Amai Mimie (K.Khums)
January 20, 2025 at 07:36 PM
https://chat.whatsapp.com/JyJ4jjY7DjR7YAxbCx9cJV
Pinda ugarire kugroup 👆
Follow channel yedu👇
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
MARRIED BY CHANCE
Written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 19
Alex
"Tete hamunawo kana clue zvayo kuti ndingatangira pai kutsvaka vabereki vangu?"Ndakabvunza tete ndiine chivimbo chekuti vaigona kundibatsira.Ndakavatarisa kumeso ndikati,"Please tete help?"Vakanditarisa vachiratidza kushungurudzika vachibva vati,"Handina kana clue muzukuru wangu."Ndakatenderera ndichiedza kufunga asi hapana chakabuda ndakazonzwa Shekina oti,,,
"Akaberekerwa kupi tete,please edzai kufunga pamwe zvinogona kuti batsira."Vakadzungudza musoro tete zvikanzi,"Wakauya uri kasvava dear handina kana chandoziva.Baba vako havana chavakareva kunze kwekungoti uri mwana wepano chete."Ndakapusa chaiko stress ikatanga kundikanga chaiko.Pekutangira chaipo ndaiva ndisina.Dai paivawo neclue zvaiva nani zvino tete vacho vaiva vasina ruzivo zvavo.Baba vangu vaiva musoildier ndizvo zvega zvandaiziva company yaiva yemhuri asi ivo vachizvishandira panguva yacho.Shamwari yavo yepamoyo vaiva vafa nayo pamwe chete kukasara amai vaRomana kuti vangava vaine information yavaizivawo nezvangu here?Ndakazvibvunza ndikatoona kuti zvimwe point iyi yaigona kundibatsira.Ndakabva ndatopinda mumota ndokunanga kumba kwana Romana.Achingonditi baaa Romana akabva andimbundira apo dumbu ranga ratoti kurei?
"Ndaizviziva kuti hapana paungandisiya Alex wauya kuzonditora mudiwa wangu.Thanks love for coming."Akadero ndikati,"Where is your mother?"Akabva asekerera achiti,"Wauya kuzoona mai vangu kuti uite zvinhu kwazvo wagona ipapo.I was waiting for this day to come zvino nhasi rasvika. Come this way my love."Akadero achinditungamira ndakangoteverawo kumashure ndaisada zvema drama hangu.Ndakangoita zvaaitaura zvacho ndokutevera kumashure kwake.Akandisvitsa mudinning maiva namai vake avo vakabva vangondikwazisa zvakanaka kwazvo vachiratidza kufara.Ndaitoti pamwe vachachinja hunhu towards me asi havana muita zvandaifunga ini.Hameno kana vaivawo nepfungwa sedza Romana mwana wavo.Vakabva vati,"Makorokoto ka nhai mwanangu ndakanzwa kuti kwava nemuroora."
"Mom!"Akadero Romana ndikati,"Ndeedu tese ndichauya naye muzomuona one day."
"Unenge wagona ufunge."Vairatidza kuti nhau dzangu naRomana vaisava nebasa nadzo zvachose.Vanenge vaitofara kuti ndaiva ndasiyana nemwana wavo.Ndinovanzwa vachiti,"Unoziva mwanangu zvemarriage izvi zvinoda kugara nemunhu waunoda uye anokufadza.Ndiri kufara kuti hauna kuda kupinda muloveless marriage naRomana agere apo uyo hazvibatsiri.Zvawakaita ndiko kugona.Ndakambogara naye pasi asi akaisa zvitanda munzeve.Mukore uno zvichamboda here kutsvakirwa musikana kana ndiwewo.Hainakidze imba yakadero munogara muchimarana chete love inongodiwa mumarriage.Handishore zvawakaita mwanangu chinhu chakanaka chinofadza ."Ndakanzwa kurerukirwa chaiko vachitaura mashoko anofadza kudai.Romana akabva azoti,"Zvamuri kutaura mazviwana kupi mhamha?Alex auya kuzotaura nhau dzangu naye imi makutaura zvekuroora kwake zviri kupindirana papi?I love Alex, he loves me too please mom allow us to,,,"Handina kuda kumutendera kupedzisa ndakabva ndati,"Handina kuvinga iwe pano Romana.Inga muridzi wenhumbu uri kumuziva wani.Ko wakadii kumuudza kuti wakatakura mwana wake.Usatarisira kwandirami nokuti ndine mukadzi unomuziva nezita rake chairo.Ita move on nelife yako ini ndatova mberi neyangu.Usatarisire kuti ini naShekina ticharambana iwe wopinda.I love my wife nemoyo wese handigoni kurarama asipo."
"Whata about me?"
"Kudii kwako?"Vakadero mai vake ndikati,,,
"Enda kuna baba vemwana wako.Handikwanisi kuchengeta mwana asiri wangu zvachose."Akabva abuda achiita kubhidhaira ndikasiyana nazvo.Ndakatarisa kuna mai vaRomana ndikati,"Handina hukama nevanhu vekwaMark mungazivawo here kuti zvakafamba sei?Ndati ndiuye sezvo maiva mashamwari kuti pamwe makaudzwawo zvishoma.Kana clue zvayo yekuti ndiri mwana wani ndoda kuziva.You are my last hope mhamha please help me."
Vakambonyarara vachiratidza kuti pane zvavaifunga,zvaiva nekakushamisika zvakare mavari hameno ndakatadza kuverenga kuti pachiso chavo paiva pakanyorwa kuti chii?Vakanditarisa vachibva vati,"Ini ndakaudzwa kuti munin'ina wamai vako akafa zuva raapona ndivo vaiva mai vako.Vaisada kuti zvizivikanwe kuti hauna rudzi nevanhu vekwaWhite."
"But mhamha havana kubvira vataura nezvazvo zvachose.Pakuziva kwangu amai vangu vakaberekwa vari 1 chete.Ko munin'ina wavo wavari kutaura ndiye upi manje?"
"Handimuzive ini kubvira zvata shamwaridzana handina kuona hama dzamai vako ini.Pavakashaya ndaiva muchipatara handina kuwana mukana wekuendako."
"Chimboedzai kurangarira mhamha pamwe mogona kundibatsira."
"Hantie unoziva kuti vese baba vako nababa vepano vaiva masoilder kuti vanogona vakaudzana here pahushamwari hwavo kuti zvakafamba sei?"
"Zvinogona kudaro chete kana vaiva tsika nditsikewo,bhurugwa nebhandi."
"Vaiwirirana zvakanyanya kwazvo ,asi kuti ndizive kuti vakataurirana chii handina ruzivo.5years ishoma kuti pane patingawana clue here?"
"Ishoma mhamha ndinoziva pano paine macamera akaiswa rini?" Ndakabvunza vachibva vati,"Ndivo vakasiya vamaisa zvavo asi kuti vaizotaura nyaya dzavo muno here?Plus infomation yese iyoyo kuti ichipo here?"
"Lets check mom pamwe ndogona kubatsirika."
"Ndine madoubts makore awanda."
Tinoedza kutarisa asi tinowana pasina zviripo.Ndinonzwa kubaikana chaiko.Kusvika ndazovati,"Ndambonzwa muchiti vaiva musoilder kuti havana kusiya trunk here yaiva nezvinhu zvavo.I mean zvimapaper paper ,,,"Ndisati ndapedza vakabva vati,"Iriko trunk kustore room uko.Kubva zvavashaya ndakangokanda zvimadiary zvavo imomo handina kana kuzoda kuivhura zvachose."
"Makamboverengawo here diary ravo pavanga vashaya kana kuti vachiri vapenyu."
"Hapana aibata dairy reumwe munhu aingozvizivira nyaya dzake imomo."Vakadero ndikanzwa hana yangu kurova.Vaiva vakarongeka ava,ini ndaiva ndisina kubvira ndaona kana chimwe chinhu kusara kwemapaper akavhurwa naShekina.
"Handei kustoreroom kwacho mhamha."
"Haa mwanangu hakuna chaunombowana uko.Zvekuramba ndichidzimbira maronda anga akuda kuzviporera handidi ini.Murume wangu ndaimuda ndimo mune mamemories edu."
"Please mom for my sake,mungafarawo here ndisingazivi rudzi rwangu?"
Vakamboti zii vachibva vazoti,"Handei kwacho asi moyo wangu haudi ini."
Ndakavasunda takananga kuya,vakandiratidza ndichibva ndavhura door.Vakatora makeys epatrunk paya ndini ndakazovhura hangu.Takatanga kuvhura zvinhu zvese zvaivamo asi hapana chataiwana.Ndakazoti ndasvika pasi chaipo ndipo pandakaona diary ndisati ndavhura, ndakanzwa amai vaRomana vachiti,"Please siyana nazvo handidi kuziva zviri imomo."
"I'm not going to tell you ,ndezvangu chete.Kana ndapeza zvandiri kuda ndobva ndapisa kuitira kuti musarione uye musafunge nezvaro."
"Handidi hangu kuti ritsve,uye handidi kuziva masecrets arimo."
"Saka muri kuda kuita sei?"
"I don't know ,asi ko kana vanga vaine masecrets akakura better usiyane nazvo dzosera uvhare trunk iyoyo."Vakadero vachibvuta diary riya ndikatanga kuvanyengerera kusvika vabvuma asi zvakatora kurema.Ndakatora nguva yangu ndichiverenga zvaiva kudiary umu ndakazorohwa nehana ndasvika pane rimwe page rakandipedza simba ndikaerekana ndati,"Romana ane makore mangani?"Ndakabvunza kunge munhu aisaziva.Vakabva vanditi,"Ndizvo zvaungabvunza here nhai Alex mwanangu munhu wawakakura uchitamba naye,makangoinzana muri vegore rimwe potse potse mwedzi umwe chete zvakare."
"Pane zvandisiri kunzwisisa pano,,"
"Umm hanzi chii?"Vakabvunza vachiratidza kusagadzikana zvachose ndikati,"Confusion chaiyo yandibata mhamha ndokumbirawo date chairo rakazvarwa Romana."
"25 December 1996."
"Chimboverengaiwo mhamha pamwe ndini ndisiri kuona hangu.Pfungwa dzangu hadzichatori zvakanaka ndiri kuedza kuramba ndichienda mberi asi zviri kuramba.Pamwe imi ndimi munogona kundiudza nhau iri kutaurwa apa."Vanotora diary riya ndokutanga kuverenga vanongoti,"Hezvo!"Vachibva vati ziii vakadero.Ndakatora nguva ndakavatarisa ndichishaya kana simba rekuvabata ndikarangarira pachiita makakatanwa pakati pababa vangu namai vangu.Baba vaiedza kudzivisa hushamwari hwangu naRomana asi amai vaigara vakatipa mablessing avo vaine chishuwo chekuti tizova nyama imwe chete.Baba vaisada kuzvinzwa kureva here kuti vana baba vaiva vatamba tsoro dzavo here pasina ruzivo rwevakadzi vavo.But why?Ndakanzwa kutya nekumerera zvese pfungwa dzangu dzaiva dzatovhiringika chaiko.
End of chapter 19
More comments more fire
❤️
🙏
👍
😢
😮
😂
🤣
😀
277