Amai Mimie (K.Khums)
January 27, 2025 at 03:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j *Pinda muchannel uwane manovels anonakidza anotapira sehuchi👇* SERENITY Written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 0716 622 299 Chapter 17 SERE Ndaisvero yeredza misodzi ndirimo mumba,ndaisava nemunhu wekutaura naye chandaigona kuchema bedzi asi misodzi yaisvika pakuoma apukuta abvepi?Ndakasvika pakubvunza Mwari kuti vaisandionawo here inga ndingoriwo nemukaka pamhino wani?Ko zvamurimi wani Tenzi makati regai vana vadiki vauye kwandiri nokuti hushe hokudenga ndehwenyu wani? Ko ini ndatokura here Mwari zvamusingandionewo?Ndinopfugama ndichikunamatai siku nesikati ndichivavarira kuti ndive mutsvene hongu handisati ndachibata asi ndinoshuwira kuchibata.Inga wani makati hakuna akauya kwandiri akadzokera asina chinhu? Ko ini zvandichiri kungochema wani ndianiko wandichaudza nhunha dzangu akandinzwawo Mwari.Handina wekuudza kunze kwenyu Jehovha ndakumbira zvangu Ishe wangu musandivharirewo nzeve dzenyu ndinodawo kukundiswa panguva yakaoma kudai? Ndakademba ndikachema asi hapana akandinzwa.Hapana chinhu chorwadza sekumuka wodya woswera wakarara no intertainment kuchema nokurara chete.Ndakapukuta misodzi ndikati Mwari chingondinzwaiwo kwanhasi chete.Ndakazvishingisa asi pamoyo paidzimba ndakazviudza kuti zuva iri ndaisazonwa zvangu mapiritsi aya kana vachindiponda baba ava zvirinani ndife zvangu.Ndakarara ndisina kunwa zuva iri havana kuuya ndakasvika pakurara.Mangwana acho ndizvozvo vakaita 3 days vasina kudzoka vakazouya rechi4 .Chikafu chaingogara chirimo saka nzara ndaisainzwa zvangu asi ndanga ndasuwawo sadza.Vakasvika baba vaya ndokundipa sadza nemunyemba une dovi ndaipihwa zvinhu zviya zvinodyiwa nevazvere kuti mukaka usise.Ndakarirova sadza kusvika ndanyatsonzwa parere moyo little did l knew kuti chakatyaya ndogona kungorohwa ndikafa. Ndichipedza kudya ndakashamisika ndichiona munhu achiita kurwera rute kuratidza kuti anonokerwa,ndakazongoona ndave mumaoko ababa vaya uku kahembe kabvarurwa semazuva ese vakabva vatanga kundiyamwa asi hamuna chinhu chakabuda ndakaerekana ndavharwa nembama.Saka kunwa kwandoita mapiritsi aya zvaireva kuti pane zvaizobuda here mandiri kana kuti aiva mapiritsi emushonga aya.Sekuziva kwangu handina kubvira ndabara asi pavanondiyamwa ndonzwa kunge pane mukaka uri kubuda asi chii nhai.Whats going on nohupenyu hwangu? "Hautendi mwana iwe ndirikukuchengeta zvakanaka fani pano pamba but iwe watadza kungondiitirawo only one favour yekunwa zvako mapiritsi aya,manje nhasi uchazvidemba ndinoda kukuita zvinorova wandituma kuita zvandanga ndisingadi kuita." Ndakakandirwa pamubedha kaskirt kachibva kangokweviwa kachidzika nekumakumbo sezvo kaiva neelastic hakana kunetsa zvako.Ndakasungirwa maoko kumashure ndokuvhurwa makumbo apa ndipo pandakairidza mhere ndichiona zimuzvambarara raida kupinda mandiri.Ndakabatwa karomo ikako ndokupakirwa tissue nxaa.Ndakabva ndangoti kuda kwenyu ngakuitwe Mwari. Ndakapedza nguva ndisina kunzwa chinhu chakapinda mandiri ndipo pandakavhura maziso ndokusimudza musoro.Ndakashamisika ndichiona baba vaya vari mudziva reropa ndakazotodzikama ndaona mumwe mukadzi achiuya pandiri akabva andisunungura ndokundiburitsa muroom muya umo matakasiya baba vaya varimudziva reropa.Takabuda muya ndokumhanya takasvika mudinning like ndokuona muine vasikana 2 and 1 boy.Mai vaya vakangotora foni yavo mumba umu vachibva vati kuvana vaya,,,, "Zvamadai makura vana vangu sarai muchengetane ini zvapano ndazvitadza zvirinani ndinofira kuhama dzangu ,,ndakamboedza kushingirira asi zvakakona n'anga murapwa achida ndaenda ini nerimwe remazuva muchazondinzwisisawo kuti kwaisava kuda kwangu.Handina zvandogona kuita ndofira pasina pano.Makore ese aya andagara nababa venyu kwaingova kugarira nhamo.Sarai muchengetane uye vazukuru vangu ndinovada kana Mwari vatendera tichasanganiswa pari zvino regai ndisuduruke." Vakabva vandibata ruoko tichibva tatanga kumhanya chero kwataienda taisakuziva.Takazongokonawo patumakwenzi tichibva tarara.Kwakati kwachena ndini ndakatanga kumuka ndakatarisa mai vaya kuface ndikatoshaya kuti ko ndainge ndakambovaona kupi?Vakati zvino vamuka ivo vakatanga kundinan'anidza zvekuti ndakashaya kuti ko vaionei ndakazorohwa nehana pavakati, "Serenity ndiwe here mwana wamai vangu!" I was shocked zvekuti ndakaramba ndakavatarisa ndichishaya kuti vaiva ani? RAVIRO(AMAI LEE) Dzimwe nguva hupenyu hunorwadza hama dzangu ndinogaro demba chandakambopindira muwanano chokwadi.Handina mufaro mukati memba yandakada ndinogaro chema misi yose ndinoshaya kuti ndozviudza aniko ini zvangu.Murume wangu haana kubvira achinja hunhu hwake kwaari ndingori mudziyo usina basa.Kwaari ndiri sex slave chaiye ndizvo zvaanongoda pandiri ndinotosuwa kubatwawo panonaka chaipo asi ii makata chaiwo. Lee naLiana nhumbu dzavo dzanga dzakuonekwa baba vacho vachibva vangopa ini mhosva ndakaripira zvitadzo zvevana vangu kuita sekuti ndini ndainge ndavamitisa.Vana vangu vanga vaneta nekugaroona ndichishungurudzwa vakafunga zvekubva pamba ndicho chikonzero chavakandipa pavakamitiswa pacho.Handina kuvapa mhosva,ndakatoona iri sarudzo yakanaka kwazvo.Rimwe zuva ndakawana vachirongedza mbatya dzavo handina kuda kubvunza ndakangosiyawo zvakadero vachibva vaoneka ndokurova pasi ndakasara negotwe rangu handina kuda kuzvipa stress yekuenda kwevasikana ndaitovawo nezvakawanda zvekufunga ini.Chandisina kuziva ndechekuti pakaenda vasikana vakasiya vanyorera baba vacho tsamba inova ndiyo yakazokonzera kuti ndizvindikitwe kunge nyoka yapinda mumba.Kwakati kwapera dzinenge 2 weeks ndakaona vana vachipinda pagate vachisundana nemamornach zviso zvakaremberera ndikaziva kuti kwabviwa hakuna kumira mushe.Vakasvika vana vangu kana kutsvinda kwese kwanga kwapera.Vakangosvika nekuti,,,, "Zvakaoma mhamha taiti tawanawo kwekuzorodzera pfungwa zvino zvaramba mukomana wangu akandinyepera atori nemhuri yake nevana vaviri zvimwe chete nemukomana waLianah vese vane vakadzi,"akadero Lee misodzi ichiyerera. Ndakanzwa kubatikana ndikapererwa kushaya kuziva kuti ndodii chaizvo kwaitova kupata kwevana ka uku zvino ndaizovaudza ndichitii baba vaya.Ndakati vapinde mumba pasinawo nguva baba vacho vakabva vasvika ndikarinhiwa sendichafa vana vavo havana kana kuvarova mufunge izvi zvakandiita kuti ndidzamise pfungwa dzangu ndakabva ndatsidza kusimudza musoro nokuti ndaitozofira pamba apa.Husiku uhu hope hadzina kuuya ndipo pandakanzwa kamhere kaibuda muroom yatainzi hatifanirwi kupinda.Zvaiitika ndezvekuti baLee vaiti vakabva kwavaibva vaisvika vondishungurudza pedzezvo vobuda voenda kuroom kuya izvi zvakandipa moyo wekuda kuziva kuti maimbova neiko mumba macho nokuti pese pataigara taingopinda patadira. Zvisinei rimwe zuva ndakavatevera kumashure kusvika vavhura door vakabva vakanganwa kuvhara musiwo ndikati Mwari Kudzwai.Vakapedza chinguva ndipo pandakanzwa kamhere ndichibva ndadongorera ndakaona mumwe musikana akasungirwa achitoda kurohwa shedegu ndakangononga simbi yaiva pasi ndichibva ndavati bhoo nepagotsi apa vakabva vangoti dhii pasi ndichibva ndasunungura mwana uya.Ndakamubata ruoko ndokubuda tichimhanya ndakabva ndasvikooneka vana vangu hameno vaisara vachizvionera vave vanhu vakuru kuita nhumbu hanti kuzvitemba here? Takabuda husiku ihoho hapana kumwe kwandaiziva takangokonawo mutukwenzi ndokutorara taizozviona mangwana.Ndakazoti kwachena ndipo pandakarohwa nehana ndichiona musikana uya ari Serenity mwana wamai vangu,gotwe remumba medu.Airatidza kuti aiva asisandizivi ndakarwadziwa kuti angapindana nadzo pamusha pemurume wangu.Kusaziva kuti aiva asvika sei? End of chapter 17 More comments, more fire 🔥
❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 49

Comments