Berlin's Writings
February 7, 2025 at 01:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *WRITTEN IN THE STARS* Chapter 21 Primrose "ko nhaai mainini makazoita seiko paye? ini kuringa nzira ndichiti muri kuuyaka sekuvimbisa kwamakaita kuti muchauya nababamunini... Ndakaita sehozhwa yamwayiwa munyu ndichinzwa mazwi atete vangu apo vainge vandifonera. Ndakazvipa mhosva mandiri nenyaya yekuti ndainge ndakavimbisa ndikazo kundikana.. Ndakamboramba ndakanyarara ndichida kutsvaga mhinduro inoita ndichibva ndazongoti. . "Aaa ma1 tete, pane zvakazoitika asi tichauya.. "Aaa hoo?Zvino arikutaura zvekuroora here?kana kuti kutungana kwembudzi... Ndaitove nedzangu dzainetsa, l didn't want to end up lashing out at tete saka ndakazongoti.. "Muchamuona tete"... "Aaa hoo,handiti wakanzwaka kuti mumwe wako Moira ari kubvisirwa paChristmas ipapa" Moira aive mwana wababa vangu nemukadzi wavo mudiki she was just 20, kwandiri aitove mwanana. Kuchikoro ainge akangogumira form 4, hapana zvaizikanwa. Isu taive nemadegree but they couldn't get us a man. Ndakanzwa misodzi kuvavira mumaziso chaimo... "mainini muchiripo here?.. Vakabvunza tete ndichibva ndaita kutovhunduka ndichiti. "Ehee". ..zvikanzi... "saka ndaida munditumirewo kamari kebhazi mainini, Handi na kana cent rekuendako... "aaaa horayt ndinotumira tete. .. Ndakanonokerwa nekuti vakate zvavo. Misodzi yainge yongobuda ndave kufunga nhamo dzangu. The previous month ndainge ndaenda kuperiod for a single day chete. Apa kuswera zvangu ndakapfeka pad ndichiti zvimweropa richabuda rakawanda, asi kana..twaingove tumadrops tusina kana musoro. Ndakaita stress ndichibva ndazo zvisimbisa kuti hapana Hapana nenyaya yekuti ndaive munhu wema irregular periods. Ndaigona kujamba mwedzi one and my doctor told me that it was normal... but kubva zvandakatanga kurara naMichael handina kumbobvira ndazojamba kana. Ndakazvisimbisa kuti pamwe inyaya yekuti ndainge ndashandirwa namadzibaba. Ndakazvisimbisa zvekare kuti hapana paizopobata nhumbu nekuti munamato wacho waive usina kupera. Kuti zviite handiti ndaifanira kuzvipedzisa naMichael, saka hapana pandai bata nhumbu ndisina kupedza procedure dzacho. The equation was incomplete without Michael. Michael aive asisade kana kutaura neni. I didn't blame him , I think aitovewo neyake 6th sense yaimuudza kuti I am the wrong person. Saka ndakambo zvisiyawo zvakadaro even though I had missed him . He didn't delete my number zvake, everyday i would privately watch his status post. Why had I let him slip away. Hanzi chawapihwa nemidzimu batisisa, Michael was God given zvekuti dai ndakadzikama ainditora. Asi hameno zvinongoitika zvakanaka zvatinowana hatizvione, we only realize kuti zvakanaka when it's gone. In most cases, it's the guy cheating on the girl, but my case was a vice-versa. I was the bad girl. Kwamadzibaba kuye ndainge ndagura mukumbo wangu, kuti handitsikeko. Ndainge zvekare ndazadzwa nenyadzi. Kuvatarisa kwacho ndiko kwandaisatoda. Kuvaona vachirira nendimi, dzangu pfungwa dzaibva dzamhanya kufunga zvemusiuye. Kana Sino ndainge ndonzwa kamwe kakubhowekana naye nenyaya yekundiendesa kumunhu asiriye. December I was busy nebasa but I had to squeeze in kuti ndiende kumusha. I even failed to go for a party that was being hosted by baba namai Ashy nenyaya yebasa. Vaitofona kasingapere baba Ashy vachiti.. ."munoda kuti Mika atambewo nani"... I guess he didn' t know what was going on. Ndaisada zvekukwidzwa bp ikoko iyo yainge yagara yakazvikwirirawo nakudhara. So I excused myself nenyaya yebasa . Ndakamboti kana Michael achida kuti ndiende achafona, asi haana kana kufona. Ndakatanga zvangu kuzvigadzirira kuti ndiende kumusha. It was Christmas, so I needed to look nice. Ndakano zvigadzirisa musoro, nekutsvaga zvekupfeka zvangu, zvamai vangu nezve vanin' ina vangu. Maroro aiitwa Christmas day exactly saka ndakafamba manheru e musiwa 2 Yaingove busy batai batai kugadzirira zuva guru. On the 25th akabva abvisirwa zana remadhora mwana wababa vangu. Paive pakazara munhu semunhu. Ini ndaitokotsira muvanhu saka ndaka ngosimuka sekunge ndinoda kunorasa mvura, ndichibva ndangoti sverere ndichidzokera kumba. Ndizvo zvakanakira kuwanda, vana vababa vangu taive takawandisa saka zvinonetsa kuona kuti nhingi haapo. Ndakatosvika nekubvisa bhutsu dzaiita kuti tsoka dzipise ndichibva ndarara zvangu Amai vakazouyawo pava paye vaina tete vedu vakuru avo vainzi amai Shorai. Vakasvikira kunhanga kwangu, ndokuita kundizunguza ndichibva ndavhunduka semunhu aive kutsi kwehope. Apa hope dzacho dzainaka, dzaisada kukanganiswa. Ndinofunga kwaive kuri kuneta nekutsiva mazuva andaishanda neusiku kubasa. "KO iwe tazosara tichi tsvaka munhu wanga watove kuno kudharaa?... Vakabvunza amai vangu vakagarapa bed, ndichibvanda shama zvangu n'ai ndokupindura wondichiti .. "Ndakaneta ini mhamha, basa racho riri kuwanda!... tete murisei ?" "Ndiri right mwana wehanzvadzi yangu... kuriseiwo kuHarare?... Vakapindura zvavo tete "ayewa tiri kuchengetwa nedenga... Vakaseka zvikanzi. .. "Zviri kuoneka, hauoni kupenyera kwawaita uku" "zvatete vasikana... Takamboseka zvenhando vachibva vazopinda munyaya yavo vachiti.. "Wazvionaka zvaiti rwamunin'ina wako?. "ndazviona, haa zvakanaka tete, ndewepi mukomana wake?... "Ndewe maRusitu, atoripa Biblecollege ... mufundisika... ... Ndakabva ndaita kutosimuka nekugara ndichiti .. "yuwii inga makorokoto nhaai... "Adadisa Moira, vatokumbira uri muchato vakuwasha . "iii zvakanaka izvi tete". Kunyangwe hazvo Moira aisava mwana wamai vangu, ndakangofara kuti ainge atanga ndiye kubudawo nemuchato. Ainge adadisawo baba vedu. "Ko imi mainini, variko here bamunini kuHarare?vamusinga udzewo tete.. . Vakabvunza tete vachiita kamwe kanyemwerero kandisina kunzwisisa. Ndisati ndapindura amai vakabva vatopindawo mumba muye vachiti. "Uyu ane mukomana wake uyu, vaudze mwanangu kuti uri kutorwa nemuchato nemukaradhi tete, akachena kuti mbuu. I wanted to stop her because she didn't know exactly what I was going through . Zvavaitaura zvaibva zvawedzera tsoka dzangu kuti dzipise kuti tuu. Vakabva vatondidzosa kufunga zvaMichael zvandainge ndasiya kuHarare, ndakazoita misodzi wekudzora chaiwo. Ndakazonzwa ndozunguzwa natete ndipo pandaka vhunduka ndichiti .. "Hayaa zvatete here? Zvikanzi"Ko manje... "Tete imi musatomboware, uyu ari kuroorwa .Akafunda uyu ndosaka muri kuona anonoka kuroorwa kudai, inyaya yedzidzo. ..mwana wangu anoshanda kuHerald, kuma newspaper ... ndijournalist uyu. anotorwa neatanga.. Vakadaro amai vangu vachitooneka kuti twunogona kungo kwidza. Tete:ayehwa kanhaai makhoti, ko ini ndamboti chii? Ndiri kungotaura namainini ava Amai: ndino zviona tete, . munoda kutapa zvepano monozvisiya kwamainini, manje kana vachifunga kuti wangu haarorwe, vadzva!.. Ndakatoona kuti vanhu vaigona kupedzisira vataura zvisizvo ndichibva ndangotarisa mhamha nekuvabata ndichiti. "musataure muchidaro kani amai. Matauriro avaiita aitoshuura chete. . Dai vaiziva tsambwa dzainge dzapindana naJournalist wavoka! dai zvavo vakanyarara kuti zii. Tete vakabva vasimuka vachirovanisa maoko zvikanzi . "Ende zvakaoma. unodzokera rini Prim? "ndinodzokera kuswera mangwana, ndinouya ndichikuonai tete. Vakabva vabuda maoko vaka aberekera. Ndakaramba ndakayeva nepagonhi painge pasiwa pakashama kusvika mhamha vazoita kutura mafemo chaiko. Ndakavatarisa vachibva vati. ... "Ko iwe watadzirei kupindura zvanga zvichi bvunzwa natete vako?Unoti vanofara here ipapapa? heee.. .. I wasn't going to tell my mom that my relationship with Michael was now complicated. I didn't want to stress her, little did she know that her daughter had looked for trouble and trouble she did find... . "Mhamha zvimwe zvinhu hazvitaurwe..... Ndakadaro ndichidzokera paku zvambarara , vachibva vaita kuswedera mudhuze zvikanzi "Senge ava ndidzitape ndidziture chaiye!kumba kwavo ikoko dai ndirini ka ndaisatsika ko kana . End of chapter 21
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 159

Comments