Amai Mimie (K.Khums)
January 26, 2025 at 01:53 PM
https://chat.whatsapp.com/G9ALJKoUgzzLgk08ByIRVx Group redu 👆 https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j Gara wapinda muchannel usabuda zvachose 👆 SERENITY Written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 15 BABA Fortue Nyevero anotondiona sefuza rake shuwa, kundiona sendisingafungi nhai zvino rinamanyanga hariputirwe zvaro chokwadi chese chichati bvuu zvacho pachena.Ndakatomuroorawo iri mhandara yakazara Nyevero zvinova zvakandiita kuti ndibve ndaperera z paari.Ndakamunzwisisa zvangu pandakamuwana achitengesa mubhawa ndikangomutambira sezvaari sezvo ndaimuda.Apa ndipo pandaiva ndaona kuti hazvinei nepaunoshanda kana uchida kuchengetedza hunhu hwako unongo huchengetedza ndizvo zvandakaona panaNyevero akandiprover wrong ndaitofunga kuti madhara ainge akasopedza panonaka kare ini .Asi kwete anga akazvichengetedza chose.Ndakamutora ndikamuita mukadzi wemumba pandakada kunobvisa pfuma akanditi haana hama mai vake vakaenda nechikomba saka pahama hapana waaiziva. Ndakatanga ndichanetsa naye asi zvakaramba nanhasi tirikungochaya mapoto handina kubvira ndabvisa pfuma kumba kwavo.Akandizvarira vanasikana vangu vatatu and l 'm grateful for that ndinonzwa kufara kwazvo.Asika amai kana mazvara vana venyu whether boy or girl it is your responsibility to teach them good manners kuvarera mutsika nehunhu hwakanaka manje my wife aaah zvaisava maari chaaigona ndiwo naface powder nemake up hameno kuti ndianiko akati mukadzi akashata kana asina kupoda.Anyway zvaisava nebasa hazvo asi aifanirwawo kuva nenguva nevana vedu. Fortue akawana mukomana aimuda akaroorwa zvakadadisa chose akaenda kumba kwake.Asvika ikoko nhumbu yakaramba kubata zvikanzi nevakarahwa vedu chimbofambai nemwana wenyu makore awanda.Takafamba naye asi hapana chakabuda nokuti vakwasha havana kuzodzoka zvachose.Ndakazoenda kumunyai sezvo mwana ainge abvisirwa mari svinu ndikati ko mhuri yenyu mati toziva sei kuti zvatakafambira zvakaita here kana kuti kwete?Munyayi akangonditambidza invitation card zvikanzi mukwasha wenyu arikuchata svondo rinouya paya patakadzosa mwana wenyu kwaitova kudzoka for good iye aizviziva asi haana kuda kuzvireva nokuti unoziva mhosva dzake. Ndakashamiswa nazvo ndikaedza kufunga kuti mhosva dzipi asi ndakashaya ndakazonzwa munyai oti,,,,, "Mwana wenyu rakawanikwa rangova zuru rakapindwa nenyoka kare murume wake akazvitambira haana kubvira audza kana ani zvake kumhuri kwake.Zvadero mwana wenyu haana kana kushongedzwa zasi uku,asi murume wake akazvinzwisisa akati vaizodzidzisana nekufamba kwenguva.Zvino pakazonetsa ndepekuti mwana wenyu ane huyanga,huyanga chaihwo anomirira kuti murume awache nguwo dzake dzekunguva yake.Anongovharira mubhaketi kusvika zvaora zvirimo pedzezvo kubika hapana chinozivikanwa murume anzwa nekudya mbwezhu.Mwana wenyu akarova vamwene kusvika vabva mazino zvino mukwasha wenyu akati zvimwe zvese ndingasekerera zvangu kwete pakurova amai vangu ndosaka makaona kuti ziii kudero.Imwe misha vachiri kutevedza tsika dzakudhara saka ngatingwarirei kuraira vana vedu.Kuno kwedu machira machena aya achiri kuwaridzwa." Ndakangosimuka ndokuoneka hapana kunyadziswa kunokunda uku,chero hazvo munyai aiti ndiye ega akaudzwa asi umm handina kuzvitenda unosara wofamba vanhu vapedza newe kare.Ndakasimuka musoro umire ndikati anonondiona Fortue nhasi ndakasvikoti bherengende musiwo ndichibva ndaona musina munhu.Ndakatarisa tarisa asi handina wandakaona.Ndakazongobatwa meso nemapaper kaiva pabed pake ndokubva ndatanga kuverenga aitotaura kuti Fortue ainge akabviswa chibereko mushure mekunge chaora nekuda kwecontinuos abortions dzaaita hameno zvakazoitika kusvika pakuzoshatiswa kwechibereko handina kuda kuzvitevedza. Ndakarwadziwa veduwe chero simba rekumubvunza rakabva ratotiza ndakabva ndangozvitambira kuti mwana akadzoka pamba regai agare zvake. Felie makanzwa nezvake handichina tariro pavana vangu vese mudiki uyu ari fomu 3 unotonyatsoona kuti arikungotevedzerawo matsimba evakuru vacho.Ndaimbonetseka kuti vaiva vakafuza aniko vana vangu asi zvega zvangova pachena amai vacho chaivo. Zvisinei pana Sere ndipo pandaisawo moyo wangu wese netariro kuti achandifadzawo. Ndaizviona zvangu kuti mai Fortue vaisada Sere basa rese ndiye aiita achinyepedza kuti ndiye mai Fortue.Zvese zvaiitika pamba ndaizviona zvangu chero Sere handifungi kuti aitomboenda kuchikoro kwacho ini ndaizo zvibata zvangu.Chaindinetsa Rudairo wacho aigara akafudzwa zvekuti chero nguva yekutaura naye ndaitoishaya Mazuva akafamba ndiripo pamba pangu kana riri bonde ndakapihwa kaviri chaiko kubva zvandabva kuJoni.Izvi hazvina kundibata sezvo ndanga ndatozviona kuti Nyevero anemunhu waari kufambidzana naye.Ndakazviona musi wandasvika chaiwo zasi kwake uku kwanga kwakanyanya kushama.Ndanga ndonzwa kungomusema mai Fortue hameno zvazvinoita ukangofungira kuti umwe wako arikupa vamwe zvinhu zvako.Ndakazorwadziwa paakaita accident ndokuburitsa ropa rakawanda kwazvo ndakazoudzwa nemanurse kuti apotsa aita miscarriage sezvo abuda ropa rakawanda kwazvo.Ndakatombosekerera kuti ainge aita surprise yenhumbu asi mufaro wangu ndakazougurisira pandakafunga kuti inogona isiri yangu ndakabva ndabvunza mukoti akamuita scan kuti how many weeks achibva ati,,,14 weeks ndakabva ndatoziva kuti yaisava yangu dai yaiva yangu yaifanirwa kunge irikuma 4 weeks chaiko. Ndakarwadziwa handidi kunyepa vakaburitswa muhospital ndichibva ndatooneka kuti ndidzokere zvangu kubasa chero hazvo mazuva angu anga asati akwana.Ndakaenda kunosangana nevamwe vekubasa tichibva tamirira mari dzedu dzemabhazi idzo dzaizouya nemurungu wedu.Takagara kusvika kuma7 dzeusiku murungu achibva azofona kuti tidzokere kumba tozoenda after 1 week.Ndakabva ndatonokwira ndokuenda kumba.Ndichisvika kumba ndakabva ndangokiinura door sezvo ndaiva nemaspare keys.Ndakatanga kunzwa kasoft music ndakazotarisa patv ndokuona haikona porno irikutobuda zvayo ndikatadza kuziva kuti aiva ani aiona porno pamba pane vana.Ndakatadza kunzwisisa kuti zvaifamba sei ndakatofunga kuti ndiFortue chete aiva arasa muswe sezvo ndanga ndisipo. Ndakafamba ndichinotarisa kuroom kwake ndokuona musina munhu.Ndakabva ndasiyana nazvo ndokuenda kubedroom uko kwandakasvikoona shura iro rakaita kuti ndirohwe nehana zvekusvika pakudonha pasi chaipo.Ndakaona mai Fortue vari musvo zvawo naEddy vachiita zvinogara zvakadero.Ndakatsvaka simba ndikarishaya ndakabva ndangogwesha ndichibuda ndokuenda muroom maSere umo mandakasvikopererwa ndichiwana musina munhu ndakabva ndangorara pabed yake misodzi iri pamatama ndikazvibvunza kuti zvino zvazvadai ndozviudza aniko iye mwana wangu aiva asipo? End of chapter 15 More comments, more fire
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 51

Comments