Berlin's Writings
February 8, 2025 at 11:12 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *WRITTEN IN THE STARS* Chapter 27 Primrose Kuuya kwakaita Michael was a surprise to me, Handina kufunga kuti angauye. Mai Kupa had called him without my consent , and iye kunzwa kuti ndiri kurwara akabva atouya. Handina kuda kuzokonzera drama kumberi, saka ndakazvipira kumuudza chokwadi. Zvakamurwadza neniwo ndakarwadziwa asi paive pasina zvandingaite. Pane mamwe manyepo anotaurika kuzoti mamwe asingatoite kutaura. Ndiwayo manyepo akafanana neayo ekunyepera mwana wamadzibaba kuti ndewa Michael. Zvinhu zvisingadi kana scan zvinoratidza zvega. I was very sure kuti nhumbu haisi yake, because pandakazoenda mugomo namadzibaba taive tane time tisingaite sex naMichael. Ndipo paye pandainyeperwa zvichinzi mudhara Jonas varipo. Saka zvaisada mubvunzo kana doctor... Kubva pakabva Michael kuzondiona amai Kupa havana chava kabvunza nezve nhumbu yangu. Ini ndaisatodawo kubvunzwa nezvazvo nekuti zvaive zvinhu zvino nyadzisa. Ndaizviziva kuti nhaurwa yese vainge vainzwa nekuti vaive vakamira padoor. . Ndainge ndogara ndaka manga serious kumba nekubasa kuri kusada kubvunzwa. Kumba I would make sure ndadzoka manheru, kubuda kuenda kubasa ndaibuda rungwanani -ngwanani. Zuva rega rega ndaizvituka nepamusana pekupusa kwangu Worst of all kufunga picture yandainge ndapa kuna Michael, ndaibva ndarwadziwa zvakanyanya. Kusimba kuye kwairehwa namai Kupa kwakabva kwapera. Ndainge ndowonda kusara angori matende emazamu chete. I was even planning on looking for another place to rent since mai Kupa vaive voziva zvenhumbu yangu. I wanted to terminate that pregnancy ndiri ndega, pasina anondiudza kuti zvakashata.. . Moira' s wedding was just around the corner. Vanhu vainge vave kutoita ma preparations and zvainyanyorwadza ndezvekuti venue yacho yaive kuno kuHarare. kuHatfield futi to be precise. Zvichireva kut idzimwe hama dzangu dzaigona kutoda kurara kumba kwangu. Ko amai vangu vaiti chii vachindiona ndine nhumbu kudaro! Murume waMoira wacho ainge akandifonera hameno kuti Moira ainge amupirei number dzangu. Aida kutondiona chaiko ndichibva ndazonyepa kuti ndakafamba nebasa.... Taifanira kuzoenda kumuchato waMoira ndave bhoo. Vamwe ndainzwa vachitaura vachiti piritsi refamily planning rinobvisa mimba. Ndakabva ndazviedzawo, kwakutenga packet rese, ndokunwa mapills ese aivemo. Asi zvakashaya basa.. Ndakanangawo kuMbare population services because I was sure kuti nhumbu vanobvisa. Though zvaisava pamutemo but some how ndaitoziva kuti abortion is a way of maintaining population number. I had visited this place ndiri pabasa, pakabuda nyaya yemumwe doctor aipomerwa mhosva yekubvisa vanhukadzi nhumbu. As a Journalist ndaitodawo nyaya yekuisa paTopstory, saka takaenda with my crew ndokurova ongororo netsvakiridzo. I remember nguva iyoyo, ndaito zvishoora zvekubvisa nhumbu izvi, tichisimbisana kuti hazviite. Yet this day ndini ndaida kubviswa nhumbu. Ndakasvika handina kuziva wekuona wacho kana kuti ndobvunza ani ndakatoshaya. Ndaive ndaka zvivharane mashades kuri kusada kuzivikanwa. Ndipo pandakanzwa kukwenywa ndichibva ndakasika kucheuka ndokutoona vari maiAshy. "Eeeh mainini Prim. Vakadaro vachinyemwerera ndikati "Murisei mai Ashy". "Bhoo ko kuno munotsvageiwo". Ndakaita kukakama ndichishaya kuti ndopindura ndichiti chii. Ivo vakabva vandidhonzera panze chaipo zvikanzi. "munhu ane mimba anotsvagei pano? pano ndepedu vanoda kuiswa majadelle." Ndakabva ndatoziva kuti nyaya yenhumbu vainge vachitoiziva. Kuti ndivarambire ndakaona zvisi ngaite ndichibva ndazongoti.. . "Pane wandinoda kuona" "aaah hoo,musafunge mweya usiriwo , tinokuvigai vasikana" Statement yavo yaive indirect but ndakakasika kuziva zvavaitaura. Vakabva vatondi bhabhadzira ndokutanga kufamba. Simba rekuti ndipedzise zvandainge ndafambira ndakabva ndatoshaya, ndokudzokera zvangu Ndaipererwa kushaya zvekuti ndiite apa mazuva aitofamba zvawo. Ndainge ndave kunyatsoona kukura kwayo nhumbu yamadzibaba. Ndainzwa hasha ndiri ndega ndoita kuzvidzvanya dumbu iroro trying to destroy whatever process that was taking place in there, but none of my plans worked . Ndaiti ndikafunga picture yamadzibaba , ndofunga picture inozova nemwana ndaibva ndanzwa kutyoka mabhonzo, ndaizadzwa nekutya chaiko. Chaizonyanya kundikwidza bp inyaya yekushaya shamwari yekuti nditaure nayo. Sino ainge ondibhowa ndichibva ndatanga kumuignowa. I decided kutonoona madzibaba Emanuel since vaive ivo mupara nzvongo. I drove to his home iri Saturday, apa zuva iri kwaiwanzo zara. Paive pakazara nevanhu, nyanye-nyanye vakadzi . Ndakasvikogarawo ndaive ndakato charger kana jira rekusunga musoro ndaive ndisina. Vanhu vakashandirwa, pachibva pazosvikawo turn yangu. Ndakasviko pfugama zvichibva zvanzi namadzibaba. "madzimai pihwai giroriya" Pakasimuka vamwe madzimai vakasviko ndipajira, ini ndichibva ndasungawo musoro . Ndaka pfugama pasi madzibaba vachibva vatorova serious zvikanzi.. . "ndiko kekutanga kuuya pano nhaika?" Ndakaramba ndakarova serious ndichifunga kuti baba ava vari kurevesa here kana kuti kwete... Ndakagadzirisa pahuro ndichida kutaura ndichibva ndasimudzirwa ruoko, ndichinzi. "endai paside". I was patient enough to wait for the whole team yaida kushandirwa. Vanhu vainyatsobuda vachigutsira musoro kuri kugutsikana namadzibaba Emmanuel. Pandakasara ndave mumwe chete ndakabva ndashevedzwa neruoko, ndokusimukawo ndichinopfugama mberi kwavo. "taurai tinzwe madzimai. Vakadaro madzibaba vakasunga chiso. Hasha ndaitodzinzwa dzekuti ndinoda kupopota, ndichida kusiya ndavhiringa asi pandaka mwayiwa mvura ndakabva ndadzikama. "Madzibaba, nhumbu ndinayo, zvakaita hazvo asi haisiye munhu wandaida" "aaa madzimai, munorevei? Makaita hunzenza nemumwe murume ka?" "Hunzenza nemika!nhumbu ndinayo asi ndeyenyu". Vakaita kukatyamara, zvekuti tsvimbo yavo yakadonha pasi vakaswedera mudhuze vachitaurira pasi zvikanzi ... "mati chii? "Ndine nhumbu yenyu" "Ko ndakati chii nhaimi?Asi hamuna kusangana namadzibaba venyu pamakabva kuno paye, maziva sei kuti ndeyangu?" "Munhu wacho ainetsa kubatika, aitoita seanofemerwa haana kana kuda kundibata, ndimi wanda kapedzisira kusangana naye". "madzimai ndakataura zvakanaka kuti mukabva kuno munosvikawo muchirara nemadzibaba enyu, ini ndaivepo kungoshanda semubatsiri. Ndiudzei kuti tinga batsirane sei ?" "ndave kungoda rubatsiro ndibvise nhumbu yacho Vakatarisa mudenga, vachibva vambotora nguva vakabata chirebvu zvikanzi. "Kubvisa nhumbu handiite, mwana chipo chinobva kuna Mwari, ndinenge ndazvidza denga kuita zvakadaro". "Ndekupi kusiri kuzvidza denga, ndino mudii mwana wacho?" "Taurirai pasi madzimai. Misodzi yangu yaive yaoma kuti gwaa ! Mazuva iwayo ndainge ndave kuti nyangwe ndikabatikana zvinengei ndaishaya nesodzi kana rimwe chete zvaro. "What's the way forward, todii ?" Ndakadaro ndavekuda kunzwa pfungwa yavo. Vakatura befu ndokuzoti. "Gara zviye hamusati mawanikwaka imi?" "Hongu" Vakambo famba zvekare vachirova pasi netsvimbo yavo, ndokudzoka vachibva vanditarisa mumaziso zvikanzi.. "chandinogona kubatsira nacho ndeche kukuitai madzimai angu" Ndakaseka nhamo serugare, nekupererwa chaiko ndichiti. "What???" "Hongu,ndomabatsiriro andiite chete kuda kukurerutsirai". End of chapter 27
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 154

Comments