Berlin's Writings
February 15, 2025 at 08:09 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8v6sl7IUYaVaa0Rc0F *CAGED* Chapter 2 Ndakatura mafemo ndakatarisa message yaive yasendwa naZaynia.Kaive kasiri kekutanga hako kusenda mamessages ake iyayo.Ndizvo zvaaigara akaita pese paisvikira birthday rangu.Aisarega kutosenda mamessages ake iyayo achikanganwa hake kuti ndiye aive akandirwadzisa. For the past four years ndaisingovhurawo mamessages ake ndongosiya akadaro pasina kumupindura but musi uyo ndakafunga zvekumupindura. Moyo wangu waisatoda asi ndakaona kuti ndikaramba ndakauomesa kudaro hapana kupora kwandaizoita. I sighed ndichitarisa muceiling ndokuzongotyper message yekuti "Zvautori nenharo nhai Zaynia!" and haina kutora nguva yakabva yatopindurwa message iyoyo ipapo ipapo ichinzi, "Finally" kwakuwedzerwa pazasi ichinzi futi, "I missed this handwriting, thanks a lot for replying me." Ndakazunza musoro then typed kuti "Uri sei?" ndichitopinda hangu mumachira zvikanzi, "Ndiri bhoo, ndiMarcus Tuso here uyu?" "Wanga wati ndiani nhai Zaynia." "Hameno zviri kungondirambira kuti ndiwe, ndafara unoziva Marcus.Its now 5 years but zvakaitika pakati pedu zvichiri kungoita sekunge zvakatoitika nezuro uno chaiye.Hauna kubvira wandipa mukana wekuexplaina Marcus ndosaka uchiona ndichiramna ndichikutsvaga kudai.Ndinenge ndichida kungoti unzwisise zvakaitika." I chuckled ndega ndega ndichizunza musoro ndokuzoti "Zvaibatsirei kuexplaina nhaai Zaynia?What was there to explain nhaai?" "Ndaida kungokuudza kuti ukwanise kuzondiregerera.I am so sorry Marcus ndakakutadzira but kutaura chokwadi yaiva iri mistake." "Mistake unoiziva iwewe?" "Iyoyo yandakaita, I loved you Marcus waizviziva wani." "LOVED ka meaning zvakapera kare kare Zaynia." "I am sorry Marcus, chandinongoda kuregererwa newe." "Sorry ichine basa rei? Zvakatoitika kare and zvakatopera hameno kuti waizvinetserei zvako." Ndakafemeruka ndichifunga zvimwe zvekutyper kwakuzowedzera ndoti "Handisisina basa newe." Akamboita kunge anyarara iniwo ndichibva ndatonovhura zvangu profile picture yake yaaive ari kuBeach netuvana twake two tuvasikana.Vairatidza kufara paphoto racho iro ravaive vakatorwa vachijamba mudenga nyemwerero dziri kunzeve. Iye Zaynia aive akangopfeka kashirt dress kadiki-diki mukati muchitoratidza kuti maive musitorina chinhu. Ndizvo zvandaingomuziva achiita, aive munhu aingove nekamwe kakusagaya kuti vanhu vanoti chii panyaya dzekupfeka idzi.Aingopfeka zvaanoda ,hameno maybe it was because of her light skin color. Ndakapotsa ndatombomedzerera tumate ndokuzokasika kuzunza musoro ndichibva pa profile picture yake paye kwakuwana atosenda message yaive yakanzi, "Wakaroora?" Zvakaita kuti nditange ndamboridza tsamwa ndokuzopindura ndichiti, "Manje manje.Tuvana twako twese here itwo?" "Ehee ndetwangu twese." "Inga wakapenga,hausi kutomira kana." "Zvinozongoitika kani Marcus." "Haa ndizvozvo ambhuya, tunonzi tuvanani?" "Elsa muhombe ,Anna ndiye mudiki wacho." "I see, muri kugarepi?South?" I asked zvikanzi, "Ndaiveko kuSouth December but apa ndave kumba kwangu KuNorton." "Okay mai Elsa and Anna,thanks for the birthday message." "Wandiregerera?", imwe message yakapinda ndisati ndatobva pawhatsApp pacho ndikati "Ndakakuregerera kudhara Zaynia, usatombozvinetse hako." "Iri bhoo thanks, ndakunzwawo zviri nani." Ndaida kutomubvunza kuti murume wake aive kupi achisiya mukadzi achitaura neni manheru kudaro ndokuzongofunga kuzvisiya zvakadaro.Ndaisada kutowanza nyaya naye nekuti ndainzwa kunge zvaizoramba zvichindidzosera kumashure. Kuona progress yake iye ariiye akandirwadzisa kwakawedzera kundidzimbira pamoyo but ndakabva ndatozvisimbisa kuti ndaifanirawo kuitawo move on nehupenyu hwangu. Ndakarara ndikazomuka ave mangwana makuseni ndikawana ndatoisirwa imwe message naZaynia yekuti, "Morning" ndikatanga ndamboseka ndokuzopindura ndichiti, "Zaynia murume wako ambori kupiko iwewe zvaunoita mavara kudaro?" Akatanga ati "Kkkk" ndokuzowedzera achiti, "Anoshanda kuS.A,asi ndave kuzviwanza?" "Yaa I think wave kuzviwanza musikana wangu haazozvifarire hake." "I am sorry." She replied ndikarega hangu kutomupindura. Ndakagadzirira zvekuenda kubasa ndikapedza ndokuzobuda ndave kutoita zvekumhanya mhanya. Ndakatozofunga kuti ndaive ndakatsamwira mama nenyaya yavo yaBerna pandakavaona vari mukitchen vachicleana sink. "Mamuka sei mama" ndakataurira mumhino chaimo zvikanzi,"Tamuka Nyamuzihwa,mamuka sei imi?" "Ndamuka zvangu,ndave kuenda kumaworks see you ndadzoka." Vakakasika kunditendeukira nemuviri wese vakati "Marc" ndikati, "Mhaa" zvikanzi "Sorry nezvandakaita nezuro. Ndinenge ndichitoti ndiri kutogonawo ipopaye." Ndakaseka ndikati "Iri bhoo, ndinoita kakukunzwisisai hangu kungoti kana mave kundirongera hameno zvazvingori so." "Sorry Marc" vakadaro musoro waitwa kurerekwa ndikati,"Its okay, muroora achauya manje manje dont worry henyu. " "Ehoo chienda!" Ndakabuda ndichiseka ndikananga kubasa kwangu uko kwandakasvika ndikambopinda busy kugadzirisa imwe presentation yangu. Ndakatozofonera my friend Chris patove break chaipo akadairawo achitoti ,"Ehee zvee murisei birthday boy?", ndikati "Birthday boy kudiikowo iwee ,dhara rese rinoiri ndoraungatoti boy?" "Ko mamusina bhavhadhe here nhaai mudhara? Haa makaita mama's boy chaiye nezuro makaganza fani I thought we would go out ,have some drinks but mayaz you decided kuswera zvenyu paden!" "Ndanga ndakatobodoka iwee. Ndaitongoda kuti zuva racho ripfuure manje vanhu vacho so ka!" "Haa hatikanganwe zvekudaro, saka mati todii nhasi?" "Ndakatumirwa mari naMarcia hanzi ndeye lunch for two, saka nhasi I am taking you out for lunch." "Haa mudhara hamuone kuti masparka!" "Kuda zvinhu!" "Zvelunch box ndave kutosiyana nazvo!" "Uuye nayo ndidye zvangu zvabikwa namai vaTarz." "Ndokuunzira." "Iri bhoo let's meet pedu pakare paye, 1pm sharp!" "Iri bhoo." I hung up paakapedza kudaro ndichibva ndatoenderera mberi nekuita zvetea zvandaive ndakuita. Palunch takanosangana naChris pane kamwe karestaurant kataingofarira kunodyira kaive kuAvondale.Vanhu veko vaive vakutotiziva nenyaya yedu yekugara takanodyirapo. Takaorder food yedu tikatanga zvedu kutodya tichitaura nyaya. Chris ndiye aiwanza nyaya dzacho ipapo achitaura nezvemukadzi wake nemwana wake achibva azototi pave paye, "Ende Marcia asparka apa ubva watongomuudza kuti ndine ranguwo bhavhadhe pamberi apo." Ndakamutarisa ndikazunza musoro ndokuseka ndichiti "Munoudzana ikoko" zvikanzi, "Ndinotomuudza chete!" Ndakabuditsa phone yangu ndikaiendesa kuwhatsApp ndokuitambidza Chris ndichiti "Iwee ko ndanga ndatokanganwa ka!" zvikanzi, "Hanzi chii?" Ndakamupa phone yacho iri kuchat kwaZaynia akaitambirawo achisekerera. Slowly his smile started to fade paakaona kuti aive Zaynia wandaida kutaura nezvake. He looked at me akati "Zaynia?" tsiye dzichiita kukwidzwa ndikati, "Ndiye zvake mwana wekwaAlmeida!" He clicked his tongue akati futi "Haapenge here mukadzi uyu?Shaa vanhu ava ndevekungoita report and block,dont waste your time uchitaura naye munhu uyu." "Ndanga ndamboshingirira all these years but apa ndakangoti rega ndimupindure handiti zvakapera hazvo?Ndikaramba ndichimunyararira anobva atofunga kuti zvimwe ndichiri kutomuda." "Kusatotaura naye ndokutongozvipedza, dai waiziva kuti ndakamumaka sei Zaynia wako iyeye ka! Waisatondiudza kuti wakataura naye." I sipped my juice ndikati "I am sorry" zvikanzi, "Hapana apa chitongomuratidza kuti hausisina basa naye, move on aone kuti wakapedza naye." "Move on yacho ndoiedza wani unozviziva iwewe Christopher." "Marc parikungoda kuti ukawana babe wobva watokanda pa kitchen, kamunhu kako aka kanenge kachitofara kachikuona uchidzungaira kudai!" Ndakaseka ndikati "Haa ndave ready manje" zvikanzi, "Kune ninez yangu kumba uku munin'ina wamai Tarz anga ari pafazh zvake but arikupedza gore rino." "Anga achiita nezvei?" "Ndiganaz" he said that with a funny smile ndikati, "Ganaz aiwa handivade!" kwakubva tambowedzera zvedu kuseka. "Saka watii? Toita sei, handichazvide izvi zvauri kuita Marcus" he said "Ndichaita plan zvangu." "Iri kuda chop chop plan yacho bestman vasati varamwa kudai." "Tinoita plan dont worry." I quickly remembered zvaive zvaitika kumba the previous day ndikati "Iwee hona ndanga ndatokanganwa ,ko momz yanga yandiunzira babe ka kubva kuchurch kwavo." "Haa iwe serious?" Akabvunza ave kutoseka ndikati, "Ehee, nhaiwe zvatove that serious?" "Hazvisi serious hazvo but tinenge takangotarisira kut zvingoite maitikiro azvinenge zvichifanira kutongoita." "Vakatouya nebabe paden rikatobva radya ndikatozoripusha paden paro manheru." "Saka wakadii? Wakabva wangosvitsa shoko?" "Yoh kuti ndaimuda here nhaai amana,Iye munhu wekungounzirwa ipapo ndobva ndatoti ndakumuda?" "Shamwari murume ndewe kungozama zvese,zvino ungaperekedze babe worega kusvitsa shoko?Haiwa hazvisi normal, ini chaiye ndine mukadzi but handingafambe nebabe ndorega kumbozama-zama." Ndakaseka ndikati "Pfungwa dzangu hadzina kutoenda ikoko iwee,kana number dzake handina kutodzitora ini." "Blaz munototwanya imimi, aiwa hazvisi normal izvi, basa kuda kutevedzana nana Zaynia vari kukushamirai pamawhatsApp." "That's not the case panapa." "fine saka ngatiedzei iyeye wawakaunzirwa namama timboona." "Handina number dzake ini." Ndakadaro ndivhivhura vhura maoko zvikanzi, "Wotonobvunza mama hapana hapana apa." "Iiih kubvunza kunozoita here nhaai baba?Ndakaudzwa hangu paanoshanda saka kumutsvaga hakunetse." "Saka tomutsvaga ka?" Akadaro maziso aita kuvhuriswa ndikati, "Mira utange wamuona zvako munhu wacho kuti arisei." "You have her photos?" "No togona kumutsvaga, anonzi Bernadette Mutyavaviri tsvaga." Chris wacho aive munhu ari fast zvake,akabva ambotora nguva akatsikitsira paphone yake ndokuzoti "Yaa....what do we have here? Bernadette Tendai Mutyavaviri, inga ari bhoo wani." "Wamuona?Tione." "Yaa pafacebook ,ndiye ka uyu?" Akadaro achindipa phone yake ndikatanga ndatura mafemo ndokuzoti "Ndiye ,arisei?" "Ari bhoo uyu, hauone kuti munenge mafitana here hona kacolor blocking kacho, iye mutema iwe uri mutsvuku unozodei?" "Watanga apa!" Ndakadaro ndichimunongedza nechigunwe zvikanzi, "Serious tomubata sei? Ka bhoo munhu aka." "Are you sure Christopher?" "Yes,plus ndewe kuchurch ka uyu! Ngatitotaurei kuti tomuwana sei, hanty wati unoziva zvako paanoshanda?" Ndakagutsurira musoro zvikanzi, "Saka bhoo,wonomuona wopihwa number totangira ipapo." I took a deep breathe ndichizeya zvaive zvataurwa naChris ndokuzoti "Rega ndimbozama" zvikanzi naChris, "Apa zviri kufanira kutofamba, hatisi kutambisa nguva baba, tave kuda kubva tatongoroora!" End of chapter 2
❤️ 😂 👍 🙏 😮 92

Comments