MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼🇿🇼 SHONA NOVELS
February 17, 2025 at 08:17 AM
[03/02, 13:26] LADY LEE(INK SLINGER): *CHIGANANDA*🔥 *Hoyooo wange wambonzwa here nezvemusikana anonzi Exodus ,usasara hama yangu huya uzvinzwire wega uye gara muchannel maMama Zane usasarira .Vanonyora zvinisekesa kuchemedza huya kuvaka .Nevaya vanoda maromantic arimo 🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VaAhram1dAvxHIkHAH1L JOIN OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/Kd8FyMJ1yuwHM7VDu8Ilhl *CONTACT:+27735989662* *BOOK 10* *LIKE & SHARE* *CHAPTER 1* 500Likes to go "Ndaneta nekufamba mun'anga umu ini nekugeza mishonga nemushonga amai .Honai zera randave ndisina kana umwechete zvake anondimisa munzira umu achindipfimbawo kunyange pandinofamba hapana kana anocheuka ,vana Tarisai nana Dambu vave nemisha yavo vatoguma wura ini ndiri pano.Ndakaitwa zvekudimwi ini chaizvo ini kana kuri kuroyiwa akandiroya anenge akafa zvake nekuti dai ari mupenyu achinzwawo tsitsi Asi ndiri mukadzi wechikwambo here sezvinogara kutaurwa nevanhu". " Usataura uchidaro mwanangu zvimwe nguva haisati yakwana ucharoorwa hako uye mashoko anotaurwa nevanhu usamateerea". "Ndave nemakore mangani ini ndave kusvitsa makore makumi matatu mimwedzi inotevera ndisina kana umwe zvake akandipfimba kubva ndichiri zera rinoyemurika .Inga wani ndakanaka ndine zvese zvine vamwe vakadzi". Amai vaRugare vakazama kutaura nemwana wavo asi zuva iri haana kana kuvateerera aive nemarwadzo aive mumoyo make ,zvinhu zvaigara zvichimudya mupfungwa nemumoyo kuti sei aisapfimbwa nekunaka kwake ikoko. Akabva asimuka paaive ndokutora hata yake onanga kusango kunotsvaka huni.Musi uyu akaenda kugomo raityisa kwazvo raive pedyo nekwavo mudunhu ramambo Gandiwa. Gomo iri raisangoendwa nemunhukadzi ari ega nekuda kwekubatwa kwevanhukadzi zvibharo nekuurawa kwevana kana vapinda imomo nemabhinya saka maisatenderwa kuti vanhu vaendeko kana mambo aigara akarovera hoho kumunhuwese. Asi Rugare zuva iri haana kugara atya hake akangozviudza kuti kufa kana kusafa zvaive zvakangofanana. Ainge aneta nekudeedzwa kunzi mukadzi wechikwambo kana kunzi tsikombi kudunhu mekwavo .Hapana paaifamba akasasekwa nevanhu kana kusveeredza ndizvo zvinhu zvaive zvogara zvichimudya mupfungwa nemumoyo izvozvo. Ari pakati pekutsvaka huni achiimba hake kambo ako kaitova moyo wake kaaifarira nguva dzese kana ashungurudzika " Zvangu ndezverudzi here Changamireeeee ... Ndave chiseko chenyika ,vezera vapedza wura vamisa mishaa koiniwooo changamireeee.... Inga wani ndinotarisika pane vamwee saka rangu ijambwa here ...". Ari pakati pekuimba kudaro anotanga kunzwa kutsindo hana ndokutanga kutamba shangara ndokukanda huni pasi ndokubva amira achiteerera kwaibva nemutsindo wacho. Paakazonzwa akada kuzama kutiza asi murume ainge akapfeka zvitema akavhara huso kunze kwemeso aive panze akasvika paaive ndokusvika achimubata nesimba rese ndokuti"Shhhhh handidi kunzwa inzwi rako famba wakanyarara kana uchida hupenyu hwako". Murume uya akafamba naye kusvika asvika mugwiringwindi ndokumubvaru hembe yekumusoro paaive ave kuda kumubvisa yekuzasi zvine simba akabva ati"Kwete musaite zvesimba henyu ,maita zvakanaka henyu regai ndikumure ndega .Nezera rangu irori handina kana kugara ndabatwa muviri wangu nemunhurume yaitove shuviro saka nhasi yazadzikiswa". Murume uya akashamisika ndokuti"Unoreva kuti uchiri mhandara here?" "Hongu". Akakumura hembe dzake dzese ndokubva murume uya arima hake gombo zvisina kana tsitsi ndokusiya Rugare akati rabada mugoronga muya ndokutanga kutiza achienda. Akazosara ozvishingisa kumuka ndokubva atatarika opfeka mbatya dzake akapedzisa kutsvaka huni ndokuenda kumba ari mumarwadzo. Mumoyo make akafarawo kuti ainge abviswawo humhandara kunyange ainge aita hake zvekubatwa chibharo nemunhu waainge asina kana kuoma huso hwake.Achisvika kumba hana chaakataura uye amai vake havana kuona kuti mwana aive apindana nezvimwe.Mazuva akafamba rikava svondo pedzisiro ave masvondo ndipo paakatanga kurutsa zvikaziikanwa kuti ainge ave nenhumbu yekubatwa chibharo ndiyo yaakazobara mwana wake mumwechete akamuti " EXODUS". *MUSHURE MEMAKORE MAKUMI MASHANU NEMWEDZI* *EXODUS* "Nhai mwananhu hunhu rudziiko hwaunoita iwe kunyadzisa zvakadaro ,zera rako iri wave kubuda mbiri yekuonekwa une vakomana vakasiyana siyana mwanangu unoda kundiuraya here nebp". " Mange muchida ndiite ndave nezera ripi nhai amai vangu ,moda ndifanane nemi here makandibara machembera pfungwa dzisingachashande kutadza kuziva munhu akakupai pamuviri ndisiyei ini imi makatadza kupfimbwa mave kuda kushivira jambwa racho pandiri haiwavo ndisiyei ini". Ndakavadaira amai vangu vaainge vaita kundigarira pagedhe vanzwa zvimakuhwa zvenhema nevanhu vemuraini. "Usadaro Exodus mwanangu nemhosva yeiko uchitaura mashoko anobaya achirwadza moyo wangu kudaro ,wapindwa nemweya weiko mwanangu". Handina kuvadaira ndakabva ndaenda mumba ndokutanga kuchinja hembe dzangu ini ,ndaiziva kuti ndikataura zvababa vangu vaibva vadzikama havo saka ndakatora bag rangu ndokubuda ndakabata mumaoko ndokuti" Ndapedza kurongedza chinditaridzai kwababa vangu ndiende handi imi hamundide pano ". Vakamira vakanditarisa vachitaridza kupererwa ndokubva ndatanga kufamba ndichienda kugedhe ndikanzwa vondideedza ndichibva ndamira ndakafuratira. Vanhu vemuraini vainge vachimira mudhuze vachida kunzwa kuti yaive nyaya yei wanike ini ndamera zenze zvangu. " Tauraika nyaya yenyu mom ndoda kuenda ini mobva mandiudza kwababa vangu.Hamungandirambidze kunyengwakwa nekuda kwekuti imi makashaya aikumisai munzira ndisiyei ndinyengerwe nepenyu pamakatadza". Vanhu vakaseka havo ndokubva vafamba vachiuya kwandiri ndokusvika vachindibata"Ruregereromwanangu chirega kudero handichakubvunzi handika tsvarakadenga yangu,ita hako zvaunoda mwanangu chiuya". Ndakatanga zvangu kuchema vakandisumudza ndokunondiisa mumba vakatanga kundipaka chikafu .Zvese izvi zvaive mumeso agogo vangu vaive vakagara havo pamukova vachiverenga book ravo .Vakadzungudza musoro ndokubva vati kuna amai vangu"Mwana waunojaidza uyu Rugareka uchaiona nhamo yacho hako". Ndizvo zvaindibhowa gogo ,nguva dzese vaingotaura vachiita sevanondivenga chete chete hapana kana zuva ravakambomira neni kunze kwekusvora chete . Seipapo vaive vatanga zvavo kusvika amai vati"Amai nyararai hamuzive kwandakawana mwana uyu ndikarasikirwa naye ndomuwanepi ndiye ega iyeyu". "Heya zvakanaka regai ndinyarare hangu". END OF CHAPTER 1 Book roenderera mberi here? EXODUS uyu panobuda zvakanaka here Mashoko akanaka here ekuudza mai aarikutaura Zvino zvaatanga zvevarume ane 15 zvichamusvitsepi . [05/02, 10:49] LADY LEE(INK SLINGER): *CHIGANANDA*🔥 *Hoyooo wange wambonzwa here nezvemusikana anonzi Exodus ,usasara hama yangu huya uzvinzwire wega uye gara muchannel maMama Zane usasarira .Vanonyora zvinosekesa kuchemedza huye kuvaka .Nevaya vanoda maromantic arimo 🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VaAhram1dAvxHIkHAH1L JOIN OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/Kd8FyMJ1yuwHM7VDu8Ilhl BOOK 10 📚📚 *FREE BOOK REACT,READ AND SHARE🤗* CONTACT:+*27 73 5989 66²* *CHAPTER 2* *EXODUS* 500like to go "Ehe nyararai henyu munoziva kuti mwana uyu ndakamuwana sei saka handidi kunzwa chinhu paaari". Vakadaro amai vangu,ndiwo mashoko avaigara kutaura iyayo anova andaizvibvunzawo kuti vakandiwana sei uye nemhosva yeiko vaive vasingadi kundiudza kuna baba vangu .Kana ndaive ndisina kufanana navo ndaigona kufunga kuti zvimwe vakandinhonga havo .Asi kana ndaive nerunako nechimiro sechavo kunyange hutsvuku ndaive ndakatsvuka sezvavaive vakaita amai vangu nemuviri waive wakaumbika unova iwo waidiwa nevakomana vazhinji pandiri. Amai vangu pavakangodaira gogo vakabva vatosiyana neni ndokubva vatanga havo kuita basa ravo ini ndakagara ndichinzi ndizorore hangu.Ndakabva ndatotanga kufunga mukomana wangu Anesu ndokutanga kunyemwerera hangu.Anesu ndaimuda asi dambudziko raivepo ndaisagona kuramba vakomana ini ndaingoti anditi ndokuda ndotomubvuma ndichida kutengerwa zvihwitsi chete chete.Saka ndaiita zvinhu zvangu ndakangwarira ndisingadi kuti Anesu azvizive kana kumba zvizivikamwe. Manje hameno kuti ndiani akazozvisvitsa munzeve dzaamai vanguwo iyeye asi ndakavarambira hangu ndichiziva kuti vaibvuma kuti ndanyeperwa nekundida kwavaiita . Ave manheru vanhu vese arara umwe mukomana wandainge ndasangana naye masikati akabva afona achiti ndibude panze aida kundiona . "Wauya nemabhisvo here?" "Ehe ndauya nawo huya". Ndichinzwa nyaya yemabhisvo handina kana kuverengera hangu nsakabuda ndokuwana ari kunze kwegate ndokusvika paaive . " Hesi". "Hesi uri bhoo here ,ko ndipewoka hangaiwa". " Umm tanga wandipaka mabhisvo acho tione". Akabva amabudisa ndokunditambidza kana hangaiwa yacho ndakabva ndamupa ini. Paakaramba akandibata ndakamusundira kure akabva ati"Handi wave wangu here saka unondibvisirei?" "Handizvidi handi vanodanana vanopanana hangaiwa here chete saka kuramba wakandibata ndiko kunei". "Haiwa vanoita zvimwe zviya zviya". " Kwete ikozvino asi nguva inotevera iyo". Ndakanyepa hangu ndokutanga kuruma kuruma zvigunwe ndichinyara ..Akada kundibata futi ndokubva ndaziva kwaienda nyaya yacho ndokubva ndafamba ndodzokera hangu kumba .Ko handi mabhisvo ndange ndatambidzwa here saka chekumirira paive pasina hapo .Akazama kundimisa asi ndakaramba ndokuenda kumba ,ndaive ndisingadi zvemunhu anotamba nemuviri wangu ini .Anesu aigara achinditi taizovatana kana ndapedza chikoro toroorana hedu saka ndizvo zvandainge ndakamirira ndichifana kumbodya zvihwitsi zvevamwe vakomana hangu. Pandakasvika kumba ndakanyahwaira ndokupinda mumba ndokurara.Kuchiedza ndakamuka zuva rakwira ndokubuda panze ndikawana gogo vakagara havo amai vanenge vaive vabuda. " Ndidzo nguva dzekumuka here nhaiwe mwana waRugare?" "Mange muchideiko nhaiwe chembere?" "Ekisodhasi muzukuru taura neni zvakanaka unoita pamuromo pakadai kuti zvidiiko ,wakura iwe ndiani angatora munhu akadai anepamuromo pakadai kubva waita mharapatsetse kudaro ". " Manzwa nani kuti kwandicharoorwa kunenge kune chembere yakaita semi kutaurisa ndibvirei siyanai neni ini". Vakatura mafemo ndokunyarara havo,ini ndokubudisaa mabhisvo aya ndotanga kudya hangu vakatarisa vaida kutaura asi ndakaona zvairambira mumukanwa mavo chete nekuti vakazoti"Zvichakupinza munataisireva mwana wemwana wangu,varume wavatanga nezera diki". "Morwadziwaka kuti zvimwe mishonga yamakashandisa kuti amai vashaye kana murume yakaramba kushanda pandiri .Regai ndiite ini kusvika moyo wamira inguva yangu iyi". Ndakabva ndasimuka hangu ndokunanga kwamainini mai Vongi aive munukuna wamai vangu ndiye aiteverana naamai vangu iyeye.Aitove nevana vakuru kwandiri sezvo akatanga kuroorwa ndokuita vana amai vangu vasina . Ndakasvika paya ndikawana vakatogara havo nemwana wavo musikana Beaular aive akapedza chikoro hake akafailer saka aingogara pamba ipapo achiteverwa naKundai aive akaenzana neni uye taidzidza tese. Ndakangoti ndichisvika ndichipedza kuvamhoresa ndokubva vati" Wagona wauya Exodus ndine nyaya newe". "Zvakanakai ndauya saka mogona kungotaura". " Koiwe uri kubuda mbiri yekuonekwa une vakomana vakawanda sei vakasiyana siyana". "Manzwa nani?" "Ichokwadi here". " Ehe handingatadzi kufamba nevakomana saka ndikavaona ndovatiza here nhai amai?" "Kwete ukaona vanhu votaura vanenge vatoona kuti mufambiro wacho hausiwo usadaro Exodus tarisa amai vako vakakuwana vatambura hona uri mumwechete unoda kuti vafe here nekufunga famba nzira dzakanaka mwanangu". " Aizve ndatove kupiwa dzidziso manje munoda kuti ndiite saivo vakazononoka kuita ini vakatadza kana kuziva kuna baba vangu here nhaimi". "Exodus". " Ndoenda ini". Vakandidana asi handina kudaira ndakafamba ndotonanga kwaikanyira Anesu zvitinha ndosiya amainini vachikwamatata havo asi kana kuvateerera ivo nagogo vaive vakangofanana hapana kana chisvinu chavaitaura chandainzwa ini. Ndakasvika kwaive naAnesu akagara akazembera zvitinha hake .Ndakasvika ndokumuvhara kumeso ndokubva ati"Ndianiko uyu". Ndakaseka ndokubva ati"Exodus". "Hevooo". " Wauya kuno ndakatii?" "Aaah iwe ndange ndakusuwa". " Ehe ndozviziva asi hatifanirwi kugara panzvimbo yakahwanda seizvi tiri tega .Rangarira mashoko angu ndakati ndiri kuunganidza mari yekuroora kana yaita iwevo unenge wanyora form four yako ndokuroora pasina chakashata chataita handiti". Ndakatura mafemo ndokuti"Unongotyawo zvisina basa iwe apa hautengi kana mabbhisvo kana kokora zvayo kuomera kwacho unokunyanya Anesu". "Marika nhai mudiwa wangu ,handi ndiri kuunganidza kuti ndigoroora here". " Horaiti ndoenda hangu". Akabva angoti ehoyi kana kudawo hangaiwa zvayo .Ange akatosiyana nevamwe vakomana uyu aive nekakupusa ndosaka ndaizoita hangu vamwe vakomana vanotenga zvinonaka . "Ufambe zvakanaka mudiwa wangu". " Horaiti saka ndokuona riini?". "Weekend inotevera handi mangwana kuchikoro here handidi kukukanganisa sezvo mave pedyo kunyora bvunzo dzenyu". " Horaiti". Ndakabva ndatanga kufamba ndoenda kumba kwedu ndokuwana amai vangu vadzoka .Havana kana kundibvunza kwandaive ndaenda asi kutofara vachindiona ndokumhanya vachindimbundira. Mazuva akafamba ndichiendawo kuchikoro kunyengwa ndaisamira hangu .Ndaive ndakanaka saka vakomana vaita vekundirwira vamwe ndichiita vekushayinira hangu. Takasvika pakunyora bvunzo haiwa kana chimwe chandaiziva ipapo asi ndaingonyora handiti chaidiwa kungonzi wakanyora form four here chete chete. Patakapedza amai vangu vakafara ndokuti"Ndinovimba unopasa mwanangu woenderera mberi nechikoro ". " Ehe ndakapasa ini". Kuzodaro vakafara zvikuru kwazvo kuita sekuti vaive vatomawona abuda. Hameno havo vazoona shura musi waaibuda zvawo ini zvechikoro ndaive ndisisina basa nazvo .Ndaigara ndakabvunza Anesu kuti mari yekuroora yaive isati yakwana here . "Kwete mudiwa wangu haisati asi manje manje inokwana hayo". " Horaiti ndiri kunzwa kunonokerwa ini hangu kutaura chokwadi". "Shuwa here manje manje zvinoita ". Asizve kunyange zvakadaro ndaive ndatove nevakomana vatatu vandaidanana navo hangu ndichivadya mari dzavo .Kana mucheno ndairova chaiko ini zvekuti amai vakatanga vachabvunza kusvika vanyarare havo. END OF CHAPTER 02 Zviri kuitwa naExodus zvakanaka here? [05/02, 15:40] LADY LEE(INK SLINGER): *CHIGANANDA*🔥 *Hoyooo wange wambonzwa here nezvemusikana anonzi Exodus ,usasara hama yangu huya uzvinzwire wega uye gara muchannel maMama Zane usasarira .Vanonyora zvinisekesa kuchemedza huya kuvaka .Nevaya vanoda maromantic arimo 🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VaAhram1dAvxHIkHAH1L JOIN OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/Kd8FyMJ1yuwHM7VDu8Ilhl BOOK 10 📚📚 *FREE BOOK REACT,READ AND SHARE🤗* CONTACT:+*27 73 5989 66²* *CHAPTER 3* *EXODUS* 500 likes to go Ndakabva ndatoudza amai kuti ndaive ndave kuzoroorwa kusikare vachibva vati"Hazviite mwanangu kuti uroorwe tanga wamboshandawo woziva zvaunoda kuita nehupenyu uchiri mwana mudoko mwanangu". "Amai ndakuudzai handina kukukumbirai mvumo yekuroorwa ini asi ndakuudzai". " Marriege haisi yekungowira mwanangu imbodzikama hako utange wabva zera". "Imi hamufanirwe kutaura zvekurooraa izvi nekuti hamuna kana chamunoziva panezvazvo zvotoda vana mai Tavonga avo". " Handina kutaura zvakashata mhandara yangu chiregai kutsamwa vatete handiti". Vakadaro vave kundipurudzira musoro wangu kuti ndisatsamwa kuita kwavakaita ndakabva ndaziva kuti ndaive ndatobvumidzwa chaive chasara kuudza Anesu kuti amai vainge vabvuma kuti ndiroorwe.Gogo havana kana kumbotaura ndikatofarawo kuti zvaive zvaita vakagona kunyarara chokwadi. Mumwe musi ndakatumwa kuBeitbridge naamai kunovatengera matenesi ndichibva kwedu kuTshapfuche.Ndaikaita lucky ndokuwana ngoro ndichienda ndokusvika hangu ndokutenga ndokumbondeya nedhorobha ndichiona onawo zvaivemo.Ndakasvika paive neumwe musika ndokubata kadress kaivepo ndokukachiva asi ndaive ndisina mari asi moyo wainge watorwa hawo. Ndakachiisa pasi ndokubva ndafamba ndichibva ndokunzwa moyo uchiti dzokera unoona zvakare ndokuenda. "Machida here hanzvadzi?" "Ehe asi handina mari ini but kunaka chakanaka ". " Nemanakiro ako aya kubva washaya mari aiwa hazviiti ungashaya mukomana anokutengera here iwe?" "Haanawo mari uyo". Ndakadaro ndichiseka seka hangu ,baba vacho vaitengesa apa vaive vakasungunuka zvekuti ndakatovarairwa ndiri ipapo hangu ndakangobata dress riya. Pakabva pasvika umwe murume kana mukomana here ainhuwirira kani .Ganda rake raitaridza rega kuti ndere mari uye aive asiri munhu wekungowanikwa mumusika umu.Ndakatoyeverwa naye kusvika afambisa maoko kumeso kwangu ndokuti" Musikana akanaka wavarairwa neiko?" Ndakanyara ndokukanda dress riya pasi ndokuti"Mukoma ndave kuenda pandichawana mari ndichauya ndotenga". Ndakadaro ndichitofuratira ndichida kuenda asi murume uya akabva ati"Ndakuona wakabata kubva kare beutiful ndauya kuzokutengera ". " Aaah imi kuti zvaita sei tozivana here?" "Tatozivanaka ipapa rega ndikutengere musikana akanaka uyu sengirozi". Baba vepamusika vakaseka ndokubva iye anditsonya ndokuti" Rinoita marii?" "Five dollars chete chete". " Musikana akanaka kudai handingatengi nefive regai ndikupei twenty". Ndaifunga kuti aitamba asi kana akabva avhomora bhanduro remari muhomwe make raive rema ten ten chete ndokubvisa maten maviri ndokupa murume uya akatenda ini ndokutambidzwa dress rangu.Asi ndaive ndatovhiringika pfungwa nemari yandakaona hangu.Ndakazoti pave paya ndokubva ati"Unogara kupi beautifu?" "Tshapfuche". " Tsgapuche kunogara vana vakanaka kudai'. Ndakaruma zvigumwe ndokutanga kufamba achibva andibata ruoko . "Haudi kuperekedzwa here?" "Aaah imi ko mukandiba". " Ndinoita sembavha inoba vanhu here ini veduwe". "Ko mbavha inoonekwa here?" "Huya kuno mhani ndikuperekedze nyeredzi yangu". Handina kuramba ini mukoma vacho vaive nekutaura kunodakadza fani saka ndakatevera kwavaienda nako vakandibat ruoko .Ndaifunga kuti vaindiperekedza neshoka asi kana ndakashamisika vachinovhura mota. " Imota yenyu here iyi?" "Ehe waifarira here". " Aiwa handipindi hangu aaah". "Uri kuda kufamba uchipiswa here nhai ngirozi". Kuzondidaro manje ndakabva ndaita kunyunguduka hangu ndokuzobvuma kupinda vakavhara door ndokusiya vanditsonya". " Yah toendaka ngirozi". "Ehe". Yakamutswa mota ndokubva vati" Zita ndiGenesis koiwe ndazotadza kukubvunzaka". "Exodus". " Haaa unorevesa here saka zvedu zvaitaka ini ndini Genesisi naExodus wekutanga nekuguma saka zvanakaka .Ndazvinzwa mhani kuti apa ndochaipo apa Exodus". Vakadaro vachindibata matama vachisekerera vachibudisa vende raive kumatadza kwavo raive rakavanakisa havo. "Exodus naGenesis ndini ndichava mavambo ehupenyu hwako hahaha unozviona sei?" "Mogoita mavambo sei ini ndakatanga kudhara hupenyu hwacho". " Pane humwe hwausati waona asi uchaona hako handi watove musikana wangu here?". "Aaah imi". " Haundidi here?".Ndamaramba ndakanyarara ndokubva vati"Une makore mangani?" "16". " Haiwa waita iwe une body yakanaka inoita chaiko kuzoti runako haaa wakanaka ngirozi". Vakadaro vachinomira pamberi pechicken Inn ndokubva vaburuka vakafamba vachizondivhurira door. "Hande ndinokutengera chekudya ngirozi yangu". Semunhu aida kudya zvakanyanya ndakatoti Mwari mazviita henyu ndokufamba ndichienda ndakabatwa ruoko vachiita nyaya vachiseka. Vakatenga vakati" Unoda kudyira muno kana kuti?" "Haa ndonodyira kumba hangu". " Horaiti saka hande ,huyaka ndikumurudze".Ndisati ndadaida ndaive ndatomurudzwa makazara vanhu vakasvika vachindiisa mumota . "Hauremi urichi portable iwe".Vakadaro vachipinda mumota ndokunditarisa vakadzungudza musoro ndokuzoti " Chindipa madirections ekumba kwenyu ndinoona vana ambuya natezvara vangu zvangu ini". "Aaah imi hazviiti". " Nemhosva yei?". "Ndine mukomana wangu ini ". " Ini ndati ndoda mukomana wako here kana kuti ndati iwe watove musikana wangu .Iye mukomana wacho akaroora ?" "Hana asi manje manje". " Saka hazvina basa iwe wave wangu kutanga izvozvi tozoona kana iye aroora handiti". Vakadaro vachindibata muzvidya vachipuruzira. "Zvakanaka izvi koizvo kutsvukira kudai?" "Musandibata kani". " Ko panodii nekuti uri munhu wangu ngirozi". Vakatanga kundibata ndikatanga kunzwa kuita kunge ndaifambiwa nemasvosve ndokumedza mate". "Ko nei usingadi kubatwa ". " Hazvindiitiri ini hangu". "But wamedza mate kutaridza kuti zviri kukuitiraka". " Hhmm ndave kuda kuenda hangu kumba ini". Nguva yainge yafamba hayo plus kuita kwavo kwange kwave kundivhiringidza zvisingaite ini. "Ok hande". " Asi hamusviki pamba pedu ". " Iri bhoo asi ndoziva nekufamba kwenguva ndichapasvika hangu". Yakamutswa mota ini hangu ndokutanga kubaya foni ,road inoenda kwedu ndakange ndavataridza saka vaingoteedza iyoyo. "Saka wazvinzwaka kuti wave musikana wangu ngirozi". " Ndine mukomana wangu ini". "Hazvina basa ndoda iwe ini ,kana wandida unongotiita tiri vaviri iwe wozoona kuti unoda ani pakati pedu hmm zvirisei ?" "Aaah hameno". Ndaive ndapererwa nezvekutaura inini" Ndipe foni nditore number". Ndakavapa vakatanga kubaya baya ndokundidzorera hangu.Apa taive tosvika kwedu ndokubva ndati"Ndisvitsei pano apa handidi kuti vana mamha vakuonei". "Horaiti". Vakabva vaiimisa ndokuzondivhurira door vakabva vamira mberi kwangu vakandivharira pekubuda napo. " Ndoda kupinda". "Usina kunditaridza here kuti wave wangu". " Aah imi ,imi ndimi mangozvitaurira mega ndisiyei ini zvangu ndiende". "Manje hausi kuenda usina kunditaridza kuti unondida". Ndakapererwa ndichishaya kuti ndodii pamunhu mukuru ainge akaita saivo kudaro .Vakabva vati" Ndoda hug". "Aaah". " Heyi ngirozi unonyara kudai ".Vakadaro vachindimbundira vakabva vakotamisa musoro wavo semunhu ainge akareba ndokundisveta muro kundipa kiss vakandisiya ndave kunyara. " Muromo wako huchi ngirozi kutonzwa kuda kukupamha". "Idai ndipinde mhani". " Ko asi watsamwa here?" "Aewa handina asi ndoda kuenda kumba ini". " Zvakanaka ngirozi totaura pafoni usazorega kundidaira ndouya ndichikuona nguva nenguva mukadzi wangu". Handina kudaira ndokufamba ndoenda kumba ndakabata chicken Inn yangu nematenesi amhamha. Rumwe ruoko rwaipukuta muromo wangu ndaingonzwa kunge vachiripo kuzoti kunhuwirira ivo kwandaive ndoita hangu kuita munhu wechirungu chaiye. Ndichangoti fambei Anesu akabva abudikira musango achipinda muroad ndokubva ndavhunduka apa mota yaGenesisi yaive yakamira pandaive ndaisiya . "Aah ko uri kuno ,ipapa kutoenda kudivi kwekwenyu kuti ndizokuona ndanguri ndaisa mapilizi call handina etayimu". " Ndini hangu ndiri kubva kotenga zvandange ndatumwa naamai .Kurisei mudiwa wangu". Ndakadaro asi haana kudaira maziso ake amhara pachicken Inn yangu ndokubva ati"Ko mari waiwanepi yawatenga nyama iyi asi mota iyo ndimo mawaburuka here?" Ndakavhunduka ndokucheuka kunge ndaive ndisina kugara ndaona mota yacho ndokuti"Aaah ini kwete ndangoiwona yakamira apo ini .Iyi huku ndimai vandituma havo kuda vakaita mari kumusika kwavo uko". "Horaiti ndange ndatya mudiwa wangu handidi kukutorerwa ". Takataura hedu nyaya ndokubva azondiudza kuti aive ave kuda kuenda neni kumba kwatete vake kunoonekwa sezvo mari yaive yokwana .Ndakafara zvisingaite ndokuzoparadzana hedu ndoenda pamba pedu .Foni yangu yakabva yarira ndokuwana yakanzi " Husband ". Ndakadaira ndisingazivi kuti ndiani ndokunzwa aive Genesis ndokubva ndati" Hello". "Ngirozi wafamba zvakanaka here ndatokusuwa musikana wangu ". " Imika ". " Shuwa ko uya ndiye mukomana wako here ?" "Ehe". " Horaiti hapana chakashata ngirozi ndokuda,huyaka kuwatsap tigotaura". "Handina data ini". " Don't worry ngirozi mira ndikuisire etym utenge data". Yakabva yakatwa ndokunzwa pasina nguva message ichipinda ndokuona yaive yeetym yaive yakawanda nedata raive remuwando ndokungoshama muromo ndichishamisika hangu. Ndakatadza kuzomutenda ndasvika paive namhamha ndokudzima foni yangu ndokuswedza mamha nagogo vakadaira. "Ko nyama maiwanepiko vatete". " Ndaitengerwa naAnesu". "Hoo inga aita hake mukwasha wangu". Ndakanyepa hangu kuti vasazotaurisa havo ,uye chembere yaivepo kuti usatanga kunditsiura tsiura. Ndabva ndatora ndiro ndokuvaisira ndokupawo gogo vachibva vati" Ini bodo ndodya bovora hangu kana huku dzangu.Izvo zvatisingazivi kuti zvabvepi bodo idyai henyu ini bodo". *END OF CHAPTER 3* [06/02, 14:44] LADY LEE(INK SLINGER): *CHIGANANDA*🔥 *Hoyooo wange wambonzwa here nezvemusikana anonzi Exodus ,usasara hama yangu huya uzvinzwire wega uye gara muchannel maMama Zane usasarira .Vanonyora zvinisekesa kuchemedza huya kuvaka .Nevaya vanoda maromantic arimo 🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VaAhram1dAvxHIkHAH1L JOIN OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/Kd8FyMJ1yuwHM7VDu8Ilhl BOOK 10 📚📚 CONTACT:+27 73598966² *FREE BOOK REACT,READ AND SHARE🤗 *CHAPTER 4* *EXODUS* 500LIKES TO GO "Regai gogo zvagara ndange ndisina kutokuverengai mazviita henyu regai tidye isu ". " Idya muzukuru wangu". Ndakatanga kudya hangu ndichiita kuridza miromo nezvigunwe kuti vaive varamba vasvotwe kusvika ndapedza ini. Ndakasimuka ndoenda kunogeza kuchichinji house uko pandakapedza ndokuenda mukitchen maive namai ndokutanga kuvabetsera kuita basa hangu.Vaitaridza kushushikana nekuda kwekutura mafemo kwavaita . "Amai kwakanaka here muri kutaridza kufunganya kudai?" Vakabva vamira zvavaita ndokuti"Kana mwanangu asi nyaya yako yawataura yekuda kuroorwa iyi yandishungurudza". "Ko nei nekuti ndinoenda zvakanaka wani ". " Ehe mwanangu asi pfuma yacho inotambirwa naniko?" Vakadaro vachibata musana zviya zvekutaridza kupererwa havo . "Ko mongoudzaka baba vangu kana muchiziva kwavari". Ndakadaro ndokubva varamba vakanyarara ndokubva ndaoma misodzi yodonha ndikanzwa moyo kurwadza ndokuti" Amai handina kuti munyanye kufunganya ini ,kana vasipo baba vacho vanasekuru vanogamuchiraka pfuma sezvo ndakakurira mumusha mavo". "Uchazozvinzwisisa wakura mwanangu kuti nemhosva yei ndichichema kana ukabvunza nezvababa vako". " Handichabvunzi mhamha ndoona zvinokurwadzai kana mave kuda muchazondiudza henyu". Ndakaenda pavaive ndokutanga kufanyaradza kusvika vapukuta musodzi.Ndaita hangu pamuromo asi mai vangu ndaisada kuvaona vachishungurudzika ini . Nekuti pese pandaitaura nezvababa vangu vaitobuditsa musodzi kuratidza kuti zvimwe vaive vakarwadziswa navo hameno. Takazosiyana ndokubva vatanga havo kuimba vachipedzisa kubika ndokudya hedu ini ndokuenda kunorara muimba yandairara. Ndakatora foni yangu ndokuita on pasina nguva yainge yorira aive Genesis ndakatombosiya yakadaro ndokuzodaira. "Ngirozi usadaro unoziva moyo wangu wange watsemuka foni isingachapindi here?" "Hayaaa zvakakuomerai henyu imi". " Shuwazve ndokuda ngirozi".Vakadaro ndikanyarara hangu ndainzwa kunyara nepafoni pese ini. "Ko wanyarara wani". " Ehe moda nditi chii ndave nehope ini". "Usadaro unoziva inzwi rako zvaratondiita soo bhurukwa raita kukumuka ufunge". " Aaah". "Ko chii". " Mave kutauraka zvinyadzi ini hangu handizvifariri ini". "Heya uchazvifarira hako asi hausati wambozviita here?" "Ehe handisati ini ndoita kana ndaroorwa nemurume wangu". " Saka zvakanaka ini murume wako ndichatanga newe handi ndini Genesis here ndichave mavambo ndichatanga newe ngirozi". Ndakanyara ini ndokutanga kunyara nyara ,ndaive ndakangwara asi nyaya idzi ndaive ndichinyara ini. "Ko wanyarara wani?" "Aaah imi ndave kuda kurara ini".. " Kunyara uko mira hako uone kuti uchazodzida nyaya idzi chirara zvakanaka ngirozi undirotewo handiti ". " Horaiti". Akakata foni ndokubva ndasara ndichitura mafemo ndokuseka hangu kuti ainditi mukadzi wake sei ini ndainge ndoda kuroorwa hangu naAnesu wangu. Ndakabva ndatofonera Anesu neetym yaive yatengwa naGenesis tikataura hedu nyaya dzekuroora kwaaida kuita nezvataizoita kana taroona kusvika tave kunzwa hope ndokuzorara . Chifume chamangwana kuchiedza ndakabva ndamutswa necall yaifonewa naGenesis ndokubva angobvunza kuti ndaive ndarara sei ndokumuudza akabva ati aizofona manheru acho. Ndakaswera zuva iri hangu ndakagara pamba handina kuda kuita zvekufamba kana vakomana vangu vaifona ndaivaudza kuti ndaive ndakabatikana hangu.Gogo musi uyu havana kana kundinetsa taitotaura tichiseka hedu . Mazuva akafamba naGenesis ndaive ndatojaira kutaura naye pafoni ini zvekuti aiti akasafona ndaibhoekana zvisingaite . Zuva rekuenda kunoona tete vaAnesu rakasvika ndokuenda ndikatambirwa zvakanaka asi vaingoti ndiri mwanana hapana zvakashata zvavakataura havo zvechokwadi ndaivewo mwanana. Takazooeneka ndokupinda munzira todzokera kumba tave kutaurirana zvekunoonawo ambuya vangu mukadzi wehanzvadzi yamhamha vangu mangwana acho. "Saka toenda mangwanaka kuti zvinhu zvacho zvifamba zvakanaka ,handi hauna vatete". " Ehe handina toenda kwambuya ivavo". Hameno ndaive ndaita foni nguvai on ndakanzwa yave kurira apa yaive yakabatwa naAnesu .Ndakatoziva kuti paipa nekuti akabva avhura meso akatarisa ndokuti"Hubby is calling". "Aaah iwe ndisekuru vangu ava ndakangosevha kuti hubby nekuda kwekuti vanongonditi mukadzi wangu". " Horaiti chidavira inokata ". Ndaive ndobvunda ndokuti" Haiwa havana basa ava ndozovafonera ndasvika kumba". Foni yacho yakabva yakata ndokubva ndatura mafemo asi umwe wangu aive asina kufara nazvo hake zvandakaona . Asi handina kuita basa nazvo ndakanyarara ndokutanga kufonewa futi. "Dairaka pamwe pane zvaitika". Ndakatora foni iya ndokudzima hangu ndokubva ati" Nemhosva yei wadzima foni Exodus". "Handi ndeyangu here nhaiwe". " Ehe ndeyako asi uri kutaridza kuti uri kuvhundukira nemhosva yei?" "Aaah shamwari ini handidi zvekunetswa ini wadii kudaira iwe zvawaona kuti unoda kuziva kuti vanoda kutii". Ndakadaro ndave kufambisa ndoenda ini ndichinyepera kutsamwa .Akasara akamira ndokuzotevera ndokubva andibata akati" Ruregerero baby wangu usanditsamwira". Ndakaramba ndakatsamwa kusvika andinyengerera ndokuzoti"Next time usazvipamha hako kuita sekuti unenge uchindifungira here Anesu inga wani ndokuda". "Ndozviziva baby sorry kani". Takasvika pamashops ndokutengerwa mabhisvo nekoko kora ndokufamba hangu ndichinwa tonanga kumba kwedu . Tave kusvika ndakaona motokari yaive yakamira munzira ndokubva ndatoti" Ko bango remota nderaniko iro rasvika kwedu kuno uku?" "Hameno vamwe vanhu vane mari dzavo hako". Takasvika pedyo nayo mota iya hana ndokuti baaa ndichiona aive Genesis aive akamira hake kunze kwemotokari. Ndakavhunduka zvakaonekwa naAnesu akati" Ko uri kutye ukati ungabiwa here ndiripo". "Togona kubiwa tese". Takapfuura paya ndokutura mafemo tave kure ndokubva Anesu aoneka otora nzira yekumba kwavo ini ndoenda kwedu. Ndakangoti achiti pote ndokubatidza foni ndokubva yatopinda call yaGenesis . " Dzoka kuno ndaona kamufesi kako kaenda". "Aaah imi munondidii ini". " Huya mhani iweee". Mhani yacho yakandivhiringa ndokutanga ndacheuka cheuka ndichida kuona kuti kwaive kusina vanhu here ndokuzodzokera kumashure ndakasvika kwaive nemota ndokuti"Modeiko imi handi maona kuti ndange ndine mukomana wangu here?" "Ko ndiye wandoda here ndauya kuzoona iwe ini". " Handidi ini ndave kuda kuroorwa izvezvi ndiri kutobva kunoona tete vake mangwana tonoona vangu". Akaseka ndokuti "Saka ini haundidi here?" "Ehe". " Nditarisa kumeso undiudze kuti haundidi tione". Ndakatadza kuvatarisa ndokubva vati"Pindaka mumota ". " Aewa handidi ini". "Iwe ndiwe ukutya mukomana wako kuti anozviziva ini handina basa nazvo ini ngatimire hedu". Ndakarivara vakabva vandisimudza ndokupinda neni mumota ndokubva vatanga kundikisa vachindibata bata ndikanzwa musoro kutenderera ndokubva ndatanga kupera simba . Ndakanzwa ruoko rwave mupant mangu vachibva vandibaya nechigumwe ndikaridza mhere ndokubva vandisiya. " Uchakazara wena saka zvakanaka wani". Ndaive ndotya nekuda kwezvavakandiita ndokubva ndati"Ndoda kuenda kumba". "Ko zvandauya nazvo hauzvidi here ngirozi ndakuvigira zvinonaka". " Ndozvida asi ini handikudei hangu ndotorevesa ini". "Ini ndokuda inga wani ndakakuudza kubva musi uya kuti watove wangu.Tora zvinhu izvo ndezvako". Ndakatora ndokubva ndabuda ndokumhanya ndoenda kumba .Hana yangu yaivr ichiri kurova chaiko ndakangosvika ndokupinda mumba mangu ndokuvhara mukova ndokurara hangu. Ndakazomutswa namhama vangu vaideedzera ndokubuda panze ndokuvaudza mafambiro atainge taita . ndokudzokera mumba ndotarisa zvinhu zvandainge ndatengerwa naGenesis .Ndakashamamuromo nekunyara zvese ndichiwana ari mabra nema pants ndokuzviisa padivi hangu. Mumwe macho maive nema chocolates aya ndaimaziva nekuti ndaive ndambomaona kwamainini vangu ndikamapiwawo ndiwo andakatanga kutoisa mumuromo ndokudya hangu .Akasara ndakabva ndamaviga kuti amai vangu vasamaone.Pasina nguva akabva afona ndokuti"Wazvionaka ngirozi zvandatenga anokwana here mapants ?" "Aaah imi". " Pfeka ndigofona ndione kuti ndagona size here?" "Ndonyara ini". " Unongonditaridza kuzasi uku chete kani ngirozi yangu bbie wangu". "Aaa ok kwacho". Ndakabva ndatora rimwe repink ndokupfeka vachibva vafona nevideo call ndikavataridza" Zvawakafitwa nhaiwe ngirozi".Vakadaro ndikanyarara ndokubva vati"Apa kuita chikomo haiwa ndichazipirwa hangu imi hehehede". Nekunyara ndakabva ndakata ndokurara nedumbu pamachira ini ndotura mafemo ndozvibvunza kuti ko kana ndikaroorwa naAnesu ndaizodii kana Genesis akaramba achinetsa.Zvevamwe vakomana ndaive ndisisina basa hangu navo asi Genesis aingonakidza hake kutaura chokwadi . Ndakaenda kuwatsap ndokuwana aisa message yaive yakanzi"Ndinokuda ngirozi chero ukaroorwa asi chandoziva ndini ndichava mavambo pauri ,urare zvakanaka ngirozi yaGenesis". END OF CHAPTER 04 [06/02, 16:44] LADY LEE(INK SLINGER): *CHIGANANDA*🔥 *Hoyooo wange wambonzwa here nezvemusikana anonzi Exodus ,usasara hama yangu huya uzvinzwire wega uye gara muchannel maMama Zane usasarira .Vanonyora zvinisekesa kuchemedza huya kuvaka .Nevaya vanoda maromantic arimo 🔥🔥* https://whatsapp.com/channel/0029VaAhram1dAvxHIkHAH1L JOIN OUR MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/Kd8FyMJ1yuwHM7VDu8Ilhl BOOK 10 📚📚 CONTACT:+27 73598966² *FREE BOOK REACT,READ AND SHARE🤗 *CHAPTER 5* *EXODUS* Like before you read. Kwakaedza ndokumuka ndogadzirira kuenda hangu kwambuya vangu mai Munashe nemudiwa wangu Anesu .Handina kumutaurira hangu nezva Genesis ndaida ive secret yangu ndichimbotengerwa zvechirungu zvaaive asati ambonditengera iye . Musi uyu ndaifamba ndichibaya baya foni yangu ndichinakidzwa nezvandaudzwa naGenesisi. Takanosvika kwambuya vangu zuva rakwira vakatotimirira semunhu wandainge ndakazivisa hangu nechekare. "Nyaya yako ndainzwa muzukuru wangu asi hauna kumhanya here?" "Kwete handina ini mbuya Anesu ndomuda ". " Zvakanaka hatidi kuzonzwa kuti wave kuita zvimwe wave kumba kwevanhu hatidi kunyadziswa isu". "Kana handidaro mbuya ini". Takapiwa zvokudya ndokubva Anesu azombobuda nasekuru ndokusara hangu nambuya ndati tsiki tsiki pafoni pangu . " Uri kungozhinya uri kutaura naniko nhaiwe Exodus". "Hapana hangu kutonakirwa nekuverenga manovels aya mbuya". Vakabvuma havo manyepo angu izvo kwani ndaitaura naGenesis.Ndaitoseka achinditi " Ndiri kurwadziwa kuti manje manje unenge wave kumurume wako moyo wangu uri kuita kutsemuka ." "Uchapora hawo". Ndizvo zvandakamupindura munguva iyoyo vana Anesu vakabva vadzoka ndokubva taoeneka hedu. Zuva remaroora rainge risina kumboiswa kure kana raive pedyo pedyo mugovera waitevera wacho saka tese taifara kuti tave kuzogara hedu tese kunyanya Anesu aibva ati" Ndave kuzorimwa gombo rangu mudiwa wangu ". " Hana iri kurova ndakanzwa kuti zvinorwadza ini". "Kutoshinga asi hanzi zvinozonaka". Taitaura hedu tichifara nechiitiko ichi chaizoitika mugovera wacho. Akanondisiya kumba ndokuenda kwavo hake ini ndichienda pedu. Ndakasvika ndikaswedza gogo vangu ndokubva vanditi" Muzukuru wangu Exodus huya umbogara apa muzukuru wangu ndimbozuhwa newe zvawave kuda kuenda kundoroorwa kudai". Ndakateerera ndokuenda kundogara pachigara vakwati pavaive ndokuti"Ndauya gogo". "Ndoda undiudze chokwadi muzukuru wangu mukomana wako uyu unomuda here? " Hongu ndinomuda nemhaka yei mabvunza". "Muzukuru ndave munhu mukuru ndinezvandinonzwa kana pane chakashata chinoda kuzoitika". " Muchirevei". "Hapana asi kana wange une zvimwe zvauri kufunga kana kuvanza gara watsveta mwanawee handidi uzochema mangwana .Hazvisi zvese zvinopenya zvinoreva kuti ingoda muzukuru wangu .Ida wano mukomana iyeye urege kuita dzimwe pfungwa". " Hapana dzimwe pfungwa gogo asi kukura ndiko kwave kukuitai mufunge zvakadaro". "Heya ndapedza hangu". Ndakasimuka pavaive ndokuenda hangu mumba ndokutanga kugadzira zvekubika sezvo mai vaive vasipo havo.Vakatozodzoka vakawana ndapedza ndokudya tichiita nyaya hedu . Vaingobvunzawo nekundiraira raira zvimwe ndaiteerera zvimwe zvopinda nekuku zvichibuda .Amai vaindiudza chii nezvekuroorwa ivo vainge vasina kugara vaita nezvazvo havo. So pavakapedza kutaura ndakabva hangu ndaenda kumba kweshamwari yangu ndokunotandara sezvo kwaive nemwedzi wakachena saka kwaifambika . "Exodus kana kubatika mazuvano kuzoti mukaenda kumurume munenge musingachatizivika nhai?" "Gege Rose miraka iwe ndaive busy mazuva apfuura ayo asi izvezvi zvave nani asi nemugovera unofanirwa kunge uripi ndichibvisirwa". " Ndouya handingatadzi sahwi aiwa akashingirira hake Anesu monodzimawo ikoko asikana". "Iwevo wave kutaura samai vangu vanonditsiura nekundidzidzisa marriage yavasina kugara vapinda zvavo kana kamwechete". " Usadaro mai vako iwe ,unoti kusapinda kwaive kusada here nhaiwee.Uye vakadaro vanotoziva zvinhu zviviri zvitatu ipo paya". "Ngaipere ko ndine nyayaka iwe asi ngaive secret yedu tiri vaviri handiti". " Ndazviziva kuti haungouyi usina nyaya tauraka tinzwe kuti ndeyei". "Mai vako varara here?" Ndakadaro ndichida kuti vasanzwe nyaya dzedu kana. "Ehe varara avo ". Ndakatanga kumurondedzera nezva Genesis ndokubva ati" Exodussssss". "Chiii". " Unoziva hupfambi hwauri kuita here iwe usadaro Anesu iwe kubva nhasi siyana nezve Genesis wako iyeye unoziva kuti anobvepi uye anodei kwauri?" "Iih shamwari hausi wave kuda kuzviita mubereki wangu here nhaiwe ini ndakuudza kwete kuti unditsiure .Handina kuti ndomuda ini Genesis asi anongonakidza chete". " Heya rega ndinyarare hangu ini". "Good girl". Foni yangu yakarira aive Genesis ndokutanga hedu kusasana pafoni apa aiti anoda kundivigira something musi wemarooro nekuti aive kuHarare. " Saka ndozochitora sei nekuti pamba kutanga mangwana panenge pave nevanhu?" "Horaiti saka ndichauya nechishanu manheru woita plan yekubuda ndikuone kekupedzisira ngirozi". " Horaiti saka mouya hayaa imimika". Ndaita kusekerera uku Rose akandipa ziso hake kusvika ndazonzi"Ndokubata time time ngirozi ndokuda ". Semunhu aida kupiwa zvinhu zvaibva Harare ndakabva ndati" Kana neni ndinokudai". "Ani wacho?" "Aaah imika". Akaseka hake ndokuzokata foni ndokubva Rose auchira maoko " Hehehede zvakaoma shuwa saka uri kuda kuroorwa iwe uchiti ndokuda kune umwe murume nhaiwe EXODUS?" "Nhaiwe ungabva wadana zita rangu nemavara makuru here ,Anesu ndiye wandoda uyu ndongoda zvinhu zvaanondiigira musi wechishanu zvotopera chete". " Itai tione". "Asi ndiwe unozviziva wega wako handidi kuzvinzwa zvobuda nekwamainini vangu uko". " Aiwa handidaro ini ". Takatandara hedu tave kutaura dzimwe ndokuenda hangu kumba kwedu ndokusvika ndichivata hangu .Mangwana acho vana mainini nana sisi vangu vaive vauya havo.Chaindibhowa inyaya yekuudzwa kunzi ndaive ndamhanya asi ndaivaudza anogara moyo vonyarara .Ko handi kuungana kwavaive vaita vaive vakaunganira ini here nekuda mari futi. Sezvinei mazuva acho aita seaimhanyiswa kani kuti zuva raive rakamirirwa nemunhu wese risvike.Bva ndainge ndanzwa kani nekutsiurwa kurairwa rairwa kwacho kwainge kwanyanya zvako. Musi wechishanu manheru takadogara panze tichiita nyaya. "Muzukuru wangu mangwana ndiro zuva rekupedzisira kuve pano kwawave kuenda uko unodzikama nekuti ukasadaro ini kungonzwa kuti uri kuita zvisina hunhu ikoko ndouya ndikakurova ini". " Ehe muudzei muzukuru wenyu uyu pamuromo asiye hake nekuti haaa tinganyadziswa isu". Ndaingoteerera hangu ndichiseka panoda kusekwa panoda kudairwa ndichidaira zvangu . Uku ndaingoti kungodai ndotarisa kuti Genesis waisa message here ndowana asina apa ainge aguma online makuseni chaiwo .Ndaive ndave kutobhoekana ini ndave kufunga kuti haachauyi. Nguva dzekurara dzakakwana vanhu ndokuenda kunorara ini ndairara nana sisi vangu.Havana kutora nguva kuridza ngonono ini ndakasvinurira foni ndakamirira kufona kwaGenesis. Twelve yehusiku yakasvika pakuchaya ndakasvinura dzamara hope dzave kupota dzichindiba . Kwave kuma hwani ndipo pandakaona ofona ndaive ndakaisa foni pasilent saka ndakanyahwaira pasina andiona ndokubuda ndokuzodaira foni ndave kunze kwemusha". "Hello". " Ngirozi huyaka ndave kuroad kuya sorry mukadzi wangu ndanonoka kuuya kusvika". "Horaiti ndiri kuuya " Ndakacheuka ndokuona kuti hapana ainditevera here ndokumhanya ndichienda kuya ndikasvika ndichipinda mumota . "Ngirozi yangu". Ndakavhara kumeso ndokubva ati" Chigananda team sanganai nengirozi yangu iyi Exodus ". Ndakavhunduka ndichicheuka kumashure kwaive nevakomana vaviri vaive vakazara mazi tatoos mumaoko umu nemuchifuva umu. Ndakavhunduka ndokubva ndadaira kundimhoresa kwavakaita ndokubva ndati" Chindipai zvinhu zvangu ndiende ini". Ndakadaro ndave kubvunda iye ndokuti"Kana handi nhasi ndati tinenge tichionekana here sezvo wakaramba kuita wangu saka umomhanyirei hako". Akadaro ave kumutsa mota ndoku driver hake achiti akanditarisa ondichonya. Yakaedza nedivi rinogara mbinga mubeitbridge ndokunopinda pamwe pamba paive pakanaka naka ndokumira. "Welcome to my house ngirozi". Akadaro achipuruzira chidya changu ndokubva acheuka kumashure ndokuti" Mooona kuti maisa zvinhu pakanaka handiti ini regai ndimboratidza ngirozi mumba ". Akadaro achiburuka ndokuzondibata ruoko urwo rwaive rwave nedikita nechekare nekutya. " Ko ukaita seuri kutya wani nhai ngirozi yangu". "Ndoda kuenda kumba ini". " Unoenda imbouya uone mumba ndokuperekedza ". " Handidi moda kundiitei mumba menyu". "Ngirozi kani eish huyaka nhai babes". Ndakabatwa ruoko zvine husimba mukati ndokuendwa neni mumba macho. "Ndiyo imba yemurume wako ino iyi huya kuno uone". Ndakabatwa ruoko ndokuendwa neni futi ndokupinzwa kuda maive imo mubedroom macho nekuda kwekunaka kwamaive makaita. Tichingopinda akabva akiya mukova ndokubva atanga kukumura hembe yekumusoro. " Ndoda kubuda muno ini honai nguva padzave apa vanhu vakamirira zuva rangu vanoti ndaendepi". "Unodzokera". Apa vaitobisa bhurukwa ndokusara nekashoti kemukati chaimo ndokutanga kufamba vachiuya kwandaive. Ndakavhara kumeso ndokuti" Hamunyari here nhaimi". "Kunyara mukadzi wangu here huya kuno uku". Vaitondikwevera kwavari ndokutanga kundimbandika mbandika apa zvairwadza. " Musandidaro kani zvamuri kuitwa zvovafirwa kuitwa naAnesu chete kwete imi". "Ndiwoka mavambo acho andaitaura nhai ngirozi kuti ndini ndichatanga newe hako murume wako ozotevera ndini Mavambo". Ndakatanga kurwisa asi simba racho ndakakurirwa ini kusvika ndibviswe mbatya dzese . Vakandibata zvine simba ndokuuya pamusoro pangu ndokunzwa vave kuvhura zasi kwangu ndokupinda havo ndikanzwa sendadamburaa tsinga yaisvika nechekumoyo. " Mandikuvadza kaniiii". Ndakadaro ndichichema ndichivaruma pachifuva asi hazvina zvazvakashanda vakaramba vachitoita kusvika vazondisiya ndakati rabada vakamuka vachienda hameno kuda maive mutoilet here kana kuti. Ndakavatarisa ndichinzwa ruvengo vave kuda kupinda mutoilet ndakaona vane tatoo raive kumusana uku raira rakanyorwa kunzi "CHIGANANDA". END OF CHAPTER 05Baya follow kuchannel ratove kuchapter 20
❤️ 👍 😂 😢 🙏 14

Comments