Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 24, 2025 at 06:28 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel👆
MARRIED BY CHANCE
Written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 21
NARRATION
Kungoziva kwakaita Jerry kuti Alex aiva asina rudzi naye kwakamurwadza kwazvo.Tinomuona akagara akabata shaya zvaaifunga ndiye aizviziva hake.Vanosvika tete akagara akabata shaya vachibva vati,"Kwakanaka here kwawabata shaya?"Vanodaro vachimubata bendekete zvekuti anovhunduka achibva ati,"Ko ndimi tete?"Vanobva vati,"Ndini hangu ko waitwei uye nani?"
"Zvakaoma tete ndiri kutadza kuzvitambira kuti handina hukama namukoma Alex.Moyo wangu une bundu chairo kuti sei zvadero?"
"Tese tiri kurwadziwa muzukuru wangu,,,"Havana kupedzisa kutaura Jerry uya ati,"Musanyepa tete dai mairwadziwa makandiudza kare.Ini ndiri ropa renyu asi makasarudza kundivanzira chokwadi why?"
"Baba vako ndivo vaiva vati tisazvidure yaisava mhosva yangu."
"Saka maida kuzotaura zvaita sei?Zvose zvakaiswa muzita raAlex hamuna kuita basa nazvo maivapo zvenyu muchiona makapeta maoko."
"Jerry usaita sekuti waisavaziva baba vako iwe?Baba vako vaiti chavataura ndichocho hapana aifanirwa kupikisa.Ndaitovatyawo ini waida kuti nditaure chii ini ndainyengerera kuchengetwa.Unozviziva wani kuti vabereki vedu vakafa vose.Pano ndipo pandinototi pamusha pangu.Zvino ndikaruma munwe unondipa chikafu zvobuda here?Ndaingoitawo sezvavataura kuitira kuti ndiwane rugaro."
"Saka mainyengerera kugara pano muchiuraya life yamukoma kudaro.Zvose zvavo madegree avo anodaidza surname yepano maida kuti vararame sei chaizvo seipapa zvavaziva kudai zvichafambiswa sei?"
"Anofanirwa kungozvitambira kuti mwana wepano zvobva zvapera."
"Hamuzivi kurwadza kwazvo ndosaka muri kudaro henyu.Pain yacho inongozivikanwa namukona chete imi hamuna say ipapo."Akadero Jerry achiratidza kushatirwa kwazvo nehunhu hwatete vake.Anoenderera mberi achiti,"What if mukoma vakati havachada zvepano?Ndiani achatarisa nekumanager compony yakasiiwa nevabereki vedu."
"Whaaat?"Anodero Shekina achisvika pavaiva kuratidza kuti aiva anzwa zvese."Hamuzi rimi here bamnini maichemera zvose zvakaiswa muzita raAlex muchiti vabereki venyu vakaita favour here?Ko nhasi kwauyei nhai baba mwana zvamunenge mava imi futi muri kupa compain?"
"Aaah gulez hamungazvinzwisise henyu asi apa mofanirwa kutonzwawo tsitsi moudza mukoma kuti vasatsvake hama dzavo."
"Muri selfish bamnini,mongoda kuti zvinake kwenyu chete.Makadii kuzvifunga pose pamaipopotera mukoma wenyu muchiti vanoda kudya mari yose.Nhasi makuona kukosha kwechikorobo marasa mvura manje.Itai yamaingoita kare.Ndimi maipa Romana power rekuti awisire Alex pasi.Chamusiri kuziva Alex naRomana matwins."
"Maatiii?"
"Chokwadi,mukoma wenyu akarara mumba umo arikutadza kuzvitambira kuti akarara nehanzvadzi yake apo imi ndimi maikutidzira kuti moto ubvire.Muchatii nhasi?"
Anoratidza kupererwa Jerry ndokuti,"Kuita kwenyu tete nehama dzenyu.Dai makataura chokwadi zvisina kusvika kose uko.Munoda kuti mukoma vaite sei chaizvo?Inga zvose maingoitirwa wani.Makatadza kuvaitirawo this one favour yekuti vangozivawo chokwadi here?"
"Handina chandaizivawo ini Jerry.Ndiri kutorwadziwa nezvakaitika kuna Alex hazvisi nyore zvaasangana nazvo.Anotarisana sei nehanzvadzi yake."
"Makuona kushata kwazvo nhasi makadii kudzivisa zvichangotanga."
"Inga ndataura wani kuti ndaisaziva."
"Endai mumbonotaura nemukoma wenyu bamnini zvimwe angarerukirwa."
Anobva abuda Jerry ndokunanga kuroom kwaAlex umo maanosangana neshura anongokwanisa kuti ,"Shekina,tete!"Neinzwi raiva pamusoro.Vaviri vaiva busy kuonesana vachinzwa voice raJerry vanomhanya kunodai tete vacho vanobva vangoti,"Nhai Alex muzukuru wadirei kudaro."Uyu Shekina haana kuda kuramba akamira anomhanya kunotora banga,uyu Jerry aiva akaita kusimudzira mukoma wake kuti tambo yaaiva azvisungirira nayo isamudzipa.Tete vaiva vongoyeredza misodzi kunge kandunure chaiko.Mukadzi mukuru aiva apererwa nezano chairo.Anodzoka Shekina ndokusvikocheka tambo iya achibva anowira mumaoko evaviri ava.Vanochema vose zvavo vanhu vaiva apa.Kana ari Jerry akashaya zvekuita chaiko,waiva uchamuziva here kuti ndiye airwadziwa akanzwa paitaurwa zita raAlex. Anobva ati,"Mukoma moda kundisiya nani?Ndiani wandinoudza nhunha dzangu.Tarisai Kudzie akafa tingori vaviri chete ndinosara nani mukada kutora nzira iyi?Mhosva yangu ndeyei chaiko yamunoda kundi panichira.Yes ,l admit l'm not a good person but inganzi mhosva ingaita kuti muzviuraye here mukoma.I love you brother Alex handina imwe hama yandoziva kunze kwenyu.Why are you doing this to me?Manje kana muchiti ndimi moga munogona kufa muri kuzvinyepera muchizvisungirira chete neniwo ndiri kunwa mushonga wemakonzo toziva kuti zvapera."
"No ,Jerry unoda kuti mwana wako asare achichengetwa nani?Achiri mudiki unomboziva?"
"I know asi ndinoraramirei kana imi mafa?You are my pillar of strength brother please don't do this to?I know ndaikushungurudzai mukoma asking for my share pacompany yedu,yes its because l'm not like you.You are a good person no one like you as for me l'm evil and selfish ndinofunga zvisina maturo.Chiregai ndikuudzei mukoma l don't care kuti rudzi rwenyu rwuripi chandoziva chete ndechekuti muri mukoma wangu and l love you."Vanombundirana vaviri ava ndipo patinonzwa Alex achiti,"Handisi kuziva zvandiri kunzwa Jerry chandoziva chete ndechekuti my heart is bleeding."
"But zvakafambiswa sei?"
"According to mhamha vaRomana vanoti pavakasununguka vana vavo aiva matwins 1 wacho achibva anzi apfuurira ndokupiswa vachibva vasara ne1 musikana.Ndiko kuudzwa kwavakaitwa kuti akapiswa asi ivo havana kubvira vamubata zvachose. Izvi vazozvitaura mushure mekunge taverenga diary ramudhara waRomana iro ratazoziva kuti my biological father sold me.Vaiva varombo vasina chavanacho panguva yacho.Vangu vabereki vandakakura ndichiziva vaiva vasina kubvira vaita mwana vachibva vawirirana kuti vaizovapa mwana ivo vopihwawo mari yavaida.Mari yavakapihwa ndiyo yakavaita kuti vasvike pavari nhasi.Kutenga imba nezvimwewo.Ini ndakabva ndatonzi ndiri mwana wepano.Amai vaRomana namai vangu vandoziva ini hapana chavaiziva ndosaka vakaona zvakakodzera kuti tive nyama imwe naRomana zvinova zvakakonzera kuti ndisvike pandiri nhasi.Tete handina zuva rimwe randakambonzwa kana feeling naRomana.Maziso angu airema kuti ndimutarise.Bonde racho takangoita kaviri chete zvekumanikidzira futi nhasi chionai kwazvasvika."
"Inga zvakaoma nhai mukoma?Ko vaifungei vabereki vedu kusvika pakutengesa mwana nokuda kupfuma chete."Akanzvenga nyaya Jerry achiedza kubvisa mukoma wake pamifungo yavo naRomana.
"Handina chekutaura hangu kupererwa ndokuziva ini."Vanodaro tete Alex achibva ati,"Shekina ndokumbirawo favour."
"Taura zvaunoda Alex l'm hear for you,for better for worse."
"Ndokumbirawo unotaura naRomana ndamusiya asiri mugood condition please,,,"
"Okay."Anodaro Shekina uyo asina kuzogara akabva atobuda onanga kwana Romana.Anowana amai vaRomana vakarara pasofa achibva ati,"Mhamha!"Akadero achivazungunutsa vachibva vamuka.
"Ko ndiwe mwanangu?"Vaimuziva achiri shamwari yaRomana."Makadii mhamha?"Akadero achigara pasi vachibva vadaira.Vanombotaura Shekina achibva azoti,"Romana aripo here mhamha?"
"Arikuroom kwake uko."Anosimuka oenda kuya anowana akagara pasi pafloor chaipo.Achingoona Shekina Romana anosimuka omumbundira achibva ati,"I wish nhumbu yandinayo dai iri yaAlex."
"What and why?"
"Hanzvadzi yangu yaindibatawo sezai chairo,Alex hapana paaizoramba mwana wake like zviri kuitwa nababa vechimwana chandakatakura.Ndakuzvidemba Shekina kutaura chokwadi chekuita chaicho handichazivi moyo wangu wabvaruka bvaruka chaiko kuita mapeace.Ndichatarisana naye sei Alex?Unoziva mashoko chaiwo handina ini ndiri kunzwa kunyara zvose nekupererwa.But l have a plan ndofanirwa kubva muno,zvemuno handichada Shekina zviri nani ndiende kure kwaasingandioni ndorarama zvangu ndiri kure naye Alex."Ndakamboti zii ndichiedza kufunga ndikaona iri good plan vaigona kuhealer faster maybe zvikadero.
"Unoenda kupi dear?"
"I don't know Shekina ,chandinoziva ndechekuti handisi kuzogara pano."
"Ko mhamha?"
"Iwe uripo muroora wavo hapana pauchavasiya vachitambudzika."
Anotanga kutorongedza, Shekina anomboedza kumudzivisa asi zvoshaya basa.Anobuda Shekina ndokungosara akatarisana namai vaRomana avo vaiva vakungoyeredza misodzi.
End of chapter 21
More comments more fire
❤️
👍
🙏
😢
😮
😂
✅
🎉
👏
301