Berlin's Writings
February 15, 2025 at 04:35 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F
*CAGED*
Chapter 1
Ndakamuka ndanzwa someone banging my door ndikatanga ndambostretcher ndokuzodaidzira ndichiti "Coming."
Yaive iri Sunday zuva rangu rekuzorora but ndakatoshaya kuti sei ndaive ndichiknockerwa door kudaro.
Ndakapfeka T-shirt nebottom kwakumuka ndikambostretcher futi ndokuzofamba kuenda kudoor.
"Morning", mom shouted with a smile plastered on her face pandakangovhura door racho ndikatangawo ndamboshama n'ai ndokuzoti, "Morning mama ,mandimutsa."
"Sorry mwanangu, hausati wave kumuka here tave kutonwa tea ka isu vamwe."
Ndakadzosera musoro muroom mangu ndichidongorera time paclock yaive kumadziro ndokuti "Eish ndararisa ka?" zvikanzi, "Yes wararisa, tatokumirira come have breakfast mukasara mega naadhara ava hapana anozogona kubikira umwe ."
Ndakasara ndikageza kumeso nemazino kwave kuzotevera kukitchen kwavainwira tea yacho ndikasvika vatogara vese mama nadaddy nehanzvadzi yangu yandaisiira ainzi Moleen.
Ndakamira paArc ndaona a big cake raive riri patable ndikazvirova kuface ndichirangarira kuti it was my 29th birthday.
Ndisati ndatowana mukana wekupedzisa kushamisika kwangu vanhu vakabva vatotanga kutondiimbira vachiti, "Happy birthday to you..." ndikangozunza musoro ndichienda kutable kuye.
I pulled a chair ndikagara ndichimboterera kuimba kwaiita vanhu ndokuzosimudza maoko, stopped their singing ndichiti "Thank you ,thank you" , pavaive vakuda kusvika part yekubvunza age yangu.Vaizoramba vorebesa song yacho kusvika vasvika pakundibvunza kuti ndine musikana here of which ndaisatoda kuti zvizosvike ikoko since ndaive ndisitorinawo musikana wacho.
Cake racho raive rakanaka rakanyorwa pazasi kunzi 'Happy birthday Nevanji.'
I smiled ndikati "Thank you so much , I was not even expecting it, ndanga ndatozvikanganwa kuti its my day."
I was actually lying about kukanganwa birthday rangu uku,the truth is ndaive ndisisatonakidzwe nemabirthdays angu.Ndaive ndakasopedzisira kunakidzwa nawo before the age of 25 pandaive ndichine tarisiro dzakawanda dzehupenyu.
Zuva racho ndaitongoda kuti ringopfuura chinyararire pasina ataura zvake nezvaro.
"You are welcome" daddy vakapindura bringing me back to reality ndikatura mafemo ndichitora banga.Ndakacheka tese tikadya over a light conversation. Mama ndivo vaive pamberi vachitaura nyaya dzehudiki hwangu. Dzimwe dzacho dzainakidza ,zhinjiwo dzaizoita kuti ndisekwe naMoleen.
"Waigara wakangoisa maoko ako muhomwe Marcus , waisatoda kumabvisa , waiti ukadonha wosumuka wodzosera maoko aye muhomwe futi!" Mama vakadaro vakanditarisa vachisekerera sekunge vaitoona chimwana chidiki ndikati "Hii mamemories ese iwayo muchiinayo?"
"Ndinayo, how can I forget such memories nhaai Marcus?Zvinoita kunge zvakatoitika nezuro,how time flies."
Ndakanyemwerera ndikati "Zvapera honai ndave kusekwa naMoleen pano" zvikanzi namama "Iwe Moleen haikona kundishushira my baby wanzwa?"
"Haiwawo!" Moleen wacho akapindura achipindurudza maziso tese tikamboseka.
"Wave nemakore mangani?" Daddy vakabvunza ndikangovatarisa ndakakwidza tsiye dzese mudenga ndokuti "Dad like seriously, or mubvunzo nhando zvawo?", zvikanzi "Ndiri serious."
"Ane 29" Moleen akapindura zvikanzi nadaddy "Hoo, ini pa29 ndaiva ndatove nevana two."
"Hoo." ndakadaro ndichigutsurira musoro zvakaita kuti Moleen asekewo achiti "Daddy chingotii dyo panyaya yenyu!"
"Aiwa zvapera hazvo kwanga kuri kungotaura." vakapindurawo daddy vacho nyaya ikazotopedzwa namama avo vakazosimuka voti kuna Moleen
"Iwe kasika tibude tione."
Vakabuda mama naMoleen ndikasara ndonzi nadaddy "Whats up for the big day?" ndikati " I have no plans,ndimi matondiitira zvihombe."
He gave me a half smile vakati "Best wishes son", and I nodded ndikatiwo "Thanks dad."
"Tave kuda muroora" he added ndikangoti "Soon" ndichinyepera kukonzonga tea yaive yatonhora kudhara kwakuzotura mafemo pavakasimuka.
I cleared the dishes and washed them
ndokuzodzokera kuroom kwangu uko kwandakanosvika phone iine mamessages nemamissed calls.Ma messages ndaive ndisina basa nawo, ndakaenda kumacalls ndikaona paine mamissed calls 3 ,1 from Chris my best friend,another one from Marcia my elder sister then the last one yaive iri yatete vangu vainzi mai Muza.
I wanted to call tete first kwakuzotadziswa naMarcia akabva afona.Ndakangodaira call yacho kwakutambirwa nekuimbirwa.Akabatsirana netuvana twake pamwe nemurume wake kundiimbira happy birthday song.Kungoziva kuti kune vaindirangarira on my special day made me feel so emotional .I swallowed ego dzese dzekuti ndiri murume kwakubva ndangosiya misodzi yandaive ndambosungirira kuti isabude pandaive ndaimbirwa namama nadaddy kuti ichingobude zvayo. Ndaingokuvara nekuipukuta iyo ichirambawo ichibuda kusvika vanhu vave kutoimba the part yekuti "how old are you now?" iyo yandakazoramba kudaira zvangu ndave kuti, "Ndakura you guys, thanks Marcia."
She giggled akati "You are welcome", ndakamunzwa ave kudzinga tuvana twake twaive twoitawo noise twese tuchichemera kuda kutaura neni.
She sighed paakapedza kutudzinga akanditi "Kwave nagulez here nhaai mukwasha wangu?", ndikati "Not yet."
"Uri kutambisa nguva mudhara iwewe, tave kuda kamudyi kenhaka shamwari, haunyare kuda kungoramba uchitonga wega?"
"Ibvaapo iwee!" Ndakadaro ndave kuseka though I didn't want to, zvikanzi "Ita serious next year nguva inoyi kuri kufanira kunge kwave nekamwana."
"Mave kutoporofita?"ndakabvunza ndichiseka zvikanzi,
"Kutotaura zvandiri kuda kuti zviitike, ukanyararirwa unoenderera fani ukazotisvikira ku2030 wakadai!"
"Haiwa plan ndinoita mudhara dont worry."
"Ehoo, ndogona kutadza kuuya kuzokuona but I will send ka something in your account wozotengawo lunch mangwana kana waenda kubasa."
"Thank you sistran."
"Iri bhoo, mari yacho inokwana vanhu two hayo saka unokwanisa kuendawo uina nasomeone."
"Undikwanire iwee!"
"I am serious ,do send me the photo ndione munhu waunenge waenda naye wacho."
"Ndoenda naChristopher."
"I will kill you!" She said that ave kuseka ndikati "Idi zvee!"
"Iye arisei Kiri nhaai veduwee!"
"Munhu mutema akangooma,mukomana uya anonzi Christopher ,kana rarebesa toti Chris zvee, ko huKiri uhwu muri kuhutorepi nhaai?" Ndakadaro ndichiseka zvikanzi
"Iwee I am your big sister ndokudaidzai mese zvandinonzwa kuda ,ave kunzi baba ani zviye Christopher wako iyeye?"
"Baba Tarzan"
"Zvazvakaoma nhaai Tarzan izita rekupa mwana!"
"Handiti ndewake hake!"
"Bva zvakatooma!"
"Zvakwana Marcia, bye bye thanks so much uti hanzi thank you kumukuwasha wangu! Aiwa munaita kachoir kenyu mandiimbira zvinodakadza fani!"
"Ndichamuudza kuti ndozvawataura,umhoresewo mai nababa Tuso veduwe!"
"Ndinovamhoresa."
Ndakangoswerera ma calls iwayo from friends,relatives and colleagues kusvika zuva ridoke.Nyaya yaingove iyoyo yekundirangaridza kuti ndakura ndave kuchifanira kuva nemukadzi but kwandiri zvaitove kure.
Dzainge dzatove 5 years ndarwadziswa nemunhu wandaida nemoyo wese.Taidanana zvainakidza tichiri kuCollege tichivimbisana kuti tichazoroorana munhu kwakuzongoroorwa zvake nemukomana wake wekudhara uyo aive akambomusiya futi for years achienda kuSA.
Makore aive atofamba kubva pazvainge zvaitika but ronda racho ndaive ndichiri kurinzwa kurwadza.I had tried kuita move on but marelationship andaiita acho aitongopera asati atombotanga.Hapana kana chaifamba ,boys dzangu dzaive dzakutonditi zvimwe ndaive ndakagadzirwa nemunhu akandirwadzisa but ndaingoona sekunge ndini hangu ndaive ndisati ndava ready.
Mama naMoleen vakazodzoka kubva kuchurch kwavo kwavaiswera dzatove kuma to five dzemazuvarodoka vakatisvikira titori busy kubika chikafu chemanheru nadaddy.
Vakapinda vaine mumwe musikana uyo airatidza kuva kuma23 years ikoko. Vakasvika vachitiswedza ,musikana uye kwakutimhoresawo tese nadaddy achityora muzura.
Moleen akapfuurira kuroom kwake mama vakasara vachigara pamachairs nemusikana wavaive vauya naye uye.
Ndakavanzwa vachigadzirisa pahuro pavo vachibva vazoti "Marcus", ndikati "Mhaa" turning to face her , zvikanzi "Uyu anonzi Bernadette Mutyavaviri, tonamata tese ndiye akabaker cake rako."
I nodded ndakatarisa Bernadette wacho uyo aive otambisa-tambisa maoko ake akatarisisa pasi. Mama vakaenderera voti "Berna meet my son,anonzi Marcus,ndiye ega mukomana wangu iyeye."
"Nice meeting you Marcus." Berna said extending her hand for a shake ndikatanga ndambopukuta maoko angu nedishtowel kwakuzoti "Nice meeting you too Berna."
Daddy ndakazonzwa vave kuti kuna Berna uye "kurisei kubasa mwanangu?", zvikanzi "Kuri right ." mama vachibva vatiwo "Ooh I almost forgot, she works paBooties pharmacy iye yemuna Robert Mugabe."
I nodded ndikangoti "Okay" ivo vachibva vatosimuka vachinogeza maoko avo kwakutanga kutomirizika pamapoto vachikudubura kudubura mapoto.
"Mabikeiko?" Vakadaro vachivhura oven ndikati "Ipork iyi."
"Smells great maisei?"
"Lemon and herb." daddy vakapindura zvikanzi namama "Try kuita fast tidye tipedze ndoda kuti Marc azonosiya Bernadette kumba kwavo."
Handina kuda kuvamakisa ndakangoramba ndakanyarara vachibva vatotarisa Berna ndokumuti "Berna tora mapotatoes umapile wocutter into squares toita mawedges."
Berna wacho aive akangwarira hake,akabva atongosimuka ndokutanga ageza maoko ake kwave kuzotanga kutopeeler mapotatoes.Face yake handina kunyanya kuingorora hangu but I did take my time analyzing her body.She had an average height, an average body which had a very tiny waist and a round butt.
"Tora apron Marcus upe Berna inosviba hembe yake yewhite iyi" mama vakadaro vakanditarisa apo ndaitove busy kubirira kutarisa Berna ndikanotora apron yacho kwakumupa.
"Muchiri kutida muno?" Daddy vakabvunza vakapindurwa kunzi "Haa zvakawanda matopedza chiendai henyu."
Ndakabva ndatongobudawo mukitchen macho ndikaenda kuTv room ndikatanga kuswitcher machanels ndichitsvaga chekuona paTV pacho ndakamirira kuita kwechikafu.
Takazodedzerwa chikafu papera kanguva tikaenda kudining table tikatanga kudya.
Tapedza kudya mama vakabva vatokasika kunditi "Marc woperekedza Berna ka." ndikati, "Anogara mudhuze here?"zvikanzi, "Anogara muWarren park umu,she will give you the directions."
Ndaisatoda asi kuvarambira kwacho ndaisatokugona.Ndakasimuka ndikanotora makeys angu ndikadzoka mama vachitotaura naBerna vari mukitchen.Berna wacho aive achingogutsurira musoro nervously though zvaitaurwa nama zvacho zvaisanzwika.
I had to clear my throat kuti vapedze musangano wavo mama vachibva vanditarisa ndokuti,"Hoo zvaita?", ndikati "Yaa."
Takaperekedzwa kusvika kumota namama naMoleen ndikavhurira Berna door achibva apinda.
"Uri kuzhinyeiko iwee?"ndakabvunza Moleen ndichimunongedzera nemakeys zvikanzi, "Hii mandiona nei parima ipapa?" apa achitonzwika hake kuti ari kuseka.
"Marc mhanya nemwana kani kwadoka uku" mama vakadaro ndichibva ndangonopindawo mumota ndichiti "Ndave kutoenda kani muchembere."
Ndakagarisika zvakanaka mumota muye ndikabatidza light ndikatarisa Berna uyo aive akaita kugumbata kabag kake ndikati "Ndeipi", akasekerera shyly akati, "Hapana apa."
"Kwakuchinakidza here kuchurch?" ndakabvunza ndichiedza kutangawo a conversation zvikanzi "Ehee kwakuchinakidza"
"Hanzi kuchurch kunonzi kwanga kuchikomborera not kunakidza" ndakadaro ndave kutofambisa mota zvikanzi "Aaa saka kwanga kuchikomborera kwacho."
"Mubag munotokwana Bhaibheri here umu nhaai amana?" ndakabvunza zvekuda kutongoti mumota macho musazoite runyararo sezvo ndaive ndatoona kuti iye ari kunyara.
Akabirira kunditarisa akati "Aaah I use my phone."
Ndakatanga kungowanza-wanza nyaya ndichiitira kuti nzira ireruke and munhu wacho akapedzisirawo ave kutodairawo zvakanaka. Ndaiwanza majokes iye oseka zvake kusvika tasvika kumaraini kwavo.I dropped her pagate chaipo akati "Thanks so much" ndikati, "You are welcome,hii ndanga ndakutokanganwa thanks for the cake ka, ende ranga richinaka haro."
"You are welcome."
"Saka unotogona kubaker zvekutodaro?"
"Ishungu ndanga ndisingatogone."
"That's beautiful, haa I loved it hope ucharamba uchidaro."
She nodded achisekerera pachibva pamboita karunyararo ndokubva azotoita zvekuvhundukira achiti "Yaa regai ndiende" ndikangoti "Okay" kwave kumbomira ndakamutarisa kusvika apinda mugate mavo.
Ndakadzokera kumba ndikasvika mama vakagara zvavo vachiona TV naMoleen.
Ndisati ndatogara pasi ndakabva ndanzi "Ko watodzoka nhaiwe?" ndikati, "Yaa ndamusiya ka ndikabva ndatongodzoka,ndanga ndichifanira kudii zvekare?"
"Hapana hapo!Ko wamufarira?"she asked smile iri kugotsi ndikacomplaina ndichiti "Iiih mama!" zvikanzi, "Marc unoti zvinondifadza here zvekuti ugare wakadai? Hazvifadze kana ka1 mwanangu moyo wangu unotorwadza uyu hona vamwe vezera rako vatomisa dzimba.Handinete nekukuunzira vanhu,kana ukati uyu haaite ndinounza futi vamwe kusvika tasvika pachoice yako yacho!"
"Hoo ndonyaya yacho nhaai?" I asked ndave kutonzwa kusvotwa zvikanzi "Hakusi kuti ndati wazvitadza wega kwete, kungoedza kukubatsirawo so samai."
"Hazvina kushata."
Ndakadaro ndichitovadarikira kuenda kuroom kwangu already feeling pissed nezvavaive vaita ndikavanzwa vave kuti "Sorry zvako Marcus" but handina kutovaterera.
Ndakanopinda muroom mangu ndikatura mafemo just after locking the door.Ndakambomira ndakabata muchiuno ndichizama kutofunga how serious my situation was ndikaerekana ndaridza tsamwa. Ndakamboedza kubata laptop zvikaramba ,ndikapedzisira ndave kuita zvephone yangu yandaive ndisina kuzovhura mamesages.
I opened my whatsapp ndikaona paine 25 machats.Ndakatanga kumavhura one by one ndichipindura mabirthday messages andaive ndasenderwa.
Kupindura kwacho kwaisanetsa nekuti ndaingoita paste one reply kune wese aive angonditi happy birthday.
Ndave kuda kutosiya phone yacho yakabva yapinda imwe message from a new number. Ndakaitarisa ndikaona iri number yekuSA kwakuona pane message yaive yakaitwa attached pane rimwe photo rangu rekudhara.Message yacho yaive yakanzi "May each day of your life throw you nemerous surprises."
Pakati pakasiiwa space yaive isina kukurisa hayo pachibva pazoiswa kamwe kapragraph kaive kakanzi,
"We will never know why we had a heartbreak written in our fates,but I will always remember the beautiful memories of our amazing dates.Happy birthday to you my ex!"
Love
Zaynia♡
End of chapter 1
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
138