Berlin's Writings
February 7, 2025 at 06:21 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *WRITTEN IN THE STARS* Chapter 18 Primrose Patakapesana naNoku ndakambomira ndichimutarisa achifamba. Ainge achinja kubva zvandainge ndaka pedzisira kamuona ari. Kana step chaiyo yaive isisiri iye yekuzvi bvanganyura bvanganyura ainge ave kufambawo zvakanaka. Ndakaita stress realising how innocent she was. Hapana kana zvaizivikanwa compared kunesu zvedu vana Prim. Hapana chinhu chataisaziva chemu bedroom, zvese ndaiziva mafambiro azvo. I remember pandakauya ndichibva kwaMutare, I was innocent too. Kumhoreswa chaiko nemukomana ndaitotya. Not until Taku transformed me. I became someone else, ndikaziva zvandaisa fanira kuziva. Anyway ndakapinda mugate ndakapeta maoko, Michael ainge asati adzoka. Maziso angu aingeorema nekuchema ukuwo zino rainge rotanga kun'en'ena nekuda kwegwati. Eddy akanditarisa nemaziso etsitsi achiauya pandainge ndakagara zvikanzi "ko madii kumboedza phone yavo?" "yakatodzimwa zvayo iyi Eddy ... . .rega ndiende." "Mavekuenda?" Zvakato mushamisa nekuti aiziva kuti handikasike kukanda mapfumo pasi. "yaa rega ndinozorora, ndichazouya zvangu." Ndakabva ndatosimuka Eddy achi ndibuditsawo kusvika kumota. Tasvika pamota akandiyeya zvikanzi ..."Munosvika?" Ini ndichibva ndanyeperawo kunyemwerera neku zvisimbisa ndichiti "Ndinosvika don't worry Eddy... Ndakarova mota misodzi ichingoerera. Zvaiita sekuti ndini ndega ndisina mufaro panyika yese... Radio yangu yaive ichiririra pasi pasi, hameno song yaNox yairidzwa kupowerFM. Nekuziva kuti Nox anoimba nezverudo ndakabva ndatokasika kuidzima radio yacho. Kusvika kumba handina chanda kakwanisa kuisa mukanwa. Ndaiti ndakafunga zvese zvakaiti kamugomo, ndaizviramba kuti handisirini. Pain yacho ndainge ndichiri kuinzwa mandiri. Hope dzakazo batamushure mekunge ndambochema. The following day ndakamukawo ndikaita simba mbijana ndokukwanisa kuzvipawo nguva yekumbodya.... Muridzi wemba yataigara vainzi mai Kupa, vaive munhu akasununguka kwazvo. Vaigara natezvara pamwe nemurume wavo. Mai Kupa, vachipindawo masowe echishanu. Ndakabuda panze pavaito yanika hembe dzavo ndichida kumbotaura navo, with the hope of getting something that will just comfort me. Kungoudzwa kunzi zvese zvichaita bhoo, hausi wrong ndozvandaida chete... . "Aaa Ko murimo nhai tete Prim?" Vakadaro vachitendeuka ndoku nyemwerera. Vainditi tete nenyaya yekuti baba Kupa vaiyerawo mutupo sewangu. "ndiripo ini zvangu, vamuka sei ana Kuku naJuju?" Ndakadairawo ndichinyepera kufara. ... . "Vamuka zvavo, kubva Friday hamuna kubatika kaimi?" "ehee ndaive kwatete vangu kuMarondera , nezuro ndakadzoka ndakabuda futi ndichi noona shamwari yangu arikurwara." Ndakadaro ndichinyepa ndakatorova serious. "Hoo.. Vakabva vatoenderera mberi nekuyanika ndichibva ndati .. "Ko nhai mai Kupa...... . Giving me all the attention she turned and said.. ... .. "ehee".. ... . Ndakagadzirisa pahuro ndichifunga mabvunziro andingaite nyaya yangu ndokuzoti .. "Ko nhai mai Kupa, ndimika munoenda kumasowe, kuuchikwa kuita sei?" Vakambomira ndokusiya washen, vakarovanisa maoko vachiti. "Mave kuda kuuchikwa here tete Prim?" Ndakakasika kudzungudza musoro ndokuti...... "Ayehwa pane zvandiri kuzvi bvunzira zvangu." "aaa chandinoda kukuudzai ka, ndechekuti vanouchika vachondo vaye maporofita echidzimai,' kuwuchika' is a strong word because it's more like cleansing the system kuti ubate nhumbu. Ndine shamwari yangu akauitirwa munamato wacho. It just requires a few natural things, mafuta, lemon, coke, mazai what what.." Varume varipo vanouchika,but zvinorambisa manje." Ndakashamisika ndatoona kuti zvangu nezvaitaurwa izvi zvatosiyana. Ndakakurumidza kuzvigadzirisa kuti ndinyatsoite sekunge ndiri kungo bvunzawo zvangu ndokuti.. .. "Aaa hoo nhaai.. "Eheee, gavakava chairo unotorinwa rinochenesa mudumbu mimba yotobata." If only I had asked her before ndaita zvese izvi . Ndaida kuudzwa zvakawanda manje ndaitoshaya kuti nyaya yangu ndoitaura sei. Ndakavanzwa vave kuimbirira ndichibva ndati. ... .. "Mai kuku" Zvikanzi.. ."huuh.. . "Ndine shamwari yangu yandinoshanda nayo, yakanzi namadzibaba handei ndino kuwuchika mugomo. Kusvika kuye madzibaba ndokurara naye vachiti ndiko kuuchika kwacho." Vakabata muchiuno zvekupererwa vachiti ... "Aaaa akakwana here shamwari yenyu?mati munoshanda mese?... "Ehee.. " zvaakatodzidza nhaimi, achiita chidofo chakadaro! inga zvakaoma nhaai, uyo ndiye akatambwa yakapenga hakuna zvakadaro." "Munhu atori bhoo, ane mukomana wake, saka Arikuda kuti atizire aine nhumbu. " mazera enyu aya teteka, hamunzi matizira. Chikoro makapedza, basa makawana , chasara muchato... .because kutiziraka handidi kukunyeperai tete kwakaoma! Makato yambuka stage yekutizira kare." "Vakomana vacho zvimwe vanenge vachinetsaka. " "haiwa,ndimi munozviitisa, uye akati no sex before marriage aitoziva zvaanoita. Munhu anoda kudadirwa..dada nehumhandara hwako, munhu anotoita shungu dzekuti ndinoda kuroora chete. Musafe makambodaro zvenyu tete Prim imi." Havana kundipa mukana wekupindura zvavainge vataura vakatorovanisa zvavo maoko vachiti ... .. "hayaa ko iye ogoda kuitira mukomana asati amuroora nhumbu? umm zvakaoma. Saka mwana arikuti achange ari waani ? "Hanzi wemukomana wake ka.... She laughed and said.. "akanyatsokwana musikana iyeyo? umm ngaasadaro." Havana kundimirira kuti ndipindure zvekare vainge vongo dzungudza musoro vachiti... "Ndiri kumunzwira tsitsi musikana iyeye, dai ikasabata zvayo mimba yacho...akatosangana nemaporofita enhema aya! Ivo vasikana vamazuva ano vachinyanyawo dzungu." "Zvakaoma maiguru, kungonamata kuti asaite nhumbu." Ndakapindura ndave low manje. "haaa nhumbu inotobata, ngaasanyepere hake mwana wevanhu nekuti nhumbu ndeya madzibaba.. musafe makaitawo zvakapusa kudaro mirai mugoenda nemuchato... mavene makore mangani tete? "Ndave ne27" "achiri right aya... Kutaura kwavaiita zvaibva zvaita kubaya pamoyo. Ivo vaitondichenesa vasingazive kuti ndini benzi racho rainge razviisa mumoto kudaro. Ndakazovasiya ndokudzokera mumba ndokumbochema zvekare. Kuri kunzi ndaita nhumbu ndaizosekwa namainini nemhuri yavo. Mai vangu vanonyarirepi nhai . Vanosekwa pabarika. Ko ivo baba zvavo, vanoshoorwa kuti handiti takambokuudza kuti mwanasikana haafundiswe? chiona manje. Ndakachema ndichibva ndazorara... End of Chapter 18
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 160

Comments