Berlin's Writings
February 7, 2025 at 03:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*WRITTEN IN THE STARS*
Chapter 22
Noku..
"Kungonakidzwawo kani nhai tete.
Ndakadaro ndichivhara tsetswa dzese nekuona serious yaive yarohwa natete vachitaura zvemiscarriage yamainini Peggy. Face yavo yakabva yatochinja zvikanzi
"Iwee zvimwe zvaunoitaka Noku!zvinosekesa here izvozvi ?
"Sorry kani tete, zvangondiitira funny kuti mainini Peggy vaive nenhumbu yadaddy.
"Manje zvinosekesa izvozvo?"
"Sorry tete veduwe"
Ndakadaro ndakuva mbundira muma pendekete vachibva vanyevenutsa chiso zvikanzi.
"ndinoto vaona mangwana chaiye"....
Ndakamboda kuti ndivaudze kuti manyepo, moyo wangu uchibva wandirambira.
Ndokusiyanawo nazvo. Zvaindirwadza kuti chokwadi baba vangu vari kutambiswa bhora risina mweya. Chokwadi kuto rwadzirirwa munhu asina nechaaita zvake. Chetewo madhara acho ndiwo anozozviwanza, chokwadi dhara rachena musoro sababa vangu, voonekwa vachida umwe mwana. Wei naye? kuri kuvavarireiko?
Takatamba Christmas zvakanaka gore richibva bt aripedzawo mune zvakanaka.
Nguva yekudzokera kumba ichibva yasvika.
Ndaka dzokera kumba a week before schools opened. Ndainyatsonzwa kuti ndasimba nekugara kwandainge ndaita kwatete. Kwatete was just kumafura mhepo chaiko, ndakaona kuti apa ndaive kudzokera kujeri chairo.
Ndakaonekana nemhuri yatete. Bamukuru vakanondisiya mutown, ndokuzokwirawo combi ino ndisvitsa kumba.
Ndichingopinda muroad medu ndakabva ndaonawo mota yaMichael yaitouyawo iri towards me Ndakanzwa mudumbu ndikamboda kutiza asi it was too late. Zvandaifungira hazvisizvo zvakaitika.
Ndaitofunga kuti Michael achamirawo nekundibvunza zvakawanda wanda or kungoti "hi" zvake, but haana kana
Akatondiona zvake achibva angosimudza ruoko maziso akatotarisa kwaiendwa, haana kana kumira.
For a while ndakamboti kuda achamira zvake mberi, asi kana.
It left me with a lot of homework. Michael ainge andivenga, dai ari mazuva ekare anga dai akamira. Ndakakwidza kamukata ndichirwadziwa pamwe nekuzvipa blame kuti ndini ndainge ndakonzera.
Imwewo pfungwa yaindisimbisa kuti zvimwe ainge atorana nemusikana wake wenhumbu saka pamwe ndizvo zvaaitya kutaura neni. I came to a conclusion yekuti musikana uye ane nhumbu shuwa , though ndaimbozvisimbisa kuti hapana chaainacho.
Ndakasvika kumba, baba vaiveko zvavo vakanyura musofa naKuda nemukadzi wavo .
Painge pane musikana aitobika mukitchen ndichibva ndangoona wokuti paive patsvagwa maid. I greeted her and went straight to dad. "Makadii baba... Ndakadaro ndichibatanidza maoko, vachibva vango nditarisa ndokumbo toranguva vakanyarara zvikazonzi..
"Tiripo".
"Mainini makadii "
Ndaka mhoresawo mainini Peggy vachibva vangodairawo semunhu asiri kuda .
Pakazotangawo zvikoro ndipo pandakatanga kufara.
Esnart ainge aenda kuattachment saka kwaive kusisina face inondibhowa.
Our lectures started well tichibva tapinda
muthird week.
Taive in the third week H.O.D pavakauyawo vachibva vasvikotora Florence ndoku mbobuda naye. Akatora nguva ariko Flo achibva azodzoka zvake achisekerera-sekerera.
"Ko hanzii chii naChikwaka?
Ndakabvunza zvangu zvikanzi.
"Arikutida kuoffice kwake pane zviri kuitika". "zvei?
Ndakabvunza ndichishamisika achibva atondibata ruoko ndokubuda neni.
Takaenda kuoffice kwaH.O.D kuye.
Takasvikogara zvedu ndichinonokerwa nekuti nyaya yavo ingotaurwa.
He started by clearing his throat while stamping some forms.
MrChikwaka: eeh vasikana, ndaku shevedzai kuno nekuti ndimi wanda sarudza kuva vasikana vanetsika, I believe in you musandinyadzise handiti .
"Yes sir.
We all nodded though ini ndaisaziva kwazviri kuenda nako.
He put the forms in two different envelopes then handed them to us.
One had my name and the other had Flo's names.
MrChikwaka:muno paziva panonzi paLocal government?
Flo ndiye akadaira achiti. .."Yes sir."
Ini ndaiita sendinopaziva asi kuti ndizive kuti ndepapi ndakabva ndashaya.
Mr Chikwaka: I want you to go to the local government as early as 8:00 am tomorrow .
He said this, lowering his glasses, waiting for our response. We looked at each other and said .. "yes sir".
Mr Chikwaka: munoona H.R wepo anonzi Chigudu, muno muti tisu vanhu tatumwa naChikwaka, anobva aziva nyaya yenyu... "thank you sir "
"You are welcome, musanonoke nhaika? "yes sir."
And don't forget to photocopy your ID' passport . Kana achida zvimwe anokuudzai ikoko.
"maita basa sir..
Takabuda muoffice maChikwaka ndiine mubvunzo hobho.
Manje Flo aingoti handizive handizive.
Mangwana taka kasika tichibva tasangana naFlo
before 7 am, ndokuzofamba tichinanga palocal government.
Flo hazvina kumunetsa kurasika, zvekuti dai ndiri ndega ndaidzungaira imomo. H.R' s office yatove muthird floor chaimo apa ndagara ndakavenga kukwira lift.
Takapinda tikapihwa pekugara. Havana zvavakataura HR vacho vakangotambira maforms atainge tiinawo vachibva vaita go through them for a while ndokuzoti... . "I need photocopies of your I.D' s please.
We handedd them to him and he stampled them together with the forms and said.
"Monday munotanga basa. I will email you with other reavant information asi parizvino regai tigumire pano.
"What's the meaning of this nhaai Flo?
It seems as if you knew all this handiti . Ndakabvunza Flo tabuda sezvo ainge anditsunya pandaida kutobvunza HR kuti ndeipi iyi.
"mai mwana hamudi basa here?
"Ndinorida but ko chikoro, iro basa risi na kana interview?
"Kwako kuda interview?inyasha Noku,ini ndiri kurida basa hameno iwewe. Funga kuti tangosarudzwa iwewe neni. We have other best students like vana Tafara, but vangosiiwa uchibva watorwa iwewe Noku...
Ndakatura mafemo ndichitadza kubatanidza zvainge zvataurwa izvi ... "Saka chikoro tinozodii, Idon' t even know how my dad is going to react, or even my brother who is paying for my fees . Ko akasiya kubhadhara oti zvionere wega.
Ndakadaro ndatosuwa. Kwandiri ndaiziva kuti basa kunzi wariona unotanga watambura. Unopinzwa interview and sometimes you fail the interview futi. Manje isu tainge tangonzi mawana basa from nowhere, we were not even educated enough kuti tiwane post yatainge tawana.
Flo ndiye akazondi bvisa mundangariro dzangu ave kuti...
"kuchikoro tinenge tavekuenda iri part-time. On weekends chete, ticha tonyorawo maexams, apa tiri kudzi dzahedu tiripa hands on. Hapana chinonetsa, zvataidzidza ndizvo zvatave kungo applyer
Ndakagutsira musoro ndichibvumirane zvainge zvaitaurwa.
Week rese rakapera pasina wandaudza kumba. Nyaya yacho ndaitoshaya kuti ndoitanga ndichiti chii. Tawanda ndakamuudza akati hazvina kuipa zvichibva zvandipa simba rekuudza baba.
Saturday ndipo pandaka zozvipira kuvaudza nekuti email yainge yatosvika, basa tainge tariwana chokwadi
Me: Baba, ndakawana basa.
Handina kuda kutenderera kuti pamusasa pamunhondo ndakangoti dyo pamwongo wenyaya yangu.
"Urikuti chiiko Noku? vakabvunza sevasina kunyatsonzwa, I had to repeat myself ndichiti. "ndati inini ndawana basa, ku local government.
"Unopenga here Noku?
"handipenge?
"Chikoro hauchada?Ndaka zvitaura paye kuti Tawanda is wasting this money for nothing mhani.
"kuchikoro ndinenge ndichienda pama weekends.
"Haa shut up mhani!Hapana kubasa kwauri kuenda.
"Baba, paye maisada kuti ndidzidze wani handiti maida kuti ndishande?Dai asiri Tawanda ingadai tichiswera pano namainini Peggy ava!apa Tawanda ndamuudza akanditi enda kubasa saka handione dambudziko.
"Tawanda ndiye ave baba vakoka?
"haasi baba vangu asi since he is the one paying my fees, he has the final say
End of chapter 22
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
205