Amai Mimie🇿🇼 (K.Khums)🇿🇼
January 27, 2025 at 08:22 PM
*https://whatsapp.com/channel/0029VaKB6DoBlHpg3IgEvz1j
Pinda muchannel unowana book redu nenguva,usasaririre nhapi tapi kwamai Mimie kune tsvigiri haikona kusara👆*
MARRIED BY CHANCE
Written by Amai Mimie(k.khums)
0782 818 892
0716 622 299
Chapter 22
Romana
Pamoyo pangu paiva neronda chairo.Kwandiri zvaisava nyore kuzvitambita kuti ndaiva ndarara naAlex hanzvadzi yangu.How l wish dai nguva yaidzoserwa kumashure ndaiswa ndagadzirisa hunhu hwangu chaiko.Alex akagara andiudza chokwadi kuti mafeelings neni aiva asina zvachose.Regai nditi l forced him to do this with me.Zvinoita sekuti pane chaimudzivisa asi iniwo moyo wangu waidawo nezvake.Ndaingoti achadzidzira kundida hake.Ndakaramba ndichimupa pressure Alex chishuwo changu chiri chekuti ndibate nhumbu asi zvakaramba.Nhumbu yakazongouya pandakarara neshamwari yaAlex pamwe chete naJerry pafair chaipo muridzi wenhumbu handimuzivi.Pandakaona Alex asingatauri nyaya yekuroora ndakasvika paextent yekuda kuzviroora chaiko.Ndaiva ndazvipira kumupa mari ondibvisira chero hangu ndaiziva kuti chaimutadzisa kuroora yaisava nyaya yemari asi kuti rudo neni semukadzi wake aiva asina.Regai zvinzi ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma,vaiva vamboedza kundionesa mai vangu asi ndaiisa zvitanda munzeve kwandiri vaisaziva chinhu.
Ndaiva ndakuzvidemba zvino yangu yekuda kuziva zvose yanga yandipinza munataisireva.Zvisinei,handina wandaipa mhosva chero hangu ndaiziva kuti baba vangu vaiva vanditadzira kwazvo.Ndakaona kuti kana neni wacho kuti ndaiva ndatamba role pakuparadza life yangu.Kusvika kwakaita Shekina kwakandibatsira kwazvo nokuti ini hapana pandaizogona kugara namai vangu for the rest of my life. Zvavanga vave nemuroora wavo zvanga zvanaka aivabatsira hapana paaizovasiya vachidzungaira vega.Zvakandipa simba rekurongedza zvinhu zvangu,ndakapfugama paiva namai vangu ndikati,"Ndakakutadzirai kudenga napasi amai vangu.Kusateerera chaiko ndiko kwandisvitsa pano.Zvimwe dai ndaikuteererai ndisina kusvika pakadai apa.Makambondiyambira asi ndakaisa zvimiti munzeve,l 'm sorry mother handikwanisi kugara pano pamba regai ndiende ndimbonopora marwadzo ari pamoyo pangu ndichadzoka."
Vakatanga kuchema amai vangu handina kuita basa nazvo chandakagona kusimudza bag rangu ndichibva ndabuda.Mota ndakasiya handina kubuda nayo.Ndakananga kushowground ndokukwira bhazi rehusiku rainanga kuBulawayo kumba kwefriend yangu uko kwaasvika achinditambira zvakanaka chose."Ndiri kuda kumborara chomie."Ndakamudaro panguva dzaakandibvunza kuti,"Kwakanaka here?"
"Ok rara but l need explanation paunomuka zvauri hazvisi kufadza zvachose.Kana mota wasiya even mari chaiyo handifunge kuti unayo ini."Paakataura zvemari ndipo pandakarangarira kuti ndaiva ndangotakura yetransport chete neimwe 30us yandaiva ndaisa paside zvemari izvo ndaiva ndisina kubvira ndazvitsvakawo zvangu.Zveshuwa ndakarara panguva dzandakamuka ndakanzwa vanhu vaviri vaitaura,"Ifriend yangu arikuratidza kuti kwaabva hakuna kumira zvakanaka please honey let me hear her first kuti chii chaitika kwaari. "
"Privacy Bether inodiwa,tarisa ndauya nhasi ndakushaya mukana wekusota apo ndanga ndisiri in town taura nefriend yako shaa pandodzoka ndoda kurova zvinhu zvangu.Ndini ndinobhadhara rent pano uzvizive izvozvo."
"Unogara uchindiyeuchidza saka ndozviziva."
Haana kutora nguva refu akabva adzoka mumba muya ndichibva ndanyepedzera kurara.Akatanga kubika.Ko yaingova one room yaaishandisa zvose zvaiitirwa imomo.Akandimutsa chikafu chaibva tichibva tatanga kudya while eating ndipo pandaka narrator my story handina kumuudza chokwadi about Alex ndakataura nezveshamwari yake chete.Achibva ati,"Saka uchaita sei nenhumbu yacho nhai Romana?"
"I'm confused,,,"
"Kutongobvisa ndiko kuzvipedza unoshanda sei nenhumbu."
"Asi watondowanira basa?"Ndakabvunza nenyemwerero kumeso achibva ati,"Inga unoziva basa rangu wani.Ndichatoku introducer ikoko kuti uite mari ukasike watsvaka pako pekugara."
"You are not even married Bether why usiri kundida pamba pako?"
"I'ts not like handikude Romana asi hapana pandichagara newe ndichikuriritira pazvese tofanirwa kusangana pakati that is if tichigara tese,asi pafair chaipo mu1 room hazvibude."
"Uchazviona kana wapinda muchibasa chedu."
"Handina kuuya kuzohura kuno Bether chandiri kuda kwauri kuzorodza pfungwa chete ndiri kuno."
"Uchidyei manje?"
"Zvauri kudya kaa ."
"Ndiwo mafunnies manje iwayo Romana ndichangokubikira zvanhasi chete mangwana woita plan.Unotsvaka pako wega pekugara ini ndinenge ndichida kuita maths dzangu nevanhu vangu imba yamai vangu inoda kupedziswa kumusha.Vana vangu vanoda kuenda kuchikoro saka handingatadziswi newe usingagoni kurongera life yako.Zera rako iroro ungandiudza kuti wamitiswa shuwa kuita mimba yemusanganiswa vasikana basa remamorning after nderei?Kana kubaiwa jadel zvaro ,wakatadza Romana uchiswera kubaisa zvako pasina butiro zvirwere hauzvitye here?"
Hana yangu yakarova zvechirwere ndaiva ndisina kumbozvufunga ini.Kana nhumbu yacho ndaiva ndisati ndanyoresa.Maresults angu ndaisamaziva zvachose.Ndaiva ndisati ndakambotorwa ropa since.Ndakanzwa kutya chaiko.Aitaura chokwadi Romana ndaiva ndaratidza kupusa chaiko.Kana iye mwana wacho ndaizomuudza kuti chii chaiko.Ndakanzwa kuremerwa pamoyo pangu achibva ati,"Handisi kukushora zvangu asi tiri kuda kungoonesana.Kusvika pauri nhasi amai vako wavaitira chii?Ini hangu chero iri mari yechipfambi zviri nani varikudya vachiguta amai vangu.Kwete kuti zera rako iri ungoziva kutora mari dzausina kushanda uchidya kuita kunge mushonga wemudumbu.Pamwe ndizvo zvakaonekwa nenukomana wako uya wawaida kuti akuroore nemari yako,akangoonawo kuti hauna brain ndosaka akasarudza kukusiya achiroora umwe.I don't blame him zvangu nokuti iwe ndiwe usina kukwana.Wakavhurirwa salon namai vako iye zvino iripi.Wakabroker nekuda kudya nekupfeka zveclass.Chiona ka class iya kwayakusvitsa.Ini shaa kubasa kwangu unokuziva ndinopfeka hembe dze1us for 3 kuwacha neku ayina chete ndiko kwakakosha munhu anokuda sezvauri kwete kupedzera mari kufashion kuita kunge usina kuita mushe.Gadzirisa hunhu hwako shamwari nekuoma kwakaita nyika ndiani munhu angachengeta mukadzi mukuru anenge iwe."
Ndakaguma ndoyeredza misodzi.Pazvose zvaaitaura chaiva chokwadi hapana chandaipokana nazvo ndakaguma ndangozoti ,"Saka ndoita sei?"
"The decision is yours shamwari handina zvandokwanisa kutaura."
Ndakatadza kuziva zvekuita,mashoko ose akataurwa naBether akatanga kudzoka mupfungwa dzangu.Ndaiedza kudzima zvose asi zvairamba zvichidzoka.Hope hadzina kuuya zuva iri ndaironga nekurongonyora.Kwakasara koedza ndatova nedzimwe pfungwa.Ndakabva ndati kuna Bether haunawo chero agent waunoziva anotsvakira vanhu mabasa?"
Akaseka achibva azoti,"Wafunga kuita sei?"
Ndakatura befu ndichibva ndati,"Pari zvino ndoda chero basa asi risiri rekuside kwako.Ndoda kuzvara mwana wangu zvakanaka pasina dambudziko."
"Wafunga kuchengeta gora rako."
"Sei uchindidzikisira nhai Bether?Mari yechipfambi ndiyo yaunovhaira nayo kudaro?Usaite sekuti ndaisakupawo mari panguva yazvanga zvakaoma.Nhasi ndatizira kwauri wakundiona sebenzi why?I admit zvimwe zvandoita ndinenge ndisina kufunga asi haundiite semunhu asingafunge ka.Dai waiziva stress yandinayo waisataura mashoko ako anorwadza kudaro.Kuuya pano ndaita a very big mistake dai ndaziva ndisina kutsika pano.Handinawo kukwana.Shuwa ungandivhairira nemari yechipfambi kutoita sekuti une kucompany yaunoshanda."Ndaiva ndatsamwa ini,chandakagona kuita panguva iyi kutakura bag rangu ndichibva ndatobuda.Akaedza kudaidza zita rangu achiti ndisaende asi ndakaisa zvitanda munzeve."Ndisiye ndiende Bether hautendi iwe tichakuona kuti unosvika kupi netumari twechipfambi twaunovhaira natwo."
Ndakabva ndabuda gedhe ndokutanga kufamba.Ndakazoridzirwa huta neimwe mota ndichibva ndamira,"Muri kuenda kutown here amai pindai tiende?"Akadero umwe murume ndikada kumboramba asi ndakatoona kuti zvaiva nani kusarira mutown ndaizoita plan ndaveko.Yaiva mota hombe kwazvo zvekuti ndakatombotya kupinda.Ndakazoona kuti vaiva vanhu bho zvavo ndavemo pataitaura nyaya tichienda.Mari yangu vaiva vairamba.Ndakazongorovera moyo padombo ndikati,"Ndiri kutsvakawo basa hakuna kwamunozivawo here?"Vakatarisana mukadzi nemurume ndikanzwa mukadzi wacho achiti,"Zvino munokwanisa kushanda here nezvamuri izvo."Ndakanyemwerera ndichibva ndati,"Njuga dzakarema ndichatodzidzira."Chandaisada kudzokera kumba chete.I was not ready kunotarisana naAlex kumba.Ndaida kushanda ndofadza mai vangu.Anga andivhura maziso Bether.
"Kana zvakadero tinogona kudzoka tese kumba kwedu musikana wandanga ndinaye akaenda kunoroorwa.Muchange muchibatsirana nemusikana ariko."
Ndakafara kwazvo kana mari yandaizobhadharwa handina kubvunza, zveshuwa takapinda mutown ndokuita zvavaida kuita tichibva tananga kumba kwavo.Tiri munzira baba vacho vakabva vati,"Kushop hakuzi riko kuri nani here zvemunhu akazvitakura."
"Yaa vanogona kuchinjana naSanele zvobuda."
Mufaro wangu wakawedzera ndichibva ndaombera chaiko zvemunhu aiva desperate.
"Ndipo here pamba penyu?"Ndakadero panguva dzatakasvika pamba pavo apo pandiri kutadza kana kutsanangura.Zimba racho rakazvikurira zvaro.Vakangonyemwerera chete vachibva vati ,"Ndipapa."Ndakanzwa kutya nazvo ini kana mibvunzo hobho yakatanga kuchiuya mudzoro rangu.Ndakazvibvunza kuti yaiva good decision here iyi?Asi ndakashaya mhinduro.Takafamba toti tipinde mumba ndichingotsika pamusiwo pavo ndakabva ndanzwa a sharp pain pasi peguvhu.Ndakaridza kamhere vachibva vatarisana pava paya vakabva vati,"Kwakanaka here?"
"Mudumbu mangu."Ndakangodero vachibva vauya vondibata ndokundisesekedza kupinda mumba umo màzvakasvika zvichindikunda ndakangoita sendabatwa nehope ndokuzopepuka kuseni amai vaya vari parutivi rwangu vakabva vati,"Congrates dear Sanele abvuma kushanda kuno kumba iwe woenda kushop pakadii?"
"What about my baby?"Ndakabvunza ndiri worried vachibva vati,"I'm sorry you lost the baby ropa remwana wako rakapusa dear rinongodaira zvese zvese.Zvisinei accomodation iripo you deserve it."
Ndakatadza kunzwisisa pandakada kubvunza vakabva vati,"Don't worry money matters dear mwana anga asiri wako."
Ndakapererwa vaisanzwisisika mai ava.
End of chapter 22
Muchawana book iri kusvika rapera,,,
SERENITY CHETE NDIYE AVE KUMUSIKA HUYAI NE 1us chete muwane book kusvika rapera Serenity ane moto.
❤️
👍
🙏
😢
😮
😂
🌚
👏
228