Berlin's Writings
February 13, 2025 at 05:09 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*WRITTEN IN THE STARS*
Chapter 50
Lesner
Paka nhumburiswa Prim vanhu vese vataishanda navo vakazvitora funny. They made fun of it vachitotaura nezvazvo. Kuzoti mafia kubasa rakapinda busy kuseka nenyaya yekuti vaimbenge vazama luck ndokurambwa.
Dude va Prim vaimisa guys rese kubasa nenyaya ye skill
Baba vairova smart ivavo. Izvozvo ndizvo zvakakonzera kuzoti Prim asekwe nekuti aimbovhaira.
Haa vaive malovie dovies vaigara vachitorana kubasa. Vaidanana zvinorwadza they had even come for photoshoots, kwandiri.
Zvinongobhowa kuona vanodanana iwe kuside kwako zvakadhakwa.
Manje hatina kuzovaona vari vese kubva pakaita nhumbu. I concluded the case ndatoona kuti blaz ivavo vainge varamba nhumbu.
"Haa Prim kane dzungu kakasotwa"..
Akadaro mumwe wataishanda naye ainzi MJ..
Ndakaramba ndakanyarara vachibva vadairana naDean achiti.
"haa kakagonekwa kainyanyo ganza...
Haa bebi rinozvimakira mhani iri apa ndiwasu".
They started making fun of her vachiti ..
"paakatanga kuuya panapa akanganwa kuti aitaura achiti mwechiita, mwandipa.."
Vakabva vabvaruka kuseka still I didn't find anything funny ipapo.
Ndakazonzwa ndave kugumhwa gumhwa mapendekete ndichinzi ..
"Ko Lesner manyarara futi?"
Ndakatoramba ndakaita serious pavideo editing yandaiita ndichiti .. "munoda ndiite sei?"
Zvikanzi.. "sei uchiti tika taura Prim unotsamwa"
"I just don't like talking about some other people"
Akaseka Mj achiti.
"inga wani tikataura Sino unodairira"
Ndakatendeuka ndichiti wo.
"zvinoenderana nekuti munhu wacho ndomufarira here kana kuti kwete. . ."
"Manje haa pana Prim hapachina, unenge wave kuda kuzvuva...vanoti chii vashona zviye.?
Akadaro akatarisa Dean vachibva vadairana kuti. "
"kukwezva sanzu nemashizha"
I switched off my laptop ndichibva ndabuda.
Ndingati pandakatanga kuziva kuti Prim ane nhumbu ndakanzwa kusiririswa. I had my sister ainge akambopihwa nhumbu achibva asiiwa saka zvaiita kundirwadza. I actually knew the struggles inopinda mukadzi kana asina murume. Panhumbu paye panoda baba varipo vachimbopuruzira dumbu, kunyangwe panozvarwa mwana zvinoda baba varipo vachiita vachibatsirana kunyaradza mwana kana ochema usiku. Manje kana pasina baba amai vanopedzisira vachema vari vega vakatarisa mwana.
Takakura tiri nhererera, so I lived with my sister ainge akamitiswa wacho kuMarimba.
Takangokura tichi zviitira, kuchikoro
ndakazviendesa ndega kusvika ndazowana basa. I was older than Prim zvekuti paakatanga basa ndini ndaito batsira. Kusvika ave kuzogona basa ndini ndaimu assista.
I was a secret admirer ndaingoyeva ndochiva ndosiya zvakadaro. I am a man of few words zvaiperera mumoyo.
I am a father ndaive nemwana aive grade one ainzi Nelly.
She was the only thing I ever lived for. She made me smile ndainya tsonzwa kuti moyo wangu wazorora
Naamai vaNelly tainge takasiyana after auya kuzotorwa nevabereki vake nenyaya yekuti ndaisakwanisa kumupa zvaimukwanira. Saka akabva atorwa nenyaya yehurombo. Ndakamboedza kuunganidza pashoma asi zvakaramba.
From there handina kuzoita mumwe futi akauya mulife mangu. Ndaiisa basa rangu pamberi, besides working for Herald ndaizviitirawo zvangu.
Ndaiita zvephoto and video shooting uye ndaive nePA system yangu. Ndainge ndanzwa nekuenda kudzi muchato dzevamwe wangu uchiramba kutamba .
When we visited Prim achirwara, ndakanzwa tsitsi . I could see that aishaya munhu anomuvaraidza. Ndaitoshaya kuti ndomutanga sei sezvo taive tisina nyaya dzinoenda kure..
Kuzvimba kwaaiita makumbo yaingove nyaya yekushaya company, she was just lonely.
Ndakazoona matangiro ehushamwari Prim paakandipa maclients aida kuchata. I made money ipapo handidi kunyepa and kubva ipapo I started visiting Prim. Ndaimupindira easy handina kuda kuita dzungu.
Feeling yandainzwa paari hameno kuti raive rudo here or kusiririswa.
Ndaingonzwa kuda kumubatsira, kuda kungove ini waanoudza
nhunha dzake dzese.
I asked her about baba vemwana achibva anditi aisada kutaura nezvavo.
So I didn't want to stress her ndakabva ndangosiya zvakadaro.
Ndakamubatsira kusvika aita mwana wake . Nyaya dzake dzaitoratidza kuti kunyangwe nehama dzaisada kuswedera pedyo naye.
Paakaita mwana wake ndipo pakabuda zvese. Mwana akabva atanga kurwara ,ndichibva ndamuperekedza kwatete vake. Mwana akatariswa ndokunzi aida kuti aonekwena baba vake kuti apore. I didn't believe such men existed veduwe.
Murume anorwarisa mwana wake sure.
Ndakabva ndanzwa moyo wangu kuda kutoona baba benzi ivavo.
Kaitove kamadzibaba kasina kana nemusoro wese. He even looked younger zvekuti ndakashaya kuti Prim akambonyatsoonei ipapo.
Mwana paakaonekwa nababa akabva atopora.
Ndaka mubvunza Prim akanditi havana kumbodanana they just had sex . I started debating with myself kuti kana vasina kudanana yatove rapecase kaiyi . But dai yaive rape aifanira kumusungisa ka.
Saka paitoratidza kuti there were some kind of agreement dzainge dzaitika. Ndakanzwa kumutya Prim, she was beautiful aisafanira kuzvitambisa achiwira pane munhu akadaro. Moreover, she never feared ma STI even AIDS chaiyo.
Ndipo pandakaona hushingi hwevakadzi! Moyo wangu was very sensitive, ndaisada kana kuurwadzisa zvandainge ndakamboita pana maiNelly, saka ndakasarudza kudisconecta zvese zvandaive ndamboisa pana Prim. I stopped visiting or calling her.
Seeing her zvaindipa hasha dzakawandisa.
I just didn't want to see her face .Her eyes somehow made me feel things that I had never felt. I didn't have anyone to talk to aikwanisa kundipawo advice so I ended up asking my sister mai Hay nemadimikira ndichiti.
"Ko nhai mai Hay...
She stopped zvavaita zvikanzi.
"yes
Ndakashaya matangiro ndichibva ndazongoti "haa its okey zvapera.. .
"Chiiko Lesner taura kani,mazuvano machinja ka asi kwave naamaiguru?
"haa no, tisu tichadaro here?".
"Aa manje its written all over your face.
I laughed so hard ndichiti.
"fine fine... inzwa unzwe mai Hay..Let's say ndiri kuda munhu ane mwana wake".
Akaramba akashama zvikanzi "zvine basa rei handiti une wako mwana?"
"Ayewa mai Hay, sekuti munhu iyeye ndamuona achimitiswa, ndomubatsira zvese kubva pamimba kusvika mwana azvarwa ndozomuda"..
She laughed achiti. .
"Am not really understanding you,but ndiri kunzwa sezvisina basa..chikuru rudo".
"Ko if that person aine horrible past?".
She smiled and said.. "no one is perfect uno muwanepi ari pure, iwee une past yakanaka here?"
Ndakaramba ndakatarisa patable ndi chiedza kubatanidza mashoko asisi. Ndakazonzwa ave kusimuka achiseka achiti ..
"asi ndizvo zvamakaita here?"
"Haa maya , tingadaro here?"
Kubasa I prayed kuti dai abviswa zvake achiendeswa kumwe Prim.
Manje kubasa kwacho akabva atotanga 2 months just after giving birth.
Ndakatonzwa guys richiseka richiti Prm auya. We worked at different departments zvekuti taigona kuita mwedzi wese tisina kuonana. Ndaida kumutiza ndichi muhwanda I even changed my parking spot kuri kusada kumuona chete.
Manje ndiye akazoita kutouya kuoffice kwangu.
Mostly ndaishanda naDean naMJ.. ."
"Pane munhu padoor guys, Dean can you get that
Ndakadaro ndisingade kubvisa maziso angu pabasa rangu. Akaridza tsamwa achisimuka Dean..
"hey Prim, ko ndiwe zvako, mave kunzi mai aniko?.
Ndakamunzwa Dean achibvunza Prim. Munhu wacho aibvunzwa akabva anyatsodaira zvinyoro achiti "mai Akudzwe"..
"Wow nice name"
"Lesner arimo here?".
"Yaa. arimo"
Akadaro Dean clearing the way kuti apinde. She was looking for a smart akabodha mukaka zvaisatomboita sekunge anoyamwisa.
She smiled achigara pasi achiti ..
"hey" Then I faked a smile ndichiti wo..
"urisei "
"Hesi mai... ?" Akadaro MJ achidenha zvake, ndakamupa ziso rewarning but Prim wacho akatodaira
akadzikama achiti ..
"mai Aku.."
"Wow what a name?" Akadaro MJ achitora zvinhu zvake nekusimuka.
They excused us vachibva vabuda zvavo as if I had asked for privacy. I didn't want to make eye contact naPrim so ndaitaura ndakaisa maziso palaptop.
I kept on repeating the same errors ndodzokorodza futi ... Pfungwa dzaive dzisisiri palaptop ipapo
"Saka kuri sei kumba ari sei Aku?". . I asked "kumba kuri bhoo, naAku aribhoo zvake "
She exhaled achibva azoti.. "ndangoti sezvo ndauya kubasa so ndigouya ndichi kudongorera"
"Haa thanks Pee, aa sorry thanks mai Aku"
She softly laughed achibva asimuka.
I watched her walk out ndichibva ndasara ndichirova desk rangu zvine hasha ndichizvi tuka kuti sei ndakava padhuze naye
It was affecting me I felt a strong bond naye, but I kept telling myself "No"
End of chapter 50
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
145