Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 22, 2025 at 08:32 AM
https://chat.whatsapp.com/JyJ4jjY7DjR7YAxbCx9cJV
What'sapp groups redu pindai umu👆
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Vanoda book from chapter 1 pinda muchannel unowana book redu imomo👆
MARRIEDBY CHANCE
Written by Amai Mimie(K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 20
Shekina
"Tete mune chokwadi here chekuti hapana chamunoziva imi?"Ndakabvunza ndiine madoubts navo tete vachibva vati,"Handina chandoziva ufunge.Hanzvadzi yangu haana kubvira ataura mafambiro azvakaita kusvika pakutora Alex uyu.Dai ndine zvandoziva hapana pandaimbomuvanzira chokwadi.Alex haana chakaipa nemunhu.Akangokura ari mwana ane hunhu ane tsika dzakanaka kwazvo."
"Saka ivo baba namhamha vaiwirirana here panyaya dzaAlex kana kuti pane zvaiitika?"
"Vaiwirirana ava mmm,havana kumbobvira vakatiratidza kusawirirana kwavo.Pamwe kana zvaiitikira kubedroom kwavo havo zvekuti taisaziva."
"Edzai kufunga tete pamwe pane zvimwe zvaiitika."
Vakambonyarara vachiita semunhu aifunga kwazvo.Vanobva vazoti,"Hapana chandi charangarira hangu ndinganyepa ipapo.Chinhu chandingati vaitoita kakusawirirana inyaya yaAlex naRomana."
"Chii chainetsa tete?"
"Baba venyu vaisada kuti Alex adanane naRomana,asi amai vake ndiye muroora wavaida vakasvika pakumupa mablessings avo semuroora wepano.Hapana chairongwa pano Romana akasachiziva.Sevana vakakura vese hatinawo kuona kushata kwazvo takatopawo support taiona kunge Romana wacho aiva nehunhu kudarika vasikana vamazuvano ava."
"Baba vakambotaura chikonzero here tete chavairambira Romana?"
"Havana avo,asi iye Alex wacho zvaingovawo zvekumanikidzira.Mufaro chaiwo aiva asina aingodawo kufadza amai vake chete.Saka isu vamwe taiita sei?Kwaitova kupa support kuna mai venyu sezvo tainyengerera kuchengetwa."
"Zvamaiziva kuti Alex haana rudo naRomana tete sei musinawo kufara kana kunditambira ndichipinda mumusha menyu.Ndinozviziva kuti handina kuuya nenzira yakanaka asi semubereki maifanirwa kurespect sarudzo yaAlex hazvisi?"
"Ndizvo chaizvo,pandakanzwa kuti Alex aroora munhu waanoda ndakafara rangarira musi wandasvika ndakatokufarirawo asi pandakazoziva kuti uri mwana wamai Mark hazvina kundibata mushe."
"But why tete?"
"Vakakuudza chokwadi here nhai muzukuru amai vako?"
"Chokwadi chekuti chii?"
"Zvakaoma ufunge vane nyaya amai vako.Kana ndisiri kuresva hangu hantie baba venyu vari Joni here?Vachigara nemukadzi mudiki munin'ina wamai vako buda ndibudewo."
"Kwete tete amainini ndeve kwabamkuru madzibaba avo mukoma nemunin'ina."
"Ndizvo zvamakaudzwa ka namai venyu,vakanzvengana nechokwadi,vatevedzani buda ndibudewo chaivo.Ehe,ndizvo zviripo.Mbereko yakanetsa kuna mai vako.Vachibva vatora munin'ina wavo vomupa murume wavo kuti imba yavo imire.Munin'ina akabata pamuviri akazvara mwana wekutanga dangwe remumusha anova iwe Shekina."
Ndakaseka zvangu zvekurovanisa maoko chaizvo ndikati,"Tete ndiani akakuudzai zvekunyepa kudaro.Handisi mwana wamai Cainos ini takazvarwa tiri vaviri nemunin'ina wangu Karina chete."
"Kana ari mwana wamai vako sei achikuvenga Karina?Ko sei amai vako vacho ivavo vachida Karina kupfuura iwe?Hantie ndivo amai vako ivavo vakapa shamwari mari yeziya rako kuti adye zvake pasina kudzosa.Kufunga kwako dai waiva mwana wavo chaiye vaizopa munhu mari yakawanda kudaro.Dzokera kumashure uone kuti zvingani zvawakadzoserwa kumashure namai vako.Paunoti regai ndidai ivo vaibva vapindira kuita enemy of progress chaiyo why?Zvakawanda zvavaikuitira hutsinye asi waisazviisa mumoyo nokuti waiti mubereki.Chausina kuziva ndechekuti vaitorwa zvavo godo amai vako.Nokuti murume akazosarudza mainini vanova amai vako.Amai vako vakazvara mwana mumwe chete ndiye gume iye Karina iyeye mbereko yakabva yaramba kutamba zvakare.Asi ukatarisa amainini vako vazadza musha 4 boys nemusikana mumwe chete naKarina mobva maita vaviri.Ndiwo mavanga erudo anorwadza amai vaunoti vako.Vanozvipa mhosva vega kuti vakatengesa murume wavo nokuda kutonga chete.Amai vako vaitonga murume chavasina kuziva ndechekuti vanga vava vaviri zvavaitadza ivo ndizvo zvaigadziriswa nemunin'ina kusvika ahwina hake murume.Ndiko kuenda kwavakaita kuSA kunogarako kudzima pamuromo. Vanokusuwa amai vako nokuti havana kubvira vakupa rudo rwaamai nokuda kweava vaugere navo.Vaingoti uri mwana wavo kubva uri mucheche kusvika nhasi hauna pawakagarawo namai vako kana vhiki imwe chete zvayo.Kuyamwa chaiko hauna iwe zvakangova zvemwedzi mitatu yekutanga zvikanzi ndipei mwana wangu ndichengete anonwa mukaka wemubhodhoro.Chikonzero vaida kuti uzive kuti ivo ndivo amai vako bond pakati penyu isimbe munin'ina wavo oshaya simba newe."
Ndakatura befu apo misodzi yaiva nzizi chaidzo pamatama angu.Vachitaura tete ndakatanga kurangarira zvose zvaiitika.Zvaifambirana handidi kunyepa.Ndakada kumbo doubter asi zvakandirambira.Karina was always her first priority ini ndaizouya pekupedzisira.Ndaingoti sezvo ari mudiki ndosaka vachimuda zvekudaro.Handina kuziva kuti paiva nesecret behind."Makaziva sei zvose izvi nhai tete?Munokwana papi panhau dzekumba kwedu."
Vanoseka tete vachibva vazoti,"KuSociety yemadzimai ndiko kwaitaurwa zvese izvozvo.Pataisanganira pose paiitwa maprayer request tonamata nezvazvo ndipo pairadanuka amai vako ipapo vaida kuti munhu wese azvizive .Zvakare tisu raiva vakuru saka taikurukura dzose ndiwo maziviro andakaita ini.Problem yakaitika ndeyekuti,mukoma vanova amai vako vaunoziva vakatombouya namainini ava paiva pane zvaiva zvanetsa kumba kwavo.Takagara namainini pasi ndipo patakadzidza kuti mukoma aiva aitiudza half truth."
Ndakasimuka pandaiva ndagara musoro wangu waiva wakutenderera chaiko,Confusion yaiva yandibata zvekuti hapana kana chimwe chandaifunga panguva iyi. "Regai ndimbonorara tete ndimbodzeya zvamataura."
Ndakabva ndatonanga kuroom kwedu ndokusvika ndichizvikanda pabed.Ndakarangarira zvose zvandaiudzwa zvakaipa pamusoro pamainini.Ndiri mudiki ndaibva ndatoita zvandinenge ndaudzwa namhamha kuti ndiite.Nekukura ndaiva ndauzvidzora ndakuona rudo rwavaiva narwo asi pameso pamai vangu vaiva vakangoshata chete mainini.Vakatidzidzisa to hurt our father for no reason.Ndakanzwa moyo wangu kubanda chaiko.Waiti ukada kutaura nezvamainini nadad vedu kana kungovarumbidza pane zvavanenge vatiitira vaibva vati vaizozviuraya nokuti tinoda vanhu vasina rudo navo.Zvakawanda zvataiudzwa asi pazvese moyo wangu wairamba kuzvitenda kungozoti semwana pane paunoiswa pacorner chaipo zvekuti unoguma washaya zvekuita.
Ndaiva ndisina nyaya navo mainini.Munhu wandaitaura naye kazhinji vaiva mudhara asi hanzvadzi dzangu idzo dzaiva kumusha kwagogo taitaura tese zvakanyanya tanga tisina dambudziko.Ndakatora phone yangu ndichibva ndafona panumber dzamainini avo vasina kunonoka kudaira vakabva vangoti,"Hold on ndipe baba vako phone."Ndakanzwa moyo wangu kurwadza pandaifona pese ndaingotaura nababa vangu chete.Ndakatanga kufeeler+! QAaaaaaaaaa11 pain yavainzwa ndikanzwa misodzi yangu ichiuya.
"No mom ndoda kutaura nemi?"Ndakadero vachibva vati,"Watii?"Ndikati,"Mom."Ndakanzwa kupfikura paphone ipapo ndikaenderera mberi ndichiti,"Ichokwadi here kuti ndimi mai vangu chaivo."Vakaramba vachipfikura ndikati,"Please mom ndoda kuziva chokwadi."
"Thank God, Amai vako vazosarudza kukuudza chokwadi nhasi."
"Saka ichokwadi ?"
"Yes,ndiwe dangwe rangu Shekina,l was waiting for this day to come mwanangu."
"Ko sei musina kundiudza makore ose aya?"
Vakatanga vaseka zvavo vachibva vazoti,"Ndirikuuya ikoko monthend uchaziva zvakawanda mwanangu.Handidi kuita sendinonyeya mukoma wangu tinotaura ndauya.Chandafarira chete ndechekuti wave kuziva kuti ndini mai vako.Vaita havo vakuudza ndaizviziva ini kuti sisi vangu vanondida vachataura chokwadi."
"Sandivo vandiudza."
"Whaaat?"
"Nyaya dzenyu dzabudira kwandakaroorwa hameno kuti maingofamba here muchingoudza munhu wese wese nyaya dzenyu muri vaviri."
"Ndiani wandakaudza?"
"Hamuchazivi ka nokuti maingomwaya chete kushaya tsindidzo vakadzi vakuru."Ndakabva ndacutter call yangu mushure mekunge ndambundirwa naAlex.Ndakacheuka ndomutarisa achibva atanga kuchema.Ndakamusiya shungu dzikaserera achibva azoita kunge kandumure kanyanya kuchemesa ndokuti,"Ndakarara nehanzvadzi yangu Shekina?"I was shocked zvekuti ndakangovhura ziso chete ndikazoti,"Ini here?"Achibva ati,"Romana neni tiri mapatya."
"Whaaaaaaaaaaaat!"Ndakadero ndichimubvisa pandiri achibva awedzera kuchema ndokuti,"No wonder why ndaiva ndisina kana feeling naye.Ndichatarisana sei naye nhai Shekina?But why vabereki vachidaro kuvana vavo nhai Shekie.Tell me why?Why me Shekina?"Akabongomora mhere yakaita kuti tete vauye vakangosvika vachiti,"Ichiri nyaya yekushaya vabereki vako here nhai Alex muzukuru."Anowedzera kuchema ndipo pandakabva ndati,"Romana naAlex mapatya tete ndizvo zvaataura muzukuru wenyu."
Vakabva vangoti gojo pasi tete vaya,ini kana simba rekusimuka ndakarishaya ndichibva ndaramba ndakangoti tuzu ko mashoko acho aipedza simba kaa.
End of chapter 20
More comments more fire
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
🥳
554