndakarwadziwa kani ndakabva ndangokwesvaira ndichibuda ndiye dhumha naSere padoor ndakabva ndangopererwa ini.Ndakadzokera mumba muya ndichida kunyatsoona kuti ndiani aiita sadaka naEddy wangu ndakarohwa nehana ndichinzwa manzwi aya achitaurwa,,,, "Udzoke futi shaa you are so sweetie i love you." "Me too honey,asi pakudzoka apo panonetsa ko mhamha vakazotiona unoziva basa rogona kupera here iwe." "Don't worry my love zvese ndozvigadzirisa chako kuuya totamba chete havambotione." Ndakangoti Mwari itai kuti zvandiri kufunga zvisave izvo imi kaimi zvaitoda muchizvionera pamhino sefodya.Eddy ainge akabata gotwe rangu Felie achimutsvoda pese pese paafunga.Felie akavhunduka achindiona ndakagara mumba umu asi Eddy akaratidza kushaya hanya nazvo ziso raaitonditarisa naro raitoreva zvakawanda zvaro zvekuti ndakatadza kana kuburitsa shoko rimwe chete .Wangu mwana anga oita sehuku yanaiwa zvino,ndakamu hwengeshura ruoko ndichibva ndamukwekwe redza ndakati ndave kumusiwo ndichibva ndacheuka ndakaona Eddy akasimudza phone yake achibva ati,,,,, "The photos". Ndakashaya kuti aiedza kurevei ndipo pandakazofunga kuti ndaive ndamutumira mafotos ndisina kupfeka ndakabva ndamerera kana simba rekutaura rakabva rapera.Ndakazvidemba nekuzvishora ndanga ndaitei ini mukadzi mukuru saka zvoreva here kuti ndrikudya parikudyiwa naFelie only Godknows for how long vachidaro.Regai zvinzi ura mapako unozvara mbavha nevaroyi hezvino wangu mwana otsika matsimba akatsika amai. Ndakasvika pakupererwa chaiko ndikati ndozviudza aniko nhai Mwari zvazvadai.Bp yakabva yakwira makumbo ndokuzvimba baba vevana vakati neni kuchipatara.Kuchipatara kuya kwazvakazobuda pawhite kuti ndine nhumbu aah imi zvakaoma mufunge.Vakataura vakanyorovera ba Fortue,,,"Mwana chipo chinobva kuna Mwari asi izvi zvawaita izvi zvine njodzi mukati wakura mai fortue hazvichadi kuti uzvare unofa". Ndakaita hasha ndichinzwa vachidero ndakazongozvidzora asi ndanga ndadumbirwa.Dai vaitoziva zvandaifunga havaimbotaura zvese izvozvo.Felie akazouya pakabuda baba vacho achibva atanga kuchema akabata maoko angu. "Mhamha ndiregerereiwo ndinoziva ndakatadza handichina zororo mhamha mune dzangu pfungwa ndinonzwa kushungurudzika amai vangu kana makadai uye ndichiziva kuti ndini ndrikukonzeresa ndiregerereiwo mhamha". Ndakangotarisa kuside handina kuda kutaura zvangu naye aifanirwa kuzvitongesa ega mupfungwa dzake.Ndakaona achikwesvaira achibuda misodzi iri nzizi pamatama ake ndichibva ndangosiya zvakadero .Chokwadi unogara mumba uchiti une vana imi mangova vakadzi mese.Ugowona pavana vangu vese Felie ndiye akatonyarara mufunge regai zvinzi imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo wandigura kunorira mwanangu Felie.Ndakasvera ndirimo muchipatara hasha dziri pahuma chaipo ndakazobuda kumanheru bp ichinzi yadzika.Zuva iri ndaiva ndisingadi kutaura maningi ndakadya ndichibva ndanorara ndakabva ndangosetter 4 oclock kuti Sere anohodha chingwa ndaida kuti akasike sezvo baba vake vaizoenda masikati zuva iri ndaida kuti vachibuda obva angobudawo.4 dzichingokwana ndichibva ndanomutsa Sere achibva asiya aita basa rese repamba achibva aenda kohodha ugoona ba fortue vakatonditi rara huchiri usiku ini ndikaita nharo ndichibva ndanorara kuguest room kuitira kuti vati ndini ndaita basa. Ko ndaidawo kurumbidzwa ka.Ko ndaizivei kuti chingoma kana choririsa chinenge chode kubvaruka aah imi ndakazvidemba chandaive ndamutumira Sere kunohodha.Foni yababa Fortue yakarira ndichibva ndadaira ndakanzwa Sere achiti ,,,,"Baba ndasungwa ndripa police kuMatapi please baba huyai munditore" Hana yangu yakarova ndipo pandakatarisa time ndokuona dzichiti 00:40am hama dzangu ndakazvishora apa chero zvangu ndaivenga mwana uyu asi ndaisamushuwira kuenda kujeri bodo.Ndakapfeka chibhatyi chandakangononga pasi ndichibva ndabuda ndiri chahwiriri.Ndichimhanya kudero ndakabva ndagumburwa ndiye dhii pasi ndakasimuka ndokubatidza light kunodai ndiFelie aripasi,kunobata kudai mwana arikufemera kure kure furo richibuda mumukanwa.Ndakabva ndangoti zhete pasi ndikati nhai Tenzi mati ndidii? End of chapter 7 More comments, more fire
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🇺🇸 💔 119

Comments