Berlin's Writings
February 6, 2025 at 03:42 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*WRITTEN IN THE STARS*
Chapter 15
Prim
"Ma'am your results here shows that you are 3 weeks pregnant...
"whaaat?...
I jumped with excitement just when the edoctor broke these good news.
Ndakatendeuka ndichitarisa Michael, uyo akabva aita kundisimudza ndokundi tenderedza zvekuti ndakanzwa dzungu ndichibva ndati "Stop"... "Baby, I can't stop. You have just made me happy..
He knelt down and started planting kisses on my little bumpy. he looked at me and said .... "I love you, Prim.
"I love you too, Michael... Akabva anobata muhomwe make achibuditsa a very tiny box, opening it he took out a shiny diamond ring...
Ndainge ndangobata muromo iyo hana ichiita
kurova, kneeling on a single knee, he took my hand and looked straight into my eye
saying.. .
"Prim will you marry me..
Kwandiri ainge atononoka kutaura mazwi andainge ndichivavarira kunzwa. Ndakaita kakuka kama, kuti ndivhurewo muromo kudai.
Ndakabva ndapepuka... Dzaitovewo hope. Ndakatanga kufemera padenga ndakagara pabed, ndokumuka nekubatidza light. It was just a dream, oh my God. Ndaka muka
ndichinamata nekuti zvanzi ukarota hope dzakanaka unonamata uchitenda. Ndapedza kunamata ndakabata dumbu rangu ndichida kunzwa kana manga muine chinhu, ndichiti zvimwewo ndarota hope dzechokwadi. Kutonzwawo mudumbu macho muchirira nekuita kakun' en'ena ndichi bvanda toratissue ndokunanga mutoilet.
Ndakaridza tsamwa pandakagara pachamber ndichiona a few drops of blood papant pangu.
I had started my period , ndakazvi rovamusoro ndapererwa. Period futi here amana.
I flushed the toilet and walked out ndichiita kudhonza makumbo. The thought of using a pad again struck me, I was tired of putting on pads. I was tired of seeing my period again. I checked my pants again ndokuona ropa riyerichito wedzera. Kana kurara handina kuzorara.
Mangwana acho Ndakamuka ndiine kakuneta plus kungosvotwa kuye. Zvakaswera zvichindi pastress zvichi batanidzira naMichael aive akusawana time neni. He always gave an excuse yekuti baba vake vainge vogara vari kokumba. Kubvunzawo Eddy akabva ati ichokwadi.
I really felt like I needed someone to talk to, so I went to visit tete vangu vaigarawo paMarondera. I was feeling bad nenyaya yekushandisa nhombo, ndaingodawo imwe kurudziro kubva kune mumwe munhu asiri Sino, kuti ndinzwe kuti am I doing the right thing Kwatete ndakatandara kusvika ndava
tsanangurira nyaya yangu vachibva vanditi ...
"Mainini don' t be too desperate. Let what flow just flow. Don't force things. Harusi rudo rweku manikidza..
"Tete, I love this guy. "
"I know, stage yamuri iyi yakaoma, chenjerai kudonhedza chirongo imi masvika kare...Iwo maporofita aya ukaita take take nayo ka, handidi kunyepa anoku kanganisa. Vazhinji vavo vave venhema, dzavan'anga dzinohwanda nechigunwe. Shandisai mabvi enyu nemagokora munamate kuti Mwari ndiratidzei nzira kwayo, ndiratidzei wangu chaiye."
Ndakazogutsira kuti nyaya yacho ipere zvayo. kuwana mumwe ndokwandaisada nokuti ndainge ndatowana kudhara
Anyway tete vakazoguma nekuti tizouye tese kuzovaona naMichael wacho.
Saka pandakadzokera kumba ndakataura naMichael haana kuramba zvake kuti tizoenda.
Iniwo ndakabva ndatanga kuda kubatsirika panyaya yenhumbu .
Ndakadzokera kwamadzibaba vaye Sino asingazive.
Ndakasviko pfugama mberi kwavo vachibva vandimwaya mvura kumeso vachiti
"Amai ndaona muri kutambudzika... Iniwo ndichibva ndakasika kugutsi randichiti "ehee.. . ... " mweya mutsvene wanzwa kutambura kwenyu nhasi, zviri kunzi zvapera.
Ndakagutsira ndichi nyemwerera vachibva vaenderera mberi.. .
"muri kuda mwana madzimai?
"Hongu"
"Asi hamuna kuroorwa ka, kwave kupombaka uku?"
"Ndiko kuti munhu wacho anditore...
Vakabva varira nendimi, ndokuzoti. ...
"Dare renyu rakakura,
Denga ririkunditi mwana mucha mubata, mukango tevedza chete zvinoda mweya, mwana munomubata.
"Ndiri pano ishewangu , chero chamada ndinoita. ..
"huyai tisangane pano Friday manheru, torara tose mugomo ndichikuitirai munamato wenyu, pamuno burukagomo mwana wenyu anenge atovepo.. . Handina kumboramba kana .
Friday iye ndakaisa zvinhu zvangu zvinodziya, ndokurova mota ndakananga kumba kwa madzibaba. Ivo ndakasvika vatopedza kugadzirira vachibva vaisa tsvimbo nembiya dzavo mumota, tichibva tatorova road takananga paDomboshava.
Nzira ndaisatoziva,
vaitoita zve kundiudza pekupinda napo kusvika tazobudikira pagomo Vakanditi ndimise mota muzasi megomo ini ndikaitawo saizvozvo Kwaive kuine zirima raito tyisa chairo, nzvimbo yese yakaita kunyarara kutizii..
"Tete kuuchikwa makambonzwa nezvako?...
Vakabvunza madzibaba.
"Umm, ndinonzwa vanhu vachingotaura taura.
. "Nekuti mugomo umu hamudi kuitisana nharo, ngatiwirirane tichiri pano handiti ?"
"ehee munhu wamwari"
Kuvadaro vakabva vaitadzimwe ndimi ndokucheuka vachiti ... "Ndiri kuzokuuchikai kuti mutambire mwana..... "tinoenda Ishe wangu..
Nyaya iri pano ndeye kuti ndinofanira kuvata nemi... .
End of chapter 15
❤️
😂
👍
🙏
😮
145