Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 22, 2025 at 06:27 PM
https://chat.whatsapp.com/G9ALJKoUgzzLgk08ByIRVx *Pindai mumagroups edu* https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j *Follow channel yedu kwaunowana book kubva pa1👆* SERENITY Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 10 Amai Lee(Raviro). Kuti ndichazofarawo here ini muupenyu hwangu?Ndaiti zvandazvara kudai vana vangu ndivo vachandipa mufaro sezvo baba vavo vainge vatadza asi ndaitozvinyepera.Ndakarwadziwa ndichinzwa vana vangu vachiti vese vane nhumbu chokwadi ndaizovaudza ndichitiiko baba vaye?Ndakashaya simba rekuvarova kana kupopota zvako.Ndakapinda mumba mangu ndokuzvivharira ndirimo uku misodzi ichingoti mokoto neangu matama.Ndakaswera ndisina chandadya ndichingochema chete.Chero vana vangu havana kubvira vazvinetsawo nekundidana kuti ndidye .Ndakatozobuda kuma4 dzekumanheru ndakunobika ndokuwana vakagara zvavo pamasofa vachiona Tv.Ndakavasiya ndokubika zvangu ndichipedzawo ba Lee vakabva vasvika ndichibva ndangopakura ndokugara pamwe chete semhuri kuti tidye.Sezvineiwo tiri pakati pekudya Lee akabva angosimuka achimhanyira kubath izvo zvakaita kuti vanhu vese vamutarise pasinawo nguva Lia akamhanya achitevera umwe wake nyaya ikasara yopandukira ini. "Chii chirikuitika pavana vako Raviro?" Pandakanzwa kuti Raviro ndakabva ndatoziva kuti chachaya kwandiri,ba Lee vaiwanzozviita kana vatsamwa.Ndakangoshama muromo kuratidza kupererwa chaiko ndichibva ndazongozvishingisawo ndokuvati,,, "Handiziviwo ini zvimwe kuda pane chavadya chisina kuenderana navo." "Handina kupusa ini Raviro wanzwa dzangu idzi dzodhonza wanzwa ndizvo zvawaiita iwe pawa....." Havana kuzopedzisa zvavaida kutaura foni yavo yakabva yarira vachibva vangodaira.Ndakatora mukana iwoyo ndichibva ndasimuka pandaive ndakagara ndokuenda pavaive ndokutanga kuvapurudzira kumusana irinzira yekuti vakanganwe nyaya yaiva mudariro.Izvi kwaitova kuedza lucky chaiko ndaive ndisati ndakambozviita ndaive ndazvinzwawo zvichitaurwa pachirongwa chaTilda kuti murume anobatwa sei kuti adzikise hasha dzake.Ndakaedza chose zuva iri kutamba nababa kuti vafare vadzikise hasha dzavo.Ndakaona munhu achisekerera achibva adambura nhare yake ndokuisa pasi.Haana chaakataura kunze kwekunditarisa neziso reruchiva chete.Ndaona zvadero ndakabva ndaita zvekugara pamakumbo chaipo ndokunyatsobata wangu murume ndakaona oita mamovements ndikati ndagona kufadza baba nhasi.Ndakaona ndosimudzwa kuendwa neni kubedroom kwedu ndikati Mwari kudzwai nhasi ndichafadzwawo pamutambo wevakuru apa. Ko ndaizivei kuti ndarongerwa.Ndakasvikorariswa pabed ndokutanga kubviswa hembe ndakanzwa kufara veduwe apo ndichizhinya ndikati Mwari manzwawo munamato wangu chokwadi,rudo chairwo ndaive ndarwuguma musi wandabviswa humhandara ndaiti zvimwe ndichakosheswa sezvandainzwa vamwe vakadzi vachitaura asi umm zvangu zvanga zvakaoma ndakangonzi hapana choshamisira apa watova mvana iwe ndoita zvandoda pauri pfuma ndakabvisa. Ndakabviswa hembe naba lee ndokubvisa dzavo vakabva vatanga kundiromancer kutaura chokwadi ndaisaziva romance ini ndaitoionera patv asi chemusi uyu chakava chisionekwi humhandara hwaamai.Ndakati ndaparara zvino ndatarisira kudya kwepakati pemakumbo ndichibva ndatakurwa ndiye neni kubath ndokuvhura shawa ndokundigadzika mutab vachibva vabuda.Ndakasara ndichitamba zvangu nemvura ndichiita kakutsinzinira kani ndainzwa kufara kuti my hubby is back to his senses.Ndiri mundangariro kudero ndakazongonzwa ndanamwanaro bhandi kumusana richiperekedzwa nemashoko. "Ndoda kuti utaure zvese zvaunoswera uchiita ini ndisipo pano,ndiudze kuti ndiani akakudzidzisa kundibata kwawanga uchiita kuya nekuzvongonyoka kwawaita iwe hee kusverodzidzisa vana vangu chipfambi imbwa yemunhu, unoti handina kuzviona kuti inhumbu dzavanadzo hakuna munhu anongorutsa wanzwa." Ndakarohwa hama dzangu kuti nditize zvaisaita ndaitozotyoka chaiko nokuti matiles anotsvedza.Ndakatanga ndichachema kusvika ndangoti ziii mumvura imomo.Akasiya andisakadza zvake ndokubuda kana simba rekuchema ndakarishaya ndichibva ndangobuda ndokuzvambarara pasi. "In 3 minutes time ndrikuda kukuona mubedroom urimusvo." Vakadero zvavo baba lee kuita sepasina zvaiitika.Ndakamuka ndokuzvisunda ndakananga kwandaidiwa. "Ndoda munhu anotamba wazvinzwa kwete kuita sedanda rakaora." Ndakangogutsurira musoro wangu ko ndaimbozvigonawo here zvekutamba pabonde kwacho.Ndanga ndave nemakore ndaroorwa asi chaizivikanwa hapana.Amai vakashaya ndikashaya kana noumwe chete zvake akandiraira.Ndakashedegurwa uku ndichirohwa hanzi simukira tione.Ndakazongosiiwa munhu apedza neni achibva andisundira kwakadero ndichinowira pasi ndichibva ndangozobatwa nehope ndiri mundangariro. SERENITY Ndakasundirwa kunze kwegate naFortue ndichibva ndati dhumha namainini.Pavainge voda kutaura neni takabva taona mota yabamnini ichisvika.Vakabva vangoburuka vakatutira nehasha ndakatopererwa kwete zvenhema. Kuti chingava chii chainge chavatsamwisa kudero ndipo pandakanzwa voti,,, "Chii chaizvo chakuita kuti uuye kumba nhai mai fortue uchisiya mwana akati rapata muchipatara.Shuwa ungabva washaya hanya nemwana wako kusvika pakudero here?" Ndaive ndangotarisa zvangu ndichitoshaya kuti zvirikufamba sei chaizvo.Ndakazonzwa mainini vangu voti,,, "Saka munofunga kuti handifugewo here baba Fortue madii kutanga manzwa side rangu musati mapopota munoti handirwadziwewo here nemwana wedu arimuchipatara.Ndatobvawo kuhospital paya mushure mekunge ndafonerwa naFortue uyo achiti kwaitika emegercy." "What emegercy mai Fortue?Inokunda kurwara kwemwana." "Hanzie mwana wenyu wamunodisa uyu ane nhumbu ndosaka muchiona akatakura katundu kake kudai anga achitoda kutiza ndipo pandazofonerwa naFortue ndichibva ndangomhanya ndosaka maona ndisina kukuonekai." Munoziva ndakapererwa ndichinzwa manyepo akadero,ndakaona bamnini vachindipa ziso rekuti kana ndega ndakatadza kuzvidzivirira pamanyepo avo.Vakanditi ndee zvavo kwenguva refu apo ini ndanga ndakavatarisa ndisingabwairi zvangu kuratidza kuti hapana chandotya.Ndakashamisika ndichinzwa vachiti ,"Not my Serenity, wangu mwana haadero ndototyira mburu dzako dzausina kuraira idzo." Ndakashamiswa nazvo ndaisazvitarisira kuti bamnini vangadero kundirwira hondo dzangu.Zvino vanga vatovadenha zvavo mainini vangu vakabva varusimudza rwekupopota vachitaura zvavanoda zvavo.Bamnini vaiva zii zvavo bamnini vakabva vazoti, "Kukura kudai ndaona zvakawanda mai mwana ,Sere kana wakamutarisa kudai unoona sekuti ave kuziva varume here uyo dai uri umwe wanyarara zvako nokuti hapana chaungandiudza nokuti pavana vako vese dzangova hari dzofanzirofa uri umwe dai wachengetedza mwana uyu zvimwe rimwe gore waizopihwawo mombe yechimanda." Ndakaona mainini vachidonhedza chiso ndikaziva kuti vatsikirwa mugarden mavo.Vakabva patiri vachibhidhaira bamnini vachibva vangobata ruoko rwangu tichibva tapinda mumota ndokurova pasi. End of chapter 10 More comments more fire 🔥
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🎉 👌 💃 😭 390

Comments