Berlin's Writings
February 7, 2025 at 04:15 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *WRITTEN IN THE STARS* Chapter 17 Noku Kurohwa kwandakaitwa naLiam kwakandirwadza zvekusvika pakuvenga chinhu chinonzi mukomana. Apa dzungu raakaitawo Liam hameno zvaakabva anoudza Michael. I just prayed kuti dzungu rake iroro risazo murovesa, because Michael aitoneka kuti akatsamwa paisabuda chakanaka. Kana kuti Michael wacho ndaizo mutarisa sei ndakabva ndazvishaya, apa hapana chaainge akanganisa he was just helping. Liam aifanira kutotenda nekuti mhosva yaive itori yake. Neshanje dzake Liam, ainge abloka Michael nephone yangu. Ndaitotya kuita unblock ndichiti ndingazorohwa zvekare. Kuedza kwaiita Michael kufona zvese ndaizviona, asi ndaitya kuva nechekuita naye . Ndaingoda kuti hushamwari hwacho wobva wangoperera ipapa. Ndakazoona Michael uye afona neimwe number. Takataura tese kusvika paakazouya kuzondichingura kubusstop ndichibva kuchikoro. Mumwe moyo waifara mumwe uchitya, asi after a short talk, I decided to unblock Michael and block Liam instead. Michael always left me with a positive view, nenyaya yekugona kutaura kwake. Ainyatsotaura nyaya nemo nemo asinga kubhabhadzire kuti apa wagona iwe uchitadza. Kuchikoro Essy ndainge ndoita wekutiza tiza. Ndaiti ndikamuona achiuya ndaibva ndano namira pane vamwe . Ndakatanga kutevedzana naFlorence. Fl orence aive neface iye iristrict, inotyisa pakutanga kumuona, but hazvisizvo zvaive ari. She had a sweet soul, aitaurika naye. Ndiye wandakabva ndatanga kufamba naye kubva kuchikoro nekubatsirana naye. She was not open about her personal life saka ini ndakango tedzerawo izvozvo. Liam akamboita mazuva asingauye , kwakuzouya iri Friday. Ndaka toshamisika kumuona ari pagate apo taitofamba zvedu naFlo. Dzimwe pfungwa dzakatya asi ndakazviudzakuti(Noku usaratidze vanhu kuti unovatya). Zvese izvi zvaibva kuna Michael. For the first time, ndakarovawo serious iye achibva atoshamiswawo nazvo. Takapfuura nepaari ndokuzonzwa ave kunditi.. ... ."Noku." Ini gotsi rangu papata , ndokuzonzwa ndave kubhabhadzirwawo naFlo zvichinzi.. . "Uri kudedzwa Noku" "haiwawo risiye iro" Ndakadaro achibva aseka zvake Flo zvikanzi... . "Pedzeranai vasikana, hona uyo uyo ave kutotevera" Ndakambofunga kuvhurira imwe speed ndichitiza asi ndakanzwa voice mumusoro mangu rainditi .."Chill, Noku" Just when we were about to cross the road , ndakaerekana ndadhonzwa ruoko. Ndaka cheuka ndichifinyamisa face nekuziva ainge andidhonza wacho ndichiti.. 'chiiko mhani iwe! " Chakazonyanya kundibhowa ndechekuti Flo ainge otoyambuka ave kumhiri, akambomira pa Pavement ndokuona ndakamira ndakabatwa ruoko achibva ayambuka imwe road ndokumira kumhiri achibaya baya foni yake. "Wavekuda kuonererwa kaNoku? hausi kunzwa ndichikudana?" Akadaro Liam akaita kubata ruoko rwangu, zvaitorwadza. Ndakatarisa ndokuona aine kanzwara kakareba pachigunwe chidiki . Ndakawedzera kutosvotwa naye ndokuedza kubvisa ruoko rwake "Ndisiye mheni Liam... Akatoseka zvikanzi.. "dzungu rako ndoda kuripedza" Ndakasimudza meso ndokumutarisa mumaziso chaimo, kuona akatotsvuka zvawo maziso acho! Ndakazvituka kuti ko ndainge ndafungeiwo kundundurudzana nebenzi rakadai. Face yaita kutyisa asi ndakaita ushingi ndokumutarisa ndichinyatso taura ndiine confidence ndichiti "Hausi kuda kundisiya here Liam?" Haana kupindura aingo nyemwerera zviye zvekuti unondiita sei. Ini ndichibva ndatiwo.. "Fine!" Akabva atoshaya kuti zvii zvaida kuitika. Ndakamuona ocheuka kutarisa kwese ndichibva ndabuditsa phone yangu ndokutanga kuibaya baya. "Urikuda kuita sei ? Akakamira achidaro.. "urikurara pacentral nhasi, I am reporting you Liam" Akakasika kusiya ruoko rwangu achiti "Noku ndokwa zvasvika here?" "Ehee, nekuti wakuzoenderera manje" "ayehwa Noku sorry zvako...Noku, Noku kani..: Ndakaramba ndichidialer number zvekunyepa ndikazooona munhu apfugama muroad zvakatosekwawo nemastreetkids achiti .. ... "jah man bhoo here apo?" "Noku sorry zvako... He pleaded." "ayehwa ka Liam urikutondiita munhu wako" "Sorry Nokutenda, please mai vangu vane BP . Ndikasungwa vanofa, please Noku am very sorry" "kana uchida kusafira mujeri chindirega ndakadaro stop following me wazvinzwa?" "I will stop, haufe wakandiona futi kuno." Ndaka mutarisa ndiri serious, for the first time ndakaonawo maziso ake azara kutya. Ndakabva ndatanga kufamba, iye ndokumboramba zvake akamira. Handin akana kucheuka. Flo ainge achifa zvake nekuseka ndokuti.. . "ndovakomana venyu here ava?.. "Hihi, ndoridii irori ?nxaa anozviti mukomana wangu zvako iwe, kutondirova ezvi ndaka donha achindirova." Akashamisika zvikanzi ... "Aaa nhaiwee,kukurova?" Ndikati.. .."ehee. . "anosungwa uyu,anombo zviziva... "Aaa nhaai." "ndine hama yangu anoita nezve Organization inomirira vasikana kudaro. Mai mwana anosungwa munhu wenyu uyu!hauna kunzwa uye wekusungirwa kuti ainge asvororodza musikana kuti haana kupfeka mushe." Ndakagutsira musoro ndichiti ... "ndaka mbozvinzwa ishuwa here iwe?" "Eheee,vasikana vano dzvanyirirwaka, saka mazuvano hakuchina izvozvi.. .iwewe wo usagopote uchi nhongererawo kudaro, wakanaka Noku you deserve something better. Ukaona achikurova, it simply means he is not man enough. He is just a boy" Nextday was a Saturday, ndakamuka kuita kawashen kangu. Baba vainge vabuda tichibva tasarana mainini Peggy. Pandakapedza kuwacha ndakatanga kumbotambisa laptop, ndichibva ndazobuda ndichid akunotsvaga chikafu zvangu. I overheard mainini Peggy vachitaura nemumwe mukadzi kana kunzwa kuti ainge auya nguvai mukadzi iyeye handina. Ndakanyahwaira ndokusvikoti kwati nemadziro, ndisiri kuda kuti vandione ndokuvanzwa vachiti.. "Aa ndionekwe ndichitakura mimba nhaiwee Lorna, ndingasanzi ndave kupenga?" Vakadaro vachiita kutaurisa Lorna uye achibva apindurawo... "Ko vakati varikuda mwana?" "Lorna kuHarare kuno, tarisa dumbu rangu, ipapa arikutoti ndine mimbaka" Vakaridza chikwee ndokurovana maoko zvikanzi naLorna uye.. . "ndatomboda kubvunza Ko hauna?" "Hamuna chinhu umu hona." Vakapindura mainini vachi dzvanya dzvanya dumbu ravo.... "saka unoriita sei kudai ?" "Ndinoiswa depo, ndorino ndiitisa dumbu. Handitii 3 months ndisina kugeza, pandinogeza paye ndinobva ndamuti yabva." Vakaita kuseka ndokurovana maoko zvekare. "manje haazokuendesi kwadoctor?" Akabvunza Lorna uya. "Aaa,zvandino muvhara izvo! Sure ndionekwe ndichitakurira dhara iro riye nhumbu...kuda kutsvagira vana nhamo kuye. VachararaMa kusvikepi ivo vaye, ndisiye zvangu!" Ndakanzwa moyo wangu kutorwadza chaiko ,asi chekuita paive pasina. Ndakazonzwa vave kuti. .. "rega uchamuona Noku gotwe rasisi vangu, wandai kuudza kuti vakaita zveku uchikwa ka kuti vabate mimba yake. Lorna:haaa iwe ko indava? mainini Peggy: aaa yaramba zvee kubata mimba, vaive neBP sisi saka aitove ma1. vakatomboita mamiscarriage maviri vasati vabata nhumbu yaNoku...apa rume rainge ravekuda zvaro mwana Pakamhanywa kani... Lorna:iiii saka vakazofa nei ... maininPeggy:heno vanga vazoitawo chirwere cheshuga!aaaa ukaona Noku wacho here? Lorna:Eeee? Mainini:anenge bveni kungo mhanya mhanya, regai zveshuwa vanhu vachiti mwana wekuuchikwa hadziite mushe. Lorna uye akaseka zvakandipedza simba achibvaati. . "Asi anopenga kani? "mupengo iwee, kakafoira A level katakurana nemasciences akasinga gone, ezvibaba vacho vakaramba kukaendesa kuchikoro, kari kuto bhadharirwa nehanzvadzi yacho... Lorna:aaa inga ndeimwe type...ane makore manganiko? Mainini Peggy vaye vakabva vatanga kuita zvekufungidzi ra vachiti .."18, aaa19 aaa hameno..... . Havana kuzopedzisa ndabudikirawo ndichiti ndine... "19 zvenyu imi". Ndakaona vakadzi vakuru vachinyara, ndichibva ndangobudawo panze ndikavasiya vachikweshana imomo. Vaive vatoita homework yekuti ndezvipi zvacho zvandainge ndanzwa nezvandainge ndisina kunzwa. Ndichingo budawo ndakabva ndatoona Sam ,(mukomana aiti batsira mugarden uy oaiita zvekuuya party time maweekends chete) achiuya kwandiri . "Eeeh sister muri kudiwa a panze... Akadaro Sam uya, ndaida kutoti nditi 'inini? " Asi ndaka rangarira zvandainge ndaudzwa naMichael ndichibva ndaseka ndichiti ... . "ndiani?" Kwaive kusiri kugettoka kwekuti munhu anouya achikutsvaga pamadiro!vanhu vaiuya hunge vatokokwa or kutaura kuti ndichauya. Vanhu vaigara vakazvi vharira mudzimba dzavo. "Ndiri kudiwa nani? "vamwe momz so." "Momz? "ehee." Ndakabva ndatonanga kugate ndichida kuona munhu wacho airehwa. Kubuda kudai kutoona vari aunty vaye veku mbondituma kuna Michael vaye.... "Hesi Noku. Vakadaro vachinyepera kusekerera ndichibva ndangoti.. . "Aunty murisei. " Ndiribhoo,ndauya kuzokuona... "hoo asi munoda kushevedzerwa Michael?. Vakaseka zveku manikidzira futi zvikanzi. "Ayewa ndiko kwandiri kutobva...ndiri kuda iwewe". "Aaa hoo kwakanaka zvakwo? "ehee,huya titaure tichifamba. Takatanga kufamba ndichinzi... "inga bvudzi rako rihombe,inatural ? Ndichibva ndati wo.... "ehee.... ndakaedza kutsvagawo chiri pavari chekuti ndiise comment asi ndakashaya. Takafamba tichidzika neroad ndichibvunzwa zvisina basa "apa panogara murungu?..KO apa?... Ndikatozvi shaya kuti amai vanopenga here ava , zviri kubvunzirwei zvese izvozvo. Patakasvika paigumira yard yedu zvakabva zvanzi huya titenderere nekuseri uku . .. Kuseri uku kwaive nezviminda neka mukoto kaizobudikira nekuside kwana Michael. Ndakamboti asi varikuda kundirova kani ,ndichibva ndazviudza kuti kana asina weapon chete tinopedzerana. "Unoona Noku, nyayaya ndauya nayo inyaya iri kundinetsa. Yekuti iwe uri kunzi wakarara mumba maMichael... Vakadaro vakatopora zvavo ini ndichibva ndakanuka ndichiti ... "ndiani akadaro? "Aaa zvekuti ndiani akadaro hazvina basa Noku , ndangouya kukuudza kuti usashandiswe. Michael munhu wangu, nditori nenhumbu yake panapa. Ndakatarisa dumbu racho kuona patori flat zvapo ndichibva ndati ... "Ndakarara ko nekuti ndaive ndisina kwekurara, Michael akangobatsirawo zvake mushure mekunge atondiona muroad....but hapana zvandakaita navo." "Are you sure Noku ." "yes, sorry zvenyu. .. "Cause dai ndiine hutsinye ndauya pamberi pevabereki vako but handina mweya iwowo Noku, that's why ndangoti titaure mune zvakanaka.Chimboita zvechikoro, you are still young. Right now I know uri kuti sei ndiri kudaro... maybe you will understand later wavewo stage yangu how it feels kuitirwa zvawa ndiitira izvi" Ndainge ndongo nyarara ndichidzamisa pfungwa ndakazonzwa voti : "Uri kuzvinzwa Noku? Ndikatiwo.."ehee... "You see, life comes in stages Noku. There is no way you are going to skip this stage and land on the other stage. What I am trying to say is you must wait for your turn, chimboita zvechikoro , that's your stage right now. Isu takadzidza... degree takasendeka mumba now we are in another stage. Don' t mix things handiti ... "it' s okay aunty am sorry... Vakandi bhabhadzira kumusana zvikanzi.. . "no its okey, am used to it. Vasikana hobho vanozviwisira pana Michael but ndakuudza kuti ungware cause vakazouya vari baba vaMichael hapabude chitsvene! Takazopesana BP yangu yatokwira. Ndakazviudza kuti handisi kuzoudza Michael zvaitwa nemusikana wake. Handiti aive atove mukadzi wake nenyaya yenhumbu yaitaurwa iyi . Ndakatora phone ndokubloka Michael wacho. Ndainge ndoda kumboita zvekuchikoro ndosiyana nekunetseswa zvangu nevanhu wevanhu. Ndakatarisa kwandainge ndabva ndokuzviudza kuti regai ndite shanduko. A level ndainge ndafoira zvangu asindaisada kuramba ndiripa stage imwe chete iyoyo. End of chapter 17
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 192

Comments