Berlin's Writings
February 8, 2025 at 02:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *WRITTEN IN THE STARS* Chapter 28 Michael After nyaya ya Prim ndakambo dzikama zvangu ndiripamba. Zvaitaurwa nababa Ashy zvaive zvakanaka but ndaisada kuroora nenyaya yekuti ndiri kuda mwana , ndaida kuroora munhu nekuti ndinomuda. Zvekungoti ndorara nechero munhu kuri kuda mwana ndaisatozvida. Pavasikana vese vandaiona hapana kana one wanda kamedzera mate. Ndakatanga kuisa fulltime yangu kubasa rangu. During the weekends I would hangout with Ms Dickens ku Gallery kwavo. Baba vangu muparadzi havana kumbo batika kana. Hameno kwaitopengerwa, takangotaura paphone vachitobvunza nezve kuconstruction kwavo. This other day ndaitoenda kubasa ndokuona Noku achitobudawo pamba pavo makuseni. She was with this funny girl aimuperekedza. Ndakamisa mota yangu ndichida kumutakura, haana hake kuramba though ndaifunga kuti acharamba. She was surprised kuona ndichimuitira low zvangu. Not that ndaisada kutaura naye just that ndaida kungomuratidza marwadziro azvinoita kuona munhu achikuignowa. Ndakazviona kuti she felt uncomfortable, ndizvo zvandaitoda kuti anzwe izvozvo. Hameno kwaitoendwa but hey aive akachena and nenguva pfupi yandainge ndisina kumuona I noticed that she had changed. Ainge akatoisawo make up and i can't lie it made me feel uneasy. Ndakakwarira mukati ndisingade kubvunza kwaiendwa kwacho, but nedressing ndakatoziiva kuti hakusi kuchikoro chete. I just concluded that she was on attachment. I dropped her paTotal, achibva aburuka achiita kubhidhaira. I watched her cross the road ndokuzofamba zvangu. Road yese kubasa I found myself smiling pandaifunga nezvake. I realised that I loved her but I didn't want kumuitira dzungu. Ndakatsika magears ndokuita low... Two days passed ndisina kuzomuona. I wanted to bump into her again though I wasn't sure of what I was going to say to her. Ndakafonerwawo nababa Ashy vachiti vaindida kumba kwavo emergency. Ndaisada kuendako knowing the kind of people vandaitamba navo. These guys vaigona kungondidedzera Prim zvikadhakwa. Anyway he said it's nothing to do with Prim . Ndakabva ndango kasika kuendako because I had a lot of unfinished drawings... Ndakasvika nekupinda mumba, maive nababa Ashy nemukadzi wavo nevamwe sisi so. Maziso akango mhanya paive nasisi vaye avo vainge vakagarisa Ashy pamakumbo. Ashy wacho manyemwe achindiona akabva atanga kudedzera kuti.. . "Mika.. .. She loved me so much ndakabva ndangono mutakura.. "gulez ndeipi? Ndakadaro kuna mai Ashy vachibva vatiwo.. "mushe murisei bamunini". "bhoo zvangu... Ndakabva ndanogara paive nababa Ashy. He winked at me ndichibva ndatotaura ndakarumanisa mazino kuti "what the fuck?" "what's your problem man , haudi kufarirwa" Akapindura achifa zvake nekuseka ndichibva ndati. .. "haiwawo... pane kamwe kakufarira kacho" Mai Ashy: bamunini Michael... Me: gulez bhoo here? She laughed zviye zvekuratidza kuti she had something crazy to say . I didn't remove my eyes off her ndakaramba ndakavatarisa vachi vatarisawo pasi zvikanzi.. . "Bamunini, uyu munin'ina wangu anonzi Bridget, anoshanda kuNyaradzo" Ndaingogutsira musoro waiting for her to get straight to her point, Baba Ashy akabva anditsunya and I knew he wanted me to say something,ndakabva ndangodairawo ndichiti ... "Ooh okay". And she went on with her introduction zvikanzi.. "Briey, ava ndobamunini vandanga ndichikuudza vaye, anonzi Michael " Briey uya just nodded and said .. "nice meeting you Michael" "Like wise" I replied in a low voice. Ndainge ndatobatanidza zvaidakuitika zvacho. Bridget uye was beautiful zvake asi ainge akawanza make up yacho, aita kubwaira bwaira maziso nemalashes ainge akakurisa. Zvaitoita sekunge ainge atoitwa make up yekudhura achiitira kuonana neni. Manje inini wacho am not easily attracted to physical appearance , dai ndaidaro zvimwe dai ndaito penga nenyika samudhara Jonas. I didn't see anything admirable paari. Ndakazonzwa baba Ashy vave kundirova rova zvikanzi ... "huya kuno" I followed him outside ndikati.. "Ndeipi iyi " "Anonzi Briey, she is a friend of mai Ashy." I raised my eyebrows ndichiti .. "Ndizvo zvawanditi emergency ??" "Mika shaa, she is beautiful, we just want to get you a proper woman." "ndega handigone here amana". "Handina kuti haugone but you are just slow Taura naBriey". "fine". Takabva tapinda mumba ndaisada kuti tiitisane nharo. Mai Ashy hameno zvavaito taurira pasi naBriey wavo. "Baba Ashy, huya ka naAshy ndinoda kumupa masocks. Vakadaro mai Ashy vachito simuka. Baba Ashy vaye vachibva vasimukawo vakabata Ashy. Takasara tiri two nasisi Bridget vaye, ini ndichibvawo ndaisa maziso angu paphone ndave kuinyepera kubaya baya nhando.. Zvekuudzirwa kuti ita so zvinonetsa. Ndaive ndisina kana mashoko ekutaura naBridget. I didn't want to lie to her kuti ndokuda. Ndaitya kunyepera mwana wevanhu aizoperera akaita heart break. Ndakazonzwa munhu atouya kuzogara pandainge ndiri. Ndakatoita kuvhunduka achibva ati. .. "sorry" "Haa no its okay" Pese pandaitaura she was just blushing. Ndikatoshaya kuti ko indava. I continued playing with my phone, ko yaive isina whatsApp ndaitotamba zvangu dialing numbers dzandaiziva kuti hadziite I came to Noku's number and dialed it ndichiziva zvangu kuti haiite, kuri kuda kungobhowa Bridget. To my surprise yakabva yatanga kurira phone yaNoku. Ndakatanga kufunga kuti ko akadaira ndaizotaura kuti chii! Handina kutoziva kuti ndainge ndakaitwa unblock rini. It was past 6 so probably aigona kuva atosvika kumba. "hello." I heard her answer apa phone yaive muruoko Ndakabva ndatoisa kunzeve ndokusimuka ndichibuda mumba "Hello" She repeated again, ndokunzwa achitoridza tsamwa achiti. "munhu uyu anoita Seiko" "Hey Noku ndiripo.... .sorry. .uribhoohere?" Akamboramba akanyarara maybe aitoshaya zvabva nepi since I had given her a cold shoulder the last time I saw her. "ndiri bhoo zvangu" "Uri kumba here" "ehee".. "Well, can I see you, pane zvandoda kutaura newe?" Akamboseka mbijana zvikanzi... "wakuda kutaura". "Pane pandisina kumboda kutaura here." "haa, it's okay, huyai ndikuonei." "Apa handisati ndasvika, will call you ndasvika." "Iri bhoo I hung up kwakumbotura befu ndichifunga next move. Pandakasimudza musoro ndakabva ndaita mahwekwe naBridget. She had followed me outside, and I didn't know how long she had been listening. But I was sure she heard every word.. Ndaka ngopfuura paari ndichiti"sorry"because she was blocking my way . Akabva ato sudurukira paside ndokutevera zvekare mumba muye. I took my car keys ndichibva ndati... "tell baba namai Ashy kuti ndabuda I didn' t wait for her response ndakabva ndatobuda. Am sure Baba Ashy akazonzwa ndave kumutsa mota, nekuti akabva atanga kufona. Handina kudaira, I just texted him kuti.. "got an emergency totamba mangwana." I drove home ndiri mufull speed. Ndakazofonera Noku ndakutopinda muclose medu ndichiti. "ndasvika" Zvikanzi ... "ndiri kuuya I parked my car pa gate ndokumira zvangu ndakazendama ndakatarisa kwanaNoku. Ndakamuona achibuda negate ravo diki ndokufamba achiuya zvake. Akasvika achindi mhoresa neruoko achiti. .. "Ndeipi." "Bhoo urisei Noku".. "good zvangu".. Ndakabuditsa ruoko muhomwe ndichitarisa time ndichibva ndati "topinda mugate here? Akaasika kudzungudza musoro zvikanzi "ayehwa".. So I decided to go straight kunyanya yangu. "Noku tell me why you had blocked me ?" Haana kukakama zvake meaning she already had an answer. .. "Pane zvaiitika".. "Zvei nhaii "handiti musikana wako ane nhumbu, she told me to stay away " Ndakashamisika ndichibva ndatoseka ndichiti. . "hoo" "Ehee, handiti ane nhumbu".. . I sighed then said "ehee anayo". I saw her eyes growing bigger , aive avhundutswa nezvandataura, saka ndaka kasika kuti.. "but haisi yangu Zvikanzi"what?" "Yeah I don't want to talk about it zvangu. Noku unondiudza kuti Michael ndave kukubloker this and that. Kwete kungo bloka munhu usina kutaura, I don't like it zvangu. Pane chandaka kutadzira here inini?" "Handiti ndakuudza here zvacho zvandaka blokera". Aitaura achiita tuhasha achirasarasa maoko ndichibva ndamubata ruoko irworo zvikanzi "Michael mhani".. "usangopota uchindiijairira Noku wazvinzwa" "Let go off my hand apa. End of chapter 28
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 219

Comments