Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 25, 2025 at 11:16 AM
https://chat.whatsapp.com/G9ALJKoUgzzLgk08ByIRVx Pindai mumagroups edu 👆 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j *Vanoda book kubva* *pa1 pinda muchannel usabuda zvachose* 👆 SERENITY Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 14 Ba Shantie Vakandidhonza mainini vaya ndokugara neni pabed ndaitoshaya kuti vaida kuita sei chaizvo vakadzi ava umwe ari pasi pebed umwe aripamusoro nhaka ndichaonesa chokwadi.Ndichademba chandakaimerera.Kufunga kwenyu vangadei panguva dzakadai idzi aah imi. "Saka matii nhai mainini ndirikuda kuzorora ndaneta nekugudyurwa nebhazi." "Mungabva madero here bamkuru ndirikuda kutandara nemi chete sezvo ndisina hope." "Please mainini totaura mangwana,please,,,,,l promise." Ndakatoita zvekudetemba chaiko kuti vabude ndakatoshaya kuti hunhuyi hwaiitwa namainini vangu ava.Ndakafara pavakanzwisisa otherwise musikana wepasi pebed apa aizonzwirira.Vachingobuda uyuwo akabva abuda pasi pebed achibva asvikondijambira achiratidza kufara chose. "Lets do it vaenda madam boss." "Doing what nhaiwe?" "Ummm eeh aaah asi hamuzvide here?Ndafunga kuti murikuzvidawo ok good night tobatana tomorrow." Munoziva vamwe vanhu vanoita sevasina kukamirwa chokwadi saka vaitoda kundichinjanisa here chokwadi inga zvakaoma.Dai ndangokasika kuwana basa ndabva pano ndisati ndavenganiswa nehama yangu.Ndakabva ndangozobiwawo nehope ndokuzomutswa kuti ndizonwa tea asi vanhu vacho vaingoratidza kunyara nyara vese. Mazuva akafamba ndigere zvakanaka pamba pemupfana wangu madzimai aya aingondiactira asi ndaisacheuka zvangu.Munin'ina wangu ndaingotaura naye pafoni tanga tisati tasanga sezvo aishaiswa mukana kubasa kwake asi anga andivimbisa kuzondiwanisa zvekuita paaizodzoka.Rimwe zuva ndakarara pabed hangu asi ndisina kukotsira ndaitofunga kuti nekuoma kwaita zvinhu munyika medu kudai ko mhuri yangu yaimbodyei chaizvo.Ndainzwa kuomerwa ndiri mundangariro dzangu ndega iro basa ranga raramba kumuka kana peace job zvayo,ndakanzwa kuvhurwa kwedoor tevere munhu ndakasimudza musoro ndokuona mukadzi wemunin'ina wangu achipinda akapfeka kanight kaitangira pakakagumira.Ndakavhura ziso kuratidza kushamisika nezvandaiona apo ndanga ndagarisa.Ndakaedza kudzora ziso asi zvakaramba ndakabva ndaramba ndakayeva mwana wevaridzi kusvika azongoti,,,,, "Ndokupai here bamkuru zvese izvi,,," Akadero achitenderera kuita kunge kamwana katengerwa dress idzva. "Yes,,,no....l mean yes...aah no mainini hazviite veduwe,,," "Admit it bamkuru matapirirwa neni,,,,,anyway lets play a fair game l know makauya kuzotsvaka basa not vakadzi saka ini ndirikutsvakawo anondikwenya ndanzwa nezemo munongondipawo ini ndopota ndichikupai mari yekutumira kumusha parisei?" Ndakatadza kuburitsa kana shoko rimwe zvaro.Munhu wacho anga akazvarwa Mwari vachida muedzo wacho handifunge kuti ndaizoukunda.Pfungwa dzangu dzanga dzasticker ndakangodhonza munhu wangu hantie angaauya ega here?Ndakashedegura munhu kuita kupwanya nemapfupa chaiko, ndakanyatsotapirirwa zvemhando yepamusoro chaipo kuita kunzwa parere moyo chaipo. Ndakatozozvibvunza kuti ko ndaitei ,ko ndatadzawo here kukurira muedzo uyu nhai Mwari ko mandiregerei ndichiita zvakadai.Uyu mukadzi wemunin'ina wangu ka uyu zvino tichatarisana seiko neweropa.Ndakazvishora handidi kunyepa ndipo pandakaona kuti dzimwe nguva isu vanhurume tinenge tisingadi kuita gumbo mumba gumbo panze asi vakadzi ndivo vanotituma kuita zvakaipa.Varume vazhinji tine weakness yatinayo kungoona kachidzva katsvuku kachibudikira totorwera rute. Zvino ndichazviudza aniko kuti ndarima mumunda memupfanha wangu chero mukadzi wangu handifunge kuti anozvitambira pakadai ini.Ndakarwadziwa moyo wangu tuzemo twese twati hwaa dzanga dzakushanda manje pfungwa.Ndikanzwa kuzvinyarira chaiko.Ndakavhura nduwe yangu ndokuchitarisa ndichibva ndanzwa hasha chaiko.Ndicho changa chavhiringa tsoro dzangu nekungomira zvisina basa.Ndakazopepuka ndorwadziwa ndachitsunya mxii. SERE Ndakamuka na4 as usual ndokuita basa rangu ndaida kugara ndakagadzirira bamnini vangu tea kuti pavaizomukawo ndinenge ndatopedza kugadzira ndaida kuti kana vachikwanisa tibve tanoona Felie sezvo aienda kujeri zuva iri .Vakatozouya kusitting room vatopedza vachibva vadya tichibva tatobuda zvedu.Takasvika pahospital ndokuona Felie akachema zvaisiririsa veduwe ndakazoshamisika achinditambidza foni hanzi,"Please keep it safe pandinodzoka ndinenge ndichiida".Ndakangotambira ndokuisa muhomwe.Pasina nguva takaona manurse achimhanyidzana hanzi emergency ndakacheuka ndichibva ndasanganidzana nebody yamainini iripastrecher bed.Ndakabva ndangokwenya bamnini vachibva vangokatyamarawo nazvo Takazotevera kuya tichibva tanzi timbobuda.Vakaita 2 days vasati vamuka vachibva vazomuka rechithree racho.Handina zvizhinji zvandakanzwa hangu asi kuti vainzi vabude zvavo.Takabuda ndichitofara ndaisavashuvira zvangu zvakaipa.Ndakatozoshamisika bamnini vachioneka mainini kuti vave kuenda kuMzanzi apa ndipo pandakarohwa nehana manje ndaitoziva kuti l was going to face trouble.Havana kuda kuinonokera colgate vakabva vangondirongedzesa ndikadzingwa sembwa. Ndakatanga kufamba chero kwandaienda ndaisakuziva zvangu.Ndaive ndanyatsopererwa chaiko kuti ndonangepi ndaive nekamari zvangu kandaichengeta asika ndaidawo pekuisa musoro zvino ndaipawanepi zvandingoriwo dzvinyu mushaya gushe.Ndakaingotevedza seke road ndiyo chete way yandaiziva.Kwakati kwadoka zvino kwave kungoonekwa malights emota chete ndakagara pasi ndikatanga kuchema ko ndianiko waizondinzwira tsitsi muupenyu hwangu .Ndakademba kuti dai ndakaterera hanzvadzi yangu ndisina kuzvipinza mupfumvu yakadai.Harare yacho yainzi huchi nemukaka kwandiri waitova murumanyama chaiwo sandi kuvava ikoko kwaunoita. Ndakazongotsauka pari padivi penzira ndichibva ndatobatwa nehope.Ndakazopepuka ndiri mune imwe room yanga yakanaka kwazvo muine zvese zvekuti ndakatombopedza nguva ndakayeva zvangu.Ndakaswera ndisina kuona munhu apo nzara yanga yondibvunza mutupo ndakasimuka ndokutanga kutenderera neroom yese ndichitsvaka chekubata ura asi hapana chandakaona.Ndakazoti ndatofizuka zvangu ndokuzoona plate yaiva mumicrowave ndakangovhura ndokutora chikafu chiya ndichibva ndadya ndakazotura befu ndapedza kudya ndipo pandakaona kapaper kaiva pasi kanga kakanyorwa kuti,,,,"Idya zvako food yandasiya kana wapedza tora mapills ari muchipaper unwe ndouya manheru". Ndakamhanyira kutarisa mapills acho ndakarohwa nehana pandakaona ari evakadzi vanoyamwisa.Ndakanzwa kutya nazvo ndichibva ndaenda padoor kuti nditize zvangu muridzi wemba asati auya ndipo pandakaona rakalokwa ndakabva ndangopererwawo ndichibva ndangoti pweshe kugara pasi. End of chapter 14
❤️ 👍 🙏 😢 😮 😂 😭 135

Comments